17 – Zvitendero zvenhema

Aya ndiwo mashoko matsvene aMwari Wemasimbaose.
Hatina basa nemashoko evanhu.
Chero ani zvake anoda Mwari . . . Izvi ndizvo zvinotaurwa naMwari pamusoro pazvo: Zvitendero zvenhema.

Top 3 Mavhesi Anonyanya Kukosha

Mapisarema 115:4-8

Asi zvifananidzo zvavo isirivha negoridhe, zvakaitwa namaoko avanhu. Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura, zvina meso, asi hazvigoni kuona; zvine nzeve, asi hazvigoni kunzwa mhino, asi hazvigoni kunhuhwidza; zvina maoko, asi hazvigoni kubata, tsoka, asi hazvigoni kufamba; uye hazvitauri napahuro pazvo. Vanozviita vachafanana nazvo, navose vanovimba nazvo.

Ekisodho 20:3-5

“Usava navamwe vamwari kunze kwangu. Usazviitira mufananidzo wechinhu chipi zvacho chiri kudenga kumusoro kana wechiri panyika pasi kana wechiri mumvura. Usazvipfugamira kana kuzvinamata, nokuti ini Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari ane godo, ndinoranga vana nokuda kwechivi chamadzibaba kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechechina cheavo vanondivenga,

Revhitiko 20:27

“ ‘Murume kana mukadzi svikiro kana anoita zvemidzimu pakati penyu anofanira kuurayiwa. Munofanira kuvataka namabwe. Ropa ravo richava pamusoro pavo.’ ”

Ndima dzese muCanonical Order – 176 ndima

Genesisi 3:1

Zvino nyoka yakanga ina manomano kupfuura mhuka dzose dzakasikwa naJehovha Mwari. Yakati kumukadzi, “Ko, chaizvoizvo Mwari akati, ‘Hamufaniri kudya muti upi zvawo uri mubindu here’?”

Genesisi 11:4-9

Ipapo vakati, “Uyai, ngatizvivakirei guta neshongwe inosvika kudengadenga, kuti tizviitire mukurumbira uye kuti tirege kupararira panyika yose.” Asi Jehovha akaburuka pasi kuti azoona guta neshongwe yakanga ichivakwa navanhu. Jehovha akati, “Kana vanhu ava vava somunhu mumwe, vachitaura rurimi rumwe chete, vakatanga kuita izvi, zvino hapana chinhu chavanoronga kuti vachiite chichavaomera. Uyai, ngatiburukei tindovapesanisa mutauro wavo kuti varege kunzwisisana.” Saka Jehovha akavaparadzira pamusoro penyika yose ipapo, uye vakarega kuvaka guta. Ndokusaka nzvimbo iyo yakanzi Bhabheri, nokuti ipapo Jehovha akapesanisa mutauro wenyika yose. Kubva ipapo Jehovha akavaparadzira pamusoro penyika yose.

Genesisi 16:11-12

Mutumwa waJehovha akatiwo kwaari: “Iye zvino wava nemimba uye uchava nomwanakomana. Uchamutumidza zita rokuti Ishumaeri, nokuti Jehovha anzwa nezvokutambura kwako. Achava mbongoro yomusango: ruoko rwake rucharwa navanhu vose uye ruoko rwavanhu vose rucharwa naye, uye achararama mukupesana nehama dzake dzose.”

Genesisi 17:18-21

Uye Abhurahama akati kuna Mwari, “Dai hazvo Ishumaeri agara hake pamaropafadzo enyu!” Ipapo Mwari akati, “Hongu, asi mukadzi wako Sara achakuberekera mwanakomana, uye uchamutumidza kuti Isaka. Ndichasimbisa sungano yangu sesungano isingaperi yezvizvarwa zvake zvinomutevera. Uye kana ari Ishumaeri, ndakanzwa: Ndichamuropafadza zvirokwazvo, ndichamuita kuti ave navana vazhinji uye ndichaita kuti vawande kwazvo. Achava baba wavatongi gumi navaviri, uye ndichamuita rudzi rukuru. Asi ndichasimbisa sungano yangu naIsaka, uyo achaberekerwa iwe naSara nenguva ino gore rinouya.”

Genesisi 17:23

Pazuva racho iroro Abhurahama akatora mwanakomana wake Ishumaeri navose vakaberekwa mumba make kana vakanga vatengwa nemari, vanhurume vose vaiva mumba make, akavadzingisa, sezvaakanga audzwa naMwari.

Ekisodho 7:10-13

Saka Mozisi naAroni vakaenda kuna Faro vakandoita sezvavakarayirwa naJehovha. Aroni akakanda tsvimbo yake pasi pamberi paFaro namachinda ake, uye ikava nyoka. Ipapo Faro akadana varume vakachenjera navaroyi, uye nʼanga dzeIjipiti dzakaitawo zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo. Mumwe nomumwe akakanda tsvimbo yake pasi uye ikava nyoka. Asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo. Asi mwoyo waFaro wakava wakaoma uye haana kuvateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.

Ekisodho 7:22

Asi nʼanga dzavaIjipita dzakaita zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo, mwoyo waFaro ukava mukukutu; haana kuda kuteerera Mozisi naAroni, sezvakanga zvarehwa naJehovha.

Ekisodho 8:6-7

Saka Aroni akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pemvura yeIjipiti, matatya akauya akafukidza nyika. Asi nʼanga dzakaitawo zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo; vakaitawo matatya kuti auye pamusoro penyika yeIjipiti.

Ekisodho 8:17-19

Vakaita izvozvo uye Aroni akati atambanudza ruoko rwaiva netsvimbo akarova guruva umhutu hukauya pamusoro pavanhu nezvipfuwo. Guruva rose munyika yose yeIjipiti rakava umhutu. Asi nʼanga dzakakundikana, padzakaedza nouroyi hwadzo kubudisa umhutu. Nʼanga dzakati kuna Faro, “Uyu munwe waMwari.” Asi mwoyo waFaro wakava mukukutu uye haana kuda kuteerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.

Ekisodho 9:11

Nʼanga hadzina kugona kumira pamberi paMozisi nokuda kwamamota akanga ari pavari uye napavaIjipita vose.

Ekisodho 20:3-5

“Usava navamwe vamwari kunze kwangu. Usazviitira mufananidzo wechinhu chipi zvacho chiri kudenga kumusoro kana wechiri panyika pasi kana wechiri mumvura. Usazvipfugamira kana kuzvinamata, nokuti ini Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari ane godo, ndinoranga vana nokuda kwechivi chamadzibaba kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechechina cheavo vanondivenga,

Ekisodho 20:23

Musaita vamwari vapi zvavo kunze kwangu; musazviitira vamwari vesirivha kana vamwari vegoridhe.

Ekisodho 22:18

“Usatendera muroyikadzi kuti ararame.

Ekisodho 22:20

“Ani naani anobayira kuna mwari upi zvake kunze kwangu anofanira kuparadzwa.

Ekisodho 23:13

“Muchenjerere kuti muite zvose zvandakareva kwamuri. Musareva mazita avamwe vamwari; ngaarege kunzwikwa pamiromo yenyu.

Ekisodho 32:1-4

Vanhu vakati vaona kuti Mozisi akanga anonoka kwazvo kuburuka kubva mugomo, vakaungana pana Aroni vakati, “Uya, tiitire vamwari vachatitungamirira. Kana ari munhu uyu Mozisi akatibudisa muIjipiti, hatizivi zvakaitika kwaari.” Aroni akavapindura akati, “Bvisai mhete dzegoridhe dzakapfekwa navakadzi venyu, vanakomana venyu navanasikana venyu mugouya nadzo kwandiri.” Saka vanhu vose vakabvisa mhete dzavo vakauya nadzo kuna Aroni. Akatora zvavakamupa akaita nazvo chifananidzo chakaumbwa muchimiro chemhuru, achichiveza nembezo. Ipapo vakati, “Ava ndivo vamwari venyu, imi Israeri, vakakubudisai kubva muIjipiti.”

Ekisodho 32:8-10

Vakurumidza kutsauka pane zvandakavarayira uye vakazviitira chifananidzo chakavezwa muchimiro chemhuru. Vapfugamira pachiri uye vakabayira kwachiri uye vakati, ‘Ava ndivo vamwari venyu, imi vaIsraeri, vakakubudisai kubva muIjipiti.’ ” Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndaona vanhu ava, uye vanhu vane mitsipa mikukutu. Zvino ndirege hangu kuti kutsamwa kwangu kupfute pamusoro pavo ndivaparadze. Ipapo iwe ndichakuita rudzi rukuru.”

Ekisodho 32:31

Saka Mozisi akadzokera kuna Jehovha akati, “Haiwa vanhu ava vaita chivi chikuru sei! Vazviitira vamwari vegoridhe.

Ekisodho 34:13-17

Putsirai aritari dzavo pasi, pwanyai matombo avo anoyera uye muteme matanda avo aAshera. Musanamata vamwe vamwari vapi zvavo, nokuti Jehovha, iye ane zita rinonzi Godo, ndiye Mwari ane godo. “Uchenjerere kuti urege kuita sungano naavo vanogara munyika; nokuti pavanenge voita ufeve hwavo kuna vamwari vavo uye vakabayira kwavari, vachakukokai uye muchadya zvibayiro zvavo. Uye pamunosarudza vamwe vanasikana vavo kuti vave vakadzi vavanakomana venyu uye vanasikana avo vakaita ufeve navamwari vavo, vachatungamirira vanakomana venyu kuita zvimwe chetezvo. “Musaita zvifananidzo zvakaumbwa.

