06 – Gehena
Aya ndiwo mashoko matsvene aMwari Wemasimbaose.
Hatina basa nemashoko evanhu.
Chero ani zvake anoda Mwari . . . Izvi ndizvo zvinotaurwa naMwari pamusoro pazvo: Gehena.
Aya ndiwo mashoko matsvene aMwari Wemasimbaose.
Hatina basa nemashoko evanhu.
Chero ani zvake anoda Mwari . . . Izvi ndizvo zvinotaurwa naMwari pamusoro pazvo: Gehena.
Gungwa rakabudisa vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri, uye munhu mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata. Ipapo rufu neHadhesi zvakakandwa mudziva romoto. Dziva romoto ndirwo rufu rwechipiri. Kana munhu akawanikwa zita rake risina kunyorwa mubhuku roupenyu, akakandwa mudziva romoto.
”Nokuti kana tikaramba tichitadza tichida, kana takambogamuchira ruzivo rwechokwadi, hakuchisinazve chimwe chibayiro chezvivi, asi kungomirira tichitya kutongwa nokutsamwa kunopfuta somoto, kuchapedza vavengi vaMwari.
”Izvi ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. Vatumwa vachauya vagotsaura vakaipa kubva kune vakarurama, uye vagovakanda muvira romoto, kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.”
”Jehovha akapindura Mozisi akati, “Ani naani anenge atadzirana neni ndichamudzima mubhuku rangu. Zvino chienda, tungamirira vanhu kunzvimbo yandakataura nezvayo, uye mutumwa wangu achakutungamirirai. Kunyange zvakadaro, nguva yokuti ndirange painosvika, ndichavaranga nokuda kwechivi chavo.”
”Jehovha haazombodi kumukanganwira; hasha dzake neshungu dzake zvichapisa pamusoro pomunhu uyo. Kutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iri kuchawira pamusoro pake, uye Jehovha achadzima zita rake kubva pasi pedenga.
”Nokuti moto watungidzwa nehasha dzangu, idzo dzinopisa kusvikira pasi pegomba rorufu. Dzichaparadza nyika nezvibereko zvayo uye dzichapisa nheyo dzamakomo.
”Sokunyangarika kunoita gore ndokuenda, saizvozvo uyo anoburukira kubwiro haadzokizve.
”dzokuti munhu akaipa anodarikwa pazuva renjodzi, kuti anorwirwa pazuva rokutsamwa?
”Vakaipa vanodzokera kuguva, idzo ndudzi dzose dzinokanganwa Mwari.
”nokuti imi hamuzondisiyi muguva, kana kurega Mutsvene wenyu achiona kuora.
”Mabote eguva akandimonera; misungo yorufu yakanangana neni.
”Ruoko rwenyu ruchabata vavengi venyu vose; ruoko rwenyu rworudyi ruchabata vavengi venyu. Panguva yokuonekwa kwenyu muchavaita sevira romoto. Jehovha achavamedza nehasha dzake, uye moto wake uchavaparadza.
”Rufu ngaruwane vavengi vangu vasingafungiri; ngavaburukire muguva vari vapenyu, nokuti kuipa kwakawana pokugara pakati pavo.
”Ngavadzimwe mubhuku roupenyu, uye varege kuverengwa pamwe chete navakarurama.
”Vaya vanovenga Jehovha vachatya pamberi pake, uye kurangwa kwavo kuchagara nokusingaperi.
”Nokuti rudo rwenyu rukuru kwandiri; makandirwira paguva rakadzika.
”Munhu asina njere haazivi, mapenzi haanzwisisi, kuti kunyange vakaipa vachimera souswa, uye vaiti vezvakaipa vose vachikura, vachaparadzwa nokusingaperi.
”Vamwe vakagara murima nokusurikirwa kwakadzama, vari vasungwa vanotambudzika muzvisungo zvamatare, nokuti vakanga vamukira mashoko aMwari uye vakazvidza kurayira kweWokumusoro-soro.
”Jehovha anochengeta vose vanomuda, asi achaparadza vakaipa vose.
”Asi zvavasingazivi ndezvokuti mune vakafa, uye kuti vanomushanyira vari mukati kati meguva.
”Rufu nokuparadzwa zviri pachena pamberi paJehovha, ko, kuzoti mwoyo yavanhu!
”Nzira youpenyu kumunhu akachenjera inokwidza kumusoro, ichimuchengetedza kuti asaenda muguva.
”Usarega kuranga mwana; ukamuranga neshamhu, haafi. Murange neshamhu ugoponesa mweya wake kubva parufu.
”Rufu nokuparadza hazvimboguti, kunyangewo maziso omunhu haaguti.
”Zvino zvose zvanzwikwa; houno mugumo wenyaya yacho: Itya Mwari uchengete mirayiro yake, nokuti iri ndiro basa rose romunhu. Nokuti Mwari achatonga basa rimwe nerimwe kusanganisira nezvakavanzika zvose, zvakanaka kana zvakaipa.
”Chiedza chaIsraeri chichava moto, noMutsvene wavo murazvo womoto; muzuva rimwe chete uchapfuta ugopedza minzwa yake norukato rwake. Kubwinya kwamasango ake neminda yake yakaorera kuchaparadzwa chose, kufanana nomurwere anoramba achipera.
