23 – Rudo
Aya ndiwo mashoko matsvene aMwari Wemasimbaose.
Hatina basa nemashoko evanhu.
Chero ani zvake anoda Mwari . . . Izvi ndizvo zvinotaurwa naMwari pamusoro pazvo: Rudo.
Aya ndiwo mashoko matsvene aMwari Wemasimbaose.
Hatina basa nemashoko evanhu.
Chero ani zvake anoda Mwari . . . Izvi ndizvo zvinotaurwa naMwari pamusoro pazvo: Rudo.
“Asi ndinokuudzai imi munondinzwa kuti: Idai vavengi venyu, itai zvakanaka kuna avo vanokuvengai, ropafadzai vanokutukai, nyengetererai vaya vanokunetsai. Kana mumwe akakurova rimwe dama, mupezve rimwe racho. Kana mumwe akakutorera nguo yako yokunze, usamudzivisa kutorawo nguo yomukati.
”Shamwari dzinodikanwa, ngatidananei, nokuti rudo runobva kuna Mwari. Mumwe nomumwe anoda akaberekwa naMwari uye anoziva Mwari. Ani naani asingadi haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo. Mwari akaratidza rudo rwake pakati pedu sezvizvi: Akatuma Mwanakomana wake mumwe woga munyika kuti tive noupenyu kubudikidza naye. Urwu ndirwo rudo: kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye akatida uye akatuma Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chinoyananisa zvivi zvedu. Shamwari dzinodikanwa, sezvo Mwari akatida zvakadai, isu tinofanirawo kudanana.
”“Munhu asina tariro anofanira kuwana rudo rweshamwari dzake, kunyange iye arega kutya Wamasimba Ose.
”Nokuda kwechikonzero ichi, murume achasiya baba namai vake agonamatira kumukadzi wake, uye vachava nyama imwe.
”Saka Jakobho akashanda kwamakore manomwe kuti awane Rakeri, asi akaita samazuva mashoma chete kwaari nokuda kworudo rwake kwaari.
”Kudza baba vako namai vako, kuti ugorarama mazuva mazhinji munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
”Usachiva imba yomuvakidzani wako. Usachiva mukadzi womuvakidzani wako, kana murandarume wake, kana murandakadzi wake, kana nzombe yake, kana mbongoro yake, kana chinhu chipi zvacho chomuvakidzani wako.”
”“Kana ukaona nzombe yomuvengi wako kana mbongoro yake yarasika, ona kuti waidzosera kwaari. Kana ukaona mbongoro yomunhu anokuvenga yawira pasi nokuda kwokuremerwa, usaisiya ipapo; iva nechokwadi kuti wamubatsira pairi.
”Uye akapfuura napamberi paMozisi, achizivisa achiti, “Jehovha, Jehovha, Mwari ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo uye akatendeka,
”“ ‘Usavenga hama yako mumwoyo mako. Tsiura muvakidzani wako zviri pachena kuitira kuti usazova nomugove pamhosva yake. “ ‘Usatsvaka kutsiva kana kugara nedaka nomumwe wavanhu vokwako, asi ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe. Ndini Jehovha.
”Mutorwa anogara nemi anofanira kubatwa sechizvarwa chenyu. Mudei sokuda kwamunozviita imi nokuti maiva vatorwa muIjipiti. Ndini Jehovha Mwari wenyu.
”“ ‘Kana mumwe wehama dzenyu akava murombo uye asisagoni kuzviriritira pakati penyu, mubatsirei sezvamunoita mutorwa kana mueni kuti arambe achigara pakati penyu. Musatora mhindu yemhando ipi zvayo kubva kwaari, asi ityai Mwari wenyu kuitira kuti hama yenyu irambe ichigara pakati penyu. Hamufaniri kumukweretesa mari muchiti ichazobereka mhindu kana kumutengesera zvokudya zvine mhindu.
”Zvino Mozisi akanga ari munhu akazvininipisa kwazvo, akazvininipisa kupfuura ani zvake pamusoro penyika.
”Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose uye nesimba rako rose.
”Naizvozvo zivai kuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari; iye ndiMwari akatendeka anochengeta sungano yake yorudo kusvikira kumarudzi ane chiuru chamarudzi kuna avo vanomuda uye vanochengeta mirayiro yake. Asi vaya vanomuvenga achatsiva pamberi pavo nokuparadza; haachazononoki kutsiva pamberi pavo ivo vaya vanomuvenga.
”Anoruramisira nherera nechirikadzi, uye anoda mutorwa, agomupa zvokudya nezvokupfeka. Uye munofanira kuda vatorwa, nokuti imi maimbovawo vatorwa muIjipiti.
”Idai Jehovha Mwari wenyu uye muchengete zvaakatema, mitemo yake, nemirayiro yake uye nezvaakarayira, nguva dzose.
”Saka kana mukateerera mirayiro yandinokupai nhasi makatendeka, mukada Jehovha Mwari wenyu uye mukamushumira nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose,
”hamufaniri kuteerera mashoko omuprofita kana muroti uyo. Jehovha Mwari wenyu ari kukuedzai kuti aone kana muchimuda nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose.
”Upe zvakawanda uye urege kumupa nomwoyo unogununʼuna; ipapo nokuda kwechinhu ichi Jehovha Mwari wako achakuropafadza mumabasa ako ose uye pane chimwe nechimwe chaunobata noruoko rwako. Varombo vachagara varimo munyika. Naizvozvo ndinokurayira kuti utambanudze maoko kuhama dzako varombo navanoshayiwa munyika yako.
”Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuuya nechipo chakaenzanirana nokuropafadzwa kwaakaitwa naJehovha Mwari wenyu.
”Jehovha Mwari wenyu achadzingisa mwoyo yenyu nemwoyo yezvizvarwa zvenyu, kuitira kuti mugomuda nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose, mugorarama.
”Uye ugoda Jehovha Mwari wako, uteerere inzwi rake, uye ugobatirira paari. Nokuti Jehovha ndiye upenyu hwako, uye achakupa makore mazhinji munyika yaakapika kuti achaipa kumadzibaba enyu Abhurahama, Isaka naJakobho.
”Asi muchenjerere kwazvo kuti muchengete murau nomurayiro wake, munamatire paari uye mumushumire nemwoyo yenyu yose, uye nemweya yenyu yose.”
”“Usaramba uchitaura uchizvikudza uye manyawi ngaarege kubuda mumuromo mako, nokuti Jehovha ndiMwari anoziva, uye naye mabasa anoyerwa.
”Dhavhidhi akati apedza kutaura naSauro, Jonatani akanamatirana naDhavhidhi mumweya, uye akamuda sezvaaizvida iye. Kubva pazuva iroro, Sauro akachengeta Dhavhidhi uye haana kuzomutendera kuti adzokere kumba kwababa vake. Uye Jonatani akaita sungano naDhavhidhi nokuti aimuda sezvaaizvida iye. Jonatani akakurura nguo yaakanga akapfeka akaipa kuna Dhavhidhi, pamwe chete nechunika yake, uye kunyange munondo wake, uta hwake nebhanhire rake.
”Mushure mokuenda kwomukomana, Dhavhidhi akasimuka nechokurutivi rwezasi rwedombo akakotamira Jonatani katatu, chiso chake chakatsikitsira. Ipapo vakasvetana vakachema pamwe chete asi Dhavhidhi akanyanyisa kuchema. Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “Chienda hako norugare, nokuti takapikirana ushamwari pakati pedu muzita raJehovha, tichiti, ‘Jehovha ndiye chapupu pakati pako neni, uye pakati pezvizvarwa zvako nezvizvarwa zvangu nokusingaperi.’ ” Ipapo Dhavhidhi akabva, Jonatani akadzokerawo muguta.
”“Munhu asina tariro anofanira kuwana rudo rweshamwari dzake, kunyange iye arega kutya Wamasimba Ose.
”Rangarirai, imi Jehovha, ngoni dzenyu huru norudo, nokuti zvakabvira kare. Regai kurangarira zvivi zvouduku hwangu, nenzira dzangu dzandaikumukirai nadzo; ndirangarirei nokuda kworudo rwenyu, nokuti makanaka, imi Jehovha.
”Anotungamirira vanozvininipisa mune zvakarurama, uye anovadzidzisa nzira yake.
”Nzira dzose dzaJehovha ndedzorudo nokutendeka, kuna avo vanochengeta zvirevo zvesungano yake.
”Idai Jehovha, imi vatsvene mose! Jehovha anochengetedza vakatendeka, asi anotsiva zvizere vanozvikudza.
”Rudo rwenyu, imi Jehovha, runosvika kudenga denga, kutendeka kwenyu kunosvika kumakore. Kururama kwenyu kwakaita segomo guru guru, kururamisira kwenyu sepakadzika dzika. Haiwa Jehovha, imi munochengetedza zvose munhu nemhuka. Haiwa rudo rwenyu rusingatongoperi runokosha sei! Vose vakuru navaduku pakati pavanhu vanovanda mumumvuri wamapapiro enyu.
”Regai kundinyima ngoni dzenyu, imi Jehovha; rudo rwenyu nechokwadi chenyu ngazvindidzivirire nguva dzose.
”Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Akaropafadzwa uyo ane hanya navasina simba; Jehovha anomurwira panguva dzokutambudzika. Jehovha achamudzivirira uye achachengetedza upenyu hwake; achamuropafadza panyika uye haangamuisi kuchido chavavengi vake. Jehovha achamuraramisa panhoo yake yourwere uye achamuponesa panhoo yake yourwere.
”Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Panguva yakauya muprofita Natani kwaari shure kwokuita upombwe kwaDhavhidhi naBhatishebha. Ndinzwirei tsitsi, imi Mwari, nokuda kworudo rwenyu rusingaperi; dzimai kudarika kwangu nokuda kwengoni dzenyu huru.
”Ndipindurei, imi Jehovha, zvichibva pakunaka kworudo rwenyu; dzokerai henyu kwandiri nokuda kwetsitsi dzenyu huru.
”Imi munokanganwira uye makanaka, imi Ishe, muzere norudo kuna vose vanodana kwamuri.
”Asi, imi Ishe, mune tsitsi uye muri Mwari ane nyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo nokutendeka.
”Ani naani anoitira muvakidzani wake makuhwa pakavanda, iyeye ndiye wandichaita kuti anyarare; ani naani ane meso anozvikudza nomwoyo unozvikudza, iyeye handingamuregi akadaro.
”Jehovha ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo. Haangarambi achipomera mhosva, uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi; haatiitiri sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu. Nokuti sokukwirira kwaakaita kudenga kumusoro kwenyika, ndizvo zvakaita kukura kworudo rwake kuna vanomutya; sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwatiri.
”Asi kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi, rudo rwaJehovha rwuri pane avo vanomutya, nokururama kwake kuvana vavana vavo,
”Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.
”Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye nokuda kwamabasa anoshamisa aakavaitira, nokuti anogutsa vane nyota, uye vane nzara anovazadza nezvakanaka.
”Nokuti rudo rwake kwatiri rukuru, uye kutendeka kwaJehovha kunogara nokusingaperi. Rumbidzai Jehovha.
”Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi. Zvakanaka uye zvinofadza sei kana hama dzichigara pamwe chete mukubatana!
”Vongai Mwari wokudenga, Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
”Jehovha ane nyasha uye ane tsitsi, anononoka kutsamwa uye azere norudo. Jehovha akanaka kuna vose; uye ane nyasha pamusoro pezvose zvaakaita.
”Jehovha anotsigira vanozvininipisa, asi anowisira pasi vakaipa.
”Rudo nokutendeka ngazvirege kukusiya; uzvisungirire pamutsipa wako, zvinyore pahwendefa romwoyo wako.
”Inwa mvura pachirongo chako chaicho, mvura inoerera patsime rako chairo. Ko, zvitubu zvako zvinofanira kuerera mumigwagwa here; nzizi dzako dzemvura pazvivara? Ngadzive dzako woga, hadzitombofaniri kugoveranwa navatorwa. Tsime rako ngariropafadzwe, uye ufadzwe nomudzimai woujaya hwako. Sehadzi yengururu inofadza, nehadzi yenondo yakanaka, mazamu ake ngaakufadze nguva dzose, ugare uchigutswa norudo rwake. Unosungirweiko, mwanakomana wangu, nomukadzi chifeve? Unombundikirireiko chipfuva chomukadzi womumwe murume?
”Pane zvinhu zvitanhatu zvakavengwa naJehovha, zvinomwe zvinomunyangadza zvinoti: meso anozvikudza, rurimi runoreva nhema, maoko anodeura ropa risina mhosva, mwoyo unoronga mano akaipa, tsoka dzinokurumidza kumhanyira muzvakaipa, chapupu chenhema chinodurura nhema, uye munhu anomutsa kupesana pakati pehama.
”Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa; ndinovenga kuzvikudza namanyawi, maitiro akaipa nokutaura kunonyangadza.
”Ndinoda avo vanondida, uye vaya vanonditsvaka vanondiwana.
”Ruvengo runomutsa kupesana, asi rudo runofukidzira zvakaipa zvose.
”Kana kuzvikudza kwasvika, ipapo kunyadziswa kwasvikawo, asi uchenjeri huri kune akazvininipisa.
”Munhu ane tsitsi anozviitira zvakanaka iye pachake, asi munhu ane utsinye anozviunzira dambudziko.
