18 – Vadzidzisi venhema

Aya ndiwo mashoko matsvene aMwari Wemasimbaose.
Hatina basa nemashoko evanhu.
Chero ani zvake anoda Mwari . . . Izvi ndizvo zvinotaurwa naMwari pamusoro pazvo: Vadzidzisi venhema.

Top 3 Mavhesi Anonyanya Kukosha

2 Petro 2:1-3

Asi kwakanga kuna vaprofita venhema pakati pavanhu, sezvavachavapowo vadzidzisi venhema pakati penyu. Vachazivisa pakavanda dzidziso dzinoparadza, vachiramba kunyange naiye Ishe tenzi akavatenga, vachiuyisa pamusoro pavo kuparadzwa kunokurumidza. Vazhinji vachatevera nzira dzavo dzinonyadzisa uye nzira yezvokwadi ichazvidzwa. Mukukara kwavo, vadzidzisi ava vachakunyengerai namashoko amanomano. Kutongwa kwavo kwakanguva kwavamirira, uye kuparadzwa kwavo hakukotsiri.

2 Petro 3:16

Anonyora zvimwe chetezvo mutsamba dzake dzose, achitaura nyaya idzodzi. Tsamba dzake dzine zvimwe zvikukutu kuti zvinzwisiswe, zvinominamiswa navasingazivi uye vanhu vasina simba, sezvavanoita mamwe Magwaro, kusvikira vaparadzwa.

Dhuteronomi 18:20

Asi muprofita achataura muzita rangu mashoko api zvawo andisina kumurayira kuti ataure, kana muprofita anotaura muzita ravamwe vamwari, anofanira kuurayiwa.”

Ndima dzese muCanonical Order – 328 ndima

Genesisi 3:1-5

Zvino nyoka yakanga ina manomano kupfuura mhuka dzose dzakasikwa naJehovha Mwari. Yakati kumukadzi, “Ko, chaizvoizvo Mwari akati, ‘Hamufaniri kudya muti upi zvawo uri mubindu here’?” Mukadzi akati kunyoka, “Tingadya hedu michero inobva mumiti iri mubindu, asi Mwari akati, ‘Hamufaniri kudya muchero unobva pamuti uri pakati pebindu, uye musaubata kuti murege kufa.’ ” Nyoka yakati kumukadzi, “Hamungafi zvirokwazvo. Nokuti Mwari anoziva kuti mukaudya meso enyu achasvinudzwa, uye muchaita saMwari mugoziva zvakanaka nezvakaipa.”

Genesisi 3:13-15

Ipapo Jehovha Mwari akati kumukadzi, “Chiiko ichi chawaita?” Mukadzi akati, “Nyoka yandinyengera, ndikadya.” Saka Jehovha Mwari akati kunyoka, “Nokuti waita izvi, “Watukwa kupfuura zvipfuwo zvose, kupfuura mhuka dzose dzesango! Uchafamba nedumbu rako uye uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako. Uye ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, uye pakati porudzi rwako nerwomukadzi; achapwanya musoro wako, uye iwe ucharuma chitsitsinho chake.”

Ekisodho 20:5-6

Usazvipfugamira kana kuzvinamata, nokuti ini Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari ane godo, ndinoranga vana nokuda kwechivi chamadzibaba kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechechina cheavo vanondivenga, asi ndicharatidza rudo kuzvizvarwa zvine chiuru, avo vanondida uye vanochengeta mirayiro yangu.

Ekisodho 23:1-2

“Usaparadzira mashoko enhema. Usabatsira munhu akaipa nokuva chapupu chakaipa. “Usatevedzera vanhu vazhinji pakuita zvakaipa. Paunopa umboo mudare redzimhosva, usaminamisa kururamisira uchienda kurutivi rworuzhinji,

Revhitiko 19:11

“ ‘Usaba. “ ‘Usareva nhema. “ ‘Musanyengedzana.

Revhitiko 19:16-17

“ ‘Usafamba uchiparadzira makuhwa pakati pavanhu vokwako. “ ‘Usaita chinhu chinoisa upenyu hwomuvakidzani wako panjodzi. Ndini Jehovha. “ ‘Usavenga hama yako mumwoyo mako. Tsiura muvakidzani wako zviri pachena kuitira kuti usazova nomugove pamhosva yake.

Numeri 23:19

Mwari haasi munhu, kuti angareva nhema, uye mwanakomana womunhu kuti ashandure pfungwa dzake. Ko, anotaura akasazviita here? Anovimbisa akasazadzisa here?

Dhuteronomi 4:3

Makaona nameso enyu zvakaitwa naJehovha paBhaari Peori, Jehovha Mwari wenyu akaparadza mumwe nomumwe pakati penyu aitevera Bhaari Peori.

Dhuteronomi 5:32

Saka chenjerai kuti muite zvamakarayirwa naJehovha Mwari wenyu; musatsauka kurudyi kana kuruboshwe.

Dhuteronomi 8:2-3

Rangarirai matungamirirwo amakaitwa naJehovha Mwari wenyu munzira yose yomurenje makore ose aya makumi mana, achikuninipisai uye achikuedzai kuti azive zvaiva mumwoyo menyu, kana makanga muchida kuchengeta mirayiro yake kana kuti kwete. Akakuninipisai, akakuitai kuti muziye nenzara akakugutsai nemana, iyo yakanga isingazivikanwi nemi kunyange namadzibaba enyu, kuti akudzidzisei kuti munhu haararame nechingwa chete asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo maJehovha.

Dhuteronomi 8:5-6

Naizvozvo zvizive mumwoyo wako kuti Jehovha Mwari wako anokuranga, somunhu anoranga mwanakomana wake. Chengeta mirayiro yaJehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake uye umukudze.

Dhuteronomi 11:16

Chenjerai kuti murege kunyengerwa mumwoyo yenyu kuti mutsauke muchinamata vamwe vamwari uye nokuvapfugamira.

Dhuteronomi 12:32

Munofanira kuita zvose zvandakakurayirai; musawedzera pazviri kana kubvisa kubva pazviri.

Dhuteronomi 13:1-3

Kana muprofita, kana muvuki wezviroto, akasvika pakati penyu uye akakuzivisai chishamiso kana chiratidzo, uye kana chiratidzo ichi kana chishamiso chaataura nezvacho chikaitika, uye akati, “Ngatiteverei vamwe vamwari” (vamwari vamusingazivi) “uye ngativanamatei,” hamufaniri kuteerera mashoko omuprofita kana muroti uyo. Jehovha Mwari wenyu ari kukuedzai kuti aone kana muchimuda nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose.

Dhuteronomi 18:20

Asi muprofita achataura muzita rangu mashoko api zvawo andisina kumurayira kuti ataure, kana muprofita anotaura muzita ravamwe vamwari, anofanira kuurayiwa.”

Dhuteronomi 18:21-22

Ungati zvako mumwoyo mako, “Tingaziva seiko kuti shoko iri rataurwa naJehovha?” Kana zvakataurwa nomuprofita muzita raJehovha zvikasaitika kana zvikasava chokwadi, shoko iroro harina kutaurwa naJehovha. Muprofita iyeye ataura zvomusoro wake. Musamutya.

1 Samueri 15:23

Nokuti kumukira kwakafanana nechivi chokuvuka, uye kusindimara kwakafanana nechivi chokunamata zvifananidzo. Nemhaka yokuti wakaramba shoko raJehovha, naiye akuramba kuti usaramba uri mambo.”

1 Madzimambo 22:21-23

Pakupedzisira, mumwe mweya wakauya ukamira pamberi paJehovha ukati, ‘Ndichandomukwezva ini.’ “Jehovha akabvunza akati, ‘Nenzira ipi?’ “Iwo wakati, ‘Ndichaenda ndonova mweya unoreva nhema mumiromo yavaprofita vake vose.’ “Jehovha akati, ‘Uchabudirira mukumukwezva. Enda undozviita.’ “Saka iye zvino Jehovha aisa mweya unoreva nhema mumiromo yavaprofita venyu vose ava. Jehovha atema kuti muchawira mudambudziko guru kwazvo.”

2 Makoronike 18:20-22

Pakupedzisira mumwe mweya wakauya, ukamira pamberi paJehovha ukati, ‘Ini ndichandomukwezva.’ “Jehovha akabvunza akati, ‘Nenzira ipi.’ “Akati, ‘Ndichaenda ndonova mweya wenhema mumiromo yavaprofita vake.’ “Jehovha akati, ‘Uchabudirira mukumukwezva. Enda unozviita.’ “Saka zvino Jehovha aisa mweya wenhema mumiromo yavaprofita venyu ava. Jehovha akatema chirevo chokuparadzwa kwako.”

2 Makoronike 36:15-16

Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, akatuma shoko rake kubudikidza nenhume dzake nguva nenguva, nokuti akaitira tsitsi vanhu vake nenzvimbo yake yokugara. Asi vakashora nhume dzaMwari, vakazvidza mashoko ake vakadadira vaprofita vake kusvikira hasha dzaMwari dzavamukira uye pasisina zvingagadziridzwa.

Jobho 13:4

Kunyange zvakadaro, imi munondizora nhema; muri varapi vasina maturo, imi mose!

Mapisarema 2:1-4

Ndudzi dzinoitireiko bope? Uye vanhu vanofungireiko zvisina maturo? Madzimambo enyika azvigadzirira uye vabati vanoungana pamwe chete kuti vazorwa naJehovha, uye kuti vazorwisa Muzodziwa Wake. Vanoti, “Ngatidamburei ngetani dzavo, tigorasa mabote avo.” Iye agere pachigaro choushe chokudenga anoseka; Ishe anovadadira.

Mapisarema 5:6

Munoparadza vose vanoreva nhema; vanoteura ropa navanhu vanonyengera, Jehovha anovasema.

Mapisarema 5:9

Hakuna shoko rinobva mumuromo mavo ringavimbwa naro; mwoyo yavo izere nokuparadza. Huro dzavo iguva rakashama; vanotaura zvinonyengera norurimi rwavo.

Mapisarema 14:1-3

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Benzi rinoti mumwoyo maro, “Hakuna Mwari.” Vakaora, mabasa avo akashata; hakuna anoita zvakanaka. Jehovha ari kudenga anotarira pasi pamusoro pavanakomana vavanhu, kuti aone kana aripo anonzwisisa, naani zvake anotsvaka Mwari. Vose vakatsauka, vose pamwe chete vakasvibiswa; hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwe.

Mapisarema 31:18

Miromo yavo inoreva nhema ngainyaradzwe, nokuti vanotaura namanyawi nokuzvikudza pamusoro pavakarurama.

Mapisarema 34:13

dzora rurimi rwako pane zvakaipa nemiromo yako pakureva nhema.

Mapisarema 50:16-17

Asi kuna vakaipa, Mwari anoti: “Ko, une mvumo ipiko iwe yokuti ududzire mutemo wangu, kana kuisa sungano yangu pamiromo yako? Unovenga kurayira kwangu, uye unorasira mashoko angu shure kwako.

Mapisarema 52:2-5

Rurimi rwako runofarira zvokuparadza; rwakaita sechisvo chakarodzwa, iyewe unogara uchingonyengera. Unoda zvakaipa pachinzvimbo chezvakanaka, kureva nhema pachinzvimbo chokutaura chokwadi. Sera Unoda shoko rimwe nerimwe rinoparadza, iwe rurimi runonyengera! Zvirokwazvo Mwari achakuburutsira kukuparadzwa kusingaperi: Achakubvuta agokubvisa mutende rako; achakudzura kubva munyika yavapenyu. Sera

Mapisarema 55:21

Mutauro wake unotsvedzerera samafuta, asi kurwa kuri mumwoyo make; mashoko ake anopfavisa kukunda mafuta, asi minondo yakavhomorwa.

Mapisarema 59:12

Nokuda kwezvivi zvemiromo yavo, nokuda kwamashoko emiromo yavo, ngavabatwe pakuzvikudza kwavo. Nokuda kwokutuka nenhema dzavanotaura,

Mapisarema 101:7

Hakuna munhu anonyengera achagara mumba mangu; hakuna munhu anotaura nhema achamira pamberi pangu.

Mapisarema 119:118

Munoramba vose vanotsauka pamitemo yenyu, nokuti kunyengera kwavo hakuna maturo.

Mapisarema 119:163

Ndinovenga uye ndinosema nhema, asi ndinoda murayiro wenyu.

Zvirevo 1:7

Kutya Jehovha ndiwo mavambo ezivo, asi mapenzi anoshora uchenjeri nokurayirwa.

Zvirevo 1:22-23

“Kusvikira riniko imi vasina mano, muchingoda kugara musina mano? Kusvikira riniko vaseki vachifarira kuseka, uye mapenzi achivenga zivo? Dai makateerera kutsiura kwangu, ndingadai ndakadurura mwoyo wangu kwamuri uye ndakazivisa pfungwa dzangu kwamuri.

Zvirevo 3:5-7

Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako; munzira dzako dzose umutungamidze, uye acharuramisa nzira dzako. Usazviita munhu akachenjera pamaonero ako; itya Jehovha uvenge zvakaipa.

Zvirevo 4:24

Bvisa zvinotsausa pamuromo wako; kutaura kwakaora ngakuve kure nemiromo yako.

Zvirevo 4:25-27

Meso ako ngaatarire mberi bedzi, ramba wakatarira mberi kwako. Gadzirira tsoka dzako gwara ugofamba munzira dzakasimba chete. Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe; chengetedza rutsoka rwako kuti rusaende pane zvakaipa.

Zvirevo 6:16-19

Pane zvinhu zvitanhatu zvakavengwa naJehovha, zvinomwe zvinomunyangadza zvinoti: meso anozvikudza, rurimi runoreva nhema, maoko anodeura ropa risina mhosva, mwoyo unoronga mano akaipa, tsoka dzinokurumidza kumhanyira muzvakaipa, chapupu chenhema chinodurura nhema, uye munhu anomutsa kupesana pakati pehama.

Zvirevo 9:7-9

“Ani naani anorayira mudadi anozvitsvakira kutukwa; ani naani anotsiura munhu akaipa anozviwanira kutukwa. Usatsiura mudadi kuti arege kukuvenga; tsiura munhu akachenjera uye achakuda. Rayira munhu akachenjera uye achawedzera uchenjeri hwake; dzidzisa munhu akarurama uye achawedzera kudzidza kwake.

Zvirevo 9:10

“Kutya Jehovha ndiwo mavambo ouchenjeri, uye kuziva Iye Mutsvene ndiko kunzwisisa.

Zvirevo 12:19

Miromo yezvokwadi ichasimbiswa nokusingaperi, asi rurimi runoreva nhema runogara kwechinguva chiduku.

Zvirevo 12:22

Jehovha anovenga miromo inotaura nhema, asi anofadzwa navanhu vanotaura chokwadi.

Zvirevo 14:5-7

Chapupu chechokwadi hachinyengeri, asi chapupu chenhema chinodurura nhema. Mudadi anotsvaka uchenjeri asi anohushaya, asi ruzivo runouya zviri nyore kune anonzvera. Gara kure nomunhu benzi, nokuti haungawani ruzivo kubva pamiromo yake.

Zvirevo 14:25

Chapupu chechokwadi chinoponesa upenyu, asi chapupu chenhema chinonyengera.

Zvirevo 15:12

Mudadi anovenga kudzorwa; haangabvunzi vakachenjera.