”uye achafarira kutya Jehovha. Haazotongi nezvaanoona nameso ake, kana kutonga nezvaanonzwa nenzeve dzake, asi nokururama achatongera varombo, nokururamisira achatongera vanyoro vapanyika. Acharova nyika neshamhu yomuromo wake; nokufema kwemiromo yake achauraya vakaipa.
”Ungudzai, nokuti zuva raJehovha rava pedyo; richauya nokuparadza kunobva kuna Wamasimba Ose. Naizvozvo maoko ose achashaya simba, mwoyo mumwe nomumwe wavanhu uchanyungudika. Kutya kuchavabata, kurwadziwa nokugomera zvichavabata, vachamonyoroka somukadzi ari kusununguka. Vachatarisana vachishamisika mumwe nomumwe wavo, zviso zvavo zvichipfuta. Tarirai, zuva raJehovha riri kuuya, zuva rakaipisisa, rine hasha nokutsamwa kunotyisa, kuti nyika ive dongo uye nokuzoparadza vatadzi vari mukati mayo. Nyeredzi dzokudenga namapoka adzo hadzizoratidzi chiedza chadzo. Zuva rinobuda richasvibiswa uye mwedzi hauzopi chiedza chawo. Ndicharanga nyika nokuda kwokuipa kwayo, navakaipa nokuda kwezvivi zvavo. Ndichagumisa vanozvikudza pakudada kwavo, uye ndichaderedza kuzvikudza kwavasina tsitsi.
”Naizvozvo ndichabvundisa matenga; uye nyika ichazungunuka kubva panzvimbo yayo, nehasha dzaJehovha Wamasimba Ose, pazuva rokutsamwa kwake kunopisa.
”Pasi, iro sheori razungunuka kuti rinangane newe pakuuya kwako; riri kumutsa mweya yavakaenda kuti izokukwazisai, vose vakaenda vari vatungamiri munyika; rinoita kuti vasimuke pazvigaro zvavo zvoushe, vose vakanga vari madzimambo endudzi. Vose vachapindura, vachati kwauri, “Newewo hauchisina simba, sesu; wangofanana nesu.” Kuzvikudza kwako kwose kwaderedzwa kusvika muguva, pamwe chete nokurira kworudimbwa rwako; honye dzawarirwa pasi pako uye makonye anokufukidza.
”Haiwa, wawa seiko, uchibva kudenga, iwe nyamasase yamangwanani, mwanakomana wamambakwedza! Wakakandwa panyika, iyewe wakambowisira ndudzi pasi! Wakati mumwoyo mako, “Ndichakwira kudenga; ndichasimudzira chigaro changu choushe pamusoro penyeredzi dzaMwari; ndichagara pachigaro changu choushe pagomo reungano, pamusoro pegomo dzvene. Ndichakwira pamusoro-soro pamakore; ndichazviita seWokumusoro-soro.” Asi waderedzwa kusvika kuguva, kwakadzika dzika kwegomba.
”Ivo vakafa zvino, havachararamizve; mweya yavakafa haimuki. Makavaranga mukavaparadza; makabvisa chirangaridzo chavo.
”Tarirai, Jehovha ari kubuda muugaro hwake, kuti arange vanhu venyika nokuda kwezvivi zvavo. Nyika ichafukura ropa rakateurwa pamusoro payo; haichazovanzizve vakaurayiwa vayo.
”Haingadzimwi usiku namasikati; utsi hwayo huchakwira nokusingaperi. Richava dongo kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa; hapana munhu achazopfuura napozve.
”Nokuti guva haringagoni kukurumbidzai, rufu harugoni kukurumbidzai nenziyo; vanodzika kugomba havangagoni kutarisira kutendeka kwenyu.
”Tarirai, Jehovha ari kuuya nomoto, uye ngoro dzake dzakaita sechamupupuri; achaburutsa kutsamwa kwake nehasha huru, uye kutuka kwake nomurazvo womoto. Nokuti nomoto uye nomunondo wake Jehovha achatonga vanhu vose, uye vazhinji vachava vaya vanourayiwa naJehovha.
”“Vachabudapo vachindotarira zvitunha zvaavo vaindimukira; honye yavo haizofi, moto wavo haungadzimwi, uye vachasemesa vanhu vose.”
”Nokuti mweya mupenyu mumwe nomumwe ndowangu, baba pamwe chete nomwanakomana vose saizvozvo ndevangu. Mweya unotadza ndiwo uchafa.
”“Ipapo ndakaramba ndakatarira nokuda kwamashoko okuzvikudza akanga achitaurwa norunyanga. Ndakaramba ndakatarira kusvikira mhuka iyi yaurayiwa uye muviri wayo waparadzwa ikakandwa mumoto waipfuta.
”Achataura zvinorwisana neWokumusoro-soro achimanikidza vatsvene vake, uye achaedza kushandura nguva dzakatarwa nemirayiro. Vatsvene vachaiswa kwaari kwechinguva, nedzimwe nguva nehafu yenguva. “ ‘Asi dare richagara, uye simba rake richatorwa rigoparadzwa zvachose nokusingaperi.
