22 – Zvishamiso
Aya ndiwo mashoko matsvene aMwari Wemasimbaose.
Hatina basa nemashoko evanhu.
Chero ani zvake anoda Mwari . . . Izvi ndizvo zvinotaurwa naMwari pamusoro pazvo: Zvishamiso.
Aya ndiwo mashoko matsvene aMwari Wemasimbaose.
Hatina basa nemashoko evanhu.
Chero ani zvake anoda Mwari . . . Izvi ndizvo zvinotaurwa naMwari pamusoro pazvo: Zvishamiso.
Akadana vadzidzi vake gumi navaviri akavapa simba rokudzinga mweya yakaipa nokuporesa marudzi ose ezvirwere namarudzi ose ehosha.
”Jesu akapindura akati, “Ivai nokutenda muna Mwari. Ndinokuudzai chokwadi, kana munhu akati kugomo iri, ‘Enda, uzvikande mugungwa,’ uye asingakahadziki nazvo mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaareva zvichaitika, achazviitirwa. Naizvozvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunokumbira mukunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, uye zvichava zvenyu.
”Vapostori vakaita zviratidzo zvizhinji nezvishamiso pakati pavanhu. Uye vatendi vose vaiwanzosangana pamwe chete muBiravira raSoromoni. Hakuna munhu akatsunga kubatana navo kunyange zvazvo vakanga vachikudzwa zvikuru navanhu. Zvisinei zvazvo, varume vazhinji navakadzi vakatenda kuna She uye vakawedzera uwandu. Nokuda kwaizvozvo, vanhu vakauya navairwara munzira dzomumisha vakavaradzika pamibhedha napahukwe vachiitira kuti mumvuri waPetro uwire pane vamwe vavo paainge ava kupfuura napavari. Vanhu vazhinji zhinji vaibva mumaguta akapoteredza Jerusarema vakaunganawo, vakauya navarwere vavo navaya vaitambudzwa nemweya yakaipa, uye vose vakaporeswa.
”Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika. Zvino nyika yakanga isina kugadzirwa uye isina chinhu, rima rakanga riri pamusoro pemvura yakadzika, uye Mweya waMwari wakanga uchigara pamusoro pemvura. Uye Mwari akati, “Chiedza ngachivepo,” chiedza chikavapo.
”Jehovha Mwari akaumba munhu kubva paguruva revhu uye akafemera mweya woupenyu mumhino dzake, uye munhu akava mupenyu.
”Faro akati kuna Josefa, “Ndakarota hope, uye hakuna munhu akagona kudzidudzira. Asi ndanzwa zvarehwa nezvako kuti paunonzwa kurota uku, unogona kukududzira.” Josefa akapindura Faro akati, “Ini handigoni kuzviita, asi Mwari achapa Faro mhinduro yaanoda.”
”Ikoko, mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari mumarimi omoto aiva mugwenzi. Mozisi akaona kuti kunyange zvazvo gwenzi rakanga richipfuta, rakanga risingatsvi. Saka Mozisi akafunga akati, “Ndichaenda apo ndinoona chishamiso ichi, kuti seiko gwenzi risingatsvi.” Jehovha akati aona kuti akanga aendako kuti andoona, Mwari akadana kwaari kubva mugwenzi akati, “Mozisi! Mozisi!” Uye Mozisi akati, “Ndiri pano hangu.” Mwari akati, “Usaswedera pedyo. Bvisa shangu dzako nokuti nzvimbo yaumire itsvene.”
”Ipapo Jehovha akati kwaari, “Chiiko icho chiri muruoko rwako?” Akapindura akati, “Itsvimbo.” Jehovha akati, “Ikande pasi.” Mozisi akaikanda pasi ikava nyoka, uye akaitiza. Ipapo Jehovha akati kwaari, “Tambanudza ruoko ugoibata nokumuswe.” Saka Mozisi akatambanudza ruoko ndokubata nyoka uye ikadzokera pakare pakuva tsvimbo muruoko rwake. Jehovha akati, “Izvi ndezvokuti vagotenda kuti Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakobho, azviratidza kwauri.”
”Ipapo Jehovha akati, “Isa ruoko rwako muchipfuva chako.” Saka Mozisi akaisa ruoko rwake muchipfuva chake, uye paakarubudisa, rwakanga rwachena maperembudzi, sechando. Iye akati, “Zvino chirudzorerazve muchipfuva chako,” uye paakarubudisa, rwakanga rwavandudzwa, rwaita somuviri wake wose. Ipapo Jehovha akati, “Kana vasingakutendi kana kuteerera kuchiratidzo chokutanga, vangangotendawo chechipiri. Asi kana vasingatendi zviratidzo zviviri izvi kana kukuteerera, utore mvura kubva muna Nairi ugoidira pasi. Mvura yaunotora kubva murwizi ichava ropa pamusoro pevhu.”
”uye Aroni akavaudza zvinhu zvose zvakanga zvaudzwa Mozisi naJehovha. Akaitawo zviratidzo pamberi pavanhu, vakatenda. Uye pavakanzwa kuti Jehovha akanga ane hanya navo, uye kuti akanga aona kutambudzika kwavo, vakakotama pasi vakanamata.
”Asi ndichaomesa mwoyo waFaro uye kunyange ndikawanza zviratidzo nezvishamiso zvangu muIjipiti,
”“Faro paanoti kwamuri, ‘Itai chiratidzo,’ ipapo uti kuna Aroni, ‘Tora tsvimbo yako uikande pasi pamberi paFaro,’ uye ichava nyoka.” Saka Mozisi naAroni vakaenda kuna Faro vakandoita sezvavakarayirwa naJehovha. Aroni akakanda tsvimbo yake pasi pamberi paFaro namachinda ake, uye ikava nyoka. Ipapo Faro akadana varume vakachenjera navaroyi, uye nʼanga dzeIjipiti dzakaitawo zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo. Mumwe nomumwe akakanda tsvimbo yake pasi uye ikava nyoka. Asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo.
”Mozisi naAroni vakaita sezvavakarayirwa naJehovha. Akasimudza tsvimbo yake pamberi paFaro namachinda ake akarova mvura yeNairi, mvura yose ikashanduka ikava ropa. Hove dzaiva muna Nairi dzakafa, uye rwizi rwakanhuhwa zvakaipa kwazvo zvokuti vaIjipita havana kugona kunwa mvura yarwo. Ropa rakanga riri pose pose muIjipiti. Asi nʼanga dzavaIjipita dzakaita zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo, mwoyo waFaro ukava mukukutu; haana kuda kuteerera Mozisi naAroni, sezvakanga zvarehwa naJehovha. Asi akadzokera mumuzinda wake, uye haana kunyange kuzviisa mumwoyo make.
”Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro undoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata. Kana ukaramba kuti vaende, ndichatambudza nyika yako yose namatatya. Nairi ruchazara namatatya. Achakwira agopinda mumuzinda wako nomuimba yako yokuvata uye napamubhedha wako, nomudzimba dzamachinda ako uye napavanhu vako uye nomuzvoto zvako nepokukanyira chingwa. Matatya achakwira pamusoro pako napamusoro pavanhu vako napamusoro pamachinda ako ose.’ ” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tambanudza ruoko rwako pamwe chete netsvimbo yako pamusoro pehova napamusoro pemigero napamadziva, uye uite kuti matatya auye pamusoro penyika yeIjipiti.’ ” Saka Aroni akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pemvura yeIjipiti, matatya akauya akafukidza nyika. Asi nʼanga dzakaitawo zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo; vakaitawo matatya kuti auye pamusoro penyika yeIjipiti.
”Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tambanudza tsvimbo yako ugorova guruva revhu,’ uye munyika yose yeIjipiti, guruva richava umhutu.” Vakaita izvozvo uye Aroni akati atambanudza ruoko rwaiva netsvimbo akarova guruva umhutu hukauya pamusoro pavanhu nezvipfuwo. Guruva rose munyika yose yeIjipiti rakava umhutu. Asi nʼanga dzakakundikana, padzakaedza nouroyi hwadzo kubudisa umhutu. Nʼanga dzakati kuna Faro, “Uyu munwe waMwari.” Asi mwoyo waFaro wakava mukukutu uye haana kuda kuteerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
”Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muka mangwanani-ngwanani undosangana naFaro paanenge achienda kumvura ugoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata. Kana usingatenderi vanhu vangu kuti vaende, ndichatumira bute renhunzi pamusoro pako napamusoro pamachinda ako, napamusoro pavanhu vako uye nomudzimba dzenyu. Dzimba dzavaIjipita dzichazara nenhunzi, uye kunyange pavhu pavamire. “ ‘Asi pazuva iroro ndichatsaura nyika yeGosheni uko kunogara vanhu vangu; hakuna bute renhunzi richawanikwa ikoko kuitira kuti ugoziva kuti ini, Jehovha, ndiri munyika muno. Ndichaita mutsauko pakati pavanhu vangu navanhu vako. Chiratidzo ichi chichaitika mangwana.’ ” Uye Jehovha akaita izvozvo. Mabute enhunzi akapinda mumuzinda maFaro uye nomudzimba dzamachinda ake, uye muIjipiti yose, nyika yakaparadzwa namabute enhunzi.
”Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro undoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Mwari wavaHebheru: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata. Kana uchiramba kuti vaende uye ukaramba uchivadzivisa, ruoko rwaJehovha ruchauyisa hosha yakaipa pakati pezvipfuwo zvako zviri muminda napamusoro pamabhiza ako nembongoro dzako nengamera napamusoro pemombe dzako uye napamusoro pamakwai nembudzi. Asi Jehovha achaisa mutsauko pakati pezvipfuwo zveIsraeri nezveIjipiti, kuitira kuti parege kuva nezvipfuwo zvavaIsraeri zvichafa.’ ” Jehovha akatsaura nguva uye akati, “Mangwana Jehovha achaita izvi munyika.” Uye chifumi chamangwana Jehovha akazviita: Zvipfuwo zvose zvavaIjipita zvakafa, asi hapana kana chipfuwo chimwe chete chavaIsraeri chakafa. Faro akatuma vanhu kundoferefeta uye akawana kuti pakanga pasina kunyange chipfuwo chimwe chete chavaIsraeri chakanga chafa. Asi mwoyo wake wakanga uri mukukutu saka haana kutendera vanhu kuenda.
”Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Torai tsama dzamadota kubva pachoto mugoita kuti Mozisi aakushe mumhepo pamberi paFaro. Richava guruva rakatsetseka pamusoro penyika yose yeIjipiti, uye mamota anoputika achamera pavanhu napazvipfuwo munyika yose.” Saka vakatora madota pachoto vakandomira pamberi paFaro. Mozisi akaakusha mumhepo, mamota anoputika akamera pamusoro pavanhu napamusoro pezvipfuwo. Nʼanga hadzina kugona kumira pamberi paMozisi nokuda kwamamota akanga ari pavari uye napavaIjipita vose. Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFaro uye haana kuda kuteerera kuna Mozisi naAroni, zvakanga zvarehwa naJehovha kuna Mozisi.
”Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga kuti chimvuramabwe chiwire pamusoro peIjipiti yose, pamusoro pavanhu napamusoro pezvipfuwo napamusoro pezvinhu zvose zvinomera muminda yeIjipiti.” Mozisi akati atambanudzira tsvimbo yake kudenga, Jehovha akatuma kutinhira nechimvuramabwe, uye mheni yakapenya yakananga pasi. Saka Jehovha akanayisa chimvuramabwe pamusoro penyika yeIjipiti; chimvuramabwe chakawa uye mheni yakapenya mberi neshure. Ndiro rakava dutu rakaipisisa kwazvo munyika yose yeIjipiti, kubva panguva yavakatanga kuva rudzi. Munyika yose yeIjipiti, chimvuramabwe chakarova zvinhu zvose zvakanga zviri musango, zvose vanhu nezvipfuwo; chakarovera pasi zvose zvaimera musango ndokuparadza miti yose. Nzvimbo yachisina kunaya chete inyika yeGosheni, uko kwaiva navaIsraeri. Ipapo Faro akadana Mozisi naAroni akati, “Nguva ino ndatadza. Jehovha ndiye akarurama asi ini navanhu vangu hatina kururama.
”Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudza ruoko rwako pamusoro peIjipiti kuitira kuti mhashu dzigoita bute pamusoro dzigodya zvose zvinomera muminda, zvose zvakasiyiwa nechimvuramabwe.” Saka Mozisi akatambanudza tsvimbo yake pamusoro peIjipiti, uye Jehovha akaita kuti mhepo yokumabvazuva ivhuvhute munyika zuva rose nousiku hwose. Mangwanani, mhepo yakanga yauyisa mhashu; dzakazadza Ijipiti yose uye dzikamhara munzvimbo dzose dzenyika dzakawanda zvikuru. Hakuna kutongova nedambudziko remhashu rakadai, uye harichazombovapozve. Dzakafukidza pasi pose kusvikira pasviba kuti svi-i. Dzakadya zvose zvakanga zvasara shure kwechimvuramabwe, zvinhu zvose zvaimera muminda uye michero yaiva pamiti. Hakuna chakasvibirira chakasara mumiti kana zvirimwa zvomunyika yose yeIjipiti. Faro akakurumidza kudana Mozisi naAroni akati, “Ndatadzira Jehovha Mwari wenyu uye nemi.
”Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga kuti rima ripararire pamusoro peIjipiti, rima rinonzwikwa.” Saka Mozisi akatambanudzira ruoko rwake kudenga, rima guru rikafukidza Ijipiti yose kwamazuva matatu. Hapana aigona kuona mumwe munhu papi zvapo kana kubva panzvimbo yake kwamazuva matatu. Asi vaIsraeri vainge vane chiedza munzvimbo dzavaigara.
”Pakati pousiku Jehovha akarova matangwe ose omuIjipiti, kubva padangwe raFaro, iye aizogara pachigaro choushe, kusvika kudangwe romusungwa, akanga ari mutorongo, nedangwe rezvipfuwo zvosewo. Faro namachinda ake ose uye navaIjipita vose vakamuka usiku, uye kwakava nokuungudza kukuru muIjipiti, nokuti kwakanga kusina imba isina munhu akanga afa. Faro akadana Mozisi naAroni usiku akati, “Simukai, mubve pakati pavanhu vangu, imi navaIsraeri! Endai, mundonamata Jehovha sezvamakakumbira. Mutore makwai enyu nemombe, sezvamakareva, mugoenda. Uyewo mundiropafadze.” VaIjipita vakakurudzira vanhu kuti vakurumidze kubva munyika. Nokuti vakati, “Zvimwe tingafa tose!”
”Ipapo mutumwa waMwari, uyo akanga achifamba ari mberi kwehondo yavaIsraeri, akadzokera shure kwavo. Shongwe yegore yakabvawo mberi kwavo ikandomira shure kwavo, iri pakati pehondo dzeIjipiti nedzeIsraeri. Usiku hwose gore rakauyisa rima kuno rumwe rutivi uye chiedza kuno rumwe rutivi; saka hakuna akaswedera kuno mumwe usiku hwose. Ipapo Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye usiku hwose ihwohwo Jehovha akasunda gungwa nemhepo ine simba yokumabvazuva rikashanduka pakava nenyika yakaoma. Mvura yakakamurana, uye vaIsraeri vakapinda nomugungwa napavhu rakaoma uye madziro emvura ari kuruoko rworudyi nokuruboshwe kwavo. VaIjipita vakavatevera, uye mabhiza ose aFaro nengoro dzake navatasvi vamabhiza vakatevera mugungwa. Panguva yamangwanani Jehovha akatarira pasi nomushongwe yomoto uye nomugore raiva kurutivi rwehondo yavaIjipita, akainyonganisa. Akaita kuti mavhiri engoro dzavo abve zvokuti zvakanga zvaoma kudzifambisa. Uye vaIjipita vakati, “Ngatitizei kubva kuvaIsraeri. Jehovha ari kuvarwira achirwa navaIjipita.” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa kuitira kuti mvura iyerere napamusoro pavaIjipita napamusoro pengoro dzavo napamusoro pavatasvi vavo vamabhiza.” Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye kwaedza, gungwa rakadzokera panzvimbo yaro. VaIjipita vakanga vachitizira kwariri, uye Jehovha akavakukurira mugungwa. Mvura yakadzokera pakare ikafukidza ngoro navatasvi vamabhiza, hondo yose yaFaro yakanga yatevera vaIsraeri ikanyura mugungwa. Hapana kana mumwe wavo akararama. Asi vaIsraeri vakapinda nomugungwa napavhu rakaoma uye madziro emvura ari kuruoko rwavo rworudyi nokuruboshwe.
”Akati, “Kana mukanyatsoteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu uye mukaita zvakarurama pamberi pake, kana mukarerekera nzeve dzenyu kumirayiro yake uye mukachengeta mitemo yose, haangauyisi pamusoro penyu zvirwere zvose zvandakauyisa pamusoro pavaIjipita, nokuti ndini Jehovha anokuporesai.”
”akati kwavari, “Teererai mashoko angu: “Kana pano muprofita pakati penyu, ndinozviratidza kwaari nezviratidzo, ndinotaura naye muzviratidzo, ndinotaura naye muzviroto.
”hakuna mumwe wavarume vakaona kubwinya kwangu nezvishamiso zvandakaita muIjipiti nomurenje asi vakasanditeerera, uye vakandiedza kanokwana kagumi,
”Makaswedera mukamira pajinga pegomo, gomo paraipfuta nomoto waisvika kumatenga chaiko, pamwe chete nemakore matema nerima guru. Ipapo Jehovha akataura kwamuri ari mukati memoto. Makanzwa inzwi chete asi hamuna kuona kuti ndiani; kwaingova nenzwi roga. Akataura sungano yake kwamuri, Mirayiro Gumi, yaakakurayirai kuti muitevere uye ipapo akainyora pamahwendefa maviri amabwe.
”Kune vamwe vanhu vakambonzwa inzwi raMwari achitaura ari mukati momoto here, sezvamakanzwa imi uye vakararama? Kune mumwe mwari here akaedza kundozvitsaurira rudzi pakati porumwe rudzi, nemiedzo, nezviratidzo, nezvishamiso, nehondo, noruoko rune simba, noruoko rwakatambanudzwa, kana namabasa makuru anotyisa, sezvinhu zvose zvakaitwa naJehovha Mwari wenyu pamberi penyu muIjipiti?
”Jehovha akatumira pamberi pedu zviratidzo nezvishamiso zvinotyisa pamusoro peIjipiti naFaro neimba yake yose.
”Jehovha achakuchengetedzai kubva pahosha dzose. Haangaisi pamusoro penyu hosha dzakaipisa dzamaiziva muIjipiti, asi achadziisa pamusoro paavo vose vanokuvengai.
”Makazviona nameso enyu matambudziko makuru, zviratidzo nezvishamiso, ruoko rune simba uye rwakatambanudzwa urwo Jehovha Mwari wenyu akakubudisai narwo. Jehovha Mwari wenyu achaita zvimwe chetezvo kumarudzi aya ose amava kutya zvino.