Revhitiko 17:7

Havafanirizve kupa zvibayiro zvavo zvakare kuzvifananidzo zvembudzi izvo zvavanoita ufeve nazvo. Uyu uchava murayiro unogara nokusingaperi kwavari uye nokuzvizvarwa zvichatevera.’

Revhitiko 19:4

“ ‘Musava nehanya nezvifananidzo kana kuzviitira vamwari vesimbi dzakanyungudutswa. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

Revhitiko 19:26

“ ‘Usadya nyama ipi neipi ichine ropa. “ ‘Usaita zvokushopera kana zvouroyi.

Revhitiko 19:28

“ ‘Musacheka miviri yenyu nokuda kwavakafa kana kuzviisa nyora. Ndini Jehovha.

Revhitiko 19:31

“ ‘Usaenda kumasvikiro nokune vezvemidzimu nokuti uchasvibiswa navo. Ndini Jehovha Mwari wako.

Revhitiko 20:2-3

“Uti kuvaIsraeri, ‘MuIsraeri upi noupi kana mutorwa upi noupi agere muIsraeri achapa vana vake kuna Moreki anofanira kuurayiwa. Vanhu vomunyika yake vanofanira kumutaka namabwe. Ndichanangana nomunhu iyeye uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake, nokuti, nokuda kwokupa vana vake kuna Moreki, asvibisa nzvimbo yangu tsvene uye amhura zita rangu dzvene.

Revhitiko 20:6

“ ‘Ndichanangana nomunhu uyo achaenda kumasvikiro, nokuvadzimu achiita ufeve nokuvatevera uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake.

Revhitiko 20:27

“ ‘Murume kana mukadzi svikiro kana anoita zvemidzimu pakati penyu anofanira kuurayiwa. Munofanira kuvataka namabwe. Ropa ravo richava pamusoro pavo.’ ”

Revhitiko 26:1

“ ‘Musaita zvifananidzo kana kumisa chifananidzo kana ibwe rinoyera kwamuri, uye musaisa dombo rakavezwa munyika yenyu kuti mukotamire pamberi paro. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

Revhitiko 26:30

Ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira, ndigotemera pasi aritari dzenyu dzezvinonhuhwira uye ndigounganidza zvitunha zvenyu pamusoro pavamwari venyu vasina upenyu, uye ndichakusemai.

Numeri 33:52

mudzinge vose vanogara munyika imomo pamberi penyu. Muparadze zvifananidzo zvavo zvose zvakavezwa nezvifananidzo zvavo zvakaumbwa, uye muputse nzvimbo dzose dzakakwirira.

Dhuteronomi 4:15-19

Nokuti hamuna kuona zvaakanga akaita nezuva iro Jehovha akataura kwamuri paHorebhi ari mumoto. Naizvozvo zvichenjererei zvikuru, kuitira kuti murege kuzvisvibisa muchizvigadzirira chifananidzo, chifananidzo chechinhu chipi zvacho, chingava chakaitwa somurume kana somukadzi, kana semhuka ipi zvayo panyika kana seshiri ipi zvayo inobhururuka mudenga, kana sechisikwa chipi zvacho chinofamba pasi kana hove ipi zvayo iri pasi mumvura. Uye kuti kana muchitarisa kudenga mukaona zuva, nomwedzi nenyeredzi, zvose zviri kudenga, musatsauswa kuti muzvipfugamire nokunamata zvinhu izvo Jehovha Mwari wenyu akagovera ndudzi dzose dziri pasi pedenga.

Dhuteronomi 4:24

Nokuti Jehovha Mwari wenyu moto unoparadza, ndiMwari ane godo.

Dhuteronomi 5:7-9

“Usava navamwe vamwari kunze kwangu. Usazviitira mufananidzo wechinhu chipi zvacho chiri kudenga kumusoro kana panyika pasi kana pasi mumvura. Usazvipfugamira kana kuzvinamata; nokuti ini, Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari ane godo, ndinoranga vana nokuda kwechivi chamadzibaba kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwaavo vanondivenga,

Dhuteronomi 6:14-15

Musatevera vamwe vamwari, vamwari vendudzi dzakakupoteredzai; nokuti Jehovha Mwari wenyu ari pakati penyu ndiMwari ane godo uye hasha dzake dzichapisa pamusoro penyu, uye achakuparadzai kubva pamusoro penyika.

Dhuteronomi 7:3-5

Musaroorerana navo. Musapa vanasikana venyu kuvanakomana vavo kana kutorera vanakomana venyu vanasikana vavo, nokuti vachatsausa vanakomana venyu kubva pakunditevera kuti vashumire vamwe vamwari, uye kutsamwa kwaJehovha kuchapisa pamusoro penyu uye achakuparadzai nokukurumidza. Izvi ndizvo zvamunofanira kuvaitira: Putsai aritari dzavo, pwanyai matombo avo anoera, temai mapango avo aAshera mugopisa zvifananidzo zvavo.

Dhuteronomi 12:2-4

Paradzai chose nzvimbo dzose dziri pamakomo akakwirira nepazvikomo zvose uye napasi pemiti yose yakapfumvutira apo ndudzi dzose dzamunotorera nyika dzinoshumira vamwari vadzo. Putsai aritari dzavo, pwanyai matombo avo ose anoera uye mupise matanda avo aAshera; temai zvifananidzo zvavo nevamwari vavo uye mugodzima mazita avo panzvimbo idzodzo. Hamufaniri kushumira Jehovha Mwari wenyu nenzira yavo.

Dhuteronomi 12:30-31

uye mushure mokunge vaparadzwa pamberi penyu, muchenjerere kuti murege kunyengerwa muchibvunza nezvavamwari vavo, muchiti, “Ko, ndudzi idzi dzinoshumira vamwari vadzo sei? Tichaitawo sezvavanoita.” Hamufaniri kushumira Jehovha Mwari wenyu nenzira yavo, nokuti mukushumira vamwari vavo, vanoita zvinhu zvose zvose zvinonyangadza zvinovengwa naJehovha. Vanopisa kunyange vanakomana navanasikana vavo mumoto sezvibayiro kuna vamwari vavo.

Dhuteronomi 13:1-3

Kana muprofita, kana muvuki wezviroto, akasvika pakati penyu uye akakuzivisai chishamiso kana chiratidzo, uye kana chiratidzo ichi kana chishamiso chaataura nezvacho chikaitika, uye akati, “Ngatiteverei vamwe vamwari” (vamwari vamusingazivi) “uye ngativanamatei,” hamufaniri kuteerera mashoko omuprofita kana muroti uyo. Jehovha Mwari wenyu ari kukuedzai kuti aone kana muchimuda nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose.

Dhuteronomi 13:6-8

Kana hama yako chaiyo, kana mwanakomana wako kana mwanasikana wako, kana mudzimai wako waunoda, kana shamwari yako yepedyo ikauya kuzokutsausa muchivande, ichiti, “Handei tindonamata vamwe vamwari,” (vamwari vausina kumboziva iwe kana madzibaba ako, vamwari vendudzi dzakakupoteredzai, kunyange vari pedyo kana vari kure, kubva kuno rumwe rutivi rwenyika kusvika kuno rumwe rutivi rwenyika), usatenda zvaanotaura kana kumuteerera. Usamunzwira tsitsi. Usamurega ari mupenyu kana kumudzivirira.

Dhuteronomi 17:3-5

uye akapesana nomurayiro wangu anamata vamwe vamwari, achivapfugamira kana kupfugamira zuva kana mwedzi kana nyeredzi dzokudenga, uye izvi zvaziviswa kwamuri, ipapo munofanira kunyatsozvibvunzisisa kwazvo. Kana chiri chokwadi uye zvanyatsoonekwa kuti chinhu ichi chinonyangadza chakaitwa muIsraeri, torai murume uyu kana mukadzi uyu akaita chinhu ichi chakaipa muende naye kusuo reguta renyu mugomutaka namabwe afe.

Dhuteronomi 18:10-12

Ngapasava nomumwe pakati penyu anoita mwanakomana wake kana mwanasikana wake chibayiro chinopiswa, kana anovuka kana anoita zvamazango kana anotenda zvamashura, kana kuita zvouroyi, kana anoita zvounʼanga, kana anotenda zvamasvikiro kana anobvunza vakafa. Ani naani anoita zvinhu izvi anonyangadza pamberi paJehovha, uye nokuda kwetsika idzi dzinonyangadza Jehovha Mwari wenyu achadzinga ndudzi idzi pamberi penyu.

Dhuteronomi 18:20

Asi muprofita achataura muzita rangu mashoko api zvawo andisina kumurayira kuti ataure, kana muprofita anotaura muzita ravamwe vamwari, anofanira kuurayiwa.”

Dhuteronomi 27:15

“Ngaatukwe munhu anoita chifananidzo chakavezwa kana chakaumbwa, chinhu chinonyangadza Jehovha, basa ramaoko emhizha, uye agochimisa pakavanzwa.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”

Dhuteronomi 32:16-17

Vakamuita kuti ave negodo nokuda kwavamwari vokumwe uye vakamutsamwisa nezviumbwa zvinonyangadza. Vakabayira kumadhimoni, asiri Mwari, vamwari vavakanga vasingazivi, vamwari vatsva vakanga vachangomuka, vamwari vakanga vasingazivikanwi namadzibaba enyu.

Dhuteronomi 32:21

Vakamutsa godo rangu nokuda kwechinhu chisati chiri Mwari, vakanditsamwisa nokuda kwezviumbwa zvavo zvisina maturo. Ndichaita kuti vagodorwe navaya vasati vari vanhu; ndichavaita kuti vatsamwiswe norudzi rusinganzwisisi.

