07 – Zuva reKutongwa

Aya ndiwo mashoko matsvene aMwari Wemasimbaose.
Hatina basa nemashoko evanhu.
Chero ani zvake anoda Mwari . . . Izvi ndizvo zvinotaurwa naMwari pamusoro pazvo: Zuva reKutongwa.

Top 3 Mavhesi Anonyanya Kukosha

Zvakazarurwa 20:11-12

Ipapo ndakaona chigaro chikuru chichena naiye akanga agere pachiri. Nyika nedenga zvakatiza pamberi pake, zvikashayirwa nzvimbo. Uye ndakaona vakafa, vakuru navaduku, vamire pamberi pechigaro choushe, uye mabhuku akazarurwa. Rimwe bhuku rakazarurwa, iro bhuku roupenyu. Vakafa vakatongwa maererano nezvavakanga vaita sezvazvakanga zvakanyorwa mumabhuku.

VaHebheru 9:27

Sezvo munhu akatemerwa kufa kamwe chete uye shure kwaizvozvo agotongwa,

Johani 12:48

Pano mutongi achatonga munhu anondiramba uye asingagamuchiri mashoko angu; shoko riya chairo randakataura ndiro richamutonga pazuva rokupedzisira.

Ndima dzese muCanonical Order – 177 ndima

Genesisi 17:1

Abhurama akati ava namakore makumi mapfumbamwe namapfumbamwe okuberekwa, Jehovha akazviratidza kwaari akati, “Ndini Mwari Wamasimba Ose; famba pamberi pangu uye uve wakarurama.

Genesisi 18:25

Zvakadaro ngazvive kure nemi kuti muite chinhu chakadai, kuti muuraye vakarurama pamwe chete navatadzi, muchiitira vakarurama zvakafanana navatadzi. Zvakadaro ngazvive kure nemi! Ko, mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?”

Dhuteronomi 18:13

Unofanira kuva wakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.

2 Samueri 22:24

Ndakanga ndisina chandinopomerwa pamberi pake, uye ndakazvichengeta kuti ndirege kutadza.

1 Makoronike 16:33

Ipapo miti yesango ichaimba, ichaimba nomufaro pamberi paJehovha, nokuti anouya kuzotonga nyika.

1 Makoronike 28:9

“Newewo mwanakomana wangu Soromoni, ziva Mwari wababa vako, uye umushumire nomwoyo wose uye nepfungwa dzako dzose, nokuti Jehovha anonzvera mwoyo uye anonzwisisa chinangwa chipi nechipi chiri mupfungwa. Ukamutsvaga achawanikwa newe, asi kana ukamurasa, iye achakuramba nokusingaperi.

Jobho 19:25-29

Ndinoziva kuti mudzikinuri wangu mupenyu, uye kuti pakupedzisira achamira pamusoro penyika. Uye shure kwokunge ganda rangu raparara, kunyange zvakadaro ndichaona Mwari munyama yangu; ini pachangu ndichamuona nameso angu pachangu, iyeni kwete mumwe. Haiwa, mwoyo wangu unopanga sei mukati mangu! “Kana muchiti, ‘Haiwa tichamutambudza sei, sezvo mudzi wenhamo uri maari,’ munofanira kutya munondo imi pachenyu, nokuti hasha dzichauyisa kurangwa nomunondo, ipapo muchaziva kuti pano kutongwa.”

Jobho 21:30

dzokuti munhu akaipa anodarikwa pazuva renjodzi, kuti anorwirwa pazuva rokutsamwa?

Jobho 31:6

Mwari ngaandiyere pachiyero chakatendeka uye achaziva kuti handina mhosva,

Mapisarema 1:4-6

Vakaipa havana kudaro! Vakafanana nehundi inopepereswa nemhepo. Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongwa, kana vatadzi paungano yavakarurama. Nokuti Jehovha anotarira nzira yavakarurama, asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.

Mapisarema 9:7-8

Jehovha anotonga nokusingaperi; akasimbisa chigaro chake choushe kuti atonge. Achatonga nyika nokururama; achatonga marudzi nokururamisira.

Mapisarema 9:17

Vakaipa vanodzokera kuguva, idzo ndudzi dzose dzinokanganwa Mwari.

Mapisarema 18:23

Ndakanga ndisina chandingapomerwa pamberi pake, uye ndakazvichengeta kuti ndigare kure nechivi.

Mapisarema 37:12-13

Vakaipa vanofungira vakarurama mano akaipa, uye vanovarumanyira meno avo. Asi Ishe anoseka vakaipa nokuti anoziva kuti zuva ravo riri kuuya.

Mapisarema 49:15

Asi Mwari achadzikinura upenyu hwangu kubva muguva, zvirokwazvo achanditora iye. Sera

Mapisarema 56:7-8

Ngavasapunyuka savasina mhaka; koromorerai ndudzi pasi mukutsamwa kwenyu imi Mwari. Nyorai kuchema kwangu; isai misodzi yangu parugwaro rwenyu, ko, hazvina kuiswa muzvinyorwa zvenyu here?

Mapisarema 69:28

Ngavadzimwe mubhuku roupenyu, uye varege kuverengwa pamwe chete navakarurama.

Mapisarema 91:8

Uchangozviona nameso ako chete, uye uchaona kurangwa kwavakaipa.

Mapisarema 96:13

ichaimba pamberi paJehovha, nokuti anouya, anouya kuzotonga nyika. Achatonga nyika nokururama, uye vanhu nechokwadi chake.

Mapisarema 98:9

ngaaimbe pamberi paJehovha, nokuti anouya kuzotonga nyika. Achatonga nyika zvakarurama navanhu nokururamisira.

Mapisarema 139:16

meso enyu akaona muviri usati waumbwa. Mazuva ose andakarongerwa akanga akanyorwa mubhuku renyu, rimwe rawo risati ravapo.

Mapisarema 145:20

Jehovha anochengeta vose vanomuda, asi achaparadza vakaipa vose.

Zvirevo 11:4

Pfuma haibatsiri chinhu pazuva rokutsamwa, asi kururama kunorwira parufu.

Muparidzi 3:17

Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Mwari achatonga vose vakarurama nevakaipa, nokuti pachava nenguva yebasa rimwe nerimwe.”

Muparidzi 7:1

Zita rakanaka rinopfuura mafuta anonhuhwira zvakanaka kwazvo, uye zuva rokufa rinopfuura zuva rokuzvarwa.

Muparidzi 12:13-14

Zvino zvose zvanzwikwa; houno mugumo wenyaya yacho: Itya Mwari uchengete mirayiro yake, nokuti iri ndiro basa rose romunhu. Nokuti Mwari achatonga basa rimwe nerimwe kusanganisira nezvakavanzika zvose, zvakanaka kana zvakaipa.

Isaya 8:22

Ipapo vachatarira pasi vagoona nhamo chete nerima nokusafara kunotyisa, uye vachakandirwa kurima guru.

Isaya 13:11

Ndicharanga nyika nokuda kwokuipa kwayo, navakaipa nokuda kwezvivi zvavo. Ndichagumisa vanozvikudza pakudada kwavo, uye ndichaderedza kuzvikudza kwavasina tsitsi.

Isaya 25:8

iye achamedza rufu nokusingaperi. Wamasimba Ose achapisika misodzi kubva pazviso zvose; achabvisa kunyadziswa kwavanhu vake panyika yose. Jehovha ataura.

Isaya 26:19

Asi vakafa venyu vachararama; miviri yavo ichamuka. Imi mugere muguruva, mukai mupembere. Dova renyu rakaita sedova ramangwanani; nyika ichabudisa vakafa vayo.

Isaya 47:3-4

Kushama kwako kuchava pachena, uye kunyadzwa kwako kuchaonekwa. Ndichatsiva; handizosiyi munhu.” Mudzikinuri wedu, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake; ndiye Mutsvene waIsraeri.

Isaya 61:2

kuti ndiparidze gore rengoni dzaJehovha uye nezuva rokutsiva kwaMwari wedu, kuti ndinyaradze vose vanochema,

Isaya 65:17

“Tarirai, ndichasika matenga matsva nenyika itsva. Zvinhu zvakare hazvichazorangarirwi, kana kuuya mundangariro.

Isaya 66:22-24

“Nokuti sezvakaita matenga matsva nenyika itsva zvandinoita zvichazogara pamberi pangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “saizvozvo zita renyu nezvizvarwa zvenyu zvichagara. Kubva paKugara kwoMwedzi kusvikira kuno mumwe, uye kubva paSabata rimwe kusvikira kune rimwe, marudzi ose achauya kuzokotama pamberi pangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vachabudapo vachindotarira zvitunha zvaavo vaindimukira; honye yavo haizofi, moto wavo haungadzimwi, uye vachasemesa vanhu vose.”