”Akakuninipisai, akakuitai kuti muziye nenzara akakugutsai nemana, iyo yakanga isingazivikanwi nemi kunyange namadzibaba enyu, kuti akudzidzisei kuti munhu haararame nechingwa chete asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo maJehovha. Nguo dzenyu hadzina kusakara uye tsoka dzenyu hadzina kuzvimba pamakore aya makumi mana.
”Kubva ipapo hakuna kuzomukazve muprofita muIsraeri akafanana naMozisi, uyo akazivana naJehovha chiso nechiso, uyo akaita zviratidzo nezvishamiso zvaakatumwa naJehovha kuti aite muIjipiti, kuna Faro nokumachinda ake nokunyika yake yose. Nokuti hapanazve mumwe akaratidza simba guru kana akaitazve mabasa anotyisa seayo akaitwa naMozisi pamberi pavaIsraeri vose.
”Naizvozvo vanhu pavakasimuka kubva pamisasa kuti vayambuke Jorodhani, vaprista vakanga vakatakura areka yesungano vakavatungamirira. Zvino Jorodhani runogara ruzere nguva yose yokukohwa. Asi vaprista vakanga vakatakura areka pavakangosvika paJorodhani tsoka dzavo dzichitsika kumucheto kwemvura, mvura yaibva kumusoro yakabva yamira kuerera. Yakaungana ikaita murwi iri kure chaizvo, paguta rinonzi Adhama pedyo neZaretani, mvura yaiererawo ichidzika kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu) yakagurwa zvachose. Naizvozvo vanhu vakayambuka mhiri kwakatarisana neJeriko. Vaprista vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakaramba vamire pavhu rakaoma pakati peJorodhani, vaIsraeri vose pavaipfuura, kusvikira rudzi rwose rwapedza kuyambuka napavhu rakaoma.
”Pazuva rechinomwe, vakamuka mambakwedza vakafamba vachipoteredza guta kanomwe nenzira imwe chete, asi musi uyu vakapoterera guta kanomwe. Panguva yechinomwe, vaprista pavakaridza hwamanda, Joshua akarayira vanhu achiti, “Danidzirai! Nokuti Jehovha akupai guta! Guta nezvose zviri mariri rinofanira kupiwa kuna Jehovha. Asi Rahabhi chifeve bedzi navose vaainavo mumba make ndivo vachasiyiwa, nokuti akavanza vasori vatakatuma. Asi imi musaswedera pazvinhu zvakatukwa, kuti murege kuzviunzira kuparara, nokutora kana chimwe chazvo. Dzimwe nguva mungaunza kuparara pamusasa weIsraeri mukaipinza padambudziko. Sirivha yose negoridhe nemidziyo yendarira neyesimbi zvakatsaurirwa Jehovha uye zvinofanira kuiswa munochengeterwa pfuma yake.” Hwamanda padzakarira, vanhu vakadanidzira, uye pakurira kwehwamanda, vanhu pavakadanidzira zvikuru, rusvingo rwakakoromoka; naizvozvo murume mumwe nomumwe akamhanya achipinda napakanga pakanangana naye, vachibva vatora guta.
”Pazuva iro Jehovha akapa vaAmori kuvaIsraeri, Joshua akati kuna Jehovha pamberi pavaIsraeri: “Iwe zuva, mira pamusoro peGibheoni, Iwe mwedzi, pamusoro pemupata weAijaroni.” Naizvozvo zuva rakamira, nomwedziwo ukamira, kusvikira rudzi rwatsiva vavengi varwo, sezvazvakanyorwa muBhuku raJashari. Zuva rakamira pakati pedenga rikanonoka kuvira kwenguva ingaita zuva rose.
”Samusoni akaburuka akaenda kuTimina pamwe chete nababa vake namai vake. Vakati vasvika kuminda yemizambiringa yeTimina, pakarepo shumba yakauya yakananga kwaari ichiomba. Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake nesimba zvokuti akabvambura shumba napakati namaoko ake kunge anobvambura mbudzana.
”Ipapo Samusoni akabata mbiru mbiri dzapakati dzakanga dzakatsigira temberi paakanga amire. Akadzisunda, ruoko rwake rworudyi rwuri pane imwe uye rworuboshwe rwuri pane imwe yacho. Samusoni akati, “Regai ndife hangu navaFiristia!” Ipapo akasunda nesimba rake rose, temberi ikaondomokera pamusoro pavatongi vavaFiristia navanhu vose vaiva mairi. Naizvozvo akauraya vanhu vazhinji kwazvo pakufa kwake kupfuura paakanga ari mupenyu.
”Ipapo vakatakura areka vakapinda nayo mutemberi yaDhagoni vakaiisa parutivi rwaDhagoni. Vanhu veAshidhodhi pavakamuka mangwanani-ngwanani zuva raitevera, wanei hoyo Dhagoni akawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha! Vakatora Dhagoni vakamudzosera panzvimbo yake. Asi mangwanani aitevera pavakamuka wanei hoyo Dhagoni akawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha! Musoro wake namaoko zvakanga zvadimbuka zvisisipo uye zviri pasi pachikumbaridzo chomukova, muviri wake bedzi ndiwo wakanga wangosara.
”Ruoko rwaMwari rwakatambudza zvikuru vanhu veAshidhodhi nenzvimbo dzakaikomberedza; akauyisa kuparadzwa pamusoro pavo uye akavarova namamota. Vanhu veAshidhodhi pavakaona zvakanga zvichiitika vakati, “Areka yaMwari weIsraeri haifaniri kugara pano nesu nokuti ruoko rwake rwatitambudza zvikuru isu naDhagoni mwari wedu.” Saka vakadana pamwe chete vatongi vose vavaFiristia vakavabvunza vachiti, “Toitei neareka yaMwari weIsraeri?” Vakapindura vachiti, “Itai kuti areka yaMwari weIsraeri iendeswe kuGati.” Saka vakabvisa areka yaMwari weIsraeri. Asi mushure mokunge vaibvisa, ruoko rwaMwari rwakarwisana neguta iroro, uye akarivhundutsa nokuvhundutsa kukuru. Akarova vanhu veguta iroro, vakuru navadiki, namamota. Saka vakaendesa areka yaMwari kuEkironi. Areka yaMwari payakanga yava kupinda muEkironi, vanhu veEkironi vakadanidzira, vachiti, “Vauyisa areka yaMwari weIsraeri kuti vatiuraye isu navanhu vedu.” Saka vakadana pamwe chete vatongi vose vavaFiristia vakati, “Dzoserai areka yaMwari weIsraeri kwakare, regai idzokere kunzvimbo kwayo, nokuti ichatiuraya isu navanhu vedu.” Nokuti rufu rwakanga rwazadza guta nokuvhunduka; ruoko rwaMwari rwakanga rwaritambudza zvikuru. Avo vasina kufa vakarohwa namamota uye kuchema kweguta kwakakwira kudenga.
”Asi Mwari akauraya vamwe vavarume veBhetishemeshi, akauraya vanhu makumi manomwe vavo nokuti vakanga vadongorera mukati meareka yaJehovha. Vanhu vakachema nokuti Jehovha akanga auraya vanhu nokuuraya kukuru, uye varume veBhetishemeshi vakabvunza vachiti, “Ndiani angamira pamberi paJehovha, Mwari uyu mutsvene? Areka iyi ichaenda kuna ani ichibva pano?”
”Asi Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Muranda wenyu akanga achifudza makwai ababa vake. Shumba kana bere zvaiti zvikauya, zvikatakura gwai kubva paboka ramakwai, ndaitevera, ndigoiuraya ndigoponesa gwai kubva pamuromo wayo. Yakati ichitendeukira kwandiri, ndakaibata nemvere dzayo, ndikaibaya ndikaiuraya. Muranda wenyu akauraya zvose shumba nebere; muFiristia uyu asina kudzingiswa achafanana nechimwe chazvo, nokuti ashora hondo dzaMwari mupenyu. Jehovha akandirwira pagumbo reshumba nerebere, ndiye achandirwira muruoko rwomuFiristia uyu.” Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Enda, uye Jehovha ave newe.”
”Dhavhidhi akati kumuFiristia, “Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo uye nepfumo guru, asi ini ndinouya kwauri muzita raJehovha Wamasimba Ose, Mwari wehondo dzavaIsraeri, uyo waunozvidza. Nhasi Jehovha achakuisa muruoko rwangu, uye ndichakuuraya ndigokugura musoro wako. Nhasi ndichapa mitumbi yehondo yavaFiristia kushiri dzedenga nokuzvikara zvenyika, uye nyika yose ichaziva kuti muIsraeri muna Mwari. Vose vakaungana pano vachaziva kuti Jehovha haaponesi nomunondo kana nepfumo; nokuti kurwa ndokwaJehovha, uye achaisa imi mose mumaoko edu.” MuFiristia akati achiswedera pedyo kuti amuuraye, Dhavhidhi akakurumidza kumhanyira kumutsara wokurwa kuti andosangana naye. Akapinza ruoko rwake munhava ndokutora dombo, akaripotsera nechimviriri akarova muFiristia pahuma. Dombo rakanyura muhuma yake, akawira pasi nechiso chake. Saka Dhavhidhi akakunda muFiristia nechimviriri uye nedombo; akauraya muFiristia asina munondo muruoko rwake. Dhavhidhi akamhanya akandomira pamusoro pake. Akatora munondo womuFiristia akauvhomora mumuhara. Mushure mokunge amuuraya, akagura musoro wake nomunondo. VaFiristia vakati vaona kuti mhare yavo yafa, vakatendeuka vakatiza.
”Vakati vasvika paburiro raNakoni, Uza akatambanudza ruoko rwake ndokubata areka yaMwari, nokuti nzombe dzakanga dzagumburwa. Kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro paUza nokuda kwokutadza kwake; naizvozvo Mwari akamuuraya ipapo parutivi peareka yaMwari.
