14 – Kubvisa pamuviri

Aya ndiwo mashoko matsvene aMwari Wemasimbaose.
Hatina basa nemashoko evanhu.
Chero ani zvake anoda Mwari . . . Izvi ndizvo zvinotaurwa naMwari pamusoro pazvo: Kubvisa pamuviri.

Top 3 Mavhesi Anonyanya Kukosha

Mapisarema 106:37-38

Vakabayira vanakomana vavo navanasikana vavo kumadhimoni. Vakateura ropa risina mhosva, iro ropa ravanakomana vavo neravanasikana vavo, vavakabayira kuzvifananidzo zveKenani, nyika ikasvibiswa neropa ravo.

Ezekieri 16:20-22

“ ‘Uye wakatora vanakomana navanasikana vawakaberekera ini ukavabayira sezvokudya kuzvifananidzo. Ko, ufeve hwako hwakanga husina kuringana here? Wakauraya vana vangu ukavabayira kuzvifananidzo. Mumabasa ako ose anonyangadza hauna kurangarira mazuva ouduku hwako, pawakanga usina kupfeka usina chinhu, uchikava-kava uri muropa rako.

Mapisarema 139:13-14

Nokuti imi makasika zvomukatikati mangu; makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu. Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa, ndinonyatsozviziva kwazvo.

Ndima dzese muCanonical Order – 96 ndima

Genesisi 1:27

Saka Mwari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika mumufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi.

Genesisi 9:6

“Ani naani anoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwawo nomunhu; nokuti nomufananidzo waMwari, Mwari akaita munhu.

Ekisodho 13:2

“Nditsaurire matangwe echirume ose. Chibereko chokutanga chechizvaro pakati pavaIsraeri ndechangu, chingava chomunhu kana chechipfuwo.”

Ekisodho 20:13

Usauraya.

Ekisodho 21:12

“Ani naani anorova munhu uye akamuuraya, zvirokwazvo naiye achaurayiwa.

Ekisodho 21:22-23

“Kana varume vachirwa vakarova mukadzi ane mimba uye akabereka gavamwedzi asi asina kukuvara zvakanyanya, nyakupara mhosva anofanira kuripiswa zvose zvazvo zvinodiwa nomurume wacho uye zvinobvumirwa nedare remhosva. Asi kana pane kukuvara kwakaipisisa, unofanira kutora upenyu noupenyu,

Ekisodho 23:6-7

“Usaramba kururamisira varombo vavanhu vokwako pamatare edzimhosva. Usava nechokuita nokupomerwa kwemhosva yenhema uye usatongera rufu munhu asina mhosva, kana munhu akatendeka, nokuti ini handizopembedzi munhu ane mhosva.

Revhitiko 17:11

Nokuti upenyu hwenyama huri muropa uye ndaripa kwamuri kuti rikuyananisirei paaritari; ropa ndiro rinoyananisira upenyu hwomunhu.

Revhitiko 18:21

“ ‘Usapa ani zvake pakati pavana vako kuti vabayirwe kuna Moreki nokuti haufaniri kumhura zita raJehovha. Ndini Jehovha.

Revhitiko 20:1-5

Jehovha akati kuna Mozisi, “Uti kuvaIsraeri, ‘MuIsraeri upi noupi kana mutorwa upi noupi agere muIsraeri achapa vana vake kuna Moreki anofanira kuurayiwa. Vanhu vomunyika yake vanofanira kumutaka namabwe. Ndichanangana nomunhu iyeye uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake, nokuti, nokuda kwokupa vana vake kuna Moreki, asvibisa nzvimbo yangu tsvene uye amhura zita rangu dzvene. Kana vanhu vomunyika yake vakashaya hanya kana munhu uyu achipa mumwe wavana vake kuna Moreki vakasamuuraya, ndichanangana nomunhu uyo nemhuri yake, uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake, iye pamwe chete navose vanomutevera pakuita ufeve naMoreki.

Revhitiko 24:17

“ ‘Ani naani anouraya munhu, anofanira kuurayiwa.

Numeri 35:30-31

“ ‘Ani naani anouraya munhu anofanira kuurayiwa semhondi kana chete pane zvapupu. Asi hapafaniri kuva nomunhu anourayiwa kana pachingova nechapupu chimwe chete. “ ‘Murege kugamuchira dzikinuro youpenyu hwemhondi, inofanira kufa. Anofanira kufa zvirokwazvo.