Zvirevo 17:4

Munhu akaipa anoteerera miromo yakaipa; murevi wenhema anorerekera nzeve yake kururimi runoparadza.

Zvirevo 19:5

Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa, uye uyo anodurura manyepo haangaregedzwi.

Zvirevo 19:9

Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa, uye uyo anodurura manyepo achaparara.

Zvirevo 22:10

Dzinga museki, kukakavara kunobva kwaendawo; kupopotedzana nokutukana kunoguma.

Zvirevo 24:28

Usava chapupu chinopomera muvakidzani wako pasina mhaka, kana kushandisa miromo yako kuti unyengere.

Zvirevo 27:5-6

Kutsiurwa pachena kuri nani pane rudo rwakavanzika. Maronda okukuvadzwa neshamwari anogamuchirika, asi kutsvoda kwomuvengi kunonyengera.

Zvirevo 29:12

Kana mutongi akateerera nhema machinda ake ose achava akaipa.

Zvirevo 30:5-6

“Shoko rimwe nerimwe raMwari nderechokwadi; iye chidzitiro kuna avo vanovanda maari. Usawedzera kumashoko ake, kana kuti achakutsiura uye agokuratidza kuti uri murevi wenhema.

Muparidzi 7:1

Zita rakanaka rinopfuura mafuta anonhuhwira zvakanaka kwazvo, uye zuva rokufa rinopfuura zuva rokuzvarwa.

Isaya 1:2-5

Inzwai imi matenga! Teerera iwe nyika! Nokuti Jehovha akataura achiti, “Ndakarera vana ndikavakudza, asi ivo vakandimukira. Nzombe inoziva vatenzi vayo, nembongoro inoziva chidyiro chomwene wayo, asi Israeri haizivi, vanhu vangu havanzwisisi.” Haiwa, rudzi runotadza, vanhu vakaremerwa nezvakaipa, vana vavaiti vezvakaipa, vana vanoita zvakaora! Vakasiya Jehovha; vakashora Mutsvene waIsraeri vakamufuratira. Mucharambireiko muchingorohwa? Munorambireiko muchimukira Jehovha? Musoro wenyu wose wakuvadzwa, mwoyo wenyu wose warwadziwa.

Isaya 1:28

Asi vapanduki navatadzi vachaparadzwa vose, uye vose vanosiya Jehovha vachaparara.

Isaya 5:20-21

Vane nhamo avo vanoti zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka ndizvo zvakaipa, vanoisa rima panzvimbo yechiedza nechiedza panzvimbo yerima, vanoisa zvinovava panzvimbo yezvinotapira, nezvinotapira panzvimbo yezvinovava. Vane nhamo avo vanoti vakachenjera pameso avo, uye vakangwara pakuona kwavo.

Isaya 8:13-14

Jehovha Wamasimba Ose ndiye wamunofanira kuita mutsvene, ndiye wamunofanira kuvhunduka, ndiye achava nzvimbo tsvene; asi padzimba dzose dzaIsraeri achava dombo rinoita kuti vanhu vagumburwe; nedombo rinoita kuti vapunzike. Uye kuvanhu veJerusarema iye achava musungo norugombe.

Isaya 8:20

Endai kumurayiro nokuzvipupuriro! Kana vasingatauri maererano neshoko iri havana chiedza chamambakwedza.

Isaya 14:12-16

Haiwa, wawa seiko, uchibva kudenga, iwe nyamasase yamangwanani, mwanakomana wamambakwedza! Wakakandwa panyika, iyewe wakambowisira ndudzi pasi! Wakati mumwoyo mako, “Ndichakwira kudenga; ndichasimudzira chigaro changu choushe pamusoro penyeredzi dzaMwari; ndichagara pachigaro changu choushe pagomo reungano, pamusoro pegomo dzvene. Ndichakwira pamusoro-soro pamakore; ndichazviita seWokumusoro-soro.” Asi waderedzwa kusvika kuguva, kwakadzika dzika kwegomba. Vose vanokuona vanokunanʼanidza, vachafungisisa zvamagumo ako vachiti, “Ndiye here murume uya akazungunutsa nyika, akadederesa ushe,

Isaya 19:3

VaIjipita vachaora mwoyo, uye ndichaita kuti zvavanoronga zvive pasina; vachabvunza zvifananidzo nemweya yavakafa, nokumasvikiro navavuki.

Isaya 28:7

Ivavawo vanodzedzereka newaini uye vanozengaira nedoro: Vaprista navaprofita vanodzedzereka nedoro, uye vanonyonganiswa newaini; vanozengaira nedoro, vanodzedzereka pavanoona zviratidzo, vanogumburwa pakutonga.

Isaya 29:13

Ishe anoti: “Vanhu ava vanoswedera kwandiri nemiromo yavo, uye vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. Kundinamata kwavo kwangova kwemitemo inodzidziswa navanhu chete.

Isaya 29:16

Munoshandura mamiriro ezvinhu, sezvinonzi muumbi wehari anonzi ndiye ivhu! Ko, chakaumbwa chingati kuna iye akachiumba, “Iye haana kundiita?” Ko, hari ingati kumuumbi, “Iye haana chaanoziva?”

Isaya 29:24

Vakarasika pamweya vachawana njere; vanonyunyuta vachagamuchira kurayirwa.”

Isaya 30:9

Ava ndivo vanhu vakapanduka, vana vokunyengera, vana vasingadi kunzwa kurayira kwaJehovha.

Isaya 30:10-13

Vanoti kuvaoni, “Regai kuonazve zviratidzo!” nokuvaprofita, “Regai kutipazve zviratidzo zvezvakanaka! Tiudzei zvinhu zvinofadza, muprofite zvinonyengera. Siyai nzira iyi, ibvai mugwara iri, murege kuita kuti timisidzane noMutsvene waIsraeri!” Naizvozvo zvanzi naMutsvene waIsraeri: “Nokuti makaramba shoko rangu iri, mukasendamira pakumanikidza uye mukavimba nokunyengera, chivi ichi chichava kwamuri sorusvingo, rwakatsemuka nokufutunuka, runoondomoka pakarepo uye nokukurumidza.

Isaya 44:25

“iye anokonesa zviratidzo zvavaprofita venhema, anoita kuti vavuki vave mapenzi, iye anoparadza kudzidza kwevane njere, uye anokushandura kuti kuve upenzi,

Isaya 56:10-11

Nharirire dzeIsraeri mapofu, vose vanoshayiwa zivo; vose imbwa dzisingahukuri, hadzigoni kuhukura; dzinovata pose pose dzichingorota, dzinofarira kuvata. Imbwa dzinokara zvikuru; dzisingamboguti. Vafudzi vanoshayiwa kunzwisisa: vose vanotsaukira kunzira yavo pachavo, mumwe nomumwe anotsvaka zvinomupfumisa.

Isaya 57:4

Muri kuseka aniko? Ndiani wamunohomera uye wamunobudisira rurimi rwenyu? Ko, hamusi chibereko chemhandu here, nechizvarwa chavanoreva nhema?

Jeremia 5:11-13

Imba yaIsraeri neimba yaJudha vanga vasina kutendeka kwandiri zvachose,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Vakarevera Jehovha nhema, vachiti, “Haana chaachaita! Hakuna chakaipa chichaitika kwatiri; hatichazombooni hondo kana nzara. Vaprofita vangova mhepo, uye shoko harimo mavari. Saka zvavanotaura ngazviitwe kwavari.”

Jeremia 5:30-31

“Chinhu chinosemesa uye chinovhundutsa chaitika panyika. Vaprofita vanoprofita nhema, vaprista vanotonga nesimba ravo uye vanhu vangu vanofarira izvozvo. Asi muchaiteiko pakupedzisira?

Jeremia 6:13-14

“Kubva kumudiki kusvikira kuvakuru, vose vanokarira pfuma; vaprofita navaprista zvimwe chetezvo, vose vanoita zvokunyengera. Vanosunga ronda ravanhu vangu sokunge vasina kukuvara zvikuru. Vanoti, ‘Rugare, rugare,’ ipo pasina rugare.

Jeremia 9:5-6

Shamwari inonyengera shamwari, uye hakuna anotaura chokwadi. Vakadzidzisa ndimi dzavo kureva nhema; vanozvinetsa nokuita zvakaipa. Munogara pakati pounyengeri; mukunyengera kwavo vanoramba kundiziva ini,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Jeremia 9:8

Rurimi rwavo museve unouraya; runotaura nokunyengera. Nomuromo wake mumwe nomumwe anotaura zvakanaka kune wokwake, asi mumwoyo make anomuteyera musungo.

Jeremia 14:14-15

Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Vaprofita vanoprofita nhema muzita rangu. Ini handina kuvatuma kana kuvagadza kana kutaura kwavari. Vanokuprofitirai zviratidzo zvenhema, nezvakavukwa, nezvifananidzo nokurasika kwendangariro dzavo. Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pavaprofita vanoprofita muzita rangu: Handina kuvatuma, asi ivo vanoti, ‘Hakungavi nomunondo kana nzara ichawira nyika ino.’ Vaprofita vacho ivavo, vachaparara nomunondo nenzara.

Jeremia 17:5

Zvanzi naJehovha: “Ngaatukwe munhu uyo anovimba nomumwe munhu, anovimba nesimba renyama ano mwoyo unofuratira Jehovha.

Jeremia 17:9-10

Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, uye wakaora chose. Ndiani angauziva? “Ini Jehovha ndinonzvera mwoyo uye ndinoedza ndangariro, kuti ndipe munhu zvakaringana namafambiro ake, uye zvakafanira mabasa ake.”

Jeremia 23:9

Kana vari vaprofita: Mwoyo wangu waputsika mukati mangu; mapfupa angu ose anodedera. Ndakaita somunhu akadhakwa, somunhu akundwa newaini, nokuda kwaJehovha uye nokuda kwamashoko ake matsvene.

Jeremia 23:11-12

“Muprofita nomuprista vose havana umwari; kunyange mutemberi yangu ndinowana kuipa kwavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Naizvozvo nzira yavo ichatsvedza; vachadzingirwa kurima uye ikoko ndiko kwavachawira. Ndichauyisa njodzi pamusoro pavo mugore ravacharangwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Jeremia 23:14-15

Uye pakati pavaprofita veJerusarema ndakaona chimwe chinhu chinonyangadza: Vanoita upombwe uye vanoreva nhema. Vanosimbisa maoko evaiti vezvakaipa, zvokuti hakuna anodzoka pazvakaipa zvake. Vose vakaita seSodhomu kwandiri; vanhu veJerusarema vakaita seGomora.” Naizvozvo, zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, pamusoro pavaprofita: “Ndichaita kuti vadye kudya kunovava, uye kuti vanwe mvura ine muchetura, nokuti zvichibva nokumuprofita weJerusarema, kushaya umwari kwapararira panyika yose.”

Jeremia 23:16-17

Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Regai kuteerera zvamunoprofitirwa navaprofita; vanokuzadzai netariro dzenhema. Vanotaura zviratidzo zvinobva pandangariro dzavo, zvisingabvi mumuromo maJehovha. Vanoramba vachiti kuna avo vanondizvidza, ‘Jehovha anoti: Muchava norugare.’ Uye kuna vaya vose vanotevera kusindimara kwemwoyo yavo, vanoti, ‘Hakuna chakaipa chichakuwirai.’

Jeremia 23:20-21

Kutsamwa kwaJehovha hakungadzoki, kusvikira apedza zvinovavarirwa nomwoyo wake. Pamazuva achauya muchazvinzwisisa zvakanyatsojeka. Handina kutuma vaprofita ava, kunyange zvakadaro vakamhanya neshoko ravo; ini handina kutaura navo, kunyange zvakadaro vakaprofita.

Jeremia 23:25-29

“Ndakanzwa zvakataurwa navaprofita vanoprofita nhema muzita rangu. Vanoti, ‘Ndakarota! Ndakarota!’ Ko, izvi zvicharamba zviri mumwoyo yavaprofita venhema ava kusvikira rinhi ivo vanoprofita zvokunyengera kwendangariro dzavo? Vanofunga kuti zviroto zvavanoudzana zvichaita kuti vanhu vangu vakanganwe zita rangu sezvakaita madzibaba avo akakanganwa zita rangu nokuda kwokunamata Bhaari. Muprofita ane chiroto ngaataure kurota kwake, asi ane shoko rangu ngaataure nokutendeka. Nokuti mashanga ane basa rei pazviyo?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Shoko rangu harina kufanana nomoto here,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye nenyundo inoputsanya dombo?”

Jeremia 23:31-32

Hongu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handina ukama navaprofita vanoshandisa ndimi dzavo vachiti, ‘Jehovha ari kutaura.’ Zvirokwazvo handina ukama neavo vanoprofita zviroto zvenhema,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vanovaudza uye vanotsausa vanhu vangu nenhema dzavo dzisina maturo, asi handina kuvatuma kana kuvagadza. Havambobatsiri vanhu ava napaduku pose,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Jeremia 23:34-36

Kana muprofita kana muprista kana ani zvake achiti, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha,’ ndicharanga munhu uyo nemhuri yake. Izvi ndizvo zvamunoramba muchitaura mumwe nomumwe wenyu kushamwari kana kuhama yake muchiti: ‘Mhinduro yaJehovha inoti kudiniko?’ kana kuti ‘Jehovha akataureiko?’ Hamufaniri kutaura ‘chirevo chaJehovha’ zvakare, nokuti shoko romunhu mumwe nomumwe richava chirevo chake, uye saizvozvo munominamisa mashoko aMwari mupenyu, Jehovha Wamasimba Ose, Mwari wedu.

Jeremia 23:38-40

Kunyange muchiti, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha,’ izvi ndizvo zvinotaura Jehovha: Makashandisa mashoko anoti, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha,’ kunyange ndakanga ndakuudzai kuti musati, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha’. Naizvozvo, zvirokwazvo ndichakukanganwai uye ndichakurasai mubve pamberi pangu imi neguta randakakupai uye namadzibaba enyu. Ndichauyisa pamusoro penyu kunyadziswa kusingaperi, nyadzi dzisingaperi dzisingazokanganwiki.”

Jeremia 27:9-10

Saka musateerera vaprofita venyu, navavuki venyu, kana vanodudzira hope kana vafemberi kana varoyi vanokuudzai kuti, ‘Hamungashandiri mambo weBhabhironi’. Vanokuprofitirai nhema dzichangoita kuti mubviswe muendeswe kure nenyika dzenyu; ndichakudzingai uye muchaparara.

Jeremia 27:14-16

Regai kuteerera mashoko avaprofita vanoti kwamuri, ‘Hamungashandiri mambo weBhabhironi,’ nokuti vanoprofita nhema pamusoro penyu. ‘Ini handina kuvatuma,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Vari kuprofita nhema muzita rangu. Naizvozvo, ndichakudzingai, mugoparara mose imi navaprofita vanoprofita kwamuri.’ ” Ipapo ndakati kuvaprista navanhu vose ava, “Zvanzi naJehovha: Regai kuteerera vaprofita vanoti, ‘Iye zvino, nokukurumidza, midziyo yakabviswa mutemberi yaJehovha ichadzoswazve kubva kuBhabhironi.’ Vari kukuprofitirai nhema.

