31 – Evhangeri
Aya ndiwo mashoko matsvene aMwari Wemasimbaose.
Hatina basa nemashoko evanhu.
Chero ani zvake anoda Mwari . . . Izvi ndizvo zvinotaurwa naMwari pamusoro pazvo: Evhangeri.
Aya ndiwo mashoko matsvene aMwari Wemasimbaose.
Hatina basa nemashoko evanhu.
Chero ani zvake anoda Mwari . . . Izvi ndizvo zvinotaurwa naMwari pamusoro pazvo: Evhangeri.
Zvino, vachagodana seiko kuna iye wavasina kutenda kwaari? Uye vangatenda sei kuna iye wavasina kumbonzwa? Vanganzwa seiko kana kusina anovaparidzira? Uye vangaparidza seiko kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko akanaka!”
”Nokuti isu tiri kunhuhwirira kwaKristu kuna Mwari pakati peavo vari kuponeswa nevari kuparara. Kuno mumwe tiri munhuwi worufu; kuno mumwewo tiri kunhuhwirira kwoupenyu. Zvino ndianiko angakwanisa basa rakadai?
”Kana ani naani zvake akasakugamuchirai, kana kuteerera mashoko enyu, gumai guruva retsoka dzenyu pamunenge mobva pamusha ipapo kana muguta imomo. Ndinokuudzai chokwadi kuti zvichava nani kuSodhomu neGomora pazuva rokutongwa pane zvichaitwa kuguta iroro.
”“Kana nyika ichingovapo, nguva dzokudyara nedzokukohwa, kutonhora nokupisa, zhizha nechando, masikati nousiku hazvingatongogumi.”
”Mozisi akapindura akati, “Ko, kana vakasanditenda kana kunditeerera uye vakati, ‘Jehovha haana kuzviratidza kwauri’?”
”Mozisi akati kuna Jehovha, “Haiwa Jehovha, handina kumbogona kutaura, kunyange nakare, kana kubva pamataura nomuranda wenyu. Ndinokakama pakutaura uye rurimi rwangu runononoka.” Jehovha akati kwaari, “Ndianiko akapa munhu muromo? Ndianiko anomuita matsi kana mbeveve? Ndiani anomusvinudza kana kumuita bofu? Handisini here, Jehovha? Zvino chienda, ini ndichakubatsira kutaura uye ndichakudzidzisa zvokutaura.”
”Asi Mozisi akati, “Haiwa Jehovha, ndapota hangu, tumai henyu mumwe kuti aite izvozvo.” Ipapo kutsamwa kwaJehovha kwakapisa pamusoro paMozisi uye akati, “Ko, mukoma wako, Aroni muRevhi? Ndinoziva kuti anogona kutaura zvakanaka. Ari munzira kuzokuchingamidza izvozvi, uye mwoyo wake uchafara paachakuona. Uchataura naye ugoisa mashoko mumuromo make; ndichakubatsirai mose uye ndichakudzidzisai zvokuita. Uye achataura kuvanhu panzvimbo yako, uye zvichaita sokunge iye ndiye muromo wako uye sokunge iwe ndiwe Mwari kwaari.
”Ndakupai nzvimbo yose yose yamuchatsika netsoka dzenyu, sezvandakavimbisa Mozisi.
”Imbirai Jehovha, pasi pose; paridzai ruponeso rwake zuva nezuva. Zivisai kubwinya kwake pakati pendudzi, mabasa ake anoshamisa pakati pavanhu vose.
”Ndinoparidza kururama paungano huru; handidziviri miromo yangu, sokuziva kwenyu, imi Jehovha. Handivanzi kururama kwenyu mumwoyo mangu; ndinotaura nezvokutendeka kwenyu noruponeso rwenyu. Handivanzi rudo rwenyu nechokwadi chenyu paungano huru.
”Muromo wangu uchareva zvokururama kwenyu, nezvoruponeso rwenyu zuva rose, kunyange ndisingazivi chiyero charwo. Ndichauya ndichiparidza mabasa enyu makuru, imi Ishe Jehovha; ndichaparidza kururama kwenyu, iyemi moga. Kubva pauduku hwangu, imi Mwari, makandidzidzisa, nanhasi uno ndinoparidza mabasa enyu anoshamisa. Kunyange pandinenge ndakwegura uye bvudzi rachena, musandisiya, imi Mwari, kusvikira ndaparidza simba renyu kurudzi runotevera, nesimba renyu kuna vose vari kuzouya.
”Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake; paridzai ruponeso rwake zuva nezuva. Paridzai kubwinya kwake pakati pendudzi, namabasa ake anoshamisa pakati pamarudzi.
”Ndichataura zvamakatema pamberi pamadzimambo, uye handinganyadziswi,
”Avo vanodyara nemisodzi vachakohwa nenziyo dzomufaro. Uyo anobuda achichema, akatakura mbeu yokudyara, achadzoka nenziyo dzomufaro, akatakura zvisote.
”Isai murindi pamuromo wangu, imi Jehovha; chengetai mukova wemiromo yangu.
”Rumwe rudzi rucharumbidza mabasa enyu kuno rumwe; vachareva zvamabasa enyu esimba.
”Munhu akaipa anowana mubayiro wokunyengedzera, asi uyo anodyara kururama anokohwa mubayiro wechokwadi.
”Chibereko chokururama ndiwo muti woupenyu, uye anotungamirira mweya yavanhu kuruponeso ndiye akachenjera.
”Chiso chinobwinya chinofadza mwoyo, uye mashoko akanaka anopa utano kumapfupa. Uyo anoteerera kutsiura kunopa upenyu achagara pakati pavakachenjera. Uyo asina hanya nokurangwa anozvizvidza iye pachake, asi ani naani anogamuchira kurayira achawana kunzwisisa. Kutya Jehovha kunodzidzisa munhu uchenjeri, uye kuzvininipisa kunotanga, kukudzwa kwozotevera.
”Mashoko anofadza akafanana nezinga rouchi, anozipa kumweya, anoporesa mapfupa.
”Munhu ano ruzivo anoshandisa mashoko achizvidzora, uye munhu anonzwisisa akadzikama. Kunyange benzi, kana rakanyarara, rinonzi rakachenjera, uye rikabata muromo waro rinonzi rakangwara.
”Benzi harifariri kunzwisisa, asi rinofarira kungotaura zvarinofunga chete.
”Miromo yebenzi inoriunzira kukakavara, uye muromo wake unomukokera kurohwa. Muromo webenzi ndiwo kuparadzwa kwaro, uye miromo yaro ndiwo musungo kumweya waro.
”Uyo anopindura asati anzwa, ndihwo upenzi hwake nokunyadziswa kwake.
”Rurimi rune simba roupenyu norufu, uye vaya vanoruda vachadya chibereko charwo.
”Semvura inotonhorera kumweya wakaneta ndizvo zvakaita nhau dzakanaka dzinobva kunyika iri kure.
”nguva yokubvarura nenguva yokusona, nguva yokunyarara nenguva yokutaura;
”Ani naani anotarira mhepo haangadyari; ani naani anotarira makore haangakohwi.
”Kusha mbeu dzako mangwanani, uye madekwana urege kugarira maoko ako, nokuti hauzivi kuti chichabudirira ndechipi, chingava ichi kana icho, kana kuti zvose zviri zviviri zvichafanana pakunaka.
”Muparidzi akanga asina kuchenjera chete asi akadzidzisawo zivo kuvanhu. Akarangarira akaongorora uye akaronga zvirevo zvizhinji. Muparidzi akatsvaka kuti awane mashoko akanaka chete, uye zvaakanyora zvakarurama uye ndezvechokwadi.
”Ipapo ndakanzwa inzwi raJehovha richiti, “Ndiani wandichatuma? Uye ndiani achatiendera?” Ini ndakati, “Ndiri pano! Nditumei!”
”Iye akati, “Enda undoudza vanhu ava uti, “ ‘Munogara muchinzwa, asi hamumbonzwisisi; munogara muchiona, asi hamuonesesi.’ Ita kuti mwoyo yavanhu ava isindimare; ita kuti nzeve dzavo dzisanzwisise uye vatsinzine meso avo. Nokuti vangaona nameso avo, nokunzwa nenzeve dzavo, vakanzwisisa nemwoyo yavo, vakadzoka vakaporeswa.” Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe, kusvikira riniko?” Iye akapindura achiti, “Kusvikira maguta ava matongo uye pasisina anogaramo, kusvikira dzimba dzasiyiwa dzisina vanhu, neminda yaparadzwa zvachose,
”Endai kumurayiro nokuzvipupuriro! Kana vasingatauri maererano neshoko iri havana chiedza chamambakwedza.
”Hazvingazokuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika ichazara nokuziva Jehovha semvura zhinji inofukidza gungwa.
”Imi munoparidzira Zioni zvinhu zvakanaka, kwirai pagomo refu. Imi munoparidzira Jerusarema mashoko akanaka, danidzirai nesimba, musatya; muti kumaguta eJudha, “Hoyu Mwari wenyu!”
”Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzavanouya namashoko akanaka, vanoparidza rugare, vanouya namashoko akanaka, vanoparidza ruponeso, vanoti kuZioni, “Mwari wako anotonga!”
”Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu, nokuti Jehovha akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika, kuti ndiparidze kusunungurwa kwavakatapwa, nokubudiswa kwavasungwa kuti vabve murima, kuti ndiparidze gore rengoni dzaJehovha uye nezuva rokutsiva kwaMwari wedu, kuti ndinyaradze vose vanochema, uye ndiriritire avo vanochema muZioni, kuti ndiise pamusoro pavo korona yorunako pachinzvimbo chamadota, mafuta omufaro pachinzvimbo chokuchema, uye nenguo yokurumbidza pachinzvimbo chomweya wakarukutika. Vachanzi miouki yokururama, yakasimwa naJehovha kuti aratidze kubwinya kwake.
”Ini ndikati, “Haiwa, Ishe Jehovha, handigoni kutaura; ndinongova mwana hangu.” Asi Jehovha akati kwandiri, “Usati, ‘Ndinongova mwana hangu.’ Unofanira kuenda kuna ani naani wandinokutuma kwaari undotaura zvose zvandinokurayira. Usavatya, nokuti ini ndinewe uye ndichakurwira,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Ipapo Jehovha akatambanudza ruoko rwake akabata muromo wangu akati kwandiri, “Zvino ndaisa mashoko angu mumuromo mako.
”“Asi zvino ndichavatumira varedzi vehove vazhinji,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “vagozovabata. Mushure maizvozvo ndichatumira vavhimi vazhinji, vachavavhima pamusoro pegomo roga roga napamusoro pechikomo choga choga uye nomumapako amatombo.
”Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, idya zviri pamberi pako, idya rugwaro urwu, zvino ugoenda undotaura neimba yaIsraeri.” Saka ndakashama muromo wangu, iye akandipa rugwaro kuti ndidye. Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, idya zviri pamberi pako, idya rugwaro urwu rwandinokupa uzadze dumbu rako narwo.” Saka ndakarudya, uye rwaitapira souchi mumukanwa mangu. Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, chienda zvino kuimba yaIsraeri undotaura mashoko angu kwavari.
”Avo vakachenjera vachapenya sokupenya kwokudenga, uye vanodzorera vazhinji kukururama, vachapenya senyeredzi nokusingaperi-peri.
”Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jona kechipiri richiti, “Enda kuguta reNinevhe undoriparidzira shoko randinokupa.”
”Pazuva rokutanga Jona akapinda muguta. Akaparidza achiti, “Kwasara mazuva makumi mana, mushure maizvozvo Ninevhe richaparadzwa.” Vanhu veNinevhe vakatenda kuna Mwari. Vakatara nguva yokutsanya, uye vose zvavo, kubva kumukuru mukuru kusvikira kumuduku duku vakapfeka masaga. Nhau idzi padzakasvika kuna mambo weNinevhe, akasimuka kubva pachigaro chake, akabvisa nguo dzake dzoumambo, akazvifukidza namasaga akagara mumadota. Ipapo akazivisa chirevo muNinevhe, achiti: “Chirevo chamambo namachinda ake: “Musarega munhu kana mhuka, chipfuwo kana gwai, zvichiravira chinhu; musazvirega zvichidya kana kunwa. Asi vanhu nemhuka ngavafuke masaga. Munhu wose ngaadane kuna Mwari iye zvino. Ngavasiye nzira dzavo dzakaipa nokuita kwavo nechisimba. Ndiani anoziva? Zvichida Mwari angazvidemba uye netsitsi dzake akazvidzora kubva pakutsamwa kwake kunotyisa kuti tirege kuparara.” Mwari akati aona zvavakaita uye kutendeuka kwavakaita kubva panzira dzavo dzakaipa, akavanzwira tsitsi akasauyisa kuparadzwa pamusoro pavo sezvaaida kuvaitira.
”Tarira, pamakomo apo, tsoka dzouyo anouya namashoko akanaka, anoparidza rugare! Pemberera mitambo yako, iwe Judha, uye uzadzise mhiko dzako. Vakaipa havachakurwisazve; vachaparadzwa zvachose.
”Mumazuva iwayo Johani Mubhabhatidzi akauya achiparidza murenje reJudhea, achiti, “Tendeukai, nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.”
”Asi paakaona vaFarisi navaSadhusi vachiuya kwaaibhabhatidzira akati kwavari, “Imi vana venyoka! Ndiani akakuyambirai kuti mutize kutsamwa kuchauya? Berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka.
”Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararame nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo waMwari.’ ”
”Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, Jesu akatanga kuparidza achiti, “Tendeukai nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.”
”Jesu akati kwavari, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.” Pakarepo vakabva vasiya mambure avo, vakamutevera. Achibva ipapo, akaonazve vamwe varume vaviri vaiva mukoma nomununʼuna, Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani. Vakanga vari mugwa nababa vavo Zebhedhi vachigadzira mambure avo. Jesu akavadana, uye pakarepo vakasiya igwa nababa vavo vakamutevera.
”Jesu akapota neGarirea rose achidzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa hosha dzose nourwere hwose pakati pavanhu.
”“Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu. Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nokuti nenzira imwe cheteyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai. “Imi muri munyu wenyika. Asi kana munyu usisavavi ungavaviswe nei? Hauchabatsiri chinhu, kunze kwokuti uraswe ugotsikwa zvawo navanhu.
”“Imi muri chiedza chenyika. Guta riri pamusoro pegomo haringavanziki. Uye vanhu havangatungidzi mwenje vagouisa pasi pedengu. Asi kutoti vanouisa pachigadziko kuti uvhenekere vose vari mumba. Nenzira imwe cheteyo, chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga.
”“Musazviunganidzira pfuma panyika, pane zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye pane mbavha dzinopaza dzichiba. Asi zviunganidzirei pfuma kudenga uko kusina zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye kusina mbavha dzinopaza dzichiba. Nokuti apo pane pfuma yako ndipo pane mwoyo wakowo.
”Mumwewo mudzidzi akati, “Ishe chimboregai nditange ndambonoviga baba vangu.” Asi Jesu akati kwaari, “Nditevere, rega vakafa vavige vakafa vavo.”
”Jesu akati achipfuurira mberi achibva ikoko, akaona mumwe murume ainzi Mateo agere pahofisi yomuteresi. Akati kwaari, “Nditevere,” uye Mateo akasimuka akamutevera.
”Jesu akafamba nomumaguta ose nemisha yose, achidzidzisa mumasinagoge avo achiparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa zvirwere zvose nehosha dzose.
”Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Kukohwa kukuru asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai kuna Ishe wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.”
”Pamunoenda, muparidze muchiti, ‘Umambo hwokudenga hwaswedera.’ Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vaya vana maperembudzi, dzingai madhimoni. Makagamuchira pasina muripo, chingopaiwo pasina muripo.
”Musatakura goridhe, kana sirivha kana ndarira, muzvikwama zvenyu; musatakura hombodo yorwendo kana dzimwe nguo, shangu kana tsvimbo nokuti mushandi anofanira kurarama nomubayiro webasa rake. “Muguta ripi neripi nomusha upi noupi wamunenge mapinda, tsvakai munhu akakodzera uye mugogara mumba make kusvikira mabvamo. Pamunopinda mumusha, kwazisai vanenge varimo. Kana musha uyu wakakodzera, rugare rwenyu ngaruuye pauri asi kana usina kukodzera, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri.
”Kana ani naani zvake akasakugamuchirai, kana kuteerera mashoko enyu, gumai guruva retsoka dzenyu pamunenge mobva pamusha ipapo kana muguta imomo. Ndinokuudzai chokwadi kuti zvichava nani kuSodhomu neGomora pazuva rokutongwa pane zvichaitwa kuguta iroro.
”Ndiri kukutumai samakwai pakati pamapere. Naizvozvo chenjerai senyoka uye mugova vasina mhosva senjiva. “Chenjerai kuti vanhu vachakuisai kumatare uye vagokurovai mumasinagoge avo. Nokuda kwangu, vachakuendesai pamberi pavabati namadzishe kuti muve zvapupu zvangu kwavari nokune veDzimwe Ndudzi.
”Asi kana vakusungai, musafunganya pamusoro pokuti muchataurei kana kuti muchataura sei. Panguva iyoyo muchapiwa zvokutaura, nokuti munenge musiri imi munotaura, asi Mweya waBaba venyu uchataura nomamuri.
”“Mukoma achaurayisa mununʼuna wake, nababa mwana wavo, vana vachapandukira vabereki vavo uye vachavaurayisa. Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu, asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo achaponeswa. Kana mukatambudzwa mune rimwe guta, tizirai kune rimwe. Ndinokuudzai chokwadi kuti hamungatizira kumaguta ose omuIsraeri Mwanakomana woMunhu asati adzoka.
”“Ani naani anondipupura pamberi pavanhu neniwo ndichamupupura pamberi paBaba vangu vari kudenga. Asi ani naani anondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga.
”“Musafunga kuti ndakauya kuzouyisa rugare panyika. Handina kuuya kuzouyisa rugare asi munondo. Ndakauya kuti: “ ‘mwanakomana apesane nababa vake, mwanasikana apesane namai vake, muroora apesane navamwene vake, vavengi vomunhu vachava hama dzake dzomumba.’ “Ani naani anoda baba vake kana mai vake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu; uye ani naani anoda mwanakomana kana mwanasikana wake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu. Uye uyo asingatakuri muchinjikwa wake akanditevera haana kukodzera kuva wangu. Ani naani anowana upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi uyo acharasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana. “Anokugamuchirai anogamuchira ini, uye anogamuchira ini anogamuchira iye akandituma.
”Jesu akati apedza kurayira vadzidzi vake gumi navaviri, akabvapo akandodzidzisa nokuparidza mumaguta omuGarirea.
”Mapofu ava kuona, zvirema zvava kufamba, vana maperembudzi vanoporeswa, matsi dzonzwa, vakafa vari kumutswa, uye kuti nhau dzakanaka dziri kuparidzirwa varombo. Akaropafadzwa munhu asingagumburwi nokuda kwangu.”
”Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, umambo hwokudenga hwanga huchipfuurira mberi nechisimba, uye varume vechisimba vanohutora.
”Vanhu veNinevhe vachamira pakutongwa pamwe chete norudzi urwu uye vacharupa mhosva; nokuti vakatendeuka pakuparidza kwaJona, uye zvino mukuru kuna Jona ari pano.
”Ipapo akavaudza zvinhu zvizhinji nemifananidzo, achiti, “Murimi akabuda kundokusha mbeu dzake. Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, shiri dzikauya dzikadzidya. Dzimwe dzakawira parukangarahwe, padzakashaya ivhu rakakwana. Dzakamera nokukurumidza nokuti ivhu rakanga risina kudzika. Asi zuva rakati rabuda, mbeu dzakatsva dzikaoma nokuti dzakanga dzisina midzi. Dzimwe mbeu dzakawira muminzwa, minzwa ikakura ikadzivhunga. Dzimwewo mbeu dzakawira pavhu rakanaka, dzikabereka zvakapetwa kazana, kana zvakapetwa makumi matanhatu kana makumi matatu pane dzainge dzakushwa.
”“Teererai zvino munzwe zvinorehwa nomufananidzo womukushi: Kana munhu akanzwa shoko roumambo, akasarinzwisisa, akaipa anouya osvikobvuta zviya zvanga zvadyarwa mumwoyo make. Iyi ndiyo mbeu yakakushwa munzira. Uyo akagamuchira mbeu yakawira parukangarahwe, ndiye munhu anonzwa shoko, pakarepo origamuchira norufaro. Asi nokuti haana mudzi, anongorarama naro kwechinguva chipfupi. Kana nhamo kana kutambudzwa zvauya nokuda kweshoko, anokurumidza kugumburwa. Uyo akagamuchira mbeu yakawira muminzwa, munhu anonzwa shoko asi kufunganya kwenyika nokunyengera kwepfuma zvinorivhunga robva rashaya zvibereko. Asi uyo anogamuchira shoko rakawira muvhu rakanaka ndiye munhu anonzwa shoko orinzwisisa. Ndiye anobereka mbeu inoburitsa zana, kana makumi matanhatu kana makumi matatu ezvakakushwa.”
”Akavaudzazve mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana nembeu yemasitadhi iyo yakatorwa nomunhu akaidyara mumunda make. Kunyange zvazvo iri iyo mbeu dukusa pambeu dzenyu, asi painokura ndiyo huru kwazvo pambeu dzose dzomubindu uye inova muti wokuti shiri dzedenga dzinouya dzichimhara pamapazi awo.”
”Akapindura akati, “Muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vokudenga uchadzurwa.
”Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Kana paine anoda kunditevera, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere. Nokuti ani naani anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana. Ko, munhu achabatsirwa nei kana akawana nyika yose, asi achirasikirwa noupenyu hwake? Kana kuti munhu acharipeiko kuti adzikinure upenyu hwake? Nokuti Mwanakomana woMunhu achauya ari mukubwinya kwaBaba vake aine vatumwa vake, ipapo achapa mubayiro kuno mumwe nomumwe maererano namabasa ake.
”Uye vose vakasiya dzimba, kana vakoma kana vanunʼuna kana hanzvadzi kana baba kana mai kana vana kana minda nokuda kwangu vachagamuchira zvakapetwa kazana, uye vachagara nhaka youpenyu husingaperi.
”“Nokuti umambo hwokudenga hwakafanana nomuridzi womunda akabuda mangwanani-ngwanani kundotsvaka vanhu vokuti vazoshanda mumunda wake wemizambiringa. Akabvumirana navo kuti aizovapa dhinari pazuva, ndokubva avaendesa mumunda wake wemizambiringa. “Nenguva inenge yechitatu akabuda ndokuona vamwe vamire pamusika vasina chavaiita. Akati kwavari, ‘Nemiwo endai mundoshanda mumunda wangu wemizambiringa, ndichakupai zvakakodzera.’ Saka vakaenda. “Akabudazve nenguva dzinenge dzechitanhatu nedzepfumbamwe akaita zvimwe chetezvo. Nenguva inenge yegumi neimwe akabuda akawanazve vamwe vamire. Akavabvunza achiti, ‘Seiko, maswera makangomira pano zuva rose musina chamuri kuita?’ “Vakapindura vachiti, ‘Nokuti hapana munhu atipa basa.’ “Akati kwavari, ‘Nemiwo endai mundoshanda mumunda wangu wemizambiringa.’ “Akati ava madekwana, muridzi womunda wemizambiringa akati kumutariri wake, ‘Dana vashandi ugovapa mubayiro wavo, uchitanga navapedzisira kupiwa basa kusvikira kune vokutanga.’ “Vashandi vainge vaenda kundoshanda nenguva inenge yegumi neimwe vakauya uye mumwe nomumwe wavo akagamuchira dhinari. Saka pakasvika vaya vakanga vatanga kushanda, vakatarisira kupiwa zvakawanda. Asi mumwe nomumwe wavo akapiwa dhinari. Vakati vagamuchira mari iyi vakatanga kutsutsumwira muridzi womunda. Vakati, ‘Varume ava vapedzisira vangoshanda awa imwe chete, asi mavaenzanisa nesu tatakura mutoro webasa uye tikapiswa nezuva.’ “Asi akapindura mumwe wavo achiti, ‘Shamwari, handina chandakukanganisira. Ko, hauna kutenderana neni kushandira dhinari here? Tora mubayiro wako uende. Ndinoda kupa munhu ashanda kwokupedzisira zvakafanana nezvandakupa. Ko, handina kodzero here yokuita zvandinoda nemari yangu? Kana kuti iwe une godo nokuda kwokupa kwangu zvakawanda.’
”“Umambo hwokudenga hwakafanana namambo akagadzirira mwanakomana wake mutambo wesvitsa. Akatuma varanda vake kuna avo vainge vakakokwa kumutambo kuti vachiuya, asi vakaramba kuuya. “Ipapo akatumazve vamwe varanda achiti, ‘Taurirai vose vakakokwa kuti ndagadzirira mabiko: Ndabaya nzombe nemombe dzakakodzwa uye zvose zvagadzirirwa. Uyai kumutambo wesvitsa.’ “Asi hapana akateerera uye vakaenda mumwe kumunda wake, mumwewo kune rimwe basa rake. Vamwe vavo vakabata varanda vake vakavaitira zvakaipa uye vakavauraya. Mambo akatsamwa kwazvo. Akatuma hondo yake kundoparadza vaurayi vaya uye akapisa guta ravo.
”“Ipapo akati kuvaranda vake, ‘Mutambo wesvitsa wagadzirirwa asi vaya vandakakoka vakanga vasingakodzeri kuti vauye. Endai kumharadzano dzenzira mundokoka kumutambo ani zvake wamuchawana.’ Saka varanda vakaenda mumigwagwa vakandokokorodza vose vavakagona kuwana, vose vakanaka nevakaipa, uye imba yesvitsa ikazara navakanga vakokwa.
”“Ipapo muchaiswa kuna vanokutambudzai mugourayiwa, uye muchavengwa nendudzi dzose nokuda kwangu. Panguva iyoyo vazhinji vachadzokera shure kubva pakutenda uye vachamukirana vagovengana, uye vaprofita vazhinji venhema vachamuka uye vachanyengera vanhu vazhinji.
”Uye vhangeri iri roumambo richaparidzwa munyika yose souchapupu kumarudzi ose, ipapo kuguma kuchasvika.
”Ipapo Jesu akasvika pavari akati, “Simba rose kudenga napanyika rakapiwa kwandiri. Naizvozvo endai mudzidzise ndudzi dzose, muchivabhabhatidza muzita raBaba, neroMwanakomana neroMweya Mutsvene, uye muchivadzidzisa kuti vachengete zvose zvandakakurayirai. Uye zvechokwadi ndinemi kusvikira pakuguma kwenyika.”