”Mumwe munhu anongopa pachena, asi achitowana zvimwe zvakawanda; mumwe anonyima zvaanofanira kupa, asi agova murombo. Munhu anopavhurira achabudirira; uyo anomutsiridza vamwe achamutsiridzwawo.
”Anorega kushandisa shamhu anovenga mwanakomana wake, asi uyo anomuda anochenjerera kumuranga.
”Uyo anozvidza muvakidzani wake anotadza, asi akaropafadzwa ane tsitsi kune vanoshayiwa.
”Uyo anomanikidza varombo anoratidza kuti anozvidza Musiki wavo, asi ani naani ane hanya nevanoshayiwa anokudza Mwari.
”Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.
”Jehovha anoparadza imba yomunhu anozvikudza, asi agochengeta miganhu yechirikadzi yakasimba.
”Jehovha anovenga vose vane mwoyo inozvikudza. Zvirokwazvo, havangaregi kurangwa. Kubudikidza norudo nokutendeka, chivi chinoyananisirwa, kubudikidza nokutya Jehovha munhu anorega kuita zvakaipa.
”Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa, mweya wamanyawi unotangira kuwa. Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavakadzvinyirirwa pane kugoverana zvakapambwa navanozvikudza.
”Mashoko anofadza akafanana nezinga rouchi, anozipa kumweya, anoporesa mapfupa.
”Uyo anofukidzira kudarika kwomumwe anotsvaka rudo, asi ani naani anomutsazve mhaka anoparadzanisa shamwari dzepedyo.
”Shamwari inoda panguva dzose, uye hama yakaberekerwa kupikisana.
”Rurimi rune simba roupenyu norufu, uye vaya vanoruda vachadya chibereko charwo.
”Munhu ane shamwari dzakawanda angangoparadzwa, asi kune shamwari inonamatira kupfuura hama.
”Uyo anonzwira varombo tsitsi anopa kuna Jehovha, uye achamupa mubayiro wezvaakaita.
”Chinodiwa nomunhu rudo rusingagumi; zviri nani kuva murombo pano kuva murevi wenhema.
”Kuita zvakarurama nokururamisira zvinonyanya kufadza Jehovha kupfuura chibayiro. Meso ana manyawi nomwoyo unozvikudza, mwenje woakaipa, ndizvo chivi!
”Kana munhu akadzivira nzeve dzake kumurombo, naiyewo achachema uye hapana achamunzwa.
”Uyo anotevera kururama norudo anowana upenyu, nokubudirira norukudzo.
”Uyo anorinda muromo wake norurimi rwake anozvidzivirira kubva panjodzi. Munhu anozvikudza uye ana manyawi “Mudadi” ndiro zita rake; anoita zvinhu namanyawi uye nokuzvikudza.
”Munhu anopa zvakawanda acharopafadzwa, nokuti anopa varombo zvokudya zvake.
”Dzinga museki, kukakavara kunobva kwaendawo; kupopotedzana nokutukana kunoguma. Uyo anoda mwoyo wakachena uye anotaura zvakanaka, achava shamwari yamambo.
”Kana muvengi wako ane nzara, mupe zvokudya adye; kana aine nyota, mupe mvura anwe. Mukuita izvi, uchaunganidzira mazimbe anopisa pamusoro wake, uye Jehovha achakupa mubayiro.
”Uyo anopa kuvarombo haangashayiwi chinhu, asi uyo anotsinzina meso ake kuvarombo achagamuchira kutukwa kuzhinji.
”Munhu akashatirwa anomutsa kupesana, uye munhu ane hasha anoita zvivi zvizhinji.
”Kuzvikudza kwomunhu kunomudzikisira pasi, asi munhu ane mweya wokuzvininipisa achawana kukudzwa.
”“Pane zvinhu zvitatu zvinondishamisa kwazvo, zvina zvandisinganzwisisi, zvinoti: nzira yegondo riri mudenga, nenzira yenyoka paruware, nenzira yechikepe pagungwa, uye nzira yomurume ane musikana.
”“Taurai pachinzvimbo chaavo vasingagoni kuzvitaurira, pamusoro pekodzero dzavose vanoshayiwa. Taura utonge zvakanaka; udzivirire kodzero dzavarombo navanoshayiwa.”
”Usakurumidza kutsamwa pamweya wako nokuti kutsamwa kunogara muchipfuva chamapenzi.
”Rwiyo Rukuru rwaSoromoni: Ngaanditsvode hake nokutsvoda kwomuromo wake. Nokuti rudo rwako runofadza kupfuura waini. Kunhuhwirira kwamafuta enyu kunofadza; zita renyu rakafanana namafuta anonhuwirira adururwa. Hazvishamisi kuti mhandara dzinokudai! Nditorei muende neni, ngatikurumidzei. Mambo ngaandipinze mudzimba dzake dzomukati. Tinokupembererai uye tinokufarirai; ticharumbidza rudo rwenyu kupfuura waini. Regai zvenyu mhandara dzikudei!
”Ndinokufananidza, iwe mudiwa wangu, nebhiza rakasungwa pane imwe yengoro dzaFaro. Matama ako akashongedzwa zvakanaka nemhete, mutsipa wako nezvuma zvamatombo anokosha. Tichakugadzirira mhete dzenzeve dzegoridhe nesirivha. Mambo paakanga agere patafura yake, munhuwi wamafuta andainge ndazora wakapararira. Mudiwa wangu, kwandiri akaita sakahomwe kemura kanogara pakati pamazamu angu. Mudiwa wangu, kwandiri akaita sesumbu ramaruva machena anobva mubindu remizambiringa yeEni Gedhi. Kunaka here kwawakaita uku, mudiwa wangu! A-a, wakazonaka! Meso ako injiva chaidzo! Wakanaka sei, mudiwa wangu! A-a, unofadza! Uye mubhedha wedu wakasvibira.
”Ndiri ruva reSharoni, ruva romumipata. Seruva riri pakati peminzwa, ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pemhandara. Somuti womuapuro pakati pemiti yesango, ndizvo zvawakaita mudiwa wangu pakati pamajaya. Ndinofarira kugara mumumvuri wake, uye muchero wake unondinakira kuudya. Akaenda neni kuimba yamabiko, uye mureza wake pamusoro pangu ndirwo rudo. Ndisimbise namazambiringa akaomeswa, ndisimbise namaapuro; nokuti ndoziya norudo. Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu, uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira. Imi vanasikana veJerusarema ndinokupikirai nemhara uye nenondo dzesango: Musazunguza kana kumutsa rudo kusvikira irwo rwada rwoga. Inzwai! Inzwi romudiwa wangu! Tarirai! Hoyo ouya achiuruka nomumakomo, achikwakuka nomuzvikomo. Mudiwa wangu akafanana nemhara kana netsvana yenondo. Tarirai! Hoyo amira seri kworusvingo rwedu, akatarira napamawindo achidongorera napamaburi apamawindo.
”Mudiwa wangu akataura kwandiri akati, “Simuka, mudiwa wangu, iwe munakunaku wangu, uya tiende tose. Tarira! Nguva yechando yapera; mvura yapera; uye haichanayi. Maruva oonekwa panyika; nguva yokuimba yasvika, kurira kwenjiva kwonzwikwa munyika yedu. Muonde wobereka michero yawo yokutanga; uye mizambiringa yotunga maruva ayo anonhuhwira kwazvo. Simuka, uya, mudiwa wangu; munakunaku wangu, uya tiende tose.” Njiva yangu iri mumikaha yedombo, munzvimbo dzokuvanda mumativi egomo, ndiratidze chiso chako, ndinoda kunzwa inzwi rako; nokuti inzwi rako rinotapira, uye chiso chako chinoyevedza. Tibatirei makava, ivo vana vemakava anoparadza minda yemizambiringa, iyo mizambiringa yedu yotunga maruva. Mudiwa wangu ndewangu uye ndiri wake; anofamba-famba pakati pamaruva omubani. Kusvikira zuva rabuda uye mimvuri yatiza, pinduka, mudiwa, ubve waita semhara kana tsvana pamusoro pezvikomo.
”Vanasikana veJerusarema, ndinokurayirai nemhara kana nenondo dzesango kuti: Musazunguza kana kumutsa rudo kusvikira irwo rwada rwoga. Ndianiko uyo ari kuuya achibva nokurenje seshongwe youtsi ine munhuwi wemura, nezvimwe zvinonhuhwira zvakagadzirwa nezvikuyiwa zvinonhuhwira zvavashambadzi?
”Wakanaka sei, mudiwa wangu! A, wakazonaka! Meso ako uri mumumbure injiva chaidzo. Bvudzi rako rakaita sedanga rembudzi riri kuburuka kubva muGomo reGireadhi. Meno ako akafanana neboka ramakwai achangobva mukuveurwa, ari kubva kundoshambidzwa. Rimwe nerimwe riine rarakafanana naro, pasina rimwe riri roga zvaro. Miromo yako yakafanana nomucheka mutsvuku; muromo wako wakaisvonaka. Zvavovo zvako zviri mumumbure wako zvakaita sezvikamu zviviri zvedamba. Mutsipa wako wakafanana neshongwe yaDhavhidhi yakavakwa zvinoyevedza. Mairi makaturikwa nhoo dzine chiuru, dzose dziri nhoo dzemhare. Mazamu ako ari maviri akafanana netsvana mbiri dzemhara, mapatya emhara dzinofura pamwe chete pakati pemaruva. Kusvikira zuva rabuda uye mimvuri yotiza, ndichaenda kugomo remura nokuchikomo chezvinonhuhwira. Wakaisvonaka iwe, mudiwa wangu; mauri hamuna kana chinongo.
”Watora mwoyo wangu hanzvadzi yangu, mwenga wangu; wanditora mwoyo nokungondiringa kwawaita kamwe chete, uye nedombo rimwe rinokosha rechishongo chomutsipa wako. Rudo rwako kwandiri runondifadza sei, hanzvadzi yangu, mwenga wangu! Rudo rwako runofadza sei kukunda waini, uye kunhuhwira kwamafuta ako okuzora kunokunda zvose zvinonhuhwira. Miromo yako inodonhesa zvinotapira sezinga rouchi, mwenga wangu; uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako. Kunhuhwira kwenguo dzako kwakafanana nokweRebhanoni. Uri bindu rakapfigwa, hanzvadzi yangu, mwenga wangu. Uri tsime rakakomberedzwa, nechitubu chakavakirirwa. Miti yako ibindu ramatamba nemimwe michero yakaisvonaka, hena nenaridhi, naridhi nesafuroni, karamusi, nesinamoni, nemiti yose inogadziriswa zvinonhuhwira nemura negavakava, uye nezvose zvinonhuhwira zvakanakisisa. Uri chitubu chomubindu, tsime remvura inoerera, inoerera ichibva kuRebhanoni. Muka, iwe mhepo yokumusoro, uye uya iwe mhepo yezasi! Vhuvhuta napabindu rangu kuti kunhuhwirira kwezvirimo kuparadzirwe kwose kwose. Rega mudiwa wangu apinde mubindu rake, agoravira michero yaro yakaisvonaka, sepaanodira.
”Ndauya zvangu mubindu rangu, hanzvadzi yangu, iwe mwenga wangu; ndaunganidza mura yangu pamwe chete nezvinonhuhwira zvangu. Ndadya zinga rangu rouchi nouchi hwangu; ndanwa waini yangu nomukaka wangu. Idyai, imi shamwari, uye munwe; inwai mugute, imi vanodanana. Ndakavata asi mwoyo wangu wakanga wakasvinura. Inzwai! Mudiwa wangu ari kugogodza, achiti, “Ndizarurire, hanzvadzi yangu, mudiwa wangu, njiva yangu, wangu asina chinongo. Musoro wangu wanyorova nedova, bvudzi rangu ranyoroveswa nounyoro hweusiku.” Ndabvisa nguo yangu, ndoipfekazve here? Ndashambidza tsoka dzangu, ndodzisvibisazve here? Mudiwa wangu akapinza ruoko rwake nepahwangwadza yomukova; mwoyo wangu wakatanga kumudokwairira.
”Imi vanasikana veJerusarema, ndinokurayirai, kana mukaona mudiwa wangu, muchamuudzeiko? Mumuudze kuti ndinorwara nerudo. Mudiwa wako akanaka kukunda vamwe pakudii, iwe zvako wakanaka kukunda vamwe vakadzi? Mudiwa wako akanaka kukunda vamwe pakudii, zvaunotirayira kudaro?
”Mudiwa wangu akanaka uye mutsvuku, anokunda vanokwana zviuru gumi. Musoro wake igoridhe chairo; bvudzi rake rinoyevedza uye rakasviba segunguo. Meso ake akafanana nenjiva dziri pahova dzemvura, dzakashambidzwa mumukaka, akarongwa sezvishongo. Matama ake akaita semihomba yezvinonhuhwira inobereka zvinonhuhwira. Miromo yake yakaita samaruva amahapa anodonha mura. Maoko ake itsvimbo dzegoridhe dzakaiswa mabwe anokosha ekrisorite. Muviri wake wakaita senyanga dzenzou dzinobwinya dzakashongedzwa nesafire. Makumbo ake imbiru dzamabwe machena akamiswa pazvigadziko zvegoridhe rakanatswa. Chimiro chake chakaita seRebhanoni, chakanakisisa semisidhari yayo. Muromo wake inhapitapi pachayo; zvirokwazvo akaisvonaka. Uyu ndiye mudiwa wangu, ndiye shamwari yangu, imi vanasikana veJerusarema.
