13 – Ungochani

Aya ndiwo mashoko matsvene aMwari Wemasimbaose.
Hatina basa nemashoko evanhu.
Chero ani zvake anoda Mwari . . . Izvi ndizvo zvinotaurwa naMwari pamusoro pazvo: Ungochani.

Top 3 Mavhesi Anonyanya Kukosha

1 VaKorinde 6:9-11

Ko, hamuzivi here kuti vasakarurama havagari nhaka youmambo hwaMwari? Musanyengerwa: Nokuti mhombwe kana vanonamata zvifananidzo, kana zvifeve, kana varume vanoita zvoufeve, kana varume vanodanana navamwe varume, kana mbavha, kana vana madyo, kana zvidhakwa, kana vanochera vamwe, kana makororo, havangagari nhaka youmambo hwaMwari. Uye izvozvo ndizvo zvakanga zvakaita vamwe venyu. Asi makashambidzwa, mukaitwa vatsvene, mukaruramisirwa muzita raIshe Jesu Kristu, uye noMweya waMwari.

VaRoma 1:26-28

Nokuda kwaizvozvo, Mwari akavaisa pakuchiva kwavo kunonyadzisa. Kunyange navakadzi vavo vakashandura zvavakasikirwa kuti vaite, vakaita zvavasina kusikirwa. Navarume vavo vakaitawo zvimwe chetezvo vakasiya zvavakasikirwa paukama hwavo navakadzi uye vakatsva noruchiva mumwe kuno mumwe murume. Varume vakaita zvisakafanira navamwe varume, uye vakazviwanira mukati mavo mubayiro wakafanira kurasika kwavo. Pamusoro pezvo, sezvavasina kufunga kuti zvakakodzera kuva noruzivo rwaMwari, akavaisa kumurangariro wokurasika, kuti vaite zvisakafanira.

Revhitiko 18:22-23

“ ‘Usavata nomurume somurume anovata nomukadzi; zvinonyangadza. “ ‘Usasangana nemhuka uye ugozvisvibisa nayo. Mukadzi haafaniri kuzvipa kumhuka kuti asangane nayo; uku kunyangadza kukuru.

Ndima dzese muCanonical Order – 21 ndima

Genesisi 1:27

Saka Mwari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika mumufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi.

Genesisi 2:24

Nokuda kwechikonzero ichi, murume achasiya baba namai vake agonamatira kumukadzi wake, uye vachava nyama imwe.

Genesisi 18:20-32

Ipapo Jehovha akati, “Kuchema pamusoro peSodhomu neGomora kukuru kwazvo uye chivi chavo chaipisisa zvokuti ndichaburuka kuti ndinoona kana zvavakaita zvakanyanya kuipa sokuchema kwakasvika kwandiri. Kana zvisina kudaro, ndichazviziva.” Vanhu vaya vakabvapo uye vakaenda vakananga kuSodhomu, asi Abhurahama akaramba amire pamberi paJehovha. Ipapo Abhurahama akaswedera kwaari akati, “Ko, muchaparadza vakarurama pamwe chete navakaipa here? Ko, kana muguta mune vanhu makumi mashanu vakarurama? Muchariparadza zvechokwadi here mukasasiya nzvimbo iyo nokuda kwavanhu makumi mashanu varimo? Zvakadaro ngazvive kure nemi kuti muite chinhu chakadai, kuti muuraye vakarurama pamwe chete navatadzi, muchiitira vakarurama zvakafanana navatadzi. Zvakadaro ngazvive kure nemi! Ko, mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?” Jehovha akati, “Kana ndikawana vanhu vakarurama makumi mashanu vari muguta reSodhomu, ndichaponesa nzvimbo yose nokuda kwavo.” Ipapo Abhurahama akataurazve akati, “Zvino zvandatanga kudai kuti nditaure kuna Ishe, kunyange hazvo ndisiri chinhu asi guruva namadota, ko, kana kukashayikwa vashanu kune vakarurama vana makumi mashanu? Muchaparadza guta rose nokuda kwavashanu ava here?” Akati, “Kana ndikawana makumi mana navashanu imomo, handingariparadzi.” Zvakarezve akataura kwaari akati, “Ko, kana kukawanikwa makumi mana chete?” Iye akati, “Nokuda kwamakumi mana iwayo, handingaiti izvozvo.” Ipapo akati, “Ishe ngaarege kunditsamwira, asi regai nditaure hangu. Ko, kana makumi matatu chete vakawanikwamo?” Iye akapindura akati, “Handingaiti izvozvo kana ndikawana makumi matatu chete.” Abhurahama akati, “Zvino zvandatsunga hangu kudai kuti nditaure kuna Ishe, ko, kana makumi maviri akawanikwamo?” Iye akati, “Nokuda kwamakumi maviri iwayo, handingariparadzi.” Ipapo akati, “Ishe ngaarege kunditsamwira, asi regai hangu nditaurezve kamwe chete. Ko, kana gumi chete vakawanikwamo?” Iye akapindura akati, “Nokuda kwaivavo gumi, handingariparadzi.”