Numeri 35:33

“ ‘Murege kusvibisa nyika yamunogara. Kuteura ropa kunosvibisa nyika, uye nyika haingayananisirwi pamusoro peropa rakateurirwamo, asi chete neropa romunhu akariteura.

Dhuteronomi 5:17

Usauraya.

Dhuteronomi 12:31

Hamufaniri kushumira Jehovha Mwari wenyu nenzira yavo, nokuti mukushumira vamwari vavo, vanoita zvinhu zvose zvose zvinonyangadza zvinovengwa naJehovha. Vanopisa kunyange vanakomana navanasikana vavo mumoto sezvibayiro kuna vamwari vavo.

Dhuteronomi 18:10

Ngapasava nomumwe pakati penyu anoita mwanakomana wake kana mwanasikana wake chibayiro chinopiswa, kana anovuka kana anoita zvamazango kana anotenda zvamashura, kana kuita zvouroyi,

Dhuteronomi 27:25-26

“Ngaatukwe munhu anogamuchira fufuro kuti auraye munhu asina mhosva.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” “Ngaatukwe munhu asingasimbisi mashoko omurayiro uyu nokuaita.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”

Dhuteronomi 30:19

Nhasi uno ndinodana denga nenyika kuti zvikupupurirei kuti ndaisa pamberi penyu upenyu nerufu, maropafadzo nokutukwa. Zvino sarudza upenyu, kuitira kuti iwe navana vako mugorarama.

2 Madzimambo 16:3

Akafamba munzira dzamadzimambo eIsraeri, akasvika pakubayira vanakomana vake mumoto achitevera zvainyangadza zvedzimwe ndudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri.

2 Madzimambo 17:17

Vakabayira vanakomana vavo navanasikana vavo mumoto. Vakaita zvokuvuka nouroyi vakazvitengesa kuti vaite zvakaipa pamberi paJehovha, vakamutsamwisa nazvo.

2 Madzimambo 17:31

vaAvhi vakavaka Nibhazi Taritaki, uye vaSefavhi vakapisa vana vavo mumoto sezvibayiro kuna Adhiramereki naAnamereki vamwari veSefarivhaimi.

2 Madzimambo 21:6

Akabayira mwanakomana wake mumoto, akaita uroyi nokuvuka, akabvunza masvikiro navavuki. Akaita zvakaipa zvakawanda pamberi paJehovha, akamutsa hasha dzake.

2 Makoronike 28:3

Akapisa zvipiriso zvinopiswa mumupata weBheni Hinomi akabayira vanakomana vake mumoto, achitevedzera nzira dzinonyangadza dzendudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri.

2 Makoronike 33:6

Akabayira vanakomana vake mumoto mumupata weBheni Hinomi akaita zvamashura, mazango, nouroyi, akandobvunzira kumasvikiro, navavuki. Akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha akamutsa hasha dzake.

Jobho 10:8-11

“Maoko enyu akandiumba uye akandigadzira. Zvino modzoka kuzondiparadza here? Rangarirai kuti makandiumba sevhu. Zvino mondidzoserazve kuvhu here? Hamuna kundidurura somukaka here uye mukandigwambisa sechizi, mukandifukidza neganda nenyama mukandisonanidza pamwe chete namapfupa namarunda here?

Jobho 29:12

nokuti ndakanunura varombo vaichemera rubatsiro, uye nherera dzakanga dzisina anobatsira.

Jobho 31:15

Ko, iye akandiisa muchizvaro haazi iye akavaita here? Ko, haazi iye mumwe chete akatiumba tose muna vanamai vedu here?

Mapisarema 10:17-18

Munonzwa henyu, imi Jehovha, zvishuvo zvavanotambura; munovakurudzira, uye munoteerera kuchema kwavo, muchiruramisira nherera nevakamanikidzwa, kuti munhu wenyika, arege kuramba achingovhundutsa.

Mapisarema 22:9-10

Asi ndimi makandibudisa mudumbu; mukaita kuti ndivimbe nemi ndichiri pachipfuva chamai vangu. Kubva pakuzvarwa kwangu, ndakaiswa kwamuri; kubva mudumbu ramai vangu, makanga muchingova Mwari wangu.