”Uye saizvozvo Johani akauya, achibhabhatidza murenje uye achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti varegererwe zvivi.
”Mushure mokunge Johani aiswa mutorongo, Jesu akaenda kuGarirea, achiparidza vhangeri raMwari. Akati, “Nguva yasvika. Umambo hwaMwari hwaswedera. Tendeukai mutende vhangeri!”
”Jesu paakanga achifamba pamahombekombe eGungwa reGarirea, akaona Simoni nomununʼuna wake Andirea vachikanda usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove. Jesu akati, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.” Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo vakamutevera.
”Jesu akapindura akati, “Ngatiendei kune imwe nzvimbo, kumisha iri pedyo, kuti ndinoparidzawo ikoko. Ndizvo zvandakauyira.”
”Paaifamba achitevedza gungwa, akaona Revhi mwanakomana waArifeasi agere paitererwa mutero. Jesu akati kwaari, “Nditevere,” ipapo Revhi akasimuka akamutevera.
”Akasarudza vane gumi navaviri akavati vapostori, kuti vagare naye uye kuti agozovatuma kuti vandoparidza uye kuti vave nesimba rokudzinga madhimoni.
”“Teererai! Murimi akabuda kundokusha mbeu yake. Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, uye shiri dzakasvika dzikadzidya. Dzimwe dzakawira murukangarabwe, madzisina kuwana ivhu rakawanda. Dzakakurumidza kumera, nokuti ivhu rakanga riri shoma. Asi zuva rakati rabuda, mbeu dzakapiswa nezuva, uye dzikaoma nokuti dzakanga dzisina midzi. Dzimwe dzakawira pakati peminzwa, minzwa ikakura ikavhunga mbeu, nokudaro hadzina kubereka zvibereko. Uye dzimwe dzakawira pavhu rakanaka. Dzakamera dzikakura uye dzikabereka kakapetwa makumi matatu, makumi matanhatu, kana kunyange zana.” Ipapo Jesu akati, “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.” Paakanga ava oga, vane gumi navaviri uye navamwe vakanga vakamukomberedza vakamubvunza pamusoro pomufananidzo uyu. Akati kwavari, “Chakavanzika choumambo hwaMwari chakapiwa kwamuri. Asi kuna avo vari kunze, zvinhu zvose zvinotaurwa nemifananidzo kuitira kuti, “ ‘zvimwe vangaramba vachiona, asi varege kuonesesa; uye vachinzwa, asi varege kunzwisisa; kana kuti vangatendeuka uye vakaregererwa!’ ”
”Ipapo Jesu akati kwavari, “Hamunzwisisi mufananidzo uyu here? Munganzwisisa seiko mufananidzo upi zvawo? Murimi anokusha shoko. Vamwe vanhu vakaita setsanga yakawira munzira, munokushwa shoko. Pavanongorinzwa, Satani anouya otora shoko rakushwa mukati mavo. Vamwe vakaita setsanga yakawira parukangarahwe, vanonzwa shoko uye nokukurumidza vorigamuchira nomufaro. Asi sezvo vasina midzi, vanongotsungirira kwenguva pfupi. Panongosvika nhamo kana kutambudzwa nokuda kweshoko, vanokurumidza kuwa. Uye vamwe, setsanga yakawira pakati peminzwa, vanonzwa shoko; asi kufunganya nezvoupenyu huno, kunyengera kwoupfumi uye zvishuvo zvezvimwe zvinhu zvinopinda zvigovhunga shoko, zvichirishayisa zvibereko. Vamwe vakaita setsanga yakawira pavhu rakanaka, vanonzwa shoko, vorigamuchira, uye vobereka zvibereko, kakapetwa makumi matatu, makumi matanhatu kana kunyange zana pane zvinenge zvakushwa.”
”Akatizve, “Umambo hwaMwari hwakafanana nomunhu anokusha mbeu muvhu. Usiku namasikati, kunyange akavata kana akamuka, mbeu inomera igokura, kunyange zvazvo asingazivi kuti zvinoitika sei. Ivhu riri roga rinobereka zviyo, kutanga chipande, kwozoti hura, kwozoitawo tsanga dzakakora muhura. Panongoibva zviyo, anozvicheka nejeko, nokuti kukohwa kwasvika.”
”Akatizve, “Umambo hwaMwari tingahufananidza neiko kana kuti tingaita mufananidzo upiko kuti tihutsanangure? Hwakafanana netsanga yemasitadhi, inova tsanga duku duku yaunodyara muvhu. Asi kana yadyarwa, inokura igova muti mukuru kupfuura miti yose yomubindu, una matavi makuru zvokuti shiri dzedenga dzinogona kugara mumumvuri wawo.”
”Jesu haana kumutendera, asi akati kwaari, “Chienda kumba kumhuri yako undovaudza zvawaitirwa naShe, uye kuti akunzwira ngoni sei.” Saka murume uyu akabva akaenda uye akatanga kutaura muDhekapori zvinhu zvikuru zvaakanga aitirwa naJesu. Uye vanhu vose vakashamiswa.
”Akadana kwaari vane gumi navaviri akavatuma vari vaviri vaviri uye akavapa simba pamusoro pemweya yakaipa. Akavarayira achiti, “Musatora chinhu parwendo kunze kwetsvimbo; musatora chingwa, kana hombodo, kana mari muzvikwama zvenyu. Mupfeke shangu asi kwete nguo yechipiri. Pose pamunopinda mumba, garai imomo kusvikira mabva muguta iroro.
”Uye kana pane nzvimbo icharamba kukugamuchirai kana kukuteererai, muzunze guruva retsoka dzenyu pamunenge mobva, chive chapupu pamusoro pavo.” Vakabuda vakaenda kundoparidza kuti vanhu vatendeuke.
”Uye akati kwavari, “Mune nzira chaiyo yokuisa parutivi nayo mirayiro yaMwari kuitira kuti mucherechedze tsika dzenyuwo!
”Vakanga vane hove duku shoma shoma zvakare; uye akavongazve akaudza vadzidzi kuti vadzigovere kuvanhu. Vanhu vakadya uye vakaguta. Shure kwaizvozvo vadzidzi vakanonga matengu manomwe azere ezvimedu. Pakanga pane varume vangangosvika zviuru zvina. Uye akati avaendesa,
”Ipapo akadana vanhu vazhinji kwaari pamwe chete navadzidzi vake akati, “Kana munhu upi zvake achida kunditevera, anofanira kuzviramba, atakure muchinjikwa wake agonditevera. Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu uye nokuda kwevhangeri achahuponesa. Munhu achabatsirweiko kana akawana nyika yose, asi akarasikirwa noupenyu hwake? Kana kuti munhu angaripeiko kuti adzikinure upenyu hwake?
”Kana munhu achinyadziswa neni uye namashoko angu murudzi urwu rwoufeve uye runotadza, Mwanakomana woMunhu achanyadziswawo naye paanouya mukubwinya kwaBaba nokwavatumwa vatsvene.”
”Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, hakuna munhu akasiya musha, kana vanunʼuna kana hanzvadzi kana mai kana baba kana vana kana minda nokuda kwangu uye nokuda kwevhangeri achakundikana kugamuchira zvakawanda kakapetwa kazana munguva ino (misha, vanunʼuna, hanzvadzi, vanamai, vana neminda, uye pamwe chete naizvozvo, kutambudzika) uye panguva inouya, upenyu husingaperi.
”“Munofanira kugara makarinda. Muchaendeswa kumatare mugorohwa mumasinagoge avo. Muchamira pamberi pavabati napamberi pamadzimambo nokuda kwangu, sezvapupu kwavari. Uye vhangeri rinofanira kuparidzwa kundudzi dzose.
”Pose pamunenge masungwa uye mamiswa pakutongwa, musatanga kufunganya pamusoro pezvamuchataura. Taurai zvose zvose zvamunenge mapiwa panguva iyoyo, nokuti hamusimi munotaura, asi Mweya Mutsvene.
”“Mukoma achaurayisa mununʼuna, uye baba vachadarowo mwana wavo. Vana vachamukira vabereki vavo uye vachavaurayisa. Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu, asi uyo anotsungirira kusvikira kumagumo achaponeswa.
”Akati kwavari, “Endai munyika yose muparidze vhangeri kuzvisikwa zvose. Ani naani anotenda uye akabhabhatidzwa achaponeswa, asi asingatendi achatongwa.
”Ipapo vadzidzi vakabuda vakandoparidza kwose kwose, uye Ishe akashanda navo, akasimbisa shoko rake nezviratidzo zvakatevera.
”sokuturirwa kwazvakaitwa kwatiri neavo vakazviona kubva pakutanga naivozve vari varanda veshoko.
”kuti ape vanhu vake ruzivo rworuponeso kubudikidza nokuregererwa kwezvivi zvavo,
”Asi mutumwa akati kwavari, “Musatya. Ndauya nenhau dzakanaka dzomufaro mukuru uchava wavanhu vose.
”Akaenda munyika yose yakapoteredza Jorodhani, achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti vanhu varegererwe zvivi. Sezvazvakanyorwa mubhuku ramashoko aIsaya muprofita zvichinzi: “Inzwi rounodana murenje richiti, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake. Mipata yose ichafushirwa, makomo ose nezvikomo zvichaderedzwa. Migwagwa yakakombama ichatwasanudzwa, pasakaenzana pachaenzaniswa. Uye marudzi ose avanhu achaona ruponeso rwaMwari.’ ”
”Uye namamwe mashoko mazhinji, Johani akakurudzira vanhu akaparidza vhangeri kwavari.
”“Mweya waShe uri pamusoro pangu, nokuti akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndiparidze rusununguko kuna vakasungwa uye kuti vasingaoni vaone, kuti ndisunungure vakamanikidzwa,
”Asi iye akati, “Ndinofanira kuparidza vhangeri roumambo hwaMwari kuna mamwewo maguta, nokuti ndizvo zvandakatumirwa.”
”Akati apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Chiriswededza kwakadzika ugokanda usvasvi ubate hove.” Simoni akapindura akati, “Tenzi, takashanda zvakaoma usiku hwose uye hatina kubata chinhu. Asi sezvamadaro imi, ndichakanda hangu mambure.” Vakati vaita saizvozvo, vakabata hove zhinji kwazvo uye mambure avo akatanga kubvaruka. Saka vakaninira vamwe vavo vakanga vari mune rimwe igwa kuti vauye vazovabatsira, ivo vakauya vakazadza magwa ose ari maviri; akazara zvokuti akatanga kunyura. Simoni Petro akati achiona izvi, akawira pamabvi aJesu akati, “Ibvai kwandiri, Ishe; ndiri mutadzi!” Nokuti iye neshamwari dzake vakashama kwazvo nokuda kwehove dzavakanga vabata, uye vanaJakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi, vamwe vaSimoni, vakashamawo. Ipapo Jesu akati kuna Simoni, “Usatya; kubva zvino uchava mubati wavanhu.” Saka vakakwevera magwa avo kumahombekombe, vakasiya zvose uye vakamutevera.
”Shure kwaizvozvo, Jesu akabuda akaona muteresi ainzi Revhi akagara paimba yake yokuteresa. Jesu akati kwaari, “Nditevere.” Revhi akasimuka, akasiya zvinhu zvose akamutevera.
”“Farai pazuva iro uye mupembere nomufaro, nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Ndiwo matambudzirwo akaitwa vaprofita namadzibaba avo.
”Saka akapindura nhume achiti, “Dzokerai munoudza Johani zvamaona nezvamanzwa zvokuti: Mapofu anosvinudzwa, zvirema zvinofamba, vaya vana maperembudzi vanoporeswa, matsi dzinonzwa, vakafa vanomutswa uye vhangeri riri kuparidzwa kuvarombo. Akaropafadzwa munhu asingagumbuswi nokuda kwangu.”
”Shure kwaizvozvo, Jesu akafamba nomumaguta nomumisha, achiparidza vhangeri roumambo hwaMwari. Vane gumi navaviri vakanga vanaye,
”“Murimi akabuda kundokusha mbeu yake. Paakanga achikusha mbeu, imwe yakawira munzira, ikatsikwa-tsikwa uye shiri dzedenga dzikaidya. Imwe yakawira parukangarahwe, uye payakamera, yakasvava nokuti pakanga pasina unyoro. Imwe mbeu yakawira pakati peminzwa, minzwa ikakura pamwe chete nayo ikaivhunga. Asi imwe mbeu yakawira pavhu rakanaka. Yakamera ikabereka zvibereko, zvakapetwa kazana pane zvakanga zvadyarwa.” Akati ataura izvi, akadanidzira akati, “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.” Vadzidzi vake vakamubvunza kuti mufananidzo uyu wairevei. Iye akati, “Kuziva zvakavanzika zvoumambo hwaMwari kwakapiwa kwamuri, asi kuna vamwe, ndinotaura nomufananidzo kuitira kuti, “ ‘kunyange vachitarira, varege kuonesesa; kunyange vachinzwa, varege kunzwisisa.’