Genesisi 19:1-11

Vatumwa vaviri vakasvika muSodhomu madekwana, uye Roti akanga agere pasuo reguta. Akati achivaona, akasimuka kuti andosangana navo uye akakotamisa uso hwake pasi. Akati, “Madzishe angu, ndapota hangu tsaukirai henyu kumba kwomuranda wenyu. Mushambidze henyu tsoka dzenyu uye mugovata usiku huno, ipapo mugoenda henyu mangwana mangwanani.” Ivo vakati, “Kwete, tichavata hedu pachivara usiku huno.” Asi akavakumbirisa zvokuti vakatenda kuenda naye uye vakapinda mumba make. Akavagadzirira zvokudya, akabika chingwa chisina mbiriso, uye vakadya. Vasati vaenda kundovata, varume vose vaibva kumativi ose eguta reSodhomu, vose vaduku navakuru, vakakomba imba. Vakadana Roti vachiti, “Varipiko varume vapinda mumba mako usiku huno? Vaburitse kuno kwatiri kuti tivate navo.” Roti akabuda kunze kuti andosangana navo uye akapfiga mukova shure kwake, akati, “Kwete, shamwari dzangu. Regai kuita chinhu ichi chakaipa. Tarirai, ndina vanasikana vaviri vasina kutongovata nomurume. Regai ndivabudisire kwamuri uye mungagona kuita zvamunoda navo. Asi musaita kana chinhu kuvarume ava, nokuti vakavanda pasi pedenga rangu.” Ivo vakati, “Suduruka!” Uye vakati, “Munhu uyu akauya pano ari mutorwa, asi zvino ava kuda kutitonga! Tichakuitira zvakaipa iwe kupfuura ivo.” Vakaramba vachimanikidza Roti uye vakaswedera mberi kuti vapaze gonhi. Asi varume vaiva mukati vakatambanudza maoko avo vakakwevera Roti mumba uye vakapfiga mukova. Ipapo vakapofumadza varume vakanga vari pamukova wemba, vaduku navakuru, zvokuti havana kuzogona kuona mukova.

Genesisi 19:12-17

Varume vaviri vakati kuna Roti, “Una vamwe vanhu pano here, vakuwasha, vanakomana kana vanasikana, kana mumwe wako zvake ari muguta? Vabudise muno, nokuti tiri kuzoparadza nzvimbo ino. Kuchema kuna Jehovha pamusoro pavanhu ava kwakura zvokuti atituma kuzoriparadza.” Saka Roti akabuda akandotaura kuvakuwasha vake, vakanga vatsidza kuti vachawana vanasikana vake, akati, “Kurumidzai kubva panzvimbo ino, nokuti Jehovha ava kuda kuparadza guta!” Asi vakuwasha vake vakafunga kuti aiita zveje-e navo. Mambakwedza, vatumwa vakakurudzira Roti vachiti, “Kurumidza! Tora mukadzi wako navanasikana vako vaviri vaunavo, kuti murege kuparadzwa kana guta roparadzwa.” Akati achinonoka, varume vakabata ruoko rwake uye namaoko omukadzi wake neavanasikana vake vaviri vakavabudisa zvakanaka kunze kweguta, nokuti Jehovha akavanzwira tsitsi. Vakati vachangovabudisa kunze, mumwe wavo akati, “Tizai nokuda kwoupenyu hwenyu! Musacheuka, uye musamira papi zvapo mubani! Tizirai kumakomo kuti murege kuparadzwa!”

