16 – Zvokudya Zvakabayirwa Kuzvifananidzo

Aya ndiwo mashoko matsvene aMwari Wemasimbaose.
Hatina basa nemashoko evanhu.
Chero ani zvake anoda Mwari . . . Izvi ndizvo zvinotaurwa naMwari pamusoro pazvo: Zvokudya Zvakabayirwa Kuzvifananidzo.

Top 3 Mavhesi Anonyanya Kukosha

1 VaKorinde 10:20-22

Kwete, asi zvibayiro zvavahedheni zvinopiwa kumadhimoni kwete kuna Mwari, uye ini handidi kuti mugovane namadhimoni. Hamunganwi mukombe waShe uye nomukombe wamadhimoniwo; hamungavi nomugove patafura yaShe uye napatafura yamadhimoni. Tiri kuedza kumutsa godo raShe here? Takasimba kupfuura iye here?

1 VaKorinde 8:10-13

Nokuti kana mumwe asina simba achikuona iwe uno ruzivo urwu uchidya uri mutemberi yechifananidzo, ko, hana yaiye asina simba haingatsungiswi kuti adye izvo zvakabayirwa kuzvifananidzo here? Naizvozvo, hama iyi isina simba, iyo yakafirwa naKristu ichaparadzwa nokuziva kwako. Kana mukatadzira hama dzenyu zvakadai uye muchikuvadza hana dzavo dzisina simba, munotadzira Kristu. Naizvozvo, kana zvandinodya zvichigumbusa hama yangu handichazodyizve nyama, kuti ndirege kuzomugumbusa.

Zvakazarurwa 2:20

Kunyange zvakadaro, ndine mhosva iyi newe: Uri kutendera mukadzi uya Jezebheri, anozviti muprofitakadzi. Nokudzidzisa kwake anotsausa varanda vangu kuti vaite upombwe uye kuti vadye zvakabayirwa kuzvifananidzo.

Ndima dzese muCanonical Order – 67 ndima

Genesisi 35:2

Saka Jakobho akati kune veimba yake nokuna vose vakanga vanaye, “Bvisai vamwari vavatorwa vamunavo, muzvinatse uye mupfeke dzimwe nguo dzenyu.

Ekisodho 20:3-5

“Usava navamwe vamwari kunze kwangu. Usazviitira mufananidzo wechinhu chipi zvacho chiri kudenga kumusoro kana wechiri panyika pasi kana wechiri mumvura. Usazvipfugamira kana kuzvinamata, nokuti ini Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari ane godo, ndinoranga vana nokuda kwechivi chamadzibaba kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechechina cheavo vanondivenga,

Ekisodho 23:13

“Muchenjerere kuti muite zvose zvandakareva kwamuri. Musareva mazita avamwe vamwari; ngaarege kunzwikwa pamiromo yenyu.

Ekisodho 34:13-16

Putsirai aritari dzavo pasi, pwanyai matombo avo anoyera uye muteme matanda avo aAshera. Musanamata vamwe vamwari vapi zvavo, nokuti Jehovha, iye ane zita rinonzi Godo, ndiye Mwari ane godo. “Uchenjerere kuti urege kuita sungano naavo vanogara munyika; nokuti pavanenge voita ufeve hwavo kuna vamwari vavo uye vakabayira kwavari, vachakukokai uye muchadya zvibayiro zvavo. Uye pamunosarudza vamwe vanasikana vavo kuti vave vakadzi vavanakomana venyu uye vanasikana avo vakaita ufeve navamwari vavo, vachatungamirira vanakomana venyu kuita zvimwe chetezvo.