Jeremia 29:8-9

Nokuti, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, “Musarega vaprofita navavuki vari pakati penyu vachikunyengerai. Musateerera kurota kwamunovakurudzira kuti varote. Vanokuprofitirai nhema muzita rangu. Handina kuvatuma,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Jeremia 50:6

“Vanhu vangu vanga vari makwai akarasika; vafudzi vavo vakavatsausa, uye vakavaita kuti vadzungaire pamusoro pamakomo. Vakadzungaira pamusoro pamakomo nezvikomo, ndokukanganwa nzvimbo yavo yokuzorora.

Ezekieri 3:18-21

Kana ndikati kumunhu akaipa, ‘Uchafa zvirokwazvo,’ iwe ukasamuyambira kana kutaura uchimunyevera panzira dzake dzakaipa kuti uponese mweya wake, munhu uye akaipa achafa nokuda kwechivi chake, asi ropa rake ndicharibvunza pamusoro pako. Asi kana iwe ukamuyambira asi iye akaramba kutendeuka pazvakaipa zvake kana panzira dzake dzakaipa, iye achafa nokuda kwechivi chake, asi iwe uchange wazviponesa. “Zvakare, kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake uye akaita zvakaipa, ini ndikaisa chigumbuso pamberi pake, achafa. Sezvo usina kumuyambira, iye achafa nokuda kwechivi chake. Zvakarurama zvaakaita hazvizorangarirwi, uye iwe uchava nemhosva yeropa rake. Asi kana ukanyevera munhu akarurama uyu kuti arege kutadza uye akarega kutadza zvirokwazvo achararama nokuti akanzwa kunyeverwa, iwe uchange wazviponesa.”

Ezekieri 12:24

Nokuti hakuchazovazve nezviratidzo zvenhema kana kuvuka kunobata kumeso pakati pavanhu veIsraeri.

Ezekieri 13:1-3

Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pavaprofita vaIsraeri vari kukuprofitirai zvino. Uti kuna avo vanoprofita zvinobva pamurangariro wavo, ‘Inzwai shoko raJehovha! Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vaprofita mapenzi vanotevera mweya yavo pachavo ivo vasina chavakaona!

Ezekieri 13:4-7

Vaprofita venyu, imi vaIsraeri, vakafanana namakava ari pakati pamatongo. Hamuna kukwira pakakoromoka porusvingo kuti mupagadzirire imba yaIsraeri, kuti igomira yakasimba pahondo pazuva raJehovha. Zviratidzo zvavo ndezvenhema uye kuvuka kwavo inhema. Ivo vanoti, “Jehovha anoti,” asi Jehovha asina kuvatuma; asi vanotarisira kuti mashoko avo azadzisike. Hauna kuona zviratidzo zvenhema here uye mukataura nhema pakuvuka pamainge muchiti, “Jehovha anoti,” kunyange zvangu ndisina kutaura?

Ezekieri 13:8

“ ‘Naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwamashoko enyu enhema nezviratidzo zvenhema ndinokupai mhosva, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

Ezekieri 13:9-16

Ruoko rwangu rucharwa navaprofita vanoona zviratidzo zvenhema uye vanotaura kuvuka kwenhema. Havangavi pakati pamakurukota avanhu vangu kana kunyorwa muzvinyorwa zveimba yaIsraeri, uye havangapindi munyika yaIsraeri. Ipapo muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha. “ ‘Nokuda kwokuti vanotsausa vanhu vangu, vachiti, “Rugare,” ipo pasina rugare, uye nokuti pavanovaka rusvingo rwakatetepa vanorupenda nependi chena. Naizvozvo udza ivavo vanorupenda kuti ruchawa. Mvura ichanaya yakawanda, uye ndichatuma chimvuramabwe chicharova pasi, uye mhepo dzine simba dzichavhuvhuta. Panoondomoka rusvingo vanhu havazokubvunzi here vachiti, “Iripiko pendi chena yamakarupenda nayo?” “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Muhasha dzangu ndichasunungura mhepo ine simba, uye pakutsamwa kwangu chimvuramabwe nemvura zhinji zvichanaya nokuparadza kunotyisa. Ndichaparadza rusvingo rwawakapenda nependi chena uye ndicharukoromora ndigorusiya rwati ware ware pasi zvokuti nheyo dzarwo dzichasara dzava pachena. Paruchakoromoka, nemi muchaparadzwa murimo; uye muchaziva kuti ndini Jehovha. Saka ndichapedzera hasha dzangu parusvingo napamusoro pavaya vairupenda nependi chena. Ndichati kwamuri, “Rusvingo rwaparara uye naivowo vakarupenda nependi chena, vaya vaprofita veIsraeri vakaprofita pamusoro peJerusarema uye vakaona zviratidzo zvorugare rwaro nyamba kwakanga kusina rugare, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.” ’

Ezekieri 13:17

“Zvino, iwe mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro pavanasikana vavanhu vako vanoprofita zvinobva mundangariro dzavo. Profita pamusoro pavo,

Ezekieri 13:22-23

Nokuti makaodza mwoyo yavakarurama nenhema dzenyu, vandakanga ndisina kuchemedza ini, uye nokuti makakurudzira vakaipa kuti varege kutendeuka panzira dzavo dzakaipa nokudaro vaponese mweya yavo, naizvozvo hamuchazoonizve zviratidzo zvenhema kana kuita zvokuvuka. Ndichaponesa vanhu vangu pamaoko enyu. Ipapo zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”

Ezekieri 22:28

Vaprofita vayo vanofukidza mabasa avo aya nezviratidzo zvenhema nokuvuka. Vanoti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha,’ izvo Jehovha haana kutaura.

Ezekieri 28:6-7

“ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: “ ‘Nokuti unofunga kuti wakangwara, sokungwara kwamwari, ndava kuzouyisa vatorwa kuti vazokurwisa, rudzi rwakaipisisa pakati pendudzi dzose, vachavhomora minondo yavo kuti varwise kunaka nokuchenjera kwako, vagosvibisa kupenya kwokubwinya kwako.

Ezekieri 33:3-6

uye iye akaona munondo uchiuya kuzorwa nenyika akaridza hwamanda kuti anyevere vanhu, ipapo ani naani kana akanzwa hwamanda asi akasava nehanya nenyevero uye munondo ukasvika ukamuuraya, ropa rake richava pamusoro wake. Sezvo akanzwa kurira kwehwamanda asi akashaya hanya, ropa rake richava pamusoro wake. Dai akateerera kunyeverwa, angadai akaponesa upenyu hwake. Asi kana nharirire ikaona munondo uchiuya uye ikasaridza hwamanda kuti iyambire vanhu uye munondo ukasvika ukabvisa upenyu hwomumwe wavo, munhu uyo achabviswa hake nokuda kwechivi chake, asi ndichabvunza ropa rake kunharirire.’

Ezekieri 33:7-9

“Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharirire yeimba yaIsraeri; saka inzwa shoko randinotaura ugovaudza yambiro inobva kwandiri. Kana ndikati kuno akaipa, ‘Iwe munhu wakaipa, uchafa zvirokwazvo,’ uye iwe ukasamutaurira kuti umunyevere panzira dzake, munhu uyo akaipa achafa nokuda kwechivi chake, asi ropa rake ndicharibvunza kwauri. Asi iwe kana ukanyevera munhu wakaipa uyu kuti adzoke kubva panzira dzake, iye akasaita izvozvo, achafa nokuda kwechivi chake, asi iwe unenge waponesa upenyu hwako.

Ezekieri 33:14-15

Uye kana ndikati kumunhu akaipa, ‘Iwe uchafa zvirokwazvo,’ asi zvino iye akatendeuka pachivi chake uye akaita zvakanaka nezvakarurama, kana akadzorera zvaakatora norubatso sechikwereti, akadzosa zvaakaba, akatevera mitemo youpenyu, akasaita zvakaipa, zvirokwazvo achararama; haangafi.

Ezekieri 33:17-20

“Kunyange zvakadaro, vanhu venyika yako vanoti, ‘Nzira yaShe haina kururama.’ Asi nzira yavo ndiyo isina kururama. Kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, achafa nokuda kwazvo. Uye munhu akaipa akatendeuka pazvakaipa zvake akaita zvakanaka uye zvakarurama, achararama nazvo. Kunyange zvakadaro, imi imba yaIsraeri, munoti, ‘Nzira yaShe haina kururama.’ Asi ndichatonga mumwe nomumwe wenyu zvakafanira nzira dzake.”

Ezekieri 34:2-6

“Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pavafudzi vaIsraeri; profita uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vafudzi vaIsraeri vanongova nehanya yokuzvifudza pachavo! Ko, vafudzi havafaniri kufudza makwai here? Munodya ruomba, munozvifukidza namakushe muchiuraya makwai akakora, asi hamuna hanya namakwai. Hamuna kusimbisa asina simba kana kurapa anorwara kana kusunga akakuvara. Hamuna kutsvaka akarasika kana kudzosa akadzingwa. Makaabata nehasha uye noutsinye. Saka akapararira nokuti kwakanga kusina mufudzi, uye paakapararira akava zvokudya zvezvikara zvesango. Makwai angu akadzungaira pamusoro pamakomo napazvikomo zvose. Akaparadzirwa panyika yose, uye hakuna akaaronda kana kuatsvaka.

Ezekieri 34:8-10

Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, nokuda kwokuti makwai angu ashayiwa mufudzi, nokudaro akapambwa akava zvokudya zvemhuka dzose dzesango, uye nemhaka yokuti vafudzi vangu havana kuatsvaka asi kuti vakazvifudza vamene pachinzvimbo chamakwai angu, naizvozvo imi vafudzi, inzwai shoko raJehovha: Zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka navafudzi uye vachazvidavirira pamusoro pamakwai angu. Ndichavabvisa pakufudza makwai angu kuitira kuti vafudzi varege kuzozvifudza pachavo. Ndicharwira makwai angu pamiromo yavo, uye haachazovi chokudya chavo.

Ezekieri 34:17

“ ‘Asi kana murimi, boka rangu, zvanzi naIshe Jehovha: Ndichatonga pakati pegwai nerimwe gwai, uye pakati pamakondobwe nembudzi.

Ezekieri 34:20-22

“ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha kwavari: Tarira, ini ndimene ndichatonga pakati peakakora nemakwai akaonda. Nokuda kwokuti munosunda norutivi nepfudzi, muchitunga makwai asina simba nenyanga dzenyu kusvikira maadzingira kure, ini ndicharwira makwai angu, uye haangazopambwizve. Ndichatonga pakati pehwai neimwe hwai.

Ezekieri 35:13

Wakazvirumbidza pamusoro pangu uye wakataura zvakaipa pamusoro pangu usingazvidzori, uye ini ndakazvinzwa.

Hosea 4:6

Vanhu vangu vanoparadzwa nokuda kwokushayiwa zivo. “Sezvo maramba zivo, ini ndinokurambaiwo savaprista vangu; nokuti makashayira hanya murayiro waMwari wenyu, ini ndichashayirawo hanya vana venyu.

Hosea 4:12

kwavanhu vangu. Vanobvunza chifananidzo chedanda uye vanopindurwa netsvimbo yomuti. Mweya woufeve unovatungamirira mukurasika, havana kutendeka kuna Mwari wavo.

Mika 3:5-7

Zvanzi naJehovha: “Kana vari vaprofita vanotsausa vanhu vangu, kana mumwe akavapa zvokudya, vanodanidzira kuti ‘Rugare’; kana akasavapa, vanogadzirira kumurwisa. Naizvozvo usiku huchauya pamusoro pako, pasina zviratidzo, nerima, pasina kuvuka. Zuva richavirira vaprofita, uye masikati achavasvibira. Vaoni vachanyadziswa uye vavuki vachanyadziswa. Vachafukidza zviso zvavo nokuti hakuna mhinduro inobva kuna Jehovha.”

Mika 3:11

Vatungamiri varo vanotongera fufuro, vaprista varo vanodzidzisa kuti vapiwe mubayiro, uye vaprofita varo vanoprofita kuti vapiwe mubayiro. Asi vanozendama pana Jehovha voti, “Ko, Jehovha haasi pakati pedu here? Hapana njodzi ingatiwira.”

Zekaria 8:16-17

Izvi ndizvo zvinhu zvamunofanira kuita: Tauriranai chokwadi, uye tongai nezvokwadi uye nokururamisira mumatare enyu usarongera muvakidzani wako zvakaipa, uye usafarira kupika nhema. Ndinovenga zvose izvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Zekaria 10:2

Zvifananidzo zvinotaura zvounyengeri, vavuki vanoona zviratidzo zvenhema; vanotaura zviroto zvenhema, vanopa varaidzo pasina. Nokudaro vanhu vanodzungaira samakwai anomanikidzwa nokuda kwokushayiwa mufudzi.

Zekaria 11:17

“Ane nhamo mufudzi asina maturo anosiya makwai! Munondo ngaubaye ruoko rwake uye neziso rake rokurudyi! Ruoko rwake ngaruome zvachose, ziso rake rokurudyi ripofumadzwe zvachose!”

Zekaria 13:2-5

“Pazuva iro, ndichabvisa mazita ezvifananidzo panyika, uye haangazorangarirwizve,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose! “Ndichabvisa zvose vaprofita nemweya wokusachena panyika. Uye kana pana ani zvake acharamba achiprofita, baba vake namai vake vakamubereka, vachati kwaari, ‘Unofanira kufa, nokuti wakareva nhema muzita raJehovha.’ Paachaprofita, vabereki vake vachamubaya. “Pazuva iro muprofita mumwe nomumwe achanyara nokuda kwechiratidzo chechiprofita chake. Haangazopfeki nguo yemvere yomuprofita kuti anyengere. Achati, ‘Handisi muprofita. Ndiri murimi; ivhu ndiwo upenyu hwangu kubva pauduku hwangu.’

Maraki 2:7-9

“Nokuti muromo womuprista unofanira kuchengeta zivo, uye vanhu vanofanira kutsvaka dzidziso kubva pamuromo wake, nokuti ndiye nhume yaJehovha Wamasimba Ose. Asi imi makatsauka panzira uye nedzidziso yenyu makagumbusa vazhinji; makaputsa sungano naRevhi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Nokudaro ndakaita kuti muzvidzwe uye munyadziswe pamberi pavanhu vose, nokuti hamuna kuchengeta nzira dzangu asi makaita rusarura pakutonga kwenyu.”

Mateo 5:10-12

Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama nokuti umambo hwokudenga ndohwavo. “Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu. Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nokuti nenzira imwe cheteyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai.

Mateo 5:17-19

“Musafunga kuti ndakauya kuzoparadza Murayiro kana Vaprofita; handina kuuya kuzozviparadza asi kuzozvizadzisa. Ndinokuudzai chokwadi, kuti kusvikira denga nenyika zvapfuura, hakuna vara duku sei kana chimwe chinhu chiduku sei chichabviswa paMurayiro, kusvikira zvose zvazadziswa. Asi ani naani anotyora mumwe chete wemirayiro miduku iyi uye achizodzidzisawo vamwe kuita zvimwe chetezvo achanzi muduku muumambo hwokudenga. Asi ani naani anochengeta uye anodzidzisa mirayiro iyi, achanzi mukuru muumambo hwokudenga.

Mateo 7:3-6

“Unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usina hanya nepuranga riri muziso rako? Ungati sei kuhama yako, ‘Rega ndibvise kabanzu kari muziso rako,’ asi iwe nguva dzose uine puranga riri muziso rako? Iwe munyengeri, tanga wabvisa puranga riri muziso rako, ipapo unozoona zvakanaka kuti ukwanise kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako. “Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, uye musakanda maparera enyu kunguruve. Kana mukadaro, dzinogona kuatsika-tsika pasi petsoka, uye ipapo dzikazokutendeukirai dzokubvambura-bvamburai.