”Ini ndiri womudiwa wangu uye mudiwa wangu ndowangu; anomema pakati pamaruva.
”Bvisa meso ako pandiri; anondikunda. Bvudzi rako rakaita sedanga rembudzi riri kuburuka muGireadhi.
”Dzakanaka sei tsoka dzako dzakapfekedzwa shangu, iwe mwanasikana womuchinda! Makumbo ako akanakisisa akaita sezvishongo, basa ramaoko emhizha. Guvhu rako rakatenderera somukombe unogara uine waini yakasanganiswa zvakanaka. Chiuno chako murwi wegorosi wakakomberedzwa namaruva. Mazamu ako akaita setsvana mbiri, mapatya emhara. Mutsipa wakaita seshongwe yakagadzirwa nenyanga dzenzou. Meso ako ndiwo madziva eHeshibhoni pasuo reBhati Rabhimi. Mhuno yako yakaita seshongwe yeRebhanoni yakatarisa kudivi reDhamasiko. Musoro wako unokushongedza nekorona seGomo reKarimeri. Bvudzi rako rakaita sezvirukwa zvomumba mamambo; mwoyo wamambo wakabatwa nokugadzirwa kwebvudzi rako. Wakanaka uye unofadza sei, iwe mudiwa nezvinofadza zvako! Chimiro chako chakaita somuti womuchindwe; uye mazamu ako samasumbu omuchero. Ndakati, “Ndichakwira muchindwi uyu, ndigobata muchero wawo.” Mazamu ako ngaaite samasumbu omuzambiringa, munhuwi wokufema kwako uite samaapuro, muromo wako ugoita sewaini yakanakisisa. Waini ngaiendeswe kumudiwa wangu chaiko, igoyerera zvinyoronyoro, napamiromo yake nameno ake.
”Ini ndiri womudiwa wangu, uye iye anondishuva. Uya, mudiwa wangu, ngatiendei kumunda, tigozopedza usiku hwose kumaruwa. Ngatimukirei kuminda yemizambiringa tindoona kana mizambiringa yakabukira, uye kana maruva awo azaruka, uye kana mitamba yatumbuka yava namaruva, ikoko ndiko kwandichakupa rudo rwangu. Miti yemidiwadiwa inopa kunhuhwira kwayo, uye pamusuo pedu pane zvinonaka zvose, zvose zvitsva nezvitsaru, zvandakachengetera iwe, mudiwa wangu.
”Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu, uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira.
”Imi vanasikana veJerusarema ndinokurayirai: Musazunguza kana kumutsa rudo kusvikira irwo rwada rwoga. Ndianiko uyo ari kuuya achibva kurenje akazendamira pamudiwa wake? Pasi pomuti womuapuro ndakakumutsa; ipapo mai vako vakakubereka, ipapo ivo vairwadziwa vakakubereka.
”Ndiise pamwoyo pako sechisimbiso, sechisimbiso paruoko rwako; nokuti rudo rwakasimba sorufu, godo rarwo seguva harishanduki. Runopisa serimi romoto, somurazvo mukuru kwazvo. Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; nzizi hadzigoni kurukukura. Kunyange munhu akapa pfuma yose yemba yake kuti awane rudo, zvingazvidzwa chose.
”Meso omunhu anozvikudza achaninipiswa, uye kuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa; asi Jehovha oga ndiye achakudzwa pazuva iro. Nokuti Jehovha Wamasimba Ose ane zuva raakachengetera avo vose vanozvikudza navanodada, navose vanokudzwa (uye vachaninipiswa),
”Asi munhu anokudzwa anoita urongwa hwakanaka, uye namabasa anokudzwa.
”Ndakapa musana wangu kuna avo vaindirova, namatama angu kuna avo vakadzura ndebvu dzangu; Handina kuvanza chiso changu pakusekwa nokupfirwa mate.
”Akazvidzwa uye akarambwa navanhu, murume wokusuwa, uye anoziva kutambudzika. Somunhu anovanzirwa chiso navanhu, akazvidzwa, uye isu hatina kumukudza. Zvirokwazvo akatakura matenda edu, uye akatakura kurwadziswa kwedu; asi isu takafunga kuti akarohwa naMwari, akarohwa naye uye akarwadziswa. Asi akabayiwa nokuda kwokudarika kwedu, akakuvadzwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwaiva pamusoro pake, uye namavanga ake takaporeswa. Isu tose takanga takarasika samakwai, mumwe nomumwe nenzira yake, asi Jehovha akaisa pamusoro pake kuipa kwedu tose. Akamanikidzwa uye akarwadziswa, asi haana kushamisa muromo wake; akatungamirirwa segwayana riri kundobayiwa, uye sokunyarara kwegwai pamberi pomuveuri waro, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.
”Hakuzi kugoverana zvokudya zvako nevane nzara, nokupa varombo vanodzungaira pokugara here, paunoona vakashama, kuvapfekedza, uye kusafuratira venyama neropa rako?
”uye ukapa zvokudya zvako kune vane nzara uye ukagutsa vakamanikidzwa pakushaya kwavo, ipapo chiedza chako chichabuda murima, uye usiku hwako huchashanduka hukafanana namasikati.
”Ndichataura nezvounyoro hwaJehovha, iwo mabasa aanofanira kukudzwa nawo, nokuda kwezvose zvatakaitirwa naJehovha, hongu, izvo zvinhu zvizhinji zvaakaitira imba yaIsraeri, nokuda kwetsitsi dzake uye nengoni dzake zhinji.
”Jehovha akazviratidza kwatiri kare, achiti: “Ndakakudai norudo rusingaperi; ndakakukwevai nokunaka kworudo rwangu.
”Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa, nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi. Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru.
”Ndakanyengetera kuna Jehovha Mwari wangu ndikareurura ndichiti: “Haiwa Ishe, Mwari mukuru anotyisa, iye anochengeta sungano yake yorudo navose vanomuda uye vanoteerera mirayiro yake,
”Ndichatsidza kukuwana uve wangu nokusingaperi; ndichatsidza kukuwana mukururama uye nomukururamisira, murudo netsitsi. Ndichatsidza kukuwana mukutendeka, uye uchabvuma kuti ndini Jehovha.
”Akakuratidza, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi. Uye ndezvipi zvinodiwa naJehovha kubva kwauri? Kuita zvakarurama uye kufarira kunzwira ngoni, nokufamba naMwari wako wakazvininipisa.
”Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro vapanyika, imi mose munoita zvaakarayira. Tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungadzivirirwa pazuva rokutsamwa kwaJehovha.
”Jehovha Mwari wako anewe, ndiye ane simba rokuponesa. Achafadzwa zvikuru newe, achakunyaradza norudo rwake, achafara nokuda kwako nokuimba.”
”“Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Tongai nokururamisira kwezvokwadi; muitirane tsitsi nenyasha. Musamanikidza chirikadzi kana nherera, mutorwa kana murombo. Musafungirana zvakaipa mumwoyo menyu.’
”“Vakaropafadzwa varombo pamweya, nokuti umambo hwokudenga ndohwavo. Vakaropafadzwa vanochema nokuti vachanyaradzwa. Vakaropafadzwa vanyoro nokuti vachagara nhaka yenyika. Vakaropafadzwa avo vane nzara nenyota yokuita zvakarurama nokuti vachagutswa kwazvo. Vakaropafadzwa vane tsitsi nokuti naivowo vachaitirwa tsitsi. Vakaropafadzwa vakachena pamwoyo, nokuti vachaona Mwari. Vakaropafadzwa vanoyananisa nokuti vachanzi vana vaMwari. Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama nokuti umambo hwokudenga ndohwavo. “Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu. Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nokuti nenzira imwe cheteyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai.
”Asi ini ndinokuudzai kuti ani naani anotsamwira hama yake achatongwa. Uyezve ani naani anoti, ‘Raka’ kuhama yake achamiswa pamberi pedare ravatongi. Asizve ani naani anoti kuhama yake, ‘Iwe benzi!’ achapara mhosva yokuti atongerwe moto wegehena. “Naizvozvo kana wada kupa chipo chako paaritari, ukayeuka pakarepo kuti wakatadzira hama yako, siya chipo chako ipapo pamberi pearitari. Tanga waenda undoyanana nehama yako, wozouya wopa chipo chako.
”“Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ziso rinotsiviwa neziso, uye zino rinotsiviwa nezino.’ Asi ndinokuudzai kuti, ‘Musadzivisa munhu akaipa. Kana munhu akakurova padama rorudyi, murinzire roruboshwewo. Kana munhu akakukwirira kumatare achida kukutorera nguo yako, rega atorewo nejasi rako. Kana munhu akakumanikidza kufamba mutunhu mumwe chete, famba naye miviri. Kana munhu akakukumbira chinhu, mupe, uye usafuratira munhu anoda kukwereta kwauri.
”“Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ida wokwako, uvenge muvengi wako.’ Asi ini ndinokuudzai kuti, ‘Idai vavengi venyu, mugonyengeterera avo vanokutambudzai, kuitira kuti mugova vana vaBaba venyu vari kudenga. Ivo vanoita kuti zuva ravo ribude pane vakaipa nevakanaka uye vanonayisa mvura yavo pane vakarurama nevasakarurama. Kana mukangoda avo vanokudai, muchawana mubayiro wei? Vateresi havaiti zvimwe chetezvo here? Kana muchingokwazisana nehama dzenyu bedzi, mungakunda vamwe pakudii? Ko, vasingatendi havaiti zvimwe chetezvo here? Naizvozvo, ivai vakakwana, sezvo Baba venyu vari kudenga vari vakakwana.
”“Chenjerai kuti murege kuita ‘mabasa enyu okururama’ pamberi pavanhu kuti muonekwe navo. Kana mukaita saizvozvo, hamuzovi nomubayiro kuna Baba venyu vari kudenga. “Saka kana mopa kuna vanoshaya, musaridza hwamanda sezvinoitwa navanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa kuti vakudzwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara. Asi kana wopa kuna vanoshaya ruoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva zviri kuitwa noruoko rwako rworudyi, kuitira kuti kupa kwako kuve pakavanda. Ipapo Baba vako, vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro.
”Nokuti kana mukaregerera vanokutadzirai, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo. Asi kana musingaregereri vamwe zvitadzo zvavo, Baba venyu havazokuregererai zvitadzo zvenyu.
”“Hapana angakwanise kushandira vatenzi vaviri. Achavenga mumwe uye agoda mumwe, kana kuti achazvipira kushandira mumwe uye agozvidza mumwe. Haungashandire zvose Mwari neMari.
”“Usatonga kuti newewo urege kutongwa. Nokuti nzira yaunotonga nayo vamwe ndiyo yauchatongwa nayo, uye chiero chaunoshandisa ndicho chichashandiswa kwauri. “Unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usina hanya nepuranga riri muziso rako? Ungati sei kuhama yako, ‘Rega ndibvise kabanzu kari muziso rako,’ asi iwe nguva dzose uine puranga riri muziso rako? Iwe munyengeri, tanga wabvisa puranga riri muziso rako, ipapo unozoona zvakanaka kuti ukwanise kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako.
”Saka muzvinhu zvose itirai vamwe zvamunoda kuti vakuitirei imi, nokuti izvi ndizvo Murayiro naVaprofita.
”“Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo. Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu hariremi uye mutoro wangu wakareruka.”
”Uye akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musina kushanduka mukava savana vaduku, hamungatongopindi muumambo hwokudenga. Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu ndiye achava mukuru muumambo hwokudenga.
”“Imi munofungei? Kana munhu ane makwai zana, rimwe chete rawo rikarasika, haangasiye makumi mapfumbamwe nepfumbamwe mumakomo achinotsvaka rakarasika here? Uye kana akariwana, ndinokuudzai chokwadi kuti anorifarira kukunda makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe asina kurasika. Nenzira imwe cheteyo Baba venyu vari kudenga havafariri kuti mumwe wavaduku ava arasike.
”“Kana hama yako yakutadzira enda umuudze mhosva yake, muri vaviri chete. Kana akakunzwa wadzora hama yako.
”Ipapo Petro akauya kuna Jesu akamubvunza achiti, “Ishe, kanganiko kandingaregerera hama yangu kana achinditadzira? Kanomwe here?” Jesu akapindura akati, “Kwete kanomwe chete, asi kakapetwa makumi manomwe ane nomwe.
”Kudza baba vako namai vako uye ude muvakidzani wako sokuzvida kwaunozviita iwe.’ ”
”Jesu akati, “Kana uchida kuva wakakwana, enda unotengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya wonditevera.”
”“Saka vokupedzisira vachava vokutanga uye vokutanga vachava vokupedzisira.”
”Ngazvirege kudaro kwamuri. Asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu, uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yenyu, sezvazvakangoita kuti Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshandirwa asi kuzoshandira, nokupa upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.”
”Jesu akapindura akati, “ ‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose nokufunga kwako kwose.’ Uyu ndiwo murayiro mukuru uye wokutanga. Wechipiri wakafanana nawo unoti, ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’
”Mukuru pakati penyu ndiye achava muranda wenyu. Nokuti ani naani anozvikudza achaninipiswa uye ani naani anozvininipisa achakudzwa.