Revhitiko 19:4

“ ‘Musava nehanya nezvifananidzo kana kuzviitira vamwari vesimbi dzakanyungudutswa. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

Dhuteronomi 5:7-9

“Usava navamwe vamwari kunze kwangu. Usazviitira mufananidzo wechinhu chipi zvacho chiri kudenga kumusoro kana panyika pasi kana pasi mumvura. Usazvipfugamira kana kuzvinamata; nokuti ini, Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari ane godo, ndinoranga vana nokuda kwechivi chamadzibaba kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwaavo vanondivenga,

Dhuteronomi 7:2-5

uye kana Jehovha Mwari wenyu akavaisa mumaoko enyu akavakunda, ipapo munofanira kuvaparadza zvachose. Musaita chibvumirano navo, uye musavanzwira tsitsi. Musaroorerana navo. Musapa vanasikana venyu kuvanakomana vavo kana kutorera vanakomana venyu vanasikana vavo, nokuti vachatsausa vanakomana venyu kubva pakunditevera kuti vashumire vamwe vamwari, uye kutsamwa kwaJehovha kuchapisa pamusoro penyu uye achakuparadzai nokukurumidza. Izvi ndizvo zvamunofanira kuvaitira: Putsai aritari dzavo, pwanyai matombo avo anoera, temai mapango avo aAshera mugopisa zvifananidzo zvavo.

Dhuteronomi 7:25-26

Zvifananidzo zvavamwari vavo munofanira kuzvipisa. Musachiva sirivha kana negoridhe riri pazviri, uye musaritora kuti rive renyu, nokuti ringava musungo kwamuri, nokuti rinonyangadza kuna Jehovha Mwari wenyu. Usauyisa chinhu chinonyangadza mumba mako, kuti iwe, saicho, urege kutsaurirwa kuparadzwa. Chiseme kwazvo ugochivenga, nokuti chinhu chakatsaurirwa kuparadzwa.

Dhuteronomi 8:19-20

Kana mukangokanganwa Jehovha Mwari wenyu muchitevera vamwe vamwari nokuvanamata uye nokuvapfugamira, ndinokupupurirai nhasi kuti zvirokwazvo muchaparadzwa. Imi muchaparadzwa sendudzi dzakaparadzwa naJehovha pamberi penyu, kana mukaramba kuteerera Jehovha Mwari wenyu.

Dhuteronomi 12:32

Munofanira kuita zvose zvandakakurayirai; musawedzera pazviri kana kubvisa kubva pazviri.

Dhuteronomi 32:16-17

Vakamuita kuti ave negodo nokuda kwavamwari vokumwe uye vakamutsamwisa nezviumbwa zvinonyangadza. Vakabayira kumadhimoni, asiri Mwari, vamwari vavakanga vasingazivi, vamwari vatsva vakanga vachangomuka, vamwari vakanga vasingazivikanwi namadzibaba enyu.

1 Samueri 15:22-23

Asi Samueri akapindura akati, “Ko, Jehovha angafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro sezvaanofarira kuteererwa kwenzwi raJehovha here? Kuteerera kunokunda chibayiro, uye kuteerera kunokunda mafuta amakondobwe. Nokuti kumukira kwakafanana nechivi chokuvuka, uye kusindimara kwakafanana nechivi chokunamata zvifananidzo. Nemhaka yokuti wakaramba shoko raJehovha, naiye akuramba kuti usaramba uri mambo.”

2 Madzimambo 10:26-27

Vakabudisa dombo rinoera kunze kwetemberi yaBhaari vakaripisa. Vakaparadza dombo rinoera raBhaari vakaputsa temberi yaBhaari, uye vanhu vakaishandisa sechimbuzi kusvikira nhasi.

1 Makoronike 16:25-26

Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kwazvo kurumbidzwa; anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose. Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo, asi Jehovha akasika matenga.

2 Makoronike 28:23

Akapa zvibayiro kuna vamwari veDhamasiko vakanga vamukunda; nokuti akafunga akati, “Sezvo vamwari vemadzimambo eAramu vakavabatsira ini ndichapa zvibayiro kwavari kuti vangondibatsira.” Asi ndivo vakava kuwa kwake nokweIsraeri yose.

Mapisarema 96:4-5

Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kurumbidzwa, iye anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose. Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo, asi Jehovha akaita matenga.