”Zvino Eria muTishibhi aigara muGireadhi, akati kuna Ahabhu, “NaJehovha, Mwari waIsraeri mupenyu, wandinoshumira, hakuchazova nedova kana mvura inonaya mumakore anotevera kunze kwokutenge ndareva ini.”
”Iye akapindura akati, “Zvirokwazvo naJehovha Mwari wenyu mupenyu, handina chingwa. Ndinongova netufurawu tushoma shoma muhari namafuta mashoma shoma muhari. Ndiri kunhonga huni shoma shoma kuti ndiende nadzo kumba ndinozvibikira kudya ini nomwanakomana wangu, kuti tigodya, tife hedu.” Eria akati kwaari, “Usatya. Enda kumba undoita sezvawareva. Asi tanga wandibikira chingwa chiduku pane zvaunazvo ugouya nacho kwandiri, mushure ugozvigadzirira iwe nomwanakomana wako. Nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ‘Furawu iri muhari imomo haizoperi uye mafuta ari muhari haazoperi kusvikira zuva iro richanayiswa mvura panyika naJehovha.’ ” Akaenda akandoita sezvaakanga audzwa naEria. Saka zvokudya zvaEria zvakavapo mazuva ose uyewo nezvomukadzi nemhuri yake. Furawu yaiva muhari haina kupera uye mafuta aiva muhari haana kupera, sezvazvakanga zvarehwa neshoko raJehovha rakataurwa naEria.
”Kwapera nguva yakati, mwanakomana womukadzi, muridzi weimba, akarwara. Kurwara kwake kwakanyanya kwazvo, pakupedzisira akamira kufema. Mukadzi akati kuna Eria, “Ndakakutadzireiko, munhu waMwari? Wakauya here kuzondirangaridza chivi changu nokuuraya mwanakomana wangu?” Eria akapindura akati, “Ndipe mwanakomana wako kuno.” Akamutora kubva mumaoko ake, akamutakura akaenda naye kuimba yapamusoro yaaigara, akamuradzika pamubhedha wake. Ipapo akadanidzira kuna Jehovha akati, “Haiwa, Jehovha Mwari wangu, mauyisawo here dambudziko pachirikadzi iyi yandiri kugara nayo, nokuuraya mwanakomana wayo?” Ipapo akazvambarara pamusoro pomukomana katatu akadanidzira kuna Jehovha akati, “Haiwa Jehovha Mwari wangu, itai kuti mweya womukomana uyu udzokere maari!” Jehovha akanzwa kudanidzira kwaEria, mweya womukomana ukadzokera maari, akararama. Eria akatora mwana akamutakura achibuda mumba maakanga ari akaenda naye mumba huru. Akamupa kuna mai vake akati, “Tarirai, mwanakomana wenyu mupenyu!” Ipapo mukadzi akati kuna Eria, “Zvino ndazoziva kuti muri munhu waMwari uye kuti shoko raJehovha rinobuda mumuromo menyu nderechokwadi.”
”Akashandisa mabwe aya kuvaka aritari muzita raJehovha, uye akachera mugero waipoteredza aritari wakanga wakakura zvokuti waikwana maseya maviri embeu. Akaronga huni, akacheka hando kuita zvidimbu zvidimbu, akaiisa pamusoro pehuni. Ipapo akati kwavari, “Zadzai zvirongo zvikuru zvina nemvura mugoidira pamusoro pechipiriso napamusoro pehuni.” Akati, “Pamhidzai zvakare,” ivo vakapamhazve. Akatizve, “Pamhidzai kechitatu.” Mvura yakaerera ichipoteredza aritari ikazadzawo nomugero. Panguva yechibayiro, muprofita Eria akaenda pamberi akanamata akati, “Haiwa Jehovha, Mwari waAbhurahama, Isaka naIsraeri, ngazvizivikanwe nhasi kuti ndimi Mwari munyika yeIsraeri uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uyewo kuti ndaita zvinhu zvose izvi sezvamakandirayira. Haiwa Jehovha, ndipindurei, ndipindurei, kuitira kuti vanhu ava vazive kuti imi, Jehovha, ndimi Mwari, uye kuti muri kudzora mwoyo yavo zvakare.” Ipapo moto waJehovha wakaburuka ukapisa chibayiro, nehuni namabwe nevhu, ukananzva mvura yose yaiva mumugero. Vanhu vose pavakaona izvi, vakawira pasi nezviso zvavo, vakadanidzira vachiti, “Jehovha ndiye Mwari! Jehovha ndiye Mwari!”
”Eria akatora jasi rake akaripeta akarova mvura naro, mvura ikaparadzana, imwe kurudyi, imwe kuruboshwe, ivo vaviri vakayambuka napakaoma.
”Zvino pavakanga vachifamba, vachitaurirana, pakarepo ngoro yomoto namabhiza omoto zvakaonekwa zvikaparadzanisa vaviri ava, Eria akaenda kudenga muchinyamupupuri. Uye Erisha akazviona akadanidzira nenzwi guru akati, “Baba vangu! Baba vangu! Ngoro navarume vamabhiza veIsraeri!” Zvino Erisha haana kuzomuonazve. Ipapo akabata nguo dzake akadzibvarura napakati. Akanonga jasi rakanga rawira pasi, richibva kuna Eria akadzokera kundomira pamahombekombe eJorodhani. Ipapo akatora jasi raEria rakanga rawa kubva paari akarova mvura naro akati, “Zvino Jehovha Mwari waEria aripiko?” Paakarova mvura, yakaparadzana, imwe kurudyi, imwe kuruboshwe, iye ndokubva ayambuka achienda mhiri.
”Achibva ipapo, Erisha akaenda kuBheteri. Paakanga achifamba mumugwagwa, vamwe vechidiki vakabuda muguta vakamusveeredza, vakati kwaari, “Kwira kumusoro, iwe nyamhanza! Kwira kumusoro, iwe nyamhanza!” Akacheuka, akavatarisa, akadana chituko pamusoro pavo muzita raJehovha. Ipapo maperekadzi akabuda musango akaparadza vechidiki makumi mana navaviri.
”Erisha akamupindura akati, “Ndingakubatsira seiko? Nditaurire, chii chaunacho mumba mako?” Iye akati, “Murandakadzi wenyu haana kana chinhu kunze kwamafuta mashoma shoma.” Erisha akati kwaari, “Enda unokumbira vavakidzani vako vose vakupe midziyo isina chinhu. Usakumbira mishoma. Ipapo ugopinda mumba uzvipfigire mukova iwe navana vako. Udire mafuta mumidziyo yose, ugoisa parutivi mudziyo unenge wazara.” Naizvozvo akabva kwaari, akapfiga mukova iye navana vake vari mukati. Vakauya nemidziyo kwaari, iye akaramba achingodira. Midziyo yose yakati yazara, akati kumwanakomana wake, “Ndivigire mumwe mudziyo.” Asi iye akapindura akati, “Hapachina mumwe mudziyo wasara.” Ipapo mafuta akabva aguma. Akaenda kundoudza munhu waMwari uye iye akati, “Chienda unotengesa mafuta ugoripa zvikwereti zvako, iwe navanakomana vako mugorarama neanenge asara.”
”Erisha paakasvika pamba, akawana mukomana ari pamubhedha akafa. Akapinda mukati, akapfiga mukova iye nomwana vari vaviri, akanyengetera kuna Jehovha. Ipapo akakwira pamubhedha akatsivama pamusoro pomwana, akaisa muromo wake pamuromo womwana, nameso ake pameso omwana, uye maoko pamaoko ake. Paakatsivamira pamusoro pake, muviri womukomana wakatanga kudziya. Erisha akafuratira, achifamba-famba mukati mekamuri akadzokerazve pamubhedha akatsivamazve pamusoro pake. Mukomana akahotsira kanomwe kose ndokusvinura meso ake.
”Zvokudya zvakapakurirwa vanhu, asi pavakatanga kudya vakadanidzira vakati, “Nhai munhu waMwari, mune rufu muhari!” Uye vakatadza kuzvidya. Erisha akati, “Uyai noupfu.” Akahuisa muhari akati, “Ipai vanhu vadye.” Ipapo hapana kuzova nechinokuvadza muhari. Mumwe murume akauya achibva kuBhaari Sharisha achivigira munhu waMwari marofu makumi maviri echingwa chebhari chakanga chabikwa nezviyo zvakatanga kuibva, pamwe chete nehura dzezviyo zvitsva. Erisha akati, “Ipai vanhu vadye.” Muranda wake akati, “Ndingagovera izvi kuvanhu zana sei?” Asi Erisha akapindura akati, “Ipai vanhu vadye. Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Vachadya vakasiya zvimwe.’ ” Ipapo akavaisira pamberi pavo zvokudya, vakadya vakasiya zvimwe, sezvakanga zvataurwa neshoko raJehovha.
”Erisha akatuma nhume yake kwaari achiti, “Enda unoshamba kanomwe muJorodhani, ipapo nyama yako ichadzoredzerwa pakare uye uchava wakanatswa.” Asi Naamani akabvapo atsamwa akati, “Ndanga ndichifunga kuti zvirokwazvo achauya kwandiri agomira achidana kuzita raJehovha Mwari wake, agoninira ruoko rwake panzvimbo yacho agondiporesa maperembudzi. Ko, Abhana neFaripari, idzo nzizi dzeDhamasiko, hadzisi nani kupinda mvura yose yeIsraeri here? Handaigona kushamba madziri ndikanatswa here?” Naizvozvo akabvapo akaenda akatsamwa kwazvo. Varanda vaNaamani vakaenda kwaari vakati, “Nhai baba, dai muprofita anga akuudzai kuti muite chinhu chikuru, hamaizochiita here? Zvino zvaati kwamuri, ‘Shambai mugonatswa!’ ” Saka akaburuka akandozvinyudza muna Jorodhani kanomwe, sezvaakanga audzwa nomunhu waMwari, nyama yake ikadzoredzerwa pakare ikava yakachena, seyomwana mucheche.