”“Ipapo Mambo achati kuna avo vari kurudyi rwake, ‘Uyai imi makaropafadzwa naBaba vangu, mutore nhaka yenyu, umambo hwamakagadzirirwa kubva pakusikwa kwenyika. Nokuti ndakanga ndine nzara mukandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa, ndakanga ndiri mweni mukandipinza mumba, ndakanga ndisina zvokupfeka mukandipfekedza, ndakanga ndichirwara mukandipepa, ndakanga ndiri mutorongo mukandishanyira.’ “Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara tikakupai chokunwa? Takakuonai riniko muri mweni tikakupinzai mumba, kana musina zvokupfeka tikakupfekedzai? Takakuonai riniko muchirwara kana muri mutorongo tikakushanyirai?’ “Mambo achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, chose chamakaitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makachiitira ini.’
”“Ipapo achati kune avo vari kuruboshwe rwake, ‘Ibvai kwandiri imi makatukwa mupinde mumoto usingadzimi wakagadzirirwa dhiabhori navatumwa vake. Nokuti ndakanga ndine nzara mukasandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukasandipa chokunwa, ndakanga ndiri mweni mukasandipinza mumba, ndakanga ndisina zvokupfeka mukasandipfekedza, ndakanga ndichirwara uye ndiri mutorongo mukasandishanyira.’ “Naizvozvo vachapindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara kana mune nyota kana muri mweni kana musina zvokupfeka kana muchirwara kana muri mutorongo tikasakubatsirai?’ “Achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, zvose zvamusina kuitira mumwe wavaduku ava, hamuna kuzviitira ini.’
”mumwe mukadzi akauya kwaari nechinu chamafuta anonhuhwira, omutengo mukuru, akasvikoadururira pamusoro wake, agere patafura.
”Akaenda mberi zvishoma, akawira pasi nechiso chake akanyengetera achiti, “Baba vangu, kana zvichibvira mukombe uyu ngaubviswe kwandiri. Asi kwete kuda kwangu asi kuda kwenyu.”
”Agara pasi, Jesu akadana vane gumi navaviri akati, “Kana munhu achida kuva wokutanga, anofanira kuva iye wokupedzisira, uye muranda wavose.”
”Hazvina kudaro pakati penyu. Pachinzvimbo chaizvozvo, ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu, uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yavose. Nokuti kunyange Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira uye nokupa upenyu hwake kuti huve rudzikinuro rwavazhinji.”
”Uye paunomira uchinyengetera, kana mumwe munhu akakutadzira, muregerere, kuitira kuti Baba vako vari kudenga vagokuregerera zvivi zvako. Asi kana usingaregereri, Baba vako vari kudenga havazoregereri zvivi zvako.”
”Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose nokufunga kwako kwose uye nesimba rako rose.’ Wechipiri ndouyu: ‘Ida wokwako sezvaunozvida iwe.’ Hakuna murayiro mukuru kupfuura iyi.” Murume akapindura akati, “Mapindura zvakanaka, mudzidzisi. Mataura chokwadi pamataura kuti Mwari ndiye mumwe chete uye hakuna mumwe kunze kwake. Kumuda nomwoyo wako wose, nokunzwisisa kwako kwose uye nesimba rako rose, uye kuda wokwako sezvaunozvida iwe ndizvo zvinonyanya kukosha kupfuura zvipiriso zvose zvinopiswa, nezvibayiro.”
”Uye paakanga ari muBhetani, agere pakudya mumba momumwe murume ainzi Simoni waMaperembudzi, mumwe mukadzi akauya nechinu chamafuta chearabhasita, mafuta anokosha kwazvo, akanga akaitwa nenaridhi yakaisvonaka. Akazarura chinu akadururira mafuta mumusoro wake.
”Johani akapindura akati, “Munhu ane nguo mbiri ngaagovane neasina, uye ane zvokudya ngaaitewo saizvozvo.”
”“Asi ndinokuudzai imi munondinzwa kuti: Idai vavengi venyu, itai zvakanaka kuna avo vanokuvengai, ropafadzai vanokutukai, nyengetererai vaya vanokunetsai. Kana mumwe akakurova rimwe dama, mupezve rimwe racho. Kana mumwe akakutorera nguo yako yokunze, usamudzivisa kutorawo nguo yomukati. Upe vose vanokukumbira, uye kana ani zvake akatora chinhu chako, usagombedzera kuti chidzoke. Itira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo iwe.
”“Kana uchida vaya vanokuda, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange navatadzi vanoda avo vanovada. Uye kana uchiita zvakanaka kuna vaya vakanaka kwauri, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange vatadzi vanoita izvozvo. Uye kana uchikweretesa kuna vaya vaunotarisira kuti vagodzora, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange vatadzi vanokweretesa kuvatadzi, vachitarisira kuzodzoserwa zvakakwana.
”Asi idai vavengi venyu, muite zvakanaka kwavari, uye muvakweretese musingatarisiri kuwana kana chinhuzve. Ipapo mubayiro wenyu uchava mukuru, uye muchava vanakomana veWokumusoro-soro, nokuti iye ano mwoyo munyoro kuna vasingavongi navakaipa. Ivai netsitsi sababa venyu vane tsitsi. “Musatonga, uye nemi hamuzotongwi. Musapa mhosva, uye nemi hamuzopiwi mhosva. Regererai, uye nemi muchazoregererwawo. Ipai, uye nemi muchapiwa. Muchapiwa mumaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsindirwa, chakazunguzirwa uye chinopfachukira. Nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayererwawo nacho.”
”Mumwe mukadzi womuguta umu akanga achirarama muzvivi akati anzwa kuti Jesu akanga agere pakudya mumba momuFarisi, akauya nechinu chamafuta anonhuhwira chearabhasta, akamira shure kwake akatanga kuchema, uye akanyorovesa tsoka dzake nemisodzi yake. Ipapo akadzipukuta nebvudzi romusoro wake, akadzitsvoda uye akadzizodza mafuta anonhuhwira.
”“Vamwe varume vaviri vakanga vane chikwereti kumunhu mumwe chete. Mumwe akanga ane chikwereti chamadhenari mazana mashanu, uye mumwe madhenari makumi mashanu. Hakuna akanga ane mari yokuripa chikwereti pavari vose vari vaviri, saka nyakukweretesa akadzima zvikwereti zvavo vose. Zvino ndoupiko pauviri hwavo achanyanya kumuda?” Simoni akapindura akati, “Ndinofunga kuti ndouya akadzimirwa chikwereti chikuru.” Jesu akati, “Wataura zvakanaka.” Ipapo akatendeukira kumukadzi ndokuti kuna Simoni, “Unoona here mukadzi uyu? Ndapinda mumba mako; hauna kundipa kana mvura yokugeza tsoka dzangu, asi uyu anyorovesa tsoka dzangu nemisodzi yake uye akadzipukuta nebvudzi romusoro wake. Iwe hauna kunditsvoda, asi mukadzi uyu, kubvira panguva yandapinda, haana kurega kutsvoda tsoka dzangu. Iwe hauna kuzodza musoro wangu namafuta, asi iye adira zvinonhuhwira patsoka dzangu. Naizvozvo, ndinokuudza kuti zvivi zvake zvizhinji zvaregererwa nokuti iye ada zvikuru. Asi uya akaregererwa zvishoma, anodawo zvishoma.”
”Akapindura akati, “ ‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, uye nomweya wako wose, uye nesimba rako rose nokufunga kwako kwose,’ uye ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’ ”
”Jesu akapindura akati, “Mumwe murume aiburuka achibva kuJerusarema achienda kuJeriko, paakawira mumaoko amakororo. Vakamubvisa nguo dzake, vakamurova ndokuenda zvavo, vachimusiya oda kufa. Zvakaitika kuti mumwe muprista akafambawo nenzira iyoyo, uye akati achiona murume uyo, akamunyenyeredza. Saizvozvowo, muRevhi akasvika panzvimbo iyoyo akamuona, akamunyenyeredzawo. Asi muSamaria, aiva parwendo, akasvika pakanga pano murume uya; uye akati achimuona, akamunzwira tsitsi. Akaenda paari akamusunga maronda ake, akaadira mafuta newaini. Ipapo akamutora akamukwidza pambongoro yake, akamuendesa kuimba yavaeni, akamuchengeta. Fume mangwana akatora mari yesirivha akaipa kumuchengeti weimba yavaeni. Akati kwaari, ‘Muchengetei uye pandinodzoka, ndichakuripirai zvose zvamunenge mawedzera pane zvandakupai.’ “Ndianiko pavanhu vatatu ava waunofunga kuti akanga ari muvakidzani kuna iye akawira mumaoko amakororo?” Mududziri womurayiro akati, “Uyo akamunzwira tsitsi.” Jesu akati kwaari, “Enda unoita saizvozvo.”
”“Kana mumwe akakukoka kumuchato, usazvisarudzira nzvimbo yapamberi, nokuti mumwe munhu anokudzwa kupfuura iwe angadaro akakokwa. Kana zvakadaro, munhu akakukokai imi vaviri achauya agoti kwauri, ‘Ibva ipapo iwe, munhu uyu agare.’ Ipapo, nenyadzi, uchatora chigaro cheshure chokupedzisira. Asi kana wakokwa, utore chigaro cheshure, kuitira kuti kana akukoka ouya, azoti kwauri, ‘Shamwari, simuka uende kundogara panzvimbo iri nani.’ Ipapo ucharemekedzwa pamberi pavose vawakakokwa pamwe chete navo. Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.”
”Ipapo Jesu akati kuna iye akanga amukoka, “Kana wagadzira kudya kwamasikati kana chirariro, urege kukoka shamwari dzako, vanunʼuna vako kana hama dzako, kana vapfumi vawakavakidzana navo; kana ukadaro vangazokukokawo uye ukabva waripirwa. Asi kana ukagadzira mabiko, ukoke varombo, zvirema, vanokamhina, namapofu, ipapo ucharopafadzwa. Kunyange vasina zvavanokupa, iwe ucharipirwa pakumuka kwavakarurama.”
”Saka akasimuka akaenda kuna baba vake. “Asi akati achiri kure, baba vake vakamuona uye vakamunzwira tsitsi; vakamhanyira kumwanakomana wavo, vakamumbundikira uye vakamutsvoda. “Mwanakomana akati kuna baba vake, ‘Baba, ndakatadzira denga napamberi penyu. Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu.’ “Asi baba vakati kuvaranda vavo, ‘Kurumidzai! Uyai nenguo dzakaisvonaka mumupfekedze. Muise mhete pamunwe wake neshangu mutsoka dzake. Muuye nemhuru yakakodzwa muibaye. Ngatidyei tipembere. Nokuti mwanakomana wangu uyu akanga afa, zvino araramazve; akanga arasika, zvino awanikwa.’ Saka vakatanga kupembera.
”“Hakuna muranda angagona kushandira vatenzi vaviri. Nokuti achavenga mumwe agoda mumwe, kana kuti achanamatira kuno mumwe uye agozvidza mumwe. Hazvigoni kuti ushandire Mwari nepfuma.”
”Kana akakutadzira kanomwe pazuva, uye akadzoka kwauri kanomwe achiti, ‘Ndatendeuka,’ muregerere.”
”“Ndinokuudzai kuti munhu uyu, akadzokera kumba kwake aruramiswa pamberi paMwari kupinda muFarisi. Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.”
”Asi Zakeo akasimuka akamira pamberi paShe akati, “Tarirai, Ishe! Pano, uye iye zvino, ndinopa hafu yepfuma yangu kuvarombo, uye kana ndakanyengera ani zvake pachinhu chipi zvacho, ndichadzosera zvava zvina.”
”Akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chirikadzi iyi murombo yaisa mari zhinji kupfuura vamwe vose. Vanhu vose ava vapa zvipo zvavo zvichibva papfuma yavo zhinji; asi uyu, nourombo hwake aisa zvose zvaanga achararama nazvo.”
”Asi imi hamufaniri kuita saizvozvo. Asi, mukuru pakati penyu mose anofanira kuva somuduku kuna vose, uye uyo anotonga ngaaite souya anoshanda. Nokuti ndianiko mukuru kuno mumwe, uyo agere patafura kana kuti uya anoshanda? Ko, haazi iye agere patafura here? Asi ini ndiri pakati penyu saiye anoshanda.
”Asi iye akapindura akati, “Ishe, ndakagadzirira kuenda nemi mutorongo uye kufa nemi.”
”Jesu akati, “Baba, varegererei, nokuti havazivi zvavari kuita.” Vakagovana nguo dzake vachikanda mijenya.
”“Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake panyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe kubudikidza naye.
”Anofanira kuva mukuru; ini ndinofanira kudukupiswa.
”Chinoita kuti Baba vandide ndechokuti ndinorasira makwai angu upenyu hwangu, uye ndichahutorazve.
”Jesu akachema. Ipapo vaJudha vakati, “Onai kuti aimuda sei!”
”Ipapo Maria akatora chinu chamafuta anonhuhwira enaridho, omutengo unokosha kwazvo; akaadururira patsoka dzaJesu akapukuta tsoka dzake nebvudzi rake. Uye imba yakazadzwa nokunhuhwira kwamafuta.