Ezekieri 18:4

Nokuti mweya mupenyu mumwe nomumwe ndowangu, baba pamwe chete nomwanakomana vose saizvozvo ndevangu. Mweya unotadza ndiwo uchafa.

Dhanieri 7:9-10

“Ndichakatarisa, “zvigaro zvoushe zvakagadzikwa, uye Iye Wamazuva Akare akagara pachigaro chake. Nguo dzake dzakanga dzakachena sechando; bvudzi romusoro wake rakanga rakachena sewuru. Chigaro chake chainganduma nomoto, uye mavhiri acho ose aipfuta. Rwizi rwomoto rwaiyerera, ruchibuda pamberi pake. Zviuru nezviuru zvakanga zvichimushandira; zviuru gumi zvakapetwa kanokwana gumi zvakamira pamberi pake. Dare rakagara pasi, mabhuku ndokuzarurwa.

Dhanieri 7:18

Asi vatsvene veWokumusoro-soro vachapiwa umambo uhu uye huchava hwavo nokusingaperi, hongu nokusingaperi-peri.’

Dhanieri 7:21-22

Ndichakatarisa, runyanga urwu rwakanga ruchirwa hondo navatsvene ruchivakunda, kusvikira Iye Wamazuva Akare asvika akaruramisira vatsvene veWokumusoro-soro, uye nguva ikasvika yavakatora umambo.

Dhanieri 7:25-27

Achataura zvinorwisana neWokumusoro-soro achimanikidza vatsvene vake, uye achaedza kushandura nguva dzakatarwa nemirayiro. Vatsvene vachaiswa kwaari kwechinguva, nedzimwe nguva nehafu yenguva. “ ‘Asi dare richagara, uye simba rake richatorwa rigoparadzwa zvachose nokusingaperi. Ipapo simba roumambo, simba noukuru hwoumambo pasi pedenga rose richapiwa kuvatsvene, ivo vanhu veWokumusoro-soro. Umambo hwake huchava hwokusingaperi, vatongi vose vachamunamata uye vachamuteerera.’

Dhanieri 12:1-4

“Panguva iyoyo Mikaeri, muchinda mukuru anodzivirira vanhu vako, achasimuka. Pachava nenguva yenhamo isina kumbovapo kubva pakuvamba kwendudzi kusvikira zvino. Asi panguva iyoyo vanhu vako, ani naani ane zita rakanyorwa mubhuku, acharwirwa. Vazhinji vanovata muguruva renyika vachamuka: vamwe kuupenyu husingaperi, vamwe kukunyadziswa nokuzvidzwa kusingaperi. Avo vakachenjera vachapenya sokupenya kwokudenga, uye vanodzorera vazhinji kukururama, vachapenya senyeredzi nokusingaperi-peri. Asi iwe, Dhanieri, vhara uye uname mashoko orugwaro kusvikira pamazuva okupedzisira. Vazhinji vachaenda kwose kwose kuti vawedzere zivo.”

Dhanieri 12:13

“Asi kana uriwe, enda hako kusvikira kumagumo. Uchazorora, uye ipapo pamagumo amazuva, iwe uchasimuka kuti ugamuchire mugove wenhaka yako.”

Obhadhia 1:15

“Zuva raJehovha rava pedyo kundudzi dzose. Sezvamakaita, ndizvo zvichaitwawo kwamuri; mabasa enyu achadzokera pamisoro yenyu chaiyo.

Mateo 3:7

Asi paakaona vaFarisi navaSadhusi vachiuya kwaaibhabhatidzira akati kwavari, “Imi vana venyoka! Ndiani akakuyambirai kuti mutize kutsamwa kuchauya?

Mateo 3:10

Demo ratoiswa pamidzi yemiti uye muti wose usingabereki zvibereko zvakanaka uchatemwa ugokandwa mumoto.

Mateo 3:12

Rusero rwuri muruoko rwake, uye achanatsa buriro rake, achiunganidza gorosi mudura, uye achizopisa hundi mumoto usingadzimi.”

Mateo 5:29-30

Kana ziso rako rorudyi richikuita kuti utadze, ribvise urirase. Zviri nani kwauri kuti urasikirwe nomumwe mutezo womuviri wako pano kuti muviri wako wose ukandwe mugehena. Uye kana ruoko rwako rworudyi ruchikuita kuti utadze, rucheke ururase. Zviri nani kwauri kuti urasikirwe nomumwe mutezo womuviri wako, pano kuti muviri wako wose uende kugehena.

Mateo 7:2

Nokuti nzira yaunotonga nayo vamwe ndiyo yauchatongwa nayo, uye chiero chaunoshandisa ndicho chichashandiswa kwauri.

Mateo 7:13-14

“Pindai napasuo rakamanikana nokuti suo rakafara nenzira yakapamhama zvinotungamirira kukuparadzwa, uye vazhinji vanopinda naro. Asi suo duku nenzira yakamanikana ndizvo zvinotungamirira kuupenyu, uye vashoma chete, ndivo vanozviwana.

Mateo 7:16-20

Muchavaziva nemichero yavo. Vanhu vanganhonga mazambiringa pamuti weminzwa here, kana maonde parukato? Saizvozvo muti wose wakanaka unobereka michero yakanaka, muti wakaipa unobereka michero yakaipa. Muti wakanaka haungabereki michero yakaipa, nemuti wakaipa haungabereki michero yakanaka. Muti wose usingabereki michero yakanaka unotemwa uye ugokandwa mumoto. Naizvozvo muchavaziva nemichero yavo.

Mateo 7:21-23

“Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe’ vachapinda muushe hwokudenga, asi uyo chete anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. Vazhinji pazuva iro vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, ko, hatina kuprofita muzita renyuwo here, uye muzita renyu tikadzinga madhimoni, tikaita zvishamiso?’ Ipapo ndichavaudza pachena kuti, ‘Handina kutombokuzivai. Ibvai zvenyu pandiri, imi vaiti vezvakaipa!’

Mateo 10:14-15

Kana ani naani zvake akasakugamuchirai, kana kuteerera mashoko enyu, gumai guruva retsoka dzenyu pamunenge mobva pamusha ipapo kana muguta imomo. Ndinokuudzai chokwadi kuti zvichava nani kuSodhomu neGomora pazuva rokutongwa pane zvichaitwa kuguta iroro.

Mateo 10:28

Musatya avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya. Asi ityai uyo anogona kuparadza zvose muviri nomweya mugehena.

Mateo 11:22-24

Asi ndinokuudzai kuti Tire neSidhoni zvicharerukirwa pazuva rokutongwa kupfuura imi. Uye iwe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Kwete, asi uchaiswa pakadzikadzika. Dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muSodhomu, ringadai richiripo nanhasi. Asi ndinokuudza kuti guta reSodhomu richarerukirwa pazuva rokutongwa kupfuura iwe.”

Mateo 12:36-37

Asi ndinokuudzai kuti vanhu vachazvidavirira pamusi wokutongwa pamusoro peshoko rimwe nerimwe ravakataura risina maturo. Nokuti namashoko ako ucharuramisirwa, uye namashoko ako uchawanikwa une mhosva.”

Mateo 13:38-43

Munda ndiyo nyika, uye mbeu yakanaka inomirira vanakomana voumambo. Masawi ndiwo vanakomana vowakaipa, muvengi anoadyara ndiye dhiabhori. Kukohwa ndiko kuguma kwenyika, uye vakohwi ndivo vatumwa. “Sokudzurwa kunoitwa masawi achipiswa mumoto, ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. Mwanakomana woMunhu achatuma vatumwa vake uye vachadzura kubva muumambo hwake zvose zvinokonzera chivi navose vanoita zvakaipa. Vachavakanda muvira romoto umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno. Ipapo vakarurama vachapenya sezuva vari muumambo hwaBaba vavo. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.

Mateo 13:47-50

“Zvakare umambo hwokudenga hwakafanana nousvasvi hwakakandwa mugungwa uye hukabata marudzi ose ehove. Pahwakanga hwazara vabati vehove vakahukwevera kunze kumahombekombe. Ipapo vakagara pasi vakasarudza hove dzakanaka vakadziisa mumidziyo, asi dzakaipa vakadzirasa. Izvi ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. Vatumwa vachauya vagotsaura vakaipa kubva kune vakarurama, uye vagovakanda muvira romoto, kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.”