Mapisarema 59:2-4

Ndirwirei pavaiti vezvakaipa, uye mundiponese pavanhu vanokarira kuteura ropa. Tarirai kundivandira kwavakaita! Vanhu vanotyisa vanondirangana pasina mhosva yandapara kana chivi, nhai Jehovha. Handina chandakakanganisa, asi ivo vagadzirira kundirwisa. Simukai mundibatsire; tarirai dambudziko rangu!

Mapisarema 68:5

Baba venherera, mudziviriri wechirikadzi, ndiye Mwari ari paugaro hwake utsvene.

Mapisarema 71:6

Ndakazendamira pamuri kubva pakuberekwa kwangu; ndimi makandibudisa mudumbu ramai vangu. Ndicharamba ndichikurumbidzai.

Mapisarema 82:3-5

Tongai mhaka dzavasina simba nenherera; chengetedzai kodzero dzavarombo navakadzvinyirirwa. Nunurai vasina simba navanoshayiwa; varwirei paruoko rwowakaipa. “Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa. Vanongofamba-famba murima; nheyo dzose dzenyika dzinozungunuswa.

Mapisarema 94:6-8

Vanouraya chirikadzi nomweni; vanoponda nherera. Vanoti, “Jehovha haaoni; Mwari waJakobho haana hanya.” Nzwisisai, imi vasina njere pakati pavanhu; imi mapenzi, muchava vakachenjera riniko?

Mapisarema 94:20-23

Ko, chigaro choushe chino uori chingashamwaridzana nemi here, icho chinouyisa kutambudzika muzvirevo zvacho? Vanobatana pamwe chete kuti varwise vakarurama, vachipomera mhosva yorufu kuna vasina mhosva. Asi Jehovha ndiye ava nhare yangu, uye Mwari wangu ndiye dombo randinotizira. Achavatsiva nokuda kwezvivi zvavo, uye achavaparadza nokuda kwezvakaipa zvavo; Jehovha Mwari wedu achavaparadza.

Mapisarema 106:37-40

Vakabayira vanakomana vavo navanasikana vavo kumadhimoni. Vakateura ropa risina mhosva, iro ropa ravanakomana vavo neravanasikana vavo, vavakabayira kuzvifananidzo zveKenani, nyika ikasvibiswa neropa ravo. Vakazvisvibisa nezvavakaita; vakazviitisa ufeve namabasa avo. Naizvozvo Jehovha akatsamwira vanhu vake, akasema nhaka yake.

Mapisarema 119:73-74

Maoko enyu akandisika uye akandiumba; ndipei kunzwisisa kuti ndigodzidza mirayiro yenyu. Avo vanokutyai ngavafare pavanondiona, nokuti ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.

Mapisarema 127:3

Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha, vana mubayiro unobva kwaari.

Mapisarema 139:13-16

Nokuti imi makasika zvomukatikati mangu; makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu. Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa, ndinonyatsozviziva kwazvo. Mapfupa angu akanga asina kuvanzika kwamuri, pandakanga ndaiswa munzvimbo yakavanda. Pandakarukwa ndiri pakadzika penyika, meso enyu akaona muviri usati waumbwa. Mazuva ose andakarongerwa akanga akanyorwa mubhuku renyu, rimwe rawo risati ravapo.

Mapisarema 147:13

nokuti anosimbisa mazariro amasuo ako, uye anoropafadza vanhu vako vari mauri.

Zvirevo 1:11-12

Kana vakati, “Handei tose; ngativandirei munhu timuuraye; ngativandirei mweya usina mhosva; ngativamedzei vari vapenyu, seguva, uye vakakwana kudaro savaya vanodzika mugomba;

Zvirevo 6:15-17

Naizvozvo njodzi ichamuwira munguva shoma shoma; achaparadzwa nokukurumidza, pasina chingamubatsira. Pane zvinhu zvitanhatu zvakavengwa naJehovha, zvinomwe zvinomunyangadza zvinoti: meso anozvikudza, rurimi runoreva nhema, maoko anodeura ropa risina mhosva,

Zvirevo 24:11-12

Nunurai avo vari kuiswa kurufu; dzosai avo vari kudzedzereka vachienda kundourayiwa. Asi kana mukati, “Hapana zvataiziva pamusoro paizvozvi?” Ko, iye anoyera mwoyo haangazvioni here? Iye anorinda upenyu hwako haangazvizivi here? Haangaripire munhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita here?