”Mutambo wePasika wakanga uchigere kusvika. Jesu akanga achiziva kuti nguva yakanga yasvika yokuti iye abve panyika uye kuti aende kuna Baba. Sezvo akanga achida vake avo vakanga vari munyika, akavaratidza zvino kuzara kworudo rwake.
”Shure kwaizvozvo, akadira mvura mudhishi akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, achidziomesa netauro rakanga rakamonerwa muchiuno chake.
”Zvino kana ini, Ishe wenyu noMudzidzisi wenyu, ndashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu. Ndakupai muenzaniso kuti muite sezvandakuitirai imi. Ndinokuudzai chokwadi kuti, muranda haasi mukuru kuna tenzi wake, uye atumwa haasi mukuru kupfuura amutuma. Zvino zvamava kuziva zvinhu izvi, mucharopafadzwa kana mukazviita.
”Mumwe wavo, mudzidzi aidikanwa naJesu, akanga akasendamira paari.
”“Ndinokupai murayiro mutsva wokuti: Dananai. Sezvo ndakakudai, saizvozvo munofanira kudanana. Nokuda kwaizvozvo, vanhu vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu kana mune rudo pakati penyu.”
”“Kana muchindida, muchateerera zvandinokurayirai.
”Ani naani ane mirayiro yangu uye anoiteerera, ndiye anondida iyeye. Uyo anondida achadikanwa naBaba vangu, neniwo ndichamuda uye ndichazviratidza kwaari.”
”Jesu akapindura akati, “Kana munhu achindida, achateerera kudzidzisa kwangu. Baba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari toita ugaro hwedu naye. Uyo asingandidi haateereri kudzidzisa kwangu. Mashoko amunonzwa aya haasi angu; ndeaBaba vakandituma.
”“Sezvo Baba vakandida, neniwo ndakakudai, zvino, chigarai murudo rwangu. Kana muchiteerera mirayiro yangu, muchagara murudo rwangu, sezvandakateerera mirayiro yaBaba vangu uye ndikagara murudo rwavo. Ndakuudzai izvi kuitira kuti mufaro wangu uve mamuri uye kuti mufaro wenyu uve wakakwana. Murayiro wangu ndouyu: Dananai, sezvo ini ndakakudai. Hakuna munhu ano rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu ape upenyu hwake nokuda kweshamwari dzake. Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandinokurayirai. Handichakuidzii varanda, nokuti muranda haazivi zvinoitwa natenzi wake. Asi ndinokuidzai shamwari, nokuti zvose zvandakadzidza kubva kuna Baba vangu ndakakuzivisai.
”Uyu ndiwo murayiro wangu: Dananai.
”Kwete, Baba pachavo vanokudai nokuti makandida, uye makatenda kuti ndakabva kuna Mwari.
”imi mavari uye imi mandiri. Ngavakwaniswe muhumwe kuti nyika izive kuti makandituma uye makavada kunyange sezvamakandida ini.
”Ndakakuzivisai kwavari, uye ndicharamba ndichiita kuti vakuzivei kuitira kuti rudo rwamakandida narwo rwuve mavari uye kuti ini pachangu ndive mavari.”
”Vakati vapedza kudya, Jesu akati kuna Simoni Petro, “Simoni mwanakomana waJohani, unondida zvechokwadi kupfuura ava here?” Akati, “Hongu, Ishe, munozviziva kuti ndinokudai.” Jesu akati, “Fudza makwayana angu.” Jesu akatizve, “Simoni, mwanakomana waJohani unondida zvechokwadi here?” Akapindura akati, “Hongu, Ishe, munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati, “Chengeta makwai angu.” Akatizve kwaari kechitatu, “Simoni mwanakomana waJohani, unondida here?” Petro akarwadziwa nokuti Jesu akanga amubvunza kechitatu achiti, “Unondida here?” Akati, “Ishe, imi munoziva zvinhu zvose; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati, “Fudza makwai angu.
”Vatendi vose vaiva pamwe chete uye vakagoverana zvinhu zvose. Vachitengesa zvavaiva nazvo nenhumbi dzavo, vakapa kuna ani naani aishayiwa. Mazuva ose vairamba vachiungana pamwe chete mutemberi. Vaimedura chingwa mudzimba dzavo uye vachidya pamwe chete nomufaro uye nomwoyo wakanaka,
”Pakanga pasina vanoshayiwa pakati pavo. Nokuti nguva nenguva vaya vakanga vane minda kana dzimba vakazvitengesa, vakauyisa mari yezvavakatengesa vakazviisa patsoka dzavapostori, uye yakagoverwa kuna ani zvake sokushayiwa kwake.
”Vachiri kumutaka namabwe, Sitefani akanyengetera, akati, “Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.” Ipapo akapfugama namabvi ake akadanidzira achiti, “Ishe, musavapa mhosva yechivi ichi.” Akati ataura izvi, akavata.
”Muyunaki uyu aiverenga chitsauko ichi choRugwaro: “Akatungamirirwa segwai raindobayiwa, uye segwayana rinyerere pamberi pomuveuri, saka haana kushamisa muromo wake. Mukuninipiswa kwake akashayiwa kururamisirwa. Ndianiko angataura nezvezvizvarwa zvake? Nokuti upenyu hwake hwakabviswa panyika.”
”Mune zvose zvandakaita, ndakakuratidzai kuti namabatiro akaoma aya, tinofanira kubatsira vasina simba, tichirangarira mashoko aShe Jesu pachake paakati, ‘Kupa kwakaropafadzwa kupfuura kugamuchira.’ ”
”Uye tariro hainyadzisi nokuti Mwari akadurura rudo rwake mumwoyo yedu kubudikidza naMweya Mutsvene, uyo waakatipa. Munoona, panguva chaiyo yakafanira, patakanga tisina simba, Kristu akafira vasingadi Mwari. Hazviwanzoitika kuti munhu afire akarurama, kunyange zvazvo munhu angaedza kufira munhu akanaka. Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti: Tichiri vatadzi, Kristu akatifira. Zvino sezvo takaruramisirwa neropa rake, tichaponeswa zvikuru sei naye kubva pakutsamwa kwaMwari! Nokuti kana, patakanga tiri vavengi vaMwari, takayananiswa naye kubudikidza norufu rwoMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru sei kubudikidza norufu rwoMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru sei kubudikidza noupenyu hwake, kana tayananiswa!
”Ndianiko achatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika here, kana nhamo, kana kutambudzwa, kana nzara, kana kushayiwa zvokupfeka, kana njodzi, kana munondo? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Nokuda kwenyu tinotarisana norufu zuva rose; tinoitwa samakwai anofanira kubayiwa.” Kwete, pazvinhu zvose izvi tiri vakundi nokupfuurisa kubudikidza naiye akatida.
”Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana madhimoni, kana zvazvino, kana zvichauya, kana masimba api zvawo, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chimwe chinhuwo zvacho pazvisikwa zvose, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.
”Nokuti nenyasha dzandakapiwa ndinoti kuno mumwe nomumwe wenyu: Usazviisa pamusoro kupfuura paunofanira kunge uri, asi ufunge nokufunga kwakachenjera, maererano nechiyero chokutenda chawakapiwa naMwari.
”Rudo ngaruve rwechokwadi. Vengai zvakaipa; namatirai pane zvakanaka. Ivai norudo rukuru mumwe kuno mumwe savadikani. Mumwe nomumwe wenyu ngaakudze mumwe kupfuura kuzvikudza kwaanozviita iye. Musatomborega kushingaira, asi pisai pamweya, muchishumira Ishe. Farai mutariro, tsungirirai pakutambudzika, rambai muchinyengetera. Goveranai navanhu vaMwari vanoshayiwa. Itirai vaeni rudo.
”Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai musatuka. Farai navanofara; chemai navanochema. Garai zvakanaka mumwe nomumwe. Musazvikudza, asi muve nechido chokufambidzana navanhu vapasi pasi. Musazviita vakachenjera. Musatsiva munhu chakaipa nechakaipa. Chenjererai kuti muite zvakanaka pamberi pavanhu vose. Kana zvichibvira, napamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.
”Musatsiva, vadikani vangu, asi siyirai kutsamwa kwaMwari mukana, nokuti kwanyorwa kuchinzi, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” ndizvo zvinotaura Ishe. Asi: “Kana muvengi wako ane nzara mupe zvokudya, kane ane nyota mupe chokunwa. Mukuita izvi, uchatutira mazimbe anopisa pamusoro wake.” Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.
”Musava nechikwereti kumunhu, kunze kwechikwereti chorudo mumwe kuno mumwe, nokuti anoda mumwe azadzisa murayiro. Nokuti mirayiro inoti, “Usaita upombwe,” “Usauraya,” “Usaba”, “Usachiva,” uye kana mumwe murayiro upi noupi zvawo ungavako, zvakaunganidzwa pamutemo unoti, “Ida muvakidzani wako sezvaunozvida iwe.” Rudo haruitiri muvakidzani zvakaipa. Naizvozvo rudo runozadzisa murayiro.
”Mugamuchire uyo asina kusimba pakutenda kwake, musingamutongi kana kuita gakava naye pamusoro penyaya dzisingapindirani.
”Naizvozvo, iwe, unopireiko hama yako mhosva? Kana newewo unozvidzireiko hama yako? Nokuti tose tichamira pamberi pechigaro chokutonga chaMwari. “Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Zvirokwazo noupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaura Ishe, ‘ibvi rimwe nerimwe richapfugama pamberi pangu; rurimi rumwe norumwe ruchareurura kuna Mwari.’ ” Saka, naizvozvo mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.
”Naizvozvo ngatiregei kuramba tichipana mhosva. Asi munhu ngaarege kuisa chigumbuso kana chipinganidzo munzira yehama yake. Somunhu ari muna Ishe Jesu, ndinoziva kwazvo kuti hakuna chokudya chine tsvina. Asi kana mumwe munhu akati chakasvibiswa, naizvozvo hachina kuchena kwaari. Kana hama yako ichikanganiswa nokuda kwezvaunodya, iwe hauchafambi murudo. Usaparadza hama yako, iyo yakafirwa naKristu, nokuda kwezvokudya.
”Naizvozvo ngatishingairirei kutsvaga izvo zvinouyisa rugare uye zvatingasimbisana nazvo.
”Isu tine simba tinofanira kutakura kukundikana kwavasina simba uye tisingazvifadzi. Mumwe nomumwe wedu anofanira kufadza muvakidzani wake pane zvakanaka, zvinomuvaka. Nokuti kunyange Kristu haana kuzvifadza asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi, “Kutuka kwaavo vakakutuka kwakawira pamusoro pangu.” Nokuti zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti zvidzidzise isu, kuitira kuti, kubudikidza nokutsungirira nokukurudzira kwamagwaro, tive netariro. Mwari anopa kutsungirira nokukurudzira ngaakupei mweya wokuva nomwoyo mumwe pakati penyu pamunenge muchitevera Kristu Jesu, kuti mukudze Mwari naBaba waIshe wedu Jesu Kristu nomwoyo mumwe uye nomuromo mumwe. Naizvozvo, gamuchiranai, sezvamakagamuchirwa naKristu, kuti Mwari arumbidzwe.
”Kwazisanai nokutsvodana kutsvene. Kereke dzose dzaKristu dzinokukwazisai.
”Ndinokukumbirai zvikuru, hama dzangu, kuti muchenjerere vaya vanopesanisa uye vanoisa zvigumbuso pamberi penyu vanopikisana nedzidziso yamakadzidza imi. Muve kure navo. Nokuti vanhu vakadaro havasi kushumira Ishe wedu Kristu, asi dumbu ravo. Nokutaura kwakanaka uye nokubata kumeso, vanonyengera vanhu vane pfungwa dzisina uchenjeri.
”Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Hakuna ziso rakaona, hakuna nzeve yakanzwa; hakuna zvakapinda mumurangariro womunhu, zvakagadzirirwa naMwari vaya vanomuda.”
”Izvi zvokuti makatokwidzana kumatare pakati penyu zvinoreva kuti makatokundwa kare. Munoregereiko kubvuma kukanganisirwa? Munoregereiko kubvuma kubirwa?
”Zvino pamusoro pezvinhu zvamakandinyorera, ndinoti: Zvakanaka kuti munhu arege kuwana mukadzi. Asi nokuda kwoupombwe, murume mumwe nomumwe ngaave nomukadzi wake, nomukadzi mumwe nomumwe ngaave nomurume wake. Murume ngaape mukadzi wake zvakafanira, uye nomukadzi adarowo kumurume wake. Muviri womukadzi hauzi wake oga asi kuti ndewomurume wakewo. Zvimwe chetezvo, muviri womurume hauzi wake oga asi kuti ndewomukadzi wakewo. Musanyimana, kunze kwokunge matenderana uye kwenguva duku, kuti mumbova nenguva yokunyengetera. Mushure mezvo mosanganazve kuitira kuti Satani arege kukuedzai pakusazvidzora kwenyu.
”Kunyange zvangu ndakasununguka uye ndisiri muranda womunhu, ndakazviita muranda wavose, kuti ndiwane vazhinji kwazvo.
”Munhu ngaarege kutsvaka zvakamunakira iye, asi zvakanakira vamwe.