”“Izvi ndizvo zvinoreva mufananidzo: Mbeu ndiro shoko raMwari. Dziya dzakawira munzira ndivo vaya vanonzwa, ipapo dhiabhori anouya uye agovatorera shoko pamwoyo yavo, kuitira kuti varege kutenda vagoponeswa. Dziya dzakawira parukangarahwe, ndivo vaya vanogamuchira shoko nomufaro kana varinzwa, asi havana mudzi. Vanongotenda kwechinguva, asi munguva dzokuedzwa vanowira pasi. Mbeu yakawira muminzwa yakamirira vaya vanonzwa asi pakufamba kwavo vanovhungwa nokufunganya kwoupenyu, upfumi namafaro, havazosviki pakubereka zvibereko. Asi mbeu yapavhu rakanaka inomirira vaya vane mwoyo yakatendeka uye yakanaka, vanonzwa shoko, vorichengeta, uye nokuda kwokutsungirira kwavo vanobereka zvibereko.
”“Dzokera kumba kwako undotaura kuti Mwari akuitira zvinhu zvakaita sei.” Saka murume uyu akaenda akandotaura muguta rose zvinhu zvikuru zvaakanga aitirwa naJesu.
”Jesu akati aunganidza vane Gumi naVaviri vake pamwe chete, akavapa simba nechikuriri kuti vadzinge madhimoni uye vaporese vakanga vane zvirwere, akavatuma kuti vandoparidza umambo hwaMwari uye vandoporesa vairwara. Akavarayira achiti, “Musatakura chinhu parwendo, mudonzvo, kana hombodo, kana chingwa, kana mari, kana imwe nguo. Muimba ipi neipi yamunopinda, mugaremo kusvikira mabva muguta imomo.
”Kana vanhu vasingakugamuchiriyi, muzunze guruva retsoka dzenyu pamunenge mabuda muguta ravo, chive chapupu pamusoro pavo.” Saka vakasimuka vakabuda vakaenda kumusha nomusha, vachiparidza vhangeri nokuporesa vanhu kwose kwose.
”Ipapo akati kwavari vose, “Kana munhu achida kunditevera, anofanira kuzviramba atore muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe agonditevera. Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuponesa. Ko, munhu achabatsirwei kana akawana nyika yose, asi agorasikirwa noupenyu hwake.
”Kana munhu akanyara pamusoro pangu namashoko angu, Mwanakomana woMunhu achanyarawo pamusoro pake paanouya mukubwinya nomukubwinya kwaBaba nokwavatumwa vatsvene.
”Akati kuno mumwe murume, “Nditevere.” Asi murume uyu akapindura akati, “Ishe, nditenderei kuti ndinoviga baba vangu.” Jesu akati kwaari, “Rega vakafa vavige vakafa vavo, asi iwe enda undoparidza umambo hwaMwari.”
”Mumwezve akati, “Ndichakuteverai, Ishe; asi kutanga regai ndimbondoonekana nemhuri yangu.” Jesu akapindura akati, “Hakuna munhu anoti kana akaisa ruoko rwake pagejo akacheuka angafanirwa nokushumira muumambo hwaMwari.”
”Shure kwaizvozvo Ishe akagadza vamwe makumi manomwe akavatuma achiita vaviri vaviri pamberi pake kumaguta nokunzvimbo dzose kwaakanga achizoenda.
”Akati kwavari, “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai kuna She wokukohwa, kuti atume vashandi mumunda wake wokukohwa.
”Endai! Ndiri kukutumai samakwayana pakati pamapere. Musatora chikwama, kana hombodo, kana shangu; uye musakwazisa munhu panzira.
”Asi pamunopinda muguta uye mukasagamuchirwa, muende munzira dzaro mugoti, ‘Kunyange neguruva reguta renyu rakanamatira patsoka dzedu tinoripukuta nokuda kwenyu. Asi muzive izvi: Umambo hwaMwari hwaswedera.’ Ndinokuudzai kuti pazuva iro, Sodhomu richarerukirwa kwazvo kupfuura guta iroro.
”“Anokunzwai imi, anondinzwa ini; uyo anokurambai imi, anondirambawo ini; asi uyo anondiramba, anoramba iye akandituma.”
”Varume veNinevhe vachasimuka pakutongwa norudzi urwu vagorupa mhosva; nokuti ivo vakatendeuka pakuparidza kwaJona, zvino mukuru kuna Jona ari pano.
”“Ndinokuudzai kuti, ani naani anondipupura pamberi pavanhu, Mwanakomana woMunhu achamupupurawo pamberi pavatumwa vaMwari. Asi uyo anondiramba pamberi pavanhu acharambwawo pamberi pavatumwa vaMwari.
”“Mukange mamiswa pamberi pesinagoge, vatongi navane simba, musafunganya pamusoro pokuti muchapindura sei kana kuti muchazvidzivirira sei, nokuti panguva iyoyo Mweya Mutsvene achakudzidzisai zvamunofanira kutaura.”
”Tengesai zvamunazvo mugopa varombo. Zviitirei zvikwama zvisingasakari, nepfuma isingaperi kudenga, kusina mbavha inoswedera pedyo uye kusina zvipfukuto zvinoparadza. Nokuti pane pfuma yako, ndipo pachava nomwoyo wakowo.
”Munofunga kuti ndakauya kuzoisa rugare panyika here? Ndinoti kwamuri kwete, asi kuzopesanisa. Kubva zvino vanhu vashanu mumhuri imwe vachapesana, vatatu vachirwa navaviri uye vaviri vachirwa navatatu. Vachaparadzana, baba vachirwa nomwanakomana uye mwanakomana achipesana nababa, mai vachipesana nomuroora, muroora achipesana navamwene.”
”Ndinokuudzai kuti kwete! Asi kana musingatendeuki, nemiwo mose muchaparara.”
”Jesu akapindura akati, “Mumwe murume akanga achigadzira mabiko makuru akakoka vanhu vazhinji. Panguva yamabiko, akatuma varanda vake kuti vandoudza vaya vakanga vakokwa kuti, ‘Uyai, nokuti zvose zvagadzirwa.’ “Asi vose vakatanga zvimwe chetezvo kupa zvikonzero. Wokutanga akati, ‘Ndichangotenga munda izvozvi, uye ndinofanira kundouona. Ndapota hangu, ndiregererei.’ “Mumwe akati, ‘Ndichangotenga nzombe dzamajoko mashanu izvozvi, uye ndiri kuenda kumbondodziedza. Ndapota ndiregererei.’ “Mumwezve akati, ‘Ndichangowana mukadzi izvozvi, saka handingauyi.’ “Muranda akadzoka akandozivisa izvi kuna tenzi wake. Ipapo muridzi wemba akatsamwa kwazvo akarayira muranda wake achiti, ‘Buda uende nokukurumidza munzira dzomumisha nedzomuguta unouya navarombo, zvirema, mapofu navanokamhina. “Muranda akati, ‘Ishe, zvamandirayira zvaitwa, asi nzvimbo ichiripo.’ “Ipapo tenzi akaudza muranda wake akati, ‘Buda uende kumigwagwa nokunzira dzomumaruwa undovakoka kuti vapinde, kuitira kuti imba yangu izare. Ndinoti kwamuri, hakuna kana mumwe chete wavaya vakanga vakokwa acharavira mabiko angu.’ ”
”“Kana munhu upi zvake achiuya kwandiri uye asingavengi baba vake namai vake, mukadzi wake navana vake, vanunʼuna vake nehanzvadzi dzake, hongu, kunyange noupenyu hwake, haangavi mudzidzi wangu. Uye ani naani asingatakuri muchinjikwa wake achinditevera haangavi mudzidzi wangu.
”Saizvozvowo, ani naani wenyu asingasiyi zvose zvaanazvo haangavi mudzidzi wangu. “Munyu wakanaka, asi kana warasikirwa nokuvava kwawo, ucharungwa neiko?
”Ndinoti kwamuri, saizvozvo mufaro mukuru uchava kudenga pamusoro pomutadzi mumwe chete anenge atendeuka, kupfuura pamusoro pavakarurama makumi mapfumbamwe navapfumbamwe vasingatsvaki kutendeuka.
”Saizvozvo, ndinoti kwamuri, pano mufaro pamberi pavatumwa vaMwari pamusoro pomutadzi mumwe chete anotendeuka.”
”Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.”
”Nerimwe ramazuva paakanga achidzidzisa vanhu mutemberi uye achiparidza vhangeri, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, pamwe chete navakuru, vakasvika kwaari.
”“Asi izvi zvose zvisati zvaitika, vachakubatai vagokutambudzai. Vachakuisai kumasinagoge nokumatorongo uye muchamiswa pamberi pamadzimambo navabati, uye zvose nokuda kwezita rangu. Izvi zvichaita kuti imi muve zvapupu kwavari.
”Asi shingai mundangariro dzenyu, musatanga kufunganya kuti muchazvidzivirira sei. Nokuti ndichakupai mashoko nouchenjeri zvokuti hakuna munhu pavavengi venyu achagona kuzviramba kana kuzvipikisa.
”Muchapandukirwa kunyange navabereki venyu, vanunʼuna, hama neshamwari, uye vachauraya vamwe venyu. Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu.
”Ipapo Jesu akabvunza akati, “Pandakakutumai musina chikwama, hombodo kana shangu pane chinhu chamakashayiwa here?” Ivo vakati, “Hapana.” Akati kwavari, “Asi iye zvino kana une chikwama, chitore, uyewo nehombodo; uye kana usina munondo, tengesa nguo yako ugoutenga.
”uye kuti kutendeuka nokuregererwa kwezvivi kuchaparidzirwa kumarudzi ose muzita rake, kutanga paJerusarema. Imi muri zvapupu zvezvinhu izvi.
”Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari, vana vasina kuberekwa neropa kana nokufunga kwomunhu kana nokuda kwomurume, asi vakaberekwa naMwari.
”Zuva rakatevera Jesu akafunga zvokuenda kuGarirea. Akati awana Firipi akati kwaari, “Nditevere.”
”Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angaona umambo hwaMwari kana asina kuberekwa patsva.” Nikodhimasi akabvunza akati, “Munhu angaberekwa seiko iye ava mukuru? Zvirokwazvo haangagoni kupinda mudumbu ramai vake kechipiri kuti aberekwe patsva!” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angapinda muumambo hwaMwari kana asina kuberekwa nemvura uye noMweya. Nyama inobereka nyama, asi Mweya anobereka Mweya. Haufaniri kushamiswa nezvandareva ndichiti, ‘Unofanira kuberekwa patsva.’ Mhepo inovhuvhuta ichienda kwainoda. Unonzwa inzwi rayo, asi haugoni kuziva kwainobva kana kwainoenda. Ndizvo zvakaitawo vose vakaberekwa noMweya.”
”Ndinokuudza chokwadi, tinotaura zvatinoziva, uye tinopupura zvatakaona, asi hazvo, imi vanhu hamutongogamuchiri uchapupu hwedu. Ndataura kwauri pamusoro pezvinhu zvapanyika uye hautendi; zvino ungatenda sei kana ndikataura pamusoro pezvinhu zvokudenga?
”“Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake panyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe kubudikidza naye. Ani naani anotenda kwaari haatongwi, asi ani naani asingatendi atotongwa nokuti haana kutenda muzita roMwanakomana mumwe oga waMwari. Kutongwa ndokuku: Chiedza chakasvika munyika, asi vanhu vakada rima panzvimbo yechiedza nokuti mabasa avo akanga akaipa. Mumwe nomumwe anoita zvakaipa anovenga chiedza, uye haapindi muchiedza nokuti anotya kuti mabasa ake angaiswa pachena. Asi ani naani anorarama muchokwadi anouya muchiedza, kuitira kuti zvaakaita zvionekwe pachena kuti zvakaitwa kubudikidza naMwari.”
”Ani naani anotenda muMwanakomana ano upenyu husingaperi, asi ani naani anoramba Mwanakomana haangaoni upenyu, nokuti kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.”
”Ko, imi hamuti here, ‘Kwasara mwedzi mina ipapo kucheka kwobva kwasvika?’ Ndinoti kwamuri, svinurai meso enyu uye mutarise kuminda! Yatoibva kuti ikohwewe. Kunyange iye zvino mukohwi anopiwa mubayiro wake, kunyange izvozvi anokohwa zvibereko zvoupenyu husingaperi, kuitira kuti mukushi nomukohwi vagofara pamwe chete. Nokuti tsumo inoti, ‘Mumwe anokusha uye mumwe anokohwa ndeyezvokwadi.’ Ndakakutumai kunokohwa zvamusina kushandira. Vamwe vakaita basa rakaoma, uye imi makakohwa mubayiro wokubata kwavo.”
”“Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anonzwa shoko rangu uye achitenda uyo akandituma, ano upenyu husingaperi uye haachazotongwi, abva murufu uye aenda kuupenyu.
”Ndakuudzai kuti muchafira muzvivi zvenyu; kana musingatendi kuti ndini iye, zvirokwazvo muchafira muzvivi zvenyu.”
”Jesu akati kuvaJudha vakanga vatenda kwaari, “Kana muchiramba muri mudzidziso yangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo. Ipapo muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.”
”Kana achiri masikati kudai, tinofanira kubata basa raiye akandituma. Usiku huri kuuya, husina munhu angagona kushanda basa nahwo.
”“Ndinokuudzai chokwadi kuti munhu asingapindi mudanga ramakwai napamukova, asi anokwira kuti apinde naparutivi, imbavha uye igororo.
”Pano mutongi achatonga munhu anondiramba uye asingagamuchiri mashoko angu; shoko riya chairo randakataura ndiro richamutonga pazuva rokupedzisira. Nokuti handina kungozvipupurira pachangu, asi Baba vakandituma ndivo vakandirayira zvokutaura namatauriro acho.
”Jesu akapindura akati, “Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri.
