08 – Jesu
Aya ndiwo mashoko matsvene aMwari Wemasimbaose.
Hatina basa nemashoko evanhu.
Chero ani zvake anoda Mwari . . . Izvi ndizvo zvinotaurwa naMwari pamusoro pazvo: Jesu.
Aya ndiwo mashoko matsvene aMwari Wemasimbaose.
Hatina basa nemashoko evanhu.
Chero ani zvake anoda Mwari . . . Izvi ndizvo zvinotaurwa naMwari pamusoro pazvo: Jesu.
Nokuti zvinhu zvose zvakasikwa naye: zviri kudenga nezviri panyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, zvigaro zvoushe kana masimba kana vatongi kana vane simba; zvinhu zvose zvakasikwa naye uye zvakasikirwa iye. Iye anotangira zvose, uye zvinhu zvose zvinobatana maari.
”Achava nomwana mukomana wauchazotumidza zita rokuti Jesu nokuti ndiye achaponesa vanhu vake kubva muzvivi zvavo.” Izvi zvose zvakaitika kuti zvizadzise zvakanga zvataurwa naIshe kubudikidza nomuprofita wake zvokuti: “Mhandara ichava napamuviri, igozvara mwana mukomana, uye vachamutumidza zita rokuti Emanueri, zvichireva kuti, ‘Mwari anesu.’ ”
”Ipapo ndakatarira uye ndikanzwa inzwi ravatumwa vazhinji, zviuru nezviuru negumi rezviuru zvamazana. Vakakomberedza chigaro choushe nezvisikwa zvipenyu uye navakuru. Vakaimba nenzwi guru vachiti: “Gwayana ndiro rakafanira, iro rakanga raurayiwa, kuti rigamuchire simba nepfuma nouchenjeri nesimba nokukudzwa nokubwinya uye nokurumbidzwa!” Ipapo ndakanzwa zvisikwa zvose kudenga napanyika napasi penyika uye napamusoro pegungwa, nezvose zviri mazviri, zvichiimba zvichiti: “Kuna iye anogara pachigaro choushe uye nokuGwayana ngakuve nokurumbidzwa nokukudzwa nokubwinya uye nesimba, nokusingaperi-peri!” Zvisikwa zvipenyu zvina zvakati, “Ameni,” uye vakuru vakawira pasi vakanamata.
”Uye ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, uye pakati porudzi rwako nerwomukadzi; achapwanya musoro wako, uye iwe ucharuma chitsitsinho chake.”
”Isaka akataura nababa vake Abhurahama akati, “Baba!” Abhurahama akati, “Chiiko mwanangu?” Isaka akati, “Moto nehuni zviri pano, asi gwayana rechipiriso chinopiswa riripiko?” Abhurahama akapindura akati, “Mwari pachake ndiye achapa gwayana rechipiriso chinopiswa, mwanakomana wangu.”
”Mwari akati kuna Mozisi, “NDIRI WANDIRI. Izvi ndizvo zvaunofanira kutaura kuvaIsraeri: ‘NDIRI’ andituma kwamuri.”
”“Kana munhu akatadza uye akaita zvisingabvumirwi pamirayiro ipi zvayo yaJehovha, kunyange asingazvizivi, ane mhosva uye achava nemhaka. Anofanira kuuya kumuprista nechipiriso chemhosva gondobwe risina kuremara uye rine muripo wakafanira. Nenzira iyi muprista achamuyananisira pakukanganisa kwaakaita nokusaziva, uye acharegererwa.
”Ndinoziva kuti mudzikinuri wangu mupenyu, uye kuti pakupedzisira achamira pamusoro penyika.
”Kumutungamiri wokuimba. Namaimbirwo e“Nondo yamangwanani.” Pisarema raDhavhidhi. Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko? Sei muri kure zvakadai nokundiponesa, kure zvakadai namashoko okugomera kwangu?
”Ndadururwa semvura, uye mapfupa angu ose abva asvodogoka. Mwoyo wangu washanduka ukava namo; wanyungudika mukati mangu. Simba rangu raoma sechaenga, uye rurimi rwangu runonamatira kumusoro kwomuromo wangu; munondiradzika muguruva rorufu. Imbwa dzakandikomba; boka ravanhu vakaipa rakandipoteredza, vakabvoora maoko angu netsoka dzangu. Ndinokwanisa kuverenga mapfupa angu ose; vanhu vanondinanʼanidza uye vanofarira kutambudzika kwangu. Vanogovana nguo dzangu pakati pavo uye vanokanda mijenya nokuda kwenguo yangu.
”Ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu; ndidzikinurei, imi Jehovha, Mwari wechokwadi.
”anochengetedza mapfupa ake ose, hakuna nerimwe rawo richavhunika.
”Kunyange neshamwari yangu yapedyo yandaivimba nayo, yandaigovana zvokudya nayo, yandisimudzira chitsitsinho chayo.
”Zita rake ngarigare nokusingaperi; ngarirambe riripo sokuvapo kwezuva. Ndudzi dzose dzicharopafadzwa kubudikidza naye, uye vachamuti, ano mufaro.
”Ndichamugadzawo kuti ave dangwe rangu, iye anokudzwa zvikuru pamadzimambo enyika.
”Dombo rakarambwa navavaki ndiro rakazova musoro wekona;
”Ndiani akakwidza kudenga uye akazoburuka? Ndiani akabata mhepo mumaoko ake? Ndiani akasungirira mvura munguo yake? Ndiani akaisa migumo yose yenyika? Zita rake ndiani, uye nezita romwanakomana wake? Ndiudzei kana muchiriziva!
”Mugore rakafa Mambo Uziya, ndakaona Ishe agere pachigaro choushe, chirefu chakakwirira uye mupendero wenguo dzake wakazadza temberi. Kumusoro kwake kwaiva neserafimi, imwe neimwe yaiva namapapiro matanhatu: namapapiro maviri, dzakafukidza uso hwadzo, namaviri dzakafukidza makumbo adzo, uye namaviri dzakanga dzichibhururuka. Zvino imwe yaidanidzira kune imwe ichiti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha Wamasimba Ose; nyika yose izere nokubwinya kwake.”
”Naizvozvo Jehovha pachake achakupai chiratidzo: Mhandara ichava nemimba uye ichabereka mwanakomana igomutumidza kuti Imanueri. Iye achadya ruomba nouchi paachaziva zvakakwana kuti arambe zvakaipa achisarudza zvakarurama. Asi mwana asati anyatsoziva kuramba zvakaipa nokusarudza zvakanaka, nyika yamadzimambo maviri aunotya ichava dongo.
”Vanhu vaifamba murima vakaona chiedza chikuru; avo vaigara munyika yomumvuri worufu, chiedza chakavavhenekera.
”Nokuti takazvarirwa mwana, takapiwa mwanakomana, uye umambo huchava pamapfudzi ake. Uye achanzi Gota Rinoshamisa, Mwari Ane Simba, Baba Vokusingaperi, Muchinda woRugare. Kukura kwoumambo hwake nekworugare rwake hazvizovi namagumo. Achatonga pachigaro choushe chaDhavhidhi napamusoro poumambo hwake, achihusimbisa nokuhutsigira, nokururamisira uye nokururama, kubva panguva iyoyo kusvikira nokusingaperi. Kushingaira kwaJehovha Wamasimba Ose kuchazviita.
”Bukira richabva kudzinde raJese; Davi rinobva pamidzi yake richabereka muchero. Mweya waJehovha uchagara pamusoro pake, mweya wouchenjeri newokunzwisisa, mweya wokurayira nowesimba, mweya wokuziva newokutya Jehovha,
”Hazvingazokuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika ichazara nokuziva Jehovha semvura zhinji inofukidza gungwa. Pazuva iro Mudzi waJese uchamira somureza wamarudzi; ndudzi dzichamhanyira kwaari, uye nzvimbo yake yokuzorora ichabwinya.
”Ipapo meso amapofu achasvinudzwa uye nzeve dzematsi dzichazarurwa. Ipapo akaremara achakwakuka senondo, uye rurimi rwechimumu ruchaimba nomufaro. Mvura ichatubuka murenje, uye nehova dzemvura mugwenga.
”“Tarirai muranda wangu, wandinotsigira, musanangurwa wangu wandinofarira; Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake, uye achavigira ndudzi kururamisirwa.
”“Zvanzi naJehovha, Mambo waIsraeri noMudzikinuri, Jehovha Wamasimba Ose: Ndini wokutanga uye ndini wokupedzisira; kunze kwangu hakuna Mwari.
”Ndakapa musana wangu kuna avo vaindirova, namatama angu kuna avo vakadzura ndebvu dzangu; Handina kuvanza chiso changu pakusekwa nokupfirwa mate.
”Tarirai muranda wangu achaita nouchenjeri; achasimudzirwa uye achakwidzwa pamusoro, uye achakudzwa kwazvo. Sezvo vazhinji vakashamiswa naye, chiso chake chakanga chakakuvadzwa zvikuru, kupfuura chomunhu upi zvake, uye chimiro chake chakanga chakanganiswa, kupfuura kuratidzika kwomunhu, saka iye achasasa ndudzi zhinji, uye madzimambo achafumbira miromo nokuda kwake. Nokuti zvavakanga vasina kuudzwa, vachazviona, uye zvavasina kumbonzwa, vachazvinzwisisa.
”Ndianiko akatenda zvatakaparidza, uye ruoko rwaJehovha rwakaratidzwa kuna aniko? Akamera pamberi pake sebukira nyoro, uye somudzi pavhu rakaoma. Akanga asina runako kana chimiro choumambo kuti atikwezve kwaari, hapana chatingada pakuratidzika kwake. Akazvidzwa uye akarambwa navanhu, murume wokusuwa, uye anoziva kutambudzika. Somunhu anovanzirwa chiso navanhu, akazvidzwa, uye isu hatina kumukudza. Zvirokwazvo akatakura matenda edu, uye akatakura kurwadziswa kwedu; asi isu takafunga kuti akarohwa naMwari, akarohwa naye uye akarwadziswa. Asi akabayiwa nokuda kwokudarika kwedu, akakuvadzwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwaiva pamusoro pake, uye namavanga ake takaporeswa. Isu tose takanga takarasika samakwai, mumwe nomumwe nenzira yake, asi Jehovha akaisa pamusoro pake kuipa kwedu tose. Akamanikidzwa uye akarwadziswa, asi haana kushamisa muromo wake; akatungamirirwa segwayana riri kundobayiwa, uye sokunyarara kwegwai pamberi pomuveuri waro, saizvozvo haana kushamisa muromo wake. Akabviswa achimanikidzwa uye akatongwa. Uye ndianiko angataura rudzi rwake? Nokuti akagurwa kubva panyika yavapenyu, nokuda kwokudarika kwavanhu vangu, akarohwa. Akapiwa guva rake pakati pavatadzi, uye akava navapfumi pakufa kwake, kunyange akanga asina kuita zvechisimba, uye kunyengera kusina kuwanikwa mumuromo make. Asi kwakanga kuri kuda kwaJehovha kuti amukuvadze uye aite kuti atambudzike, uye kunyange zvazvo Jehovha akaita kuti upenyu hwake huve chipiriso chezvivi, achaona zvibereko zvake uye achawedzera mazuva ake, uye kuda kwaJehovha kuchabudirira muruoko rwake. Shure kwokutambudzika kwomweya wake, achaona chiedza choupenyu uye achagutsikana; nokuziva kwake, muranda wangu akarurama acharuramisira vazhinji, uye achatakura kuipa kwavo. Naizvozvo ndichamupa mugove pakati pavakuru vakuru, uye achagoverana zvakapambwa navane simba, nokuti akadurura upenyu hwake kusvika parufu, akaverengwa pamwe chete navadariki. Nokuti akatakura chivi chavazhinji, akanyengeterera vadariki.
”Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu, nokuti Jehovha akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika, kuti ndiparidze kusunungurwa kwavakatapwa, nokubudiswa kwavasungwa kuti vabve murima, kuti ndiparidze gore rengoni dzaJehovha uye nezuva rokutsiva kwaMwari wedu, kuti ndinyaradze vose vanochema, uye ndiriritire avo vanochema muZioni, kuti ndiise pamusoro pavo korona yorunako pachinzvimbo chamadota, mafuta omufaro pachinzvimbo chokuchema, uye nenguo yokurumbidza pachinzvimbo chomweya wakarukutika. Vachanzi miouki yokururama, yakasimwa naJehovha kuti aratidze kubwinya kwake.
”“Mazuva achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “pandichamutsira Dhavhidhi Davi rakarurama, Mambo achatonga nouchenjeri nokururamisira uye nokuita zvakarurama munyika.
”“Nguva inouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “yandichaita sungano itsva neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha. Haingazofanani nesungano yandakaita namadzitateguru avo, pandakavabata ruoko kuti ndivabudise munyika yeIjipiti, nokuti vakaputsa sungano yangu, kunyange ndakanga ndiri murume kwavari,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Iyi indiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri shure kwamazuva iwayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichaisa murayiro wangu mundangariro dzavo uye ndigounyora mumwoyo yavo. Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu. Hakuna munhu achadzidzisa muvakidzani wake kana hama yake, achiti, ‘Ziva Jehovha,’ nokuti vose vachandiziva, kubva kumuduku wavo kusvikira kumukuru,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti ndichavakanganwira kuipa kwavo, uye handingarangaririzve zvivi zvavo.”
”“Mumazuva amadzimambo ayo, Mwari wokudenga achagadza ushe husingazoparadzwi, uye hahungazombosiyirwi vamwe vanhu. Huchapwanya ushe hwose hugohugumisa, asi ihwo huchagara nokusingaperi.
”Ipapo Mambo Nebhukadhinezari akasvetuka achishamisika kwazvo ndokubvunza vanamupamazano vake achiti, “Ko, havasi varume vatatu vatasunga tikakanda mumoto here?” Vakamupindura vachiti, “Ndizvozvo mambo.” Iye akati, “Tarirai! Ndiri kuona vanhu vana vachifamba-famba mumoto, vasina kusungwa uye vasina kutsva, uye wechina anoratidzika somwanakomana wavamwari.”
”“Ndichakatarisa, “zvigaro zvoushe zvakagadzikwa, uye Iye Wamazuva Akare akagara pachigaro chake. Nguo dzake dzakanga dzakachena sechando; bvudzi romusoro wake rakanga rakachena sewuru. Chigaro chake chainganduma nomoto, uye mavhiri acho ose aipfuta. Rwizi rwomoto rwaiyerera, ruchibuda pamberi pake. Zviuru nezviuru zvakanga zvichimushandira; zviuru gumi zvakapetwa kanokwana gumi zvakamira pamberi pake. Dare rakagara pasi, mabhuku ndokuzarurwa.
”“Ndakatarisa pachiratidzo changu usiku, uye hapo pamberi pangu pakanga pano mumwe akaita somwanakomana womunhu, akanga achiuya namakore okudenga. Akaenda kuna Wamazuva Akare akasvitswa pamberi pake. Akapiwa simba, kubwinya nesimba roushe; vanhu vose, ndudzi dzose uye vanhu vemitauro yose vakamunamata. Ushe hwake hunogara nokusingaperi husingatongopfuuri, uye umambo hwake ndihwo husingazomboparadzwi.