”Asi mumwe akati achiri kutema muti, musoro wedemo wakasvotoka ukawira mumvura. Akadanidzira akati, “Haiwa, ishe wangu, rakanga rakweretwa!” Munhu waMwari akati, “Rawira napapi?” Akati amuratidza nzvimbo yacho, Erisha akatema rutanda akarukandirapo, uye akapapamadza musoro wedemo. Akati, “Ribudise.” Ipapo murume akatambanudza ruoko rwake akaritora.
”Zvino mambo weAramu akanga achirwa neIsraeri. Mushure mokutaurirana navaranda vake, akati, “Ndichadzika musasa wangu panzvimbo yokuti neyokuti.” Munhu waMwari akatumira shoko kuna mambo weIsraeri achiti, “Chenjerai kuti murege kupfuura napanzvimbo iyo nokuti vaAramu vari kuburukirako.” Naizvozvo mambo weIsraeri akatumira vanhu kunzvimbo iyoyo yaakanga aratidzwa nomunhu waMwari, kuti vandoiongorora. Nguva nenguva Erisha aiyambira mambo, kuti achenjerere nzvimbo dzakadaro. Izvi zvakatsamwisa mambo weAramu. Akadana vabati vake akati kwavari, “Hamungandiudzewo here kuti pakati pedu ari kurutivi rwamambo weIsraeri ndiani?” Mumwe wavabati vake akati, “Pakati pedu hapana, ishe wangu mambo, asi Erisha, muprofita ari muIsraeri ndiye anoudza mambo weIsraeri mashoko chaiwoiwo amunotaura muimba yenyu yokurara.”
”Muranda womunhu waMwari akati amuka mangwanani aitevera, akabuda panze akaona hondo namabhiza nengoro zvakomba guta. Muranda wake akati, “Haiwa, ishe wangu, tichaita seiko?” Muprofita akapindura akati, “Usatya. Vari kwatiri vazhinji kupfuura vari kwavari.” Ipapo Erisha akanyengetera akati, “Haiwa Jehovha, svinudzai meso ake kuti aone.” Ipapo Jehovha akasvinudza meso omuranda, iye ndokutarisa akaona zvikomo zvakazara namabhiza nengoro dzomoto zvakakomba Erisha. Vavengi pavakaburuka kwaari, Erisha akanyengetera kuna Jehovha akati, “Pofumadzai vanhu ava.” Naizvozvo akavapofumadza sezvakanga zvakumbirwa naErisha. Erisha akati kwavari, “Iyi handiyo nzira uye iri harizi iro guta racho. Nditeverei, ndichakutungamirirai kumunhu wamuri kutsvaka.” Uye akavatungamirira kuSamaria. Mushure mokupinda kwavo muguta, Erisha akati, “Jehovha, svinudzai meso avarume ava kuti vaone.” Ipapo Jehovha akasvinudza meso avo vakatarira, onei, vava muSamaria.
”Rimwe zuva vaIsraeri vachiviga mumwe murume, pakarepo vakaona mapoka avapambi; naizvozvo vakakanda mutumbi womunhu uyu muguva raErisha. Mutumbi wakati wagunzva mapfupa aErisha, munhu uya akamuka akamira namakumbo ake.
”Isaya akapindura akati, “Ichi ndicho chiratidzo chaJehovha kwauri kuti Jehovha achaita zvaavimbisa: Ko, ungada kuti mumvuri uende nhambwe gumi mberi here kana kudzoka mushure nhambwe gumi?” Hezekia akati, “Zvakareruka kuti mumvuri uende mberi nhambwe gumi. Saka ngaudzoke nhambwe gumi mushure.” Ipapo muprofita Isaya akadana kuna Jehovha, Jehovha akadzorera mumvuri shure nhambwe gumi pamanera aAhazi.
”Mugore ramakumi matatu namapfumbamwe rokutonga kwake, Asa akabatwa nechirwere mumakumbo ake. Kunyange chirwere chake chakanga chanyanyisa mukurwara kwake imomo haana kutsvaka rubatsiro kubva kuna Jehovha asi kubva kuvarapi chete.
”Asi Uzia paakava nesimba, kuzvikudza kwake kwakamutungamirira mukuwa kwake. Haana kutendeka kuna Jehovha Mwari wake, uye akapinda mutemberi yaJehovha kundopisira zvinonhuhwira paaritari yezvinonhuhwira. Azaria muprista navamwe vaprista vaJehovha makumi masere vakanga vasingatyi vakamutevera mukati. Vakamutongesa vakati, “Hazvina kufanira kwamuri imi, Uzia, kuti mupisire zvinonhuhwira kuna Jehovha. Izvozvo ndezvavaprista, vanakomana vaAroni, vakatsaurirwa kuti vapise zvinonhuhwira. Budai munzvimbo tsvene, nokuti hamuna kutendeka, uye hamungazokudzwa naJehovha Mwari.” Uzia uyo akanga aine mbiya yokupisira zvinonhuhwira muruoko rwake, akatsamwa kwazvo. Paakanga achakatsamwira vaprista pamberi pavo, pamberi pearitari yezvinonhuhwira mutemberi yaJehovha, maperembudzi akamera pahuma yake. Azaria mukuru wavaprista, navaprista vose pavakatarisa kwaari, vakaona kuti akanga ava namaperembudzi pahuma yake, saka vakakurumidza kumuburitsamo. Zvirokwazvo iyewo pachake akanga ava kuda kubuda nokuti Jehovha akanga amurova nechirwere.
”Makatuma zviratidzo nezvishamiso kuna Faro, navabati vake uye navanhu vose venyika yake, nokuti maiziva kuti vaIjipita vaizvikudza sei pamabatiro avakavaita. Makaitira zita renyu mukurumbira uripo nanhasi.
”“Asi dai ndakanga ndirini, ndaiturira mhosva yangu kuna Mwari; ndaiisa mhaka yangu pamberi pake. Anoita minana isingagoni kuyerwa, zvishamiso zvisingagoni kuverengwa.
”Kunyange zvakadaro, imi munondizora nhema; muri varapi vasina maturo, imi mose!
”Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakachemera rubatsiro kwamuri uye mukandiporesa.
”Jehovha achamuraramisa panhoo yake yourwere uye achamuponesa panhoo yake yourwere. Ini ndakati, “Haiwa Jehovha, ndinzwirei ngoni; ndiporesei, nokuti ndakakutadzirai.”
”Muri Mwari anoita zvishamiso; munoratidza simba renyu pakati pavanhu.
”iye anokanganwira zvivi zvako zvose, uye anoporesa kurwara kwako kwose, anodzikinura upenyu hwako kubva pagomba, uye anokushongedza korona yorudo netsitsi, anogutsa zvido zvako nezvinhu zvakanaka, kuti uduku hwako huvandudzwe sohwegondo.
”Anoporesa vane mwoyo yakaputsika, uye anosunga maronda avo.
”Naizvozvo Jehovha pachake achakupai chiratidzo: Mhandara ichava nemimba uye ichabereka mwanakomana igomutumidza kuti Imanueri.
”Asi akabayiwa nokuda kwokudarika kwedu, akakuvadzwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwaiva pamusoro pake, uye namavanga ake takaporeswa.
”Asi ndichakudzorera pautano uye ndichaporesa maronda ako,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘nokuti iwe wakanzi murashwa, Zioni zvaro risina ane hanya naro.’
”Makaita zviratidzo nezvishamiso muIjipiti uye mukaramba muchizviita kusvikira pazuva ranhasi, pakati peIsraeri napakati pendudzi dzimwe dzose, uye mukazviwanira mukurumbira sezvazvakaita nanhasi. Makabudisa vanhu venyu veIsraeri kubva muIjipiti nezviratidzo nezvishamiso, noruoko rune simba uye noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutyisa kukuru.
”Ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pangu, uye akandibudisa noMweya waJehovha akandiisa pakati pomupata; wakanga uzere namapfupa. Akanditungamirira kuno nokoko pakati pawo, uye ndakaona mapfupa mazhinji zhinji pamusoro pomupata; mapfupa akanga akaoma kwazvo. Akandibvunza akati, “Mwanakomana womunhu, mapfupa aya angararama here?” Ini ndakati, “Imi Ishe Jehovha, iyemi moga munoziva.” Ipapo iye akati kwandiri, “Profita kumapfupa aya uti kwaari, ‘Imi mapfupa akaoma, inzwai shoko raJehovha: Zvanzi naIshe Jehovha kumapfupa aya: Ndichaisa mweya mukati menyu mugorarama. Ndichaisa marunda pamuri ndigoita kuti muve nenyama pamusoro penyu uye ndichakufukidzai neganda; ndichaisa mweya mukati menyu uye muchava vapenyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ” Saka ndakaprofita sezvandakarayirwa. Zvino ndakati ndichiprofita, kwakava nomumvumo, nokurira kwaiti kweche kweche, uye mapfupa akaswededzana, bvupa nebvupa. Ndakatarira, ndikaona marunda nenyama zvavapo uye zvakafukidzwa neganda, asi makanga musina mweya mukati mazvo. Ipapo akati kwandiri, “Profita kumhepo; profita, mwanakomana womunhu, uti kwairi, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Uya uchibva kumhepo ina, iwe mweya, ufemere mukati maava vakaurayiwa, kuti vararame.’ ” Saka ndakaprofita sezvaakandirayira, mweya ukapinda mukati mavo; vakararama vakamira netsoka dzavo, iri hondo huru kwazvo.