”Asi izvi zvakanyorwa kuti mugotenda kuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari, uye kuti kana mukatenda muve noupenyu muzita rake.
”Akati kwavari, “Kandai mambure enyu kurutivi rworudyi rwegwa mugobata.” Vakati vaita izvozvo, vakasagona kukweva mambure nokuda kwokuwanda kwehove. Ipapo mudzidzi aidikanwa naJesu akati kuna Petro, “NdiShe!” Simoni Petro paakangonzwa kuti, “NdiShe,” akazvimonera nguo yake yokunze (nokuti akanga aibvisa) akabva asvetukira mumvura. Vamwe vadzidzi vakatevera vari mugwa, vachikweva mambure akanga azara nehove, nokuti vakanga vasiri kure namahombekombe, asi makubhiti anenge mazana maviri. Vakati vasvika kumahombekombe, vakaona moto wamazimbe uchipfuta une hove pamusoro pawo, uye nechingwa. Jesu akati kwavari, “Uyai nedzimwe hove dzamuchangobva kubata.” Simoni Petro akakwira mugwa akakwevera mambure kumahombekombe. Akanga azere nehove huru, zana namakumi mashanu nenhatu, asi kunyange zvazvo dzakanga dzakawanda, mambure haana kubvaruka.
”Asi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, nomuJudhea mose, nomuSamaria, kusvikira kumigumo yenyika.”
”Uye ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.’
”Petro akapindura akati, “Tendeukai mubhabhatidzwe, mumwe nomumwe wenyu, muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvivi zvenyu, uye mugogamuchira chipo choMweya Mutsvene. Chipikirwa ndechenyu navana venyu navose vari kure, navose vachazodanwa naShe Mwari wedu.” Akavayambira namamwe mashoko mazhinji; uye akavakumbirisa achiti, “Muzviponese parudzi urwu rwakaora.”
”Avo vakagamuchira shoko rake vakabhabhatidzwa, uye pazuva iro, vanhu vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa pauwandu hwavo.
”vachirumbidza Mwari uye vachidikanwa navanhu vose. Uye Ishe akawedzera pauwandu hwavo zuva rimwe nerimwe avo vakanga vachiponeswa.
”Naizvozvo, tendeukai zvino, mudzokere kuna Mwari, kuitira kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzokuvandudzwa dzinobva kuna She dzisvike uye kuti atume Kristu, iye akagadzwa nokuda kwenyu, iye Jesu. Anofanira kumboramba ari kudenga kusvikira nguva yokuti Mwari avandudze zvinhu zvose yasvika, sezvaakavimbisa kare kare kubudikidza navaprofita vake vatsvene.
”Asi vazhinji vakanzwa shoko vakatenda, uye varume vakasvika zviuru zvinenge zvishanu pauwandu.
”Ruponeso haruwanikwi kuna ani zvake, nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa kuvanhu ratingaponeswa naro.”
”Vakati vachiona kusatya kwaPetro naJohani uye vachiziva kuti vakanga vasina kudzidza, vachingova vanhuwo zvavo, vakakatyamara uye vakarangarira kuti varume ava vaiva naJesu.
”Ipapo vakavadanazve kuti vapinde ndokuvarayira kuti varege kutaura kana kutongodzidzisa muzita raJesu. Asi Petro naJohani vakapindura vakati, “Tongai henyu imi kana zvakarurama pamberi paMwari kuti titeerere imi kupfuura Mwari. Nokuti isu hatigoni kurega kutaura pamusoro pezvatakaona nezvatakanzwa.”
”Zvino, Ishe, tarirai kutyisidzira kwavo mugobatsira varanda venyu kuti vataure shoko renyu nokushinga kukuru. Tambanudzai ruoko rwenyu kuti muporese uye muite zviratidzo nezvishamiso kubudikidza nezita raJesu muranda wenyu mutsvene.” Shure kwokunge vanyengetera, nzvimbo yavakanga vakaungana pairi yakazungunuswa. Uye vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakataura shoko raMwari vasingatyi.
”Vapostori vakaramba vachipupura nesimba kumuka kwaIshe Jesu, uye nyasha huru dzaiva pamusoro pavo.
”Vakati vauya navapostori, vakavamisa pamberi peDare Guru kuti vabvunzwe nomuprista mukuru. Akati, “Takakurayirai zvakasimba kuti murege kudzidzisa muzita iri. Asi mazadza Jerusarema rose nedzidziso yenyu uye munoda kuti tive nemhosva yeropa romurume uyu.” Petro navamwe vapostori vakapindura vachiti, “Tinofanira kuteerera Mwari kukunda vanhu!
”Kutaura kwake kwakavadzikamisa. Vakadana vapostori kuti vapinde vakaita kuti varohwe. Ipapo vakavarayira kuti varege kutaura muzita raJesu, uye vakavaregedza. Vapostori vakabva paDare Guru, vachifara nokuda kwokuti vakanga vanzi vakafanira kutambudzwa nokunyadziswa nokuda kweZita iri. Zuva rimwe nerimwe havana kumborega kudzidzisa nokuparidza shoko rakanaka vari mutemberi nomudzimba nedzimba kuti Jesu ndiye Kristu.
”Vaya vakanga vaparadzirwa vakaparidza shoko kwose kwose kwavaienda. Firipi akaburuka akaenda kuguta raiva muSamaria akaparidza Kristu ikoko.
”Asi vakati vatenda Firipi sezvo aiparidza vhangeri roumambo hwaMwari nezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa, vose varume navakadzi.
”Vakati vapupura uye vakaparidza shoko raShe, Petro naJohani vakadzokera kuJerusarema, vachiparidza vhangeri mumisha yakawanda yomuSamaria.
”Ipapo Firipi akatanga nechitsauko ichocho choRugwaro akamuparidzira vhangeri raJesu. Zvavakanga vachifamba nomugwagwa, vakasvika pakanga pane mvura saka muyunaki akati, “Tarirai, heino mvura. Chingandikonesa kubhabhatidzwa chiiko?” Uye Firipi akati, “Kana uchitenda nomwoyo wako wose, zvinogoneka.” Iye akapindura akati, “Ndinotenda kuti Jesu Kristu ndiye Mwanakomana waMwari.” Akarayira kuti ngoro imiswe. Ipapo vose vari vaviri, Firipi nomuyunaki vakapinda mumvura, Firipi akamubhabhatidza.
”Zvakadaro hazvo, Firipi akazoonekwa paAzotasi uye akafamba achiparidza vhangeri mumaguta ose kusvikira asvika kuKesaria.
”Asi Bhanabhasi akamutora akamuuyisa kuvapostori. Akavaudza kuti Sauro akanga aona Ishe sei ari parwendo rwake uye kuti muDhamasiko Ishe akanga ataura kwaari, uyewo kuti akaparidza sei muzita raJesu asingatyi. Saka Sauro akagara navo muJerusarema akasununguka, achitaura muzita raIshe uye akafamba asingatyi. Akataura uye akapikisana navaJudha vaitaura chiGiriki, asi vakaedza kumuuraya.
”Imi munoziva shoko rakatumwa naMwari kuvanhu veIsraeri, achivaudza mashoko akanaka orugare kubudikidza naJesu Kristu, anova Ishe wavose. Munoziva zvakaitika muJudhea yose, kutanga kuGarirea shure kworubhabhatidzo rwakaparidzwa naJohani,
”Akatirayira kuti tiparidze kuvanhu uye tipupure kuti ndiye akagadzwa naMwari kuti ave mutongi wavapenyu navakafa. Vaprofita vose vanopupura nezvake kuti ani naani anotenda kwaari anogamuchira kanganwiro yezvivi kubudikidza nezita rake.” Petro achiri kutaura mashoko aya, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavose vakanzwa shoko.
”Vapostori nehama dzomuJudhea yose vakanzwa kuti vedzimwe ndudzi vakanga vagamuchirawo shoko raMwari.
”Akatirondedzera maonero aakanga aita mutumwa mumba make, uyo akati, ‘Tuma vanhu kuJopa kuna Simoni anonzi Petro. Iye achakuvigirai shoko richaponesa iwe neveimba yako vose.’
”Vakati vanzwa izvozvo, vakashayiwa zvimwe zvokureva uye vakarumbidza Mwari vachiti, “Saka zvino Mwari akapawo vedzimwe ndudzi kutendeuka kunotungamirira kuupenyu.”
”Kunyange zvakadaro, vamwe varume vaibva kuSaipurasi nokuKurini, vakaenda kuAndioki vakatanga kutaura kuvaGirikiwo, vachivataurira mashoko akanaka ezvaIshe. Ruoko rwaShe rwakanga rwuri pamusoro pavo, uye vanhu vazhinji vakatenda vakatendeukira kuna She.
”Jesu asati auya, Johani akaparidza kutendeuka norubhabhatidzo kuvanhu vose veIsraeri.
”“Tiri kukuudzai nhau dzakanaka kuti: Zvakavimbiswa madzibaba edu naMwari,
”PaSabata rakatevera rinenge guta rose rakaungana kuzonzwa shoko raShe.
”Ipapo Pauro naBhanabhasi vakavapindura vasingatyi vakati, “Zvanga zvakafanira kuti titaure shoko raMwari kwamuri imi kutanga. Sezvo mariramba uye mukasazviona savanhu vakafanira upenyu husingaperi, tava kuenda zvino kune veDzimwe Ndudzi. Nokuti izvi ndizvo zvakarayirwa kwatiri naShe achiti: “ ‘Ndakakuitai chiedza kune veDzimwe Ndudzi, kuti muvigire migumo yenyika ruponeso.’ ”
”VeDzimwe Ndudzi vakati vanzwa izvozvo, vakafara uye vakakudza shoko raShe; uye vose vakanga vakatarirwa upenyu husingaperi vakatenda. Shoko raShe rakapararira mudunhu rose.
”Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vaitya Mwari uye vaikudzikana navarume vairemekedzwa veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi kutambudzwa, uye vakavadzinga mudunhu ravo. Saka vakazunza guruva patsoka dzavo vachiratidza kusafara pamusoro pavo ndokubva vaenda kuIkoniamu.
”PaIkoniamu Pauro naBhanabhasi vakasvikopinda musinagoge ravaJudha sezvavaisiita nguva dzose. Imomo vakataura zvinobata mwoyo kwazvo zvokuti vaJudha vazhinji neveDzimwe Ndudzi vakatenda. Asi vaJudha vakaramba kutenda vakamutsa mwoyo yeveDzimwe Ndudzi uye vakavakanganisa pfungwa dzavo kuti vavenge hama.
”Saka Pauro naBhanabhasi vakapedza nguva refu varipo, vachitaura zvaIshe vasingatyi, iye akasimbisa shoko renyasha dzake nokuvagonesa kuita zviratidzo nezvishamiso.
”“Varume, munoitireiko izvi? Isuwo tiri vanhu semi, vanhuwo zvavo semi. Tinokuparidzirai mashoko akanaka, tichikuudzai kuti mubve pazvinhu izvi zvisina maturo mudzokere kuna Mwari mupenyu, akaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvose zviri mukati mazvo.
”Vakaparidza mashoko akanaka muguta iroro vakawana vadzidzi vazhinji kwazvo. Ipapo vakadzokera kuRistira, Ikoniamu nokuAndioki, vachisimbisa vadzidzi nokuvakurudzira kuti varambe vari pakutenda. Vakati, “Tinofanira kutambudzika kuti tipinde muumambo hwaMwari.”
”Shure kwehurukuro huru, Petro akasimuka akati, “Hama dzangu, munoziva imi kuti nguva dzakare Mwari akandisarudza pakati penyu kuti veDzimwe Ndudzi vanzwe shoko revhangeri rinobva pamiromo yangu vagotenda.
”Pauro nevaaiva navo vakafamba nomumatunhu eFirigia neGaratia, vamborambidzwa naMweya Mutsvene kuparidza shoko mudunhu reEzhia. Vakati vasvika pamuganhu weMisia, vakaedza kupinda muBhitinia, asi Mweya waJesu hauna kuvabvumira. Saka vakapfuura napaMisia vakadzika kuTroasi. Panguva dzousiku, Pauro akaona chiratidzo chomurume weMasedhonia amire achimukumbira achiti, “Yambukirai kuno kuMasedhonia muzotibatsira.” Shure kwokunge Pauro aona chiratidzo, takagadzirira pakarepo kuti tibve tiende kuMasedhonia, tagutsikana kuti Mwari akanga atidana kuti tindovaparidzira vhangeri.
”Muchengeti wetorongo akadanidzira kuti mwenje itungidzwe, akapinda achimhanya ndokusvikowira pamberi paPauro naSirasi achidedera. Ipapo akavabudisa kunze akati kwavari, “Vakuru, ndingaita sei kuti ndiponeswe?” Vakapindura vakati, “Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako.”
”Setsika yake Pauro akapinda musinagoge, akataurirana navo zvaibva muMagwaro, kwamaSabata matatu, achitsanangura nokuvaratidza kuti Kristu aifanira kutambudzika uye agomuka kubva kuvakafa. Akati, “Jesu uyu wandinokuparidzirai ndiye Kristu.” Vamwe vaJudha vakatenda ndokubva vabatana naPauro naSirasi, sezvakaitwawo navazhinji zhinji vavaGiriki vaitya Mwari uye navakadzi vazhinji vaikudzwa.