Mateo 15:19

Nokuti mumwoyo munobuda pfungwa dzakaipa, umhondi, upombwe, unzenza, umbavha, uchapupu hwenhema nokureva nhema pamusoro pavamwe vanhu.

Mateo 16:26-27

Ko, munhu achabatsirwa nei kana akawana nyika yose, asi achirasikirwa noupenyu hwake? Kana kuti munhu acharipeiko kuti adzikinure upenyu hwake? Nokuti Mwanakomana woMunhu achauya ari mukubwinya kwaBaba vake aine vatumwa vake, ipapo achapa mubayiro kuno mumwe nomumwe maererano namabasa ake.

Mateo 18:3

Uye akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musina kushanduka mukava savana vaduku, hamungatongopindi muumambo hwokudenga.

Mateo 22:2-3

“Umambo hwokudenga hwakafanana namambo akagadzirira mwanakomana wake mutambo wesvitsa. Akatuma varanda vake kuna avo vainge vakakokwa kumutambo kuti vachiuya, asi vakaramba kuuya.

Mateo 22:11-13

“Asi mambo akati apinda kuzoona vakanga vakokwa, akaona munhu imomo akanga asina nguo yesvitsa. Akamubvunza akati, ‘Shamwari, wapinda seiko muno usina nguo yesvitsa?’ Munhu uya akashaya chokureva. “Ipapo mambo akaudza varanda vake akati, ‘Musungei maoko namakumbo mumukande panze, murima, umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno.’

Mateo 23:33

“Imi nyoka! Imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutongwa kunokuendesai kugehena?

Mateo 24:13

Asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo, achaponeswa.

Mateo 25:1-12

“Panguva iyoyo umambo hwokudenga huchange hwakafanana navasikana gumi, vakatora mwenje yavo vakabuda kundochingamidza chikomba. Vashanu vavo vakanga vari mapenzi uye vashanu vavo vakanga vakachenjera. Mapenzi vaya vakatora mwenje yavo asi havana kuisa mafuta mairi. Kunyange zvakadaro, vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo pamwe chete nemwenje yavo. Chikomba chakanonoka kusvika, vose vakabatwa nehope ndokuvata. “Pava pakati pousiku vakanzwa mheremhere: ‘Chikomba chauya! Budai mumuchingamidze!’ “Ipapo vasikana vose vakamuka uye vakagadziridza mwenje yavo. Mapenzi akati kuna vakachenjera, ‘Tipeiwo mamwe emafuta enyu; mwenje yedu yava kudzima.’ “Vakapindura vakati, ‘Kwete, zvimwe haangakwaniri isu nemi tose. Asi endai kuna vaya vanotengesa mafuta mugondozvitengera mamwe.’ “Asi vachiri munzira kundotenga mafuta, chikomba chakasvika. Vasikana vakanga vakagadzirira vakapinda naye mumutambo wesvitsa uye musuo ukapfigwa. “Pashure vamwe vaya vakadzokawo. Vakati, ‘Ishe! Ishe! Tizarurireiwo musuo!’ “Asi akavapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi, handikuzivei.’

Mateo 25:21

“Tenzi wake akapindura akati, ‘Waita zvakanaka iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma; ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!’

Mateo 25:31-46

“Mwanakomana woMunhu paanouya nokubwinya kwake, navatumwa vose, achagara pachigaro chake choushe mukubwinya kwokudenga. Ndudzi dzose dzichaunganidzwa pamberi pake, achatsaura vanhu mumwe kubva kuno mumwe somufudzi anotsaura makwai kubva kumbudzi. Achaisa makwai kurudyi rwake, uye mbudzi kuruboshwe rwake. “Ipapo Mambo achati kuna avo vari kurudyi rwake, ‘Uyai imi makaropafadzwa naBaba vangu, mutore nhaka yenyu, umambo hwamakagadzirirwa kubva pakusikwa kwenyika. Nokuti ndakanga ndine nzara mukandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa, ndakanga ndiri mweni mukandipinza mumba, ndakanga ndisina zvokupfeka mukandipfekedza, ndakanga ndichirwara mukandipepa, ndakanga ndiri mutorongo mukandishanyira.’ “Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara tikakupai chokunwa? Takakuonai riniko muri mweni tikakupinzai mumba, kana musina zvokupfeka tikakupfekedzai? Takakuonai riniko muchirwara kana muri mutorongo tikakushanyirai?’ “Mambo achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, chose chamakaitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makachiitira ini.’ “Ipapo achati kune avo vari kuruboshwe rwake, ‘Ibvai kwandiri imi makatukwa mupinde mumoto usingadzimi wakagadzirirwa dhiabhori navatumwa vake. Nokuti ndakanga ndine nzara mukasandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukasandipa chokunwa, ndakanga ndiri mweni mukasandipinza mumba, ndakanga ndisina zvokupfeka mukasandipfekedza, ndakanga ndichirwara uye ndiri mutorongo mukasandishanyira.’ “Naizvozvo vachapindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara kana mune nyota kana muri mweni kana musina zvokupfeka kana muchirwara kana muri mutorongo tikasakubatsirai?’ “Achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, zvose zvamusina kuitira mumwe wavaduku ava, hamuna kuzviitira ini.’ “Ipapo vachaenda mukurangwa kusingaperi, asi vakarurama vachipinda muupenyu husingaperi.”

Mako 3:29

Asi ani naani anomhura Mweya Mutsvene haazomboregererwi; ane mhosva yechivi chisingaperi.”

Mako 6:11

Uye kana pane nzvimbo icharamba kukugamuchirai kana kukuteererai, muzunze guruva retsoka dzenyu pamunenge mobva, chive chapupu pamusoro pavo.”

Mako 7:21-22

Nokuti kubva mukati, kubva mumwoyo yavanhu ndimo munobuda mirangariro yakaipa, upombwe, kuba, kuuraya, ufeve, ruchiva, nouipi, kunyengera, utere, godo, kureva, manyawi noupenzi.

Mako 9:42-48

“Uye kana ani naani akaita kuti mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri atadze, zvingava nani kwaari kuti akandwe mugungwa akasungirirwa guyo guru mumutsipa make. Kana ruoko rwako ruchikuita kuti utadze, rugure. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema pano kuti upinde mugehena namaoko maviri, uko kune moto usingadzimwi, umo musingafi honye dzavo uye moto usingadzimwi. Uye kana rutsoka rwako ruchiita kuti utadze, rugure. Zviri nani kwauri kupinda muupenyu uri chirema pano kupinda mugehena namakumbo maviri, umo musingafi honye dzavo uye moto usingadzimwi. Uye kana ziso rako richiita kuti utadze, ribvise. Zviri nani kwauri kuti upinde muumambo hwaMwari neziso rimwe chete pano kuti uve namaziso maviri uye ugokandwa kugehena, uko “ ‘kusingafi honye dzavo uye moto wacho usingadzimwi.’

Mako 16:16

Ani naani anotenda uye akabhabhatidzwa achaponeswa, asi asingatendi achatongwa.

Ruka 3:17

Rusero rwake rwuri muruoko rwake kuti apepete paburiro rake uye agounganidza gorosi mudura, asi hundi achaipisa nomoto usingadzimwi.”

Ruka 12:2-5

Hakuna chinhu chakavanzika chisingazobudiswi pachena, kana chakavigwa chisingazozivikanwi. Zvamakataura murima zvichanzwika masikati machena, uye zvamakazevezera munzeve mudzimba dzomukati zvichadanidzirwa pamusoro pamatenga edzimba. “Ndinokuudzai, shamwari dzangu, musatya vaya vanouraya muviri mushure mezvo vasingazogoni kuita chimwe chinhu. Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Ityai uyo, anoti mushure mokunge auraya muviri, ane simbawo rokuukanda mugehena. Hongu, ndinoti, mutye iyeye.

Ruka 13:3

Ndinokuudzai kuti kwete! Asi kana musingatendeuki, nemiwo mucharaswa mose.

Ruka 13:23-28

Mumwe akamubvunza akati, “Ishe, vanhu vashoma chete ndivo vachaponeswa here?” Iye akati kwavari, “Rwisai chaizvo kuti mupinde napasuo rakamanikana, nokuti ndinoti vazhinji vachaedza kupinda asi havangagoni. Muridzi wemba akangodzimara asimuka akapfiga mukova, imi muchamira kunze muchigogodza uye muchiteterera, muchiti, ‘Ishe, tizarurireiwo mukova.’ “Asi achapindura achiti, ‘Handikuzivei, kana kwamunobva.’ “Ipapo muchati, ‘Taidya uye tainwa pamwe chete nemi, uye maidzidzisa munzira dzomumisha yedu.’ “Asi iye achati, ‘Handikuzivei, kana kwamunobva. Ibvai kwandiri, imi mose vaiti vezvakaipa!’ “Ipapo pachava nokuchema, nokurumanya kwameno, pamunoona Abhurahama, Isaka naJakobho navaprofita vose vari muumambo hwaMwari, asi imi pachenyu marasirwa kunze.