”Vazhinji vanovata muguruva renyika vachamuka: vamwe kuupenyu husingaperi, vamwe kukunyadziswa nokuzvidzwa kusingaperi.
”“Zvirokwazvo zuva rinouya; richapisa sechoto. Vose vanozvikudza navaiti vezvakaipa vachava mashanga, uye zuva iro rinouya richavapisa,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Hapana mudzi kana davi zvichasara.
”Asi paakaona vaFarisi navaSadhusi vachiuya kwaaibhabhatidzira akati kwavari, “Imi vana venyoka! Ndiani akakuyambirai kuti mutize kutsamwa kuchauya?
”Demo ratoiswa pamidzi yemiti uye muti wose usingabereki zvibereko zvakanaka uchatemwa ugokandwa mumoto.
”Rusero rwuri muruoko rwake, uye achanatsa buriro rake, achiunganidza gorosi mudura, uye achizopisa hundi mumoto usingadzimi.”
”“Makanzwa zvakataurwa kune vanhu vekare zvichinzi, ‘Usauraya uye ani naani anouraya achatongwa.’ Asi ini ndinokuudzai kuti ani naani anotsamwira hama yake achatongwa. Uyezve ani naani anoti, ‘Raka’ kuhama yake achamiswa pamberi pedare ravatongi. Asizve ani naani anoti kuhama yake, ‘Iwe benzi!’ achapara mhosva yokuti atongerwe moto wegehena.
”Kana ziso rako rorudyi richikuita kuti utadze, ribvise urirase. Zviri nani kwauri kuti urasikirwe nomumwe mutezo womuviri wako pano kuti muviri wako wose ukandwe mugehena. Uye kana ruoko rwako rworudyi ruchikuita kuti utadze, rucheke ururase. Zviri nani kwauri kuti urasikirwe nomumwe mutezo womuviri wako, pano kuti muviri wako wose uende kugehena.
”“Pindai napasuo rakamanikana nokuti suo rakafara nenzira yakapamhama zvinotungamirira kukuparadzwa, uye vazhinji vanopinda naro. Asi suo duku nenzira yakamanikana ndizvo zvinotungamirira kuupenyu, uye vashoma chete, ndivo vanozviwana.
”Muti wose usingabereki michero yakanaka unotemwa uye ugokandwa mumoto. Naizvozvo muchavaziva nemichero yavo.
”“Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe’ vachapinda muushe hwokudenga, asi uyo chete anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. Vazhinji pazuva iro vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, ko, hatina kuprofita muzita renyuwo here, uye muzita renyu tikadzinga madhimoni, tikaita zvishamiso?’ Ipapo ndichavaudza pachena kuti, ‘Handina kutombokuzivai. Ibvai zvenyu pandiri, imi vaiti vezvakaipa!’
”Asi vadyi venhaka youshe vachakandwa kunze, kurima uko kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.”
”Musatya avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya. Asi ityai uyo anogona kuparadza zvose muviri nomweya mugehena.
”Munhu akanaka anobudisa zvakanaka zvagara zviri mudura romwoyo wake, uye munhu akaipa anobudisa zvakaipa zvagara zviri mudura romwoyo wake. Asi ndinokuudzai kuti vanhu vachazvidavirira pamusi wokutongwa pamusoro peshoko rimwe nerimwe ravakataura risina maturo. Nokuti namashoko ako ucharuramisirwa, uye namashoko ako uchawanikwa une mhosva.”
”Munda ndiyo nyika, uye mbeu yakanaka inomirira vanakomana voumambo. Masawi ndiwo vanakomana vowakaipa, muvengi anoadyara ndiye dhiabhori. Kukohwa ndiko kuguma kwenyika, uye vakohwi ndivo vatumwa. “Sokudzurwa kunoitwa masawi achipiswa mumoto, ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. Mwanakomana woMunhu achatuma vatumwa vake uye vachadzura kubva muumambo hwake zvose zvinokonzera chivi navose vanoita zvakaipa. Vachavakanda muvira romoto umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno.
”Izvi ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. Vatumwa vachauya vagotsaura vakaipa kubva kune vakarurama, uye vagovakanda muvira romoto, kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.”
”Ndinoti kwauri, iwe ndiwe Petro, paruware urwu ndichavaka kereke yangu, kunyange masuo eHadhesi haangaikundi.
”Ko, munhu achabatsirwa nei kana akawana nyika yose, asi achirasikirwa noupenyu hwake? Kana kuti munhu acharipeiko kuti adzikinure upenyu hwake? Nokuti Mwanakomana woMunhu achauya ari mukubwinya kwaBaba vake aine vatumwa vake, ipapo achapa mubayiro kuno mumwe nomumwe maererano namabasa ake.
”Uye akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musina kushanduka mukava savana vaduku, hamungatongopindi muumambo hwokudenga.
”Asi ani naani anoita kuti mumwe wavaduku vanotenda kwandiri atadze, zvaiva nani kwaari kuti asungirirwe guyo guru muhuro make agonyudzwa mugungwa makadzika.