”“Uzive uye unzwisise izvi: Kubva pakupiwa kwechirevo chokuvandudza nokuvaka Jerusarema kusvikira Muzodziwa, iye mutongi, auya, kuchava nevhiki nomwe uye vhiki makumi matanhatu nembiri. Richavakwa rine migwagwa uye nomugero, asi munguva dzokutambudzika. Shure kwevhiki makumi matanhatu nembiri, Muzodziwa achagurwa uye achashaya chinhu. Vanhu vomutongi vachasvika vagoparadza guta nenzvimbo tsvene. Kuguma kuchauya sokudira kwemvura. Hondo icharamba iripo kusvikira kumagumo, uye kuparadzwa kwakatemwa kare.
”“Asi iwe, Bheterehema Efurata, kunyange uri muduku pakati pamarudzi aJudha, kwauri kuchandibudira mumwe achava mutongi pamusoro peIsraeri, mavambo ake ndeakare kare, kubva pamazuva akare kare.”
”Achamira agofudza boka rake musimba raJehovha, muukuru hwezita raJehovha Mwari wake. Uye vachagara norugare, nokuti ipapo kukura kwake kuchasvika kumagumo enyika.
”‘Kubwinya kweimba iripo nhasi kuchapfuura kubwinya kweyokutanga,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. ‘Uye panzvimbo ino ndichauyisa rugare,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.”
”Fara kwazvo, iwe Mwanasikana weZioni! Danidzira, Mwanasikana weJerusarema! Tarira, mambo wako anouya kwauri, iye akarurama uye ano ruponeso, anozvininipisa akatasva mbongoro, iyo mhuru, mwana wembongoro.
”Jehovha akati kwandiri, “Ikande kumuumbi wehari, muripo wakanaka wavakanditenga nawo!” Saka ndakatora makumi matatu esirivha aya ndikaakanda muimba yaJehovha kumuumbi wehari.
”“Uye ndichadurura mweya wenyasha newokunyengetera paimba yaDhavhidhi uye napavagari veJerusarema. Vachatarisa kwandiri, iye wavakabaya, uye vachamuchema souya anochema mwana wake mumwe oga, uye vachachema kwazvo souya anochema mwanakomana wedangwe.
”Kana mumwe munhu akamubvunza achiti, ‘Maronda aya ari pamuviri wako ndeeiko?’ achapindura achiti, ‘Maronda andakakuvadzwa paimba yeshamwari dzangu.’ “Muka, iwe munondo, urwise mufudzi, urwise munhu ari pedyo neni!” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Rova mufudzi, makwai agopararira, uye ndichasimudza ruoko rwangu kuti rurwise madiki acho.
”Iyi ndiyo nhoroondo yamadzitateguru aJesu Kristu mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahama:
”Jakobho baba vaJosefa, uyo aiva murume waMaria, uyo akabereka Jesu, anonzi Kristu.
”Nokudaro kwaiva nezvizvarwa gumi nezvina pamwe chete kubvira pana Abhurahama kusvika pana Dhavhidhi, zvizvarwa gumi nezvina kubva pana Dhavhidhi kusvika pakutapwa kwavo vachiendwa navo kuBhabhironi, zvizvarwa gumi nezvina kubva pakudzoka kwavo kuutapwa kusvika panguva yaKristu.
”Uku ndiko kuberekwa kwakaitwa Jesu Kristu: Maria, mai vake vainge vatsidzirwa kuroorwa naJosefa, asi vasati vagara vose, achiri mhandara, akaonekwa ava napamuviri nokuda kwaMweya Mutsvene.
”Achava nomwana mukomana wauchazotumidza zita rokuti Jesu nokuti ndiye achaponesa vanhu vake kubva muzvivi zvavo.” Izvi zvose zvakaitika kuti zvizadzise zvakanga zvataurwa naIshe kubudikidza nomuprofita wake zvokuti: “Mhandara ichava napamuviri, igozvara mwana mukomana, uye vachamutumidza zita rokuti Emanueri, zvichireva kuti, ‘Mwari anesu.’ ”
”asi haana kusangana naye kusvikira azvara mwana mukomana. Akamutumidza zita rokuti Jesu.
”Mushure mokuberekwa kwaJesu muBheterehema reJudhea munguva yaMambo Herodhi, vachenjeri vaibva kumabvazuva vakasvika muJerusarema, uye vakabvunza vakati, “Aripiko uyo achangoberekwa anova mambo wavaJudha? Takaona nyeredzi yake kumabvazuva, uye tauya kuzomunamata.” Mambo Herodhi akati achinzwa izvi, akatambudzika kwazvo pamwe chete neJerusarema rose. Kuzoti akokera pamwe chete vaprista navadzidzisi vomutemo, akavabvunza kwaizoberekerwa Kristu. Vakapindura vachiti, “MuBheterehema reJudhea nokuti izvi ndizvo zvakanyorwa nomuprofita achiti: “Asi iwe Bheterehema, munyika yeJudhea hausi muduku pamadzimambo ose aJudha, nokuti mauri muchabuda mutongi uyo achava mufudzi wavanhu vangu vaIsraeri.”
”Vakati vasvika pamba apa, vakaona mwana namai vake Maria, uye vakakotamira pasi vakamunamata. Vakasunungura pfuma yavo vakapa zvipo zvegoridhe, nezvinonhuhwira nemura.
”“Ini ndinokubhabhatidzai nemvura kuti mutendeuke. Asi shure kwangu kuchauya mumwe mukuru kwandiri, wandisina kukodzera kunyange kutakura shangu dzake. Achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto. Rusero rwuri muruoko rwake, uye achanatsa buriro rake, achiunganidza gorosi mudura, uye achizopisa hundi mumoto usingadzimi.”
”Ipapo Jesu akabva kuGarirea akauya kuJorodhani kuti azobhabhatidzwa naJohani. Asi Johani akaedza kumudzivisa achiti, “Ini ndini ndinotofanira kubhabhatidzwa nemi, imi mouya sei kwandiri?” Jesu akapindura akati, “Ngazvive saizvozvo iye zvino; zvakafanira kuti tiite izvi kuti tizadzise kururama kwose.” Ipapo Johani akabvuma hake. Jesu angobhabhatidzwa, akabuda mumvura. Panguva iyoyo denga rakazaruka, uye akaona Mweya waMwari uchiburuka senjiva uye ukasvikogara paari. Inzwi rakabva kudenga richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinoda, wandinofarira.”
”Ipapo Jesu akatungamirirwa naMweya Mutsvene kurenje kuti andoedzwa nadhiabhori. Mushure mokunge atsanya kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana, akanzwa nzara.
”Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, Jesu akatanga kuparidza achiti, “Tendeukai nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.”
”Jesu akapota neGarirea rose achidzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa hosha dzose nourwere hwose pakati pavanhu. Mukurumbira wake wakapararira muSiria yose, uye vanhu vakauya kwaari navose vairwara nezvirwere zvakasiyana-siyana, avo vaitambudzwa namarwadzo akanyanya, vakanga vakabatwa namadhimoni, vaiva nezvipusha, nevakanga vakafa mitezo, uye akavaporesa. Vanhu vazhinji kwazvo vaibva kuGarirea, Dhekapori, Jerusarema, Judhea nedunhu riri mhiri kweJorodhani vakamutevera.
”“Musafunga kuti ndakauya kuzoparadza Murayiro kana Vaprofita; handina kuuya kuzozviparadza asi kuzozvizadzisa.
”“Naizvozvo ndinokutaurirai kuti, musafunganya nezvoupenyu hwenyu, kuti muchadyei kana kuti muchanwei, kana nezvemiviri kuti muchapfekei. Ko, upenyu hahusi hwakakosha here kudarika zvokudya, nomuviri kudarika nguo?
”“Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe’ vachapinda muushe hwokudenga, asi uyo chete anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.
”Jesu akapindura achiti, “Makava ane mwena yawo, shiri dzina matendere adzo, asi Mwanakomana woMunhu haana paangatsamidza musoro wake.”
”Varume ava vakashamiswa uye vakabvunza vachiti, “Munhu akaita seiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!”
”Achiziva pfungwa dzavo Jesu akati, “Sei muchifunga zvakaipa mumwoyo yenyu?
”Asi kuti mugoziva kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Ipapo akati kumunhu uya akanga akafa mitezo, “Simuka, tora bonde rako uende kumba.”
”Jesu akafamba nomumaguta ose nemisha yose, achidzidzisa mumasinagoge avo achiparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa zvirwere zvose nehosha dzose.
”Akadana vadzidzi vake gumi navaviri akavapa simba rokudzinga mweya yakaipa nokuporesa marudzi ose ezvirwere namarudzi ose ehosha.
”Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu, asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo achaponeswa.
”“Ani naani anondipupura pamberi pavanhu neniwo ndichamupupura pamberi paBaba vangu vari kudenga. Asi ani naani anondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga.
”“Musafunga kuti ndakauya kuzouyisa rugare panyika. Handina kuuya kuzouyisa rugare asi munondo. Ndakauya kuti: “ ‘mwanakomana apesane nababa vake, mwanasikana apesane namai vake, muroora apesane navamwene vake,
”“Ani naani anoda baba vake kana mai vake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu; uye ani naani anoda mwanakomana kana mwanasikana wake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu. Uye uyo asingatakuri muchinjikwa wake akanditevera haana kukodzera kuva wangu.
”Mwanakomana woMunhu akanga achidya uye achinwa, zvino vanoti, ‘Houno wamakaro nomunwi, shamwari yavateresi na“vatadzi”.’ Asi uchenjeri hunozviratidza kuti hwakarurama namabasa ahwo.”
”“Zvinhu zvose zvakapiwa kwandiri naBaba vangu. Hakuna anoziva Mwanakomana kunze kwaBaba, uye hakuna anoziva Baba kunze kwoMwanakomana naavo chete Mwanakomana vaanenge asarudza kuti avazarurire.
”“Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo. Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu hariremi uye mutoro wangu wakareruka.”
”Nokuti Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe weSabata.”
”Marudzi ose achaisa tariro yawo muzita rake.”
”Ipapo vakauya kwaari nomurume akanga akabatwa nedhimoni ari bofu uye ari mbeveve, uye Jesu akamuporesa, zvokuti akagona zvose kutaura nokuona. Vanhu vose vakashamiswa uye vakati, “Kuti uyu angava Mwanakomana waDhavhidhi here?”
”Jesu akaziva pfungwa dzavo akati kwavari, “Umambo hwose hunozvipesanisa huchaparara, uye guta ripi neripi kana imba ipi neipi inozvipesanisa haingamiri.
”Asi kana ndichibudisa madhimoni noMweya waMwari zvinoreva kuti umambo hwaMwari hwasvika kwamuri.
”Nokuti Jona sezvaakaita mazuva matatu nousiku hutatu ari mudumbu rehove huru, saizvozvo Mwanakomana woMunhu achava mumwoyo wenyika kwamazuva matatu nousiku hutatu.
”Nokuti ani naani anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga ndiye mununʼuna wangu nehanzvadzi yangu, namai vangu.”
”Mwanakomana woMunhu achatuma vatumwa vake uye vachadzura kubva muumambo hwake zvose zvinokonzera chivi navose vanoita zvakaipa.
”Uye akarayira kuti vanhu vagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zvishanu nehove dziya mbiri akatarira kudenga akavonga, akazviropafadza uye akazvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi, vadzidzi vakapa vanhu. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakaunganidza zvimedu zvainge zvasara zvikazadza matengu gumi namaviri. Vanhu vakadya vaisvika varume zviuru zvishanu pasingaverengwi vakadzi navana.
”Panguva yechina yousiku Jesu akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. Vadzidzi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa vakatya kwazvo. Vakaridza mhere nokutya vakati, “Hero dzangaradzimu!”
”Ipapo vaya vaiva mugwa vakamunamata vachiti, “Chokwadi muri Mwanakomana waMwari.”
”Uye varume venzvimbo iyoyo vakati vamuziva, vakatumira shoko mudunhu rose rakapoteredza. Vanhu vakauya navarwere vavo vose kwaari vakamukumbira zvikuru kuti abvumire varwere kuti vangobata mupendero wenguo yake uye vose vakamubata vakaporeswa.
”Uye vanhu vazhinji vakauya kwaari navakaremara, mapofu, mhetamakumbo, mbeveve navamwe vazhinji, vakasvikovaisa patsoka dzake uye akavaporesa.
”Ipapo akatora zvingwa zvinomwe zviya nehove dziya, akavonga, akazvimedura ndokuzvipa kuvadzidzi, ivowo ndokupa vanhu vose. Vose vakadya vakaguta. Mushure, vadzidzi vakanhongera zvimedu zvakanga zvasara zvikazadza matengu manomwe. Vanhu vakadya vaiva varume zviuru zvina, vakadzi navana vasingaverengerwi.
”Simoni Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.”
”Ipapo akayambira vadzidzi vake kuti vasaudze ani zvake kuti iye ndiye Kristu.
”Kubva panguva iyoyo Jesu akatanga kutsanangurira vadzidzi vake kuti anofanira kuenda kuJerusarema kundotambudzwa kwazvo pamaoko avakuru navaprista vakuru navadzidzisi vemirayiro uye kuti anofanira kuurayiwa nokumutswazve pazuva retatu.
”Nokuti Mwanakomana woMunhu achauya ari mukubwinya kwaBaba vake aine vatumwa vake, ipapo achapa mubayiro kuno mumwe nomumwe maererano namabasa ake.
”Ipapo akashanduka pamberi pavo. Chiso chake chakapenya sezuva uye nguo dzake dzikachena sechiedza.
”Achiri kutaura kudaro, gore raipenya rakabva ravakwidibira, uye inzwi rikabuda mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinodisa, anondifadza. Munzwei!”
”Vakati vaungana muGarirea Jesu akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu achaiswa mumaoko avanhu. Vachamuuraya asi pazuva retatu achamutswa.” Uye vadzidzi vakasuwa kwazvo.
”“Onai kuti hamuzvidze mumwe wavaduku ava. Ndinokuudzai kuti vatumwa vavo kudenga vanogaroona chiso chaBaba vangu vari kudenga. Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzoponesa chakarasika.
”Nokuti panoungana vaviri kana vatatu muzita rangu, neni ndiripo pakati pavo.”
”Jesu akati, “Kana uchida kuva wakakwana, enda unotengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya wonditevera.”
”“Tiri kukwira kuenda kuJerusarema, uye Mwanakomana woMunhu achaiswa kuvaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro. Vachamutongera rufu uye vagomuisa kune veDzimwe Ndudzi kuti asekwe agorohwa uye arovererwe pamuchinjikwa. Pazuva retatu achamutswa kuti ave mupenyu!”
”sezvazvakangoita kuti Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshandirwa asi kuzoshandira, nokupa upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.”
”Vanhu vazhinji vakawarira nguo dzavo mumugwagwa, vamwewo vakatema mapazi emiti vakaawarira mumugwagwa. Vazhinji vakanga vakatungamira mberi navaya vakanga vachitevera vakadanidzira vachiti: “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi!” “Akaropafadzwa uyo anouya muzita raIshe!” “Hosana kumusoro-soro!”