Ruka 14:13-14

Asi kana ukagadzira mabiko, ukoke varombo, zvirema, vanokamhina, namapofu, ipapo ucharopafadzwa. Kunyange vasina zvavanokupa, iwe ucharipirwa pakumuka kwavakarurama.”

Ruka 23:39-43

Mumwe wembavha dzakanga dzakarembera pamwe chete naye akamutuka achiti, “Ko, ndiwe Kristu here? Zviponese ugoponesa nesuwo!” Asi imwe mbavha yakamutsiura ikati, “Hautyi Mwari here iwe, sezvo uri pakutongwa kumwe cheteko? Isu tiri kutongwa zvakarurama, nokuti tiri kupiwa zvakafanira mabasa edu. Asi munhu uyu haana chakaipa chaakaita.” Ipapo akati, “Jesu, mundirangarirewo pamunenge masvika muumambo hwenyu.” Jesu akamupindura akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri, nhasi uchava neni muparadhiso.”

Johani 3:5

Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angapinda muumambo hwaMwari kana asina kuberekwa nemvura uye noMweya.

Johani 3:16-21

“Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake panyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe kubudikidza naye. Ani naani anotenda kwaari haatongwi, asi ani naani asingatendi atotongwa nokuti haana kutenda muzita roMwanakomana mumwe oga waMwari. Kutongwa ndokuku: Chiedza chakasvika munyika, asi vanhu vakada rima panzvimbo yechiedza nokuti mabasa avo akanga akaipa. Mumwe nomumwe anoita zvakaipa anovenga chiedza, uye haapindi muchiedza nokuti anotya kuti mabasa ake angaiswa pachena. Asi ani naani anorarama muchokwadi anouya muchiedza, kuitira kuti zvaakaita zvionekwe pachena kuti zvakaitwa kubudikidza naMwari.”

Johani 3:36

Ani naani anotenda muMwanakomana ano upenyu husingaperi, asi ani naani anoramba Mwanakomana haangaoni upenyu, nokuti kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.”

Johani 5:24-29

“Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anonzwa shoko rangu uye achitenda uyo akandituma, ano upenyu husingaperi uye haachazotongwi, abva murufu uye aenda kuupenyu. Ndinokuudzai chokwadi kuti, nguva inouya uye yatosvika zvino yokuti vakafa vachanzwa inzwi roMwanakomana waMwari uye avo vanonzwa vachararama. Nokuti sezvo Baba vano upenyu mavari, saizvozvowo vakapa Mwanakomana kuti ave noupenyu maari. Uye vakamupa simba rokuti atonge nokuti ndiye Mwanakomana woMunhu. “Musashamiswa pane izvi, kuti nguva inouya yokuti vose vari mumakuva avo vachanzwa inzwi rake uye vachamuka; vose vakaita zvakanaka vachamuka vachienda kuupenyu, uye avo vakaita zvakaipa vachamuka vachienda kukutongwa.

Johani 6:40

Nokuti kuda kwaBaba vangu ndiko kuti ani naani anotarira kuMwanakomana agotenda kwaari achava noupenyu husingaperi, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.”

Johani 6:44

Hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge Baba vakandituma vamukweva, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.

Johani 6:47

Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo anotenda ndiye ano upenyu husingaperi.

Johani 6:54

Ani naani anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anogara mandiri, uye ini maari.

Johani 8:21

Jesu akatizve kwavari, “Ndiri kuenda, uye imi muchanditsvaka, uye muchafira muzvivi zvenyu. Kwandinoenda, imi hamungauyiko.”

Johani 11:24-25

Marita akati, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka kwezuva rokupedzisira.” Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa;

Johani 12:31

Zvino ndiyo nguva yokutongwa kwenyika ino; zvino muchinda wenyika ino achadzingwa.

Johani 12:48

Pano mutongi achatonga munhu anondiramba uye asingagamuchiri mashoko angu; shoko riya chairo randakataura ndiro richamutonga pazuva rokupedzisira.

Johani 15:6

Kana munhu asingagari mandiri, akaita sedavi rakarasirwa kure rikaoma; matavi akadaro anotorwa, okandwa mumoto agopiswa.

Mabasa 10:42

Akatirayira kuti tiparidze kuvanhu uye tipupure kuti ndiye akagadzwa naMwari kuti ave mutongi wavapenyu navakafa.

Mabasa 17:30-32

Mwari akarega hake kurangarira nguva dzakare dzokusaziva kwakadai, asi zvino anorayira vanhu vose kwose kwose kuti vatendeuke. Nokuti akatara zuva raachatonga nyika nokururamisira nomurume waakagadza. Akaratidza izvi kuvanhu vose nokumumutsa kubva kuvakafa.” Vakati vanzwa nezvokumuka kwavakafa, vamwe vakaseka, asi vamwe vakati, “Tinoda kuzokunzwazve pamusoro peshoko iri.”

Mabasa 24:15-16

uye ndine tariro imwe cheteyo muna Mwari savarume ava, kuti kuchava nokumuka kwavakafa vose zvavo vakarurama navakaipa. Saka ndinoshingairira nguva dzose kuti hana yangu ive yakachena pamberi paMwari navanhu.

VaRoma 1:28-32

Pamusoro pezvo, sezvavasina kufunga kuti zvakakodzera kuva noruzivo rwaMwari, akavaisa kumurangariro wokurasika, kuti vaite zvisakafanira. Vakazadzwa nokusarurama kworudzi rwose, kuipa, makaro nokurasika. Vakazara negodo, umhondi, nokukakavara, unyengeri nokuvenga. Vane makuhwa, vanochera vamwe, vanovenga Mwari, vanodada, vanozvikudza uye vanozvirumbidza; vanovamba nzira dzokuita zvakaipa; havateereri vabereki vavo; havafungi, havana kutenda, vane mwoyo wakaipa, havana tsitsi. Kunyange zvavo vachiziva mutemo wakarurama waMwari kuti avo vanoita zvakadai vakafanirwa norufu, havarambi vachiita zvinhu izvi bedzi, asi kuti vanotenderanawo navanozviita.

VaRoma 2:1-11

Naizvozvo, iwe unotonga mumwe munhu hauna pembedzo, nokuti pachinhu chipi nechipi chaunotonga mumwe nacho, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe unotonga, unoita zvinhu zvimwe chetezvo. Zvino tinoziva kuti kutonga kwaMwari ndokwezvokwadi kuna vanoita zvinhu zvakadai. Saka kana iwe munhuwo zvake uchitonga vamwe asi uchiita zvinhu zvimwe chetezvo, unofunga kuti ungapunyuka kutonga kwaMwari here? Kana kuti unozvidza pfuma younyoro hwake, mwoyo munyoro wake, nomwoyo murefu wake, usingazivi kuti unyoro hwaMwari hunokuisa pakutendeuka? Asi nokuda kwoukukutu hwako uye nomwoyo wako usingadi kutendeuka, uri kuzviunganidzira kutsamwa pazuva rokutsamwa kwaMwari, pacharatidzwa kutonga kwake kwakarurama. Mwari “achapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.” Kuna avo vakatsungirira kuita zvakanaka vachitsvaka kubwinya nokukudzwa uye nokusafa, achavapa upenyu husingaperi. Asi kuna avo vanotsvaka zvavo uye vanoramba chokwadi uye vachitevera zvakaipa, kuchavapo kutsamwa nehasha. Kuchavapo kutambudzika nokudzungaira kumunhu mumwe nomumwe anoita zvakaipa: kutanga kumuJudha, tevere weDzimwe Ndudzi; asi kubwinya, nokukudzwa uye norugare kuna vose vanoita zvakanaka: kutanga kumuJudha tevere weDzimwe Ndudzi. Nokuti Mwari haasi mutsauri wavanhu.

VaRoma 2:12-16

Vose vakatadza vasina murayiro vachaparadzwawo vasina murayiro, uye vose vakatadza vano murayiro vachatongwa nomurayiro. Nokuti havasi vaya vanonzwa murayiro vakarurama pamberi paMwari, asi vaya vanoita murayiro ndivo vachanzi vakarurama. Zvirokwazvo, kana veDzimwe Ndudzi, vasina murayiro vachiita sokuberekwa kwavo zvinhu zvinodiwa nomurayiro, wava murayiro wavo pachavo kunyange zvazvo vasina murayiro. Sezvo vachiratidza kuti zvinodiwa nomurayiro zvakanyorwa pamwoyo yavo, hana dzavo dzichipupuriranawo nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza. Izvi zvichaitika pazuva iroro, Mwari raachazotonga zvakavanzika zvavanhu kubudikidza naJesu Kristu, sezvinoreva vhangeri rangu.