Mateo 7:13-14

“Pindai napasuo rakamanikana nokuti suo rakafara nenzira yakapamhama zvinotungamirira kukuparadzwa, uye vazhinji vanopinda naro. Asi suo duku nenzira yakamanikana ndizvo zvinotungamirira kuupenyu, uye vashoma chete, ndivo vanozviwana.

Mateo 7:15

“Chenjererai vaprofita venhema, vanouya kwamuri vakapfeka matehwe emakwai asi mukati mavo vari mapere anoparadza.

Mateo 7:19-20

Muti wose usingabereki michero yakanaka unotemwa uye ugokandwa mumoto. Naizvozvo muchavaziva nemichero yavo.

Mateo 7:21-23

“Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe’ vachapinda muushe hwokudenga, asi uyo chete anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. Vazhinji pazuva iro vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, ko, hatina kuprofita muzita renyuwo here, uye muzita renyu tikadzinga madhimoni, tikaita zvishamiso?’ Ipapo ndichavaudza pachena kuti, ‘Handina kutombokuzivai. Ibvai zvenyu pandiri, imi vaiti vezvakaipa!’

Mateo 12:32

Ani naani achataura zvakaipa pamusoro poMwanakomana woMunhu acharegererwa, asi ani naani achataura zvakaipa pamusoro poMweya Mutsvene haazoregererwi, kunyange panguva ino kana inouya.

Mateo 13:13-14

Ndokusaka ndichitaura kwavari nemifananidzo: “Kunyange vachiona asi havaoni, kunyange vachinzwa asi havanzwi kana kunzwisisa. Mavari munozadzisa chiprofita chaIsaya chinoti: “ ‘Muchangoramba muchinzwa asi musinganzwisisi; muchangoramba muchiona asi musingaonesesi.

Mateo 13:18-23

“Teererai zvino munzwe zvinorehwa nomufananidzo womukushi: Kana munhu akanzwa shoko roumambo, akasarinzwisisa, akaipa anouya osvikobvuta zviya zvanga zvadyarwa mumwoyo make. Iyi ndiyo mbeu yakakushwa munzira. Uyo akagamuchira mbeu yakawira parukangarahwe, ndiye munhu anonzwa shoko, pakarepo origamuchira norufaro. Asi nokuti haana mudzi, anongorarama naro kwechinguva chipfupi. Kana nhamo kana kutambudzwa zvauya nokuda kweshoko, anokurumidza kugumburwa. Uyo akagamuchira mbeu yakawira muminzwa, munhu anonzwa shoko asi kufunganya kwenyika nokunyengera kwepfuma zvinorivhunga robva rashaya zvibereko. Asi uyo anogamuchira shoko rakawira muvhu rakanaka ndiye munhu anonzwa shoko orinzwisisa. Ndiye anobereka mbeu inoburitsa zana, kana makumi matanhatu kana makumi matatu ezvakakushwa.”

Mateo 15:3

Jesu akavapindura achiti, “Ko, imi munotyorerei murayiro waMwari nokuda kwetsika dzenyu?

Mateo 15:8-9

“ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. Vanondinamata pasina; vachidzidzisa dzidziso nemirayiro yavanhu.’ ”

Mateo 15:13-14

Akapindura akati, “Muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vokudenga uchadzurwa. Vasiyei vakadaro, vatungamiriri vamapofu. Kana bofu rikatungamirira rimwe bofu, vose vachawira mugomba.”

Mateo 16:11-12

Hamunzwisisi sei kuti ndanga ndisingatauri kwamuri nezvechingwa? Asi chenjererai mbiriso yavaFarisi navaSadhusi.” Ipapo vakanzwisisa kuti ainge asingavaudzi kuti vachenjerere mbiriso inoshandiswa muchingwa, asi nezvedzidziso yavaFarisi navaSadhusi.

Mateo 16:23

Jesu akatendeukira kwaari akati, “Enda shure kwangu Satani! Uri chigumbuso kwandiri nokuti hauna zvinhu zvaMwari mupfungwa dzako asi zvavanhu.”

Mateo 18:15-17

“Kana hama yako yakutadzira enda umuudze mhosva yake, muri vaviri chete. Kana akakunzwa wadzora hama yako. Asi akaramba kuteerera, enda nomumwe kana vaviri kuitira kuti ‘nyaya imwe neimwe isimbiswe nezvapupu zviviri kana zvitatu.’ Kana akaramba kuteerera, uudze kereke, kana akaramba kuteerera kunyange kereke, umutore zvako somuhedheni kana muteresi.

Mateo 22:18

Asi Jesu, achiziva kuipa kwavo, akati, “Imi vanyengeri munondiedzereiko?

Mateo 23:1-5

Ipapo Jesu akataura kuvanhu vazhinji nokuvadzidzi vake achiti, “Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vagere pachigaro chaMozisi. Saka munofanira kuvateerera muite zvinhu zvose zvavanokuudzai. Asi musaita zvavanoita, nokuti havaiti zvavanoparidza. Vanosunga mitoro inorema voitakudza pamafudzi avanhu, asi ivo pachavo havadi kusimudza munwe kuti vaibvise. “Vanoita zvinhu zvose kuti vaonekwe navanhu. Vanotambanudza mafirakiteri avo uye vanorebesa pfunha dzenguo dzavo.

Mateo 23:6-12

Vanoda zvigaro zvapamberi pamitambo nezvigaro zvapamusoro-soro mumasinagoge. Vanofarira kukwaziswa pamisika uye kuti vanzi ‘Rabhi’ navanhu. “Asi imi hamufaniri kunzi ‘Rabhi’ nokuti munongova naTenzi mumwe chete uye mose muri hama. Musadana ani zvake ari panyika muchiti, ‘Baba’ nokuti munongova naBaba vamwe chete uye vari kudenga. Uye musadaidzwa muchinzi ‘mudzidzisi’ nokuti muno Mudzidzisi mumwe chete iye Kristu. Mukuru pakati penyu ndiye achava muranda wenyu. Nokuti ani naani anozvikudza achaninipiswa uye ani naani anozvininipisa achakudzwa.

Mateo 23:13-15

“Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu umambo hwedenga vachizviona. Imi pachenyu hamupindi, uye vaya vanoedza kupinda hamuvatenderi. Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munoparadza dzimba dzechirikadzi, uye munoita minyengetero mirefu kuti muonekwe. Naizvozvo muchatongwa zvakaomesesa. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munofamba panyika napamakungwa kuti mutendeutse munhu mumwe chete. Kana atendeuka munomuita mwanakomana wegehena kakapetwa kaviri panemi.

Mateo 23:23-28

“Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munopa chegumi chezvose zvinonhuhwira zvinoti: mindi, anisi nekumini. Asi munoshaya hanya nezvinhu zvinokosha zvomurayiro zvinoti: kururamisira, ngoni nokutendeka. Maifanira kuita izviwo musingakanganwi zvokutanga. Imi vatungamiri mapofu, munomimina nyunyu asi muchimedza ngamera. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munosuka mikombe nendiro kunze asi mukati menyu muzere namakaro nokusazvidzora. Iwe bofu romuFarisi! Tanga wachenesa mukati momukombe nendiro, uye ipapo kunze kwazvo kuchachenawo. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Makafanana namakuva akacheneswa kunze anoratidzika kuva akanaka kunze asi mukati muzere mapfupa avanhu vakafa nezvinhu zvose zvine tsvina. Nenzira imwe cheteyo, munoonekwa navanhu kunze semakarurama asi mukati menyu muzere nounyengeri uye nohuipi.

Mateo 23:29-35

“Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munovaka makuva avaprofita nokushongedza makuva avakarurama. Uye moti, ‘Dai takanga tararama pamazuva amadzitateguru edu, tingadai tisina kubatsirana navo pakuteura ropa ravaprofita.’ Saka muri kuzvipupurira pachenyu kuti muri zvizvarwa zvaivavo vakaponda vaprofita. Zvino chizadzisai chiyero chechivi chamadzitateguru enyu! “Imi nyoka! Imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutongwa kunokuendesai kugehena? Naizvozvo ndiri kukutumirai vaprofita navachenjeri navadzidzisi. Vamwe vavo muchavauraya uye muchavaroverera pamuchinjikwa; vamwe muchavarova mumasinagoge enyu uye muchavadzingirira kubva kune rimwe guta kusvikira kune rimwe guta. Uye nokudaro, ropa ravakarurama vose rakateurwa panyika richauya pamusoro penyu kubvira paropa raAbheri akanga akarurama kusvikira paropa raZekaria mwanakomana waBherekia uyo wamakauraya pakati petemberi nearitari.

Mateo 24:4-5

Jesu akapindura akati, “Chenjerai kuti murege kunyengerwa nomunhu. Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ndini Kristu,’ uye vachinyengera vazhinji.

Mateo 24:10-12

Panguva iyoyo vazhinji vachadzokera shure kubva pakutenda uye vachamukirana vagovengana, uye vaprofita vazhinji venhema vachamuka uye vachanyengera vanhu vazhinji. Nokuda kwokuwanda kwokusarurama, rudo rwavazhinji ruchatonhora.

Mateo 24:24-25

Nokuti kuchamuka vanaKristu venhema navaprofita venhema avo vachaita zviratidzo nezvishamiso kuti vanyengere kunyange navasanangurwa kana zvichigoneka. Tarirai, ndafanokuudzai zvisati zvaitika.

Mateo 24:35

Denga nenyika zvichapfuura asi mashoko angu haangatongopfuuri.

Mateo 28:18-20

Ipapo Jesu akasvika pavari akati, “Simba rose kudenga napanyika rakapiwa kwandiri. Naizvozvo endai mudzidzise ndudzi dzose, muchivabhabhatidza muzita raBaba, neroMwanakomana neroMweya Mutsvene, uye muchivadzidzisa kuti vachengete zvose zvandakakurayirai. Uye zvechokwadi ndinemi kusvikira pakuguma kwenyika.”

Mako 4:14-20

Murimi anokusha shoko. Vamwe vanhu vakaita setsanga yakawira munzira, munokushwa shoko. Pavanongorinzwa, Satani anouya otora shoko rakushwa mukati mavo. Vamwe vakaita setsanga yakawira parukangarahwe, vanonzwa shoko uye nokukurumidza vorigamuchira nomufaro. Asi sezvo vasina midzi, vanongotsungirira kwenguva pfupi. Panongosvika nhamo kana kutambudzwa nokuda kweshoko, vanokurumidza kuwa. Uye vamwe, setsanga yakawira pakati peminzwa, vanonzwa shoko; asi kufunganya nezvoupenyu huno, kunyengera kwoupfumi uye zvishuvo zvezvimwe zvinhu zvinopinda zvigovhunga shoko, zvichirishayisa zvibereko. Vamwe vakaita setsanga yakawira pavhu rakanaka, vanonzwa shoko, vorigamuchira, uye vobereka zvibereko, kakapetwa makumi matatu, makumi matanhatu kana kunyange zana pane zvinenge zvakushwa.”

Mako 7:6-7

Akapindura akati, “Isaya akataura zvakanaka paakaprofita pamusoro penyu imi vanyengeri; sezvazvakanyorwa zvichinzi: “ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. Vanondinamata pasina; dzidziso dzavo dzinongova mirayiro inodzidziswa navanhu.’

Mako 7:8-9

Makasiya mirayiro yaMwari mukachengetedza tsika dzavanhu.” Uye akati kwavari, “Mune nzira chaiyo yokuisa parutivi nayo mirayiro yaMwari kuitira kuti mucherechedze tsika dzenyuwo!

Mako 13:22-23

Nokuti vanaKristu venhema navaprofita venhema vachaonekwa uye vachaita zviratidzo nezvishamiso kuti vatsause vatsvene, kana zvaigoneka. Saka mugare makarinda; ndagara ndakuudzai zvinhu zvose zvisati zvaitika.

Mako 13:31

Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.

Ruka 4:4

Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararami nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobuda mumuromo maMwari.’ ”

Ruka 6:26

Mune nhamo imi kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu, nokuti madzibaba avo akaitira vaprofita venhema zvakadaro.

Ruka 6:39-40

Akavaudzawo mufananidzo uyu: “Bofu ringatungamirira bofu here? Havangawiri mugomba vose vari vaviri here? Mudzidzi haapfuuri mudzidzisi wake, asi munhu wose anenge adzidziswa zvakakwana ndiye achaita somudzidzisi wake.

Ruka 8:11-15

“Izvi ndizvo zvinoreva mufananidzo: Mbeu ndiro shoko raMwari. Dziya dzakawira munzira ndivo vaya vanonzwa, ipapo dhiabhori anouya uye agovatorera shoko pamwoyo yavo, kuitira kuti varege kutenda vagoponeswa. Dziya dzakawira parukangarahwe, ndivo vaya vanogamuchira shoko nomufaro kana varinzwa, asi havana mudzi. Vanongotenda kwechinguva, asi munguva dzokuedzwa vanowira pasi. Mbeu yakawira muminzwa yakamirira vaya vanonzwa asi pakufamba kwavo vanovhungwa nokufunganya kwoupenyu, upfumi namafaro, havazosviki pakubereka zvibereko. Asi mbeu yapavhu rakanaka inomirira vaya vane mwoyo yakatendeka uye yakanaka, vanonzwa shoko, vorichengeta, uye nokuda kwokutsungirira kwavo vanobereka zvibereko.

Ruka 8:17-18

Nokuti hakuna chakavanzika chisingazobudiswi pachena, uye hakuna chakavigwa chisingazozivikanwi kana kuiswa pachena. Naizvozvo nyatsofungisisai kuti munonzwa sei. Ani naani anazvo achapiwa zvakawanda, ani naani asina, achatorerwa kunyange nezvaanofunga kuti anazvo.”

Ruka 16:17

Zviri nyore kuti denga nenyika zvipfuure pano kuti kavara kaduku koMurayiro kabviswe.

Ruka 21:8

Akapindura akati, “Chenjererai kuti murege kunyengerwa. Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti ivo, ‘Ndini iye,’ uye ‘Nguva yava pedyo.’ Musavatevera.

Ruka 21:33

Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.

Johani 2:24-25

Asi Jesu haana kuvimba navo, nokuti aiziva vanhu vose. Akanga asingatsvaki uchapupu hwomunhu pamusoro pomunhu nokuti akanga achiziva zvakanga zviri mumunhu.

Johani 3:18-20

Ani naani anotenda kwaari haatongwi, asi ani naani asingatendi atotongwa nokuti haana kutenda muzita roMwanakomana mumwe oga waMwari. Kutongwa ndokuku: Chiedza chakasvika munyika, asi vanhu vakada rima panzvimbo yechiedza nokuti mabasa avo akanga akaipa. Mumwe nomumwe anoita zvakaipa anovenga chiedza, uye haapindi muchiedza nokuti anotya kuti mabasa ake angaiswa pachena.

Johani 4:23-24

Asi nguva inouya uye yatouya zvino apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumweya nomuzvokwadi, nokuti ndivo vanamati vanotsvakwa naBaba kuti vamunamate. Mwari mweya, uye vanomunamata vanofanira kumunamata mumweya nomuzvokwadi.”