”Jesu akapinda munzvimbo yetemberi akadzinga vose vaitenga nokutengesa. Akapidigura tafura dzavaitsinhanha mari nezvigaro zvavaitengesa njiva. Akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera,’ asi imi mava kuiita ‘bako ramakororo.’ ” Mapofu navakaremara vakauya kwaari kutemberi, uye akavaporesa. Asi vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro pavakaona zvinhu zvinoshamisa zvaakaita, uye vana vachidanidzira mutemberi vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi,” vakatsamwa.
”Jesu akati kwavari, “Hamuna kutomborava here muMagwaro panoti: “ ‘Ibwe rakarambwa navavaki ndiro rakazova musoro wekona. Ishe aita izvi, uye zvinoshamisa pamberi pedu’? “Naizvozvo ndinokuudzai kuti umambo hwaMwari huchatorwa kubva kwamuri huchipiwa kuvanhu vachabereka zvibereko zvahwo. Uyo anowira pamusoro pebwe iri achavhunika kuita zvidimbu zvidimbu asi uyo warichawira achapwanyiwa.”
”VaFarisi pavakanga vachakaungana pamwe chete, Jesu akavabvunza akati, “Munofungei nezvaKristu? Mwana waani?” Vakapindura vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi.” Akati kwavari, “Ko, zvino sei Dhavhidhi achitaura noMweya akamuti, ‘Ishe’? Nokuti anoti, “ ‘Ishe akati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rworudyi, kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.’ Zvino kana Dhavhidhi achimuti, ‘Ishe’ angagova mwanakomana wake sei?” Hapana akagona kutaura shoko rimwe, uye kubva pazuva iroro zvichienda mberi hapana akazoshinga kumubvunza mimwezve mibvunzo.
”Uye musadaidzwa muchinzi ‘mudzidzisi’ nokuti muno Mudzidzisi mumwe chete iye Kristu.
”“Ipapo muchaiswa kuna vanokutambudzai mugourayiwa, uye muchavengwa nendudzi dzose nokuda kwangu.
”Sezvinoita mheni inopenya kumabvazuva ichionekwawo kumavirira, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana woMunhu.
”“Ipapo chiratidzo choMwanakomana woMunhu chichaonekwa kudenga, uye ndudzi dzose dzenyika dzichachema. Vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.
”Denga nenyika zvichapfuura asi mashoko angu haangatongopfuuri.
”“Mwanakomana woMunhu paanouya nokubwinya kwake, navatumwa vose, achagara pachigaro chake choushe mukubwinya kwokudenga. Ndudzi dzose dzichaunganidzwa pamberi pake, achatsaura vanhu mumwe kubva kuno mumwe somufudzi anotsaura makwai kubva kumbudzi. Achaisa makwai kurudyi rwake, uye mbudzi kuruboshwe rwake. “Ipapo Mambo achati kuna avo vari kurudyi rwake, ‘Uyai imi makaropafadzwa naBaba vangu, mutore nhaka yenyu, umambo hwamakagadzirirwa kubva pakusikwa kwenyika.
”Vachiri kudya, Jesu akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akapa vadzidzi vake, achiti, “Torai mudye; uyu ndiwo muviri wangu.” Ipapo akatora mukombe, akavonga uye akavapa achiti, “Inwai mose. Iri iropa rangu resungano itsva rinodururirwa vazhinji kuti vagoregererwa zvivi zvavo. Ndinokuudzai kuti, handichazonwi zvibereko zvomuzambiringa kubvira zvino kusvikira zuva iro randichazvinwa patsva nemi muumambo hwaBaba vangu.”
”Ipapo akati kwavari, “Mweya wangu uri kushungurudzika kwazvo kusvika pakufa. Garai pano uye murinde pamwe chete neni.”
”Unofunga kuti handigoni here kukumbira kuna Baba vangu, vakandipa iye zvino, vatumwa vanopfuura mapoka makuru gumi namaviri? Asi Magwaro angagozadziswa sei anoti zvinofanira kuitika saizvozvo?”
”Asi Jesu akaramba anyerere. Muprista mukuru akati kwaari, “Ndinokurayira, sezvo wapika naMwari mupenyu, kuti, ‘Tiudze kana uri iwe Kristu, Mwanakomana waMwari.’ ” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo zvamataura. Asi ndinoti kwamuri mose: Munguva inouya muchaona Mwanakomana woMunhu agere kurudyi rwaSamasimba uye achiuya ari mumakore okudenga.”
”Ipapo vakamusvipira mate kumeso uye vakamurova netsiva. Vamwe vakamurova nembama uye vakati, “Profita kwatiri, Kristu. Ndiani akurova?”
”Panguva iyoyo Jesu akamira pamberi pomubati, uye mubati akamubvunza achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura achiti, “Hongu, ndizvo zvamataura.”
”Saka vanhu vazhinji vakati vaungana, Pirato akavabvunza akati, “Ndoupi wamunoda kuti ndikusunungurirei: Bharabhasi kana kuti Jesu anonzi Kristu?”
”Pirato akabvunza akati, “Zvino ndichaiteiko naJesu anonzi Kristu?” Vakapindura vakati, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa!”
”Vakamubvisa nguo dzake vakamupfekedza nguo tsvuku. Vakaruka korona yeminzwa vakaiisa pamusoro wake. Vakamubatisa mudonzvo muruoko rwake rworudyi vakapfugama pamberi pake uye vakamuseka vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!” Vakamusvipira mate vakamutorera tsvimbo iya uye vakamurova nayo mumusoro kakawanda. Shure kwokumuseka, vakamupfekedza nguo dzake chaidzo ndokuenda naye kundomuroverera pamuchinjikwa.
”Pamusoro pake vakaisa rugwaro rwemhosva yake rwaiti: “UYU NDIJESU, MAMBO WAVAJUDHA.”
”Nenzira imwe cheteyo, vaprista vakuru, navadzidzisi vomurayiro navakuru vakamuseka vachiti, “Akaponesa vamwe, asi haagoni kuzviponesa! Ndiye Mambo weIsraeri! Ngaaburuke zvino pamuchinjikwa tigotenda kwaari. Anovimba naMwari saka ngaachimununura iye zvino kana achimuda, nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’ ”
”Nenguva inenge yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvichireva kuti, “Mwari wangu! Mwari wangu, mandisiyireiko?”
”Uye Jesu akati adanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake. Panguva iyoyo chidzitiro chomutemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvika pasi. Nyika yakadengenyeka, uye mabwe akatsemuka. Makuva akazaruka, mitumbi yavatsvene vazhinji vakanga vakafa ikamutswa kuupenyu. Vakabuda mumakuva, uye shure kwokumuka kwaJesu vakapinda muguta dzvene uye vakaonekwa navanhu vazhinji. Mukuru wezana navaya vaakanga anavo vakarinda Jesu, pavakaona kudengenyeka kwenyika nezvose zvakanga zvaitika, vakatya kwazvo, uye vakati, “Zvechokwadi, anga ari Mwanakomana waMwari!”
”Pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru nokuti mutumwa waShe akabva kudenga akaenda paguva akasvikokungurutsa ibwe riya akagara pamusoro paro. Kuonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni uye nguo dzake dzakanga dzakachena sechando. Varindi vakamutya kwazvo zvokuti vakadedera vakaita savanhu vafa. Mutumwa akati kuvakadzi vaya, “Musatya nokuti ndinoziva kuti muri kutsvaka Jesu uyo akarovererwa pamuchinjikwa. Haapo pano; amuka sokutaura kwaakaita. Uyai muone panzvimbo paakanga avete. Zvino kurumidzai muende kundoudza vadzidzi vake kuti, ‘Amuka kubva kuvakafa uye kuti afanotungamira kuGarirea. Muchanomuona ikoko.’ Zvino ndakuudzai.”
”Pakarepo Jesu akasangana navo, akati, “Kwaziwai.” Vakauya kwaari vakabata tsoka dzake uye vakamunamata. Ipapo Jesu akati kwavari, “Musatya. Endai mundoudza hama dzangu kuti vaende kuGarirea; ikoko ndiko kwavachanondiona.”
”Ipapo Jesu akasvika pavari akati, “Simba rose kudenga napanyika rakapiwa kwandiri. Naizvozvo endai mudzidzise ndudzi dzose, muchivabhabhatidza muzita raBaba, neroMwanakomana neroMweya Mutsvene, uye muchivadzidzisa kuti vachengete zvose zvandakakurayirai. Uye zvechokwadi ndinemi kusvikira pakuguma kwenyika.”
”Kutanga kwevhangeri raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari.
”Ndinokubhabhatidzai nemvura, asi iye achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene.”
”Panguva iyoyo Jesu akauya achibva kuNazareta muGarirea uye akabhabhatidzwa naJohani muJorodhani. Jesu paakanga ava kubuda mumvura, akaona denga richizarurwa uye Mweya achiburukira pamusoro pake senjiva. Uye inzwi rakauya richibva kudenga richiti, “Ndiwe Mwanakomana wangu, wandinoda, wandinofarira kwazvo.” Pakarepo Mweya akamutumira kurenje, uye akanga ari murenje kwamazuva makumi mana, achiedzwa naSatani. Akanga ari pamwe chete nemhuka dzesango uye vatumwa vakamushandira.
”Vakaenda kuKapenaume, uye nomusi weSabata, Jesu akapinda musinagoge akatanga kudzidzisa. Vanhu vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti akavadzidzisa somunhu ane simba, asingaiti savadzidzisi vomurayiro. Pakarepo mumwe murume akanga ari musinagoge ravo akanga akabatwa nomweya wakaipa akadanidzira achiti, “Munodeiko kwatiri, imi Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinoziva kuti ndimi ani, imi Mutsvene waMwari!” Jesu akarayira akati, “Nyarara! Buda maari!” Mweya wakaipa wakamuzunza-zunza ndokubva wabuda maari nenzwi guru. Vanhu vose vakashamiswa kwazvo zvokuti vakabvunzana vachiti, “Chiiko ichi? Idzidziso itsva ine simba! Anorayira kunyange mweya yakaipa, uye ichimuteerera.” Mukurumbira wake wakapararira munyika yose yeGarirea.
”uye Jesu akaporesa vazhinji vakanga vane zvirwere zvakasiyana-siyana. Akadzingawo madhimoni mazhinji, asi akanga asingatenderi madhimoni kuti ataure nokuti akanga achiziva kuti iye ndiani.
”Asi iye akabuda akatanga kutaura akasununguka, achiparadzira shoko iro. Nokuda kwaizvozvo, Jesu haana kuzogona kupinda muguta zviri pachena asi akagara kunze, kunzvimbo dzakanyarara. Kunyange zvakadaro vanhu vakaramba vachiuya kwaari vachibva kumativi ose.
”Uye pose paakaenda mumisha, mumaguta kana mumaruwa, vakaisa varwere mumisika. Vakamukumbira kuti avabvumire kubata kunyange mupendero wejasi rake, uye vose vakamubata vakaporeswa.
”Iye akati, “Asi imi munoti kudini? Munoti ndini aniko?” Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu.”
”Akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika pazvinhu zvizhinji uye agorambwa navakuru, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, uye kuti anofanira kuurayiwa, uye shure kwamazuva matatu agomukazve.
”nokuti akanga achidzidzisa vadzidzi vake. Akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu achazopandukirwa achiiswa mumaoko avanhu. Vachamuuraya, uye shure kwamazuva matatu achamuka.”
”Vakanga vari munzira vachikwidza kuenda kuJerusarema, Jesu achivatungamirira, uye vadzidzi vakakatyamara, asi vaya vakanga vachitevera vakanga vachitya. Akatorazve vane gumi navaviri vari voga uye akavaudza zvaizoitika kwaari. Akati, “Tiri kuenda kuJerusarema, uye Mwanakomana woMunhu achapandukirwa agoiswa kuvaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro. Vachamutongera rufu uye vachamuisa mumaoko eveDzimwe Ndudzi, avo vachamuseka uye vagomupfira mate, vachamurova uye vagomuuraya. Shure kwamazuva matatu, achamuka.”
”Nokuti kunyange Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira uye nokupa upenyu hwake kuti huve rudzikinuro rwavazhinji.”
”Paakasvika muJerusarema, Jesu akapinda mutemberi akatanga kudzingira kunze vaya vakanga vachitenga nokutengeserana imomo. Akapidigura tafura dzevaitsinhana mari nezvigaro zvevaitengesa njiva, uye haana kutendera munhu kutakura zvaitengeswa achipinda nomuchivanze chete mberi. Uye akavadzidzisa achiti, “Ko, hazvina kunyorwa here kuti: “ ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yendudzi dzose’? Asi imi maiita ‘bako ramakororo.’ ” Vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakazvinzwa ndokubva vatanga kutsvaka nzira yokumuuraya nayo, nokuti vaimutya, nokuti vanhu vazhinji vose vaishamiswa nedzidziso yake.
”Jesu paakanga achidzidzisa ari mutemberi, akabvunza akati, “Seiko vadzidzisi vomurayiro vachiti Kristu mwanakomana waDhavhidhi?
”Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu, asi uyo anotsungirira kusvikira kumagumo achaponeswa.
”“Panguva iyoyo vanhu vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakore nesimba guru uye nokubwinya.
”Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
”Vakati vari pakudya, Jesu akatora chingwa, akavonga uye akachimedura, akapa vadzidzi vake achiti, “Torai mudye, uyu ndiwo muviri wangu.” Ipapo akatora mukombe, akavonga akaupa kwavari, uye vose vakanwa pauri. Akati kwavari, “Iri ndiro ropa rangu resungano, rinodururirwa vazhinji.
”Asi Jesu akaramba anyerere akasapindura. Muprista mukuru akamubvunzazve achiti, “Ndiwe Kristu here, Mwanakomana waIye Akaropafadzwa?” Jesu akati, “Ndini. Uye muchaona Mwanakomana woMunhu agere kuruoko rworudyi rwaIye Wamasimba achiuya ari pamakore okudenga.”
”Pirato akamubvunza akati, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo sokutaura kwamaita.”
”Vakamupfekedza nguo dzepepuru, ipapo vakamurukira korona yeminzwa vakaigadzika pamusoro wake. Uye vakatanga kudanidzira kwaari vachiti, “Kwaziwaika, mambo wavaJudha!” Vakaramba vachingomurova mumusoro netsvimbo uye vachimupfira mate. Vachipfugama namabvi avo, vakaita savanomunamata. Uye vakati vamudadira, vakabvisa nguo yepepuru vakamupfekedza dzake. Ipapo vakabuda naye kundomuroverera pamuchinjikwa.
”Zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake zvaiti: MAMBO WAVAJUDHA. Vakamuroverera pamwe chete namakororo maviri, mumwe kurudyi uye mumwe kuruboshwe. Uye rugwaro rwakazadziswa runoti, “Akaverengwa pamwe chete navadariki.”
”Kristu uyu, Mambo wavaIsraeri uyu, ngaaburuke iye zvino pamuchinjikwa, kuti tione tigotenda.” Navaya vakanga vakarovererwa pamwe chete naye vakamutukawo.
”Uye panguva yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvinoreva kuti “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?”
”Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake. Chidzitiro chapatemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvikira pasi. Uye mukuru wezana, akanga amirepo, pamberi paJesu, akati anzwa kudanidzira kwake uye aona mafiro aakaita, akati, “Zvirokwazvo murume uyu anga ari Mwanakomana waMwari!”