VaRoma 3:19

Zvino tinoziva kuti zvose zvinorehwa nomurayiro, unozvitaura kuna avo vari pasi pomurayiro, kuitira kuti miromo yose ishayiswe chokutaura uye kuti nyika yose ive nemhosva pamberi paMwari.

VaRoma 4:24-25

asi kwatiriwo, kuna avo vachanzi naMwari vakarurama, kunesu vanotenda kwaari iye akamutsa Jesu Ishe wedu kubva kuvakafa. Akaiswa kurufu nokuda kwezvivi zvedu uye akamutswa kuvapenyu nokuda kwokururamisirwa kwedu.

VaRoma 6:4-5

Naizvozvo takavigwa naye kubudikidza nokubhabhatidzwa murufu kuitira kuti, sokumutswa kwakaitwa Kristu kubva kuvakafa nokubwinya kwaBaba, nesuwo tirarame upenyu hutsva. Nokuti kana takabatanidzwa naye zvakadai murufu rwake, zvirokwazvo tichabatanawo naye mukumuka kwake.

VaRoma 6:22-23

Asi zvino makasunungurwa kubva kuchivi uye mava varanda vaMwari, zvibereko zvamunokohwa zvinoisa kuutsvene, uye kuguma kwazvo ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu. Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu.

VaRoma 8:1-2

Naizvozvo zvino, hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu, nokuti kubudikidza naKristu Jesu murayiro woMweya woupenyu wakandisunungura kubva pamurayiro wechivi norufu.

VaRoma 12:19

Musatsiva, vadikani vangu, asi siyirai kutsamwa kwaMwari mukana, nokuti kwanyorwa kuchinzi, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” ndizvo zvinotaura Ishe.

VaRoma 14:10-12

Naizvozvo, iwe, unopireiko hama yako mhosva? Kana newewo unozvidzireiko hama yako? Nokuti tose tichamira pamberi pechigaro chokutonga chaMwari. “Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Zvirokwazo noupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaura Ishe, ‘ibvi rimwe nerimwe richapfugama pamberi pangu; rurimi rumwe norumwe ruchareurura kuna Mwari.’ ” Saka, naizvozvo mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.

1 VaKorinde 1:8

Achakusimbisai kusvikira kumagumo, kuti murege kuva nechamungapomerwa pazuva raIshe wedu Jesu Kristu.

1 VaKorinde 3:11-15

Nokuti hakuna mumwe angaronga dzimwe nheyo kunze kwaiyo yakarongwa kare, inova ndiyo Jesu Kristu. Zvino kana munhu achivaka panheyo iyi achishandisa goridhe, kana sirivha kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga, basa rake richaonekwa kuti rakaitwa nei, nokuti Zuva iro richazvibudisa pachena. Richaratidzwa nomoto, uye moto uchaedza basa romumwe nomumwe. Kana zvaakavaka zvikagara, iye achagamuchira mubayiro wake. Kana zvikapiswa, iye acharasikirwa: asi iye pachake achaponeswa: asi souya abuda mumoto.

1 VaKorinde 4:5

Naizvozvo, regai kutonga chinhu nguva isati yasvika; chimbomirai kusvikira Ishe auya. Achaisa pachena zvakavanzwa murima uye acharatidza mifungo yemwoyo yavanhu. Panguva iyoyo mumwe nomumwe acharumbidzwa naMwari.

1 VaKorinde 6:9-11

Ko, hamuzivi here kuti vasakarurama havagari nhaka youmambo hwaMwari? Musanyengerwa: Nokuti mhombwe kana vanonamata zvifananidzo, kana zvifeve, kana varume vanoita zvoufeve, kana varume vanodanana navamwe varume, kana mbavha, kana vana madyo, kana zvidhakwa, kana vanochera vamwe, kana makororo, havangagari nhaka youmambo hwaMwari. Uye izvozvo ndizvo zvakanga zvakaita vamwe venyu. Asi makashambidzwa, mukaitwa vatsvene, mukaruramisirwa muzita raIshe Jesu Kristu, uye noMweya waMwari.

1 VaKorinde 11:31

Asi kana tikazviedza pachedu, hatingazotongwi.

1 VaKorinde 15:20-28

Asi, zvirokwazvo Kristu akamutswa kubva kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavete. Nokuti sezvo rufu rwakauya kubudikidza nomunhu mumwe, kumuka kuvakafa kwakauyawo kubudikidza nomunhu mumwe. Nokuti, sokufa kwakaita vanhu vose muna Adhamu, naizvozvowo muna Kristu vose vachaitwa vapenyu. Asi mumwe nomumwe padzoro rake: Kristu chibereko chokutanga; ipapo paanouya, tevere vose vanova vake. Ipapo magumo achasvika, panguva yaachazopa umambo kuna Mwari Baba mushure mokunge aparadza ushe hwose, ukuru hwose nesimba rose. Nokuti anofanira kubata ushe kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. Muvengi wokupedzisira achaparadzwa ndirwo rufu. Nokuti akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti “zvinhu zvose” zvakaiswa pasi petsoka dzake, zviri pachena kuti izvi hazvisanganisiri Mwari pachake, iye akaisa zvinhu zvose pasi paKristu. Kana achinge aita izvi, ipapo Mwanakomanawo pachake achaiswa pasi paiye akaisa zvinhu zvose pasi pake kuti Mwari agova zvose mune zvose.

1 VaKorinde 15:42-49

Ndizvo zvazvichazova pakumuka kwavakafa. Muviri unodyarwa uri unoparara, unomutswa usisaparari; unodyarwa pakuzvidzwa, unomutswa mukubwinya; unodyarwa muutera, unomutswa musimba; unodyarwa uri muviri wenyama, unomutswa uri muviri womweya. Kana kune muviri wenyama, kune muviri womweyawo. Naizvozvo kwakanyorwa kuchinzi: “Munhu wokutanga, Adhamu, akava munhu mupenyu;” Adhamu wokupedzisira akava mweya unopa upenyu. Mweya hauna kuuya pakutanga, asi nyama, uye mushure mezvo mweya. Munhu wokutanga akanga ari guruva renyika, munhu wechipiri akanga achibva kudenga. Sezvakanga zvakaita munhu wapanyika, ndizvowo zvakaita vaya vari venyika; uyewo sezvakaita munhu akabva kudenga, ndizvo zvakaitawo vaya vari vokudenga. Uye sezvatakanga tine mufananidzo womunhu wapanyika, saizvozvowo tichava nomufananidzo womunhu akabva kudenga.

1 VaKorinde 15:50-54

Zvino, hama, ndinoti kwamuri nyama neropa hazvingagari nhaka youmambo hwaMwari, uye zvinoparara hazvingagari nhaka yezvisingaparari. Teererai, ndinokutaurirai chakavanzika: Hatingafi tose, asi tose tichashandurwa, pakarepo, sokubwaira kweziso, pahwamanda yokupedzisira. Nokuti hwamanda icharira, vakafa vachamutswa mukusaparara, uye tichashandurwa. Nokuti chinoparara chinofanira kufuka kusaparara, uye chinofa chinofanira kufuka kusafa. Kana chinoparara chikafuka kusaparara, uye chinofa chikafuka kusafa, ipapo tsumo yakanyorwa ichazadziswa yokuti: “Rufu rwakamedzwa nokukunda.”

2 VaKorinde 5:10-11

Nokuti tose tinofanira kumira pamberi pechigaro chokutonga chaKristu, kuti mumwe nomumwe apiwe zvakamufanira pazvinhu zvaakaita nomuviri wake, zvingava zvakanaka kana zvakaipa. Zvino, sezvo tichiziva kuti kutya Ishe chii, tinoedza kugombedzera vanhu. Zvatiri zviri pachena kuna Mwari, uye ndinovimbawo kuti zviri pachena kuhana dzenyu.