”Mambo akabvunza Dhanieri (iye ainziwo Bheriteshazari), “Iwe unogona here kundiudza zvandakaona pakurota uye ugozvidudzira?” Dhanieri akapindura akati, “Hakuna munhu akachenjera, kana wamazango, kana nʼanga kana mufemberi angagona kurondedzera kuna mambo chakavanzika chaanobvunza pamusoro pacho asi kudenga kuna Mwari anozivisa zvakavanzika. Iye akaratidza Mambo Nebhukadhinezari zvichaitika mumazuva anouya. Kurota kwenyu nezviratidzo zvakaratidzwa mundangariro dzenyu muvete pamubhedha ndezvizvi: “Pamakanga muvete ipapo, imi mambo, pfungwa dzenyu dzakaenda kuzvinhu zvichauya, uye muzivisi wezvakavanzika akakuratidzai zvichaitika. Asi ini chakavanzika ichi chakaziviswa kwandiri, kwete nokuda kwokuti ndine njere huru kupfuura vamwe vanhu vanorarama asi kuti imi mambo, mugoziva dudziro uye kuti mugonzwisisa zvakapinda mundangariro dzenyu.
”Ipapo Nebhukadhinezari akashatirwa nokuda kwaShadhireki, Meshaki naAbhedhinego, chiso chake chikavashandukira. Akarayira kuti vira romoto riveserwe moto unopisa kwazvo kukunda unosiveserwamo kanomwe. Uye akarayira vamwe vavarwi vehondo yake vakasimba kwazvo kuti vasunge Shadhireki naMeshaki naAbhedhinego vavakande mumoto uyu waipfuta kwazvo. Saka varume ava, vakapfeka nguo dzavo, namabhurugwa avo, nenguwani dzavo nedzimwe hembe, vakasungwa ndokukandwa mumoto waipfuta kwazvo. Kurayira kwamambo kwakava nechimbi chimbi kwazvo uye choto chaipisa kwazvo zvokuti moto wakauraya varwi vakakanda Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego, uye varume vatatu ava vakasungwa zvakasimba, vakawira mumoto unopfuta kwazvo. Ipapo Mambo Nebhukadhinezari akasvetuka achishamisika kwazvo ndokubvunza vanamupamazano vake achiti, “Ko, havasi varume vatatu vatasunga tikakanda mumoto here?” Vakamupindura vachiti, “Ndizvozvo mambo.” Iye akati, “Tarirai! Ndiri kuona vanhu vana vachifamba-famba mumoto, vasina kusungwa uye vasina kutsva, uye wechina anoratidzika somwanakomana wavamwari.” Ipapo Nebhukadhinezari akaswedera kumuromo wechoto chomoto waipfuta kwazvo akadanidzira akati, “Shadhireki, newe Meshaki naAbhedhinego, imi varanda vaMwari Wokumusoro-soro, budai. Uyai pano!” Saka Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vakabuda mumoto, uye machinda, varayiri, vabati navanamupamazano vamambo vakavaunganira. Vakaona kuti moto wakanga usina kumbokuvadza miviri yavo, uye nebvudzi remisoro yavo harina kumbotsva; uye nguo dzavo hadzina kutsva, uye pakanga pasina kunhuhwa kwomoto pavari. Ipapo Nebhukadhinezari akati, “Mwari waShadhireki naMeshaki naAbhedhinego ngaarumbidzwe, iye akatuma mutumwa wake kuzorwira varanda vake! Ivo vakavimba naye vakazvidza murayiro wamambo uye vakazvipira kurasikirwa noupenyu hwavo pano kuti vashumire kana kunamata vamwari vapi zvavo kunze kwaMwari wavo. Naizvozvo ndinotema kuti vanhu vorudzi rupi kana mutauro upi zvawo vanotaura chinhu chipi zvacho chinopesana naMwari waShadhireki naMeshaki naAbhedhinego vatemwe-temwe uye dzimba dzavo dziitwe madurunhuru amarara, nokuti hakuna mumwe mwari angaponesa nenzira iyi.” Ipapo mambo akasimudzira Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego munyika yeBhabhironi.
”Mambo Nebhukadhinezari: Kuvanhu, nokundudzi navanhu vemitauro yose, vagere munyika yose: Budirirai zvikuru! Ndafara kwazvo kuti ndikuzivisei zviratidzo nezvinoshamisa zvandakaitirwa naMwari Wokumusoro-soro. Zviratidzo zvake zvikuru sei, zvishamiso zvake zvine simba sei! Umambo hwake umambo husingaperi; kubata kwake ushe kunosvika kuzvizvarwa nezvizvarwa.
”Pakarepo minwe yoruoko rwomunhu yakaonekwa ikanyora pamadziro akanamwa, pedyo napachigadziko chomwenje mumuzinda wamambo. Mambo akatarisa chanza pachakanga chichinyora. Chiso chake chakashanduka akatsvukuruka uye akavhunduka zvikuru, mabvi ake akadedera uye makumbo ake akarukutika.
”Saka mambo akarayira, akauyisa Dhanieri ndokumukanda mugomba reshumba. Mambo akati kuna Dhanieri, “Mwari wako, waunoramba uchishumira, ngaakurwire!” Vakauyisa ibwe vakariisa pamusoro pomuromo wegomba, mambo ndokurisimbisa nechisimbiso chake uye nezvisimbiso zvamakurukota ake, kuitira kuti mamiriro aDhanieri arege kushandurwa. Ipapo mambo akadzokera kumuzinda wake akavata usiku hwose asina kudya uye hakuna chinhu chipi chaivaraidza chakauyiswa kwaari. Uye akashayiwa hope. Panguva dzamambakwedza, mambo akamuka akamhanyira kugomba reshumba. Akati aswedera pagomba, akadanidzira kuna Dhanieri nenzwi rokuchema achiti, “Dhanieri, iwe muranda waMwari mupenyu, Mwari wako, iye waunoshumira nguva dzose, agona kukurwira pamuromo weshumba here?” Dhanieri akapindura akati, “Imi mambo, raramai nokusingaperi! Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba. Hadzina kundikuvadza, nokuti ndakawanikwa ndisina mhosva pamberi pake. Uye handina kumboita chinhu chakaipa pamberi penyu, imi mambo.” Mambo akafara zvikuru akarayira kuti Dhanieri abudiswe mugomba. Uye Dhanieri akati abudiswa mugomba, hakuna vanga rakawanikwa paari, nokuti akanga avimba naMwari wake. Mambo akarayira kuti varume vakanga vapomera Dhanieri varwiswe, uye kuti vakandwe mugomba reshumba, pamwe chete navakadzi vavo navana vavo. Uye vasati vasvika pasi pegomba, shumba dzakavakurira dzikapwanya mapfupa avo ose.
”Ipapo Mambo Dhariasi akanyorera vanhu vose, nendudzi dzose navanhu vemitauro yose panyika yose achiti: “Mubudirire zvikuru kwazvo! “Ndinotema chirevo chokuti munzvimbo dzose dzoumambo hwangu vanhu vanofanira kutya Mwari waDhanieri uye vamuremekedze. “Nokuti ndiye Mwari mupenyu, anogara nokusingaperi; umambo hwake hahungaparadzwi, ushe hwake hahutongogumi. Anorwira uye anoponesa; anoita zviratidzo nezvishamiso mudenga napamusoro penyika. Akarwira Dhanieri pasimba reshumba.”
”“Uye mushure maizvozvo, ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita, vatana venyu vacharota hope, majaya enyu achaona zviratidzo. Kunyange pamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi, ndichadururira Mweya wangu mumazuva iwayo. Ndicharatidza zvishamiso kudenga napanyika, ropa nomoto neshongwe dzoutsi. Zuva richashanduka rigova rima, uye mwedzi uchava ropa, zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika.
”Jesu akapota neGarirea rose achidzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa hosha dzose nourwere hwose pakati pavanhu. Mukurumbira wake wakapararira muSiria yose, uye vanhu vakauya kwaari navose vairwara nezvirwere zvakasiyana-siyana, avo vaitambudzwa namarwadzo akanyanya, vakanga vakabatwa namadhimoni, vaiva nezvipusha, nevakanga vakafa mitezo, uye akavaporesa.
”Mumwe murume aiva namaperembudzi akauya akasvikopfugama paari akati, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.” Jesu akatambanudza ruoko rwake akabata murume uya akati, “Ndinoda. Chinatswa!” Pakarepo akabva aporeswa maperembudzi ake.
”Jesu akati apinda mumba maPetro, akasvikowana mai vomukadzi waPetro varere vachirwara nefivha. Akabata ruoko rwavo fivha ndokubva yapera, uye vakasimuka ndokubva vatanga kumushandira.
”Ava madekwana, vazhinji vakanga vakabatwa namadhimoni vakauyiswa kwaari, uye akadzinga mweya iyoyo neshoko akaporesa vose vairwara. Izvi zvaizadzisa zvakanga zvataurwa kubudikidza nomuprofita Isaya zvichinzi: “Akatakura utera hwedu hwose uye akatakura zvirwere zvedu zvose.”
”Pakarepo, dutu guru rakamuka pagungwa zvokuti mafungu egungwa akapfachukira pamusoro peigwa. Asi Jesu akanga avete. Vadzidzi vakaenda vakandomumutsa vachiti, “Ishe, tiponesei! Tava kunyura!” Akavapindura achiti, “Imi vorutendo ruduku, munotyireiko kudai?” Ipapo akasimuka akatsiura mhepo namafungu uye kukadzikama kwazvo. Varume ava vakashamiswa uye vakabvunza vachiti, “Munhu akaita seiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!”