Zvirevo 28:17

Munhu anoshushikana nemhosva yake yokuuraya, acharamba ari wokutiza kusvikira pakufa; ngapasava nomunhu anomutsigira.

Muparidzi 11:5

Sezvo usingazivi nzira yemhepo, kana magadzirirwo omuviri mudumbu ramai, saizvozvowo haunganzwisisi basa raMwari, Muiti wezvose.

Isaya 1:15-18

Pamunotambanudza maoko enyu muchinyengetera, ini ndichakuvanzirai chiso changu; kunyange mukawanza munyengetero, handisi kuzokunzwai. Maoko enyu azere neropa; shambai muzvinatse. Bvisai mabasa enyu akaipa pamberi pangu! Regai kuita zvakaipa, dzidzai kuita zvakarurama. Tsvakai kururamisira, kurudzirai vakamanikidzwa. Dzivirirai nherera, mukumbirire chirikadzi. “Chiuyai zvino titaurirane,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kunyange zvivi zvenyu zviri zvitsvuku zvichachena sechando; kunyange zviri zvishava somuti mushava, zvichaita samakushe amakwai.

Isaya 5:20

Vane nhamo avo vanoti zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka ndizvo zvakaipa, vanoisa rima panzvimbo yechiedza nechiedza panzvimbo yerima, vanoisa zvinovava panzvimbo yezvinotapira, nezvinotapira panzvimbo yezvinovava.

Isaya 26:21

Tarirai, Jehovha ari kubuda muugaro hwake, kuti arange vanhu venyika nokuda kwezvivi zvavo. Nyika ichafukura ropa rakateurwa pamusoro payo; haichazovanzizve vakaurayiwa vayo.

Isaya 44:2

Zvanzi naJehovha, iye akakuita, akauumba mudumbu uye iye achakubatsira: Usatya, iwe Jakobho, muranda wangu, Jeshuruni, wandakasarudza.

Isaya 44:24

“Zvanzi naJehovha, mudzikinuri wako, iye akakuumba uri mudumbu: “Ndini Jehovha, akaita zvinhu zvose, iye oga akatatamura matenga, akatambanudza nyika oga,

Isaya 46:3

“Ndinzwei, imi imba yaJakobho, imi mose vakasara veimba yaIsraeri, imi vandakasimudzira kubvira muchiri mudumbu, uye ndikakutakurai kubvira pakuzvarwa kwenyu.

Isaya 49:1

Ndinzwei, imi zviwi; inzwai izvi, imi ndudzi dziri kure; Jehovha akandidana ndisati ndaberekwa; kubva pakuzvarwa kwangu akataura zita rangu.

Isaya 49:5

Zvino Jehovha anoti, iye akandiumba ndiri muchizvaro kuti ndive muranda wake, kuti ndidzorere Jakobho kwaari uye kuti Israeri vaunganidzwezve kwaari, nokuti ndinokudzwa pamberi paJehovha, uye Mwari wangu ndiye anga ari simba rangu,

Isaya 49:15-16

“Ko, mai vangakanganwa mucheche anonwa ari pachipfuva chavo, uye vangasanzwira tsitsi mwana wavakazvara here? Kunyange hazvo ivo vakakanganwa, ini handizokukanganwi! Tarira, ndakakunyora pazvanza zvamaoko angu; madziro ako anogara ari mberi kwangu.

Isaya 66:9

Ndingasvitsa panguva yokubereka ndikasaberekesa here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, ndinozarira chizvaro pandinoberekesa here?” ndizvo zvinotaura Mwari wenyu.

Jeremia 1:4-5

Shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti, “Ndisati ndakuumba mudumbu ramai vako, ndakakuziva iwe, usati waberekwa, ndakakutsaura; ndakakugadza somuprofita kumarudzi.”

Jeremia 2:34-35

Panguo dzako vanhu vanowanapo ropa ravarombo vasina mhaka, kunyange usina kuvabata vachipaza. Asi kunyange zvakadaro unoti, ‘Handina mhosva; uye haana kunditsamwira.’ Asi ndichatema mutongo wangu pauri nokuti unoti, ‘Handina kutadza.’