”Zvino vaBheria vakanga vane tsika dzakanaka kupfuura vaTesaronika, nokuti vakagamuchira shoko nemwoyo inodisisa uye vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe kuti vaone kana zvairehwa naPauro zvaiva izvo.
”Ipapo Pauro akasimuka mumusangano weAreopagasi akati, “Varume veAtene! Ndinoona kuti panzira dzose muri vanhu vechitendero zvikuru. Nokuti ndakati ndichifamba-famba uye ndikanyatsotarisisa zvinhu zvamunonamata, ndakaonawo aritari yakanyorwa kunzi: KUNA MWARI ASINGAZIVIKANWI. Zvino chamunonamata sechinhu chisingazivikanwi ndicho chandinokuparidzirai. “Mwari akasika nyika nezvinhu zvose zviri mairi ndiye Ishe wedenga napasi uye haagari mutemberi dzakavakwa namaoko. Iye haashumirwi namaoko avanhu, sokunge anoshayiwa chinhu, nokuti iye amene anopa vanhu vose upenyu nokufema, nezvimwewo zvinhu. Kubva pamunhu mumwe chete akaita ndudzi dzose dzavanhu, kuti vagare panyika yose; uye akavatarira nguva nenzvimbo dzavo chaidzo dzavangagara. Mwari akaita izvi kuitira kuti vanhu vagomutsvaka kuti zvimwe vangamuwana, kunyange zvake asiri kure nomumwe nomumwe wedu. ‘Nokuti maari ndimo matinorarama nomatinofamba, uye ndimo matigere.’ Sezvakarehwa navamwe vadetembi vokwenyu vachiti, ‘Tiri chibereko chake.’ “Naizvozvo sezvo tiri chibereko chaMwari, hatifaniri kufunga kuti umwari hwakaita segoridhe kana sirivha kana ibwe, chifananidzo chakavezwa noumhizha hwomunhu. Mwari akarega hake kurangarira nguva dzakare dzokusaziva kwakadai, asi zvino anorayira vanhu vose kwose kwose kuti vatendeuke. Nokuti akatara zuva raachatonga nyika nokururamisira nomurume waakagadza. Akaratidza izvi kuvanhu vose nokumumutsa kubva kuvakafa.”
”Zvichakadaro, mumwe muJudha ainzi Aporosi, chizvarwa cheArekizandiria, akasvika kuEfeso. Akanga ari murume akadzidza, aino ruzivo rwaMagwaro chaizvo. Akanga akadzidziswa nzira yaShe, uye aitaura nesimba guru achinyatsodzidzisa nezvaJesu, kunyange zvake aingoziva nezvorubhabhatidzo rwaJohani. Akatanga kutaura musinagoge asingatyi. Pirisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamukoka kumba kwavo vakamutsanangurira nzira yaMwari zvizere.
”Pauro akapinda musinagoge akataura asingatyi imomo kwemwedzi mitatu, achikakavadzana navo zvinyoronyoro pamusoro poumambo hwaMwari. Asi vamwe vavo vakaomesa mwoyo yavo; vakaramba kutenda uye vakatsoropodza Nzira iyo pamberi pavanhu. Saka Pauro akabva pavari. Akatora vadzidzi akaenda navo akandoita hurukuro navo zuva nezuva pachikoro chaTirano. Izvi zvakaramba zvichiitwa kwamakore maviri, zvokuti vaJudha vose navaGiriki vaigara munyika yeEzhia vakanzwa shoko raShe.
”Munozviziva kuti handina kuzeza kuparidza kana chinhu chaizokubatsirai imi, asi ndakakudzidzisai pachena uye muimba neimba. Ndakapupura kuna vose vaJudha navaGiriki kuti vanofanira kudzokera kuna Mwari vagotendeuka uye vagotenda kuna Ishe Jesu. “Zvino ndamanikidzwa noMweya, ndiri kuenda kuJerusarema, ndisingazivi hangu zvichaitika kwandiri. Chandinongoziva ndechokuti muguta rimwe nerimwe Mweya Mutsvene anondiyambira kuti kusungwa nokutambudzika zvakandirindira. Zvisinei hazvo, ini handioni upenyu hwangu sechinhu chinokosha, dai bedzi ndapedza nhangemutange yangu uye ndapedzisa basa randakapiwa naIshe Jesu, basa rokupupura vhangeri renyasha dzaMwari.
”Uchava chapupu chake kuvanhu vose, chezvawakaona nezvawakanzwa.
”Usiku hwakatevera, Ishe akamira pedyo naPauro akati kwaari, “Tsunga mwoyo! Sezvawapupura pamusoro pangu muJerusarema, saizvozvo unofanira kundopupurawo muRoma.”
”Zvino chisimuka umire netsoka dzako. Ndazviratidza kwauri kuti ndikugadze somuranda uye sechapupu chezvawaona kwandiri uye nezvandichakuratidza.
”kuti usvinudze meso avo nokuvadzora kubva kurima kuti vauye kuchiedza, nokubva musimba raSatani kuti vauye kuna Mwari, kuti vagamuchire kanganwiro yezvivi uye vawane nzvimbo pakati paavo vakaitwa vatsvene nokutenda kwandiri.’
”Asi ndakabatsirwa naMwari kusvikira nhasi uno, uye ndimire pano kuti ndipupure kuvaduku nokuvakuru zvimwe chetezvo. Handina kutaura zvinopfuura zvakataurwa navaprofita uye naMozisi kuti zvichaitika, kuti Kristu achatambudzika, uye, saiye wokutanga kumuka kubva kuvakafa achaparidza chiedza kuvanhu vake uye nokune veDzimwe Ndudzi.”
”Pauro akagara ikoko kwamakore maviri ose ari muimba yake yaairipira uye aigamuchira vose vaiuya kuzomuona. Akaparidza zvoumambo hwaMwari asingatyi, asingadziviswi uye akadzidzisa nezvaIshe Jesu Kristu.
”Pakutanga, ndinovonga Mwari wangu muna Jesu Kristu pamusoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kunoparidzwa panyika yose.
”Ndine mungava kuna vose vaGiriki navasiri vaGiriki, vose vakachenjera navasina kuchenjera. Ndokusaka ndichida zvikuru kwazvo kuti ndiparidze vhangeri kwamuriwo imi vari kuRoma. Handina nyadzi pamusoro pevhangeri, nokuti isimba raMwari rokuponesa munhu wose anotenda: Kutanga kumuJudha, zvichizotevera weDzimwe Ndudzi.
”Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti: Tichiri vatadzi, Kristu akatifira.
”Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu.
”Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe” uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa. Nokuti unotenda nomwoyo wako ugoruramisirwa, uye unopupura nomuromo wako ugoponeswa. Sezvinorehwa noRugwaro ruchiti: “Ani naani anotenda kwaari haanganyadziswi.” Nokuti hapana musiyano pakati pomuJudha noweDzimwe Ndudzi, nokuti Ishe mumwe ndiye Ishe wavose uye anovaropafadza kwazvo vose vanodana kwaari, nokuti “Ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.”
”Zvino, vachagodana seiko kuna iye wavasina kutenda kwaari? Uye vangatenda sei kuna iye wavasina kumbonzwa? Vanganzwa seiko kana kusina anovaparidzira? Uye vangaparidza seiko kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko akanaka!”
”Asi havasi vaIsraeri vose vakagamuchira mashoko akanaka. Nokuti Isaya anoti, “Ishe, ndianiko akatenda zvatakaparidza?”
”Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu. Asi ndinobvunza kuti: Havana kunzwa here? Zvirokwazvo vakanzwa, nokuti: “Inzwi ravo rakasvika kunyika yose, namashoko avo kumigumo yenyika.”
”nesimba rezviratidzo nezvishamiso, kubudikidza nesimba roMweya. Saka kubva kuJerusarema kusvika kwose kunyika yakapoteredza, kusvikira kuIrikumi, ndakaparidza kwazvo vhangeri raKristu.
”Zvino kuna iye anogona kukusimbisai nevhangeri rangu, uye nokuparidzwa kwaJesu Kristu, maererano nokuzarurwa kwechakanga chakavanzika kwamakore namakore akapfuura, asi zvino chakaratidzwa uye chikaziviswa kubudikidza nezvinyorwa zvavaprofita nokurayira kwaMwari anogara nokusingaperi, kuti ndudzi dzose dzigomuteerera uye dzimutende,
”Nokuti Kristu haana kundituma kuti ndinobhabhatidza asi kuti ndinoparidza vhangeri, kwete namashoko ouchenjeri hwavanhu, kuti muchinjikwa waKristu urege kupedzwa simba rawo. Nokuti shoko romuchinjikwa upenzi kuna vari kuparara, asi kwatiri isu vanoponeswa isimba raMwari. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Ndichaparadza uchenjeri hwavakachenjera; ndichakonesa kuziva kwavanoziva.”
”Nokuti muuchenjeri hwaMwari, nyika kubudikidza nouchenjeri hwayo, haina kumuziva, Mwari akafadzwa nazvo kuti vanotenda avaponese kubudikidza noupenzi hwezvakaparidzwa. VaJudha vanoda zviratidzo uye vaGiriki vanotsvaka uchenjeri, asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha noupenzi kune veDzimwe Ndudzi. Asi kuna avo vakadanwa naMwari, zvose vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari nouchenjeri hwaMwari. Nokuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura uchenjeri hwomunhu, uye utera hwaMwari hwakasimba kupfuura simba romunhu.
”Pandakauya kwamuri, hama, handina kuuya nokugona kutaura kana uchenjeri hwapamusoro, pandakaparidza kwamuri uchapupu hwezvaMwari. Nokuti ndakati handidi kuziva chinhu pandakanga ndiri pakati penyu, asi Jesu Kristu, uye akarovererwa pamuchinjikwa. Ndakauya kwamuri muutera nokutya uye nokudedera kukuru. Shoko rangu nokuparidza kwangu zvakanga zvisina mashoko okugombedzera nouchenjeri, asi nokuratidza kwesimba raMweya, kuti kutenda kwenyu kurege kuva kwouchenjeri hwavanhu, asi kuve kwesimba raMwari.
”Zvisinei, tinotaura mashoko ouchenjeri pakati pavanhu vakura, asi kwete uchenjeri hwenyika ino, kana hwavabati venyika ino vachashayiwa simba. Kwete, tinotaura uchenjeri hwaMwari hwakavanzika, uchenjeri hwakanga hwakafukidzwa uye hwakatemerwa kubwinya kwedu naMwari nyika isati yavapo. Hakuna kana nomumwe wavabati venyika ino akahunzwisisa, nokuti dai vakahunzwisisa vangadai vasina kuroverera Ishe wokubwinya pamuchinjikwa. Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Hakuna ziso rakaona, hakuna nzeve yakanzwa; hakuna zvakapinda mumurangariro womunhu, zvakagadzirirwa naMwari vaya vanomuda.”
”Asi Mwari akazviratidza kwatiri isu noMweya wake. Mweya anonzvera zvinhu zvose, kunyange nezvakadzika zvaMwari. Nokuti ndianiko pakati pavanhu anoziva ndangariro dzomunhu kunze kwomweya womunhu uri mukati make? Saizvozvowo hakuna munhu anoziva ndangariro dzaMwari kunze kwoMweya waMwari. Hatina kugamuchira mweya wenyika ino asi Mweya unobva kuna Mwari; kuti tinzwisise zvatakapiwa naMwari pachena. Izvi ndizvo zvatinotaura, tisingatauri namashoko atinodzidziswa nouchenjeri hwavanhu, asi namashoko atinodzidziswa naMweya, tichidudzira zvokwadi zvomweya namashoko omweya.
”Munhu asina Mweya haangagamuchiri zvinhu zvinobva kuMweya waMwari, nokuti zvinonzwisisika nomweya. Munhu ari muMweya anonzwisisa zvinhu zvose, asi iye pachake haanganzwisiswi nomunhu: “Nokuti, ndianiko akaziva murangariro waShe kuti amudzidzise?” Asi isu tino murangariro waKristu.
”Hama, ndakanga ndisingagoni kutaura nemi savanhu vomweya asi savanhu venyama, vacheche zvavo muna Kristu. Ndakakupai mukaka, kwete zvokudya zvikukutu, nokuti makanga musingagoni kudya. Zvirokwazvo, hamusati mava kugona kudya nazvino.
”Ini ndakasima, Aporosi akadiridza, asi Mwari ndiye akameresa. Saka naizvozvo anosima kana anodiridza haazi chinhu, asi Mwari chete, iye anomeresa zvinhu. Munhu anosima nomunhu anodiridza vane chinangwa chimwe, uye mumwe nomumwe wavo achapiwa mubayiro maererano nezvaakabata pabasa rake. Nokuti tiri vabati pamwe chete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari.
”Nenyasha dzandakapiwa naMwari, ndakaronga nheyo somuvaki akachenjera, uye mumwewo ari kuvaka pamusoro payo. Asi mumwe nomumwe ngaachenjere kuti anovaka sei pamusoro payo. Nokuti hakuna mumwe angaronga dzimwe nheyo kunze kwaiyo yakarongwa kare, inova ndiyo Jesu Kristu. Zvino kana munhu achivaka panheyo iyi achishandisa goridhe, kana sirivha kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga, basa rake richaonekwa kuti rakaitwa nei, nokuti Zuva iro richazvibudisa pachena. Richaratidzwa nomoto, uye moto uchaedza basa romumwe nomumwe. Kana zvaakavaka zvikagara, iye achagamuchira mubayiro wake. Kana zvikapiswa, iye acharasikirwa: asi iye pachake achaponeswa: asi souya abuda mumoto.