”Akati asvika mhiri kunyika yavaGadhara, akasangana navarume vaviri vakanga vakabatwa namadhimoni. Varume ava vaiva nehasha zvokuti hapana munhu aigona kupfuura naikoko. Vakadanidzira vachiti, “Munodeiko kwatiri, Mwanakomana waMwari? Mauya kuzotirwadzisa here iyo nguva yakatarwa isati yasvika?” Nechokure navo, kwakanga kune boka guru renguruve rakanga richifura. Madhimoni akakumbirisa Jesu achiti, “Kana mukatidzinga, titumirei muboka renguruve.” Akati kwaari, “Endai!” Ipapo akabuda akandopinda munguruve, uye boka rose rakamhanya richidzika kumawere amahombekombe rikasvikowira mugungwa dzichibva dzafira mumvura. Vaya vakanga vachifudza nguruve vakamhanya vakandopinda muguta vakandotaura zvose izvi, kusanganisira nezvakanga zvaitika kuvarume vaya vakanga vane madhimoni. Ipapo guta rose rakabuda rikandosangana naJesu. Uye vakati vamuona, vakamukumbirisa kuti abve munyika yavo.
”Vamwe varume vakauya nomunhu akanga akafa mitezo, avete pabonde. Jesu akati aona kutenda kwavo akati kumunhu uya akafa mitezo, “Tsunga mwoyo, mwana, zvivi zvako zvaregererwa.” Vachinzwa izvi, vamwe vadzidzisi vemirayiro vakati mumwoyo yavo, “Munhu uyu ari kumhura Mwari!” Achiziva pfungwa dzavo Jesu akati, “Sei muchifunga zvakaipa mumwoyo yenyu? Ndezvipi zvakareruka, kuti, ‘Zvivi zvako waregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe’? Asi kuti mugoziva kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Ipapo akati kumunhu uya akanga akafa mitezo, “Simuka, tora bonde rako uende kumba.” Uye murume uya akasimuka akaenda kumba kwake. Vanhu vazhinji pavakazviona, vakazadzwa nokutya uye vakarumbidza Mwari uyo akanga apa simba rakadai kuvanhu.
”Pakarepo mumwewo mudzimai aitambudzwa nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri akauya shure kwake akasvikobata mupendero wenguo yake. Akati nechomumwoyo, “Ndikangobata chete nguo yake, ndichaporeswa.” Jesu akatendeuka akamuona ndokubva ati kwaari, “Tsunga mwoyo mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa.” Mudzimai uyu akabva aporeswa pakarepo.
”Jesu akati apinda mumba momutongi uya, akawana varidzi venyere navazhinji vaiita mheremhere akati, “Budai panze. Mwanasikana uyu haana kufa asi avete.” Asi vakamuseka. Mushure mokunge vanhu vazhinji ava vabudiswa panze, akapinda akasvikobata mwanasikana uya ruoko achibva amuka. Nhau dzezvakaitika izvi, dzakapararira nedunhu rose.
”Jesu akati achibvapo, akateverwa navarume vaviri vakanga vari mapofu, vaishevedzera vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!” Akati apinda mumba, mapofu aya akauya kwaari, uye Jesu akavabvunza achiti, “Munotenda here kuti ndinogona kukuitirai izvi?” Vakapindura vakati, “Hongu, Ishe.” Ipapo akabata meso avo uye akati, “Maererano nokutenda kwenyu, ngazviitwe kwamuri.” Uye meso avo akabva asvinudzwa. Jesu akavayambira chaizvo achiti, “Onai kuti hapana achazviziva izvi.” Asi ivo vakaenda vakataura nezvake mudunhu rose iri.
”Vakati vachibuda, mumwe murume akanga ari mbeveve uye akabatwa nedhimoni akauyiswa kuna Jesu. Dhimoni rakati radzingwa, munhu uya akanga ari mbeveve akataura. Vanhu vazhinji vakashamiswa uye vakati, “Zvakadai hazvisati zvamboonekwa muIsraeri.”
”Jesu akafamba nomumaguta ose nemisha yose, achidzidzisa mumasinagoge avo achiparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa zvirwere zvose nehosha dzose.
”Akadana vadzidzi vake gumi navaviri akavapa simba rokudzinga mweya yakaipa nokuporesa marudzi ose ezvirwere namarudzi ose ehosha.
”Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vaya vana maperembudzi, dzingai madhimoni. Makagamuchira pasina muripo, chingopaiwo pasina muripo.
”Mapofu ava kuona, zvirema zvava kufamba, vana maperembudzi vanoporeswa, matsi dzonzwa, vakafa vari kumutswa, uye kuti nhau dzakanaka dziri kuparidzirwa varombo.
”uye makanga muno murume akanga ano ruoko rwakanga rwakakokonyara. Vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu vakamubvunza vakati, “Zviri pamutemo here kuporesa nomusi weSabata?” Akati kwavari, “Kana mumwe wenyu aine gwai, rikawira mugomba nomusi weSabata, haangatambanudzi ruoko rwake akaribudisa here? Ko, zvino munhu anokosha zvakadini pane gwai! Naizvozvo zviri pamutemo kuita zvakanaka nomusi weSabata.” Akati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza rukapora rukava sorumwe.
”Achiziva izvi, Jesu akabva panzvimbo iyi. Vazhinji vakamutevera, akaporesa varwere vavo vose.
”Ipapo vakauya kwaari nomurume akanga akabatwa nedhimoni ari bofu uye ari mbeveve, uye Jesu akamuporesa, zvokuti akagona zvose kutaura nokuona. Vanhu vose vakashamiswa uye vakati, “Kuti uyu angava Mwanakomana waDhavhidhi here?”
”Asi kana ndichibudisa madhimoni noMweya waMwari zvinoreva kuti umambo hwaMwari hwasvika kwamuri.
”Uye haana kuzoita zvishamiso zvizhinji imomo nokuda kwokusatenda kwavo.
”Paakabuda mugwa, Jesu akaona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi uye akaporesa varwere vavo.
”Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati, “Tiri musango, uye kwava kusviba. Endesai vanhu ava, kuti vaende mumisha vandozvitengera zvokudya.” Jesu akapindura achiti, “Havafaniri kuenda. Imi vapei chavangadye.” Ivo vakapindura vakati, “Pano tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri.” Akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” Uye akarayira kuti vanhu vagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zvishanu nehove dziya mbiri akatarira kudenga akavonga, akazviropafadza uye akazvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi, vadzidzi vakapa vanhu. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakaunganidza zvimedu zvainge zvasara zvikazadza matengu gumi namaviri. Vanhu vakadya vaisvika varume zviuru zvishanu pasingaverengwi vakadzi navana.
”Panguva yechina yousiku Jesu akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. Vadzidzi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa vakatya kwazvo. Vakaridza mhere nokutya vakati, “Hero dzangaradzimu!” Asi pakarepo Jesu akati kwavari, “Musatya, ndini!”
”Petro akapindura akati, “Ishe, kana murimi ndirayirei kuti ndiuye kwamuri ndichifamba pamusoro pemvura.” Iye akati, “Uya.” Ipapo Petro akabuda mugwa akafamba pamusoro pemvura akananga kuna Jesu. Asi akati achiona mhepo ine simba, akatya, ndokubva atanga kunyura, achibva adanidzira achiti, “Ishe, ndiponesei!” Pakarepo Jesu akatambanudza ruoko rwake akamubata, uye akati kwaari, “Iwe wokutenda kuduku, sei wakahadzika?” Uye pavakapinda mugwa, mhepo yakanyarara. Ipapo vaya vaiva mugwa vakamunamata vachiti, “Chokwadi muri Mwanakomana waMwari.”
”Uye varume venzvimbo iyoyo vakati vamuziva, vakatumira shoko mudunhu rose rakapoteredza. Vanhu vakauya navarwere vavo vose kwaari vakamukumbira zvikuru kuti abvumire varwere kuti vangobata mupendero wenguo yake uye vose vakamubata vakaporeswa.
”Mumwe mukadzi muKenani womunzvimbo iyi akauya achidanidzira achiti, “Ishe, mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni! Mwanasikana wangu ari kutambudzwa zvikuru nedhimoni rakamubata.” Jesu haana chaakapindura. Ipapo vadzidzi vake vakauya kwaari vakasvikoti, “Mudzingei nokuti ari kuramba achidanidzira kwatiri.” Akati kwavari, “Ndakatumwa kumakwai akarasika eIsraeri chete.” Mukadzi uya akauya akasvikopfugama pamberi pake akati, “Ishe, ndibatsireiwo!” Akapindura akati, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana muchichikandira imbwa.” Mukadzi uya akati, “Hongu Ishe, kunyange nembwa dzinodyawo zvimedu zvinodonha kubva patafura yatenzi wadzo.” Ipapo Jesu akapindura akati, “Mai, mune kutenda kukuru! Chikumbiro chenyu chanzwikwa.” Mwanasikana wake akabva aporeswa kubva panguva iyoyo.
”Uye vanhu vazhinji vakauya kwaari navakaremara, mapofu, mhetamakumbo, mbeveve navamwe vazhinji, vakasvikovaisa patsoka dzake uye akavaporesa. Vanhu vakashamiswa kuona mbeveve dzichitaura, mhetamakumbo dzichitwasanudzwa, vakaremara vachifamba namapofu achiona. Vakarumbidza Mwari weIsraeri.