”Pavakapinda muguva, vakaona jaya rakapfeka nguo chena rakagara kuruoko rworudyi, uye vakavhunduka. Iye akati, “Musavhunduka. Muri kutsvaka Jesu weNazareta, uya akarovererwa pamuchinjikwa. Amuka! Haapo pano. Tarisai pavakanga vamuisa. Asi chiendai mundoudza vadzidzi vake naPetro, kuti, ‘Afanotungamira kuGarirea. Muchandomuona ikoko sezvaakakuudzai.’ ” Vachibvunda uye vachishamiswa, vakabuda vakatiza kubva muguva. Havana chavakataura kuno munhu, nokuti vakanga vachitya.
”Mushure mokunge Ishe Jesu ataura kwavari, akatorwa akakwidzwa kudenga uye akandogara kuruoko rworudyi rwaMwari. Ipapo vadzidzi vakabuda vakandoparidza kwose kwose, uye Ishe akashanda navo, akasimbisa shoko rake nezviratidzo zvakatevera.
”Uchava nomwana uye uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rokuti Jesu. Achava mukuru uye achanzi Mwanakomana weWokumusoro-soro. Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi, uye achatonga pamusoro peimba yaJakobho nokusingaperi; umambo hwake hahungatongogumi.”
”Maria akabvunza mutumwa akati, “Ko, izvi zvichaitika seiko sezvo ini ndiri mhandara?” Mutumwa akapindura achiti, “Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, uye simba reWokumusoro-soro richakufukidza. Saka mutsvene achazvarwa achanzi Mwanakomana waMwari.
”akazvara dangwe rake, mwanakomana. Akamuputira nemicheka akamuisa muchidyiro chezvipfuwo, nokuti muimba yavaeni makanga musisina nzvimbo yavo.
”Nhasi muguta raDhavhidhi mazvarwa Muponesi; ndiye Kristu Ishe. Ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri: Muchawana mwana akaputirwa nemicheka uye avete muchidyiro chezvipfuwo.” Pakarepo hondo huru yokudenga yakaonekwa pamwe chete nomutumwa vachirumbidza Mwari vachiti: “Mwari ngaarumbidzwe kumusoro-soro, uye rugare panyika nokuvanhu vaanofarira.”
”Ipapo Simeoni akavaropafadza akati kuna Maria, mai vake, “Mwana uyu achaita kuti kuve nokuwa nokumutswa kwavazhinji muIsraeri, uye achava chiratidzo chicharambwa, kuitira kuti ndangariro dzemwoyo mizhinji dzigoratidzwa. Uye munondo uchabayawo mwoyo wako pachako.”
”Vanhu vose vakati vachiri kubhabhatidzwa, Jesu akabhabhatidzwawo. Uye akati achinyengetera, denga rakazaruka, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pake nomufananidzo wenjiva. Uye inzwi rakabva kudenga richiti, “Ndiwe mwanakomana wangu, wandinoda; ndiwe wandinofarira kwazvo.”
”Jesu akadzokera kuGarirea musimba roMweya, uye shoko pamusoro pake rakapararira kumativi ose enyika. Akadzidzisa mumasinagoge avo, uye munhu wose akamurumbidza.
”Rugwaro rwakapetwa rwaIsaya rwakapiwa kwaari. Pakurubhedhenura, akawana pakanga pakanyorwa kuti: “Mweya waShe uri pamusoro pangu, nokuti akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndiparidze rusununguko kuna vakasungwa uye kuti vasingaoni vaone, kuti ndisunungure vakamanikidzwa, kuti ndiparidze gore rakanaka raShe.” Ipapo akapeta rugwaro, akarudzosera kumubati akagara pasi. Meso avanhu vose vakanga vari musinagoge akanga akati nde-e kwaari, uye akatanga nokuti kwavari, “Nhasi rugwaro urwu rwazadziswa munzeve dzenyu.”
”Vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti shoko rake raiva nesimba. Musinagoge makanga muno murume akanga akabatwa nedhimoni, mweya wakaipa, uye akadanidzira nenzwi guru achiti, “A! Munodeiko kwatiri imi Jesu weNazareta? Ko, mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinoziva kuti muri ani, muri Mutsvene waMwari!” Jesu akaurayira achiti, “Nyarara! Buda maari!” Ipapo dhimoni rakaputsira murume uyu pasi pamberi pavo vose rikabuda risina kumukuvadza. Vanhu vose vakashamiswa vakataurirana vachiti, “Kudzidzisa uku ndokupi? Anorayira mweya yakaipa nechikuriri uye nesimba, ichibva yabuda!”
”Pamusoro paizvozvo, madhimoni akabuda muvanhu vazhinji, achidanidzira achiti, “Ndiwe Mwanakomana waMwari!” Asi iye akaatsiura akasaatendera kuti ataure, nokuti iwo aiziva kuti ndiye Kristu.
”Akati apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Chiriswededza kwakadzika ugokanda usvasvi ubate hove.” Simoni akapindura akati, “Tenzi, takashanda zvakaoma usiku hwose uye hatina kubata chinhu. Asi sezvamadaro imi, ndichakanda hangu mambure.” Vakati vaita saizvozvo, vakabata hove zhinji kwazvo uye mambure avo akatanga kubvaruka. Saka vakaninira vamwe vavo vakanga vari mune rimwe igwa kuti vauye vazovabatsira, ivo vakauya vakazadza magwa ose ari maviri; akazara zvokuti akatanga kunyura. Simoni Petro akati achiona izvi, akawira pamabvi aJesu akati, “Ibvai kwandiri, Ishe; ndiri mutadzi!”
”Jesu aiziva zvavaifunga uye akabvunza achiti, “Seiko muchifunga zvinhu izvi mumwoyo yenyu?
”Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikuvengai, vachikutsaurai uye vachikutukai, vachiramba zita renyu vachiti rakaipa, nokuda kwoMwanakomana woMunhu.
”Akati kwavari, “Asi, ko, imi munoti ndini ani?” Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu waMwari.” Jesu akavayambira zvikuru kuti varege kutaura izvi kuna ani zvake. Akatizve, “Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika pazvinhu zvizhinji agorambwa navakuru, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, uye anofanira kuurayiwa agomuka pazuva retatu.”
”“Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu. Hakuna munhu anoziva kuti Mwanakomana ndiani kunze kwaBaba, uye hakuna munhu anoziva kuti Baba ndiani kunze kwoMwanakomana naavo Mwanakomana vaanenge asarudza kuvazarurira.”
”“Ndinokuudzai kuti, ani naani anondipupura pamberi pavanhu, Mwanakomana woMunhu achamupupurawo pamberi pavatumwa vaMwari. Asi uyo anondiramba pamberi pavanhu acharambwawo pamberi pavatumwa vaMwari.
”Jesu akatsaura parutivi vane gumi navaviri akavaudza kuti, “Tiri kuenda kuJerusarema, uye zvose zvakanyorwa navaprofita pamusoro poMwanakomana woMunhu zvichazadziswa. Achaiswa mumaoko evedzimwe ndudzi. Vachamuseka, vachamutuka, nokumupfira mate, vachamurova uye vachamuuraya. Pazuva rechitatu achamukazve.”
”Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.”
”Ipapo akapinda mutemberi akatanga kudzinga vaya vakanga vachitengesa. Akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichava yokunyengeterera’, asi mava kuiita ‘bako ramakororo.’ ” Aidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutemberi. Asi vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro uye navatungamiri pakati pavanhu vakanga vachiedza kumuuraya. Asi vakanga vasingawani nzira yokuita izvozvo, nokuti vanhu vose vakanga vakanamatira pamashoko ake.
”Jesu akavatarisisa uye akavabvunza akati, “Zvino zvakanyorwa zvinoreveiko zvinoti: “ ‘Ibwe rakarambwa navavaki ndiro razova musoro wekona’? Mumwe nomumwe anowira padombo iroro achavhunika-vhunika asi uyo warinowira achapwanyiwa.”
”Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu.
”Panguva iyo vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya mugore nesimba nokubwinya kukuru.
”Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
”Uye akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akavapa, achiti, “Uyu ndiwo muviri wangu wakapiwa kwamuri; itai izvi muchindirangarira.” Saizvozvo, vakati vapedza chirariro akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu, rinodururirwa imi.
”Imi ndimi vaya vakamira neni pamiedzo yangu. Uye ndinokupai umambo, sababa vangu vakandipa umambo, kuitira kuti mugodya nokunwa patafura yangu muumambo hwangu, mugogara pazvigaro zvoushe, muchitonga marudzi gumi navaviri avaIsraeri.
”Uye ari pakutambudzika, akanyengetera zvikuru, uye ziya rake rakanga rakaita samadonhwe eropa anodonhera pasi.
”Asi kubva zvino, Mwanakomana woMunhu achagara kuruoko rworudyi rwaMwari ane simba.” Vose vakabvunza vachiti, “Ko, zvino iwe ndiwe Mwanakomana waMwari here?” Iye akapindura akati, “Mareva zvakanaka, zvamati ndini iye.”
”Saka Pirato akabvunza Jesu achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo zvamareva.”
”Vakati vasvika panzvimbo yainzi Dehenya, vakamuroverera ipapo, pamwe chete nembavha, mumwe kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe rwake. Jesu akati, “Baba, varegererei, nokuti havazivi zvavari kuita.” Vakagovana nguo dzake vachikanda mijenya.
”Pamusoro pake pakanga pane chiziviso chakanga chakanyorwa kuti: UYU NDIYE MAMBO WAVAJUDHA.
”Ipapo akati, “Jesu, mundirangarirewo pamunenge masvika muumambo hwenyu.” Jesu akamupindura akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri, nhasi uchava neni muparadhiso.”
”Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu, rima rikava pamusoro penyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe, nokuti zuva rakamira kuvhenekera. Uye chidzitiro chetemberi chakabvarurwa napakati. Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Baba, ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu.” Akati ataura izvi, akabudisa mweya wake.
”Pavakanga vachiri kushamisika nazvo, pakarepo varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena dzaipenya semheni vakamira parutivi pavo. Mukutya kwavo, vakadzi vaya vakakotamisa pasi zviso zvavo, asi varume ava vakati kwavari, “Seiko muchitsvaka mupenyu pakati pavakafa? Haapo pano; amuka! Rangarirai zvaakakuudzai, paakanga achinemi muGarirea kuti:
”Ipapo akatanga naMozisi navaprofita vose, akavatsanangurira zvakanyorwa pamusoro pake mumagwaro.
”Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvandaikuudzai ndichinemi kuti: Zvinhu zvose zvakanyorwa pamusoro pangu muMurayiro waMozisi, naVaprofita nomuMapisarema zvinofanira kuzadziswa.” Ipapo akazarura ndangariro dzavo kuti vanzwisise Magwaro. Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakanyorwa kuti: Kristu achatambudzika agomuka kubva kuvakafa pazuva rechitatu, uye kuti kutendeuka nokuregererwa kwezvivi kuchaparidzirwa kumarudzi ose muzita rake, kutanga paJerusarema.
”Achiri kuvaropafadza, akabva pavari akatorwa akakwidzwa kudenga. Ipapo vakamunamata ndokubva vadzokera kuJerusarema nomufaro mukuru.
”Pakutanga pakanga pane Shoko, uye Shoko rakanga riri kuna Mwari, uye Shoko rakanga riri Mwari. Iye aiva kuna Mwari kubva pakutanga. Zvinhu zvose zvakaitwa kubudikidza naye; kunze kwake hakuna kana chinhu chakaitwa pane izvo zvakaitwa.
”Akanga ari munyika, uye kunyange nyika yakaitwa kubudikidza naye, nyika haina kumuziva. Akauya kuna avo vakanga vari vake, asi vokwake havana kumugamuchira. Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari, vana vasina kuberekwa neropa kana nokufunga kwomunhu kana nokuda kwomurume, asi vakaberekwa naMwari. Shoko rakava nyama uye rakagara pakati pedu. Takaona kubwinya kwake, kubwinya kwaIye Mumwe Oga, akabva kuna Baba, azere nenyasha uye nechokwadi.
”Nokuti murayiro wakapiwa kubudikidza naMozisi; nyasha nezvokwadi zvakauya kubudikidza naJesu Kristu.
”Chifume chamangwana Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa chivi chenyika!
”Akati achiona Jesu achipfuura akati, “Tarirai, Gwayana raMwari!”
”Chinhu chokutanga chakaitwa naAndirea ndechokuti akatsvaka Simoni mukoma wake akati kwaari, “Tamuwana Mesiya” (ndiko kuti Kristu).
”Ipapo Natanieri akati, “Rabhi, ndimi Mwanakomana waMwari; ndimi Mambo weIsraeri.”
”Pakare ipapo pakanga pane makate amabwe matanhatu, anoshandiswa navaJudha patsika dzavo dzokushamba, rimwe nerimwe raizara namarita ari pakati pamakumi mapfumbamwe nezana namakumi mana. Jesu akati kuvaranda, “Zadzai makate nemvura.” Saka vakaazadza kusvikira pamuromo. Ipapo akati kwavari, “Chicherai imwe zvino mugoipa kumukuru womutambo.” Vakaita saizvozvo. Uye mukuru womutambo akaravira mvura yakanga yashandurwa ikava waini. Haana kuziva kwayakanga yabva, kunyange zvazvo varanda vakanga vachera mvura vaiziva havo. Ipapo akadana chikomba parutivi akati, “Munhu wose anotanga kubudisa waini inonaka chose, zvino shure kwokunge vanhu vakakokwa vanwa zvakanyanyisa, ipapo anozobudisa isinganaki; asi iwe wachengeta yakaisvonaka kusvikira zvino.”
”Saka akaruka tyava yerwodzi, akadzinga vose kubva panzvimbo yetemberi, zvose makwai nemombe; akarasa kwose kwose mari yavakanga vachitsinhana, uye akapidigura tafura dzavo. Akati kuna avo vakanga vachitengesa njiva, “Budisai zvinhu izvi muno! Hamufaniri kushandura imba yababa vangu muchiita musika wokutengeserana!” Vadzidzi vake vakarangarira kuti kwakanyorwa kuchinzi, “Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.” Ipapo vaJudha vakati kwaari, “Ungatipa chiratidzo chipi chingatiradza pachena kuti unoita zvinhu izvi zvose nesimba ripi?” Jesu akavapindura akati, “Paradzai temberi iyi, uye ini ndichaivakazve mumazuva matatu.”
”Ndataura kwauri pamusoro pezvinhu zvapanyika uye hautendi; zvino ungatenda sei kana ndikataura pamusoro pezvinhu zvokudenga? Hakuna munhu akamboenda kudenga kunze kwaiye akabva kudenga, iye Mwanakomana woMunhu. Mozisi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana woMunhu anofanira kusimudzwawo, kuti ani naani anotenda kwaari ave noupenyu husingaperi. “Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake panyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe kubudikidza naye. Ani naani anotenda kwaari haatongwi, asi ani naani asingatendi atotongwa nokuti haana kutenda muzita roMwanakomana mumwe oga waMwari.
”“Uyo anobva kumusoro ndiye ari pamusoro pavose; uyo anobva panyika ndowenyika, uye anotaura somunhu anobva panyika. Uyo anobva kudenga ndiye ari pamusoro pavose.
”Baba vanoda Mwanakomana uye vakaisa zvose mumaoko ake. Ani naani anotenda muMwanakomana ano upenyu husingaperi, asi ani naani anoramba Mwanakomana haangaoni upenyu, nokuti kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.”