Vatongi 2:17

Kunyange zvakadaro havana kuzoteerera kuvatongi vavo asi vakaita ufeve navamwe vamwari uye vakavanamata. Havana kuita samadzibaba avo, nokuti vakakurumidza kutsauka munzira yaifamba madzibaba avo, nzira yokuteerera kumirayiro yaJehovha.

Vatongi 2:19

Asi mutongi paainge afa, vanhu vaidzokera kunzira dzakaipisisa kupinda dziya dzamadzibaba avo, vachitevera vamwe vamwari, vachivashandira uye vachivanamata. Vakaramba kusiya mabasa avo akaipa nokusindimara kwemwoyo yavo.

Vatongi 10:6-7

VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha. Vakashumira vanaBhaari, vanaAshitoreti, navamwari veAramu, vamwari veSidhoni, vamwari veMoabhu, vamwari vavaAmoni navamwari vavaFiristia. Uye nokuti vaIsraeri vakasiya Jehovha vakasazomushumirazve, iye akavatsamwira. Akavatengesa mumaoko avaFiristia neavaAmoni,

Vatongi 10:10

Ipapo vaIsraeri vakachema kuna Jehovha vakati, “Takakutadzirai nokuti takarasa Mwari wedu uye tikashumira vaBhaari.”

Vatongi 10:13-16

Asi imi makandirasa mukashumira vamwe vamwari, saka handichadi kukuponesaizve. Endai mundochema kuna vamwari vamakasarudza. Ngavakuponesei pamunenge mava kutambudzika!” Asi vaIsraeri vakati kuna Jehovha, “Takatadza hedu. Tiitirei zvose zvamunoona kuti zvakanaka kwamuri, asi tapota tinunurei henyu nhasi.” Ipapo vakarasa vamwari vatorwa pakati pavo vakashumira Jehovha. Uye haana kuzotenderazve kutambudzika kweIsraeri.

1 Samueri 5:2-7

Ipapo vakatakura areka vakapinda nayo mutemberi yaDhagoni vakaiisa parutivi rwaDhagoni. Vanhu veAshidhodhi pavakamuka mangwanani-ngwanani zuva raitevera, wanei hoyo Dhagoni akawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha! Vakatora Dhagoni vakamudzosera panzvimbo yake. Asi mangwanani aitevera pavakamuka wanei hoyo Dhagoni akawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha! Musoro wake namaoko zvakanga zvadimbuka zvisisipo uye zviri pasi pachikumbaridzo chomukova, muviri wake bedzi ndiwo wakanga wangosara. Ndokusaka kusvika nanhasi kusina vaprista vaDhagoni kana vamwewo zvavo vanopinda mutemberi yaDhagoni paAshidhodhi vanotsika pachikumbaridzo chomukova. Ruoko rwaMwari rwakatambudza zvikuru vanhu veAshidhodhi nenzvimbo dzakaikomberedza; akauyisa kuparadzwa pamusoro pavo uye akavarova namamota. Vanhu veAshidhodhi pavakaona zvakanga zvichiitika vakati, “Areka yaMwari weIsraeri haifaniri kugara pano nesu nokuti ruoko rwake rwatitambudza zvikuru isu naDhagoni mwari wedu.”

1 Samueri 15:23

Nokuti kumukira kwakafanana nechivi chokuvuka, uye kusindimara kwakafanana nechivi chokunamata zvifananidzo. Nemhaka yokuti wakaramba shoko raJehovha, naiye akuramba kuti usaramba uri mambo.”

1 Samueri 28:3

Zvino Samueri akanga afa, uye vaIsraeri vose vakanga vamuchema, vakamuviga muguta rake reRama. Sauro akanga adzinga panyika masvikiro navavuki.

1 Samueri 28:7-9

Ipapo Sauro akati kuvaranda vake, “Nditsvakirei mukadzi anosvikirwa, kuti ndiende kundobvunza kwaari.” Ivo vakati, “Kuno mumwe ari paEndori.” Saka Sauro akazvivanza akafuka dzimwe nguo, akaenda iye navamwe varume vaviri kumukadzi uyu usiku. Akati kwaari, “Ndibvunzire mweya, ugondimutsirawo uyo wandichakuudza.” Asi mukadzi akati kwaari, “Zvirokwazvo unoziva iwe zvakaitwa naSauro. Akauraya masvikiro navavuki kubva panyika. Ko, waisirei musungo muupenyu hwangu kuti undiurayise?”

1 Madzimambo 11:4-8

Zvino Soromoni akati akwegura, vakadzi vake vakatsausa mwoyo wake akatevera vamwe vamwari, uye mwoyo wake wakanga usina kuzvipira zvizere kuna Jehovha Mwari wake, sezvakanga zvakaita mwoyo waDhavhidhi baba vake. Akatevera Ashitoreti, mwarikadzi wavaSidhoni, naMoreki mwari anonyangadza wavaAmoni. Saka Soromoni akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutevera Jehovha zvizere sezvakanga zvaitwa naDhavhidhi baba vake. Pagomo riri kumabvazuva kweJerusarema, Soromoni akavakira Kemoshi, mwari anonyangadza wavaMoabhu nzvimbo yakakwirira, akavakirawo Moreki, mwari anonyangadza wavaAmoni. Akaitira vakadzi vake vose vaibva kuna mamwe marudzi zvimwe chetezvo, ivo vaipisa zvinonhuhwira nokubayira zvibayiro kuna vamwari vavo.

1 Madzimambo 11:33

Ndichaita izvi nokuti vakandirasa vakanamata Ashitoreti, mwarikadzi wavaSidhoni, Kemoshi, mwari wavaMoabhu, naMoreki, mwari wavaAmoni, uye havana kufamba munzira dzangu, kana kuita zvakarurama pamberi pangu, kana kuchengeta mitemo yangu nemirayiro yangu sezvakaitwa naDhavhidhi, baba vaSoromoni.

1 Madzimambo 12:28

Mushure mokubvunza vamwe, mambo akaumba zvimhuru zvegoridhe zviviri. Akati kuvanhu, “Zviri kukuremerai kukwidza kumusoro kuJerusarema. VaIsraeri, ava ndivo vamwari venyu vakakubudisai kubva muIjipiti.”

1 Madzimambo 14:23-24

Vakazvivakirawo nzvimbo dzakakwirira, matombo anoera namapango aAshera pazvikomo zvose zvakakwirira napasi pemiti yose mikuru. Kwaivawo navarume vaizviita vakadzi vavamwe varume munyika, vanhu vakaita zvose zvinonyangadza zvaiitwa nendudzi idzo dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri.

1 Madzimambo 18:21-24

Eria akaenda pamberi pavanhu akati, “Mucharamba muchifunga mifungo miviri kusvikira riniko? Kana Jehovha ari Mwari, muteverei; asi kana Bhaari ari Mwari, muteverei.” Asi vanhu havana chavakataura. Zvino Eria akati kwavari, “Ini chete pavaprofita vaJehovha ndini ndasara, asi Bhaari ane vaprofita mazana mana namakumi mashanu. Titorerei hando mbiri. Ivo ngavazvisarudzire yavo, uye ngavaicheke-cheke kuita zvidimbu zvidimbu vagoiisa pamusoro pehuni, asi havafaniri kudzitungidza nomoto. Ini ndichagadzira imwe hando yacho ndigoiisa pamusoro pehuni asi handizodzitungidzi nomoto. Ipapo mudane kuzita ramwari wenyu, uye ini ndichadana kuzita raJehovha. Mwari achapindura nomoto ndiye Mwari.” Ipapo vanhu vose vakati, “Zvawataura zvakanaka.”

1 Madzimambo 18:25-29

Eria akati kuvaprofita vaBhaari, “Sarudzai imwe yehando idzi mugotanga imi kuigadzira, sezvo makawanda. Danai kuzita ramwari wenyu, asi musatungidza moto.” Saka vakatora hando yavakanga vapiwa vakaigadzira. Ipapo vakadana kuzita raBhaari kubvira mangwanani kusvikira masikati. Vakadanidzira vakati, “Bhaari, tipindure!” Asi mhinduro haina kuwanikwa; hapana akapindura. Vakatamba vachipoterera aritari yavakanga vaita. Ava masikati, Eria akatanga kuvatuka akati, “Danidzirisai! Zvirokwazvo ndimwari! Zvichida ari kufunga zvakadzama kwazvo, kana kuti ane basa kwazvo, kana kuti ari parwendo. Zvimwe akavata zvokuti anotofanira kumutswa.” Saka vakatonyanyisa kudanidzira, vakazvicheka-cheka neminondo namapfumo, setsika yavo, kusvikira ropa ravo raerera. Masikati akapfuura, ivo vakaramba vachiprofita zveshungu kusvikira nguva yechibayiro chamanheru. Asi hapana chakaitika, hapana akapindura, hapana akaratidza hanya.

1 Madzimambo 18:30-35

Ipapo Eria akati kuvanhu vose, “Uyai kuno kwandiri.” Vakauya kwaari, iye akagadzira aritari yaJehovha yakanga yaputswa. Eria akatora mabwe gumi namaviri, rimwe chete rakamirira rudzi rumwe chete rwavanakomana vaJakobho, uyo akanga audzwa naJehovha kuti, “Zita rako richava Israeri.” Akashandisa mabwe aya kuvaka aritari muzita raJehovha, uye akachera mugero waipoteredza aritari wakanga wakakura zvokuti waikwana maseya maviri embeu. Akaronga huni, akacheka hando kuita zvidimbu zvidimbu, akaiisa pamusoro pehuni. Ipapo akati kwavari, “Zadzai zvirongo zvikuru zvina nemvura mugoidira pamusoro pechipiriso napamusoro pehuni.” Akati, “Pamhidzai zvakare,” ivo vakapamhazve. Akatizve, “Pamhidzai kechitatu.” Mvura yakaerera ichipoteredza aritari ikazadzawo nomugero.