Jeremia 7:31

Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzeTofeti muMupata waBheni Hinomi kuti vapise vanakomana navasikana vavo mumoto, chinhu chandisina kuvarayira, chisina kumbopinda mupfungwa dzangu.

Jeremia 19:4-7

Nokuti vakandisiya vakaita nzvimbo ino kuti ive yamwari wavatorwa; vakapisira zvibayiro mairi kuna vamwari vavasina kuziva ivo kana madzibaba avo kana madzimambo eJudha, uye vakazadza nzvimbo ino neropa ravasina mhosva. Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzaBhaari kuti vapise vanakomana vavo mumoto sezvipiriso kuna Bhaari, chinhu chandisina kuvarayira kana kureva, uye hachina kumbopinda mupfungwa dzangu. Saka chenjerai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, apo vanhu vasingazotumidzi nzvimbo ino kuti Tofeti kana kuti Mupata waBheni Hinomi, asi kuti Mupata Wokuuraya. “ ‘Ndichaparadza urongwa hwaJudha neJerusarema munzvimbo ino. Ndichavawisira pasi nomunondo pamberi pavavengi vavo, pamaoko avanotsvaka kuvauraya, uye ndichapa zvitunha zvavo sezvokudya kushiri dzedenga nezvikara zvenyika.

Jeremia 20:17

Nokuti haana kundiuraya ndiri mudumbu, mai vangu vangadai vari guva rangu, vairamba vane mimba.

Jeremia 22:17

“Asi meso enyu nemwoyo yenyu zvakangotarisa chete papfuma isakarurama, pakuteura ropa risina mhosva napakumanikidza nokuita nechisimba.”

Jeremia 31:15

Zvanzi naJehovha: “Inzwi rinonzwikwa muRama, rokuungudza nokuchema kukuru, Rakeri achichema vana vake uye achiramba kunyaradzwa, nokuti vana vake havachipo.”

Jeremia 32:35

Vakavakira Bhaari nzvimbo dzakakwirira muMupata weBheni Hinomi kuti vabayire vanakomana navanasikana vavo kuna Moreki, kunyange ndisina kuvarayira, kana kuzviisa mupfungwa dzangu, kuti vaite chinhu chinonyangadza zvakadai, nokudaro vagoita kuti Judha itadze.

Ezekieri 16:20-23

“ ‘Uye wakatora vanakomana navanasikana vawakaberekera ini ukavabayira sezvokudya kuzvifananidzo. Ko, ufeve hwako hwakanga husina kuringana here? Wakauraya vana vangu ukavabayira kuzvifananidzo. Mumabasa ako ose anonyangadza hauna kurangarira mazuva ouduku hwako, pawakanga usina kupfeka usina chinhu, uchikava-kava uri muropa rako. “ ‘Nhamo! Une nhamo iwe, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Pamusoro pokumwe kuipa kwako kwose,

Ezekieri 16:36-38

Zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwokuti wakadurura pfuma yako nokufukura kusasimira kwako mukupata kwako navadiwa vako, uye nokuda kwezvifananidzo zvako zvose zvinonyangadza, uye nokuda kwokuti wakavapa ropa ravana vako, Naizvozvo ndichaunganidza vadiwa vako vose, vawaifara navo, vaya vawaida navaya vawaivenga. Ndichavaunganidza kubva kwose kwose kuti vakurwise uye ndichakufukura pamberi pavo uye vachaona kusasimira kwako kwose. Ndichakutonga nomutongo wavakadzi vanoita ufeve navanoteura ropa; ndichauyisa pamusoro pako ropa rokutsiva kwehasha dzangu negodo rokutsamwa kwangu.

Ezekieri 18:4

Nokuti mweya mupenyu mumwe nomumwe ndowangu, baba pamwe chete nomwanakomana vose saizvozvo ndevangu. Mweya unotadza ndiwo uchafa.

Ezekieri 20:31

Pamunopa zvipo zvenyu, zvibayiro zvavanakomana venyu mumoto, munoramba muchizvisvibisa nezvifananidzo zvenyu kusvikira nhasi. Ini ndingatenda kubvunzwa nemi here imi imba yaIsraeri? Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handizombokutenderei kuti mundibvunze.