2 VaKorinde 12:20-21

Nokuti ndinotya kuti pandichauya kwamuri handingakuwanei muri zvandinoda kuti muve, uye mungandiwana ndisiri zvamunonditarisira kuti ndive. Ndinotya kuti kana ndauya kwamuri zvimwe ndingawana pakati penyu paine gakava, godo, kutsamwa kukuru, kupesana, kucherana, makuhwa, manyawi nenyonganiso. Ndinotya kuti kana ndauya kwamuri zvakare, Mwari wangu achandininipisa pamberi penyu, uye ndicharwadziwa nokuda kwavazhinji vakaita zvivi kare uye vasina kutendeuka kubva pakusachena kwavo, chivi choupombwe noutera hwavakaita.

VaGaratia 5:19-21

Mabasa enyama ndiwo aya: upombwe, tsvina, utere; kunamata zvifananidzo, uroyi, ruvengo, gakava, godo, kutsamwa, kuzvikudza, kuparadzana, dzidziso dzakatsauka nokugodorana; kudhakwa, kutamba kwakaipa, nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai, sezvandakamboita kare kuti avo vana mararamiro iwaya havangagari nhaka youmambo hwaMwari.

VaGaratia 6:7-8

Musanyengerwa: Mwari haasekwi. Munhu anokohwa zvaanodyara. Anodyarira nyama yake, achakohwa kuparadzwa kunobva panyama iyoyo; uyo anodyarira mweya, achakohwa upenyu husingaperi hunobva paMweya iwoyo.

VaEfeso 1:7

Iye watine dzikunuro maari kubudikidza neropa rake, iko kuregererwa kwezvivi, zviri maererano nokupfuma kwenyasha dzaMwari

VaEfeso 5:3-6

Asi pakati penyu hapafaniri kutaurwa kunyange zvoupombwe, kana tsvina yemhando ipi zvayo, kana kukara, nokuti izvi hazvina kunaka kuvanhu vatsvene vaMwari. Uye hapafaniri kuva nokufunga kusina maturo, kutaura kwoupenzi kana kunemera, izvo zvisina kufanira, asi zviri nani kuvonga. Nokuti naizvozvi munogona kuva nechokwadi kuti: Hakuna mhombwe, kana munhu ane tsvina kana ane nhafu, munhu akadaro ndiye anonamata zvifananidzo, anowana nhaka muumambo hwaKristu nohwaMwari. Ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko asina maturo, nokuti nokuda kwezvinhu zvakadaro, kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro peavo vasingateereri.

VaFiripi 3:10-11

Ndinoda kuziva Kristu nesimba rokumuka kwake uye nokuwadzana kwokugovana naye mumatambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake, uye kuti, zvimwe, ndiwane kumuka kubva kuvakafa.

VaFiripi 3:20-21

Asi nyika yedu iri kudenga. Uye tinomirira Muponesi anobva ikoko, iye Ishe Jesu Kristu, uyo ane simba rinomugonesa kuti auyise zvinhu zvose pasi pesimba rake, achavandudza miviri yedu yakazvidzika kuti ifanane nomuviri wake wokubwinya.

VaKorose 1:13-14

Nokuti akatinunura kubva pasimba rerima akatiuyisa kuumambo hwoMwanakomana waanoda, watine dzikinuro maari, iko kuregererwa kwezvivi.

VaKorose 1:22-23

Asi zvino akakuyananisai nomuviri waKristu kubudikidza norufu kuti akuisei pamberi pake muri vatsvene, vasina chavanopomerwa uye makasunungurwa kubva pakupomerwa kana muchirambira mukutenda kwenyu, makasimbiswa uye makasimba, musingazungunuswi kubva patariro iri muvhangeri. Ndiro vhangeri ramakanzwa uye rakaparidzirwa kuzvisikwa zvose pasi pedenga, uye iro ini, Pauro, ndakaitwa muranda nokuda kwaro.

VaKorose 3:5-9

Naizvozvo, urayai zvose zvenyu zvenyika zvinoti: upombwe, netsvina, nokusachena, nokuchiva, nokuda zvakaipa uye kukara, ndiko kunamata zvifananidzo. Nokuda kwaizvozvi, kutsamwa kwaMwari kuri kuuya. Imi maimbofamba mazviri, muupenyu hwamaimborarama. Asi zvino munofanira kuzvidzora pane zvose zvakadai sezvizvi zvinoti: kutsamwa, hasha, ruvengo, makuhwa, nokutaura zvakaora zvichibva pamiromo yenyu. Musareverana nhema, sezvo makabvisa munhu wenyu wekare namabasa ake

VaKorose 3:25

Ani naani anoita zvakaipa achatsiviwa nokuda kwezvakaipa zvake, uye hapana kutsaura vanhu.

1 VaTesaronika 3:13

Ngaasimbise mwoyo yenyu kuitira kuti mushayiwe chamunopomerwa uye muve vatsvene pamberi paMwari wedu naBaba vedu, pakuuya kwaIshe wedu Jesu navatsvene vake vose.

1 VaTesaronika 5:23

Mwari pachake, iye Mwari worugare, ngaakuitei vatsvene kwazvo kwazvo. Mweya wenyu wose, nomwoyo uye nomuviri zvichengetwe zvisina mhosva pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu.

2 VaTesaronika 1:5-10

Zvose izvi ndizvo zvinoratidza kuti kutonga kwaMwari kwakarurama, uye nokuda kwaizvozvi muchanzi makafanirwa noumambo hwaMwari, ihwo hwamunotamburira. Mwari anoruramisira: Achatsiva nokutambudza avo vanokutambudzai, uye agozorodza imi vari kutambudzika, uye nesuwo. Izvi zvichaitika Ishe Jesu paacharatidzwa kubva kudenga mumurazvo womoto unopfuta ane vatumwa vake vane simba. Acharanga vaya vasingazivi Mwari uye vasingateereri vhangeri raIshe wedu Jesu. Vacharangwa nokuparadzwa kusingaperi, uye vachapfigirwa kunze pamberi paIshe, uye napaukuru hwesimba rake, pazuva raanouya kuzokudzwa muvanhu vake vatsvene uye sechishamiso pakati paavo vose vakatenda. Izvi zvinosanganisira imi, nokuti makatenda uchapupu hwedu kwamuri.

1 Timoti 1:8-11

Tinoziva kuti murayiro wakanaka kana munhu achiushandisa zvakanaka. Tinozivawo kuti murayiro hauna kuitirwa vakarurama asi vanodarika murayiro navanomukira, vasina umwari navatadzi, vasiri vatsvene navasina chinamato; vaya vanouraya vanababa vavo kana vanamai vavo, vanouraya vanhu, mhombwe navanopomba navamwe varume, navanotengesa vanhu kuti vave varanda, varevi venhema, navanopika nhema, uye kana chimwe chipi zvacho chinopesana nedzidziso yechokwadi inosimbisa vhangeri rokubwinya, raMwari akaropafadzwa, iro raakapa kwandiri.

1 Timoti 5:7

Rayirawo vanhu zvinhu izvi, kuitira kuti kurege kuva nomunhu angapomerwa.

1 Timoti 6:7

Nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, uye hatigoniwo kubuda nechinhu kubva mairi.

1 Timoti 6:14

kuti uchengete murayiro uyu, usina chinongo kana chaungapomerwa kusvikira pakuonekwa kwaIshe wedu Jesu Kristu,

2 Timoti 2:11-12

Herino shoko rechokwadi: Kana takafa pamwe chete naye, tichararamawo pamwe chete naye; kana tikatsungirira, tichabata ushe pamwe chete naye. Kana tikamuramba, iye achatirambawo;

2 Timoti 4:1

Ndinokurayira pamberi paMwari naKristu Jesu, achatonga vapenyu navakafa uye pamusoro pokuonekwa kwake noushe hwake kuti:

2 Timoti 4:6-8

Nokuti ini ndava kutodururwa sechipiriso chinonwiwa, uye nguva yangu yokuenda yasvika. Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza nhangemutange yangu, ndachengeta kutenda kwangu. Zvino ndakachengeterwa korona yangu yokururama, yandichapiwa, naIshe, mutongi akarurama pazuva iro, uye kwete ini ndoga, asiwo nokuna vose vanoshuva kuonekwa kwake.

VaHebheru 2:1-3

Saka tinofanira kuteerera zvikuru, izvo zvatakanzwa, kuitira kuti tirege kutsauka. Nokuti kana shoko rakataurwa navatumwa rakanga rakasimba, uye kana kudarika nokusateerera kwose kwakapiwa chirango chakafanira, ko, isu tichapunyuka sei kana tisina hanya noruponeso rwakakura zvakadai? Ruponeso urwu rwakatanga kuziviswa naIshe, rwakasimbiswa kwatiri naavo vakamunzwa.