”Jesu akapindura akati, “Ani naani anonwa mvura iyi achava nenyotazve, asi ani naani anonwa mvura yandichamupa haangatongovi nenyota. Zvirokwazvo, mvura yandichamupa ini ichava maari chitubu chemvura inoerera kuupenyu husingaperi.”
”Mukadzi akati, “Ndinoziva kuti Mesiya, anonzi Kristu, ari kuuya. Paanouya, acharondedzera zvinhu zvose kwatiri.” Ipapo Jesu akataura akati, “Ini ndiri kutaura newe ndini iye.”
”Nokuda kwaizvozvi, vaJudha vakaedza zvakanyanya kwazvo kuti vamuuraye; nokuti akanga asingaputsi Sabata chete, asi akanga achitiwo Mwari ndiBaba vake, achizvienzanisa naMwari. Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, Mwanakomana haagoni kuita chinhu ari oga; anongogona kuita zvaanoona Baba vake vachiita, nokuti zvose zvinoitwa naBaba, Mwanakomana anozviitawo. Nokuti Baba vanoda Mwanakomana uye vanomuratidza zvose zvavanoita ivo. Hongu, kuti imi mushamiswe, vachamuratidza kunyange zvinhu zvikuru kwazvo kupfuura izvi. Nokuti sezvo Baba vachimutsa vakafa uye vachivapa upenyu, saizvozvo Mwanakomana anopa upenyu kuno uyo waanofarira kuti ape. Pamusoro paizvozvo, Baba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwose, kuti vose vakudze Mwanakomana sokukudza kwavanoita Baba. Uyo asingakudzi Mwanakomana, haakudzi Baba vakamutuma. “Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anonzwa shoko rangu uye achitenda uyo akandituma, ano upenyu husingaperi uye haachazotongwi, abva murufu uye aenda kuupenyu.
”Ndinokuudzai chokwadi kuti, nguva inouya uye yatosvika zvino yokuti vakafa vachanzwa inzwi roMwanakomana waMwari uye avo vanonzwa vachararama. Nokuti sezvo Baba vano upenyu mavari, saizvozvowo vakapa Mwanakomana kuti ave noupenyu maari. Uye vakamupa simba rokuti atonge nokuti ndiye Mwanakomana woMunhu. “Musashamiswa pane izvi, kuti nguva inouya yokuti vose vari mumakuva avo vachanzwa inzwi rake uye vachamuka; vose vakaita zvakanaka vachamuka vachienda kuupenyu, uye avo vakaita zvakaipa vachamuka vachienda kukutongwa.
”Ipapo Jesu akataura achiti, “Ndini chingwa choupenyu. Ani naani anouya kwandiri haangatongovi nenzara, uye ani naani anotenda kwandiri haangatongovi nenyota.
”Nokuti handina kuburuka kubva kudenga kuti ndizoita kuda kwangu asi kuti ndizoita kuda kwaiye akandituma.
”Ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Kana munhu upi zvake akadya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa ichi inyama yangu, yandichapa nokuda kwoupenyu hwenyika.”
”Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musingadyi nyama yoMwanakomana woMunhu nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri. Ani naani anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anogara mandiri, uye ini maari. Nokuti nyama yangu ndicho chokudya chaicho. Ani naani anodya nyama yangu uye anonwa ropa rangu anogara mandiri, neni maari.
”Pavakanzwa izvi, vadzidzi vake vazhinji vakati, “Kudzidzisa uku kwakaoma. Ndianiko angakugamuchira?” Achiziva zvake kuti vadzidzi vake vakanga vachigununʼuna pamusoro paizvozvi, Jesu akati kwavari, “Izvi zvinokugumburai here? Muchaita sei kana mukaona Mwanakomana woMunhu achikwira achienda kwaaimbova kare! Mweya ndiye anopa upenyu, nyama haina chainobatsira. Mashoko andataura kwamuri ndiwo mweya, uye ane upenyu.
”Akaenderera mberi achiti, “Ndokusaka ndakuudzai kuti hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge azvipiwa naBaba.”
”Kubva panguva iyi vadzidzi vake vazhinji vakadzokera shure uye vakasazomutevera. Jesu akabvunza vane gumi navaviri akati, “Nemiwo hamusi kuda kuenda here?” Simoni akati, “Ishe, tichaenda kuna aniko? Imi mune mashoko oupenyu husingaperi.
”Jesu akapindura akati, “Kudzidzisa kwangu hakuzi kwangu pachangu. Kunobva kuna iye akandituma. Kana munhu akasarudza kuita kuda kwaMwari, achazoona kuti kudzidzisa kwangu kunobva kuna Mwari kana kuti ndinongotaura ndoga. Uyo anotaura zvake anoita izvozvo kuti azviwanire kukudzwa, asi uyo anoshandira kukudzwa kwaiye akamutuma ndiye munhu wechokwadi; hapana zvokunyengera paari.
”Jesu achitaurazve navanhu, akati, “Ndini chiedza chenyika. Ani naani anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.”
”Asi kana ndikatonga, kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handisi ndoga. Ndinotonga naBaba, vakandituma.
”Ini ndini ndinozvipupurira pachangu; mumwe anondipupurira ndiBaba, vakandituma.”
”Asi akaenderera mberi achiti, “Imi muri vapasi; ini ndinobva kumusoro. Muri venyika ino; ini handisi wenyika ino. Ndakuudzai kuti muchafira muzvivi zvenyu; kana musingatendi kuti ndini iye, zvirokwazvo muchafira muzvivi zvenyu.”
”Saka Jesu akati kwavari, “Pamuchasimudza Mwanakomana woMunhu, ipapo ndipo pamuchaziva kuti ndini iye, uye kuti handina chinhu chandinoita ndoga asi ndinotaura zvandakadzidziswa naBaba zvoga. Uyo akandituma aneni; haana kundisiya ndiri ndoga, nokuti ndinogara ndichiita zvinomufadza.”
”Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, Abhurahama asati azvarwa ini ndiripo!”
”Jesu akanzwa kuti vakanga vamudzingira kunze, uye akati amuwana, akati kwaari, “Unotenda here kuMwanakomana woMunhu?” Murume uya akapindura akati, “Iye ndianiko nhai, Ishe? Ndiudzei kuti ndigotenda kwaari.” Jesu akati, “Wamuona zvino; uye ndiye ari kutaura newe.” Ipapo murume uya akati, “Ishe, ndinotenda,” akabva amunamata.
”Naizvozvo Jesu akatizve kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, ndini mukova wamakwai.
”“Ndini mufudzi akanaka. Mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake.
”“Ndini mufudzi wamakwai; ndinoziva makwai angu uye makwai angu anondiziva, Baba sezvavanondiziva uye neni ndichiziva Baba, uye ndinorasira makwai angu upenyu hwangu. Ndina mamwe makwai asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuauyisawo. Naiwowo achanzwa inzwi rangu, uye achava boka rimwe nomufudzi mumwe chete. Chinoita kuti Baba vandide ndechokuti ndinorasira makwai angu upenyu hwangu, uye ndichahutorazve. Hakuna munhu angahutora kwandiri, asi ndinohupa pachangu. Ndine simba rokuhurasa uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murayiro ndakaupiwa naBaba.”
”Jesu akapindura akati, “Ndakakuudzai, asi hamutendi. Zvishamiso zvandinoita muzita raBaba vangu zvinondipupurira, asi hamutendi nokuti hamusi makwai angu. Makwai angu anonzwa inzwi rangu; ini ndinoaziva, uye anonditevera. Ndinoapa upenyu husingaperi, uye haatongofi; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwangu. Baba vangu, ivo vakaapa kwandiri, vakuru kuna vose; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwaBaba vangu. Ini naBaba tiri vamwe.”
”Ini naBaba tiri vamwe.” VaJudha vakanongazve matombo kuti vamutake, asi Jesu akati kwavari, “Ndakakuratidzai mabasa esimba mazhinji kubva kuna Baba. Nderipiko basa ipapa ramunoda kunditakira namabwe?” Vakamupindura vachiti, “Hatisi kukutakira basa ripi zvaro ipapa, asi nokuda kwokumhura Mwari, nokuti iwe, munhuwo zvake, unozviti uri Mwari.”
”Asi kana ndichizviita, kunyange dai musinganditendi, tendai mabasa esimba, kuti mugoziva uye mugonzwisisa kuti Baba vari mandiri, uye ini ndiri muna Baba.”
”Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa; uye ani naani anorarama uye anotenda mandiri haangatongofi. Unotenda here izvi?” Iye akati, “Hongu, Ishe, ndinotenda kuti ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari, uyo akanzi achauya panyika.”
”Jesu akachema.
”Akati areva izvozvo, Jesu akadanidzira nenzwi guru akati, “Razaro, buda!” Murume akanga afa uya akabuda, maoko ake namakumbo zvakapombwa nemicheka, uye chiso chake chakafukidzwa nomucheka. Jesu akati kwavari, “Mubvisei nguo dzomuguva mumurege aende.”
”Zuva rakatevera ungano huru yavanhu vakanga vauya kuMutambo yakanzwa kuti Jesu akanga ari munzira achiuya kuJerusarema. Vakatora mapazi emichindwe vakaenda kundosangana naye, vachidanidzira vachiti: “Hosana! “Akaropafadzwa uyo anouya muzita raShe! “Akaropafadzwa Mambo weIsraeri!”
”Jesu akapindura akati, “Nguva yasvika yokuti Mwanakomana woMunhu akudzwe.
”Baba, kudzai zita renyu!” Ipapo inzwi rakabva kudenga richiti, “Ndatorikudza, uye ndicharikudzazve.”
”Asi ini, pandinenge ndasimudzwa kubva panyika ino, ndichakwevera vanhu vose kwandiri.” Akareva izvi kuti aratidze mafiro aaizoita.
”Isaya akataura izvi nokuti akaona kubwinya kwaJesu uye akataura nezvake.
”Pano mutongi achatonga munhu anondiramba uye asingagamuchiri mashoko angu; shoko riya chairo randakataura ndiro richamutonga pazuva rokupedzisira. Nokuti handina kungozvipupurira pachangu, asi Baba vakandituma ndivo vakandirayira zvokutaura namatauriro acho.
”Mutambo wePasika wakanga uchigere kusvika. Jesu akanga achiziva kuti nguva yakanga yasvika yokuti iye abve panyika uye kuti aende kuna Baba. Sezvo akanga achida vake avo vakanga vari munyika, akavaratidza zvino kuzara kworudo rwake.
”Akati aenda, Jesu akati, “Zvino Mwanakomana woMunhu akudzwa uye Mwari akudzwa maari. Kana Mwari akudzwa maari, Mwari achakudza Mwanakomana maari uye achamukudza pakarepo.
”Jesu akapindura akati, “Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri. Dai maindiziva chaizvo mungadai maizozivawo Baba vangu. Kubvira zvino, munovaziva uye makavaona.”
”Hamutendi here kuti ini ndiri muna Baba, uye Baba vari mandiri? Mashoko andinotaura kwamuri haasi angu ndoga. Asi, ndeaBaba, vanogara mandiri, avo vari kuita basa ravo. Nditendei pandinenge ndichiti, ini ndiri muna Baba uye Baba vari mandiri; kana kuti mutende zviratidzo zvamunoona.
”Ndinokuudzai kuti, ani naani anotenda kwandiri achaita zvandanga ndichiita. Achaita kunyange zvinhu zvikuru kupfuura izvi, nokuti ndiri kuenda kuna Baba. Uye ndichaita zvose zvamunokumbira muzita rangu, kuitira kuti Mwanakomana avigire Baba kukudzwa. Kana mukakumbira chinhu chipi zvacho muzita rangu, ndichachiita. “Kana muchindida, muchateerera zvandinokurayirai.
”Pazuva iro muchaziva kuti ini ndiri muna Baba, uye imi muri mandiri, uye ini ndiri mamuri.
”Uyo asingandidi haateereri kudzidzisa kwangu. Mashoko amunonzwa aya haasi angu; ndeaBaba vakandituma.
”“Makandinzwa ndichiti, ‘Ndiri kuenda uye ndichadzokazve.’ Dai maindida maifara kuti ndinoenda kuna Baba, nokuti Baba vakuru kupfuura ini.
”“Ndini muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu murimi.
”“Ini ndiri muzambiringa; imi muri matavi. Kana munhu akagara mandiri uye neni maari, achabereka zvibereko zvakawanda; kunze kwangu hamugoni kuita chinhu. Kana munhu asingagari mandiri, akaita sedavi rakarasirwa kure rikaoma; matavi akadaro anotorwa, okandwa mumoto agopiswa. Kana muchigara mandiri uye mashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvose zvamunoda, uye muchazvipiwa.
”“Sezvo Baba vakandida, neniwo ndakakudai, zvino, chigarai murudo rwangu. Kana muchiteerera mirayiro yangu, muchagara murudo rwangu, sezvandakateerera mirayiro yaBaba vangu uye ndikagara murudo rwavo. Ndakuudzai izvi kuitira kuti mufaro wangu uve mamuri uye kuti mufaro wenyu uve wakakwana.
”Murayiro wangu ndouyu: Dananai, sezvo ini ndakakudai. Hakuna munhu ano rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu ape upenyu hwake nokuda kweshamwari dzake.
”“Kana nyika ichikuvengai, muyeuke kuti yakatanga kuvenga ini.
”Uyo anondivenga anovengawo Baba vangu.
”Achauyisa kukudzwa kwandiri nokutora pane zvangu achizvizivisa kwamuri. Zvose zvaBaba ndezvangu. Ndokusaka ndakati Mweya achatora zvangu agozvizivisa kwamuri.
”Zvino tava kuona kuti munoziva zvinhu zvose uye kuti hapana achafanira kuti akubvunzei mibvunzo. Izvi zvinoita kuti titende kuti makabva kuna Mwari.”
”Asi nguva iri kuuya, uye yatosvika, yamuchaparadzirwa, mumwe nomumwe achienda kumusha kwake. Muchandisiya ndiri ndoga. Asi handisi ndoga, nokuti Baba vangu vaneni. “Ndakuudzai zvinhu izvi, kuitira kuti muve norugare mandiri. Panyika muchatambudzika. Asi tsungai mwoyo! Ini ndakakunda nyika.”
”Jesu akati ataura izvi, akatarira kudenga akanyengetera achiti: “Baba, nguva yasvika. Kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana wenyu akukudzei. Nokuti makamupa simba pamusoro pavanhu vose kuti ape upenyu husingaperi kuna vose vamakamupa. Zvino uhu ndihwo upenyu husingaperi: kuti vakuzivei imi, Mwari oga wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma. Ndakauyisa kukudzwa kwamuri panyika nokuti ndakapedza basa ramakandipa kuti ndiite. Zvino, Baba, ndikudzei pamberi penyu nokukudzwa kwandaiva nako ndinemi nyika isati yavambwa.
”Ndinovanyengeterera. Handisi kunyengeterera nyika, asi avo vamakandipa nokuti ndevenyu. Zvose zvandinazvo ndezvenyu, uye zvose zvamunazvo ndezvangu. Uye kukudzwa kwakauya kwandiri kubudikidza navo.
”“Zvino ini ndiri kuuya kwamuri, asi ndiri kutaura zvinhu izvi ndichiri munyika, kuitira kuti vave nomufaro wangu wakazara mukati mavo. Ndakavapa shoko renyu uye nyika yakavavenga, nokuti havachisiri venyika sezvandisiri wenyika.