”Asi kana ndichiparidza vhangeri, handingazvirumbidzi, nokuti ndinosungirwa kuti ndiparidze. Ndine nhamo, kana ndisingaparidzi vhangeri!
”Kana ndichiparidza nokuda kwangu, ndino mubayiro; kana ndichiita ndisingadi, ndiri kungoita chete izvo zvandakapiwa kuti ndiite. Zvino mubayiro wangu ndoweiko? Ndiwo uyu, kuti mukuparidza vhangeri ndizviite pasina muripo, uye ndisingashandisi kodzero dzangu mukuriparidza.
”Kunyange zvangu ndakasununguka uye ndisiri muranda womunhu, ndakazviita muranda wavose, kuti ndiwane vazhinji kwazvo. KuvaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha. Kuna vari pasi pomurayiro ndakava somunhu ari pasi pomurayiro (kunyange ini ndisiri pasi pomurayiro), kuti ndiwane vari pasi pomurayiro. Kuna vasina murayiro, ndakava somunhu asina murayiro (kunyange zvangu ndisina kusununguka kubva pamurayiro waMwari, ndiri pasi pomurayiro waKristu), kuti ndiwane vaya vasina murayiro. Kuna vasina simba ndakava sendisina simba, kuti ndiwane vaya vasina simba. Ndakava zvose kuvanhu vose kuitira kuti ndiponese vamwe nemitoo yose inogoneka.
”Kana ndine chipo chokuprofita uye ndichinzwisisa zvakavanzika zvose noruzivo rwose, uye kana ndino kutenda kunofambisa makomo, asi ndisina rudo, handisi chinhu. Kana ndikagovera zvose zvandinazvo kuvarombo uye kana ndikaisa muviri wangu kuti upiswe, asi kana ndisina rudo, hazvindibatsiri chinhu.
”Zvino hama, ndinoda kukuyeuchidzai vhangeri randakakuparidzirai, iro ramakagamuchira uye ramakamira mariri. Nevhangeri irori munoponeswa, kana mukabatirira kwazvo pashoko randakakuparidzirai. Zvimwe makatenda pasina.
”Asi nokuda kwenyasha dzaMwari ndiri zvandiri uye nyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina. Kwete, ndakashanda kupfuura vose, asi ndisiri ini, asi nyasha dzaMwari dzaiva neni. Ipapo kunyange dai ndiri ini kana ivo, izvi ndizvo zvatinoparidza, uye izvi ndizvo zvamakatenda.
”Upenzi hwakadii! Chaunodyara hachingameri kana chisina kufa. Kana ukadyara haudyari muviri uchazovapo, asi tsanga bedzi, ingava yegorosi kana chimwe chinhuwo zvacho.
”Asi Mwari ngaavongwe, anotikundisa nguva dzose pakufamba kwedu muna Kristu uye kubudikidza nesu anoratidza kwose kwose kunhuhwirira kworuzivo rwake. Nokuti isu tiri kunhuhwirira kwaKristu kuna Mwari pakati peavo vari kuponeswa nevari kuparara. Kuno mumwe tiri munhuwi worufu; kuno mumwewo tiri kunhuhwirira kwoupenyu. Zvino ndianiko angakwanisa basa rakadai?
”Nokuti hatina kufanana navazhinji vanokanganisa shoko raMwari vachida kuwana mugove kubva pariri. Asi, tinotaura muna Kristu nokutendeka pamberi paMwari, savanhu vakatumwa naMwari.
”Zvino kana kushumira kwakauyisa rufu, kwakanga kwakatemwa namavara pamabwe, kwakauya nokubwinya zvokuti vaIsraeri vakanga vasingagoni kuramba vakatarisa pachiso chaMozisi nokuda kwokubwinya kwacho, kunyange kwakanga kuchipfuura hako, ko, kushumira kwaMweya hakungavi nokubwinya kukuru here? Kana kushumira kwakauyisa kutongwa kuvanhu kuchibwinya, ko, kuzoti kushumira kunouyisa kururama kunobwinya zvikuru sei! Nokuti chaibwinya hachisisina kubwinya zvino kana tichichienzanisa nokubwinya kunochipfuura. Uye kana chakanga chichizopfuura chakauya nokubwinya, ko, kuzoti chinogara chichava nokubwinya kukuru sei!
”Naizvozvo, zvatine tariro yakadai, takashinga zvikuru.
”Zvose izvi zvakabva kuna Mwari, akatiyananisa naye kubudikidza naKristu uye akatipa ushumiri hwokuyananisa: ndiko kuti Mwari akanga achiyananisa nyika kwaari muna Kristu, asingaverengeri vanhu zvivi zvavo. Uye akatipa shoko rokuyananisa.
”Naizvozvo tiri vamiririri vaKristu, sokunge Mwari ari kusvitsa chikumbiro chake kubudikidza nesu. Tinokukumbirai nokuda kwaKristu tichiti: Yananiswai naMwari.
”Nokuti iye anoti, “Ndakakunzwa panguva yenyasha dzangu, uye pazuva roruponeso ndakakubatsira.” Ndinokuudzai, zvino ndiyo nguva yenyasha dzaMwari, zvino ndiyo nguva yoruponeso.
”Hatiisi chigumbuso munzira yomunhu, kuti ushumiri hwedu hurege kuzvidzwa.
”Nokuti kusuwa kwoumwari kunouyisa kutendeuka uko kunotungamirira kuruponeso uye hakuuyisi kudemba, asi kusuwa kwenyika kunouyisa rufu.
”Rangarirai chinhu ichi: Ani naani anodyara zvishoma achakohwawo zvishoma, uye ani naani anodyara zvizhinji achakohwawo zvizhinji.
”Zvino iye anopa mbeu kumudyari nechingwa chokudya achakupaiwo uye achakupaiwo mbeu zhinji mudura renyu uye agokupaiwo kukohwa kukuru kwokururama kwenyu.
”kuitira kuti tigoparidza vhangeri kumatunhu ari mberi kwenyu. Nokuti hatidi kuzvirumbidza nebasa rakaitwa kare munzvimbo dzavamwe vanhu.
”Ndakatadza here zvandakazvininipisa kuitira kuti imi mugokudzwa nokuparidzwa kwevhangeri raMwari kwamuri pachena pasina mutengo?
”Asi kunyange isu kana mutumwa anobva kudenga akaparidza vhangeri risati riri ratakakuparidzirai, ngaatukwe nokusingaperi! Sezvatakamboreva, tinodarozve zvino tichiti: Kana kuno munhu upi zvake ari kuparidza kwamuri vhangeri kunze kweramakagamuchira, ngaave akatukwa nokusingaperi!
”Ko, ndiri kuedza kuzviratidza kuvanhu here kana kuti kuna Mwari? Kana kuti ndiri kuedza kufadza vanhu here? Dai ndakanga ndichiri kuedza kufadza vanhu, ndingadai ndisiri muranda waKristu. Ndinoda kuti muzive, hama, kuti vhangeri randakaparidza harisi chimwe chinhu chakangomuka mumunhu.
”Ndakarovererwa pamwe chete naKristu uye handichisiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri. Kurarama kwandinako munyama, ndinorarama nokutenda muMwanakomana waMwari, akandida uye akazvipa nokuda kwangu.
”Musanyengerwa: Mwari haasekwi. Munhu anokohwa zvaanodyara. Anodyarira nyama yake, achakohwa kuparadzwa kunobva panyama iyoyo; uyo anodyarira mweya, achakohwa upenyu husingaperi hunobva paMweya iwoyo.
”Akauya akaparidza rugare kwamuri imi makanga muri kure uye rugare kuna avo vakanga vari pedyo.
”Ndiye akapa vamwe kuti vave vapostori, vamwe kuti vave vaprofita, vamwe kuti vave vavhangeri, uye vamwe kuti vave vafudzi navadzidzisi, kuti vagadzirire vanhu vaMwari pabasa rokushumira, kuitira kuti muviri waKristu uvakwe kudzamara isu tose tasvika pahumwe mukutenda uye nomukuziva Mwanakomana waMwari napamunhu akura, asvika pachiyero chose chokuzara kwaKristu. Ipapo hatingazorambi tiri vacheche, vanosundirwa shure nemberi vachipeperetswa kuno nouko nemhepo ipi zvayo yedzidziso, uye nokunyengera nousvinu hwavanhu mukutsausa kwokunyengera kwavo.
”uye murarame upenyu hworudo, sezvatakadikanwa naKristu akazvipa nokuda kwedu sechipiriso chinonhuhwira uye sechibayiro kuna Mwari.
”Munyengeterere neniwo, kuti pose pandinoshama muromo wangu, ndipiwe mashoko kuitira kuti ndigozivisa chakavanzika chevhangeri ndisingatyi, iro randiri nhume yakasungwa nengetani. Nyengeterai kuti ndiritaure ndisingatyi, sezvandinofanira.
”Nokuda kwengetani dzangu, hama zhinji muna She dzakakurudzirwa kuti vataure shoko raMwari vakashinga zvikuru uye vasingatyi. Ichokwadi kuti vamwe vanoparidza Kristu negodo uye negakava, asi vamwe nenzira yakanaka. Vamwe vanoita izvozvo murudo, vachiziva kuti ndakaiswa muno nokuda kwokudzivirira vhangeri. Vamwe vaiparidza Kristu nomwoyo woruchiva, vasina kutendeka, vachifungidzira kuti vangandimutsira dambudziko ndichiri mungetani. Asi zvisinei hazvo, chinhu chinokosha ndechokuti munzira dzose, dzingava ndangariro dzenhema kana dzechokwadi, Kristu ari kuparidzwa hake. Uye nokuda kwaizvozvi ndinofara. Hongu, uye ndicharamba ndichifara,
”kana muchirambira mukutenda kwenyu, makasimbiswa uye makasimba, musingazungunuswi kubva patariro iri muvhangeri. Ndiro vhangeri ramakanzwa uye rakaparidzirwa kuzvisikwa zvose pasi pedenga, uye iro ini, Pauro, ndakaitwa muranda nokuda kwaro. Zvino ndinofara mune zvamakatamburirwa imi, uye ndinozadzisa munyama yangu izvo zvichiri kushayikwa maererano nokutambudzika kwaKristu, nokuda kwomuviri wake, iyo kereke. Ini ndava muranda wayo nokutumwa kwandakaitwa naMwari kuti ndiise kwamuri shoko raMwari nokuzara kwaro, chakavanzika chakanga chakavigwa kubvira kare uye kumarudzi namarudzi, asi zvino zvakazarurirwa vatsvene. Kwavari, Mwari akasarudza kuti azivise pakati pavaHedheni, pfuma inobwinya yechakavanzika ichi, iye Kristu mamuri, tariro yokubwinya. Tinomuparidza, tichirayira uye tichidzidzisa munhu wose nouchenjeri hwose, kuitira kuti tisvitse munhu wose akakwana muna Kristu.
”sezvo muchiziva kuti muchagamuchira nhaka kubva kuna She somubayiro. NdiIshe Kristu wamunoshumira.
”Uye mutinyengetererewo kuti Mwari azarure mukova weshoko redu, kuitira kuti tigoparidza chakavanzika chaKristu, icho chandakasungirwa. Nyengeterai kuti ndigone kuparidza zvakajeka, sezvandinofanira. Muve vakachenjera pamafambiro enyu kuna vari kunze; mungwarire nguva yenyu. Kutaura kwenyu ngakugare kwakazara nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuitira kuti muzive mapinduriro amunoita vanhu vose.
”nokuti vhangeri redu harina kuuya kwamuri namashoko bedzi, asi nesimbawo, noMweya Mutsvene uye nokuziva kwakadzama. Munoziva kuti takagara sei pakati penyu nokuda kwenyu. Makava vateveri vedu uye nevaIshe; pakati pokutambudzika kukuru, makagamuchira shoko nomufaro unopiwa naMweya Mutsvene.
”Takanga tambotambudzika uye tikatukwa muFiripi, sezvamunoziva, asi norubatsiro rwaMwari wedu hatina kurega kukuparidzirai vhangeri rake pakati pokupikiswa kukuru. Nokuti chikumbiro chatinoita hachibvi pakukanganisa kana pamufungo usina kunaka, uye hatisi kuedza kukunyengerai. Asi, tinotaura savanhu vakatenderwa naMwari kuti tipiwe vhangeri. Hatisi kuedza kufadza vanhu asi Mwari, iye anoedza mwoyo yedu. Munozviziva kuti isu hatibati kumeso, uye hatina kuisa chifukidzo chokufukidza kukarira pfuma, Mwari ndiye chapupu chedu. Takanga tisingatsvaki kurumbidzwa kunobva kuvanhu, kwete kunobva kwamuri kana ani zvake. Savapostori vaKristu tingadai takava mutoro kwamuri, asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, samai vanochengeta vana vavo vaduku. Taikudai zvikuru zvokuti takafara kuti tigoverane nemi, kwete vhangeri raMwari bedzi, asi noupenyu hweduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo. Zvirokwazvo munorangarira, hama, kutambudzika kwedu nokuomerwa kwedu; takashanda usiku namasikati kuti tirege kuremedza munhu upi zvake patakanga tichiparidza vhangeri raMwari kwamuri.
”pazuva raanouya kuzokudzwa muvanhu vake vatsvene uye sechishamiso pakati paavo vose vakatenda. Izvi zvinosanganisira imi, nokuti makatenda uchapupu hwedu kwamuri.