VaHebheru 9:27

Sezvo munhu akatemerwa kufa kamwe chete uye shure kwaizvozvo agotongwa,

VaHebheru 10:7

Ipapo ini ndakati, ‘Ndiri pano, mubhuku rakapetwa makanyorwa nezvangu, ndauya kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.’ ”

VaHebheru 10:24-27

Uye ngatirangarirei kuti tingakurudzirana sei kuti tive norudo namabasa akanaka. Tisarega kuungana sezvinoita vamwe, asi tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva roswedera. Nokuti kana tikaramba tichitadza tichida, kana takambogamuchira ruzivo rwechokwadi, hakuchisinazve chimwe chibayiro chezvivi, asi kungomirira tichitya kutongwa nokutsamwa kunopfuta somoto, kuchapedza vavengi vaMwari.

VaHebheru 10:30-31

Nokuti tinomuziva iye akati, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” uyezve, “Ishe achatonga vanhu vake.” Chinhu chinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.

VaHebheru 12:22-23

Asi mauya kuGomo reZioni, kuJerusarema rokudenga, guta raMwari mupenyu. Mauya kuzviuru nezviuru zvavatumwa vari paungano yomufaro, kukereke yamatangwe, vane mazita akanyorwa kudenga. Mauya kuna Mwari, mutongi wavanhu vose, kumweya yavanhu vakarurama vakakwaniswa,

VaHebheru 13:4

Kuwanana ngakukudzwe navose, uye nhoo yewanano ngairege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga mhombwe navose vanofeva.

1 Petro 4:3

Nokuti nguva yakapfuura yakaringana kare yamakapedza muchiita kuda kwavahedheni yamairarama muutere, kuchiva, kudhakwa, kutamba kwakaipa, kuraradza nokunamata zvifananidzo zvinonyangadza.

1 Petro 4:5-7

Asi vachazvidavirira kuna iye akazvigadzirira kutonga vapenyu navakafa. Nokuti nokuda kwaizvozvi vhangeri rakaparidzwa kunyange nokuna vakafa, kuitira kuti vagotongwa nomutoo wavanhu nokuda kwenyama, asi vagorarama nomutoo waMwari nokuda kwomweya. Kuguma kwezvinhu zvose kwava pedyo. Naizvozvo ndangariro dzenyu ngadzichene uye muzvidzore kuti mugogona kunyengetera.

1 Petro 4:17

Nokuti inguva yokuti kutonga kutange mumba maMwari; uye kana kuchitanga nesu, zvichazoveiko kuna vaya vasingateereri vhangeri raMwari?

2 Petro 2:4

Nokuti kana Mwari asina kuregerera vatumwa pavakatadza, asi akavatumira kugehena, achivaisa mugomba rerima kuti vachengeterwe kutongwa;

2 Petro 2:9-17

kana zvakadaro, ipapo Ishe anoziva kuti anonunura sei vanhu vake vanotya Mwari kubva pamiedzo uye kuti anobata sei vasakarurama kuti varangwe kusvikira pazuva rokutongwa. Izvozvo zvinoitwa navaya vanotevera kuchiva kwakaora kwomunhu wenyama uye vachizvidza vakuru. Vanhu ava havatyi kutuka zvisikwa zvokudenga, vakashinga uye vanozvikudza; asi kunyange vatumwa, kunyange zvazvo vakasimba kwazvo uye vane simba guru, havauyi pamberi paIshe vachituka nokupomera mhosva zvakadai kuzvisikwa izvi. Asi vanhu ava vanongomhura panyaya dzavasinganzwisisi. Vakaita semhuka dzisina murangariro, zvisikwa zvisingashanduki papfungwa, zvakangoberekerwa kubatwa nokuparadzwa, uye semhuka idzodzo naivowo vachaparara. Vacharipirwa nokurwadziswa nokuda kwezvakaipa zvavakaita. Mukufunga kwavo vanoti kutamba masikati ndizvo zvinofadza. Ivo ndivo makwapa namavara, vanofara mune zvinovagutsa pavanenge vachidya nemi. Vane meso azere upombwe, havatongoregi kutadza; vanonyengera vasina mano; uye inyanzvi pakukara, rudzi rwakatukwa! Vakasiya nzira yakarurama vakatsauka kuti vatevere nzira yaBharamu mwanakomana waBheori, akada mubayiro wokusarurama. Asi akatsiurwa nembongoro nokuda kwokuita kwake zvakaipa, mhuka isina mutauro yakataura nenzwi romunhu uye ikadzivisa kupenga kwomuprofita. Ava vanhu matsime asina mvura uye imhute inosundwa nemhepo. Vakachengeterwa rima guru.

2 Petro 3:7-9

Neshoko rimwe chete irori denga riripo zvino nenyika zvakachengeterwa moto, zvakachengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari. Asi musakanganwa chinhu chimwe chete ichi, vadikani, kuti: Kuna Ishe zuva rimwe chete rakaita sechiuru chamakore, uye chiuru chamakore chakaita sezuva rimwe chete. Ishe haanonoki kuita zvaakavimbisa, sokunonoka kunonzwisiswa navamwe. Ane mwoyo murefu nemi, haadi kuti ani zvake arasike, asi kuti vose vatendeuke.

2 Petro 3:10-13

Asi zuva raIshe richauya sembavha. Matenga achapfuura nokutinhira; zvirimo zvichaparadzwa nomoto, uye nyika nezvose zviri mairi zvichabudiswa pachena. Sezvo zvinhu zvose zvichizoparadzwa nenzira iyi, imi munofanira kuva vanhu vakadini? Munofanira kurarama muutsvene uye nomukutya Mwari, muchitarisira zuva raMwari uye makarindira kusvika kwaro. Zuva iro richauyisa kuparadzwa kwedenga nomoto, uye zvirimo zvichanyauka nokupisa. Asi sezvaakavimbisa, isu tinotarisira denga idzva nenyika itsva, iwo musha wavakarurama.

2 Petro 3:14

Saka zvino, vadikani, sezvo muchitarisira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe musina gwapa, musina chamunopomerwa uye muno rugare naye.

1 Johani 3:1-2

Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari! Uye ndizvo zvatiri! Chinoita kuti nyika itadze kutiziva ndechokuti haina kumuziva iye. Vadikani, zvino tiri vana vaMwari, uye zvatichazova zvichigere kuzivikanwa. Asi tinoziva kuti paachaonekwa, isu tichafanana naye, nokuti tichamuona sezvaari.

1 Johani 3:14-15

Tinoziva kuti takabva murufu tikaenda muupenyu, nokuti tinoda hama dzedu. Ani naani asingadi anogara murufu. Ani naani anovenga hama yake imhondi, uye munoziva kuti hakuna mhondi ino upenyu husingaperi mairi.

1 Johani 4:17

Naizvozvo, rudo runokwaniswa pakati pedu kuitira kuti tigova nokuvimba pazuva rokutongwa, nokuti munyika ino takafanana naye.

1 Johani 5:11-12

Uye uku ndiko kupupura kuti: Mwari akatipa upenyu husingaperi, uye upenyu uhu huri muMwanakomana wake. Uyo ano Mwanakomana ano upenyu; uyo asina Mwanakomana waMwari haana upenyu.

Judha 1:6-7

Uye vatumwa vasina kuchengeta nzvimbo youkuru hwavo asi vakasiya musha wavo, ivava akavachengeta murima, vakasungwa nengetani dzokusingaperi vakamirira kutongwa pazuva guru. Nenzira imwe cheteyo, Sodhomu neGomora uye namaguta akanga akapoteredza akazvipa kuupombwe nokutsauka, akava muenzaniso wavaya vari pakurangwa nomoto usingaperi.

Judha 1:13

Mafungu egungwa anopenga, anopupuma nyadzi dzawo; nyeredzi dzinodzungaira, ivava vakachengeterwa rima guru nokusingaperi.

Judha 1:15

kuti azotonga vanhu vose, uye abate nemhosva vose vasina umwari pamusoro pamabasa ose asina umwari avakaita nenzira isina umwari, uye namashoko okutuka akataurwa navanhu vasina umwari pamusoro pake.”

Judha 1:22-24

Itirai ngoni avo vanokahadzika; bvutai vamwe kubva mumoto mugovaponesa; vamwe muvanzwire ngoni dzakasanganiswa nokutya, muchivenga kunyange nenguo dzakasvibiswa nenyama. Kuna iye anogona kukuchengetai kuti murege kugumburwa uye anokuisai pamberi pokubwinya kwake musina chamunopomerwa, uye nomufaro mukuru,

Zvakazarurwa 1:17-18

Pandakamuona, ndakawira patsoka dzake kunge ndafa. Ipapo akaisa ruoko rwake rworudyi pamusoro pangu akati, “Usatya. Ndini Wokutanga neWokupedzisira. Ndini iye Mupenyu; ndakanga ndafa, uye tarira, ndiri mupenyu nokusingaperi-peri! Uye ndakabata kiyi dzorufu neHadhesi.