Johani 7:16-17

Jesu akapindura akati, “Kudzidzisa kwangu hakuzi kwangu pachangu. Kunobva kuna iye akandituma. Kana munhu akasarudza kuita kuda kwaMwari, achazoona kuti kudzidzisa kwangu kunobva kuna Mwari kana kuti ndinongotaura ndoga.

Johani 7:19-20

Ko, Mozisi haana kukupai murayiro here? Asi hapana kana mumwe wenyu anochengeta murayiro. Seiko muchiedza kundiuraya?” Vanhu vazhinji vakapindura vakati, “Une dhimoni iwe. Ndianiko anoda kukuuraya?”

Johani 7:24

Regai kutonga nezvinoonekwa zvomunhu, asi tongai zvakarurama.”

Johani 8:12

Jesu achitaurazve navanhu, akati, “Ndini chiedza chenyika. Ani naani anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.”

Johani 8:31-32

Jesu akati kuvaJudha vakanga vatenda kwaari, “Kana muchiramba muri mudzidziso yangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo. Ipapo muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.”

Johani 8:43-44

Seiko musinganzwisisi kutaura kwangu? Nokuti hamugoni kunzwa zvandinotaura. Imi muri vababa venyu, dhiabhori, uye munoda kuita kuda kwababa venyu. Akanga ari muurayi kubva pakutanga, haamiri muzvokwadi, nokuti maari hamuna zvokwadi. Kana achireva nhema, ndiwo mutauro wokwake iwoyo, nokuti ndiye murevi wenhema uye Baba vadzo.

Johani 8:47

Uyo ari waMwari anonzwa zvinorehwa naMwari. Chinoita kuti murege kunzwa ndechokuti imi hamusi vaMwari.”

Johani 9:39-41

Jesu akati, “Kutonga ndiko kwandakavinga munyika ino, kuitira kuti mapofu aone uye avo vanoona vave mapofu.” Vamwe vaFarisi vaiva naye vakamunzwa achitaura izvi vakati, “Watii? Nesuwo tiri mapofu here?” Jesu akati, “Dai maiva mapofu, mungadai musina mhosva yechivi; asi zvino zvamunoti munoona, mhosva yenyu inoramba iripo.”

Johani 10:1-5

“Ndinokuudzai chokwadi kuti munhu asingapindi mudanga ramakwai napamukova, asi anokwira kuti apinde naparutivi, imbavha uye igororo. Munhu anopinda napamukova ndiye mufudzi wamakwai. Murindi anomuzarurira musuo, uye makwai anonzwa inzwi rake. Anodana makwai ake nezita agoatungamirira kunze. Kana achinge abudisa makwai ake ose, anofamba ari mberi kwawo, uye makwai ake anomutevera nokuti anoziva inzwi rake. Asi haatongoteveri mutorwa; asi anotomutiza nokuti haazivi inzwi romweni.”

Johani 10:12-13

Mushandi haasi iye mufudzi nomwene wamakwai. Saka paanoona bere richiuya, anosiya makwai obva atiza. Ipapo bere rinobata boka ramakwai uye roaparadzira. Munhu uyu anotiza nokuti mushandi zvake uye haana hanya namakwai.

Johani 12:37-40

Kunyange zvazvo Jesu akaita zviratidzo zvose izvi pamberi pavo, havana kutongomutenda. Uku kwaiva kuzadziswa kweshoko raIsaya muprofita raakareva achiti: “Ishe, ndianiko akatenda shoko redu, uye ruoko rwaShe rwakaratidzwa kuna aniko?” Nokuda kwaizvozvo havana kugona kutenda nokuti, pane imwe nzvimbo, Isaya anoti: “Akapofumadza meso avo uye akaomesa mwoyo yavo, kuti varege kuona nameso avo, varege kunzwisisa nemwoyo yavo, varege kudzoka ndigovaporesa.”

Johani 12:48

Pano mutongi achatonga munhu anondiramba uye asingagamuchiri mashoko angu; shoko riya chairo randakataura ndiro richamutonga pazuva rokupedzisira.

Johani 14:6

Jesu akapindura akati, “Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri.

Johani 14:15

“Kana muchindida, muchateerera zvandinokurayirai.

Johani 14:17

iye Mweya wechokwadi. Nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuoni uye haimuzivi. Asi imi munomuziva, nokuti agere nemi uye achava mukati menyu.

Johani 14:26

Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uyo achatumwa naBaba muzita rangu, achakudzidzisai zvinhu zvose uye achakuyeuchidzai zvinhu zvose zvandakareva kwamuri.

Johani 15:26

“Kana Munyaradzi asvika, iye wandichatuma kwamuri achibva kuna Baba, iye Mweya wechokwadi anobuda achibva kuna Baba, achapupura nezvangu.

Johani 16:13

Asi kana iye, Mweya wechokwadi, auya, achakutungamirirai muzvokwadi yose. Haangazotauri zvake; achataura zvaanenge anzwa chete, uye achakuudzai zvichauya.

Johani 17:17

Vaitei vatsvene nechokwadi chenyu; shoko renyu ndiro chokwadi.

Mabasa 5:3-4

Ipapo Petro akati, “Ananiasi, Satani azadzireiko mwoyo wako kudai, kuti usvike pakureva nhema kuMweya Mutsvene uye wazvikamurira imwe mari yawawana pakutengesa munda? Ko, wakanga usiri wako here usati watengeswa? Uye shure kwokunge wautengesa, mari yakanga isiri yako here? Chiiko chakaita kuti ufunge kuita chinhu chakadai? Hauna kureva nhema kuvanhu asi kuna Mwari.”

Mabasa 7:51

“Imi vanhu vemitsipa mikukutu, vane mwoyo nenzeve dzisina kudzingiswa! Makangoita samadzibaba enyu: Munogara muchidzivisa Mweya Mutsvene!

Mabasa 20:28

Zvichenjererei imi pachenyu neboka rose ramakaitwa vatariri varo naMweya Mutsvene. Fudzai kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake pachake.

Mabasa 20:29-31

Ndinoziva kuti kana ndabva, mapere achapinda pakati penyu asingaregi boka. Kunyange pakati penyu iyemi vanhu vachamuka vachiminamisa chokwadi vachiitira kuti vatape vadzidzi kuti vavatevere. Saka rindai! Rangarirai kuti makore matatu handina kumborega kukuyambirai mumwe nomumwe wenyu, usiku namasikati nemisodzi.

Mabasa 26:18

kuti usvinudze meso avo nokuvadzora kubva kurima kuti vauye kuchiedza, nokubva musimba raSatani kuti vauye kuna Mwari, kuti vagamuchire kanganwiro yezvivi uye vawane nzvimbo pakati paavo vakaitwa vatsvene nokutenda kwandiri.’

VaRoma 1:18

Kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa kuchibva kudenga pamusoro pokusada Mwari kwose nokusarurama kwose kwavanhu vanodzivisa chokwadi nokusarurama kwavo.

VaRoma 1:20-21

Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika izvo zvisingaonekwi zvaMwari, iro simba rake rinogara nokusingaperi nouMwari hwake, zvakanyatsoonekwa kwazvo, zvichizivikanwa kubva pazvinhu zvakaitwa, kuitira kuti vanhu varege kuva nepembedzo. Nokuti kunyange zvavo vaiziva Mwari, havana kumukudza saMwari kana kumuvonga, asi kufunga kwavo kwakava kusina maturo uye mwoyo yavo, isina zivo, yakasvibiswa.

VaRoma 1:22

Kunyange zvavo vachizviti vakachenjera, vakava mapenzi

VaRoma 1:25

Vakatsinhanisa zvokwadi yaMwari nenhema, vakanamata uye vakashumira zvisikwa panzvimbo yoMusiki, iye anokudzwa nokusingaperi. Ameni.

VaRoma 2:13

Nokuti havasi vaya vanonzwa murayiro vakarurama pamberi paMwari, asi vaya vanoita murayiro ndivo vachanzi vakarurama.

VaRoma 3:4

Kwete, kwete! Mwari ngaave wechokwadi, asi vanhu vose vave venhema. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Kuitira kuti munzi makarurama pamunotaura, uye mukunde pakutonga kwenyu.”

VaRoma 3:11-13

hakuna anonzwisisa, hakuna anotsvaka Mwari. Vose vakatsauka, vose pamwe chete vakava vasina maturo; hakuna kana mumwe anoita zvakanaka, kana mumwe zvake.” “Huro dzavo makuva akashama; ndimi dzavo dzinotaura unyengeri.” “Uturu hwenyoka huri pamiromo yavo.”

VaRoma 7:12

Saka naizvozvo, murayiro mutsvene, uye mutemo mutsvene, wakarurama uye wakanaka.

VaRoma 9:1

Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handirevi nhema, hana yangu inondipupurira muMweya Mutsvene

VaRoma 10:2-4

Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi kushingairira kwavo havakuiti nokuziva. Nokuti, sezvo vakanga vasingazivi kururama kunobva kuna Mwari uye vakatsvaka kumisa kururama kwavo pachavo, havana kuzviisa pasi pokururama kwaMwari. Nokuti Kristu ndiye mugumo womurayiro, kuitira kuti mumwe nomumwe anotenda aruramiswe.

VaRoma 10:17

Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu.

VaRoma 11:8

sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Mwari akavapa mweya wehope, meso kuti vasaona, nzeve kuitira kuti vasanzwa, kusvikira nanhasi uno.”

VaRoma 14:1

Mugamuchire uyo asina kusimba pakutenda kwake, musingamutongi kana kuita gakava naye pamusoro penyaya dzisingapindirani.

VaRoma 16:17-18

Ndinokukumbirai zvikuru, hama dzangu, kuti muchenjerere vaya vanopesanisa uye vanoisa zvigumbuso pamberi penyu vanopikisana nedzidziso yamakadzidza imi. Muve kure navo. Nokuti vanhu vakadaro havasi kushumira Ishe wedu Kristu, asi dumbu ravo. Nokutaura kwakanaka uye nokubata kumeso, vanonyengera vanhu vane pfungwa dzisina uchenjeri.

1 VaKorinde 1:21-25

Nokuti muuchenjeri hwaMwari, nyika kubudikidza nouchenjeri hwayo, haina kumuziva, Mwari akafadzwa nazvo kuti vanotenda avaponese kubudikidza noupenzi hwezvakaparidzwa. VaJudha vanoda zviratidzo uye vaGiriki vanotsvaka uchenjeri, asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha noupenzi kune veDzimwe Ndudzi. Asi kuna avo vakadanwa naMwari, zvose vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari nouchenjeri hwaMwari. Nokuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura uchenjeri hwomunhu, uye utera hwaMwari hwakasimba kupfuura simba romunhu.

1 VaKorinde 2:1-5

Pandakauya kwamuri, hama, handina kuuya nokugona kutaura kana uchenjeri hwapamusoro, pandakaparidza kwamuri uchapupu hwezvaMwari. Nokuti ndakati handidi kuziva chinhu pandakanga ndiri pakati penyu, asi Jesu Kristu, uye akarovererwa pamuchinjikwa. Ndakauya kwamuri muutera nokutya uye nokudedera kukuru. Shoko rangu nokuparidza kwangu zvakanga zvisina mashoko okugombedzera nouchenjeri, asi nokuratidza kwesimba raMweya, kuti kutenda kwenyu kurege kuva kwouchenjeri hwavanhu, asi kuve kwesimba raMwari.

1 VaKorinde 2:6-8

Zvisinei, tinotaura mashoko ouchenjeri pakati pavanhu vakura, asi kwete uchenjeri hwenyika ino, kana hwavabati venyika ino vachashayiwa simba. Kwete, tinotaura uchenjeri hwaMwari hwakavanzika, uchenjeri hwakanga hwakafukidzwa uye hwakatemerwa kubwinya kwedu naMwari nyika isati yavapo. Hakuna kana nomumwe wavabati venyika ino akahunzwisisa, nokuti dai vakahunzwisisa vangadai vasina kuroverera Ishe wokubwinya pamuchinjikwa.

1 VaKorinde 2:11-13

Nokuti ndianiko pakati pavanhu anoziva ndangariro dzomunhu kunze kwomweya womunhu uri mukati make? Saizvozvowo hakuna munhu anoziva ndangariro dzaMwari kunze kwoMweya waMwari. Hatina kugamuchira mweya wenyika ino asi Mweya unobva kuna Mwari; kuti tinzwisise zvatakapiwa naMwari pachena. Izvi ndizvo zvatinotaura, tisingatauri namashoko atinodzidziswa nouchenjeri hwavanhu, asi namashoko atinodzidziswa naMweya, tichidudzira zvokwadi zvomweya namashoko omweya.

1 VaKorinde 2:14-16

Munhu asina Mweya haangagamuchiri zvinhu zvinobva kuMweya waMwari, nokuti zvinonzwisisika nomweya. Munhu ari muMweya anonzwisisa zvinhu zvose, asi iye pachake haanganzwisiswi nomunhu: “Nokuti, ndianiko akaziva murangariro waShe kuti amudzidzise?” Asi isu tino murangariro waKristu.

1 VaKorinde 3:11

Nokuti hakuna mumwe angaronga dzimwe nheyo kunze kwaiyo yakarongwa kare, inova ndiyo Jesu Kristu.

1 VaKorinde 3:18-20

Musazvinyengera. Kana mumwe wenyu achizviti akachenjera namaonero enyika ino, ngaave “benzi” kuti ave akachenjera. Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi pamberi paMwari. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Anobata vakachenjera pamano avo,” uye zvakare, “Ishe anoziva kuti mifungo yavakachenjera haina maturo.”

1 VaKorinde 9:18

Zvino mubayiro wangu ndoweiko? Ndiwo uyu, kuti mukuparidza vhangeri ndizviite pasina muripo, uye ndisingashandisi kodzero dzangu mukuriparidza.

1 VaKorinde 10:9

Hatifaniri kuedza Ishe, sezvakaita vamwe vavo, uye vakaurayiwa nenyoka.

1 VaKorinde 11:16

Zvino kana pane anoda kuita gakava pazviri, hatina tsika dzakadaro kunyange kereke dzaMwari.

1 VaKorinde 11:18-19

Chokutanga, ndakanzwa kuti pamunoungana pamwe chete sekereke, pane kupesana pakati penyu, uye ndingangozvitenda. Nokuti dzidziso dzakatsaukana dzinofanira kuva pakati penyu, kuti zvionekwe kuti vakatendeka kuna Mwari ndavapi.

1 VaKorinde 11:27-32

Naizvozvo ani naani anodya chingwa nokunwa mukombe waShe nomutoo usina kufanira achabatwa nemhosva yokutadzira muviri neropa raShe. Munhu anofanira kuti azviedze asati adya chingwa nokunwa mukombe. Nokuti ani naani anodya nokunwa asingacherechedzi muviri waShe anozvidyira nokuzvinwira kutongwa kwake. Ndokusaka vazhinji pakati penyu vasina simba uye vachirwara, uye vamwe venyu vavete. Asi kana tikazviedza pachedu, hatingazotongwi. Kana tikatongwa naShe, tiri kurangwa kuitira kuti tirege kuzoraswa pamwe chete nenyika.