Mapisarema 115:4-8

Asi zvifananidzo zvavo isirivha negoridhe, zvakaitwa namaoko avanhu. Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura, zvina meso, asi hazvigoni kuona; zvine nzeve, asi hazvigoni kunzwa mhino, asi hazvigoni kunhuhwidza; zvina maoko, asi hazvigoni kubata, tsoka, asi hazvigoni kufamba; uye hazvitauri napahuro pazvo. Vanozviita vachafanana nazvo, navose vanovimba nazvo.

Mapisarema 135:15-18

Zvifananidzo zvendudzi isirivha negoridhe, zvakaitwa namaoko avanhu. Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura, zvina meso, asi hazvigoni kuona; nenzeve, asi hazvigoni kunzwa, uye hamuna kufema mumuromo mazvo. Vaya vanozviita vachafanana nazvo, saizvozvowo, naivo vanovimba nazvo.

Isaya 31:7

Nokuti pazuva iro mumwe nomumwe wenyu acharamba zvifananidzo zvesirivha negoridhe zvakaitwa namaoko enyu akaipa.

Isaya 37:19

Vakakanda vamwari vavo mumoto vakavaparadza, nokuti vakanga vasiri vamwari asi matanda chete namatombo akaitwa namaoko avanhu.

Isaya 42:8

“Ndini Jehovha; ndiro zita rangu! Handizopi kukudzwa kwangu kuno mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kuzvifananidzo.

Isaya 42:17

Asi ivo vanovimba nezvifananidzo, vanoti kune zvakaumbwa, ‘Ndimi vamwari vedu,’ vachadzoserwa shure mukunyadziswa kukuru.

Jeremia 1:16

Ndichareva zvandakatonga pamusoro pavanhu vangu nokuda kwezvakaipa zvavo zvavakaita vachindisiya, vachipisira zvinonhuhwira kuna vamwe vamwari uye vachinamata zvakaumbwa namaoko avo.

Jeremia 7:18-20

Vana vanounganidza huni, madzibaba ndokubatidza moto, uye madzimai anokanya furawu ndokuitira Mambokadzi woKudenga makeke echingwa. Vanodurura zvipiriso zvokunwa kuna vamwe vamwari kuti vanditsamwise. Asi ndini here wavanotsamwisa? ndizvo zvinotaura Jehovha. Ko, hakuzi kuzvikuvadza pachavo here kuti vanyadziswe? “ ‘Naizvozvo Ishe Jehovha anoti: Kutsamwa kwangu nehasha dzangu zvichadururirwa pamusoro penzvimbo iyi, pamusoro pavanhu nezvipfuwo, napamusoro pemiti yesango napamusoro pezvibereko zvevhu, uye zvichatsva zvikasadzimwa.

Jeremia 10:14-15

Mumwe nomumwe haafungi uye haana zivo; mupfuri mumwe nomumwe wegoridhe anonyadziswa nezvifananidzo zvake. Zvifananidzo zvake ndezvenhema; hazvina mweya mazviri. Hazvina maturo, zvinhu zvokutuka; kutongwa kwazvo pakunosvika, zvose zvichaparara.

Jeremia 19:3-4

uchiti, ‘Inzwai shoko raJehovha, imi madzimambo navanhu veJerusarema. Zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Teererai, ndiri kuuyisa njodzi panzvimbo ino ichaita kuti nzeve yomumwe nomumwe anonzwa nezvayo iwunge. Nokuti vakandisiya vakaita nzvimbo ino kuti ive yamwari wavatorwa; vakapisira zvibayiro mairi kuna vamwari vavasina kuziva ivo kana madzibaba avo kana madzimambo eJudha, uye vakazadza nzvimbo ino neropa ravasina mhosva.