1 Madzimambo 18:36-40

Panguva yechibayiro, muprofita Eria akaenda pamberi akanamata akati, “Haiwa Jehovha, Mwari waAbhurahama, Isaka naIsraeri, ngazvizivikanwe nhasi kuti ndimi Mwari munyika yeIsraeri uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uyewo kuti ndaita zvinhu zvose izvi sezvamakandirayira. Haiwa Jehovha, ndipindurei, ndipindurei, kuitira kuti vanhu ava vazive kuti imi, Jehovha, ndimi Mwari, uye kuti muri kudzora mwoyo yavo zvakare.” Ipapo moto waJehovha wakaburuka ukapisa chibayiro, nehuni namabwe nevhu, ukananzva mvura yose yaiva mumugero. Vanhu vose pavakaona izvi, vakawira pasi nezviso zvavo, vakadanidzira vachiti, “Jehovha ndiye Mwari! Jehovha ndiye Mwari!” Ipapo Eria akavarayira akati, “Batai vaprofita vaBhaari. Musarega kana mumwe chete achipunyuka!” Vakavabata, uye Eria akaita kuti vaendeswe zasi kuMupata weKishoni vakandourayirwako.

1 Madzimambo 21:26

Akaita zvinonyangadza kwazvo nokutevera zvifananidzo, sezvakanga zvaitwa navaAmori, avo vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri.

2 Madzimambo 9:22

Joramu akati aona Jehu akamubvunza akati, “Wauya norugare here, Jehu?” Jehu akapindura akati, “Pangava norugare seiko, kana pachine ufeve nouroyi hwakawanda hwamai vako Jezebheri?”

2 Madzimambo 10:26-27

Vakabudisa dombo rinoera kunze kwetemberi yaBhaari vakaripisa. Vakaparadza dombo rinoera raBhaari vakaputsa temberi yaBhaari, uye vanhu vakaishandisa sechimbuzi kusvikira nhasi.

2 Madzimambo 17:11-12

Vakapisa zvinonhuhwira panzvimbo dzose dzakakwirira, sezvakanga zvichiitwa nendudzi dzakadzingwa pamberi pavo naJehovha. Vakaita zvinhu zvakaipa zvikatsamwisa Jehovha. Vakanamata zvifananidzo, kunyange Jehovha akanga ati, “Musaita izvi.”

2 Madzimambo 17:14-18

Asi havana kuda kuteerera uye vakava nemitsipa mikukutu sezvakanga zvakaita madzibaba avo, avo vasina kuvimba naJehovha Mwari wavo. Vakaramba mitemo yake nesungano yaakanga aita namadzibaba avo uyewo neyambiro dzaakanga avapa. Vakatevera zvifananidzo zvisina maturo ivo pachavo vakava vasina maturo. Vakatevedzera ndudzi dzakanga dzakavakomberedza kunyange Jehovha akanga avarayira akati, “Musaita sezvavanoita,” asi vakaita zvinhu zvavakarambidzwa naJehovha. Vakasiya mirayiro yose yaJehovha Mwari wavo vakazviitira zvifananidzo zviviri zvakaumbwa zvemhuru, uye nedanda reAshera. Vakanamata nyeredzi dzose dzokudenga, uye vakanamata Bhaari. Vakabayira vanakomana vavo navanasikana vavo mumoto. Vakaita zvokuvuka nouroyi vakazvitengesa kuti vaite zvakaipa pamberi paJehovha, vakamutsamwisa nazvo. Naizvozvo Jehovha akatsamwira Israeri zvikuru akavabvisa pamberi pake. Rudzi rwaJudha chete ndirwo rwakasara,

2 Madzimambo 17:29

Kunyange zvakadaro, rudzi rumwe norumwe rwakazviitira vamwari varwo mumaguta mazhinji mavaigara, vakavamisa mumatumba okunamatira akanga aitwa navanhu veSamaria mumatunhu akakwirira.

2 Madzimambo 17:33-35

Vakanamata Jehovha, asi vakashumirawo vamwari vavo maererano netsika dzendudzi idzo dzavakanga vabviswa kwadziri. Kusvikira nhasi vari kurambira mutsika dzavo dzekare. Havanamati Jehovha kana kuteerera mitemo nezvakatemwa, nemirayiro nemirau yakapiwa naJehovha kuvana vaJakobho, uyo waakatumidza kuti Israeri. Jehovha akati aita sungano navaIsraeri, akavarayira akati, “Musanamata kana vamwari vapi zvavo kana kuvapfugamira, kana kuvashumira kana kubayira kwavari.

2 Madzimambo 18:4

Akabvisa matunhu akakwirira, akaputsa matombo okunamata, uye akatema matanda aAshera. Akaputsa nyoka yendarira yakanga yaitwa naMozisi, nokuti kusvikira panguva iyoyo vaIsraeri vakanga vachipisira zvinonhuhwira kwairi. (Yakanga ichinzi Nehushitani.)

2 Madzimambo 19:17-18

“Haiwa Jehovha, ichokwadi kuti madzimambo eAsiria akaparadza chose ndudzi idzi nenyika dzavo. Vakakanda vamwari vavo mumoto vakavaparadza, nokuti vakanga vasiri vamwari asi matanda chete namatombo, akaumbwa namaoko avanhu.

2 Madzimambo 21:6

Akabayira mwanakomana wake mumoto, akaita uroyi nokuvuka, akabvunza masvikiro navavuki. Akaita zvakaipa zvakawanda pamberi paJehovha, akamutsa hasha dzake.

2 Madzimambo 21:11-12

“Manase mambo weJudha aita zvivi zvinonyangadza izvi. Aita zvakaipa zvakawanda kupfuura vaAmori vakamutangira uye atungamirira Judha muzvivi nezvifananidzo zvake. Naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Ndichauyisa dambudziko pamusoro peJerusarema neJudha zvokuti nzeve dzomumwe nomumwe achanzwa nezvazvo dzichaunga.

2 Madzimambo 21:21

Akafamba munzira dzose dzababa vake; akanamata zvifananidzo zvakanga zvanamatwa nababa vake, akazvipfugamira.

2 Madzimambo 23:5-8

Akabvisa vaprista vezvifananidzo vakanga vagadzwa namadzimambo eJudha kuti vapisire zvinonhuhwira pamatunhu akakwirira amaguta eJudha napamusoro penzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, vaya vaipisira zvinonhuhwira kuna Bhaari, nokuzuva nomwedzi nokunyeredzi dzose dzokudenga. Akabvisa danda raAshera mutemberi yaJehovha akariisa kuMupata weKidhironi kunze kweJerusarema akaripisirako. Akarikuya rikava madota, akaparadzira madota acho pamusoro pamarinda avanhuwo zvavo. Akaputsawo dzimba dzezvifeve zvavarume zvapatemberi dzaiva mutemberi yaJehovha mairukira vakadzi machira aAshera. Josia akabudisa vaprista vose vaibva mumaguta eJudha akashatisa matunhu akakwirira, kubva kuGebha kusvikira kuBheerishebha, kwaipisirwa zvinonhuhwira navaprista. Akaputsa dzimba dzapamatunhu akakwirira apamasuo apamukova weSuo raJoshua, mutongi weguta, raiva kuruboshwe rwesuo reguta.

2 Madzimambo 23:24

Pamusoro paizvozvo, Josia akabvisa masvikiro ose navavuki, navaiita zvemidzimu, nezvifananidzo nezvimwe zvose zvinonyangadza zvaionekwa muJudha nomuJerusarema. Akaita izvi kuti azadzise zvaidikanwa nomurayiro wakanga wakanyorwa mubhuku rakanga rakawanikwa nomuprista Hirikia mutemberi yaJehovha.

1 Makoronike 10:13

Sauro akafa nokuti akanga asina kutendeka kuna Jehovha, haana kuchengeta shoko raJehovha uyezve akandobvunzira kumasvikiro kuti atungamirirwe.

1 Makoronike 16:26

Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo, asi Jehovha akasika matenga.

2 Makoronike 11:15

Uye iye akagadza vaprista vake pachake akavaisa panzvimbo dzakakwirira uye nezvifananidzo zvembudzi nezvemhuru zvaakanga agadzira.

2 Makoronike 14:3

Akabvisa aritari dzavatorwa nenzvimbo dzakakwirira, akaputsa matombo anoera uye akatema matanda aAshera.

2 Makoronike 24:18

Vakasiya temberi yaJehovha, Mwari wamadzibaba avo, vakanamata matanda aAshera nezvifananidzo. Nokuda kwokutadza kwavo, kutsamwa kwaMwari kwakauya pamusoro peJudha neJerusarema.

2 Makoronike 28:23-25

Akapa zvibayiro kuna vamwari veDhamasiko vakanga vamukunda; nokuti akafunga akati, “Sezvo vamwari vemadzimambo eAramu vakavabatsira ini ndichapa zvibayiro kwavari kuti vangondibatsira.” Asi ndivo vakava kuwa kwake nokweIsraeri yose. Ahazi akaunganidza midziyo yose yomutemberi akaitakura akaenda nayo. Akapfiga masuo etemberi yaJehovha akagadzira aritari pamakona ose emigwagwa yeJerusarema. Muguta rimwe nerimwe reJudha akavaka nzvimbo dzakakwirira kuti agopisira zvipiriso kuna vamwe vamwari uye zvikamutsa kutsamwa kwaJehovha, Mwari wamadzibaba ake.