”Kana ruoko rwako kana kuti rutsoka rwako zvichikuita kuti utadze, zvidimure uzvirasire kure. Zviri nani kupinda muupenyu wakaremara kana kuti uchikamhina, pano kupinda mumoto usingadzimi uine maoko maviri namakumbo maviri. Kana ziso rako richikuita kuti utadze ribvise urirasire kure. Zviri nani kuti upinde muupenyu uine ziso rimwe chete pane kunge uine maziso maviri asi ugokandwa mumoto wegehena.
”“Asi mambo akati apinda kuzoona vakanga vakokwa, akaona munhu imomo akanga asina nguo yesvitsa. Akamubvunza akati, ‘Shamwari, wapinda seiko muno usina nguo yesvitsa?’ Munhu uya akashaya chokureva. “Ipapo mambo akaudza varanda vake akati, ‘Musungei maoko namakumbo mumukande panze, murima, umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno.’
”“Imi nyoka! Imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutongwa kunokuendesai kugehena?
”Achasvikomugura-gura agomuisa panzvimbo imwe chete navanyengeri apo pachava nokuchema nokurumanya kwameno.
”“Asi vachiri munzira kundotenga mafuta, chikomba chakasvika. Vasikana vakanga vakagadzirira vakapinda naye mumutambo wesvitsa uye musuo ukapfigwa. “Pashure vamwe vaya vakadzokawo. Vakati, ‘Ishe! Ishe! Tizarurireiwo musuo!’ “Asi akavapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi, handikuzivei.’
”Uye chikandai muranda uyo asingabatsiri kunze kurima, uko kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.’
”“Mwanakomana woMunhu paanouya nokubwinya kwake, navatumwa vose, achagara pachigaro chake choushe mukubwinya kwokudenga. Ndudzi dzose dzichaunganidzwa pamberi pake, achatsaura vanhu mumwe kubva kuno mumwe somufudzi anotsaura makwai kubva kumbudzi. Achaisa makwai kurudyi rwake, uye mbudzi kuruboshwe rwake.
”“Ipapo achati kune avo vari kuruboshwe rwake, ‘Ibvai kwandiri imi makatukwa mupinde mumoto usingadzimi wakagadzirirwa dhiabhori navatumwa vake. Nokuti ndakanga ndine nzara mukasandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukasandipa chokunwa, ndakanga ndiri mweni mukasandipinza mumba, ndakanga ndisina zvokupfeka mukasandipfekedza, ndakanga ndichirwara uye ndiri mutorongo mukasandishanyira.’ “Naizvozvo vachapindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara kana mune nyota kana muri mweni kana musina zvokupfeka kana muchirwara kana muri mutorongo tikasakubatsirai?’ “Achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, zvose zvamusina kuitira mumwe wavaduku ava, hamuna kuzviitira ini.’ “Ipapo vachaenda mukurangwa kusingaperi, asi vakarurama vachipinda muupenyu husingaperi.”
”Asi ani naani anomhura Mweya Mutsvene haazomboregererwi; ane mhosva yechivi chisingaperi.”
”Munhu achabatsirweiko kana akawana nyika yose, asi akarasikirwa noupenyu hwake? Kana kuti munhu angaripeiko kuti adzikinure upenyu hwake?
”“Uye kana ani naani akaita kuti mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri atadze, zvingava nani kwaari kuti akandwe mugungwa akasungirirwa guyo guru mumutsipa make. Kana ruoko rwako ruchikuita kuti utadze, rugure. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema pano kuti upinde mugehena namaoko maviri, uko kune moto usingadzimwi, umo musingafi honye dzavo uye moto usingadzimwi. Uye kana rutsoka rwako ruchiita kuti utadze, rugure. Zviri nani kwauri kupinda muupenyu uri chirema pano kupinda mugehena namakumbo maviri, umo musingafi honye dzavo uye moto usingadzimwi. Uye kana ziso rako richiita kuti utadze, ribvise. Zviri nani kwauri kuti upinde muumambo hwaMwari neziso rimwe chete pano kuti uve namaziso maviri uye ugokandwa kugehena, uko “ ‘kusingafi honye dzavo uye moto wacho usingadzimwi.’
”Ani naani anotenda uye akabhabhatidzwa achaponeswa, asi asingatendi achatongwa.
”Rusero rwake rwuri muruoko rwake kuti apepete paburiro rake uye agounganidza gorosi mudura, asi hundi achaipisa nomoto usingadzimwi.”
”Jesu akamubvunza akati, “Zita rako ndiwe ani?” Akapindura akati, “Regioni,” nokuti madhimoni mazhinji akanga apinda maari. Uye akaramba achimunyengetedza kuti arege kuarayira kuti aende kugomba rakadzika.
”Ko, munhu achabatsirwei kana akawana nyika yose, asi agorasikirwa noupenyu hwake.
”Uye iwe, Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Kwete, uchaburuka kwakadzika. “Anokunzwai imi, anondinzwa ini; uyo anokurambai imi, anondirambawo ini; asi uyo anondiramba, anoramba iye akandituma.”
”Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Ityai uyo, anoti mushure mokunge auraya muviri, ane simbawo rokuukanda mugehena. Hongu, ndinoti, mutye iyeye.
”Ndinokuudzai kuti kwete! Asi kana musingatendeuki, nemiwo mucharaswa mose.