Ezekieri 23:37-39

nokuti vakaita ufeve uye ropa riri mumaoko avo. Vakaita ufeve nezvifananidzo zvavo; vakasvika pakubayira vana vavo, vavakandiberekera ini, kuti zvive zvokudya zvavo. Vakaitawo izvi kwandiri: Panguva imwe cheteyo vakasvibisa nzvimbo yangu tsvene vakasvibisa maSabata angu. Pazuva ravakabayira vana vavo, kuzvifananidzo zvavo, vakapinda munzvimbo yangu tsvene vakaisvibisa. Ndizvo zvavakaita mumba mangu.

Amosi 1:13

Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaAmoni, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti akatumbura vakadzi vane mimba veGireadhi, kuti awedzere miganhu yake,

Mateo 2:16

Kuzoti Herodhi aziva kuti vachenjeri vaya vainge vamunzvenga, akashatirwa kwazvo, ndokubva arayira kuti vana vechikomana vose vaiva muBheterehema nomunzvimbo yakapoteredza vaiva namakore maviri zvichidzika vaurayiwe, maererano nenguva yaakanga audzwa naVachenjeri.

Mateo 5:21

“Makanzwa zvakataurwa kune vanhu vekare zvichinzi, ‘Usauraya uye ani naani anouraya achatongwa.’

Mateo 10:28

Musatya avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya. Asi ityai uyo anogona kuparadza zvose muviri nomweya mugehena.

Mateo 18:5

“Uye ani naani anogamuchira mwana muduku souyu muzita rangu anogamuchira ini.

Mateo 18:8-11

Kana ruoko rwako kana kuti rutsoka rwako zvichikuita kuti utadze, zvidimure uzvirasire kure. Zviri nani kupinda muupenyu wakaremara kana kuti uchikamhina, pano kupinda mumoto usingadzimi uine maoko maviri namakumbo maviri. Kana ziso rako richikuita kuti utadze ribvise urirasire kure. Zviri nani kuti upinde muupenyu uine ziso rimwe chete pane kunge uine maziso maviri asi ugokandwa mumoto wegehena. “Onai kuti hamuzvidze mumwe wavaduku ava. Ndinokuudzai kuti vatumwa vavo kudenga vanogaroona chiso chaBaba vangu vari kudenga. Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzoponesa chakarasika.

Mateo 18:14

Nenzira imwe cheteyo Baba venyu vari kudenga havafariri kuti mumwe wavaduku ava arasike.

Mateo 19:14

Jesu akati, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti umambo hwokudenga ndohwavakadai.”

Mako 7:21

Nokuti kubva mukati, kubva mumwoyo yavanhu ndimo munobuda mirangariro yakaipa, upombwe, kuba, kuuraya, ufeve,

Mako 10:19

Mirayiro unoiziva here inoti: ‘Usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema, usanyengera, kudza baba vako namai vako.’ ”

Ruka 1:15

nokuti achava mukuru pamberi paShe. Haafaniri kutongonwa waini kana zvinonwiwa zvose zvakaviriswa, uye achazadzwa noMweya Mutsvene kunyange kubva pakuberekwa kwake.

Ruka 1:41-44

Erizabheti akati anzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu make, ipapo Erizabheti akazadzwa noMweya Mutsvene. Akadanidzira nenzwi guru achiti, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, uye akaropafadzwa mwana wauchazvara! Asi ini ndanzwirwawo nyasha seiko, zvokuti mai vaShe wangu vauye kwandiri? Pangosvika inzwi rokukwazisa kwenyu munzeve dzangu mwana ari mudumbu mangu abva akwakuka nomufaro.

Ruka 2:23

sezvazvakanyorwa muMurayiro waShe, kuti “Mwanakomana wose wedangwe anofanira kutsaurirwa Ishe,”

Ruka 18:20

Iwe unoziva mirayiro inoti: ‘Usaita upombwe, usauraya, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.’ ”

Johani 8:43-45

Seiko musinganzwisisi kutaura kwangu? Nokuti hamugoni kunzwa zvandinotaura. Imi muri vababa venyu, dhiabhori, uye munoda kuita kuda kwababa venyu. Akanga ari muurayi kubva pakutanga, haamiri muzvokwadi, nokuti maari hamuna zvokwadi. Kana achireva nhema, ndiwo mutauro wokwake iwoyo, nokuti ndiye murevi wenhema uye Baba vadzo. Asi nokuda kwokuti ndinotaura chokwadi, imi hamutendi kwandiri!