”kuti vose vave vamwe, Baba, sezvo imi muri mandiri uye ini ndiri mamuri. Naivowo ngavave matiri kuitira kuti nyika igotenda kuti makandituma. Ndakavapa kubwinya kuya kwamakandipa, kuti vave vamwe sesu tiri vamwe: imi mavari uye imi mandiri. Ngavakwaniswe muhumwe kuti nyika izive kuti makandituma uye makavada kunyange sezvamakandida ini. “Baba, ndinoda kuti vaya vamakandipa vave neni pandinenge ndiri, uye kuti vaone kubwinya kwangu, iko kubwinya kwamakandipa nokuti makandida nyika isati yasikwa.
”Vakapindura vakati, “Jesu weNazareta.” Jesu akati, “Ndini iye.” (Uye Judhasi mupanduki uya akanga amire navo ipapo.) Jesu paakati, “Ndini iye,” vakasudurukira shure vakawira pasi.
”Jesu akapindura akati, “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino. Dai zvanga zvakadaro, varanda vangu vaizorwa kuti ndirege kusungwa navaJudha. Asi zvino umambo hwangu hunobva kune imwe nzvimbo.” Pirato akati, “Saka uri mamboka!” Jesu akapindura akati, “Wataura zvakanaka pawati ndiri mambo. Chokwadi ndechokuti, ndizvo zvandakazvarirwa, uye nokuda kwaizvozvo ndakauya munyika, kuti ndizopupurira chokwadi. Ani naani anoda chokwadi anonditeerera.”
”Varwi vakaita korona yeminzwa vakaidzika pamusoro wake. Vakamupfekedza nguo dzepepuru vakaenda kwaari vaendazve vachiti, “Kwaziwai, mambo wavaJudha!” Uye vakamurova kumeso.
”VaJudha vakasimbirira vachiti, “Isu tino murayiro, nomurayiro iwoyo, anofanira kufa, nokuti anozviti Mwanakomana waMwari.”
”Rakanga riri zuva rokugadzirira vhiki yePasika, awa inenge yechitanhatu. Pirato akati kuvaJudha, “Hoyu mambo wenyu.” Asi vakadanidzira vachiti, “Endai naye! Endai naye! Murovererei!” Pirato akati, “Ndoroverera mambo wenyu here?” Vaprista vakuru vakapindura vachiti, “Hatina mambo isu, asi Kesari.”
”Pirato akanyora chiziviso akachiisa pamuchinjikwa. Chaiva chakanyorwa kuti: JESU WENAZARETA, MAMBO WAVAJUDHA. VaJudha vazhinji vakaverenga zvakanga zvakanyorwa pachikwangwani ichi, nokuti nzvimbo yakarovererwa Jesu yakanga iri pedyo neguta, uye chikwangwani ichi chaiva chakanyorwa nechiHebheru, chiRatini uye nechiGiriki. Vaprista vakuru vavaJudha vakati kuna Pirato, “Musanyora kuti, ‘Mambo wavaJudha,’ asi kuti, ‘Munhu uyu akazviti mambo wavaJudha.’ ” Pirato akapindura akati, “Zvandanyora, ndanyora.”
”Shure kwaizvozvo, achiziva kuti zvose zvainge zvapera zvino, uye kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe, Jesu akati, “Ndava nenyota.”
”Akati anwa Jesu akati, “Zvapera.” Nokudaro, akakotamisa musoro wake uye akabudisa mweya wake.
”akaona vatumwa vaviri vane nguo chena, vagere pakambenge pane mutumbi waJesu, mumwe kumusoro uye mumwe kumakumbo. Vakamubvunza vakati, “Mai, munochemeiko?” Akati, “Vabvisa Ishe wangu, uye handizivi kuti vamuisepi.” Ipapo akatendeuka akatarira shure akaona Jesu amirepo, asi haana kuziva kuti akanga ari Jesu. Akati, “Mai, munochemeiko? Munotsvaka aniko?” Maria achifunga kuti aiva muchengeti webindu, akati, “Ishe, kana mamutora, ndiudzei henyu kwamamuisa ndigomutora.” Jesu akati kwaari, “Maria.” Akatendeukira kwaari akadanidzira nechiHebheru achiti, “Rabhi!” (kureva kuti Mudzidzisi).
”Madekwana ezuva rokutanga revhiki, vadzidzi pavakanga vari pamwe chete, mikova yakazarirwa nokuda kwokutya vaJudha, Jesu akauya akasvikomira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve kwamuri!”
”Vhiki yakati yapera, vadzidzi vake vakanga vari mumba zvakare, uye Tomasi akanga anavo. Kunyange zvazvo mikova yakanga yakapfigwa, Jesu akauya akamira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve kwamuri!” Ipapo akati kuna Tomasi, “Isa munwe wako pano; ona maoko angu. Tambanudza ruoko rwako uise parutivi rwangu. Rega kukahadzika uye utende.” Tomasi akati kwaari, “Ishe wangu naMwari wangu!”
”Jesu akaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pavadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iri. Asi izvi zvakanyorwa kuti mugotenda kuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari, uye kuti kana mukatenda muve noupenyu muzita rake.
”Akati kwavari, “Kandai mambure enyu kurutivi rworudyi rwegwa mugobata.” Vakati vaita izvozvo, vakasagona kukweva mambure nokuda kwokuwanda kwehove. Ipapo mudzidzi aidikanwa naJesu akati kuna Petro, “NdiShe!” Simoni Petro paakangonzwa kuti, “NdiShe,” akazvimonera nguo yake yokunze (nokuti akanga aibvisa) akabva asvetukira mumvura.
”Jesu akaitawo zvimwe zvinhu zvizhinji. Dai zvose zvainyorwa, ndinoti kunyange nyika yose hayaizova nenzvimbo yaikwana mabhuku aizonyorwa.
”Mushure mokutambudzika kwake, akazviratidza kuvarume ava uye akaratidza zviratidzo zvakasimba zvizhinji zvokuti akanga ari mupenyu. Akaonekwa navo mazuva anopfuura makumi mana uye akataura nezvoumambo hwaMwari.
”Mushure mokunge ataura izvi, akakwidzwa kudenga pamberi pameso avo chaipo, uye gore rikamufukidza vakasazomuona. Vakanga vakatarisisa paakanga achienda, uye pakarepo varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena vakamira pavari. Vakati kwavari, “Varume veGarirea, makamirireiko pano makatarisa kudenga? Iyeyu Jesu abviswa kwamuri achienda kudenga, achadzokazve sezvamamuona achienda kudenga.”
”“Imi vaIsraeri, teererai izvi: Jesu weNazareta akanga ari murume akaratidzwa kwamuri naMwari namabasa esimba, nezvishamiso uye nezviratidzo, zvakaitwa naMwari pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunoziva imi pachenyu. Murume uyu akaiswa mumaoko enyu nourongwa uye nokuziva zviri mberi kwaMwari; uye imi, mukamuroverera pamuchinjikwa muchibatsirwa navanhu vakaipa.
”Achiona zviri mberi, akataura nezvokumuka kwaKristu, kuti akanga asina kusiyiwa muguva, uye muviri wake hauna kuona kuora.
”Akasimudzirwa kuruoko rworudyi rwaMwari, akagamuchira kubva kuna Baba chipikirwa choMweya Mutsvene uye akadurura izvi zvamuri kuona nokunzwa iye zvino.
”“Naizvozvo vaIsraeri vose ngavazive izvi: Jesu uyu, wamakaroverera pamuchinjikwa, Mwari akamuita Ishe naKristu.”
”Makauraya muvambi woupenyu, asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa. Isu tiri zvapupu zvezvinhu izvi.
”zvino muzive izvi, imi navanhu vose veIsraeri kuti: Zvakaitwa nezita raJesu Kristu weNazareta, iye wamakaroverera pamuchinjikwa asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, ndiye aita kuti murume uyu amire pamberi penyu apora kudai. Ndiye “ ‘ibwe ramakaramba imi vavaki, rakazova musoro wekona.’ Ruponeso haruwanikwi kuna ani zvake, nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa kuvanhu ratingaponeswa naro.”
”Mwari wamadzibaba edu akamutsa Jesu kubva kuvakafa uyo wamakaita kuti aurayiwe nokumuturika pamuti. Mwari akamusimudzira kuruoko rwake rworudyi soMuchinda noMuponesi kuti ape kutendeuka nokuregererwa kwezvivi kuvaIsraeri.
”Asi Sitefani, azere noMweya Mutsvene, akatarisa kudenga akaona kubwinya kwaMwari, uye Jesu amire kuruoko rworudyi rwaMwari. Akati, “Tarirai, ndinoona denga razaruka uye Mwanakomana woMunhu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.”
”Muyunaki uyu aiverenga chitsauko ichi choRugwaro: “Akatungamirirwa segwai raindobayiwa, uye segwayana rinyerere pamberi pomuveuri, saka haana kushamisa muromo wake.
”Imi munoziva shoko rakatumwa naMwari kuvanhu veIsraeri, achivaudza mashoko akanaka orugare kubudikidza naJesu Kristu, anova Ishe wavose.
”zvokuti Mwari akazodza sei Jesu Kristu weNazareta noMweya Mutsvene nesimba, uye kuti akapota sei nenyika achiita zvakanaka achiporesa vose vakanga vari pasi pesimba radhiabhori, nokuti Mwari aiva naye.
”asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa nezuva retatu akaita kuti aonekwe. Haana kuonekwa navanhu vose, asi nezvapupu zvakanga zvagara zvasarudzwa naMwari nesu takadya uye tikanwa naye shure kwokumuka kwake kubva kuvakafa. Akatirayira kuti tiparidze kuvanhu uye tipupure kuti ndiye akagadzwa naMwari kuti ave mutongi wavapenyu navakafa. Vaprofita vose vanopupura nezvake kuti ani naani anotenda kwaari anogamuchira kanganwiro yezvivi kubudikidza nezita rake.”
”achitsanangura nokuvaratidza kuti Kristu aifanira kutambudzika uye agomuka kubva kuvakafa. Akati, “Jesu uyu wandinokuparidzirai ndiye Kristu.”
”kuti Kristu achatambudzika, uye, saiye wokutanga kumuka kubva kuvakafa achaparidza chiedza kuvanhu vake uye nokune veDzimwe Ndudzi.”
”pamusoro poMwanakomana wake, uyo pakuberekwa kwake somunhu akanga ari chizvarwa chaDhavhidhi, uye akaratidzwa nesimba kubudikidza naMweya Mutsvene kuti ndiye Mwanakomana waMwari, nokumuka kwake kubva kuvakafa: Jesu Kristu Ishe wedu.
”Naizvozvo, zvatinoruramisirwa nokutenda, tino rugare naMwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu,
”Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti: Tichiri vatadzi, Kristu akatifira. Zvino sezvo takaruramisirwa neropa rake, tichaponeswa zvikuru sei naye kubva pakutsamwa kwaMwari! Nokuti kana, patakanga tiri vavengi vaMwari, takayananiswa naye kubudikidza norufu rwoMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru sei kubudikidza norufu rwoMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru sei kubudikidza noupenyu hwake, kana tayananiswa! Nokuti hazvisizvo bedzi, asi kuti tinofarawo muna Mwari nokuna Ishe wedu Jesu Kristu, watakapiwa zvino naye kuyananiswa.
”Zvino kana takafa naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwe chete naye. Nokuti sezvo tichiziva kuti Kristu akamutswa kubva kuvakafa, haachazofizve; rufu harusisina simba pamusoro pake. Rufu rwaakafa, akafa kuchivi kamwe chete zvikabva zvapera; asi upenyu hwaanorarama, anoraramira Mwari. Nenzira imwe cheteyo, nemiwo munofanira kuziva kuti makafa kuchivi, asi muri vapenyu kuna Mwari muna Kristu Jesu.
”Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu.
”Naizvozvo zvino, hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu, nokuti kubudikidza naKristu Jesu murayiro woMweya woupenyu wakandisunungura kubva pamurayiro wechivi norufu. Nokuti zvakanga zvisingakwaniswi kuitwa nomurayiro pakushayiswa simba kwawo nomunhu wechivi, Mwari akazviita nokutuma Mwanakomana wake mumufananidzo wemunhu wechivi kuti ave chipiriso chechivi. Uye akapa mhosva kuchivi chiri mumunhu wechivi,
”Ndianiko achatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika here, kana nhamo, kana kutambudzwa, kana nzara, kana kushayiwa zvokupfeka, kana njodzi, kana munondo?
”Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana madhimoni, kana zvazvino, kana zvichauya, kana masimba api zvawo, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chimwe chinhuwo zvacho pazvisikwa zvose, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.
”Madzibaba ndeavo, uye naKristu akabva kwavari panyama, ari Mwari pamusoro pazvose, anokudzwa nokusingaperi! Ameni.
”Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe” uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa.
”Nokuda kwaizvozvo, Kristu akafa uye akamuka kuti ave Ishe wavose vakafa navapenyu.
”Nokuti Kristu haana kundituma kuti ndinobhabhatidza asi kuti ndinoparidza vhangeri, kwete namashoko ouchenjeri hwavanhu, kuti muchinjikwa waKristu urege kupedzwa simba rawo. Nokuti shoko romuchinjikwa upenzi kuna vari kuparara, asi kwatiri isu vanoponeswa isimba raMwari.
”asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha noupenzi kune veDzimwe Ndudzi. Asi kuna avo vakadanwa naMwari, zvose vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari nouchenjeri hwaMwari.
”Nokuda kwake, imi muri muna Kristu Jesu, uyo akava kwatiri uchenjeri hunobva kuna Mwari, iko kururama, noutsvene uye norudzikinuro rwedu.
”Nokuti ndakati handidi kuziva chinhu pandakanga ndiri pakati penyu, asi Jesu Kristu, uye akarovererwa pamuchinjikwa.
”Hakuna kana nomumwe wavabati venyika ino akahunzwisisa, nokuti dai vakahunzwisisa vangadai vasina kuroverera Ishe wokubwinya pamuchinjikwa.
”Pamunoungana pamwe chete muzita raIshe Jesu, ndinemi mumweya, uye simba raIshe Jesu riripo,
”Bvisai mbiriso yakare kuti mugova chikanyiwa chitsva chisina mbiriso, sezvamuri chaizvo. Nokuti Kristu, gwayana redu rePasika, akabayirwa.
”asi isu tina Mwari mumwe chete, ivo Baba, zvinhu zvose zvakabva kwavari uye ndivo vatinoraramira; uye tina She mumwe chete, Jesu Kristu, zvinhu zvose zvakavapo kubudikidza naye, uye nesu tinorarama kubudikidza naye.
”Naizvozvo ndinokuudzai kuti hakuna munhu anotaura noMweya waMwari anoti, “Jesu ngaatukwe.” Uye hakuna munhu anoti, “Jesu ndiye Ishe,” asi naMweya Mutsvene.
”Zvino imi muri muviri waKristu, uye mumwe nomumwe wenyu mutezo wawo. Uye mukereke, Mwari akagadza pakutanga vapostori, vechipiri vaprofita, vechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vezvishamiso, uye navane zvipo zvokuporesa, navanobatsira vamwe, vaya vane zvipo zvokufambisa basa, uye navaya vanotaura nendimi dzakasiyana-siyana.