Genesisi 19:24

Ipapo Jehovha akanayisa safuri inopfuta pamusoro peSodhomu neGomora, zvichibva kudenga kuna Jehovha.

Genesisi 19:26

Asi mukadzi waRoti akacheuka, akava shongwe yomunyu.

Revhitiko 18:22-23

“ ‘Usavata nomurume somurume anovata nomukadzi; zvinonyangadza. “ ‘Usasangana nemhuka uye ugozvisvibisa nayo. Mukadzi haafaniri kuzvipa kumhuka kuti asangane nayo; uku kunyangadza kukuru.

Revhitiko 20:13

“ ‘Kana mumwe akavata nomurume seanovata nomukadzi vose vari vaviri vaita zvinonyangadza. Vanofanira kuurayiwa. Ropa ravo richava pamusoro pavo.

Dhuteronomi 22:5

Mukadzi haafaniri kupfeka nguo dzomurume, uye murume haafaniri kupfeka nguo dzomukadzi, nokuti Jehovha Mwari wenyu anonyangadzwa nomunhu anoita izvi.

Mateo 19:4-6

Akavapindura achiti, “Hamuna kuverenga here kuti kubva pakutanga Musiki akavaita munhurume nomunhukadzi, akati, ‘Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba namai vake agobatanidzwa nomukadzi wake, vaviri ava vachava nyama imwe chete?’ Saka havachisiri vaviri asi mumwe chete. Naizvozvo chabatanidzwa naMwari pamwe chete, hapana munhu anofanira kuchiparadzanisa.”

Mako 10:6-9

Asi kubvira kumavambo okusikwa kwezvinhu, Mwari ‘akavaita murume nomukadzi.’ Nokuda kwaizvozvi, murume achasiya baba vake namai vake uye agonamatira kumukadzi wake, uye vaviri ava vachava nyama imwe. Saka havachisiri vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo izvo zvabatanidzwa naMwari, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.”

Ruka 15:10

Saizvozvo, ndinoti kwamuri, pano mufaro pamberi pavatumwa vaMwari pamusoro pomutadzi mumwe chete anotendeuka.”

Mabasa 3:19

Naizvozvo, tendeukai zvino, mudzokere kuna Mwari, kuitira kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzokuvandudzwa dzinobva kuna She dzisvike

VaRoma 1:24-32

Naizvozvo Mwari akavaisa kuzvishuvo zvakaipa zvemwoyo yavo, zvokuzvisvibisa noupombwe kuti vazvidze miviri yavo pakati pavo. Vakatsinhanisa zvokwadi yaMwari nenhema, vakanamata uye vakashumira zvisikwa panzvimbo yoMusiki, iye anokudzwa nokusingaperi. Ameni. Nokuda kwaizvozvo, Mwari akavaisa pakuchiva kwavo kunonyadzisa. Kunyange navakadzi vavo vakashandura zvavakasikirwa kuti vaite, vakaita zvavasina kusikirwa. Navarume vavo vakaitawo zvimwe chetezvo vakasiya zvavakasikirwa paukama hwavo navakadzi uye vakatsva noruchiva mumwe kuno mumwe murume. Varume vakaita zvisakafanira navamwe varume, uye vakazviwanira mukati mavo mubayiro wakafanira kurasika kwavo. Pamusoro pezvo, sezvavasina kufunga kuti zvakakodzera kuva noruzivo rwaMwari, akavaisa kumurangariro wokurasika, kuti vaite zvisakafanira. Vakazadzwa nokusarurama kworudzi rwose, kuipa, makaro nokurasika. Vakazara negodo, umhondi, nokukakavara, unyengeri nokuvenga. Vane makuhwa, vanochera vamwe, vanovenga Mwari, vanodada, vanozvikudza uye vanozvirumbidza; vanovamba nzira dzokuita zvakaipa; havateereri vabereki vavo; havafungi, havana kutenda, vane mwoyo wakaipa, havana tsitsi. Kunyange zvavo vachiziva mutemo wakarurama waMwari kuti avo vanoita zvakadai vakafanirwa norufu, havarambi vachiita zvinhu izvi bedzi, asi kuti vanotenderanawo navanozviita.