Johani 16:21

Mukadzi anopona mwana anorwadziwa nokuti nguva yake yasvika; asi kana mwana wake azvarwa, anokanganwa kurwadziwa kuya nokuda kwomufaro wokuti mwana azvarwa munyika.

VaRoma 1:28-32

Pamusoro pezvo, sezvavasina kufunga kuti zvakakodzera kuva noruzivo rwaMwari, akavaisa kumurangariro wokurasika, kuti vaite zvisakafanira. Vakazadzwa nokusarurama kworudzi rwose, kuipa, makaro nokurasika. Vakazara negodo, umhondi, nokukakavara, unyengeri nokuvenga. Vane makuhwa, vanochera vamwe, vanovenga Mwari, vanodada, vanozvikudza uye vanozvirumbidza; vanovamba nzira dzokuita zvakaipa; havateereri vabereki vavo; havafungi, havana kutenda, vane mwoyo wakaipa, havana tsitsi. Kunyange zvavo vachiziva mutemo wakarurama waMwari kuti avo vanoita zvakadai vakafanirwa norufu, havarambi vachiita zvinhu izvi bedzi, asi kuti vanotenderanawo navanozviita.

VaRoma 13:8-10

Musava nechikwereti kumunhu, kunze kwechikwereti chorudo mumwe kuno mumwe, nokuti anoda mumwe azadzisa murayiro. Nokuti mirayiro inoti, “Usaita upombwe,” “Usauraya,” “Usaba”, “Usachiva,” uye kana mumwe murayiro upi noupi zvawo ungavako, zvakaunganidzwa pamutemo unoti, “Ida muvakidzani wako sezvaunozvida iwe.” Rudo haruitiri muvakidzani zvakaipa. Naizvozvo rudo runozadzisa murayiro.

1 VaKorinde 6:19

Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yaMweya Mutsvene, ari mamuri, uyo wamakagamuchira kubva kuna Mwari? Hamuzi venyu;

VaGaratia 1:15-16

Asi Mwari akanditsaura kubva pakuzvarwa kwangu uye akandidana nenyasha dzake, paakafadzwa nazvo kuti aratidze Mwanakomana wake mandiri kuti ndimuparidze pakati pavaHedheni, handina kutongobvunza munhu,

1 VaTesaronika 2:7

asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, samai vanochengeta vana vavo vaduku.

Tito 2:4

Uye kuti vadzidzise vakadzi vaduku kuti vade varume vavo navana vavo,

Jakobho 2:26

Sezvo muviri usina mweya wakafa, saizvozvo kutenda kusina mabasa kwakafa.

1 Johani 3:1

Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari! Uye ndizvo zvatiri! Chinoita kuti nyika itadze kutiziva ndechokuti haina kumuziva iye.

1 Johani 3:12

Musaita saKaini, akanga ari wowakaipa uye akaponda mununʼuna wake. Uye akamuurayireiko? Nokuti mabasa ake akanga akaipa uye omununʼuna wake akanga akarurama.

1 Johani 3:15

Ani naani anovenga hama yake imhondi, uye munoziva kuti hakuna mhondi ino upenyu husingaperi mairi.

Zvakazarurwa 6:10

Vakadanidzira nenzwi guru vachiti, “Ishe Tenzi, mutsvene wezvokwadi, mucharega kutonga vanogara panyika nokutsiva ropa redu kusvikira riniko?”

Zvakazarurwa 21:8

Asi vanotya, vasingatendi, navanonyangadza, mhondi, nemhombwe, navanoita zvouroyi, vanonamata zvifananidzo navanoreva nhema, nzvimbo yavo ichava mudziva romoto rinopfuta nesafuri. Urwu ndirwo rufu rwechipiri.”

Shona - Shona - SN

SNCB'17 - Bhaibheri Dzvene Muchishona Chanhasi Contemporary - 2017

This Bible text is from Biblica Open Shona Contemporary Bible 2017
https://open.bible/bibles/shona-biblica-text-bible/
provided by: Biblica Inc, available by Creative Commons CC-BY-SA-4.0,
and this new compilation is shared as www.creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0.
Languages are made available to you by www.ipedge.net