2 Makoronike 33:2-3

Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achitevedzera zvinonyangadza pamberi paJehovha zvaiitwa nendudzi dzakadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri. Akavakazve nzvimbo dzakakwirira dzakanga dzaparadzwa nababa vake Hezekia. Akavaka aritari dzaBhaari uye akagadzira matanda aAshera. Akakotamira nyeredzi dzose dzokudenga akadzishumira.

2 Makoronike 33:6-7

Akabayira vanakomana vake mumoto mumupata weBheni Hinomi akaita zvamashura, mazango, nouroyi, akandobvunzira kumasvikiro, navavuki. Akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha akamutsa hasha dzake. Akatora chifananidzo chakavezwa chaakanga agadzira akachiisa mutemberi yaMwari, yakanga yanzi naMwari kuna Dhavhidhi nokumwanakomana wake Soromoni, “Mutemberi ino nomuJerusarema randakasarudza kubva mumarudzi ose eIsraeri, ndichaisa Zita rangu nokusingaperi.

Mapisarema 16:4

Kuchema kuchawedzerwa, kwaavo vanomhanyira vamwe vamwari. Handichazodiri zvipiriso zvavo zveropa zvinodururwa kana kuisa mazita avo pamiromo yangu.

Mapisarema 78:58-59

Vakamutsamwisa nenzvimbo dzavo dzakakwirira; vakamutsa godo rake nokuda kwezvifananidzo zvavo. Mwari akati avanzwa akatsamwa zvikuru kwazvo; akaramba Israeri zvachose.

Mapisarema 96:5

Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo, asi Jehovha akaita matenga.

Mapisarema 97:7

Vose vanonamata zvifananidzo vanonyadziswa, avo vanozvirumbidza nezvifananidzo, munamatei, imi vamwari vose!

Mapisarema 106:36-38

Vakanamata zvifananidzo zvavo, izvo zvakazova musungo kwavari. Vakabayira vanakomana vavo navanasikana vavo kumadhimoni. Vakateura ropa risina mhosva, iro ropa ravanakomana vavo neravanasikana vavo, vavakabayira kuzvifananidzo zveKenani, nyika ikasvibiswa neropa ravo.

Mapisarema 115:4-8

Asi zvifananidzo zvavo isirivha negoridhe, zvakaitwa namaoko avanhu. Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura, zvina meso, asi hazvigoni kuona; zvine nzeve, asi hazvigoni kunzwa mhino, asi hazvigoni kunhuhwidza; zvina maoko, asi hazvigoni kubata, tsoka, asi hazvigoni kufamba; uye hazvitauri napahuro pazvo. Vanozviita vachafanana nazvo, navose vanovimba nazvo.

Mapisarema 135:15-18

Zvifananidzo zvendudzi isirivha negoridhe, zvakaitwa namaoko avanhu. Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura, zvina meso, asi hazvigoni kuona; nenzeve, asi hazvigoni kunzwa, uye hamuna kufema mumuromo mazvo. Vaya vanozviita vachafanana nazvo, saizvozvowo, naivo vanovimba nazvo.

Isaya 2:6

Nokuti makasiya vanhu venyu, ivo imba yaJakobho. Vakazara nezvinamato zvokuMabvazuva; vanoita zvokuvuka kufanana navaFiristia, vachibatana maoko nevedzimwe ndudzi.

Isaya 2:8

Nyika yavo izere nezvifananidzo; vanopfugamira mabasa amaoko avo, kuzvinhu zvakaitwa neminwe yavo.

Isaya 2:20

Pazuva iro vanhu vacharasira kumakonzo nokuzviremwaremwa, zvifananidzo zvavo zvesirivha nezvifananidzo zvegoridhe, zvavakaita kuti vazvinamate.

Isaya 8:19-20

Kana vanhu vachiti kwamuri bvunzai masvikiro navavuki, vanozevezera nokunguruma, ko, vanhu havangabvunzi kuna Mwari wavo here? Munobvunzirei vakafa pamusoro pavapenyu? Endai kumurayiro nokuzvipupuriro! Kana vasingatauri maererano neshoko iri havana chiedza chamambakwedza.

Isaya 14:12-15

Haiwa, wawa seiko, uchibva kudenga, iwe nyamasase yamangwanani, mwanakomana wamambakwedza! Wakakandwa panyika, iyewe wakambowisira ndudzi pasi! Wakati mumwoyo mako, “Ndichakwira kudenga; ndichasimudzira chigaro changu choushe pamusoro penyeredzi dzaMwari; ndichagara pachigaro changu choushe pagomo reungano, pamusoro pegomo dzvene. Ndichakwira pamusoro-soro pamakore; ndichazviita seWokumusoro-soro.” Asi waderedzwa kusvika kuguva, kwakadzika dzika kwegomba.

Isaya 19:3

VaIjipita vachaora mwoyo, uye ndichaita kuti zvavanoronga zvive pasina; vachabvunza zvifananidzo nemweya yavakafa, nokumasvikiro navavuki.

Isaya 30:22

Ipapo muchasvibisa zvifananidzo zvenyu zvakafukidzwa nesirivha nezviumbwa zvenyu zvakafukidzwa negoridhe; muchazvirasira kure somucheka wakasvibiswa neropa romukadzi ari kumwedzi kwake muchiti kwazviri, “Ibvai pano!”

Isaya 31:7

Nokuti pazuva iro mumwe nomumwe wenyu acharamba zvifananidzo zvesirivha negoridhe zvakaitwa namaoko enyu akaipa.

Isaya 42:8

“Ndini Jehovha; ndiro zita rangu! Handizopi kukudzwa kwangu kuno mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kuzvifananidzo.

Isaya 42:17

Asi ivo vanovimba nezvifananidzo, vanoti kune zvakaumbwa, ‘Ndimi vamwari vedu,’ vachadzoserwa shure mukunyadziswa kukuru.

Isaya 43:10

“Imi muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye nomuranda wangu wandakasarudza, kuti mugoziva uye mugonditenda uye mugonzwisisa kuti ndini iye. Hakuna kumbova nomumwe mwari akaumbwa ndisati ndavapo, uye hakuchazova nomumwe shure kwangu.

Isaya 44:6

“Zvanzi naJehovha, Mambo waIsraeri noMudzikinuri, Jehovha Wamasimba Ose: Ndini wokutanga uye ndini wokupedzisira; kunze kwangu hakuna Mwari.

Isaya 44:9-15

Vose vanoita zvifananidzo havana maturo, uye zvinhu zvavanofarira hazvibatsiri. Vose vangada kuvapupurira mapofu; havazivi, ndiko kuchava kunyadziswa kwavo. Ndiani anoveza mwari uye anoumba chifananidzo, chisingamubatsiri chinhu? Iye navamwe vake vachanyadziswa; mhizha hadzizi chinhu asi vanhu zvavo. Ngavaungane vose pamwe chete uye vamire vasingazungunuswi; vachaderedzwa, uye vachatya vachanyadziswa. Mupfuri anotora chokupfurisa agochishandisa mumazimbe; anoita chifananidzo nenyundo, agochiumba nesimba roruoko rwake. Anonzwa nzara agorasikirwa nesimba rake. Mukusanwa kwake mvura anobva aziya. Muvezi anoyera nerwodzi ozoita mutsetse nechokunyoresa; anounatsa nembezo, uye anoutara nezvienzaniso. Anouumba mumufananidzo womunhu, womunhu nokunaka kwake kwose, kuti ugare mumba. Akatema misidhari, kana zvimwe akatora musipuresi kana muouki. Akaurega uchikura pakati pemiti yesango, kana kuti akasima mupaini, mvura ikaita kuti ukure. Ndidzo huni dzomunhu dzokuvesa moto; dzimwe dzacho anodzitora agozvidziyisa nadzo, anovesa moto agobika chingwa nadzo. Asizve anoveza chimwari agochinamata; anoita chifananidzo agochipfugamira.

Isaya 44:17-18

Nezvasara anoita nazvo chimwari, icho chifananidzo chake; anochipfugamira agochinamata. Anonyengetera kwachiri achiti, “Ndiponesei; ndimi mwari wangu.” Havana chavanoziva, havanzwisisi chinhu, meso avo akanamwa kuitira kuti varege kuona, uye ndangariro dzavo dzakafukidzirwa kuitira kuti varege kunzwisisa. Hapana anombomira kuti afunge,

Isaya 45:5

Ndini Jehovha, uye hakuna mumwe; kunze kwangu ini hakuna Mwari. Ndichakusimbisa, kunyange usina kundiziva,

Isaya 45:20

“Unganai pamwe chete muuye; unganai, imi vatizi vanobva kune dzimwe ndudzi. Vose vanotakura mifananidzo yamatanda havazivi, vanonyengetera kuna vamwari vasingagoni kuponesa.

Isaya 46:6-7

Vamwe vanodurura goridhe kubva muhomwe dzavo, uye vanoyera sirivha pazviyero; vanotsvaka mupfuri kuti avaitire chimwari, vagopfugama kuti vachinamate. Vanochisimudzira pamapfudzi avo vagochitakura; vanochigadzika panzvimbo yacho, uye hecho chomira, hachigoni kufamba kuti chibvepo. Kunyange mumwe akadanidzira kwachiri, hachipinduri; hachigoni kumuponesa kubva pamatambudziko ake.