”Mumwe akamubvunza akati, “Ishe, vanhu vashoma chete ndivo vachaponeswa here?” Iye akati kwavari, “Rwisai chaizvo kuti mupinde napasuo rakamanikana, nokuti ndinoti vazhinji vachaedza kupinda asi havangagoni. Muridzi wemba akangodzimara asimuka akapfiga mukova, imi muchamira kunze muchigogodza uye muchiteterera, muchiti, ‘Ishe, tizarurireiwo mukova.’ “Asi achapindura achiti, ‘Handikuzivei, kana kwamunobva.’ “Ipapo muchati, ‘Taidya uye tainwa pamwe chete nemi, uye maidzidzisa munzira dzomumisha yedu.’ “Asi iye achati, ‘Handikuzivei, kana kwamunobva. Ibvai kwandiri, imi mose vaiti vezvakaipa!’ “Ipapo pachava nokuchema, nokurumanya kwameno, pamunoona Abhurahama, Isaka naJakobho navaprofita vose vari muumambo hwaMwari, asi imi pachenyu marasirwa kunze.
”“Paiva nomumwe murume mupfumi aipfeka nguo dzepepuru nomucheka wakaisvonaka uye aigara upenyu hwakaisvonaka mazuva ose. Pasuo rake paigara mupemhi ainzi Razaro, akanga azere namaronda uye achipanga hake kudya zvimedu zvaiwa patafura yomupfumi. Kunyange imbwa dzaiuya dzichinanzva maronda ake. “Nguva yokufa kwomupemhi yakati yasvika vatumwa vakamutora vakamuendesa pachipfuva chaAbhurahama. Mupfumi akafawo akavigwa. Ari mugehena, umo maairwadziwa, akatarisa kumusoro akaona Abhurahama ari kure, naRazaro ari pachipfuva chake. Saka akadanidzira kwaari achiti, ‘Baba Abhurahama, ndinzwirei ngoni mugotuma Razaro kuti anyike muromo womunwe wake mumvura atonhodze rurimi rwangu, nokuti ndiri kurwadziwa kwazvo mumoto muno.’ “Asi Abhurahama akapindura akati, ‘Mwanakomana, rangarira kuti pamazuva oupenyu hwako wakagamuchira zvinhu zvako zvakanaka, panguva iyoyo Razaro akagamuchira zvinhu zvakaipa, asi zvino ari kunyaradzwa pano, uye iwe uri kurwadziwa. Uye pamusoro paizvozvo zvose, pano mukaha mukuru wakaiswa pakati pedu newe, kuitira kuti vanoda kubva kuno kuti vauye ikoko vakonewe, uye hakuna munhu angayambuka achibva ikoko achiuya kwatiri.’ “Iye akapindura achiti, ‘Zvino ndinokukumbirai, baba, tumai Razaro kumba kwababa vangu, nokuti ndina vanunʼuna vashanu. Ngaaende anovayambira, kuitira kuti naivowo varege kuuya kunzvimbo ino yokurwadziwa.’ “Abhurahama akati, ‘Mozisi navaprofita vanavo; ngavavanzwe.’ “Iye akati, ‘Kwete, baba Abhurahama, asi kana mumwe akabva kuna vakafa akaenda kwavari, vangatendeuka.’ “Iye akati kwaari, ‘Kana vasinganzwi Mozisi navaprofita, havangatendi kunyange dai mumwe akamuka kubva kuvakafa.’ ”
”“Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake panyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe kubudikidza naye. Ani naani anotenda kwaari haatongwi, asi ani naani asingatendi atotongwa nokuti haana kutenda muzita roMwanakomana mumwe oga waMwari. Kutongwa ndokuku: Chiedza chakasvika munyika, asi vanhu vakada rima panzvimbo yechiedza nokuti mabasa avo akanga akaipa. Mumwe nomumwe anoita zvakaipa anovenga chiedza, uye haapindi muchiedza nokuti anotya kuti mabasa ake angaiswa pachena.
”Ani naani anotenda muMwanakomana ano upenyu husingaperi, asi ani naani anoramba Mwanakomana haangaoni upenyu, nokuti kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.”
”“Musashamiswa pane izvi, kuti nguva inouya yokuti vose vari mumakuva avo vachanzwa inzwi rake uye vachamuka; vose vakaita zvakanaka vachamuka vachienda kuupenyu, uye avo vakaita zvakaipa vachamuka vachienda kukutongwa.
”Kana munhu asingagari mandiri, akaita sedavi rakarasirwa kure rikaoma; matavi akadaro anotorwa, okandwa mumoto agopiswa.
”nokuti imi hamuzondisiyi muguva, uye hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora.
”Achiona zviri mberi, akataura nezvokumuka kwaKristu, kuti akanga asina kusiyiwa muguva, uye muviri wake hauna kuona kuora.
”Kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa kuchibva kudenga pamusoro pokusada Mwari kwose nokusarurama kwose kwavanhu vanodzivisa chokwadi nokusarurama kwavo. Nokuti izvo zvose zvingazivikanwa pamusoro paMwari zviri pachena kwavari, nokuti Mwari akazviisa pachena kwavari. Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika izvo zvisingaonekwi zvaMwari, iro simba rake rinogara nokusingaperi nouMwari hwake, zvakanyatsoonekwa kwazvo, zvichizivikanwa kubva pazvinhu zvakaitwa, kuitira kuti vanhu varege kuva nepembedzo. Nokuti kunyange zvavo vaiziva Mwari, havana kumukudza saMwari kana kumuvonga, asi kufunga kwavo kwakava kusina maturo uye mwoyo yavo, isina zivo, yakasvibiswa. Kunyange zvavo vachizviti vakachenjera, vakava mapenzi
”Asi nokuda kwoukukutu hwako uye nomwoyo wako usingadi kutendeuka, uri kuzviunganidzira kutsamwa pazuva rokutsamwa kwaMwari, pacharatidzwa kutonga kwake kwakarurama. Mwari “achapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.” Kuna avo vakatsungirira kuita zvakanaka vachitsvaka kubwinya nokukudzwa uye nokusafa, achavapa upenyu husingaperi. Asi kuna avo vanotsvaka zvavo uye vanoramba chokwadi uye vachitevera zvakaipa, kuchavapo kutsamwa nehasha.
”Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu.
”Naizvozvo zvino, hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu, nokuti kubudikidza naKristu Jesu murayiro woMweya woupenyu wakandisunungura kubva pamurayiro wechivi norufu.
”Musatsiva, vadikani vangu, asi siyirai kutsamwa kwaMwari mukana, nokuti kwanyorwa kuchinzi, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” ndizvo zvinotaura Ishe.
”“Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Zvirokwazo noupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaura Ishe, ‘ibvi rimwe nerimwe richapfugama pamberi pangu; rurimi rumwe norumwe ruchareurura kuna Mwari.’ ” Saka, naizvozvo mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.
”Nokuti tose tinofanira kumira pamberi pechigaro chokutonga chaKristu, kuti mumwe nomumwe apiwe zvakamufanira pazvinhu zvaakaita nomuviri wake, zvingava zvakanaka kana zvakaipa. Zvino, sezvo tichiziva kuti kutya Ishe chii, tinoedza kugombedzera vanhu. Zvatiri zviri pachena kuna Mwari, uye ndinovimbawo kuti zviri pachena kuhana dzenyu.
”Ani naani anoita zvakaipa achatsiviwa nokuda kwezvakaipa zvake, uye hapana kutsaura vanhu.
”Acharanga vaya vasingazivi Mwari uye vasingateereri vhangeri raIshe wedu Jesu. Vacharangwa nokuparadzwa kusingaperi, uye vachapfigirwa kunze pamberi paIshe, uye napaukuru hwesimba rake,
”Sezvo munhu akatemerwa kufa kamwe chete uye shure kwaizvozvo agotongwa,
”Nokuti kana tikaramba tichitadza tichida, kana takambogamuchira ruzivo rwechokwadi, hakuchisinazve chimwe chibayiro chezvivi, asi kungomirira tichitya kutongwa nokutsamwa kunopfuta somoto, kuchapedza vavengi vaMwari.
”Ko, munofunga kuti munhu, akatsika pasi petsoka dzake Mwanakomana waMwari uye akatora ropa resungano iri rakamuita mutsvene sechinhu chisiri chitsvene uye akatuka Mweya wenyasha, anofanira kurangwa zvikuru sei? Nokuti tinomuziva iye akati, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” uyezve, “Ishe achatonga vanhu vake.” Chinhu chinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.
”Nokuti Kristu akafira zvivi zvavose kamwe chete; akarurama nokuda kwavasakarurama, kuti akuuyisei kuna Mwari. Akaurayiwa mumuviri asi akararamiswa noMweya, nawo akaendawo akandoparidza kumweya yakanga iri mutorongo
”Asi kwakanga kuna vaprofita venhema pakati pavanhu, sezvavachavapowo vadzidzisi venhema pakati penyu. Vachazivisa pakavanda dzidziso dzinoparadza, vachiramba kunyange naiye Ishe tenzi akavatenga, vachiuyisa pamusoro pavo kuparadzwa kunokurumidza. Vazhinji vachatevera nzira dzavo dzinonyadzisa uye nzira yezvokwadi ichazvidzwa. Mukukara kwavo, vadzidzisi ava vachakunyengerai namashoko amanomano. Kutongwa kwavo kwakanguva kwavamirira, uye kuparadzwa kwavo hakukotsiri.
”Nokuti kana Mwari asina kuregerera vatumwa pavakatadza, asi akavatumira kugehena, achivaisa mugomba rerima kuti vachengeterwe kutongwa; kana asina kuregerera nyika yakare paakauyisa mafashamu pavanhu vayo vakanga vasingatyi Mwari, asi akadzivirira Noa, muparidzi wokururama, navamwewo vanomwe; kana akatonga maguta eSodhomu neGomora nokuapisa nomoto kusvikira ava dota, uye akaaita muenzaniso wezvichaitika kuna vasingadi Mwari; uye kana akanunura Roti, murume akarurama, akatambudzika nokuda kwoupenyu hwetsvina hwavanhu vakanga vakatsauka (nokuti murume uyu akarurama, agere pakati pavo zuva nezuva, akatambudzwa mumwoyo wake wakarurama nezviito zvavasakurama zvaakaona nezvaakanzwa), kana zvakadaro, ipapo Ishe anoziva kuti anonunura sei vanhu vake vanotya Mwari kubva pamiedzo uye kuti anobata sei vasakarurama kuti varangwe kusvikira pazuva rokutongwa. Izvozvo zvinoitwa navaya vanotevera kuchiva kwakaora kwomunhu wenyama uye vachizvidza vakuru. Vanhu ava havatyi kutuka zvisikwa zvokudenga, vakashinga uye vanozvikudza; asi kunyange vatumwa, kunyange zvazvo vakasimba kwazvo uye vane simba guru, havauyi pamberi paIshe vachituka nokupomera mhosva zvakadai kuzvisikwa izvi.