Jeremia 19:13

Dzimba dziri muJerusarema nedzamadzimambo eJudha dzichasvibiswa senzvimbo ino, Tofeti, dzimba dzose dzavaipisira zvinonhuhwira pamatenga adzo, vachipisira hondo dzenyeredzi dzose dzokudenga uye vachidururira vamwe vamwari zvipiriso zvokunwa.’ ”

Jeremia 44:15-19

Ipapo varume vose vaiziva kuti vakadzi vavo vaipisira zvinonhuhwira kuna vamwe vamwari, pamwe chete navakadzi vose vaivapo, ungano huru, navanhu vose vakanga vagere Kumusoro neZasi kweIjipiti, vakati kuna Jeremia, “Hatingateereri shoko rawataura kwatiri muzita raJehovha! Zvirokwazvo tichaita zvinhu zvose zvatakati tichaita. Tichapisira zvinonhuhwira kuna Mambokadzi woKudenga nokumudururira zvipiriso zvokunwa sezvatakaita isu namadzibaba edu, namadzimambo edu uye namachinda edu mumaguta eJudha nomunzira dzomuJerusarema. Panguva iyoyo takanga tine zvokudya zvizhinji uye takanga tigere zvakanaka tisina zvaitirwadza. Asi kubva patakamira kupisira zvinonhuhwira kuna Mambokadzi woKudenga nokudururira zvipiriso zvokunwa kwaari, hapana chatakawana uye tanga tichingofa nomunondo nenzara.” Vakadzi vakapamhidzira vachiti, “Patakapisira zvinonhuhwira kuna Mambokadzi woKudenga, uye tikadururira zvipiriso zvokunwa kwaari, varume vedu vakanga vasingazivi here kuti taimuitira makeke akaita somufananidzo wake uye tichimudururira zvipiriso zvinonwiwa?”

Jeremia 44:22-23

Jehovha akati haasisina mwoyo murefu pakuipa kwezviito zvenyu nezvinhu zvinonyangadza zvamakaita, nyika yenyu ikava chinhu chinotukwa uye nedongo risina anogaramo, sezvazvakaita nhasi. Nokuda kwokuti makapisira zvinonhuhwira uye makatadzira Jehovha uye hamuna kumuteerera kana kutevera murayiro wake kana zvirevo zvake kana zvaakatema, njodzi iyi yaiswa pamusoro penyu sezvamunoona zvino.”

Jeremia 51:17-18

“Munhu mumwe nomumwe haana pfungwa uye haana zivo; mupfuri mumwe nomumwe wesimbi anonyadziswa nezvifananidzo zvake. Zvifananidzo zvake ndezvenhema; hazvina mweya mazviri. Hazvina maturo, zvinhu zvinosekwa; kana kutongwa kwazvo kwasvika, zvichaparadzwa.

Dhanieri 5:23

Pamusoro pezvo imi masarudza kurwa naIshe wokudenga. Maita kuti midziyo yegoridhe iuyiswe kwamuri ichibva kutemberi, uye imi namakurukota enyu, vakadzi venyu navarongo venyu manwira waini mairi. Marumbidza vamwari vesirivha, vegoridhe, vendarira, vesimbi, vamatanda nevamabwe, vasingagoni kuona, kunzwa kana kunzwisisa. Asi hamuna kukudza Mwari akabata muruoko rwake upenyu hwenyu nenzira dzenyu dzose.

Hosea 8:4

Vanogadza madzimambo vasina kutenderwa neni; vanosarudza machinda pasina mvumo yangu. Vanozvigadzirira zvifananidzo nesirivha negoridhe ravo kuti vagoparadzwa.

Hosea 11:2

Asi pandakanyanya kuvadana, vakatonyanya kunditiza. Vakabayira kuna vanaBhaari uye vakapisira zvinonhuhwira kuzvifananidzo.

Habhakuki 2:18

“Chifananidzo chakavezwa chinobatsireiko, zvachakangogadzirwa nomuvezi? Kana chifananidzo chakaumbwa, chinodzidzisa nhema? Nokuti uyo anochiita anovimba nechaakazviumbira; anoita zvifananidzo zvisingagoni kutaura.