1 VaKorinde 14:19-21

Asi mukereke ndingada zvangu kutaura mashoko mashanu nokufunga kwangu kuti ndidzidzise vamwe pano kutaura mashoko zviuru gumi norumwe rurimi. Hama, regai kufunga savana. Pazvinhu zvakaipa ivai savacheche, asi pakufunga kwenyu muve savanhu vakuru. MuMurayiro makanyorwa muchinzi: “Kubudikidza navanhu vedzimwe ndimi uye kubudikidza nemiromo yavatorwa, ndichataura kuvanhu ava, asi kunyange zvakadaro havanganditeereri,” ndizvo zvinotaura Ishe.

1 VaKorinde 14:33-38

Nokuti Mwari haasi Mwari wenyonganyonga asi worugare. Sezvinoitwa mune dzimwe kereke dzose dzavatsvene, vakadzi ngavanyarare mukereke. Havatenderwi kutaura asi ngavazviise pasi sezvinoreva murayiro. Kana vachida kubvunza chimwe chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba; nokuti hazvina kufanira kuti mukadzi ataure mukereke. Ko, shoko raMwari rakatanga nemi here? Kana kuti rakasvika kwamuri moga here? Kana munhu achifunga kuti muprofita kana kuti ane chipo chomweya, ngaatende kuti zvandinokunyorerai murayiro waShe. Kana akasatenda izvi, iye pachake ngaasatendwe.

1 VaKorinde 15:1-2

Zvino hama, ndinoda kukuyeuchidzai vhangeri randakakuparidzirai, iro ramakagamuchira uye ramakamira mariri. Nevhangeri irori munoponeswa, kana mukabatirira kwazvo pashoko randakakuparidzirai. Zvimwe makatenda pasina.

1 VaKorinde 15:33-34

Musanyengerwa: “Ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.” Dzokai pandangariro dzenyu sezvamakafanira, uye murege kutadza; nokuti kuna vamwe vasingazivi Mwari. Ndinotaura izvi kuti munyadziswe.

2 VaKorinde 2:11

kuitira kuti Satani arege kutinyengera. Nokuti mano ake tinoaziva.

2 VaKorinde 2:14-17

Asi Mwari ngaavongwe, anotikundisa nguva dzose pakufamba kwedu muna Kristu uye kubudikidza nesu anoratidza kwose kwose kunhuhwirira kworuzivo rwake. Nokuti isu tiri kunhuhwirira kwaKristu kuna Mwari pakati peavo vari kuponeswa nevari kuparara. Kuno mumwe tiri munhuwi worufu; kuno mumwewo tiri kunhuhwirira kwoupenyu. Zvino ndianiko angakwanisa basa rakadai? Nokuti hatina kufanana navazhinji vanokanganisa shoko raMwari vachida kuwana mugove kubva pariri. Asi, tinotaura muna Kristu nokutendeka pamberi paMwari, savanhu vakatumwa naMwari.

2 VaKorinde 3:6

Akatigonesa savashumiri vesungano itsva, kwete yakanyorwa asi yoMweya; nokuti tsamba inouraya, asi Mweya anopa upenyu.

2 VaKorinde 3:14-16

Asi ndangariro dzavo dzakapofumadzwa, nokuti chifukidziro chimwe chetecho chichiripo kana sungano yakare ichiverengwa. Hachina kubviswa, nokuti chinongobviswa chete muna Kristu. Kunyange kusvikira zuva ranhasi kana Mozisi achiverengwa, chifukidziro chinofukidza mwoyo yavo. Asi kana munhu akatendeukira kuna She chete, chifukidziro chinobviswa.

2 VaKorinde 4:2-4

Asi takaramba zvinhu zvakavanzika uye nenzira dzinonyadzisa; hatishandisi unyengeri, uye hatiminamisi shoko raMwari. Asi pakuratidza kwedu zvokwadi, tinozvireverera muhana yomunhu wose pamberi paMwari. Uye kunyange zvazvo vhangeri redu rakafukidzwa, rakafukidzwa kuna avo vari kuparara. Vasingatendi vakapofumadzwa ndangariro dzavo namwari wenyika ino, kuti varege kuona chiedza chevhangeri rokubwinya kwaKristu, anova mufananidzo waMwari.

2 VaKorinde 10:4-6

Nhumbi dzatinorwa nadzo hadzizi nhumbi dzenyika ino. Asi dzine simba raMwari rokuputsa nhare. Tinoputsa kukakavara nokunyengera kwose kunozvikudza kuchipikisa kuziva Mwari, uye tinotapa mifungo yose kuti iteerere Kristu. Uye tichange takagadzirira kuranga kuita kwose kwokusateerera, kana kuteerera kwenyu kuchinge kwazadziswa.

2 VaKorinde 11:3-4

Asi ndinotya kuti sokunyengerwa kwakaitwa Evha nenyoka nemano ayo, ndangariro dzenyu dzingangotsauswa kubva pakururama nokuchena kwomwoyo, pakuzvipira kuna Kristu. Nokuti kana mumwe akauya kwamuri achiparidza mumwe Jesu kunze kwaJesu watakaparidza, kana kuti mukagamuchira mumwe mweya wakasiyana nouyo wamakagamuchira, kana rimwe vhangeri rakasiyana neramakagamuchira, munogona kuzvigamuchira zviri nyore kwazvo.

2 VaKorinde 11:13-15

Nokuti vanhu vakadai ndivo vapostori venhema, varume vanonyengera, vanozvishandura vachizviita vapostori vaKristu. Uye naizvozvo hazvishamisi, nokuti Satani pachake anozvishandura achizviita mutumwa wechiedza. Naizvozvowo hazvishamisi, kana varanda vake vachizvishandura vachizviita varanda vokururama. Magumo avo achava sezvakafanira maitiro avo.

2 VaKorinde 13:5

Zviedzei imi pachenyu muone kana muri pakutenda; zviedzei pachenyu. Munoziva here kuti Jesu ari mukati menyu, kunze kwokutoti makakundikana?

VaGaratia 1:6-7

Ndinoshamiswa kuti munokurumidza kusiya uyo akakudanai nenyasha dzaKristu muchitsaukira kune rimwe vhangeri, risati riri vhangeri chairo kana napaduku. Zviri pachena kuti vamwe vanhu vanoda kukukanganisai vachiedza kushandura vhangeri raKristu.

VaGaratia 1:8-9

Asi kunyange isu kana mutumwa anobva kudenga akaparidza vhangeri risati riri ratakakuparidzirai, ngaatukwe nokusingaperi! Sezvatakamboreva, tinodarozve zvino tichiti: Kana kuno munhu upi zvake ari kuparidza kwamuri vhangeri kunze kweramakagamuchira, ngaave akatukwa nokusingaperi!

VaGaratia 1:10-12

Ko, ndiri kuedza kuzviratidza kuvanhu here kana kuti kuna Mwari? Kana kuti ndiri kuedza kufadza vanhu here? Dai ndakanga ndichiri kuedza kufadza vanhu, ndingadai ndisiri muranda waKristu. Ndinoda kuti muzive, hama, kuti vhangeri randakaparidza harisi chimwe chinhu chakangomuka mumunhu. Handina kurigamuchira kubva kumunhu upi zvake uye handina kuridzidziswa, asi ndakarigamuchira nokuzarurirwa kunobva kuna Jesu Kristu.

VaGaratia 2:4-5

Nyaya iyi yakamutswa nokuda kwedzimwe hama dzenhema dzakanga dzapinda munzvimbo dzedu kuti vazosora rusununguko rwatinarwo muna Kristu Jesu uye kuti vagotiita nhapwa. Hatina kuvapa mukana napaduku, kuitira kuti chokwadi chevhangeri chigare mamuri.

VaGaratia 2:11-14

Petro akati asvika kuAndioki, ndakamutsoropodza pachena, nokuti akanga akanganisa zviri pachena. Vamwe varume vakabva kuna Jakobho vasati vasvika, akanga achimbodya neveDzimwe Ndudzi. Asi pavakasvika, akatanga kusuduruka uye akazvitsaura kubva kune veDzimwe Ndudzi nokuti akanga achitya vaya vakanga vari veboka rokudzingiswa. Vamwe vaJudha vakabatana naye pakunyengera kwake, zvokuti nokunyengera kwavo, naBhanabhasi akanga atsauswawo. Ndakati ndaona kuti vakanga vasingafambi muchokwadi chevhangeri, ndakati kuna Petro pamberi pavo vose, “Iwe uri muJudha, asi unoda kurarama somuHedheni, kwete somuJudha. Seiko, zvino, uchimanikidza veDzimwe Ndudzi kuti vatevere tsika dzechiJudha?

VaGaratia 3:1

Imi vaGaratia vokusafunga! Ndianiko akakuroyai? Jesu akaratidzwa pachena akarovererwa pamuchinjikwa pamberi penyu chaipo.

VaGaratia 6:1-3

Hama dzangu, kana mumwe akabatwa ari muchivi, imi vari mumweya munofanira kumudzora nounyoro. Asi muzvingwarire pachenyu, kuti murege kuedzwawo. Takuriranai mitoro yenyu, uye nokudaro muchazadzisa murayiro waKristu. Kana munhu achifunga kuti iye chinhu iye asiri chinhu, anozvinyengera.

VaGaratia 6:6-8

Ani naani anogamuchira dzidziso mushoko anofanira kugovana nounomudzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka. Musanyengerwa: Mwari haasekwi. Munhu anokohwa zvaanodyara. Anodyarira nyama yake, achakohwa kuparadzwa kunobva panyama iyoyo; uyo anodyarira mweya, achakohwa upenyu husingaperi hunobva paMweya iwoyo.

VaEfeso 4:14-15

Ipapo hatingazorambi tiri vacheche, vanosundirwa shure nemberi vachipeperetswa kuno nouko nemhepo ipi zvayo yedzidziso, uye nokunyengera nousvinu hwavanhu mukutsausa kwokunyengera kwavo. Asi, tichitaura chokwadi murudo, tichakura pazvinhu zvose maari iye musoro, iye Kristu.

VaEfeso 4:17-18

Saka ndinokuudzai izvi, uye murambire pazviri muna She, kuti hamufaniri kuramba muchirarama savaHedheni, muupenzi hwendangariro dzavo. Vakasvibiswa mukunzwisisa kwavo uye vakaparadzaniswa noupenyu hwaMwari nokuda kwokusaziva kuri mavari nokuda kwoukukutu hwemwoyo yavo.

VaEfeso 4:25

Naizvozvo mumwe nomumwe wenyu anofanira kubvisa nhema uye ataure chokwadi kuno muvakidzani wake, nokuti isu tose tiri nhengo dzomuviri mumwe.

VaEfeso 4:29

Musarega kutaura kwakaora kuchibuda mumiromo yenyu, asi chete zvinobatsira pakuvaka vamwe maererano nezvavanoshayiwa, kuti zvigobatsira avo vanonzwa.

VaEfeso 5:6

Ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko asina maturo, nokuti nokuda kwezvinhu zvakadaro, kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro peavo vasingateereri.

VaEfeso 5:8-10

Nokuti kare maiva rima, asi zvino mava chiedza muna She. Garai savana vechiedza (nokuti chibereko chechiedza chino kunaka kwose, kururama nechokwadi) uye muzive zvinofadza Ishe.

VaEfeso 5:11

Musayanana namabasa erima, asi zviri nani kuafumura.

VaEfeso 6:12

Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namasimba enyika ino yerima uye namasimba emweya yakaipa ari muchadenga.

VaEfeso 6:14-17

Zvino mirai nesimba, makasunga bhanhire rechokwadi muchiuno chenyu, nechidzitiro chechipfuva chokururama, uye tsoka dzenyu dzakashongedzwa negadziriro inobva pavhangeri rorugare. Pamusoro paizvozvi zvose, torai nhoo yokutenda, iyo yamunogona kudzima nayo miseve inopfuta yowakaipa. Torai nguwani yoruponeso nomunondo womweya, iro shoko raMwari.

VaFiripi 1:9-10

Uye uyu ndiwo munyengetero wangu: kuti rudo rwenyu ruwande uye muwanze kuziva nokunzwisisa, kuitira kuti mugogona kunzwisisa kuti zvakaisvonaka ndezvipi uye muve vakachena uye mushayiwe chamungapomerwa kusvikira pazuva raKristu,

VaKorose 2:4

Ndinokuudzai izvi kuitira kuti parege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko anobata kumeso.

VaKorose 2:8

Muone kuti parege kuva nomunhu anokutapai nokutaura kusina maturo kunonyengera, kunosendamira patsika dzavanhu nezvokuvamba kwenyika ino, asingateveri Kristu.

VaKorose 2:18

Musarega munhu upi zvake anofarira kuzvininipisa kwenhema uye kunamata vatumwa achikutorerai mubayiro wenyu. Munhu akadaro anorondedzera zvikuru pamusoro pezvaakaona, uye nokufunga kwake kwenyama anozvikudza pasina.

VaKorose 2:20-23

Sezvo makafa pamwe chete naKristu kune mitemo yenyika ino, seiko muchiita kunge muchiri vayo, muchizviisa pasi pemitemo yayo inoti: “Usabata! Usaravira! Usagunzva!”? Izvi zvose zvichaparadzwa nokubata kwazvo, nokuti zvakavakwa pamirayiro yavanhu nokudzidzisa kwavanhu. Zvirokwazvo mitemo yakadai inoita seino uchenjeri, nokunamata kwavo kwokuzvipa, kuzvininipisa kwavo kwenhema uye nokurwadzisa kwavo muviri, asi zvisingagoni kudzivisa kuchiva kwomuviri.

VaKorose 3:9-10

Musareverana nhema, sezvo makabvisa munhu wenyu wekare namabasa ake mukafuka munhu mutsva, ari kuvandudzwa mukuziva, mumufananidzo woMusiki wake.

1 VaTesaronika 5:21

Edzai zvinhu zvose. Batirirai kune zvakanaka.

2 VaTesaronika 2:3

Musarega munhu upi zvake achikunyengerai nenzira ipi zvayo, nokuti zuva iro harisviki kusvikira kumukira kwaitika uye munhu wokutsauka aratidzwa, iye munhu akatongerwa kuparadzwa.

2 VaTesaronika 2:9-12

Kuuya kwomunhu wokutsauka kuchaitika sebasa raSatani kuchiratidza nemhando dzose dzezvishamiso zvenhema, zviratidzo neminana, uye nokuipa kwose kunonyengera avo vanoparara. Vanoparara nokuti vakaramba kuda chokwadi uti vagoponeswa. Nokuda kwaizvozvi, Mwari anovatumira mweya une simba wokunyengera kuti vatende nhema uye kuti vose vagotongwa, avo vasina kutenda chokwadi, asi vakafarira zvakaipa.

2 VaTesaronika 2:15

Saka zvino, hama mirai nesimba uye mubatirire kudzidziso dzatakakudzidzisai, neshoko romuromo kana netsamba.

2 VaTesaronika 3:6

Muzita raIshe Jesu Kristu, tinokurayirai hama, kuti mubve pahama imwe neimwe inoita zvousimbe uye isingararami maererano nedzidziso yamakagamuchira kubva kwatiri.

1 Timoti 1:3-7

Sezvandakakumbira zvikuru kwauri pandakaenda kuMasedhonia, gara paEfeso kuitira kuti ugorayira vamwe varume kuti varege kudzidzisa dzidziso dzenhema, kana kuzvipira kungano nokunhoroondo dzamazita amadzitateguru dzisingaperi. Izvi zvinongomutsa nharo panzvimbo yebasa raMwari rinoitwa nokutenda. Chinovavarirwa nomurayiro uyu ndirwo rudo runobva pamwoyo wakachena, hana yakanaka nokutenda kwechokwadi. Vamwe vakarasika kubva pazvinhu izvi uye vakatsaukira mukutaura kusina maturo. Vanoda kuva vadzidzisi vomurayiro, asi havazivi zvavari kutaura pamusoro pazvo kana izvo zvavari kushingira kusimbisa.