”Musagumbusa munhu upi noupi zvake, angava muJudha, kana muGiriki kana kereke yaMwari, kunyange sezvandinoedzawo kufadza munhu wose pazvinhu zvose. Nokuti handitsvaki zvakandinakira ini asi zvakanakira vazhinji, kuitira kuti vagoponeswa.
”kuitira kuti parege kuva nokupesana pamuviri, asi kuti mitezo ichengetane zvakaenzana. Kana mumwe mutezo uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe chete nawo; kana mutezo mumwe ukakudzwa, mitezo yose inofara pamwe chete nawo.
”Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, asi ndisina rudo, ndakaita sedare rinorira kana ndarira dzinongoti ngwerengwere. Kana ndine chipo chokuprofita uye ndichinzwisisa zvakavanzika zvose noruzivo rwose, uye kana ndino kutenda kunofambisa makomo, asi ndisina rudo, handisi chinhu. Kana ndikagovera zvose zvandinazvo kuvarombo uye kana ndikaisa muviri wangu kuti upiswe, asi kana ndisina rudo, hazvindibatsiri chinhu. Rudo runo mwoyo murefu, rudo runo mwoyo munyoro. Haruna godo, haruna manyawi haruzvikudzi. Haruiti zvokuvirimira vamwe, harutsvaki zvarwo, harukurumidzi kutsamwa, haruna pfundi pfundi. Rudo harufariri zvakaipa, asi runofarira chokwadi. Runodzivirira nguva dzose, runovimba nguva dzose, rune tariro nguva dzose, runotsungirira nguva dzose. Rudo harutongoperi. Zvino kana kuri kuprofita, kuchapera; kana dziri ndimi, dzichagumiswa; kana rwuri ruzivo, ruchapfuura.
”Uye zvinhu zvitatu izvi ndizvo zvinogara, zvinoti kutenda, tariro norudo. Asi chikuru pakati peizvi ndirwo rudo.
”Teverai nzira yorudo uye mushuve kwazvo zvipo zvomweya, zvikuru sei chipo chokuprofita.
”Itai zvinhu zvose murudo.
”Nokuti rudo rwaKristu runotimanikidza, nokuti tinoziva kuti mumwe chete akafira vose, uye naizvozvo vose vakafa. Uye iye akafira vose, kuitira kuti vose vasazviraramira asi vararamire iye akavafira akamutswazve kubva kuvakafa.
”Asi savaranda vaMwari tinozvirumbidza pane zvakanaka munzira dzose: mukutsungirira kukuru, mumatambudziko, mukuomerwa, uye nemunhamo; mukurohwa, kusungwa nomubope; mukushanda zvakaoma, mukusavata nokushayiwa zvokudya; mukuchena, kunzwisisa, mwoyo murefu nengoni muMweya Mutsvene uye nomurudo rwechokwadi; mushoko rechokwadi nomusimba raMwari; nenhumbi dzokurwa nadzo dzokururama kuruoko rworudyi nokuruboshwe, mukukudzwa nomukusakudzwa, muguhu rakaipa neguhu rakanaka; tiri vechokwadi, asi tichionekwa savanyengeri; tinozivikanwa tichionekwa setisingazivikanwi; tinofa, asi tichiramba tichirarama, tinorohwa asi hatifi; savanochema, asi tichigara tichifara; savarombo, asi tichipfumisa vazhinji; setisina chinhu, asi tinazvo zvose.
”Pakati pokuedzwa kukuru, mufaro wavo mukuru nokushayiwa kwavo kukuru zvakaita kuti vape zvizhinji. Nokuti ndinopupura kuti vakapa napavaigona napo, uye kunyange kutopfuura pavaigona napo. Vakaita zvose izvi nokuda kwavo, vakakumbirisa kwazvo kwatiri kuti vawane mukana wokugoverana nesu muushumiri uhu kuvatsvene. Uye havana kuita sezvataifunga bedzi, asi kuti vakazvipa ivo pachavo kutanga kuna Ishe mushure mezvo vakazvipa kwatiri maererano nokuda kwaMwari.
”Asi sezvamakagonesesa pazvinhu zvose, pakutenda, pakutaura, pakuziva, napakushingaira kwose uye nomurudo rwenyu, onaiwo kuti mugonesese munyasha idzi dzokupa. Handisi kukurayirai, asi kuti ndinoda kuedza kutendeka kwerudo rwenyu nokukuenzanisa nokushingaira kwavamwe. Nokuti munoziva nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, kuti kunyange zvake akanga ari mupfumi, asi nokuda kwenyu akava murombo, kuitira kuti kubudikidza nourombo hwake imi mugopfumiswa.
”Nokuti kana chido chiripo, chipo chinogamuchirwa, maererano nezvine munhu, kwete maererano nezvaasina.
”Naizvozvo ratidzai varume ava chiratidzo chorudo rwenyu uye chikonzero chokuzvirumbidza kwenyu, kuitira kuti kereke dzigogona kuzviona.
”Munhu mumwe nomumwe ngaape sezvaakafunga mumwoyo make kuti ape, kwete kupa achitsutsumwa kana kuti achimanikidzwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa nomufaro.
”Nounyoro nokuzvidzora kwaKristu, ndinokumbira zvikuru kwamuri, ini Pauro, “ndinotya” zvikuru kana ndichitarisana nemi chiso nechiso asi, “handityi” kana ndisipo!
”Ndokusaka, nokuda kwaKristu ndichifara muutera, mukutukwa, mumatambudziko, munhamo, nomukuomerwa. Nokuti kana ndine utera, ipapo ndipo pandine simba.
”Pakupedzisira, hama, chisarai. Shingairai kuti mukwaniswe, teererai kuchikumbiro changu, ivai nomufungo mumwe, garai murugare. Uye Mwari worudo norugare achava nemi. Kwazisanai nokutsvodana kutsvene.
”Nyasha dzaIshe Jesu Kristu, norudo rwaMwari, nokuwadzana kwoMweya Mutsvene ngazvive nemi mose.
”Hakuchina muJudha kana muGiriki, mutapwa kana akasununguka, murume kana mukadzi, nokuti imi mose muri vamwe muna Kristu Jesu.
”Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvina maturo. Chinhu chinokosha chete ndiko kutenda kunozviratidza kubudikidza norudo.
”Imi, hama dzangu, makadanwa kuti muve vakasununguka. Asi regai kushandisa rusununguko rwenyu munyama; asi shandiranai murudo. Murayiro wose unobatanidzwa mumurayiro mumwe chete unoti: “Ude wokwako sezvaunozvida iwe.” Kana muchiramba muchirumana uye nokudyana, chenjererai kuti murege kuparadzana mumwe nomumwe wenyu.
”Mabasa enyama ndiwo aya: upombwe, tsvina, utere; kunamata zvifananidzo, uroyi, ruvengo, gakava, godo, kutsamwa, kuzvikudza, kuparadzana, dzidziso dzakatsauka nokugodorana; kudhakwa, kutamba kwakaipa, nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai, sezvandakamboita kare kuti avo vana mararamiro iwaya havangagari nhaka youmambo hwaMwari.
”Asi chibereko choMweya ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka, kupfava uye kuzvidzora. Hakuna murayiro unopesana nezvizvi.
”Hama dzangu, kana mumwe akabatwa ari muchivi, imi vari mumweya munofanira kumudzora nounyoro. Asi muzvingwarire pachenyu, kuti murege kuedzwawo. Takuriranai mitoro yenyu, uye nokudaro muchazadzisa murayiro waKristu.
”Kana munhu achifunga kuti iye chinhu iye asiri chinhu, anozvinyengera. Mumwe nomumwe anofanira kuedza mabasa ake. Ipapo angazvikudza hake, asingazvienzanise nomumwe munhuwo,
”Ngatiregei kuneta pakuita zvakanaka, nokuti nenguva yakafanira tichakohwa kana tisingaori mwoyo. Naizvozvo, zvatine mukana, ngatiitei zvakanaka kuvanhu vose, zvikuru kuna avo vari mumhuri yavatendi.
”Nokuti akatisarudza maari nyika isati yasikwa kuti tive vatsvene vasina chavanopomerwa pamberi pake. Murudo
”Nokuda kwaizvozvi, pandakanzwa nezvokutenda kwenyu muna Ishe Jesu uye rudo rwenyu kuvatsvene vose, handina kurega kuvonga nokuda kwenyu, ndichikurangarirai muminyengetero yangu.
”Asi nokuda kworudo rwake rukuru kwatiri, Mwari, iye akapfuma pangoni, akatiita vapenyu muna Kristu kunyange zvedu takanga takafa mukudarika kwedu, makaponeswa nenyasha.
”Nokuti tiri basa raMwari, rakasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka, akagadzirwa naMwari kare kuti tiaite.
”kuti Kristu agare mumwoyo yenyu nokutenda. Uye ndinonyengetera kuti imi, muve nemidzi uye musimbiswe murudo, muve nesimba, pamwe chete navatsvene vose, kuti mubate kuti kupamhamha, nokureba uye kukwirira, nokudzika kworudo rwaKristu kwakadii, uye muzive rudo urwu runopfuura ruzivo, kuti muzadzwe kusvikira pachiyero chokuzara kwose kwaMwari.
”Sezvo ndiri musungwa waShe, zvino ndinokukurudzirai kuti murarame upenyu hwakafanira kudanwa kwamakagamuchira. Muzvininipise zvachose uye mupfave; muite mwoyo murefu, muchiitirana mwoyo murefu murudo. Mushingaire kuchengeta humwe hwoMweya kubudikidza nechisungo chorugare.
”Uyo akanga achimboba ngaarege kuzobazve, asi anofanira kushanda, achiita zvinhu zvinobatsira namaoko ake, kuti ave nechaangagovera avo vanoshayiwa. Musarega kutaura kwakaora kuchibuda mumiromo yenyu, asi chete zvinobatsira pakuvaka vamwe maererano nezvavanoshayiwa, kuti zvigobatsira avo vanonzwa. Uye musachemedza Mweya Mutsvene waMwari, uyo wakaitwa chisimbiso chenyu pazuva rokudzikinurwa. Bvisai shungu dzose, hasha nokutsamwa, kupopota namakuhwa pamwe chete nokuvenga kwose. Muitirane mwoyo munyoro uye munzwirane tsitsi, muchikanganwira mumwe nomumwe wenyu, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.
”Naizvozvo, ivai vateveri vaMwari, savana vanodikanwa uye murarame upenyu hworudo, sezvatakadikanwa naKristu akazvipa nokuda kwedu sechipiriso chinonhuhwira uye sechibayiro kuna Mwari.
”Muzviise pasi pomumwe nomumwe wenyu muchitya Kristu.
”Varume, idai vakadzi venyu, saKristu akada kereke uye akazvipa nokuda kwayo
”Nenzira imwe cheteyo, varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo chaiyo. Uyo anoda mukadzi wake anozvida iye pachake. Pana izvozvo zvose, hakuna munhu angavenga muviri wake, asi anoupa zvokudya uye anouchengeta, sezvinoita Kristu kukereke, nokuti tiri nhengo dzomuviri wake.
”“Nokuda kwaizvozvi, murume achasiya baba namai vake uye asanganiswe nomukadzi, uye vaviri vachava nyama imwe chete.” Ichi ndicho chakavanzika chakadzika, asi ndiri kutaura pamusoro paKristu nekereke. Kunyange zvakadaro, mumwe nomumwe wenyuwo anofanira kuda mukadzi wake sezvaanozvida iye, uye mukadzi anofanira kuremekedza murume wake.
”Vana, teererai vabereki venyu muna She, nokuti ndizvo zvakanaka. “Kudza baba namai vako,” ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa, “kuti uitirwe zvakanaka uye kuti ugare upenyu hurefu panyika.” Vanababa, regai kutsamwisa vana venyu; asi, muvarere mukurovedza nokurayira kwaShe. Varanda, teererai vatenzi venyu vapanyika noruremekedzo uye nokutya, uye nomwoyo wakatendeka, sokuteerera kwamunoita Kristu.
”Rugare kuhama, norudo nokutenda zvinobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu. Nyasha kuna vose vanoda Ishe wedu Jesu Kristu norudo rusingaperi.
”Mwari anogona kupupura kuti ndinokufungai sei imi mose norudo rwaKristu Jesu. Uye uyu ndiwo munyengetero wangu: kuti rudo rwenyu ruwande uye muwanze kuziva nokunzwisisa, kuitira kuti mugogona kunzwisisa kuti zvakaisvonaka ndezvipi uye muve vakachena uye mushayiwe chamungapomerwa kusvikira pazuva raKristu,
”Kana muine kurudziro inobva pakubatana naKristu, kana paine kunyaradza kunobva parudo rwake, kana pano kuwadzana noMweya, kana paino unyoro netsitsi, ipapo itai kuti mufaro wangu uzare nokuva nomurangariro wakadaro, muine rudo rumwe chete, muri vamwe mumweya nechinangwa. Musaita chinhu nomwoyo wokuchiva kana kuzvikudza, asi mukuzvininipisa muchionawo vamwe kuti vari nani kupfuura imi. Mumwe nomumwe wenyu ngaarege kungotsvaka zvake chete, asi zvavamwewo.