Mateo 5:17-19

“Musafunga kuti ndakauya kuzoparadza Murayiro kana Vaprofita; handina kuuya kuzozviparadza asi kuzozvizadzisa. Ndinokuudzai chokwadi, kuti kusvikira denga nenyika zvapfuura, hakuna vara duku sei kana chimwe chinhu chiduku sei chichabviswa paMurayiro, kusvikira zvose zvazadziswa. Asi ani naani anotyora mumwe chete wemirayiro miduku iyi uye achizodzidzisawo vamwe kuita zvimwe chetezvo achanzi muduku muumambo hwokudenga. Asi ani naani anochengeta uye anodzidzisa mirayiro iyi, achanzi mukuru muumambo hwokudenga.

Mako 7:18-19

Akati, “Hamunzwisisi seiko? Hamuoni kuti hakuna chinhu chinopinda mumunhu chichibva kunze chinogona ‘kumusvibisa’? Nokuti hazvipindi mumwoyo make asi mudumbu make, uyezve zvichizobuda mumuviri wake.” Nokutaura uku, Jesu akati zvokudya zvose zvakanaka.

Ruka 16:10

“Ani naani anogona kutendeka pane zvinhu zviduku anogonawo kutendeka pane zvakawanda, uye ani naani asina kutendeka pazvinhu zviduku duku achavawo asina kutendeka pane zvakawanda.

Ruka 16:13

“Hakuna muranda angagona kushandira vatenzi vaviri. Nokuti achavenga mumwe agoda mumwe, kana kuti achanamatira kuno mumwe uye agozvidza mumwe. Hazvigoni kuti ushandire Mwari nepfuma.”

Mabasa 14:13-15

Muprista waZeusi aiva netemberi yake yakanga iri kunze kweguta, akauya nehando namaruva kumasuo eguta nokuti iye navanhu vazhinji vaida kupa zvibayiro kwavari. Asi vapostori Bhanabhasi naPauro vakati vazvinzwa, vakabvarura nguo dzavo vakamhanyira mukati moruzhinji, vakadanidzira vachiti, “Varume, munoitireiko izvi? Isuwo tiri vanhu semi, vanhuwo zvavo semi. Tinokuparidzirai mashoko akanaka, tichikuudzai kuti mubve pazvinhu izvi zvisina maturo mudzokere kuna Mwari mupenyu, akaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvose zviri mukati mazvo.

Mabasa 15:20

Asi ngativanyorerei tsamba tichivataurira kuti varege kudya zvakasvibiswa nezvifananidzo, vabve paupombwe, nokudya nyama yemhuka dzakadzipwa, uye neropa.

Mabasa 15:28-29

Zvinenge zvakanaka kuMweya Mutsvene nesu kuti tirege kukuremedzai nomutoro upi zvawo unopfuura zvinodikanwa izvi: Munofanira kurega zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo, neropa, nenyama yemhuka dzakadzipwa uye noupombwe. Muchaita zvakanaka kuti murege izvi. Chisarai.

Mabasa 17:16

Pauro achakavamirira paAtene, akatambudzika zvikuru achiona kuti guta rakanga rizere nezvifananidzo.

Mabasa 17:29-31

“Naizvozvo sezvo tiri chibereko chaMwari, hatifaniri kufunga kuti umwari hwakaita segoridhe kana sirivha kana ibwe, chifananidzo chakavezwa noumhizha hwomunhu. Mwari akarega hake kurangarira nguva dzakare dzokusaziva kwakadai, asi zvino anorayira vanhu vose kwose kwose kuti vatendeuke. Nokuti akatara zuva raachatonga nyika nokururamisira nomurume waakagadza. Akaratidza izvi kuvanhu vose nokumumutsa kubva kuvakafa.”

Mabasa 21:25-26

Kana vari vatendi vokune veDzimwe Ndudzi, takavanyorera pane zvatakatema kuti varege kudya zvakabayirwa kuzvifananidzo, uye ropa, nenyama yemhuka dzakadzipwa uye varege upombwe.” Zuva rakatevera Pauro akatora varume vaya uye akazvinatsa pamwe chete navo. Ipapo akaenda kutemberi kundozivisa kupera kwamazuva okuzvinatsa uye kuti chipiriso chaizoitirwa mumwe nomumwe wavo rinhi.