1 Timoti 2:4-7

Anoda kuti vanhu vose vaponeswe uye kuti vazive chokwadi. Nokuti kuna Mwari mumwe chete, nomurevereri mumwe chete pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu. Uyo akazvipa sorudzikinuro kuvanhu vose, uchapupu hwakapiwa panguva yakafanira. Uye nokuda kwechikonzero ichi ndakaitwa muparidzi nomupostori, ndinokuudzai chokwadi, handisi kureva nhema, uye ndiri mudzidzisi wokutenda kwechokwadi kune veDzimwe Ndudzi.

1 Timoti 2:11-14

Mukadzi ngaadzidze akanyarara uye nokuzviisa pasi kwose. Handitenderi kuti mukadzi adzidzise kana kuti ave nesimba pamusoro pomurume; anofanira kunyarara. Nokuti Adhamu ndiye akatanga kuumbwa, tevere Evha. Uye Adhamu haasi iye akanyengerwa; mukadzi ndiye akanyengerwa akava mutadzi.

1 Timoti 4:1-2

Mweya anotaura pachena kuti panguva dzinouya vamwe vachatsauka kubva pakutenda vagotevera mweya inonyengera nedzidziso dzamadhimoni. Dzidziso dzakadai dzinouya navaya vanoreva nhema, vane hana dzakapiswa sokunge nesimbi inopisa.

1 Timoti 4:6-7

Kana ukadzidzisa hama zvinhu izvi, uchava mushumiri akanaka waKristu Jesu, akarerwa muzvokwadi yokutenda uye nedzidziso yakanaka yawakatevera. Siyana nengano dzisina umwari uye nengano dzechembere; asi uzvirovedzere paumwari.

1 Timoti 4:11-16

Rayira uye udzidzise zvinhu izvi. Ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza nokuda kwouduku hwako, asi uve muenzaniso kuvatendi mukutaura, muupenyu, murudo, mukutenda uye napakuchena kwomwoyo. Kusvikira ndauya, shingaira pakuverenga Rugwaro kukereke, kuparidza nokudzidzisa. Usarega kushandisa chipo chako, chakapiwa kwauri kubudikidza neshoko rechiprofita pawakaiswa maoko pamusoro navakuru. Shingaira pazvinhu izvi, uzviite nomwoyo wako wose, kuitira kuti munhu wose aone kupfuurira mberi kwako. Uzvichengete kwazvo iwe nedzidziso yako. Utsungirire pazviri, nokuti kana ukazviita, uchazviponesa iwe navanokunzwa.

1 Timoti 5:17-18

Vakuru vanobata kereke zvakanaka vakafanira kukudzwa zvakapetwa kaviri, zvikuru sei vaya vanoita basa rokuparidza nokudzidzisa. Nokuti Rugwaro runoti, “Usasunga muromo wenzombe kana ichipura zviyo,” uye “Mushandi akafanirwa nomubayiro wake.”

1 Timoti 5:19-22

Usagamuchira mhaka inopomerwa mukuru kunze kwokunge yauyiswa nezvapupu zviviri kana zvitatu. Avo vanotadza vanofanira kutsiurwa pamberi pavanhu, kuitira kuti vamwe vagoyambirwa. Ndinokurayira, pamberi paMwari naKristu Jesu uye napamberi pavatumwa vakasanangurwa, kuti uchengete mirayiro iyi zvakanaka, uye usingaiti uchitsaura vanhu. Usakurumidza kuisa maoko pamusoro pomunhu, uye usabatana nezvivi zvavamwe. Zvichengete kuti uve wakachena.

1 Timoti 6:3-5

Kana munhu achidzidzisa dzidziso dzenhema uye asingabvumi dzidziso yakanaka yaIshe wedu Jesu Kristu uye nedzidziso youmwari, anongozvikudza uye haazivi chinhu. Anongofarira nharo nokukakavara pamusoro pamashoko asingabatsiri, anongomutsa godo, gakava, kutukana nokufungirana zvakaipa, uye nokupesana kusingaperi pakati pavanhu vane murangariro wakaora, vakabirwa zvokwadi uye vanofunga kuti umwari inzira yokuwana nayo mari.

1 Timoti 6:20-21

Timoti, chengeta icho chawakapiwa. Furatira zvokutaura mashoko asina umwari nepfungwa dzinopikisa, dzezvinonzi pakutaura kwenhema zivo, idzo dzakapupurwa navamwe uye nokudaro vakatsauka kubva pakutenda. Nyasha ngadzive newe.

2 Timoti 2:14

Ramba uchivayeuchidza zvinhu izvi. Uvayambire pamberi paMwari kuti varege kuita nharo pamusoro pamashoko; hazvina maturo, zvinongoparadza chete vaya vanoteerera.

2 Timoti 2:15-16

Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari, somunhu anogamuchirwa, mushandi asingafaniri kunyadziswa uye anonyatsoruramisa shoko rechokwadi. Nzvenga kutaura kusinei naMwari, nokuti vaya vanhu vanodaro vacharamba vachirasikirwa noumwari.

2 Timoti 2:17-19

Dzidziso yavo ichanyenga seronda. Pakati pavo pana Himenayasi naFiretasi, vakatsauka kubva pazvokwadi. Vanoti kumuka kwavakafa kwakatopfuura, uye vanoparadza kutenda kwavamwe. Kunyange zvakadaro, nheyo dzakasimba dzaMwari dzinomira, dzine chisimbiso ichi chinoti: “Ishe anoziva vanhu vake,” uye, “Ani naani anopupura zita raShe anofanira kubva pane zvakaipa.”

2 Timoti 2:23-26

Usava nechokuita nemibvunzo youpenzi isina maturo, nokuti unoziva kuti inongomutsa kukakavara. Zvino muranda waIshe haafaniri kukakavara; asi anofanira kuva munyoro kumunhu wose, achigona kudzidzisa, asingatsamwi. Vaya vanomupikisa anofanira kuvadzidzisa nounyoro, aine tariro yokuti Mwari achavapa kutendeuka vagoziva chokwadi, uye kuti vachapengenuka vagopunyuka kubva mumusungo wadhiabhori, akavaita nhapwa kuti vaite kuda kwake.

2 Timoti 3:2-5

Vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingatendi, vasina utsvene, vasina rudo, vasingaregereri, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane utsinye, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanomukira, vanoita manyawi, vanonyengera, vanoda kuzvifadza nezvenyika kupfuura Mwari; vane mufananidzo bedzi wokunamata Mwari asi vachiramba simba racho. Siyana navanhu ivavo.

2 Timoti 3:6-7

Nokuti ndivo vaya vanoverevedza vachipinda mudzimba vachitapa vakadzi vasingazvibati vakaremedzwa nezvivi zvizhinji, vanogara vachidzidza asi vasingatongosviki pakuziva chokwadi.

2 Timoti 3:8-9

Sezvakaita Janesi naJambiresi vakadzivisa Mozisi, varume avawo vanodzivisa zvokwadi, vanhu vane ndangariro dzakaora, kana pari pazvinhu zvokutenda, vakarasika. Asi havangasviki kure, nokuti upenzi hwavo huchaonekwa navanhu vose.

2 Timoti 3:12-13

Zvirokwazvo munhu wose anoda kurarama upenyu hwoumwari muna Kristu Jesu achatambudzwa, asi vanhu vakaipa navanonyengera vachanyanyisa kuipa, vachinyengera nokunyengerwa.

2 Timoti 3:14-17

Asi iwe, rambira pazvinhu zvawakadzidza uye ukatenda mazviri, nokuti unoziva kuti wakazvidzidza kubva kuna ani, uye kuti kubva pauduku wakaziva Magwaro matsvene, anogona kukupa uchenjeri hunosvitsa kukuponeswa kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu. Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, kurayira, kutsiura nokurayiridza mukururama, kuti munhu waMwari akwaniswe kwazvo, agadzirirwa mabasa ose akanaka.

2 Timoti 4:2-4

Paridza shoko; ugare wakagadzirira panguva yakafanira kunyange isakafanira; rayira, tsiura, uye ukurudzire nomwoyo murefu zvikuru uye nokudzidzisa zvakanaka. Nokuti nguva ichasvika vanhu pavacharamba kuteerera dzidziso yakarurama. Asi vachida zvinovafadza ivo, vachazviunganidzira vadzidzisi vazhinji kuti vadzidzise zvinodiwa nenzeve dzavo. Vachafuratidza nzeve dzavo kuchokwadi uye vachatsaukira kungano.

Tito 1:9-16

Anofanira kubatisisa shoko rechokwadi sezvarakadzidziswa, kuitira kuti agokurudzira vamwe nedzidziso yakarurama uye agodzivisa vaya vanoipikisa. Nokuti kune vazhinji vasingateereri vanongotaura zvisina maturo uye vanyengeri, zvikuru sei vaya veboka rokudzingiswa. Vanofanira kunyaradzwa miromo yavo, nokuti vari kuparadza mhuri dzizere vachidzidzisa zvinhu zvavasingafaniri kudzidzisa, uye vachizviita kuti vawane pfuma yakaipa. Kunyange mumwe wavaprofita wavo akati, “VaKirete vanogara vachireva nhema, zvikara zvakaipa, simbe dzinokara.” Uchapupu uhu ndohwechokwadi. Naizvozvo vatsiure zvikuru, kuti varurame pakutenda uye kuti varege kuteerera ngano dzavaJudha, kana kurayira kwavanhu vakaramba chokwadi. Kune vakachena, zvinhu zvose zvakachena, asi kuna avo vakaora uye vasingatendi, hakuna chinhu chakachena. Asi kutoti zvose pfungwa dzavo nehana dzavo zvakaora. Vanoti vanoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo. Vanonyangadza, havateereri uye havana kufanirwa nokuita chinhu chakanaka.

Tito 2:1-2

Unofanira kudzidzisa zviri maererano nedzidziso yakarurama. Dzidzisa varume vakuru kuti vave vanozvibata, vakafanira kukudzwa, vanozvidzora, uye vakarurama mukutenda, murudo nomukutsungirira.

Tito 2:3-5

Saizvozvowo, dzidzisa vakadzi vakuru kuti vave nomufambiro wakafanira, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi kuti vadzidzise zvakanaka. Uye kuti vadzidzise vakadzi vaduku kuti vade varume vavo navana vavo, kuti vave vanozvidzora uye vakachena, vanoshanda kumba, vave vanyoro uye kuti vazviise pasi pavarume vavo, kuitira kuti pashayikwe angazvidza shoko raMwari.

Tito 2:6-8

Zvimwe chetezvo, kurudzira majaya kuti azvidzore. Pazvinhu zvose iwe uvaratidze somuenzaniso nokuita zvakanaka. Pakudzidzisa kwako udzidzise zvakakwana, uchirevesa uye nokutaura kwakarurama kusingagoni kushorwa, kuitira kuti vaya vanokupikisa vanyadziswe nokuti havana chinhu chavangareva pamusoro pedu.

Tito 2:9-10

Udzidzise varanda kuti vazviise pasi pavanavatenzi vavo pazvinhu zvose kuti vavafadze, varege kupindurana navo, uye kuti varege kuvabira, asi kuti varatidze kuti vakatendeka zvikuru kwazvo, kuitira kuti vashongedze dzidziso yaMwari Muponesi wedu pazvinhu zvose.

Tito 3:9-11

Asi unzvenge mibvunzo youpenzi nenhoroondo dzamazita amadzitateguru, negakava nokukakavara pamusoro pomurayiro, nokuti izvi hazvina maturo uye hazvibatsiri. Yambira munhu anotsausa kokutanga uye ugomuyambirazve kechipiri. Mushure mezvo usava nechokuita naye. Uve nechokwadi chokuti munhu akadaro akatsauka uye mutadzi; akazvirasa iye amene.

VaHebheru 2:1-3

Saka tinofanira kuteerera zvikuru, izvo zvatakanzwa, kuitira kuti tirege kutsauka. Nokuti kana shoko rakataurwa navatumwa rakanga rakasimba, uye kana kudarika nokusateerera kwose kwakapiwa chirango chakafanira, ko, isu tichapunyuka sei kana tisina hanya noruponeso rwakakura zvakadai? Ruponeso urwu rwakatanga kuziviswa naIshe, rwakasimbiswa kwatiri naavo vakamunzwa.

VaHebheru 3:12

Hama dzangu, chenjererai kuti pakati penyu pasava nomunhu ano mwoyo usingatendi, une zvivi, unotsauka kubva kuna Mwari mupenyu.

VaHebheru 3:18-19

Uye ndivanaaniko vakapikirwa mhiko naMwari kuti havangapindi muzororo rake kana vasiri ivo vaya vasina kuteerera? Saka tinoona kuti havana kukwanisa kupinda, nokuda kwokusatenda kwavo.

VaHebheru 4:12-13

Nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba. Rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kunyange kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo. Hakuna chisikwa chakavanzika pamberi paMwari. Zvinhu zvose zviri pachena uye zvakafukurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.

VaHebheru 6:4-6

Nokuti hazvigoni kuti vaya vakambovhenekerwa, vaya vakamboravira chipo chokudenga, vakagoverwa Mweya Mutsvene, vakaravira kunaka kweshoko raMwari uye namasimba enyika inouya, kuti vatendeukezve mushure mokunge vatsauka, nokuti pakurasikirwa kwavo vanorovererazve Mwanakomana waMwari, vachimunyadzisa pachena.

VaHebheru 10:26-29

Nokuti kana tikaramba tichitadza tichida, kana takambogamuchira ruzivo rwechokwadi, hakuchisinazve chimwe chibayiro chezvivi, asi kungomirira tichitya kutongwa nokutsamwa kunopfuta somoto, kuchapedza vavengi vaMwari. Munhu wose akaramba murayiro waMozisi akafa asinganzwirwi tsitsi pamberi pezvapupu zviviri kana zvitatu. Ko, munofunga kuti munhu, akatsika pasi petsoka dzake Mwanakomana waMwari uye akatora ropa resungano iri rakamuita mutsvene sechinhu chisiri chitsvene uye akatuka Mweya wenyasha, anofanira kurangwa zvikuru sei?

VaHebheru 12:15-17

Chenjerai kuti kurege kuva nomunhu anorasikirwa nenyasha dzaMwari kuitira kuti mudzi wokuvava urege kumera kuti ugotambudza uye ugosvibisa vazhinji. Chenjerai kuti kurege kuva nevanoita upombwe, kana nousina umwari saEsau, uyo akatengesa nhaka youdangwe hwake nokuda kwokudya kamwe chete. Nokuti sezvamunoziva kuti pashure akati oda kugamuchira nhaka yokuropafadzwa, akarambwa. Nokuti haana kutendeuka, kunyange zvake akatsvaka mukomborero uyo nemisodzi.

VaHebheru 13:9

Musatorwa nedzidziso dzimwe dzose dzose dzisingazivikanwi. Zvakanaka kuti mwoyo yedu isimbiswe nenyasha, kwete nezvokudya zvemitambo, zvisina kubatsira vaya vakazvidya.