”Ava vanhu matsime asina mvura uye imhute inosundwa nemhepo. Vakachengeterwa rima guru.
”Neshoko rimwe chete irori denga riripo zvino nenyika zvakachengeterwa moto, zvakachengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari.
”Ishe haanonoki kuita zvaakavimbisa, sokunonoka kunonzwisiswa navamwe. Ane mwoyo murefu nemi, haadi kuti ani zvake arasike, asi kuti vose vatendeuke.
”Ani naani anovenga hama yake imhondi, uye munoziva kuti hakuna mhondi ino upenyu husingaperi mairi.
”Uye uku ndiko kupupura kuti: Mwari akatipa upenyu husingaperi, uye upenyu uhu huri muMwanakomana wake. Uyo ano Mwanakomana ano upenyu; uyo asina Mwanakomana waMwari haana upenyu.
”Nokuti vamwe varume vane kutongwa kwavo kwakanyorwa nezvako kare, vakapinda muchivande pakati penyu. Ivo vanhu vasina umwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidzitora semvumo yokuita upombwe, uye vachiramba Jesu Kristu, Ishe naTenzi wedu mumwe oga.
”Uye vatumwa vasina kuchengeta nzvimbo youkuru hwavo asi vakasiya musha wavo, ivava akavachengeta murima, vakasungwa nengetani dzokusingaperi vakamirira kutongwa pazuva guru. Nenzira imwe cheteyo, Sodhomu neGomora uye namaguta akanga akapoteredza akazvipa kuupombwe nokutsauka, akava muenzaniso wavaya vari pakurangwa nomoto usingaperi.
”Vanhu ava makwapa pamitambo yenyu yorudo, vanodya nemi vasingatyi napaduku, vanongozvipa zvokudya ivo chete. Makore asina mvura, anotinhwa nemhepo; miti yenguva yamasutso, isina michero uye yakadzurwa, yakafa zvakapetwa kaviri. Mafungu egungwa anopenga, anopupuma nyadzi dzawo; nyeredzi dzinodzungaira, ivava vakachengeterwa rima guru nokusingaperi.
”bvutai vamwe kubva mumoto mugovaponesa; vamwe muvanzwire ngoni dzakasanganiswa nokutya, muchivenga kunyange nenguo dzakasvibiswa nenyama.
”Ndini iye Mupenyu; ndakanga ndafa, uye tarira, ndiri mupenyu nokusingaperi-peri! Uye ndakabata kiyi dzorufu neHadhesi.
”Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Anokunda haazokuvadzwi norufu rwechipiri.
”Mutumwa wechishanu akaridza hwamanda yake, ndikaona nyeredzi yakanga yawira panyika ichibva kudenga. Nyeredzi yakapiwa kiyi yegomba rakadzika zvisina mugumo. Akati azarura gomba rakadzika zvisina mugumo, utsi hwakabuda mariri soutsi hunobva muvira guru romoto. Zuva nomwedzi zvakasvibiswa noutsi hwaibva mugomba rakadzika zvisina mugumo.
”Mutumwa wechitatu akavatevera uye akati nenzwi guru: “Kana munhu achinamata chikara nechifananidzo chacho uye akapiwa mucherechedzo wacho pahuma kana pamaoko, naiyewo achanwa waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa sezvairi mumukombe wehasha dzaMwari. Achatambudzwa nesafuri inopfuta pamberi pavatumwa vatsvene napamberi peGwayana. Uye utsi hwokutambudzika kwavo hunokwira nokusingaperi-peri. Hapana zororo masikati kana usiku kuna avo vanonamata chikara nechifananidzo chacho, kana kuna ani zvake anogamuchira mucherechedzo wezita racho.”
”Chikara chiya chaivapo, uye chisisipo zvino, ndiye mambo worusere. Ndiye mumwe wavanomwe uye ari kuzoparadzwa.
”Akadanidzira nenzwi guru achiti: “Rawa! Rawa Bhabhironi Guta Guru! Rava musha wamadhimoni nougaro hwemweya yose yakaipa, ugaro hweshiri dzose dzine tsvina nedzinonyangadza. Nokuti ndudzi dzose dzakanwa waini inopengesa youpombwe hwaro. Madzimambo enyika akaita upombwe naro, uye vashambadziri venyika vakapfuma kubva pazvinofadza zvaro zvizhinji.”