”Akakudanirai izvi nevhangeri redu, kuti mugovane mukubwinya kwaIshe wedu Jesu Kristu. Saka zvino, hama mirai nesimba uye mubatirire kudzidziso dzatakakudzidzisai, neshoko romuromo kana netsamba.
”Irwa kurwa kwakanaka kwokutenda. Ubatisise upenyu husingaperi hwawakadanirwa kwahuri pawakapupura kupupura kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji.
”Saka usanyadziswa nokupupura Ishe wedu, kana kunyadziswa neni musungwa wake. Asi utambudzike pamwe chete neni nokuda kwevhangeri, nesimba raMwari, akatiponesa uye akatidanira kuupenyu hutsvene, kwete nokuda kwechinhu chatakaita asi kuti nokuda kwake iye, uye nenyasha. Nyasha idzi takadzipiwa muna Kristu Jesu nguva dzisati dzavapo, asi zvino dzakaratidzwa nokuonekwa kwoMuponesi wedu Kristu Jesu, akaparadza rufu uye akabudisa pachena upenyu nokusafa kubudikidza nevhangeri. Uye ndakaitwa muparidzi, mupostori nomudzidzisi wevhangeri iri. Ndokusaka ndichitambudzika sezvandiri kuita. Asi handinyadziswi, nokuti ndinoziva wandakatenda, uye ndinoziva kwazvo kuti anogona kuchengeta chandakamupa kusvikira zuva iroro.
”Uye zvinhu zvawakanzwa ndichitaura pamberi pezvapupu zvizhinji zvipe kuvanhu vakatendeka avo vachazozvidzidzisawo vamwe.
”Naizvozvo ndinotsungirira pazvinhu zvose nokuda kwavasanangurwa, kuti naivowo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, nokubwinya kusingaperi. Herino shoko rechokwadi: Kana takafa pamwe chete naye, tichararamawo pamwe chete naye; kana tikatsungirira, tichabata ushe pamwe chete naye. Kana tikamuramba, iye achatirambawo;
”Ramba uchivayeuchidza zvinhu izvi. Uvayambire pamberi paMwari kuti varege kuita nharo pamusoro pamashoko; hazvina maturo, zvinongoparadza chete vaya vanoteerera. Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari, somunhu anogamuchirwa, mushandi asingafaniri kunyadziswa uye anonyatsoruramisa shoko rechokwadi. Nzvenga kutaura kusinei naMwari, nokuti vaya vanhu vanodaro vacharamba vachirasikirwa noumwari.
”Paridza shoko; ugare wakagadzirira panguva yakafanira kunyange isakafanira; rayira, tsiura, uye ukurudzire nomwoyo murefu zvikuru uye nokudzidzisa zvakanaka. Nokuti nguva ichasvika vanhu pavacharamba kuteerera dzidziso yakarurama. Asi vachida zvinovafadza ivo, vachazviunganidzira vadzidzisi vazhinji kuti vadzidzise zvinodiwa nenzeve dzavo. Vachafuratidza nzeve dzavo kuchokwadi uye vachatsaukira kungano. Asi iwe, usvinure pazvinhu zvose, tsungirira pamatambudziko, uite basa romuvhangeri, uite mabasa ose oushumiri hwako.
”Asi Ishe akamira neni uye akandipa simba, kuti kubudikidza neni shoko riparidzwe zvakakwana uye kuti veDzimwe Ndudzi vose varinzwe. Uye ndakarwirwa kubva pamuromo weshumba.
”Nokuti nyasha dzaMwari dzinouyisa ruponeso dzakaratidzwa kuvanhu vose.
”Ndinokunyengeterera kuti ugovane navamwe nesimba, kuitira kuti uve noruzivo rwakazara pamusoro pezvinhu zvose zvakanaka zvatinazvo muna Kristu. Rudo rwako rwakandipa mufaro mukuru nokukurudzirwa, nokuti iwe, hama yangu, wakazorodza mwoyo yavatsvene. Naizvozvo, kunyange zvazvo ndisingatyi, muna Kristu, kuti ndikurayire zvaunofanira kuita,
”Naizvozvo, sezvo chipikirwa chokupinda muzororo rake chichiripo, ngatichenjerei kuti kurege kuva nomumwe wenyu angatadza kusvikako. Nokuti nesuwo takanzwa vhangeri richiparidzwa kwatiri, saivo; asi shoko ravakanzwa harina kuvabatsira, nokuti ivo vakarinzwa havana kuribatanidza nokutenda. Zvino isu tinotenda tinopinda muzororo iroro, sezvakareva Mwari achiti, “Naizvozvo ndakapika mhiko mukutsamwa kwangu, kuti, ‘Havazopindi muzororo rangu.’ ” Uye kunyange zvakadaro basa rake akapedza kubva pakusikwa kwenyika.
”Nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba. Rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kunyange kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo. Hakuna chisikwa chakavanzika pamberi paMwari. Zvinhu zvose zviri pachena uye zvakafukurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.
”Naizvozvo regai kurasa kusatya kwenyu, kuno mubayiro mukuru.
”Uye pasina kutenda hazvibviri kufadza Mwari, nokuti ani naani anouya kwaari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa vanomutsvaka nomwoyo wose mubayiro wavo.
”Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopa zvakawanda kuna vose asingatsvaki mhosva, uye achapiwa hake.
”Kana munhu upi zvake achizviti akarurama uye asingachengeti rurimi rwake zvakasimba, anozvinyengera uye chinamato chake hachina maturo.
”Hama dzangu, kana mumwe wenyu akatsauka kubva pachokwadi uye mumwe akamudzora, murangarire izvi kuti: Ani naani anodzora mutadzi kubva panzira yokudarika kwake, achamuponesa kubva parufu uye achafukidza zvivi zvizhinji.
”Zvakaratidzwa kwavari kuti vakanga vasingazvishumiri ivo, asi imi, pavakataura nezvezvinhu zvakataurwa kwamuri zvino naavo vakaparidza vhangeri kwamuri noMweya Mutsvene wakatumwa uchibva kudenga. Kunyange vatumwa vanoshuva kuona zvinhu izvozvi.
”Nokuti makaberekwa patsva, kwete nembeu inoora, asi isingaori, neshoko raMwari benyu uye rinogara nokusingaperi. Nokuti, “Vanhu vose vakaita souswa, uye kuyevedza kwavo kwakaita samaruva ouswa; uswa hunosvava uye maruva anowira pasi, asi shoko raShe rinogara nokusingaperi.” Uye iri ndiro shoko ramakaparidzirwa.
”Savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka wakachena womweya, kuti mugokuriswa nawo muruponeso rwenyu, sezvo makaravira zvino kuti Ishe akanaka.
”Zvino kunemi vanotenda, iri ibwe rinokosha. Asi kuna avo vasingatendi, “Ibwe rakaraswa navavaki ndiro rava musoro wekona,” uye, “Ibwe rinogumbusa vanhu nedombo rinoita kuti vawe.” Vanogumburwa nokuti havateereri shoko, zvinova ndizvo zvavakatemerwawo.
”Asi imi muri vanhu vakasanangurwa, uprista hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaMwari chaivo, vaakadana kuti muparidze kunaka kwaiye akakudanai kuti mubve murima, muuye muchiedza chake chinoshamisa.
”Asi mumwoyo menyu tsaurai Kristu saIshe. Mugare makazvigadzirira nguva dzose kupindura vose vanokubvunzai pamusoro petariro yamunayo. Asi muite izvozvo nounyoro uye nokukudza, muchichengeta hana yakachena, kuitira kuti vaya vanotaura zvakaipa pamusoro pamafambiro enyu akanaka muna Kristu vanyadziswe pakureva kwavo.
”Nokuti hatina kutevera ngano dzakarukwa nouchenjeri patakakuudzai nezvesimba uye nokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri zvapupu zvakaona kubwinya kwake.
”Ishe haanonoki kuita zvaakavimbisa, sokunonoka kunonzwisiswa navamwe. Ane mwoyo murefu nemi, haadi kuti ani zvake arasike, asi kuti vose vatendeuke.
”Kana tichireurura zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama, uye achatikanganwira zvivi zvedu agotinatsa pakusarurama kwose.
”Hakuna munhu akaberekwa naMwari anoramba achiita chivi, nokuti mbeu yaMwari inogara maari; haangarambi achingotadza, nokuti akaberekwa naMwari. Ndiwo maziviro edu kuti vana vaMwari ndevapi uye kuti vana vadhiabhori ndevapi: Ani naani asingaiti zvakarurama haasi mwana waMwari; uyewo uyo asingadi hama yake.
”Isu tinobva kuna Mwari, uye ani naani anoziva Mwari anotinzwa; asi ani naani asingabvi kuna Mwari haatinzwi. Izvi ndizvo zvinoita kuti tizive mweya wechokwadi nomweya wenhema.
”Tinogamuchira uchapupu hwavanhu, asi uchapupu hwaMwari hukuru nokuti ndihwo uchapupu hwaMwari, hwaakapa pamusoro poMwanakomana wake. Munhu mumwe nomumwe anotenda muMwanakomana waMwari ano uchapupu uhu mumwoyo make. Munhu mumwe nomumwe asingatendi Mwari, akabva amuita murevi wenhema, nokuti haana kutenda kupupura kwaMwari kwaakaita pamusoro poMwanakomana wake. Uye uku ndiko kupupura kuti: Mwari akatipa upenyu husingaperi, uye upenyu uhu huri muMwanakomana wake.
”iye anopupura zvose zvaakaona, iro shoko raMwari uye nouchapupu hwaJesu Kristu.
”Ndiri pano! Ndimire pamusuo ndichigogodza. Kana munhu akanzwa inzwi rangu akazarura musuo, ndichapinda ndigodya naye, uye iye neni.
”Uye vakadanidzira nenzwi guru vachiti: “Ruponeso ndorwaMwari wedu, anogara pachigaro choushe, uye ndorweGwayana.”
”Uye ndichapa simba kuzvapupu zvangu zviviri, uye vachaprofita kwamazuva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi matanhatu, vakapfeka nguo dzamasaga.” Ava ndivo miti miviri yomuorivhi nezvigadziko zviviri zvemwenje zvimire pamberi paIshe wenyika. Kana munhu upi zvake akaedza kuvakuvadza, moto unobuda mumiromo yavo ugoparadza vavengi vavo. Aya ndiwo mafiro achaita ani zvake anoda kuvakuvadza. Varume ava vane simba rokuzarira denga kuti mvura irege kunaya panguva yavanenge vachiprofita; uye vane simba rokushandura mvura kuti ive ropa nokurova nyika namatenda amarudzi ose sapavanodira zvavo.
”Zvino pavanenge vapedza kupupura kwavo, chikara chinobva mugomba rakadzika zvisina mugumo chichavarwisa, chigovakunda uye chichavauraya. Mitumbi yavo icharaswa munzira yomuguta guru, rinonzi kana richifananidzirwa, Sodhomu neIjipiti, uko kwakarovererwawo Ishe wavo. Kwamazuva matatu nehafu, vanhu vanobva kuvanhu vose, kumarudzi ose, kundimi dzose, nokundudzi dzose vacharamba vakatarira mitumbi yavo uye vachadzivisa kuvigwa kwayo. Vanogara panyika vachafara pamusoro pavo uye vachapembera vagotumirana zvipo, nokuti vaprofita vaviri ava vakatambudza avo vanogara panyika. Asi mushure mamazuva matatu nehafu, mweya woupenyu wakabva kuna Mwari wakapinda mavari, vakamira netsoka dzavo, kutya kukabata avo vakavaona.
”Vakamukunda neropa reGwayana uye neshoko rokupupura kwavo; havana kuda upenyu hwavo zvakanyanya zvokuti vangatya kufa.
”Ipapo shato yakatsamwira mukadzi ikaenda kundorwa navana vake vakanga vasara, vaya vanoteerera mirayiro yaMwari uye vanobatirira pauchapupu hwaJesu.
”Nhema hadzina kuwanikwa mumiromo yavo; havana chavanopomerwa.
”Shure kwaizvozvi, ndakanzwa inzwi kudenga rakaita sokutinhira wavazhinji zhinji richiti: “Hareruya! Ruponeso nokubwinya nesimba ndezvaMwari wedu,
”Ipapo mutumwa akati kwandiri, “Nyora uti: ‘Vakaropafadzwa avo vakakokwa kuchirariro chokuwana cheGwayana!’ ” Uye akatizve, “Aya mashoko echokwadi aMwari.” Pakarepo ndakawira patsoka dzake kuti ndimunamate. Asi iye akati kwandiri, “Rega kudaro! Ndiri muranda pamwe chete newe uye nehama dzako dzinobatirira pakupupura Jesu. Namata Mwari! Nokuti uchapupu hwaJesu ndiwo mweya wouprofita.”
”Ndakaona zvigaro zvoushe zvakanga zvakagarwa navaya vakanga vapiwa simba rokutonga. Uye ndakaona mweya yavaya vakanga vagurwa misoro nokuda kwokupupura kwavo nezvaJesu uye nokuda kweshoko raMwari. Vakanga vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho uye vakanga vasina kugamuchira mucherechedzo pahuma dzavo kana pamaoko avo. Vakararama vakatonga pamwe chete naJesu kwamakore chiuru.
”“Tarirai, ndiri kukurumidza kuuya! Mubayiro wangu ndinawo, uye ndichapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.
”