Jakobho 1:3-5

nokuti munoziva kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira. Kutsungirira kunofanira kupedza basa rako kuitira kuti imi mukure uye muve vakakwana, musingashayiwi chinhu. Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopa zvakawanda kuna vose asingatsvaki mhosva, uye achapiwa hake.

Jakobho 1:22-24

Musangova vanzwi veshoko bedzi, uye nokudaro muchizvinyengera. Itai zvarinoreva. Ani naani anoteerera kushoko asi asingaiti zvarinoreva akaita somunhu anotarira chiso chake muchionioni uye, mushure mokuzvitarira, anoenda uye nokukurumidza anokanganwa kuti anoratidzika sei.

Jakobho 3:1-2

Vazhinji venyu havafaniri kuva vadzidzisi, hama dzangu, nokuti munoziva kuti isu tinodzidzisa tichatongwa zvikuru. Tose tinogumbuswa munzira dzakawanda. Kana pano munhu asingatongokanganisi pakutaura kwake, iye munhu akakwana, anogona kudzora muviri wake wose.

Jakobho 3:5-6

Saizvozvo, rurimi mutezo muduku womuviri, asi runozvikudza zvikuru. Cherechedzai kukura kwesango rinopiswa nebari duku romoto. Rurimi motowo, inyika yezvakaipa pakati pemitezo yomuviri. Runoodza muviri wose, runotungidza nzira yose youpenyu hwomunhu nomoto, uye irwo pacharwo runotungidzwa neGehena.

1 Petro 2:7-8

Zvino kunemi vanotenda, iri ibwe rinokosha. Asi kuna avo vasingatendi, “Ibwe rakaraswa navavaki ndiro rava musoro wekona,” uye, “Ibwe rinogumbusa vanhu nedombo rinoita kuti vawe.” Vanogumburwa nokuti havateereri shoko, zvinova ndizvo zvavakatemerwawo.

1 Petro 3:10

Nokuti, “Uyo anoda upenyu kuti agoona mazuva akanaka anofanira kudzora rurimi rwake pane zvakaipa, nemiromo yake pakutaura zvinonyengera.

1 Petro 3:15-16

Asi mumwoyo menyu tsaurai Kristu saIshe. Mugare makazvigadzirira nguva dzose kupindura vose vanokubvunzai pamusoro petariro yamunayo. Asi muite izvozvo nounyoro uye nokukudza, muchichengeta hana yakachena, kuitira kuti vaya vanotaura zvakaipa pamusoro pamafambiro enyu akanaka muna Kristu vanyadziswe pakureva kwavo.

1 Petro 5:8-9

Muzvidzore uye musvinure. Muvengi wenyu dhiabhori anofamba-famba achiomba seshumba inotsvaka waingadya. Mumudzivise, mumire makasimba mukutenda, nokuti munoziva kuti hama dzenyu munyika yose dziri kutambudzika saizvozvo.

2 Petro 1:20-21

Pamusoro pazvo zvose, munofanira kunzwisisa kuti hakuna chiprofita choRugwaro chakauya nokungodudzira kwomuprofita pachake oga. Nokuti hakuna chiprofita chakatongouya nokuda kwomunhu, asi vanhu vakataura zvaibva kuna Mwari vachisundwa noMweya Mutsvene.

2 Petro 2:1-3

Asi kwakanga kuna vaprofita venhema pakati pavanhu, sezvavachavapowo vadzidzisi venhema pakati penyu. Vachazivisa pakavanda dzidziso dzinoparadza, vachiramba kunyange naiye Ishe tenzi akavatenga, vachiuyisa pamusoro pavo kuparadzwa kunokurumidza. Vazhinji vachatevera nzira dzavo dzinonyadzisa uye nzira yezvokwadi ichazvidzwa. Mukukara kwavo, vadzidzisi ava vachakunyengerai namashoko amanomano. Kutongwa kwavo kwakanguva kwavamirira, uye kuparadzwa kwavo hakukotsiri.

2 Petro 2:20-21

Kana vakatiza kuora kwenyika ino nokuda kwokuziva Ishe wedu noMuponesi Jesu Kristu uye vakasungwazve mazviri uye vakundwa nazvo, vaipa pakupedzisira kupfuura zvavakanga vari pakutanga. Zvaiva nani kwavari kuti dai vasina kumboziva havo nzira yokururama, pano kuti vaizive, ipapo vagozofuratira murayiro mutsvene wakanga wapiwa kwavari.

2 Petro 3:16

Anonyora zvimwe chetezvo mutsamba dzake dzose, achitaura nyaya idzodzi. Tsamba dzake dzine zvimwe zvikukutu kuti zvinzwisiswe, zvinominamiswa navasingazivi uye vanhu vasina simba, sezvavanoita mamwe Magwaro, kusvikira vaparadzwa.

2 Petro 3:17-18

Naizvozvo vadikani, sezvo mava kuziva zvinhu izvi, garai makarindira kuti murege kutsauswa nokudarika kwavasina murayiro uye mukawa kubva pakusimba kwenyu. Asi kurai munyasha nomukuziva Ishe noMuponesi wedu, Jesu Kristu. Ngaave nokubwinya zvino nokusingaperi. Ameni.

1 Johani 1:5-6

Iyi ndiyo mharidzo yatakanzwa kwaari uye yatinoparidza kwamuri kuti: Mwari ndiye chiedza; maari hamuna rima zvachose. Kana tichiti tinowadzana naye asi tichifamba murima, tinoreva nhema uye hatigari muchokwadi.

1 Johani 2:3-6

Tinoziva kuti isu tinomuziva kana tichiteerera mirayiro yake. Munhu anoti, “Ndinomuziva,” asi asingaiti zvaanorayira, iyeye murevi wenhema, uye chokwadi hachizi maari. Asi kana munhu achiteerera shoko rake, zvirokwazvo rudo rwaMwari runokwaniswa maari. Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tiri maari: Ani naani anozviti anogara maari anofanira kufamba sokufamba kwakaita Jesu.

1 Johani 2:26-27

Ndiri kunyora zvinhu izvi kwamuri pamusoro pavaya vanoedza kukutsausai. Kana murimi, kuzodzwa kwamakagamuchira kubva kwaari kunogara mamuri, uye hamutsvaki mumwe munhu kuti akudzidzisei. Asi sezvo kuzodza kwake kuchikudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose uye sezvo kuzodza ikoko kuri kwechokwadi, kwete kwenhema, sezvakwakakudzidzisai, garai maari.

1 Johani 4:1-3

Shamwari dzinodikanwa, musatenda mweya yose yose, asi edzai mweya kuti muone kana ichibva kuna Mwari, nokuti vaprofita vazhinji venhema vakapinda munyika. Aya ndiwo maziviro amungaita Mweya waMwari: mweya mumwe nomumwe unopupura kuti Jesu Kristu akauya munyama unobva kuna Mwari, asi mweya wose usingapupuri Jesu haubvi kuna Mwari. Ndiwo mweya waandikristu, wamakanzwa kuti uri kuuya uye kunyange iye zvino watova munyika.

1 Johani 4:5-6

Ivo ndevenyika, naizvozvo vanotaura sevenyika, uye nyika inovanzwa. Isu tinobva kuna Mwari, uye ani naani anoziva Mwari anotinzwa; asi ani naani asingabvi kuna Mwari haatinzwi. Izvi ndizvo zvinoita kuti tizive mweya wechokwadi nomweya wenhema.

2 Johani 1:6

Uye urwu ndirwo rudo: kuti tifambe mukuteerera mirayiro yake. Sezvamakanzwa kubva pakutanga, murayiro wake ndewokuti mufambe murudo.

2 Johani 1:7-8

Vanyengeri vazhinji, vasingapupuri kuti Jesu Kristu akauya munyama, vakapinda munyika. Munhu akadaro ndiye munyengeri naandikristu. Muchenjere kuti murege kurasikirwa nezvamakashandira, asi kuti mugopiwa mubayiro wakakwana.

2 Johani 1:9-11

Mumwe nomumwe anomhanya mberi asingarambiri mudzidziso yaKristu haana Mwari; ani naani anorambira mukudzidzisa kwaKristu ana Baba noMwanakomana. Kana munhu akauya kwamuri uye asingauyi nedzidziso iyi, musamupinza mumba menyu kana kumugamuchira. Ani naani anomugamuchira anogovana naye mubasa rake rakaipa.

3 Johani 1:9-10

Ndakanyorera kukereke, asi Dhiotirefesi, iye anoda kuva mukuru, akati haagamuchiri zvatinotaura. Saka kana ndauya, ndichamuyeuchidza mabasa ake aanoita, okunyeya, nokuitira godo. Kwete izvozvo zvoga, anorambawo kugamuchira hama. Anodzivisawo vaya vanoda havo kuita izvozvo uye achivabudisa mukereke.

Judha 1:3-4

Shamwari dzinodikanwa, kunyange ndakanga ndichishingairira kuti ndinyore kwamuri pamusoro poruponeso rwatinogovana, ndakafunga kuti ndinofanira kunyora ndichikukurudzirai kuti murwire kutenda kwakapiwa vatsvene kamwe. Nokuti vamwe varume vane kutongwa kwavo kwakanyorwa nezvako kare, vakapinda muchivande pakati penyu. Ivo vanhu vasina umwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidzitora semvumo yokuita upombwe, uye vachiramba Jesu Kristu, Ishe naTenzi wedu mumwe oga.

Zvakazarurwa 2:2

Ndinoziva mabasa ako, kubata kwako nesimba uye nokutsungirira kwako. Ndinoziva kuti haudi kuonana navanhu vakaipa, uye kuti wakaedza avo vanozviti vapostori asi vasiri ivo, uye ukavawana vari venhema.

Zvakazarurwa 2:9

Ndinoziva kutambudzika kwako nourombo hwako, asi uri mupfumi! Ndinoziva kutuka kwaavo vanozviti vaJudha uye vasiri ivo, asi vari vesinagoge raSatani.

Zvakazarurwa 2:14-16

Kunyange zvakadaro, ndine zvinhu zvishoma zvandinovenga pauri: Una vanhu ipapo vanobatisisa dzidziso yaBharamu, uyo akadzidzisa Bharaki kuti anyengere vaIsraeri kuti vatadze vachidya zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo uye nokuita upombwe. Saizvozvowo, una vamwe vanobatirira kudzidziso yavaNikoraiti. Naizvozvo, tendeuka! Zvikasadaro, ndichakurumidza kuuya kuzovarwisa nomunondo womuromo wangu.

Zvakazarurwa 2:20

Kunyange zvakadaro, ndine mhosva iyi newe: Uri kutendera mukadzi uya Jezebheri, anozviti muprofitakadzi. Nokudzidzisa kwake anotsausa varanda vangu kuti vaite upombwe uye kuti vadye zvakabayirwa kuzvifananidzo.

Zvakazarurwa 3:15-17

Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori kana kupisa. Ndaida kuti uve chimwe chaizvozvi! Saka nokuda kwokuti unodziya zvishoma, haupisi kana kutonhora, ndava kuda kukusvipa kubva mumuromo mangu. Unoti, ‘Ndakapfuma; ndakawana pfuma uye handina chandinoshayiwa.’ Asi hauzivi kuti une nhamo, unonzwisa urombo, uri murombo, uri bofu uye hauna kusimira.

Zvakazarurwa 3:19

Avo vandinoda ndinovatsiura uye ndinovaranga. Saka shingaira, utendeuke.

Zvakazarurwa 12:9-11

Shato huru yakakandwa pasi, iyo nyoka yekare inonzi dhiabhori, kana kuti Satani, anotsausa nyika yose. Akakandwa panyika pamwe chete navatumwa vake. Ipapo ndakanzwa inzwi guru kudenga richiti: “Zvino ruponeso nesimba noumambo hwaMwari wedu zvasvika, uye nesimba raKristu wake. Nokuti mupomeri wehama dzedu, iye anovapomera pamberi paMwari wedu masikati nousiku, akandwa panyika. Vakamukunda neropa reGwayana uye neshoko rokupupura kwavo; havana kuda upenyu hwavo zvakanyanya zvokuti vangatya kufa.

Zvakazarurwa 18:4

Ipapo ndakanzwa rimwe inzwi kudenga richiti: “Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kugovana naro muzvivi zvaro, kuti murege kugamuchira matambudziko aro api zvawo;

Zvakazarurwa 18:23

Chiedza chomwenje hachichazovhenekerizve mauri. Inzwi rechikomba neromwenga hazvichazonzwikwazve mauri. Vashambadziri vako vakanga vari vakuru venyika. Nouroyi hwako ndudzi dzose dzakatsauswa.

Zvakazarurwa 19:20

Asi chikara chakabatwa, pamwe chete nomuprofita wenhema akanga aita zviratidzo pachinzvimbo chacho. Nezviratidzo izvi akanga atsausa avo vakanga vagamuchira mucherechedzo wechikara uye vanamata mufananidzo wacho. Vaviri ava vakakandwa mudziva romoto unopfuta nesafuri vari vapenyu.

Zvakazarurwa 20:2-3

Akabata shato, iyo nyoka yakare, anova ndiye dhiabhori, kana kuti Satani, uye akamusunga kwamakore chiuru. Akamukanda mugomba rakadzika zvisina mugumo, akarikiya, akaisa chisimbiso pamusoro pake, kuti amudzivise kuzonyengerazve ndudzi kusvikira makore chiuru apera. Shure kwaizvozvo, anofanira kusunungurwa kwechinguva chiduku.

Zvakazarurwa 20:10

Uye dhiabhori, uyo akavanyengera, akakandwa mudziva rinopfuta nesafuri, makanga makandwa chikara nomuprofita wenhema. Vacharwadziwa masikati nousiku nokusingaperi-peri.

Zvakazarurwa 21:8

Asi vanotya, vasingatendi, navanonyangadza, mhondi, nemhombwe, navanoita zvouroyi, vanonamata zvifananidzo navanoreva nhema, nzvimbo yavo ichava mudziva romoto rinopfuta nesafuri. Urwu ndirwo rufu rwechipiri.”

Zvakazarurwa 21:27

Hakuna chinhu chine tsvina chichazopinda imomo, uye kana upi zvake anoita zvinonyadzisa kana zvounyengeri, asi avo chete vana mazita akanyorwa mubhuku roupenyu reGwayana.

Zvakazarurwa 22:15

Kunze ndiko kune imbwa, vaya vanoita zvouroyi, mhombwe, mhondi, vanonamata zvifananidzo navose vanoda nhema uye vachidziita.

Zvakazarurwa 22:18-19

Ndinoyambira mumwe nomumwe anonzwa mashoko ouprofita hwebhuku iri ndichiti: Kana munhu upi zvake akawedzera chinhu chipi zvacho kwaari, Mwari achawedzera kwaari matambudziko akanyorwa mubhuku iri. Uye, kana munhu upi zvake akatapudza mashoko kubva mubhuku iri rouprofita, Mwari achabvisa kubva kwaari mugove wake pamuti woupenyu nomuguta dzvene, izvo zvakanyorwa mubhuku iri.

Shona - Shona - SN

SNCB'17 - Bhaibheri Dzvene Muchishona Chanhasi Contemporary - 2017

This Bible text is from Biblica Open Shona Contemporary Bible 2017
https://open.bible/bibles/shona-biblica-text-bible/
provided by: Biblica Inc, available by Creative Commons CC-BY-SA-4.0,
and this new compilation is shared as www.creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0.
Languages are made available to you by www.ipedge.net