Isaya 47:12-15

“Zvino, enderera hako mberi nouroyi hwako, uye nounʼanga hwako huzhinji, hwawakashandira kubva paudiki hwako. Zvichida uchabudirira, zvichida uchavhundutsira vamwe. Mazano ose awakagamuchira, akakunetesa chete! Vanhu vako vanocherechedza nyeredzi ngavauye mberi, avo vanotarira nyeredzi vachifembera mwedzi nomwedzi, ngavakuponese pane zviri kuuya pamusoro pako. Zvirokwazvo vakafanana namashanga; moto uchaapisa akapera. Havangatongogoni kuzvirwira, pasimba romurazvo womoto. Asi hapana mazimbe okuti munhu adziyirwe; hapana moto wokudziya ipapo. Izvozvi ndizvo chete zvavangakuitira, ava vawakashanda navo, uye ukafamba navo kubva paudiki hwako. Mumwe nomumwe wavo anoenderera mberi nokukanganisa kwake; hapana kana mumwe angakuponesa.

Jeremia 7:9-11

“ ‘Mungaba mugouraya, mugoita upombwe mugopika nhema, muchipisira zvinonhuhwira kuna Bhaari, mugotevera vamwe vamwari vamusina kumboziva, ndokuzouya zvino momira pamberi pangu muimba ino, iyo ine Zita rangu, muchiti, “Takasunungurwa,” makasunungurwa kuti muite izvi zvose zvinonyangadza here? Ko, imba ino, inodanwa neZita rangu, yava bako ramakororo here? Asika, ndanga ndichizviona, ndizvo zvinotaura Jehovha.

Jeremia 7:18

Vana vanounganidza huni, madzibaba ndokubatidza moto, uye madzimai anokanya furawu ndokuitira Mambokadzi woKudenga makeke echingwa. Vanodurura zvipiriso zvokunwa kuna vamwe vamwari kuti vanditsamwise.

Jeremia 8:2

Achava pamhene agorohwa nezuva uye achavhenekwa nomwedzi nenyeredzi dzose dzedenga, zvavakada vakazvishumira vakazvitevera uye vakabvunza kwazviri, vakazvinamata. Haangaunganidzwi kana kuvigwa, asi achafanana nomupfudze uri panyika.

Jeremia 10:3-5

Nokuti tsika dzavanhu hadzina maturo; vanotema muti musango, muvezi ouveza nembezo. Vanoushongedza nesirivha negoridhe; vanourovera nenyundo nezvipikiri kuti urege kuzungunuka. Sedukununu kumucheto womunda wamavise, zvifananidzo zvavo hazvigoni kutaura; zvinofanira kutotakurwa nokuti hazvigoni kufamba. Musazvitya; hazvigoni kukukuvadzai, uye hazvina nebasa rose.”

Jeremia 10:11

“Muvaudze kuti, ‘Vamwari ava, vasina kuita matenga nenyika, vachaparara panyika nepasi pamatenga.’ ”

Jeremia 10:14-15

Mumwe nomumwe haafungi uye haana zivo; mupfuri mumwe nomumwe wegoridhe anonyadziswa nezvifananidzo zvake. Zvifananidzo zvake ndezvenhema; hazvina mweya mazviri. Hazvina maturo, zvinhu zvokutuka; kutongwa kwazvo pakunosvika, zvose zvichaparara.

Jeremia 13:10

Vanhu ava vakaipa, vanoramba kunzwa mashoko angu, vanotevera kusindimara kwemwoyo yavo uye vanoenda kuna vamwe vamwari kuti vavashumire uye vavanamate, vachafanana nebhanhire iri, risingabatsiri chose!

Jeremia 16:20

Ko, vanhu vanozviitira vamwari vavo here? Hongu, asi havasi vamwari!”

Jeremia 19:4-6

Nokuti vakandisiya vakaita nzvimbo ino kuti ive yamwari wavatorwa; vakapisira zvibayiro mairi kuna vamwari vavasina kuziva ivo kana madzibaba avo kana madzimambo eJudha, uye vakazadza nzvimbo ino neropa ravasina mhosva. Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzaBhaari kuti vapise vanakomana vavo mumoto sezvipiriso kuna Bhaari, chinhu chandisina kuvarayira kana kureva, uye hachina kumbopinda mupfungwa dzangu. Saka chenjerai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, apo vanhu vasingazotumidzi nzvimbo ino kuti Tofeti kana kuti Mupata waBheni Hinomi, asi kuti Mupata Wokuuraya.

Jeremia 19:13

Dzimba dziri muJerusarema nedzamadzimambo eJudha dzichasvibiswa senzvimbo ino, Tofeti, dzimba dzose dzavaipisira zvinonhuhwira pamatenga adzo, vachipisira hondo dzenyeredzi dzose dzokudenga uye vachidururira vamwe vamwari zvipiriso zvokunwa.’ ”

Jeremia 25:6

Regai kutevera vamwe vamwari kuti muvashumire uye muvanamate; murege kunditsamwisa nezvakaitwa namaoko enyu. Ipapo handingakuitirei zvakaipa.”

Jeremia 27:9-10

Saka musateerera vaprofita venyu, navavuki venyu, kana vanodudzira hope kana vafemberi kana varoyi vanokuudzai kuti, ‘Hamungashandiri mambo weBhabhironi’. Vanokuprofitirai nhema dzichangoita kuti mubviswe muendeswe kure nenyika dzenyu; ndichakudzingai uye muchaparara.

Jeremia 32:34-35

Vakaisa zvifananidzo zvavo zvinonyangadza mumba yakatumidzwa Zita rangu vakaisvibisa. Vakavakira Bhaari nzvimbo dzakakwirira muMupata weBheni Hinomi kuti vabayire vanakomana navanasikana vavo kuna Moreki, kunyange ndisina kuvarayira, kana kuzviisa mupfungwa dzangu, kuti vaite chinhu chinonyangadza zvakadai, nokudaro vagoita kuti Judha itadze.

Jeremia 51:17-18

“Munhu mumwe nomumwe haana pfungwa uye haana zivo; mupfuri mumwe nomumwe wesimbi anonyadziswa nezvifananidzo zvake. Zvifananidzo zvake ndezvenhema; hazvina mweya mazviri. Hazvina maturo, zvinhu zvinosekwa; kana kutongwa kwazvo kwasvika, zvichaparadzwa.

Ezekieri 13:18

uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vakadzi vanosonera mazango pamaoko avo uye vanoita zvifukidzo zvemisoro yavo zvemhando dzakasiyana-siyana pakureba vachiitira kuti vateye vanhu nazvo. Ko, imi muchateya upenyu hwavanhu vangu asi muchichengetedza hwenyu here?

Ezekieri 13:20

“ ‘Naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha: Ndinovenga mazango enyu amunoteya nawo vanhu kunge munoteya shiri, zvino ndichaadambura pamaoko enyu; ndichasunungura vanhu vamunoteya seshiri.

Ezekieri 14:3-5

“Mwanakomana womunhu, ava vanhu vakaisa zvifananidzo mumwoyo yavo vakaisa zvigumbuso zvakaipa pamberi pavo. Ndingavatendera kuti vatombondibvunza here? Naizvozvo taura navo ugovaudza kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kana muIsraeri upi zvake akaisa zvifananidzo mumwoyo make uye akaisa chigumbuso chakaipa pamberi pake ndokuenda kumuprofita, ini Jehovha ndichamupindura pachangu zvinoenderana nokunamata kwake zvifananidzo zvake zvikuru. Ndichaita izvi kuti ndibatezve mwoyo yavanhu veIsraeri, ivo vakandisiya vose kuti vatevere zvifananidzo zvavo.’

Ezekieri 14:6-7

“Naizvozvo uti kuimba yeIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Tendeukai! Dzokai mufuratire zvifananidzo zvenyu musiye mabasa enyu ose anonyangadza! “ ‘Kana muIsraeri upi zvake, kana mutorwa agere muIsraeri, akazvitsaura kubva pandiri akaisa zvifananidzo mumwoyo make uye akaisa chigumbuso chakaipa pamberi pake ndokuenda kumuprofita kunobvunza nezvangu, ini Jehovha ndichamupindura pachangu.

Ezekieri 21:21

Nokuti mambo weBhabhironi achamira pamharadzano dzemugwagwa, pamharadzano dzemigwagwa miviri, kuti aite zvokuvuka: Achakanda mijenya nemiseve, achabvunza zvifananidzo zvake, achaongorora chiropa.

Dhanieri 2:27-28

Dhanieri akapindura akati, “Hakuna munhu akachenjera, kana wamazango, kana nʼanga kana mufemberi angagona kurondedzera kuna mambo chakavanzika chaanobvunza pamusoro pacho asi kudenga kuna Mwari anozivisa zvakavanzika. Iye akaratidza Mambo Nebhukadhinezari zvichaitika mumazuva anouya. Kurota kwenyu nezviratidzo zvakaratidzwa mundangariro dzenyu muvete pamubhedha ndezvizvi:

Dhanieri 4:7

Nʼanga, navaya vanofarira mazango, navazivi vezvenyeredzi navafemberi vakati vauya, ndakavaudza kurota kwangu, asi havana kugona kundidudzira.

Dhanieri 10:13

Asi muchinda woumambo hwavaPezhia akandidzivisa mazuva makumi maviri nerimwe apfuura. Ipapo Mikaeri, mumwe mukuru wamachinda, akauya kuzondibatsira, nokuti ndakanga ndakavharidzirwa ikoko namambo wavaPezhia.

Jona 2:8

“Vaya vanobatirira kuzvifananidzo zvisina maturo, vanorasa nyasha dzingadai dziri dzavo.

Mika 5:12-14

Ndichaparadza uroyi hwako uye hauchazovizve navavuki. Ndichaparadza zvifananidzo zvenyu zvakavezwa neshongwe dzenyu pakati penyu; hamuchazokotamiri kubasa ramaoko enyu. Ndichadzura kubva pakati penyu matanda aAshera uye ndichaparadza maguta enyu.