VaRoma 1:22-23

Kunyange zvavo vachizviti vakachenjera, vakava mapenzi uye vakashandura kubwinya kwaMwari asingafi vakakuita mifananidzo yakaitwa somunhu anofa, shiri, mhuka nezvinokambaira.

VaRoma 14:1-2

Mugamuchire uyo asina kusimba pakutenda kwake, musingamutongi kana kuita gakava naye pamusoro penyaya dzisingapindirani. Kutenda kwomumwe kunomutendera kudya zvose, asi mumwe munhu ano kutenda kusina kusimba, anodya muriwo bedzi.

1 VaKorinde 6:19-20

Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yaMweya Mutsvene, ari mamuri, uyo wamakagamuchira kubva kuna Mwari? Hamuzi venyu; makatengwa nomutengo. Naizvozvo kudzai Mwari nomuviri wenyu.

1 VaKorinde 8:1-3

Zvino, pamusoro pezvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo: Tinoziva kuti tose tino ruzivo. Ruzivo runouyisa kuzvikudza, asi rudo runovaka. Munhu anofunga kuti anoziva chinhu achigere kuziva zvaanofanira kuziva. Asi munhu anoda Mwari anozivikanwa naMwari.

1 VaKorinde 8:4-6

Saka naizvozvo, pamusoro pokudya zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo: Tinoziva kuti chifananidzo hachizi chinhu zvachose panyika uye kuti hakuna Mwari, asi iye mumwe chete. Nokuti kunyange dai varipo vanonzi vamwari, kungava kudenga kana panyika (sezvavaripo zvirokwazvo “vamwari” vazhinji uye na“madzishe” mazhinji), asi isu tina Mwari mumwe chete, ivo Baba, zvinhu zvose zvakabva kwavari uye ndivo vatinoraramira; uye tina She mumwe chete, Jesu Kristu, zvinhu zvose zvakavapo kubudikidza naye, uye nesu tinorarama kubudikidza naye.

1 VaKorinde 8:7-13

Asi havasi vose vanoziva izvi. Vamwe vanhu vachakabatwa nezvifananidzo zvokuti kana vachidya zvakadai vanodya vachiti zvakabayirwa kuzvifananidzo, uye sezvo hana yavo isati yasimba, inoshatiswa. Asi, zvokudya hazvingatisvitsi pedyo naMwari; hatina kuipa kana tisina kudya uye hatinatswi kana tadya. Asi chenjerai, kuti simba renyu iri rirege kuva chigumbuso kuna vasina simba. Nokuti kana mumwe asina simba achikuona iwe uno ruzivo urwu uchidya uri mutemberi yechifananidzo, ko, hana yaiye asina simba haingatsungiswi kuti adye izvo zvakabayirwa kuzvifananidzo here? Naizvozvo, hama iyi isina simba, iyo yakafirwa naKristu ichaparadzwa nokuziva kwako. Kana mukatadzira hama dzenyu zvakadai uye muchikuvadza hana dzavo dzisina simba, munotadzira Kristu. Naizvozvo, kana zvandinodya zvichigumbusa hama yangu handichazodyizve nyama, kuti ndirege kuzomugumbusa.

1 VaKorinde 10:14-15

Naizvozvo, shamwari dzangu dzinodikanwa, tizai kunamata zvifananidzo. Ndiri kutaura kuvanhu vakachenjera; zvitongerei pachenyu pane zvandinotaura.

1 VaKorinde 10:18-22

Cherechedzai vanhu veIsraeri: Ko, avo vanodya zvibayiro havagovani nearitari here? Ko, ndinoreva kuti chibayiro chinobayirwa chifananidzo chinhu here, kana kuti chifananidzo chinhu here? Kwete, asi zvibayiro zvavahedheni zvinopiwa kumadhimoni kwete kuna Mwari, uye ini handidi kuti mugovane namadhimoni. Hamunganwi mukombe waShe uye nomukombe wamadhimoniwo; hamungavi nomugove patafura yaShe uye napatafura yamadhimoni. Tiri kuedza kumutsa godo raShe here? Takasimba kupfuura iye here?