”Kufunga kwenyu ngakuve sokwaKristu Jesu: Uyo, kunyange aiva Mwari chaiye, haana kufunga kuti kuenzana naMwari chinhu chingabatisiswa, asi akazviita chinhu pasina, akatora chimiro chomuranda chaiye, akaitwa somunhu. Uye akati awanikwa ane chimiro chomunhu, akazvininipisa uye akateerera kusvikira pakufa, kunyange rufu pamuchinjikwa.
”Naizvozvo, hama dzangu, iyemi vandinoda uye vandinoshuva, mufaro wangu nekorona yangu, ndiko kuti mumire nesimba muna She, hama dzinodiwa!
”Tinogara tichivonga Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, patinokunyengetererai, nokuti takanzwa nezvokutenda kwenyu muna Kristu Jesu uye nezvorudo rwamunarwo kuvatsvene vose,
”Zvino ndinofara mune zvamakatamburirwa imi, uye ndinozadzisa munyama yangu izvo zvichiri kushayikwa maererano nokutambudzika kwaKristu, nokuda kwomuviri wake, iyo kereke.
”Vavariro yangu ndeyokuti vakurudzirwe mumwoyo uye vabatane murudo, kuitira kuti vave nepfuma izere yokunzwisisa kwakakwana, kuti vagoziva chakavanzika chaMwari, iye Kristu,
”Asi zvino munofanira kuzvidzora pane zvose zvakadai sezvizvi zvinoti: kutsamwa, hasha, ruvengo, makuhwa, nokutaura zvakaora zvichibva pamiromo yenyu. Musareverana nhema, sezvo makabvisa munhu wenyu wekare namabasa ake mukafuka munhu mutsva, ari kuvandudzwa mukuziva, mumufananidzo woMusiki wake. Apa hapachina muGiriki kana muJudha, kudzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa kana muSitia, nhapwa kana akasununguka, asi Kristu ndiye zvose, uye ari mune zvose.
”Naizvozvo savasanangurwa vaMwari, vatsvene uye vanodikanwa kwazvo, zvifukidzei netsitsi, nounyoro, nokuzvininipisa, nokupfava uye nomwoyo murefu. Munzwirane tsitsi uye mukanganwirane pamhosva ipi zvayo yamunenge matadzirana. Mukanganwire sezvamakakanganwirwa naShe. Uye pazvinhu zvose izvi fukai rudo, runokusunganidzai pamwe chete muhumwe hwakakwana. Rugare rwaKristu ngarutonge mumwoyo yenyu, sezvo senhengo dzomuviri mumwe makadanirwa kurugare. Uye munofanira kuvonga. Shoko raKristu ngarigare zvakakwana mamuri pamunenge muchidzidzisana muchirayirana nouchenjeri hwose, uye muchiimba mapisarema, dzimbo nenziyo dzomweya muchivonga Mwari mumwoyo yenyu. Uye zvose zvamunoita, mushoko kana mumabasa, itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari ivo Baba kubudikidza naye.
”Vakadzi, zviisei pasi pavarume venyu, sezvazvakafanira muna She. Varume, idai vakadzi venyu musingavabati nehasha. Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza Ishe. Madzibaba, musanetsa vana venyu, nokuti vanozoora mwoyo.
”Varanda, teererai vatenzi venyu vapanyika muzvinhu zvose; uye muzviite, kwete kuti vakuonei chete uye kuti mudikanwe navo, asi nokutendeka kwomwoyo uye nokutya Ishe. Zvose zvamunoita, itai zvose nomwoyo wose, savanhu vanoshandira Ishe, kwete munhu,
”Muve vakachenjera pamafambiro enyu kuna vari kunze; mungwarire nguva yenyu. Kutaura kwenyu ngakugare kwakazara nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuitira kuti muzive mapinduriro amunoita vanhu vose.
”Ishe ngaakurise rudo rwenyu uye rupfachukire kuno mumwe nomumwe nokuvanhu vose, sezvinoita rwedu kwamuri. Ngaasimbise mwoyo yenyu kuitira kuti mushayiwe chamunopomerwa uye muve vatsvene pamberi paMwari wedu naBaba vedu, pakuuya kwaIshe wedu Jesu navatsvene vake vose.
”Zvino kana rwuri rudo kuhama, hatitsvaki kukunyorerai, nokuti imi pachenyu makadzidziswa naMwari kuti mudanane. Uyezve, munoda hama dzose muMasedhonia yose. Asi tinokukurudzirai, hama, kuti muite izvozvo uye muchiwedzera.
”Naizvozvo kurudziranai uye muvakane, sezvamunoita zvino. Zvino tinokukumbirai, hama, kuti muremekedze avo vanoshanda nesimba pakati penyu, vari pamusoro penyu muna She uye vanokurayirai. Muvakudze zvikuru murudo nokuda kwebasa ravo. Garai murunyararo nomumwe nomumwe wenyu. Uye tinokukurudzirai, hama, kuti muyambire avo vano usimbe, mukurudzire vanotya, batsirai vasina simba, muite mwoyo murefu kuvanhu vose. Muve nechokwadi kuti kurege kuva nomunhu anodzorera chakaipa nechakaipa, asi edzai kuva nomwoyo munyoro kuno mumwe nomumwe wenyu uye nokuna vose.
”Tinofanira kuramba tichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, hama, uye zvakanaka izvozvo, nokuti kutenda kwenyu kuri kukura zvakanyanya, uye rudo rwamunarwo kuno mumwe nomumwe wenyu rwuri kukura. Naizvozvo, pakati pekereke dzaMwari tinozvirumbidza pamusoro pokutsungirira kwenyu uye nokutenda kwenyu nomukutambudzika kwose nokuedzwa kwamunotsunga makuri. Zvose izvi ndizvo zvinoratidza kuti kutonga kwaMwari kwakarurama, uye nokuda kwaizvozvi muchanzi makafanirwa noumambo hwaMwari, ihwo hwamunotamburira.
”Mwari ngaatungamirire mwoyo yenyu murudo rwaMwari uye nomukutsungirira kwaKristu.
”Chinovavarirwa nomurayiro uyu ndirwo rudo runobva pamwoyo wakachena, hana yakanaka nokutenda kwechokwadi.
”Nyasha zhinji dzaIshe wedu dzakadururwa pamusoro pangu, pamwe chete nokutenda norudo zviri muna Kristu Jesu.
”Ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza nokuda kwouduku hwako, asi uve muenzaniso kuvatendi mukutaura, muupenyu, murudo, mukutenda uye napakuchena kwomwoyo.
”Kana munhu asingachengeti hama dzake, uye zvikuru sei veimba yake, arasa kutenda, uye akaipa kukunda asingatendi.
”Asi iwe, munhu waMwari, tiza kubva pane izvi zvose, uye utevere kururama, umwari, kutenda, rudo, kutsungirira nounyoro.
”Ndinovonga Mwari, wandinoshumira sezvakaitwa namadzitateguru angu, nehana yakachena, sezvo ndichikurangarira muminyengetero yangu usiku namasikati. Ndichirangarira misodzi yako, ndinoshuva kukuona, kuti ndigozadzwa nomufaro.
”Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi mweya wesimba, neworudo newokuzvidzora. Saka usanyadziswa nokupupura Ishe wedu, kana kunyadziswa neni musungwa wake. Asi utambudzike pamwe chete neni nokuda kwevhangeri, nesimba raMwari,
”Zvino muranda waIshe haafaniri kukakavara; asi anofanira kuva munyoro kumunhu wose, achigona kudzidzisa, asingatsamwi. Vaya vanomupikisa anofanira kuvadzidzisa nounyoro, aine tariro yokuti Mwari achavapa kutendeuka vagoziva chokwadi,
”Vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingatendi, vasina utsvene, vasina rudo, vasingaregereri, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane utsinye, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanomukira, vanoita manyawi, vanonyengera, vanoda kuzvifadza nezvenyika kupfuura Mwari; vane mufananidzo bedzi wokunamata Mwari asi vachiramba simba racho. Siyana navanhu ivavo.
”Asi kunyange zvakadaro, iwe unoziva kudzidzisa kwangu kwose, mararamiro angu, chinangwa changu, kutenda kwangu, mwoyo murefu wangu, norudo, nokutsungirira,
”Unofanira kudzidzisa zviri maererano nedzidziso yakarurama. Dzidzisa varume vakuru kuti vave vanozvibata, vakafanira kukudzwa, vanozvidzora, uye vakarurama mukutenda, murudo nomukutsungirira. Saizvozvowo, dzidzisa vakadzi vakuru kuti vave nomufambiro wakafanira, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi kuti vadzidzise zvakanaka. Uye kuti vadzidzise vakadzi vaduku kuti vade varume vavo navana vavo, kuti vave vanozvidzora uye vakachena, vanoshanda kumba, vave vanyoro uye kuti vazviise pasi pavarume vavo, kuitira kuti pashayikwe angazvidza shoko raMwari. Zvimwe chetezvo, kurudzira majaya kuti azvidzore. Pazvinhu zvose iwe uvaratidze somuenzaniso nokuita zvakanaka. Pakudzidzisa kwako udzidzise zvakakwana, uchirevesa uye nokutaura kwakarurama kusingagoni kushorwa, kuitira kuti vaya vanokupikisa vanyadziswe nokuti havana chinhu chavangareva pamusoro pedu.
”Uyeuchidze vanhu kuti vazviise pasi pavatongi navane simba, kuti vave vanoteerera, kuti vave vanhu vakagadzirira kuita zvose zvakanaka, kuti varege kuchera vamwe, vagare murunyararo, vaitire vamwe zvakanaka, uye kuti varatidze kuzvininipisa kwechokwadi kuvanhu vose. Pane imwe nguva nesuwo takanga tiri mapenzi, tisingateereri, takanyengerwa, takatapwa nokuchiva kwose uye nezvinofadza. Taigara muruvengo negodo, tichivengwa nokuvengana. Asi pakaratidzwa ngoni norudo rwaMwari Muponesi wedu, akatiponesa, kwete nokuda kwezvinhu zvakarurama zvatakaita, asi nokuda kwetsitsi dzake. Akatiponesa kubudikidza nokuberekwa patsva nokuvandudzwa noMweya Mutsvene,
”Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarira muminyengetero yangu, nokuti ndinonzwa nezvokutenda kwako muna Ishe Jesu uye norudo rwako kuvatsvene vose.
”Rudo rwako rwakandipa mufaro mukuru nokukurudzirwa, nokuti iwe, hama yangu, wakazorodza mwoyo yavatsvene. Naizvozvo, kunyange zvazvo ndisingatyi, muna Kristu, kuti ndikurayire zvaunofanira kuita, asi ndinokukumbira nokuda kworudo. Saka ini, saPauro mutana uye zvino musungwa waKristu Jesu
”Mwari haazi asina kururama; haangakanganwi basa renyu norudo rwamakamuratidza pamaibatsira vanhu vake uye kuti muchiri kuramba muchivabatsira.
”Nokuti ndichavaregerera zvakaipa zvavo uye handizorangaririzve zvivi zvavo.”
”Uye ngatirangarirei kuti tingakurudzirana sei kuti tive norudo namabasa akanaka. Tisarega kuungana sezvinoita vamwe, asi tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva roswedera.
”nokuti Ishe anoranga uyo waanoda, uye anorova munhu wose waanogamuchira somwanakomana.” Tsungai pamatambudziko sokurangwa; Mwari anokubatai imi savanakomana. Nokuti ndoupiko mwanakomana asingarangwi nababa vake? Kana musingarangwi (vamwe vose vachirangwa), naizvozvo muri vana vasiri chaivo uye hamusi vanakomana vechokwadi. Uyezve, isu tose tina madzibaba edu epanyama anotiranga uye tinovakudza nokuda kwaizvozvo. Ko, tingazviisa zvikuru sei pasi paBaba vemweya yedu tigorarama!
”Rambai mune rudo pakati penyu sehama. Musakanganwa kuitira vaeni rudo, nokuti vamwe mukuita izvi vakashumira vatumwa vasingazvizivi. Rangarirai vaya vari mutorongo somunenge makasungwa pamwe chete navo, uye navaya vanoitirwa zvakaipa sokunge imi pachenyu ndimi muri kutambudzwa.
”Uye musakanganwa kuita zvakanaka nokugoverana navamwe, nokuti Mwari anofadzwa nezvibayiro zvakadai.
”Hama iri panzvimbo yokuninipiswa ngaifare muchinzvimbo chayo chokukudzwa.
”Hama dzangu dzinodikanwa, cherechedzai izvi: Munhu mumwe nomumwe anofanira kukurumidza kunzwa, kunonoka kutaura nokunonoka kutsamwa, nokuti kutsamwa kwomunhu hakuuyisi upenyu hwakarurama hunodikanwa naMwari. Naizvozvo, bvisai tsvina yose uye nokuipa kwakawanda, mugogamuchira nokuzvininipisa, shoko rakasimwa mamuri, rinogona kukuponesai.
”Kana munhu upi zvake achizviti akarurama uye asingachengeti rurimi rwake zvakasimba, anozvinyengera uye chinamato chake hachina maturo.