Habhakuki 2:18-19

“Chifananidzo chakavezwa chinobatsireiko, zvachakangogadzirwa nomuvezi? Kana chifananidzo chakaumbwa, chinodzidzisa nhema? Nokuti uyo anochiita anovimba nechaakazviumbira; anoita zvifananidzo zvisingagoni kutaura. Ane nhamo anoti kudanda, ‘Rarama!’ Kana kubwe risingagoni kutaura, ‘Muka!’ Ko, zvingadzidzisa here? Tarira, chakafukidzwa negoridhe nesirivha; hachina mweya mukati macho napaduku.

Zefania 1:4-5

Ndichatambanudza ruoko rwangu kuti ndirwise Judha uye ndicharwisa vose vanogara muJerusarema. Ndichaparadza kubva panzvimbo ino vose vakasara vaBhaari, mazita avaprista vechihedheni vanonamata zvifananidzo, vaya vanopfugama pamusoro pedzimba kuti vanamate nyeredzi dzedenga, vaya vanopfugama vachipika naJehovha uye vanopikawo naMoreki,

Zekaria 10:2

Zvifananidzo zvinotaura zvounyengeri, vavuki vanoona zviratidzo zvenhema; vanotaura zviroto zvenhema, vanopa varaidzo pasina. Nokudaro vanhu vanodzungaira samakwai anomanikidzwa nokuda kwokushayiwa mufudzi.

Maraki 2:11-12

Judha aputsa chitenderano. Chinhu chinonyangadza chaitwa muIsraeri nomuJerusarema: Judha asvibisa nzvimbo tsvene yaJehovha, nokuwana mwanasikana wamwari wavatorwa. Kumunhu anoita izvi, angava ani zvake, Jehovha ngaamubvise pamatende aJakobho, kunyange achiuya nezvipo kuna Jehovha Wamasimba Ose.

Mateo 23:9

Musadana ani zvake ari panyika muchiti, ‘Baba’ nokuti munongova naBaba vamwe chete uye vari kudenga.

Johani 3:3-8

Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angaona umambo hwaMwari kana asina kuberekwa patsva.” Nikodhimasi akabvunza akati, “Munhu angaberekwa seiko iye ava mukuru? Zvirokwazvo haangagoni kupinda mudumbu ramai vake kechipiri kuti aberekwe patsva!” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angapinda muumambo hwaMwari kana asina kuberekwa nemvura uye noMweya. Nyama inobereka nyama, asi Mweya anobereka Mweya. Haufaniri kushamiswa nezvandareva ndichiti, ‘Unofanira kuberekwa patsva.’ Mhepo inovhuvhuta ichienda kwainoda. Unonzwa inzwi rayo, asi haugoni kuziva kwainobva kana kwainoenda. Ndizvo zvakaitawo vose vakaberekwa noMweya.”

Johani 3:16-18

“Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake panyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe kubudikidza naye. Ani naani anotenda kwaari haatongwi, asi ani naani asingatendi atotongwa nokuti haana kutenda muzita roMwanakomana mumwe oga waMwari.

Johani 10:1

“Ndinokuudzai chokwadi kuti munhu asingapindi mudanga ramakwai napamukova, asi anokwira kuti apinde naparutivi, imbavha uye igororo.

Johani 14:6

Jesu akapindura akati, “Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri.

Johani 16:13

Asi kana iye, Mweya wechokwadi, auya, achakutungamirirai muzvokwadi yose. Haangazotauri zvake; achataura zvaanenge anzwa chete, uye achakuudzai zvichauya.

Mabasa 4:12

Ruponeso haruwanikwi kuna ani zvake, nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa kuvanhu ratingaponeswa naro.”

Mabasa 8:9-13

Zvino kwechinguva mumwe murume ainzi Simoni akanga aita unʼanga muguta uye akashamisa vanhu vose veSamaria. Aizvirumbidza achiti iye akanga ari munhu mukuru, uye vanhu vose kubva kuna vakakwirira kusvikira kuna vari pasi pasi, vaimuteerera vachiti, “Munhu uyu ndiye simba guru raMwari.” Vaimutevera nokuti akanga avashamisa kwenguva refu namashiripiti ake. Asi vakati vatenda Firipi sezvo aiparidza vhangeri roumambo hwaMwari nezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa, vose varume navakadzi. Simoni pachake akatenda uye akabhabhatidzwa. Uye akatevera Firipi kwose kwose, achikatyamadzwa nezviratidzo zvikuru zvaakaona.

Mabasa 13:6-12

Vakafamba nomuchiwi chose kudzamara vasvika kuPafosi. Vakasangana neimwe nʼanga yechiJudha ikoko, uye akanga ari muprofita wenhema ainzi Bhari Jesu, akanga ari muchengeti womubati wenyika ainzi Segio Paurusi. Mubati akanga ari murume akachenjera, akadana Bhanabhasi naSauro nokuti aida kunzwa shoko raMwari. Asi Erimasi nʼanga (nokuti ndizvo zvaireva zita rake) akavapikisa akaedza kutsausa mubati uyu pakutenda. Ipapo Sauro akanga achinziwo Pauro, azere noMweya Mutsvene akatarisisa Erimasi akati, “Iwe uri mwana wadhiabhori nomuvengi wezvinhu zvose zvakarurama! Uzere nokunyengera kwose namano akaipa. Hausi kuzorega here kumonyorotsa nzira dzakarurama dzaShe? Zvino ruoko rwaShe rwava pamusoro pako. Uchava bofu, uye uchatadza kuona chiedza chezuva kwechinguva.” Pakarepo mhute nerima zvakauya pamusoro pake, akadzivaira pose pose achitsvaka mumwe munhu angamutungamirira. Mubati akati aona zvakanga zvaitika akatenda nokuti akashamiswa nedzidziso yezvaShe.

Mabasa 14:12-15

Bhanabhasi vakamutumidza kuti Zeusi, uye Pauro vakamutumidza kuti Herimesi nokuti ndiye aiva mutauri mukuru. Muprista waZeusi aiva netemberi yake yakanga iri kunze kweguta, akauya nehando namaruva kumasuo eguta nokuti iye navanhu vazhinji vaida kupa zvibayiro kwavari. Asi vapostori Bhanabhasi naPauro vakati vazvinzwa, vakabvarura nguo dzavo vakamhanyira mukati moruzhinji, vakadanidzira vachiti, “Varume, munoitireiko izvi? Isuwo tiri vanhu semi, vanhuwo zvavo semi. Tinokuparidzirai mashoko akanaka, tichikuudzai kuti mubve pazvinhu izvi zvisina maturo mudzokere kuna Mwari mupenyu, akaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvose zviri mukati mazvo.

Mabasa 16:16-18

Nerimwe zuva patakanga tichienda kunzvimbo yokunyengeterera, takasangana nomusikana akanga ari nhapwa akanga ane mweya wokuvuka. Aiwanira vatenzi vake mari zhinji nokuvuka kwake. Musikana uyu aitevera Pauro nesu, achidanidzira achiti, “Varume ava varanda vaMwari Wokumusoro-soro, vari kukuudzai nzira yoruponeso.” Akaramba achiita izvi kwamazuva mazhinji. Pakupedzisira Pauro akashushikana zvikuru zvokuti akatendeuka akati kumweya uyu, “Muzita raJesu Kristu ndinokurayira kuti ubude maari!” Nenguva yakare iyoyo mweya wakabva maari.

Mabasa 17:22-30

Ipapo Pauro akasimuka mumusangano weAreopagasi akati, “Varume veAtene! Ndinoona kuti panzira dzose muri vanhu vechitendero zvikuru. Nokuti ndakati ndichifamba-famba uye ndikanyatsotarisisa zvinhu zvamunonamata, ndakaonawo aritari yakanyorwa kunzi: KUNA MWARI ASINGAZIVIKANWI. Zvino chamunonamata sechinhu chisingazivikanwi ndicho chandinokuparidzirai. “Mwari akasika nyika nezvinhu zvose zviri mairi ndiye Ishe wedenga napasi uye haagari mutemberi dzakavakwa namaoko. Iye haashumirwi namaoko avanhu, sokunge anoshayiwa chinhu, nokuti iye amene anopa vanhu vose upenyu nokufema, nezvimwewo zvinhu. Kubva pamunhu mumwe chete akaita ndudzi dzose dzavanhu, kuti vagare panyika yose; uye akavatarira nguva nenzvimbo dzavo chaidzo dzavangagara. Mwari akaita izvi kuitira kuti vanhu vagomutsvaka kuti zvimwe vangamuwana, kunyange zvake asiri kure nomumwe nomumwe wedu. ‘Nokuti maari ndimo matinorarama nomatinofamba, uye ndimo matigere.’ Sezvakarehwa navamwe vadetembi vokwenyu vachiti, ‘Tiri chibereko chake.’ “Naizvozvo sezvo tiri chibereko chaMwari, hatifaniri kufunga kuti umwari hwakaita segoridhe kana sirivha kana ibwe, chifananidzo chakavezwa noumhizha hwomunhu. Mwari akarega hake kurangarira nguva dzakare dzokusaziva kwakadai, asi zvino anorayira vanhu vose kwose kwose kuti vatendeuke.

Mabasa 19:19

Vazhinji vakanga vachiita zvounʼanga vakaunganidza mabhuku avo pamwe chete vakaapisa pamberi pavanhu. Vakati vaverenga mutengo wamabhuku acho, mari ikasvika madhirakema zviuru makumi mashanu.

VaRoma 1:22-23

Kunyange zvavo vachizviti vakachenjera, vakava mapenzi uye vakashandura kubwinya kwaMwari asingafi vakakuita mifananidzo yakaitwa somunhu anofa, shiri, mhuka nezvinokambaira.