”Chiedza chomwenje hachichazovhenekerizve mauri. Inzwi rechikomba neromwenga hazvichazonzwikwazve mauri. Vashambadziri vako vakanga vari vakuru venyika. Nouroyi hwako ndudzi dzose dzakatsauswa. Mariri makawanikwa ropa ravaprofita neravatsvene, neravose vakaurayiwa panyika.”
”nokuti kutonga kwake ndokwechokwadi uye kunoruramisira. Akatonga chifeve chikuru chakaodza nyika noupombwe hwacho. Akatsiva paari ropa ravaranda vake.” Uyezve vakadanidzira vachiti: “Hareruya! Utsi hunobuda maari hunokwira nokusingaperi-peri.”
”Akapfeka nguo dzakanyikwa muropa, uye zita rake ndiye Shoko raMwari. Hondo dzokudenga dzakanga dzichimutevera, akatasva bhiza jena uye akapfeka mucheka wakanaka, wakachena uye usina tsvina. Mumuromo make munobuda munondo unopinza waanouraya nawo ndudzi. “Achavatonga netsvimbo yesimbi.” Anotsika chisviniro chewaini yokutsamwa kwehasha dzaMwari Wamasimba Ose.
”Uye ndakaona mutumwa amire muzuva, akadanidzira nenzwi guru kushiri dzose dzinobhururuka muchadenga achiti, “Uyai, unganai pamwe chete pachirariro chaMwari, kuti muzodya nyama yamadzimambo, yavakuru vehondo, yavarume vane simba, yamabhiza neyavatasvi vawo, nenyama yavanhu vose, vakasununguka nenhapwa, vaduku navakuru.”
”Asi chikara chakabatwa, pamwe chete nomuprofita wenhema akanga aita zviratidzo pachinzvimbo chacho. Nezviratidzo izvi akanga atsausa avo vakanga vagamuchira mucherechedzo wechikara uye vanamata mufananidzo wacho. Vaviri ava vakakandwa mudziva romoto unopfuta nesafuri vari vapenyu. Vakasara vavo vakaurayiwa nomunondo wakabuda mumuromo wouyo akanga akatasva bhiza, uye shiri dzose dzakagutswa nenyama yavo.
”Uye ndakaona mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane kiyi dzokugomba rakadzika zvisina mugumo uye akanga akabata ngetani huru muruoko rwake. Akabata shato, iyo nyoka yakare, anova ndiye dhiabhori, kana kuti Satani, uye akamusunga kwamakore chiuru. Akamukanda mugomba rakadzika zvisina mugumo, akarikiya, akaisa chisimbiso pamusoro pake, kuti amudzivise kuzonyengerazve ndudzi kusvikira makore chiuru apera. Shure kwaizvozvo, anofanira kusunungurwa kwechinguva chiduku.
”Makore chiuru paanopera, Satani achasunungurwa kubva mutorongo rake uye achabuda kundonyengera ndudzi dziri kumativi mana enyika, Gogi naMagogi, kuti avaunganidzire kundorwa. Vakawanda sejecha rokumahombekombe egungwa. Vakafamba vachidimbura napaupamhi hwenyika vakakomba misasa yavanhu vaMwari, iro guta raanoda. Asi moto wakaburuka uchibva kudenga ukavaparadza. Uye dhiabhori, uyo akavanyengera, akakandwa mudziva rinopfuta nesafuri, makanga makandwa chikara nomuprofita wenhema. Vacharwadziwa masikati nousiku nokusingaperi-peri.
”Ipapo ndakaona chigaro chikuru chichena naiye akanga agere pachiri. Nyika nedenga zvakatiza pamberi pake, zvikashayirwa nzvimbo. Uye ndakaona vakafa, vakuru navaduku, vamire pamberi pechigaro choushe, uye mabhuku akazarurwa. Rimwe bhuku rakazarurwa, iro bhuku roupenyu. Vakafa vakatongwa maererano nezvavakanga vaita sezvazvakanga zvakanyorwa mumabhuku. Gungwa rakabudisa vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri, uye munhu mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata. Ipapo rufu neHadhesi zvakakandwa mudziva romoto. Dziva romoto ndirwo rufu rwechipiri. Kana munhu akawanikwa zita rake risina kunyorwa mubhuku roupenyu, akakandwa mudziva romoto.
”Asi vanotya, vasingatendi, navanonyangadza, mhondi, nemhombwe, navanoita zvouroyi, vanonamata zvifananidzo navanoreva nhema, nzvimbo yavo ichava mudziva romoto rinopfuta nesafuri. Urwu ndirwo rufu rwechipiri.”
”Anotadza ngaarambe achitadza, anonyangadza ngaarambe achinyangadza; anoita zvakarurama ngaarambe achiita zvakarurama; uye mutsvene ngaarambe ari mutsvene.”
”Ndinoyambira mumwe nomumwe anonzwa mashoko ouprofita hwebhuku iri ndichiti: Kana munhu upi zvake akawedzera chinhu chipi zvacho kwaari, Mwari achawedzera kwaari matambudziko akanyorwa mubhuku iri. Uye, kana munhu upi zvake akatapudza mashoko kubva mubhuku iri rouprofita, Mwari achabvisa kubva kwaari mugove wake pamuti woupenyu nomuguta dzvene, izvo zvakanyorwa mubhuku iri.
”