1 VaKorinde 6:9-11

Ko, hamuzivi here kuti vasakarurama havagari nhaka youmambo hwaMwari? Musanyengerwa: Nokuti mhombwe kana vanonamata zvifananidzo, kana zvifeve, kana varume vanoita zvoufeve, kana varume vanodanana navamwe varume, kana mbavha, kana vana madyo, kana zvidhakwa, kana vanochera vamwe, kana makororo, havangagari nhaka youmambo hwaMwari. Uye izvozvo ndizvo zvakanga zvakaita vamwe venyu. Asi makashambidzwa, mukaitwa vatsvene, mukaruramisirwa muzita raIshe Jesu Kristu, uye noMweya waMwari.

1 Timoti 1:9-10

Tinozivawo kuti murayiro hauna kuitirwa vakarurama asi vanodarika murayiro navanomukira, vasina umwari navatadzi, vasiri vatsvene navasina chinamato; vaya vanouraya vanababa vavo kana vanamai vavo, vanouraya vanhu, mhombwe navanopomba navamwe varume, navanotengesa vanhu kuti vave varanda, varevi venhema, navanopika nhema, uye kana chimwe chipi zvacho chinopesana nedzidziso yechokwadi

2 Petro 2:4-10

Nokuti kana Mwari asina kuregerera vatumwa pavakatadza, asi akavatumira kugehena, achivaisa mugomba rerima kuti vachengeterwe kutongwa; kana asina kuregerera nyika yakare paakauyisa mafashamu pavanhu vayo vakanga vasingatyi Mwari, asi akadzivirira Noa, muparidzi wokururama, navamwewo vanomwe; kana akatonga maguta eSodhomu neGomora nokuapisa nomoto kusvikira ava dota, uye akaaita muenzaniso wezvichaitika kuna vasingadi Mwari; uye kana akanunura Roti, murume akarurama, akatambudzika nokuda kwoupenyu hwetsvina hwavanhu vakanga vakatsauka (nokuti murume uyu akarurama, agere pakati pavo zuva nezuva, akatambudzwa mumwoyo wake wakarurama nezviito zvavasakurama zvaakaona nezvaakanzwa), kana zvakadaro, ipapo Ishe anoziva kuti anonunura sei vanhu vake vanotya Mwari kubva pamiedzo uye kuti anobata sei vasakarurama kuti varangwe kusvikira pazuva rokutongwa. Izvozvo zvinoitwa navaya vanotevera kuchiva kwakaora kwomunhu wenyama uye vachizvidza vakuru. Vanhu ava havatyi kutuka zvisikwa zvokudenga, vakashinga uye vanozvikudza;

2 Petro 3:9

Ishe haanonoki kuita zvaakavimbisa, sokunonoka kunonzwisiswa navamwe. Ane mwoyo murefu nemi, haadi kuti ani zvake arasike, asi kuti vose vatendeuke.

Judha 1:6-8

Uye vatumwa vasina kuchengeta nzvimbo youkuru hwavo asi vakasiya musha wavo, ivava akavachengeta murima, vakasungwa nengetani dzokusingaperi vakamirira kutongwa pazuva guru. Nenzira imwe cheteyo, Sodhomu neGomora uye namaguta akanga akapoteredza akazvipa kuupombwe nokutsauka, akava muenzaniso wavaya vari pakurangwa nomoto usingaperi. Nenzira imwe cheteyo, ava varoti vanosvibisa miviri yavo, vachiramba vakuru uye vachituka zvisikwa zvokudenga.

Zvakazarurwa 21:8

Asi vanotya, vasingatendi, navanonyangadza, mhondi, nemhombwe, navanoita zvouroyi, vanonamata zvifananidzo navanoreva nhema, nzvimbo yavo ichava mudziva romoto rinopfuta nesafuri. Urwu ndirwo rufu rwechipiri.”

Shona - Shona - SN

SNCB'17 - Bhaibheri Dzvene Muchishona Chanhasi Contemporary - 2017

This Bible text is from Biblica Open Shona Contemporary Bible 2017
https://open.bible/bibles/shona-biblica-text-bible/
provided by: Biblica Inc, available by Creative Commons CC-BY-SA-4.0,
and this new compilation is shared as www.creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0.
Languages are made available to you by www.ipedge.net