”Kana mumwe munhu akauya akapinda mumusangano wenyu akapfeka mhete yegoridhe nenguo dzakaisvonaka, uye murombo akapfeka mamvemve akapindawo, kana mukaremekedza munhu akapfeka nguo dzakaisvonaka muchiti, “Hechi chigaro chenyu chakanaka,” asi kumurombo mukati, “Iwe mira apo,” kana kuti “Gara pasi, patsoka dzangu,” hamuna kutsaura here pakati penyu uye mukava vatongi vane ndangariro dzakaipa? Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa: Ko, Mwari haana kusarudza varombo venyika ino kuti vave vapfumi mukutenda uye kuti vagare nhaka youmambo hwaakavimbisa avo vanomuda here? Asi imi makazvidza varombo. Ko, havasi vapfumi vanokubirai here? Havazi ivo vanokuendesai kumatare edzimhosva here?
”Kana muchichengeta muchokwadi murayiro woushe unowanikwa muRugwaro, unoti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozvida iwe,” munoita zvakanaka. Asi kana muchitsaura vanhu, muri kutadza uye munotongwa nomurayiro savadariki vomurayiro.
”nokuti kutonga kusinganzwiri ngoni kucharatidzwa kumunhu upi zvake akanga asinganzwiri ngoni. Ngoni dzinokunda kutonga!
”Kana hama kana hanzvadzi ikashayiwa zvokufuka nezvokudya zvezuva rimwe nerimwe, uye mumwe wenyu akati, “Endai henyu, mufambe zvakanaka; mudziyirwe uye mugute,” asi asina chinhu chaamuitira chinodikanwa nomuviri wake, zvakanaka here izvozvo? Saizvozvowo, kutenda kwoga, kana kusina basa, kwakafa.
”Saizvozvo, rurimi mutezo muduku womuviri, asi runozvikudza zvikuru. Cherechedzai kukura kwesango rinopiswa nebari duku romoto. Rurimi motowo, inyika yezvakaipa pakati pemitezo yomuviri. Runoodza muviri wose, runotungidza nzira yose youpenyu hwomunhu nomoto, uye irwo pacharwo runotungidzwa neGehena.
”Ndiani akachenjera uye anonzwisisa pakati penyu? Ngaazviratidze noupenyu hwake hwakanaka, namabasa anoitwa nokuzvininipisa kunobva pauchenjeri. Asi kana muchipfimbika godo rinovava norukave mumwoyo yenyu, musazvikudza pamusoro pazvo kana muchiramba chokwadi.
”Nokuti pane godo norukave, ndipo pamunowana nyonganiso namabasa ose akaipa. Asi uchenjeri hunobva kudenga pakutanga kwezvose, hwakachena; uye hunofarira rugare, hune hanya, hunozviisa pasi, huzere nengoni uye hune zvibereko zvakanaka, hahutsauri vamwe uye hwakatendeka. Vayananisi vanodyara murugare vanowana gohwo rokururama.
”Kurwa nokukakavara pakati penyu kunobvepiko? Hakubvi pakuchiva kwenyu kunorwa mukati menyu here? Munoda chimwe chinhu asi hamuchiwani. Munouraya uye munochiva, asi hamugoni kuwana zvamunoda. Munokakavadzana uye munorwa. Hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri Mwari. Pamunokumbira, hamugamuchiri, nokuti munokumbira zvakaipa, kuti mugoshandisa zvamunowana pamafaro enyu.
”Asi anotipa nyasha zhinji. Ndokusaka Rugwaro ruchiti: “Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.” Zviisei zvino, pasi paMwari. Dzivisai dhiabhori, uye achatiza kwamuri. Swederai kuna Mwari uye iye achaswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi, uye munatse mwoyo yenyu, imi vane mwoyo miviri. Chemai, murire uye muungudze. Shandurai kuseka kwenyu kuve kuchema uye mufaro wenyu uve kusuwa. Zvininipisei pamberi paIshe, agokusimudzirai. Hama dzangu, musarevana. Ani naani anoreva hama yake kana kumutonga anotaura achirwa nomurayiro uye achiutonga. Kana uchitonga murayiro, iwe hauzi kuuchengeta, asi ugere uchitonga uri pauri.
”Ani naani, zvino, anoziva zvakanaka zvaanofanira kuita akasazviita, ari kutadza.
”Nemiwo, ivai nomwoyo murefu uye mumire nesimba, nokuti kuuya kwaShe kwava pedyo. Musanyunyutirana, hama dzangu, kuti murege kutongwa. Mutongi amire pamusuo! Hama dzangu, somuenzaniso womwoyo murefu pakutambudzika, tarirai vaprofita vakataura muzita raShe.
”Naizvozvo reururai zvivi zvenyu mumwe kuno mumwe uye munyengetererane kuti mugoporeswa. Munyengetero womunhu akarurama une simba uye unoshanda.
”Zvino zvamakanatsa mwoyo yenyu nokuteerera chokwadi kuitira kuti mude hama muzvokwadi, munofanira kudanana zvikuru, zvichibva pamwoyo.
”Naizvozvo, muzvidzore pane zvakaipa zvose namanomano ose, nokunyengera, negodo, nokureva kwose. Savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka wakachena womweya, kuti mugokuriswa nawo muruponeso rwenyu,
”Kudzai vanhu vose norukudzo chairwo: Idai hama dzose, ityai Mwari, kudzai mambo. Varanda, zviisei pasi pavatenzi venyu nokukudza kwose, kwete kuna avo vakanaka navane hanya bedzi, asi nokuna vayawo vane hasha.
”Makadanirwa izvozvi, nokuti Kristu akatambudzika nokuda kwenyu, akakusiyirai muenzaniso, kuti mutevere makwara ake. “Haana kutadza, uye kunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make.” Pavakamutuka, haana kudzorera; paakatambudzika, haana kutyisidzira. Asi, akazviisa kuna iye anotonga nokururama.
”Pakupedzisira, imi mose, mugare norugare mumwe nomumwe wenyu; munzwirane ngoni, mudanane sehama, munzwirane tsitsi uye muzvininipise. Regai kudzorera chakaipa nechakaipa kana kutuka nokutuka, asi namaropafadzo, nokuti ndizvo zvamakadanirwa izvozvo kuitira kuti mugare nhaka yokuropafadzwa.
”Pamusoro paizvozvo zvose dananai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidza zvivi zvizhinji. Muitirane rudo kuno mumwe nomumwe wenyu musinganyunyuti. Mumwe nomumwe ngaashandise chipo chaanacho kuti ashandire vamwe, akatendeka muutariri hwenyasha dzaMwari mukuwanda kwadzo.
”Saizvozvo, imi majaya, muzviise pasi pavaya vari vakuru. Imi mose, pfekai kuzvininipisa kuno mumwe nomumwe, nokuti, “Mwari anodzivisa vanozvikudza asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.” Naizvozvo, muzvininipise, pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti agokusimudzirai munguva yakafanira. Kandai paari kufunganya kwenyu kwose nokuti anokuchengetai.
”Kwazisanai nokutsvodana kworudo. Rugare kwamuri mose muri muna Kristu.
”Nokuda kwaizvozvi, shingairai kuti muwedzere kunaka pakutenda kwenyu; uye pakunaka, muwedzere kuziva; napakuziva muwedzere kuzvidzora; napakuzvidzora, muwedzere kutsungirira; napakutsungirira, muwedzere umwari; napaumwari muwedzere kuda vatendi; napakuda vatendi, muwedzere rudo.
”Asi kana munhu achiteerera shoko rake, zvirokwazvo rudo rwaMwari runokwaniswa maari. Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tiri maari:
”Ani naani anoti ari muchiedza asi achivenga hama yake achiri murima. Ani naani anoda hama yake anogara muchiedza, uye maari hamuna chinhu chingamugumbusa. Asi ani naani anovenga hama yake ndiye ari murima uye anofamba murima; haazivi kwaanoenda, nokuti rima rakamupofumadza.
”Musada nyika kana zvinhu zviri mairi. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari.
”Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari! Uye ndizvo zvatiri! Chinoita kuti nyika itadze kutiziva ndechokuti haina kumuziva iye.
”Iri ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga: Tinofanira kudanana.
”Tinoziva kuti takabva murufu tikaenda muupenyu, nokuti tinoda hama dzedu. Ani naani asingadi anogara murufu. Ani naani anovenga hama yake imhondi, uye munoziva kuti hakuna mhondi ino upenyu husingaperi mairi. Aya ndiwo maziviro edu kuti rudo rwakadini: Jesu Kristu akapa upenyu hwake nokuda kwedu. Uye isu tinofanira kupa upenyu hwedu nokuda kwehama dzedu. Kana munhu ane pfuma uye akaona hama yake ichishayiwa, asi akasainzwira tsitsi, rudo rwaMwari rungagara maari seiko? Vana vanodikanwa, ngatiregerei kuda namashoko kana norurimi, asi namabasa uye nechokwadi.
”Uye uyu ndiwo murayiro wake: kutenda muzita roMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye nokuda mumwe nomumwe wedu sezvaakatirayira.
”Shamwari dzinodikanwa, ngatidananei, nokuti rudo runobva kuna Mwari. Mumwe nomumwe anoda akaberekwa naMwari uye anoziva Mwari. Ani naani asingadi haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo. Mwari akaratidza rudo rwake pakati pedu sezvizvi: Akatuma Mwanakomana wake mumwe woga munyika kuti tive noupenyu kubudikidza naye. Urwu ndirwo rudo: kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye akatida uye akatuma Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chinoyananisa zvivi zvedu. Shamwari dzinodikanwa, sezvo Mwari akatida zvakadai, isu tinofanirawo kudanana. Hakuna munhu akatongoona Mwari; asi kana tichidanana, Mwari anogara matiri, uye rudo rwake runokwaniswa matiri.
”Nokudaro tinoziva uye tinovimba norudo rwaMwari kwatiri. Mwari rudo. Ani naani anogara murudo anogara muna Mwari, uye Mwari maari. Naizvozvo, rudo runokwaniswa pakati pedu kuitira kuti tigova nokuvimba pazuva rokutongwa, nokuti munyika ino takafanana naye. Murudo hamuna kutya. Asi rudo rwakakwana runodzinga kutya, nokuti kutya kune chokuita nokurangwa. Munhu anotya haana kukwaniswa murudo. Tinomuda nokuti iye akatanga kutida. Kana munhu achiti, “Ndinoda Mwari,” asingadi hama yake, murevi wenhema. Nokuti ani naani asingadi hama yake yaakaona, haagoni kuda Mwari, waasina kumboona. Uye akatipa murayiro uyu: Ani naani anoda Mwari anofanirawo kuda hama yake.
”Mumwe nomumwe anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, akaberekwa naMwari, uye mumwe nomumwe anoda baba anodawo mwana wavo. Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinoda vana vaMwari: kana tichida Mwari uye tichiita mirayiro yake. Uku ndiko kuda Mwari: kuteerera mirayiro yake. Uye mirayiro yake hairemi,
”Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Jesu Kristu, Mwanakomana waBaba, zvichava nesu muchokwadi nomurudo.
”Uye zvino, mai, handisi kukunyorerai murayiro mutsva asi iwo watakanzwa kubva pakutanga. Ndinokumbira kuti tidanane. Uye urwu ndirwo rudo: kuti tifambe mukuteerera mirayiro yake. Sezvamakanzwa kubva pakutanga, murayiro wake ndewokuti mufambe murudo.
”Zvichengetei murudo rwaMwari pamunenge muchimirira ngoni dzaIshe wedu Jesu Kristu kuti dzikuuyisei kuupenyu husingaperi. Itirai ngoni avo vanokahadzika; bvutai vamwe kubva mumoto mugovaponesa; vamwe muvanzwire ngoni dzakasanganiswa nokutya, muchivenga kunyange nenguo dzakasvibiswa nenyama.
”nokuna Jesu Kristu, iye chapupu chakatendeka, dangwe kubva kuvakafa, nomutongi wamadzimambo enyika. Kuna iye anotida uye akatisunungura kubva kuzvivi zvedu neropa rake,
”Asi ndine mhosva iyi newe: Wakasiya rudo rwako rwokutanga.
”Ndinoziva mabasa ako, rudo rwako nokutenda kwako, kushumira kwako uye nokutsungirira kwako, uye kuti iye zvino uri kuita zvinopfuura zvawakaita pakutanga.
”Avo vandinoda ndinovatsiura uye ndinovaranga. Saka shingaira, utendeuke.
”Havachazoziyi nenzara zvakare; havachazonzwi nyota zvakare. Havachazopiswi nezuva, kana nokupisa kupi zvako. Nokuti Gwayana riri pakati pechigaro choushe richava mufudzi wavo; richavatungamirira kumatsime emvura mhenyu. Uye Mwari achapukuta misodzi yose pameso avo.”
”Ndakaona Guta Dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kubva kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongera murume wake zvakaisvonaka.
”Achapukuta misodzi yavo yose pameso avo. Hapachazovazve norufu, kana kuungudza, kana kuchema, kana kurwadziwa, nokuti zvinhu zvokutanga zvapfuura.” Akanga agere pachigaro choushe akati, “Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva!” Ipapo akati, “Nyora izvi, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.” Akati kwandiri, “Zvaitwa. Ndini Arifa naOmega, wokutanga newokupedzisira. Kuna iye ane nyota ndichamupa kuti anwe, asingaripi, kubva mutsime remvura youpenyu. Anokunda achapiwa nhaka iyi yose, uye ndichava Mwari wake, uye iye achava mwanakomana wangu.
”