1 VaKorinde 10:23-30

Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinobatsira. Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinovaka. Munhu ngaarege kutsvaka zvakamunakira iye, asi zvakanakira vamwe. Idyai zvose zvinotengeswa pamusika wenyama musingabvunzi chinhu nokuda kwehana, nokuti, “Nyika ndeyaShe, nokuzara kwayo.” Kana mumwe asingatendi akakukoka kuzodya, uye kana uchida kuenda, udye zvose zvinenge zvaiswa pamberi pako usingabvunzi mubvunzo nokuda kwehana. Asi kana mumwe akati kwauri, “Ichi chipiriso chakabayirwa,” rega kudya, nokuda kwaiye akuratidza, uye nokuda kwehana, ndinoreva hana yomumwe, kwete yako. Nokuti kusununguka kwangu kungatongerweiko nehana yomumwe? Kana ini ndichidya ndavonga, ndingagotukirweiko nokuda kwechinhu chandavonga Mwari pamusoro pacho?

1 VaKorinde 10:31-33

Naizvozvo, kunyange muchidya kana kunwa, chinhu chipi nechipi chamungaita, itai zvose kuti Mwari agokudzwa. Musagumbusa munhu upi noupi zvake, angava muJudha, kana muGiriki kana kereke yaMwari, kunyange sezvandinoedzawo kufadza munhu wose pazvinhu zvose. Nokuti handitsvaki zvakandinakira ini asi zvakanakira vazhinji, kuitira kuti vagoponeswa.

2 VaKorinde 6:14-17

Musasungwa zvisina kufanira pajoko rimwe chete navasingatendi. Nokuti kururama kungava noukama hweiko nokusarurama? Kana kuti chiedza chingawadzana seiko nerima? Ko, Kristu anganzwanana seiko naBheriari? Ko, mutendi angava nomugove weiko neasingatendi? Ko, temberi yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo? Nokuti tiri temberi yaMwari mupenyu. Sezvakarehwa naMwari, achiti, “Ndichagara pakati pavo ndigofamba navo, uye ndichava Mwari wavo, ivo vagova vanhu vangu.” “ ‘Saka budai mubve pakati pavo uye muzvitsaure,’ ndizvo zvinotaura Ishe. ‘Musabata chinhu chine tsvina, ini ndigokugamuchirai.’ ”

VaKorose 2:16-17

Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anokutongai pamusoro pezvamunodya kana kunwa, kana nezvemitambo yechitendero, kupemberera Kugara kwoMwedzi kana zuva reSabata. Izvi mumvuri wezvinhu zvaizouya, kunyange zvakadaro, chokwadi chinowanikwa muna Kristu.

VaKorose 2:20-23

Sezvo makafa pamwe chete naKristu kune mitemo yenyika ino, seiko muchiita kunge muchiri vayo, muchizviisa pasi pemitemo yayo inoti: “Usabata! Usaravira! Usagunzva!”? Izvi zvose zvichaparadzwa nokubata kwazvo, nokuti zvakavakwa pamirayiro yavanhu nokudzidzisa kwavanhu. Zvirokwazvo mitemo yakadai inoita seino uchenjeri, nokunamata kwavo kwokuzvipa, kuzvininipisa kwavo kwenhema uye nokurwadzisa kwavo muviri, asi zvisingagoni kudzivisa kuchiva kwomuviri.