”Nokuti zvandakagamuchira sezvinokosha pakutanga ndizvo zvandakakupaiwo: kuti Kristu akafira zvivi zvedu sezvazvakanyorwa muMagwaro, kuti akavigwa, akamutswa pazuva rechitatu sezvazvakanyorwa muMagwaro, uye kuti akazviratidza kuna Petro, tevere kuna vane gumi navaviri. Mushure mezvo akazviratidza kuhama dzaipfuura mazana mashanu panguva imwe chete, vazhinji vavo vachiri vapenyu, kunyange zvazvo vamwe vavete.
”Asi, zvirokwazvo Kristu akamutswa kubva kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavete. Nokuti sezvo rufu rwakauya kubudikidza nomunhu mumwe, kumuka kuvakafa kwakauyawo kubudikidza nomunhu mumwe. Nokuti, sokufa kwakaita vanhu vose muna Adhamu, naizvozvowo muna Kristu vose vachaitwa vapenyu. Asi mumwe nomumwe padzoro rake: Kristu chibereko chokutanga; ipapo paanouya, tevere vose vanova vake. Ipapo magumo achasvika, panguva yaachazopa umambo kuna Mwari Baba mushure mokunge aparadza ushe hwose, ukuru hwose nesimba rose. Nokuti anofanira kubata ushe kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. Muvengi wokupedzisira achaparadzwa ndirwo rufu. Nokuti akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti “zvinhu zvose” zvakaiswa pasi petsoka dzake, zviri pachena kuti izvi hazvisanganisiri Mwari pachake, iye akaisa zvinhu zvose pasi paKristu. Kana achinge aita izvi, ipapo Mwanakomanawo pachake achaiswa pasi paiye akaisa zvinhu zvose pasi pake kuti Mwari agova zvose mune zvose.
”Asi ndangariro dzavo dzakapofumadzwa, nokuti chifukidziro chimwe chetecho chichiripo kana sungano yakare ichiverengwa. Hachina kubviswa, nokuti chinongobviswa chete muna Kristu.
”Uye kunyange zvazvo vhangeri redu rakafukidzwa, rakafukidzwa kuna avo vari kuparara. Vasingatendi vakapofumadzwa ndangariro dzavo namwari wenyika ino, kuti varege kuona chiedza chevhangeri rokubwinya kwaKristu, anova mufananidzo waMwari. Nokuti hatizviparidzi isu, asi Jesu Kristu saShe, uye isu savaranda venyu nokuda kwaJesu. Nokuti Mwari akati, “Chiedza ngachipenye murima,” akaita kuti chiedza chake chipenye mumwoyo yedu kuti tiwane chiedza choruzivo rwokubwinya kwaMwari muchiso chaKristu.
”Nokuti tose tinofanira kumira pamberi pechigaro chokutonga chaKristu, kuti mumwe nomumwe apiwe zvakamufanira pazvinhu zvaakaita nomuviri wake, zvingava zvakanaka kana zvakaipa.
”Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvava zvitsva!
”Mwari akaita kuti uyo akanga asina chivi ave chivi nokuda kwedu, kuitira kuti maari tive kururama kwaMwari.
”Nokuti munoziva nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, kuti kunyange zvake akanga ari mupfumi, asi nokuda kwenyu akava murombo, kuitira kuti kubudikidza nourombo hwake imi mugopfumiswa.
”Ndakarovererwa pamwe chete naKristu uye handichisiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri. Kurarama kwandinako munyama, ndinorarama nokutenda muMwanakomana waMwari, akandida uye akazvipa nokuda kwangu.
”Kristu akatidzikinura kubva pakutukwa kwomurayiro paakava chakatukwa iye nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti.”
”Asi nguva yakati yakwana, Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa nomukadzi, akaberekwa pasi pomurayiro, kuti adzikinure avo vari pasi pomurayiro, kuti tigamuchire kodzero yakazara yavanakomana.
”Ndinoramba ndichikumbira kuti Mwari waIshe wedu Jesu Kristu, Baba vokubwinya, akupei mweya wouchenjeri nokuzarurirwa, kuitira kuti mumuzive zviri nani. Ndinonyengeterawo kuti meso emwoyo wenyu avhenekerwe kuitira kuti mugoziva pfuma yenhaka yake yokubwinya muvatsvene, uye nesimba rake guru risingagoni kuenzaniswa kwatiri isu vanotenda. Iroro simba rakaita sokubata kwesimba rake guru, raakaita muna Kristu paakamumutsa kubva kuvakafa akamugarisa kuruoko rwake rworudyi mudenga, pamusoro poutongi hwose noukuru, nesimba noushe, uye namazita ose angagona kurehwa, kwete panyika yazvino chete asiwo pane ichauya. Uye Mwari akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake akamugadza kuti ave musoro wezvinhu zvose nokuda kwekereke, iwo muviri wake, kuzara kwaiye anozadza zvinhu zvose munzira dzose.
”makavakwa panheyo dzavapostori navaprofita, naKristu Jesu pachake iye dombo rapakona. Maari imba yose yakabatanidzwa pamwe chete uye inokura kuti ive temberi tsvene muna She. Uye maari nemiwo makavakwa pamwe chete kuti muve ugaro hwaMwari muMweya.
”Iye akaburuka ndiye chaiye akakwira kumusoro-soro kupfuura kudenga denga, kuitira kuti azadze pasi pose.)
”Asi, tichitaura chokwadi murudo, tichakura pazvinhu zvose maari iye musoro, iye Kristu. Kubva maari muviri wose, wakasanganiswa uye wakabatanidzwa pamwe chete nenhengo dzose dzichiusimbisa, unokura uye unozvivaka murudo, sezvo mutezo mumwe nomumwe uchiita basa rawo.
”Naizvozvo, ivai vateveri vaMwari, savana vanodikanwa uye murarame upenyu hworudo, sezvatakadikanwa naKristu akazvipa nokuda kwedu sechipiriso chinonhuhwira uye sechibayiro kuna Mwari.
”nokuti tiri nhengo dzomuviri wake.
”Kufunga kwenyu ngakuve sokwaKristu Jesu: Uyo, kunyange aiva Mwari chaiye, haana kufunga kuti kuenzana naMwari chinhu chingabatisiswa, asi akazviita chinhu pasina, akatora chimiro chomuranda chaiye, akaitwa somunhu. Uye akati awanikwa ane chimiro chomunhu, akazvininipisa uye akateerera kusvikira pakufa, kunyange rufu pamuchinjikwa. Naizvozvo Mwari akamukudza panzvimbo yapamusoro-soro, uye akamupa zita riri pamusoro pamazita ose, kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, mudenga napanyika uye napasi penyika, uye ndimi dzose dzipupure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe, kuti Mwari Baba vakudzwe.
”Ndinoda kuziva Kristu nesimba rokumuka kwake uye nokuwadzana kwokugovana naye mumatambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake, uye kuti, zvimwe, ndiwane kumuka kubva kuvakafa.
”Nokuti akatinunura kubva pasimba rerima akatiuyisa kuumambo hwoMwanakomana waanoda, watine dzikinuro maari, iko kuregererwa kwezvivi. Ndiye mufananidzo waMwari asingaonekwi, dangwe rezvisikwa zvose. Nokuti zvinhu zvose zvakasikwa naye: zviri kudenga nezviri panyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, zvigaro zvoushe kana masimba kana vatongi kana vane simba; zvinhu zvose zvakasikwa naye uye zvakasikirwa iye. Iye anotangira zvose, uye zvinhu zvose zvinobatana maari. Ndiye musoro womuviri, iyo kereke; ndiye wokutanga uye ndiye dangwe ravakamuka kubva kuvakafa, kuitira kuti pazvinhu zvose iye ave mukuru. Nokuti Mwari akafadzwa nazvo kuti kuzara kwake kwose kugare maari, uye kubudikidza naye ayananise kwaari zvinhu zvose, zvingava zvinhu zviri panyika kana zvinhu zviri kudenga, nokuita rugare kubudikidza neropa rake, rakateurwa pamuchinjikwa.
”Vavariro yangu ndeyokuti vakurudzirwe mumwoyo uye vabatane murudo, kuitira kuti vave nepfuma izere yokunzwisisa kwakakwana, kuti vagoziva chakavanzika chaMwari, iye Kristu, maari ndimo makachengetwa pfuma yose youchenjeri nokuziva.
”Nokuti muna Kristu kuzara kwouMwari kunogara maari pamuviri, nemiwo makapiwa kuzara uku muna Kristu, iye ari pamusoro poushe hwose nesimba.
”Uye akati abvisa ushe namasimba, akazvibudisa pachena, akazvikunda nomuchinjikwa.
”Sezvo, zvino, makamutswa pamwe chete naKristu, isai mwoyo yenyu pazvinhu zviri kumusoro, uko kugere Kristu kuruoko rworudyi rwaMwari.
”Nokuti kuna Mwari mumwe chete, nomurevereri mumwe chete pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu. Uyo akazvipa sorudzikinuro kuvanhu vose, uchapupu hwakapiwa panguva yakafanira.
”Pasina kana mubvunzo, chakavanzika choumwari chikuru kwazvo: Iye akaratidzwa panyama, akaruramiswa noMweya, akaonekwa navatumwa, akaparidzwa pakati pendudzi panyika vakatenda kwaari, akakwidzwa mukubwinya.
”kuti uchengete murayiro uyu, usina chinongo kana chaungapomerwa kusvikira pakuonekwa kwaIshe wedu Jesu Kristu, uyo achazoratidzwa naMwari panguva yake iye Mwari, iye oga Mutongi akaropafadzwa, Mambo wamadzimambo naIshe wamadzishe. Iye oga ndiye asingafi uye agere pachiedza chisina angaswedera pachiri, uyo asina akambomuona kana angamuona. Kukudzwa nesimba ngazvive kwaari nokusingaperi. Ameni.
”Ndinokurayira pamberi paMwari naKristu Jesu, achatonga vapenyu navakafa uye pamusoro pokuonekwa kwake noushe hwake kuti:
”takamirira tariro yakaropafadzwa, kuonekwa kwokubwinya kwaMwari wedu mukuru noMuponesi, Jesu Kristu,
”Kare, Mwari akataura kumadzitateguru edu kubudikidza navaprofita panguva zhinji, uye nenzira dzakasiyana-siyana, asi mumazuva ano okupedzisira akataura kwatiri nomuMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, uye naiyewo waakaita naye nyika. Mwanakomana ndiye chadzera chokubwinya kwaMwari uye ndiye mufananidzo wake chaiwo, anochengeta zvinhu zvose neshoko rake rine simba. Mushure mokunge apedza kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwamambo kudenga.
”Nokuti ndoupi pakati pavatumwa, Mwari waakamboti kwaari: “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako?” kana kutizve, “Ndichava Baba vake, naiye achava Mwanakomana wangu?” Uyezve, Mwari paanouyisa dangwe rake munyika, anoti: “Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.”
”Asi pamusoro poMwanakomana anoti, “Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri, uye kururama kuchava tsvimbo youshe hwenyu. Makada kururama uye mukavenga kusarurama; naizvozvo Mwari, Mwari wenyu, akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu nokukuzodzai namafuta okufara.” Anotizve, “Pakutanga, imi Ishe, makateya nheyo dzenyika, uye matenga ndiwo basa ramaoko enyu. Zvichaparara, asi imi mucharamba muripo; zvichasakara zvose senguo. Muchazvipeta sejasi; senguo zvichashandurwa. Asi imi munoramba makadaro, uye makore enyu haatozogumi.”
”Nokuti iye amene akatambudzika paakaedzwa, anokwanisa kubatsira vanoedzwa.
”Naizvozvo, hama tsvene, vagovani neni pakudanwa kunobva kudenga, isai pfungwa dzenyu pana Jesu, Mupostori nomuprista mukuru uyo watinopupura nezvake.
”Naizvozvo, zvatino muprista mukuru kwazvo, akapinda napakati pamatenga, Jesu Mwanakomana waMwari, ngatibatisisei kutenda kwatinopupura. Nokuti hatina muprista mukuru asingagoni kutinzwira tsitsi pautera hwedu, asi tinaye akaedzwa pazvinhu zvose, sesu, asi asina chivi.
”Pamazuva oupenyu hwaJesu panyika, akauya kuna iye akanga achigona kumurwira parufu neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, uye akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari. Kunyange zvake akanga ari mwanakomana, akadzidza kuteerera kubva pakutambudzika kwake uye akati akwaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kuna vose vanomuteerera uye akanzi naMwari ave muprista mukuru worudzi rwaMerikizedheki.
”asi Jesu, nokuti anogara nokusingaperi, ano uprista huchavapo nokusingaperi. Naizvozvo anogona kuponesa zvizere vaya vanouya kuna Mwari kubudikidza naye, nokuti anorarama nokusingaperi achivanyengeterera. Muprista mukuru akadai anotipa zvatinoshayiwa, iye mutsvene, asina chaangapomerwa, asina kusvibiswa, akatsaurwa kubva kuvatadzi, akasimudzirwa pamusoro pamatenga. Asingafanani navaya vaprista, haafaniri kubayira zvipiriso zuva rimwe nerimwe, kutanga pamusoro pezvivi zvake, pashure pamusoro pezvivi zvavanhu. Akabayira zvivi zvavo kamwe chete zvikapera paakazvipa iye. Nokuti murayiro unogadza vanhu vano utera savaprista vakuru; asi mhiko yakauya shure kwomurayiro, yakagadza Mwanakomana, uyo akakwaniswa nokusingaperi.
”Shoko guru pane izvozvi zvatiri kutaura ndiro iri rokuti: Tino muprista mukuru akadai, akagara kurudyi rwechigaro chaIshe kudenga,
”Nokuti dai pakanga pasina chakaipa nesungano yokutanga pangadai pasina kuwanikwa mukana weimwe sungano. Asi Mwari akaona kukanganisa kwavanhu ava akati: “Nguva inouya, ndizvo zvinotaura Ishe, yandichaita sungano itsva neimba yaIsraeri, uye neimba yaJudha,
”Nokuti akati sungano iyi “itsva,” ipapo akashayisa basa yokutanga; zvino chinhu chisisina basa uye chava chekare chichaparara nokukurumidza.
”Kristu paakauya somuprista mukuru wezvinhu zvakanaka zvatova pano kare, akapinda nomutabhenakeri yakapfuura pakukura uye napakukwana isina kugadzirwa nomunhu, zvichireva kuti yakanga isiri chikamu chokusikwa kuno. Haana kupinda nokuda kweropa rembudzi neremhuru; asi akapinda muNzvimbo Tsvene-tsvene neropa rake chairo akatiwanira rudzikinuro rusingaperi.
”Nokuda kwaizvozvi Kristu ndiye murevereri wesungano itsva, kuitira kuti vaya vakadanwa vagogamuchira chipikirwa chenhaka isingaperi zvino, sezvo akafa sedzikinuro kuti avasunungure kubva pazvivi zvavakaita vari pasi pesungano yokutanga. Nokuti kana iri nhaka yakanyorwa, panofanira kuvapowo nechokwadi chorufu rwaiye akaiita, nokuti nhaka yakanyorwa ine simba chete kana munhu afa; haina simba kana akaiita achiri mupenyu. Ndokusaka sungano yokutanga isina kushanda pasina ropa.