Zvakazarurwa 2:7

Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Kuno uyo anokunda, ndichamutendera kuti adye zvinobva pamuti woupenyu, uri muparadhiso yaMwari.

Zvakazarurwa 2:11

Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Anokunda haazokuvadzwi norufu rwechipiri.

Zvakazarurwa 3:5

Anokunda achaita saivo, achashongedzwa nguo chena. Handingazodzimi zita rake kubva mubhuku roupenyu, asi ndichapupura zita rake pamberi paBaba vangu navatumwa vavo.

Zvakazarurwa 3:21

Kuno uyo anokunda, ndichamutendera kuti agare neni pachigaro changu choushe, sezvandakakunda uye ndikagara naBaba vangu pachigaro chavo choushe.

Zvakazarurwa 6:10

Vakadanidzira nenzwi guru vachiti, “Ishe Tenzi, mutsvene wezvokwadi, mucharega kutonga vanogara panyika nokutsiva ropa redu kusvikira riniko?”

Zvakazarurwa 11:15

Mutumwa wechinomwe akaridza hwamanda yake, kudenga kukava namanzwi makuru aiti: “Umambo hwenyika hwava umambo waIshe wedu naKristu wake, uye achatonga nokusingaperi-peri.”

Zvakazarurwa 11:18-19

Ndudzi dzakatsamwa; uye hasha dzenyu dzauya. Nguva yokutonga vakafa yasvika, neyokupa varanda venyu vaprofita mubayiro, uye navatsvene venyu neavo vanotya zita renyu, zvose vaduku navakuru, uye neyokuparadza avo vanoparadza nyika.” Ipapo temberi yaMwari iri kudenga yakazarurwa, uye mukati metemberi yake makaonekwa areka yake yesungano. Uye ipapo kwakava nokupenya kwemheni, muroromero, maungira okutinhira, kudengenyeka nemvura yechimvuramabwe yakawanda.

Zvakazarurwa 14:5

Nhema hadzina kuwanikwa mumiromo yavo; havana chavanopomerwa.

Zvakazarurwa 14:7

Akati nenzwi guru, “Ityai Mwari uye mumupe mbiri, nokuti nguva yokutonga kwake yasvika. Namatai iye akaita matenga, nyika, gungwa namatsime emvura.”

Zvakazarurwa 14:10-11

naiyewo achanwa waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa sezvairi mumukombe wehasha dzaMwari. Achatambudzwa nesafuri inopfuta pamberi pavatumwa vatsvene napamberi peGwayana. Uye utsi hwokutambudzika kwavo hunokwira nokusingaperi-peri. Hapana zororo masikati kana usiku kuna avo vanonamata chikara nechifananidzo chacho, kana kuna ani zvake anogamuchira mucherechedzo wezita racho.”

Zvakazarurwa 16:5-7

Ipapo ndakanzwa mutumwa aichengeta mvura achiti: “Imi makarurama mukutonga uku, imi muripo uye makanga muripo, Mutsvene Oga, nokuti makatonga saizvozvo; nokuti vakateura ropa ravatsvene venyu navaprofita, uye mavapa ropa kuti vanwe sezvavakafanirwa nazvo.” Uye ndakanzwa aritari ichipindura ichiti: “Hongu, Ishe Mwari Wamasimba Ose kutonga kwenyu kwakarurama uye ndokwechokwadi.”

Zvakazarurwa 19:1-3

Shure kwaizvozvi, ndakanzwa inzwi kudenga rakaita sokutinhira wavazhinji zhinji richiti: “Hareruya! Ruponeso nokubwinya nesimba ndezvaMwari wedu, nokuti kutonga kwake ndokwechokwadi uye kunoruramisira. Akatonga chifeve chikuru chakaodza nyika noupombwe hwacho. Akatsiva paari ropa ravaranda vake.” Uyezve vakadanidzira vachiti: “Hareruya! Utsi hunobuda maari hunokwira nokusingaperi-peri.”

Zvakazarurwa 19:9

Ipapo mutumwa akati kwandiri, “Nyora uti: ‘Vakaropafadzwa avo vakakokwa kuchirariro chokuwana cheGwayana!’ ” Uye akatizve, “Aya mashoko echokwadi aMwari.”

Zvakazarurwa 19:11

Ndakaona denga razaruka uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza jena, mutasvi waro anonzi Akatendeka uye Chokwadi. Nokururamisira anotonga uye anorwa hondo.

Zvakazarurwa 20:4-5

Ndakaona zvigaro zvoushe zvakanga zvakagarwa navaya vakanga vapiwa simba rokutonga. Uye ndakaona mweya yavaya vakanga vagurwa misoro nokuda kwokupupura kwavo nezvaJesu uye nokuda kweshoko raMwari. Vakanga vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho uye vakanga vasina kugamuchira mucherechedzo pahuma dzavo kana pamaoko avo. Vakararama vakatonga pamwe chete naJesu kwamakore chiuru. Vamwe vakafa havana kurarama kusvikira makore chiuru apera. Uku ndiko kumuka kwokutanga.

Zvakazarurwa 20:11-15

Ipapo ndakaona chigaro chikuru chichena naiye akanga agere pachiri. Nyika nedenga zvakatiza pamberi pake, zvikashayirwa nzvimbo. Uye ndakaona vakafa, vakuru navaduku, vamire pamberi pechigaro choushe, uye mabhuku akazarurwa. Rimwe bhuku rakazarurwa, iro bhuku roupenyu. Vakafa vakatongwa maererano nezvavakanga vaita sezvazvakanga zvakanyorwa mumabhuku. Gungwa rakabudisa vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri, uye munhu mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata. Ipapo rufu neHadhesi zvakakandwa mudziva romoto. Dziva romoto ndirwo rufu rwechipiri. Kana munhu akawanikwa zita rake risina kunyorwa mubhuku roupenyu, akakandwa mudziva romoto.

Zvakazarurwa 21:1-4

Ipapo ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura, uye pakanga pasisina gungwa. Ndakaona Guta Dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kubva kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongera murume wake zvakaisvonaka. Uye ndakanzwa inzwi guru richibva pachigaro choushe richiti, “Zvino imba yaMwari yava pakati pavanhu, uye achagara navo. Vachava vanhu vake, uye Mwari pachake achava navo uye achava Mwari wavo. Achapukuta misodzi yavo yose pameso avo. Hapachazovazve norufu, kana kuungudza, kana kuchema, kana kurwadziwa, nokuti zvinhu zvokutanga zvapfuura.”

Zvakazarurwa 21:5-8

Akanga agere pachigaro choushe akati, “Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva!” Ipapo akati, “Nyora izvi, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.” Akati kwandiri, “Zvaitwa. Ndini Arifa naOmega, wokutanga newokupedzisira. Kuna iye ane nyota ndichamupa kuti anwe, asingaripi, kubva mutsime remvura youpenyu. Anokunda achapiwa nhaka iyi yose, uye ndichava Mwari wake, uye iye achava mwanakomana wangu. Asi vanotya, vasingatendi, navanonyangadza, mhondi, nemhombwe, navanoita zvouroyi, vanonamata zvifananidzo navanoreva nhema, nzvimbo yavo ichava mudziva romoto rinopfuta nesafuri. Urwu ndirwo rufu rwechipiri.”

Zvakazarurwa 21:27

Hakuna chinhu chine tsvina chichazopinda imomo, uye kana upi zvake anoita zvinonyadzisa kana zvounyengeri, asi avo chete vana mazita akanyorwa mubhuku roupenyu reGwayana.

Zvakazarurwa 22:11-12

Anotadza ngaarambe achitadza, anonyangadza ngaarambe achinyangadza; anoita zvakarurama ngaarambe achiita zvakarurama; uye mutsvene ngaarambe ari mutsvene.” “Tarirai, ndiri kukurumidza kuuya! Mubayiro wangu ndinawo, uye ndichapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.

Shona - Shona - SN

SNCB'17 - Bhaibheri Dzvene Muchishona Chanhasi Contemporary - 2017

This Bible text is from Biblica Open Shona Contemporary Bible 2017
https://open.bible/bibles/shona-biblica-text-bible/
provided by: Biblica Inc, available by Creative Commons CC-BY-SA-4.0,
and this new compilation is shared as www.creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0.
Languages are made available to you by www.ipedge.net