1 VaTesaronika 1:9

nokuti ivo pachavo vanozivisa kuti takagamuchirwa sei navo. Vanotaura kuti makadzokera sei kuna Mwari muchibva kuzvifananidzo kuti mushumire Mwari mupenyu uye wechokwadi,

1 Timoti 4:1-5

Mweya anotaura pachena kuti panguva dzinouya vamwe vachatsauka kubva pakutenda vagotevera mweya inonyengera nedzidziso dzamadhimoni. Dzidziso dzakadai dzinouya navaya vanoreva nhema, vane hana dzakapiswa sokunge nesimbi inopisa. Vanodzivisa vanhu kuwanana uye vachivarayira kuti varege kudya zvimwe zvokudya, izvo zvakasikwa naMwari kuti zvigamuchirwe nokuvonga naavo vanotenda uye vanoziva chokwadi. Nokuti chose chakasikwa naMwari chakanaka, uye hapana chinofanira kuraswa kana chichigamuchirwa nokuvonga, nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nokunyengetera.

Jakobho 1:22-24

Musangova vanzwi veshoko bedzi, uye nokudaro muchizvinyengera. Itai zvarinoreva. Ani naani anoteerera kushoko asi asingaiti zvarinoreva akaita somunhu anotarira chiso chake muchionioni uye, mushure mokuzvitarira, anoenda uye nokukurumidza anokanganwa kuti anoratidzika sei.

1 Johani 3:4

Munhu wose anotadza anodarika murayiro, zvechokwadi, chivi ndiko kudarika murayiro.

1 Johani 5:21

Vana vanodikanwa, ibvai pazvifananidzo.

2 Johani 1:9-11

Mumwe nomumwe anomhanya mberi asingarambiri mudzidziso yaKristu haana Mwari; ani naani anorambira mukudzidzisa kwaKristu ana Baba noMwanakomana. Kana munhu akauya kwamuri uye asingauyi nedzidziso iyi, musamupinza mumba menyu kana kumugamuchira. Ani naani anomugamuchira anogovana naye mubasa rake rakaipa.

Zvakazarurwa 2:14

Kunyange zvakadaro, ndine zvinhu zvishoma zvandinovenga pauri: Una vanhu ipapo vanobatisisa dzidziso yaBharamu, uyo akadzidzisa Bharaki kuti anyengere vaIsraeri kuti vatadze vachidya zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo uye nokuita upombwe.

Zvakazarurwa 2:20-23

Kunyange zvakadaro, ndine mhosva iyi newe: Uri kutendera mukadzi uya Jezebheri, anozviti muprofitakadzi. Nokudzidzisa kwake anotsausa varanda vangu kuti vaite upombwe uye kuti vadye zvakabayirwa kuzvifananidzo. Ndakamupa nguva yokutendeuka paupombwe hwake, asi haana kutendeuka. Saka ndichamuisa panhoo yokutambudzika, uye ndichaita kuti vaya vaiita upombwe naye vatambudzike zvikuru, kana vakasatendeuka munzira dzavo. Ndicharova vana vake norufu. Ipapo kereke dzose dzichaziva kuti ndini iye anonzvera mwoyo nendangariro, uye ndichatsiva mumwe nomumwe wenyu zvinoenderana namabasa ake.

Zvakazarurwa 9:20

Vakasara vavanhu vasina kuurayiwa namatambudziko aya havana kutendeuka pabasa ramaoko avo; havana kurega kunamata madhimoni, nokunamata zvifananidzo zvegoridhe, sirivha, nendarira, matombo namatanda, zvifananidzo zvisingagoni kuona, kunzwa kana kufamba.

Zvakazarurwa 21:8

Asi vanotya, vasingatendi, navanonyangadza, mhondi, nemhombwe, navanoita zvouroyi, vanonamata zvifananidzo navanoreva nhema, nzvimbo yavo ichava mudziva romoto rinopfuta nesafuri. Urwu ndirwo rufu rwechipiri.”

Shona - Shona - SN

SNCB'17 - Bhaibheri Dzvene Muchishona Chanhasi Contemporary - 2017

This Bible text is from Biblica Open Shona Contemporary Bible 2017
https://open.bible/bibles/shona-biblica-text-bible/
provided by: Biblica Inc, available by Creative Commons CC-BY-SA-4.0,
and this new compilation is shared as www.creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0.
Languages are made available to you by www.ipedge.net