”Zvirokwazvo, murayiro unoda kuti zvinhu zvinenge zvose zvinatswe neropa, uye pasina kuteurwa kweropa hapana kuregererwa.
”Nokuti Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakagadzirwa nomunhu yakanga ichingova mufananidzo waiyo yechokwadi chaiyo; akapinda kudenga chaiko, kuti atimiririre pamberi paMwari.
”saizvozvowo Kristu akabayirwa kamwe chete kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji; uye achazoonekwa kechipiri, asingatakuri zvivi, asi kuti auyise ruponeso kuna avo vakamumirira.
”Asi muprista uyu akati abayira chibayiro chimwe chete chenguva dzose, akagara kurudyi rwaMwari.
”Naizvozvo, hama, zvatinotsunga kuti tipinde paNzvimbo Tsvene neropa raJesu, nenzira itsva uye ino upenyu yatakazarurirwa kubudikidza nechidzitiro chinova muviri wake, uye sezvo tino muprista mukuru pamusoro pemba yaMwari,
”Tichitarira kuna Jesu muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu; iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, uye akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari. Cherechedzai iye akatsunga pakupikiswa kwakadai navatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba mumwoyo menyu.
”kuna Jesu murevereri wesungano itsva, uye kuropa rakasaswa rinotaura zviri nani pane raAbheri.
”Jesu Kristu anogara akadaro zuro nanhasi nokusingaperi.
”Mwari worugare, akadzosa kubva kuvakafa Ishe wedu Jesu iye mufudzi mukuru wamakwai, kubudikidza neropa resungano isingaperi, ngaakukwanisei nezvinhu zvose zvakanaka kuti muite kuda kwake, uye ngaaite mukati medu zvinhu zvinomufadza, nokuna Kristu Jesu, ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.
”Hama dzangu, savatendi muna Ishe wedu wokubwinya iye Jesu Kristu, musava vatsauri vavanhu.
”Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, ngaarumbidzwe! Nengoni dzake huru, akatibereka patsva akatipinza mutariro mhenyu nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa, akatiisa munhaka isingagoni kuparara, isingaori kana kusvava, yamakachengeterwa kudenga, imi munodzivirirwa nesimba raMwari nokutenda kusvikira ruponeso rwauya rwakagadzirirwa kuti ruratidzwe munguva dzokupedzisira.
”asi neropa rinokosha raKristu, iro gwayana risina charingapomerwa uye risina kuremara. Akasanangurwa kare nyika isati yavapo, asi akaratidzwa kwamuri mumazuva ano okupedzisira nokuda kwenyu. Kubudikidza naye munotenda kuna Mwari, akamumutsa kubva kuvakafa uye akamukudza, kuti kutenda kwenyu netariro yenyu zvive muna Mwari.
”Sezvamunouya kwaari, iye Ibwe Benyu, rakarambwa navanhu asi rakasarudzwa naMwari uye rinokosha kwaari, nemiwo, samabwe mapenyu, muri kuvakwa muimba yomweya kuti muve uprista hutsvene muchipa zvibayiro zvomweya zvinogamuchirwa kuna Mwari kubudikidza naJesu Kristu. Nokuti muRugwaro zvinonzi: “Tarirai, ndakaisa ibwe muZioni, ibwe rakasanangurwa, rinokosha, uye munhu anovimba naye haatongonyadziswi.”
”Zvino kunemi vanotenda, iri ibwe rinokosha. Asi kuna avo vasingatendi, “Ibwe rakaraswa navavaki ndiro rava musoro wekona,” uye, “Ibwe rinogumbusa vanhu nedombo rinoita kuti vawe.” Vanogumburwa nokuti havateereri shoko, zvinova ndizvo zvavakatemerwawo.
”Makadanirwa izvozvi, nokuti Kristu akatambudzika nokuda kwenyu, akakusiyirai muenzaniso, kuti mutevere makwara ake. “Haana kutadza, uye kunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make.” Pavakamutuka, haana kudzorera; paakatambudzika, haana kutyisidzira. Asi, akazviisa kuna iye anotonga nokururama. Iye pachake akatakura zvivi zvedu mumuviri wake pamuti, kuitira kuti isu tife kuzvivi tigorarama zvakarurama; namavanga ake imi makaporeswa. Nokuti imi makanga makaita samakwai akarasika, asi zvino madzokera kuMufudzi noMutariri wemweya yenyu.
”Nokuti Kristu akafira zvivi zvavose kamwe chete; akarurama nokuda kwavasakarurama, kuti akuuyisei kuna Mwari. Akaurayiwa mumuviri asi akararamiswa noMweya,
”uye mvura iyi inofananidzira rubhabhatidzo runokuponesaiwo zvino, rusingarevi kubviswa kwetsvina yomuviri asi rubatso rwehana yakanaka kuna Mwari. Inokuponesai nokumuka kwaJesu Kristu, iye akapinda mudenga uye ari kuruoko rworudyi rwaMwari, vatumwa namasimba noushe zviri pasi pake.
”Simoni Petro, muranda nomupostori waJesu Kristu, kuna vaya vakagamuchira kutenda kunokosha sokwedu, kubudikidza nokururama kwaMwari wedu noMuponesi wedu Jesu Kristu: Nyasha norugare ngazvive nemi, zviwande kubudikidza nokuziva kwaMwari nokwaJesu Ishe wedu.
”nokuti muchagamuchirwa nomufaro mukuru muumambo husingaperi hwaIshe noMuponesi wedu Jesu Kristu.
”Nokuti hatina kutevera ngano dzakarukwa nouchenjeri patakakuudzai nezvesimba uye nokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri zvapupu zvakaona kubwinya kwake. Nokuti akagamuchira kukudzwa nokubwinya kwakabva kuna Mwari Baba pakauya inzwi kwaari richibva kudenga mukubwinya kukuru richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoda; wandinofarira kwazvo.”
”Asi kurai munyasha nomukuziva Ishe noMuponesi wedu, Jesu Kristu. Ngaave nokubwinya zvino nokusingaperi. Ameni.
”Vana vangu vandinoda, ndinonyora izvi kwamuri kuti murege kutadza. Asi kana munhu akatadza, tine murevereri kuna Baba, Jesu Kristu, Iye Akarurama. Ndiye chibayiro chinoyananisira zvivi zvedu, uye kwete zvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yose.
”Asi munoziva kuti iye akaonekwa kuitira kuti abvise zvivi zvedu. Uye maari hamuna chivi.
”Tinozivawo kuti Mwanakomana waMwari akauya akatipa kunzwisisa, kuitira kuti timuzive iye wechokwadi. Uye tiri maari iye wechokwadi, kunyange muMwanakomana wake Jesu Kristu. Ndiye Mwari wechokwadi noupenyu husingaperi.
”kuna iye Mwari oga muponesi wedu, ngakuve nokubwinya, umambo, simba noukuru, nokuna Jesu Kristu Ishe wedu, nguva isati yavapo, zvino nokusingaperi! Ameni.
”Johani, kukereke nomwe dziri mudunhu reEzhia: Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna iye aripo, uye akanga aripo, naiye achazouya, nokumweya minomwe iri pamberi pechigaro chake choushe, nokuna Jesu Kristu, iye chapupu chakatendeka, dangwe kubva kuvakafa, nomutongi wamadzimambo enyika. Kuna iye anotida uye akatisunungura kubva kuzvivi zvedu neropa rake, uye akatiita ushe nouprista kuti tishumire Mwari naBaba vake, ngaave nokubwinya nesimba nokusingaperi-peri! Ameni. Tarirai, ari kuuya namakore, uye meso ose achamuona, kunyange naivo vakamubaya; uye marudzi ose enyika achachema nokuda kwake. Saka zvichaita saizvozvo! Ameni.
”“Ndini Arifa naOmega,” ndizvo zvinotaura Ishe Mwari, “iye aripo, akanga aripo, uye achazouya, Wamasimba Ose.”
”richiti, “Nyora mubhuku rakapetwa zvaunoona ugozvitumira kukereke nomwe: dzokuEfeso, Simina, Pegamo, Tiatira, Sadhisi, Firadherifia neRaodhikea.”
”Ndakatendeuka ndikatarisa kuti ndione inzwi rakanga richitaura kwandiri. Uye ndakatendeuka ndikaona zvigadziko zvemwenje, uye pakati pezvigadziko zvemwenje pakanga pano mumwe akanga “akaita somwanakomana womunhu,” akafuka nguo yaisvika kutsoka dzake uye ane bhanhire regoridhe pachipfuva chake. Musoro wake nebvudzi rake zvakanga zvakachena samakushe, zvakachena sechando, uye meso ake akanga akaita somurazvo womoto. Tsoka dzake dzakanga dzakaita sendarira inopenya muvira romoto, uye inzwi rake rakanga rakaita somubvumo wemvura zhinji. Akanga akabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi, uye mumuromo make makabuda munondo unopinza, unocheka mativi ose. Chiso chake chakanga chakaita sezuva rinopenya nokupenya kwaro kwose.
”Pandakamuona, ndakawira patsoka dzake kunge ndafa. Ipapo akaisa ruoko rwake rworudyi pamusoro pangu akati, “Usatya. Ndini Wokutanga neWokupedzisira. Ndini iye Mupenyu; ndakanga ndafa, uye tarira, ndiri mupenyu nokusingaperi-peri! Uye ndakabata kiyi dzorufu neHadhesi.
”Ipapo mumwe wavakuru akati kwandiri, “Usachema! Tarira, Shumba yorudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi, akakunda. Iye anogona kuzarura bhuku rakapetwa nezvisimbiso zvaro zvinomwe.” Ipapo ndakaona pakati pechigaro choushe nezvisikwa zvipenyu zvina napakati pavakuru, Gwayana rakanga rimire uye rakaita serabayiwa, rine nyanga nomwe nameso manomwe, inova ndiyo mweya minomwe yaMwari yakatumwa munyika yose.
”Uye vakaimba rwiyo rutsva runoti: “Ndimi makafanira kutora bhuku rakapetwa kuti muzarure zvisimbiso zvaro, nokuti ndimi makaurayiwa, uye neropa renyu makatengera Mwari vanhu kubva kumarudzi ose uye nendimi dzose, navanhu nendudzi.
”Ipapo ndakatarira uye ndikanzwa inzwi ravatumwa vazhinji, zviuru nezviuru negumi rezviuru zvamazana. Vakakomberedza chigaro choushe nezvisikwa zvipenyu uye navakuru. Vakaimba nenzwi guru vachiti: “Gwayana ndiro rakafanira, iro rakanga raurayiwa, kuti rigamuchire simba nepfuma nouchenjeri nesimba nokukudzwa nokubwinya uye nokurumbidzwa!” Ipapo ndakanzwa zvisikwa zvose kudenga napanyika napasi penyika uye napamusoro pegungwa, nezvose zviri mazviri, zvichiimba zvichiti: “Kuna iye anogara pachigaro choushe uye nokuGwayana ngakuve nokurumbidzwa nokukudzwa nokubwinya uye nesimba, nokusingaperi-peri!” Zvisikwa zvipenyu zvina zvakati, “Ameni,” uye vakuru vakawira pasi vakanamata.
”Shure kwaizvozvi ndakatarira uye ndikaona ipapo pamberi pangu vazhinji zhinji vakanga vasingagoni kuverengwa, vaibva kundudzi dzose, nokumarudzi ose, navanhu vemitauro yose, vamire pamberi pechigaro choushe napamberi peGwayana. Vakanga vakapfeka nguo chena uye vakabata matavi emichindwe mumaoko avo. Uye vakadanidzira nenzwi guru vachiti: “Ruponeso ndorwaMwari wedu, anogara pachigaro choushe, uye ndorweGwayana.” Vatumwa vose vakanga vamire vakakomberedza chigaro choushe uye vakakomberedza vakuru nezvisikwa zvipenyu zvina. Vakawira pasi nezviso zvavo pamberi pechigaro choushe vakanamata Mwari,
”Nokuti Gwayana riri pakati pechigaro choushe richava mufudzi wavo; richavatungamirira kumatsime emvura mhenyu. Uye Mwari achapukuta misodzi yose pameso avo.”
”Mutumwa wechinomwe akaridza hwamanda yake, kudenga kukava namanzwi makuru aiti: “Umambo hwenyika hwava umambo waIshe wedu naKristu wake, uye achatonga nokusingaperi-peri.”
”Vakamukunda neropa reGwayana uye neshoko rokupupura kwavo; havana kuda upenyu hwavo zvakanyanya zvokuti vangatya kufa.
”Ipapo ndakatarisa, ndikaona pamberi pangu pakanga pane Gwayana, rimire paGomo reZioni, uye rakanga rina vanhu zviuru zana namakumi mana navana vakanga vakanyorwa zita raro nezita raBaba varo pahuma dzavo.
”Ndakatarira, ipapo pamberi pangu pakanga pane gore jena, uye akanga agere pagore akanga ari mumwe “akaita somwanakomana womunhu” ane korona yegoridhe pamusoro wake uye ane jeko rinopinza muruoko rwake.
”Vachaita hondo neGwayana, asi Gwayana richavakunda nokuti ndiye Ishe wamadzishe naMambo wamadzimambo, uye vakadanwa varo ndivo vachava naro, vakasanangurwa uye vateveri vakatendeka.”
”Ndakaona denga razaruka uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza jena, mutasvi waro anonzi Akatendeka uye Chokwadi. Nokururamisira anotonga uye anorwa hondo. Meso ake akaita somurazvo womoto, uye pamusoro wake pane korona zhinji. Ane zita rakanyorwa paari risingazivikanwi nomunhu asi naiye oga. Akapfeka nguo dzakanyikwa muropa, uye zita rake ndiye Shoko raMwari. Hondo dzokudenga dzakanga dzichimutevera, akatasva bhiza jena uye akapfeka mucheka wakanaka, wakachena uye usina tsvina. Mumuromo make munobuda munondo unopinza waanouraya nawo ndudzi. “Achavatonga netsvimbo yesimbi.” Anotsika chisviniro chewaini yokutsamwa kwehasha dzaMwari Wamasimba Ose. Panguo yake napachidya chake ane zita iri rakanyorwa: mambo wamadzimambo naishe wamadzishe
”Akanga agere pachigaro choushe akati, “Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva!” Ipapo akati, “Nyora izvi, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.” Akati kwandiri, “Zvaitwa. Ndini Arifa naOmega, wokutanga newokupedzisira. Kuna iye ane nyota ndichamupa kuti anwe, asingaripi, kubva mutsime remvura youpenyu.
”Hakuchazovazve nokutukwa. Chigaro choushe chaMwari necheGwayana zvichava muguta, uye varanda vake vachamushumira.
”“Tarirai, ndiri kukurumidza kuuya! Mubayiro wangu ndinawo, uye ndichapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita. Ndini Arifa naOmega, wokutanga newokupedzisira, kutanga nokuguma.
”“Ini Jesu, ndatuma mutumwa wangu kuti akupe uchapupu uhu hwekereke. Ndini mudzi worudzi rwaDhavhidhi, Nyamasase inopenya.”
”Uyo anopupura zvinhu izvi anoti, “Hongu, ndinokurumidza kuuya.” Ameni. Uyai, Ishe Jesu. Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive navanhu vaMwari. Ameni.
”