VaRoma 1:25

Vakatsinhanisa zvokwadi yaMwari nenhema, vakanamata uye vakashumira zvisikwa panzvimbo yoMusiki, iye anokudzwa nokusingaperi. Ameni.

1 VaKorinde 8:4-5

Saka naizvozvo, pamusoro pokudya zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo: Tinoziva kuti chifananidzo hachizi chinhu zvachose panyika uye kuti hakuna Mwari, asi iye mumwe chete. Nokuti kunyange dai varipo vanonzi vamwari, kungava kudenga kana panyika (sezvavaripo zvirokwazvo “vamwari” vazhinji uye na“madzishe” mazhinji),

1 VaKorinde 10:14

Naizvozvo, shamwari dzangu dzinodikanwa, tizai kunamata zvifananidzo.

1 VaKorinde 10:19-22

Ko, ndinoreva kuti chibayiro chinobayirwa chifananidzo chinhu here, kana kuti chifananidzo chinhu here? Kwete, asi zvibayiro zvavahedheni zvinopiwa kumadhimoni kwete kuna Mwari, uye ini handidi kuti mugovane namadhimoni. Hamunganwi mukombe waShe uye nomukombe wamadhimoniwo; hamungavi nomugove patafura yaShe uye napatafura yamadhimoni. Tiri kuedza kumutsa godo raShe here? Takasimba kupfuura iye here?

1 VaKorinde 12:2-3

Munoziva kuti pamakanga muri vahedheni, makanga muchitungamirirwa uye nokutsauswa muchiiswa kuzvifananidzo zvisingagoni kutaura. Naizvozvo ndinokuudzai kuti hakuna munhu anotaura noMweya waMwari anoti, “Jesu ngaatukwe.” Uye hakuna munhu anoti, “Jesu ndiye Ishe,” asi naMweya Mutsvene.

2 VaKorinde 6:15-16

Ko, Kristu anganzwanana seiko naBheriari? Ko, mutendi angava nomugove weiko neasingatendi? Ko, temberi yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo? Nokuti tiri temberi yaMwari mupenyu. Sezvakarehwa naMwari, achiti, “Ndichagara pakati pavo ndigofamba navo, uye ndichava Mwari wavo, ivo vagova vanhu vangu.”

2 VaKorinde 11:13-14

Nokuti vanhu vakadai ndivo vapostori venhema, varume vanonyengera, vanozvishandura vachizviita vapostori vaKristu. Uye naizvozvo hazvishamisi, nokuti Satani pachake anozvishandura achizviita mutumwa wechiedza.

VaGaratia 1:6-9

Ndinoshamiswa kuti munokurumidza kusiya uyo akakudanai nenyasha dzaKristu muchitsaukira kune rimwe vhangeri, risati riri vhangeri chairo kana napaduku. Zviri pachena kuti vamwe vanhu vanoda kukukanganisai vachiedza kushandura vhangeri raKristu. Asi kunyange isu kana mutumwa anobva kudenga akaparidza vhangeri risati riri ratakakuparidzirai, ngaatukwe nokusingaperi! Sezvatakamboreva, tinodarozve zvino tichiti: Kana kuno munhu upi zvake ari kuparidza kwamuri vhangeri kunze kweramakagamuchira, ngaave akatukwa nokusingaperi!

1 Timoti 2:5

Nokuti kuna Mwari mumwe chete, nomurevereri mumwe chete pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu.

1 Timoti 4:1

Mweya anotaura pachena kuti panguva dzinouya vamwe vachatsauka kubva pakutenda vagotevera mweya inonyengera nedzidziso dzamadhimoni.

VaHebheru 9:27

Sezvo munhu akatemerwa kufa kamwe chete uye shure kwaizvozvo agotongwa,

Jakobho 2:19

Iwe unotenda kuti kuna Mwari mumwe. Zvakanaka! Kunyange madhimoni anotenda izvozvo, uye achidedera.

1 Johani 2:22-23

Ndianiko murevi wenhema? Ndiye munhu anoramba kuti Jesu ndiye Kristu. Munhu akadaro ndiye andikristu, anoramba Baba noMwanakomana. Hakuna munhu anoramba Mwanakomana angava naBaba; ani naani anopupura Mwanakomana ndiye ana Babawo.

1 Johani 4:1-3

Shamwari dzinodikanwa, musatenda mweya yose yose, asi edzai mweya kuti muone kana ichibva kuna Mwari, nokuti vaprofita vazhinji venhema vakapinda munyika. Aya ndiwo maziviro amungaita Mweya waMwari: mweya mumwe nomumwe unopupura kuti Jesu Kristu akauya munyama unobva kuna Mwari, asi mweya wose usingapupuri Jesu haubvi kuna Mwari. Ndiwo mweya waandikristu, wamakanzwa kuti uri kuuya uye kunyange iye zvino watova munyika.

1 Johani 4:6

Isu tinobva kuna Mwari, uye ani naani anoziva Mwari anotinzwa; asi ani naani asingabvi kuna Mwari haatinzwi. Izvi ndizvo zvinoita kuti tizive mweya wechokwadi nomweya wenhema.

1 Johani 5:21

Vana vanodikanwa, ibvai pazvifananidzo.

2 Johani 1:9-11

Mumwe nomumwe anomhanya mberi asingarambiri mudzidziso yaKristu haana Mwari; ani naani anorambira mukudzidzisa kwaKristu ana Baba noMwanakomana. Kana munhu akauya kwamuri uye asingauyi nedzidziso iyi, musamupinza mumba menyu kana kumugamuchira. Ani naani anomugamuchira anogovana naye mubasa rake rakaipa.

Zvakazarurwa 9:20-21

Vakasara vavanhu vasina kuurayiwa namatambudziko aya havana kutendeuka pabasa ramaoko avo; havana kurega kunamata madhimoni, nokunamata zvifananidzo zvegoridhe, sirivha, nendarira, matombo namatanda, zvifananidzo zvisingagoni kuona, kunzwa kana kufamba. Uye havana kutendeuka muumhondi hwavo, pauroyi hwavo, napaupombwe hwavo, kana kuba kwavo.

Zvakazarurwa 12:9

Shato huru yakakandwa pasi, iyo nyoka yekare inonzi dhiabhori, kana kuti Satani, anotsausa nyika yose. Akakandwa panyika pamwe chete navatumwa vake.

Zvakazarurwa 13:4

Vanhu vakanamata shato nokuti yakanga yapa simba kuchikara, uye vakanamatawo chikara vachiti, “Ndianiko akaita sechikara? Ndianiko angarwa nacho?”

Zvakazarurwa 13:15-18

Chakapiwa simba rokupa upenyu kuchifananidzo chechikara chokutanga, kuti chigone kutaura uye chigoita kuti vose vanoramba kunamata chifananidzo vaurayiwe. Chakamanikidza munhu wose, muduku nomukuru, mupfumi nomurombo, akasununguka nomutapwa, kuti vapiwe mucherechedzo paruoko rwavo rworudyi kana pahuma yavo, kuitira kuti kurege kuva nomunhu angagona kutenga kana kutengesa kunze kwokunge ano mucherechedzo, unova ndiwo zita rechikara kana chiverengo chezita racho. Izvi zvinoda uchenjeri. Kana pano munhu anoziva, ngaaverenge chiverengo chechikara, nokuti ndicho chiverengo chomunhu. Chiverengo chacho ndichochi: Mazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu.

Zvakazarurwa 14:9-11

Mutumwa wechitatu akavatevera uye akati nenzwi guru: “Kana munhu achinamata chikara nechifananidzo chacho uye akapiwa mucherechedzo wacho pahuma kana pamaoko, naiyewo achanwa waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa sezvairi mumukombe wehasha dzaMwari. Achatambudzwa nesafuri inopfuta pamberi pavatumwa vatsvene napamberi peGwayana. Uye utsi hwokutambudzika kwavo hunokwira nokusingaperi-peri. Hapana zororo masikati kana usiku kuna avo vanonamata chikara nechifananidzo chacho, kana kuna ani zvake anogamuchira mucherechedzo wezita racho.”

Zvakazarurwa 17:4-6

Mukadzi uyu akanga akapfeka nguo yepepuru nezvitsvuku uye aitaima negoridhe, mabwe anokosha namaparera. Akanga akabata mukombe wegoridhe muruoko rwake, uzere nezvinonyangadza uye netsvina youpombwe hwake. Zita iri rakanga rakanyorwa pahuma yake: chakavanzika bhabhironi guta guru mai vemhombwe nezvinonyangadza zvenyika Ndakaona kuti mukadzi uyu akanga araradza neropa ravatsvene, ropa ravaya vanopupura Jesu. Pandakamuona, ndakakatyamara zvikuru.

Zvakazarurwa 18:23

Chiedza chomwenje hachichazovhenekerizve mauri. Inzwi rechikomba neromwenga hazvichazonzwikwazve mauri. Vashambadziri vako vakanga vari vakuru venyika. Nouroyi hwako ndudzi dzose dzakatsauswa.

Zvakazarurwa 21:8

Asi vanotya, vasingatendi, navanonyangadza, mhondi, nemhombwe, navanoita zvouroyi, vanonamata zvifananidzo navanoreva nhema, nzvimbo yavo ichava mudziva romoto rinopfuta nesafuri. Urwu ndirwo rufu rwechipiri.”

Shona - Shona - SN

SNCB'17 - Bhaibheri Dzvene Muchishona Chanhasi Contemporary - 2017

This Bible text is from Biblica Open Shona Contemporary Bible 2017
https://open.bible/bibles/shona-biblica-text-bible/
provided by: Biblica Inc, available by Creative Commons CC-BY-SA-4.0,
and this new compilation is shared as www.creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0.
Languages are made available to you by www.ipedge.net