”Jesu akadana vadzidzi vake akati kwavari, “Ndiri kunzwa tsitsi pamusoro pavanhu ava; vanga vachingova neni kwamazuva matatu uye havachina chokudya. Handidi kuti ndivaendese vaine nzara nokuti vangaziya nenzara munzira.” Vadzidzi vake vakapindura vachiti, “Ndokupi kwatingawana chingwa chinokwana vanhu vose ava muno musango makadai?” Jesu akabvunza akati, “Mune zvingwa zvingani?” Ivo vakati, “Tine zvinomwe notuhove tushoma shoma.” Akarayira kuti vanhu vose vagare pasi. Ipapo akatora zvingwa zvinomwe zviya nehove dziya, akavonga, akazvimedura ndokuzvipa kuvadzidzi, ivowo ndokupa vanhu vose. Vose vakadya vakaguta. Mushure, vadzidzi vakanhongera zvimedu zvakanga zvasara zvikazadza matengu manomwe. Vanhu vakadya vaiva varume zviuru zvina, vakadzi navana vasingaverengerwi.
”Ipapo akashanduka pamberi pavo. Chiso chake chakapenya sezuva uye nguo dzake dzikachena sechiedza.
”Vakati vasvika kuvanhu vazhinji, mumwe murume akauya akasvikopfugama pamberi paJesu akati, “Ishe, donzwiraiwo mwanakomana wangu tsitsi. Ane zvipusha uye ari kutambudzika kwazvo. Kazhinji zvinomuwisira mumoto kana mumvura. Ndauya naye kuvadzidzi venyu asi havana kugona kumuporesa.” Jesu akapindura akati, “Haiwa, imi rudzi rusingatendi uye rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira rinhiko? Uyai nomukomana uyu kwandiri.” Jesu akatuka dhimoni rikabva rabuda mumukomana uya achibva apora kubva panguva iyoyo.
”Ipapo vadzidzi vakauya kuna Jesu vari voga vakamubvunza vachiti, “Ko, takundikana sei kuridzinga?” Akavapindura achiti, “Nokuda kwokuti mune kutenda kudiki. Ndinokuudzai chokwadi kuti dai maiva nokutenda kudiki hako semhodzi yemasitadhi maigona kuti kugomo iri, ‘Ibva apa uende uko,’ zvichiitika. Hapana chamunozokundikana kuita.
”Asi kuti tisavagumbura enda kugungwa unokanda chiredzo chako mumvura. Tora hove yaunotanga kubata, wovhura muromo wayo, uchawana muine mari inokwana mutero wangu newako, uvape.”
”“Ndinokuudzai chokwadi kuti chose chamuchasunga pano pasi chichasungwa kudenga, nechamunosunungura pano pasi chichasunungurwa kudenga. “Ndinokuudzai zvakare kuti kana vaviri venyu mukabvumirana pane chamunokumbira kuna Baba vangu vari kudenga, muchachiitirwa. Nokuti panoungana vaviri kana vatatu muzita rangu, neni ndiripo pakati pavo.”
”Jesu akavatarisa akati, “Kuvanhu izvi hazvigoneki asi kuna Mwari zvinhu zvose zvinogoneka.”
”Varume vaviri vaiva mapofu vakanga vagere parutivi rwenzira, pavakanzwa kuti Jesu ainge opfuura nepo vakadanidzira vachiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!” Vanhu vazhinji vakavatsiura vakavarayira kuti vanyarare, asi ivo vakanyanya kudanidzira vachiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!” Jesu akamira akavadana, akavabvunza achiti, “Munoda kuti ndikuitireiko?” Vakapindura vachiti, “Ishe, tinoda kuona.” Jesu akavanzwira tsitsi uye akabata meso avo. Pakarepo vakabva vaona uye vakamutevera.
”Mapofu navakaremara vakauya kwaari kutemberi, uye akavaporesa.
”Akati aona muonde pedyo nomugwagwa, akatsaukira pauri asi haana kuwana chinhu pauri kunze kwamashizha. Ipapo akati kwauri, “Ngakurege kuva nemicherozve pauri!” Pakarepo muti uya wakabva wasvava. Vadzidzi vakati vazviona, vakakatyamara, vakati, “Ko, muonde uyu wabva wasvava pakarepo sei?” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti kana mune kutenda uye musingakahadziki, hamungaiti zvaitwa kumuonde uyu chete, asi munogonawo kuti kugomo iri, ‘Enda undozvikanda mugungwa’ uye zvichaitika. Kana muchitenda, muchagamuchira zvose zvamunokumbira mukunyengetera.”
”Pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru nokuti mutumwa waShe akabva kudenga akaenda paguva akasvikokungurutsa ibwe riya akagara pamusoro paro.
”Haapo pano; amuka sokutaura kwaakaita. Uyai muone panzvimbo paakanga avete. Zvino kurumidzai muende kundoudza vadzidzi vake kuti, ‘Amuka kubva kuvakafa uye kuti afanotungamira kuGarirea. Muchanomuona ikoko.’ Zvino ndakuudzai.”
”Ipapo Jesu akasvika pavari akati, “Simba rose kudenga napanyika rakapiwa kwandiri.
”Pakarepo mumwe murume akanga ari musinagoge ravo akanga akabatwa nomweya wakaipa akadanidzira achiti, “Munodeiko kwatiri, imi Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinoziva kuti ndimi ani, imi Mutsvene waMwari!” Jesu akarayira akati, “Nyarara! Buda maari!” Mweya wakaipa wakamuzunza-zunza ndokubva wabuda maari nenzwi guru. Vanhu vose vakashamiswa kwazvo zvokuti vakabvunzana vachiti, “Chiiko ichi? Idzidziso itsva ine simba! Anorayira kunyange mweya yakaipa, uye ichimuteerera.” Mukurumbira wake wakapararira munyika yose yeGarirea.
”Vakati vachangobva musinagoge, vakaenda naJakobho naJohani kumba kwaSimoni naAndirea. Ambuya vaSimoni vakanga vavete pamubhedha vachirwara nefivha, uye vakaudza Jesu nezvavo. Saka akaenda kwavari, akabata ruoko rwavo akavabatsira kusimuka. Fivha yakabva mavari vakatanga kuvashandira.
”Manheru acho iwayo zuva ravira, vanhu vakauya kuna Jesu navose vairwara navakanga vakabatwa namadhimoni. Guta rose rakaungana pamukova, uye Jesu akaporesa vazhinji vakanga vane zvirwere zvakasiyana-siyana. Akadzingawo madhimoni mazhinji, asi akanga asingatenderi madhimoni kuti ataure nokuti akanga achiziva kuti iye ndiani.
”Saka akafamba nomuGarirea yose, achiparidza mumasinagoge avo uye achidzinga madhimoni.
”Mumwe murume akanga ana maperembudzi akauya kwaari akapfugama, akamukumbira zvikuru achiti, “Kana muchida, munogona kundinatsa.” Jesu akamunzwira ngoni, akatambanudza ruoko rwake akabata murume uya. Akati, “Ndinoda. Chinatswa!” Pakarepo maperembudzi akabva paari uye akaporeswa. Jesu akamuendesa pakarepo akamuyambira zvikuru achiti, “Chenjera kuti urege kuudza mumwe munhu. Asi enda, undozviratidza kumuprista ugobayira chipiriso chakarayirwa naMozisi chokuporeswa kwako, chive chapupu kwavari.” Asi iye akabuda akatanga kutaura akasununguka, achiparadzira shoko iro. Nokuda kwaizvozvo, Jesu haana kuzogona kupinda muguta zviri pachena asi akagara kunze, kunzvimbo dzakanyarara. Kunyange zvakadaro vanhu vakaramba vachiuya kwaari vachibva kumativi ose.
”Vamwe varume vakasvika, vakauya kwaari nomunhu akanga akafa mutezo, akatakurwa navarume vana. Sezvo vakanga vasingagoni kusvika naye kuna Jesu nokuda kwokuwanda kwavanhu, vakazarura denga reimba pamusoro paJesu uye, vakati variputsa, vakaburutsa nhoo pakanga pavete uya munhu akanga akafa mutezo. Jesu akati aona kutenda kwavo, akati kuno uya akanga akafa mutezo, “Mwanakomana, zvivi zvako zvaregererwa.” Zvino vamwe vadzidzisi vomurayiro, vakanga vagere ipapo, vakafunga mumwoyo yavo vachiti, “Munhu uyu anotaura sei achidaro? Ari kumhura Mwari! Ndianiko anoregerera zvivi asi Mwari oga?” Pakarepo Jesu akazviziva mumweya wake kuti ndizvo zvavakanga vachifunga mumwoyo yavo, uye akati kwavari, “Seiko muchifunga zvinhu izvi? Ndezvipiko zvakareruka: Kuti kuno wakafa mutezo, ‘Zvivi zvako zvaregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka, tora nhoo yako ufambe’? Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Akati kuna akanga akafa mutezo, “Ndinoti kwauri, simuka, tora nhoo yako uende kumba.” Akasimuka kubva panhoo yake, akatora nhoo yake akafamba akabuda vose vachizviona. Izvi zvakashamisa munhu wose uye vakarumbidza Mwari vachiti, “Hatina kumboona chinhu chakadai!”
”Pane imwe nguva akapinda musinagoge, uye imomo makanga mune murume akanga ane ruoko rwakanga rwakakokonyara. Vamwe vavo vakanga vachitsvaka mhosva yavangapomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizomuporesa nomusi weSabata. Jesu akati kumurume akanga ane ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.” Ipapo Jesu akavabvunza akati, “Ndezvipiko zvinotenderwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa munhu kana kuuraya?” Asi vakaramba vanyerere. Atsamwa, akatarisa vanhu vose vakanga vakamukomberedza, uye ashungurudzwa nokuda kwokusindimara kwemwoyo yavo akati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza, uye ruoko rwake rukaporeswa.
”Ainge aporesa vazhinji zvokuti vaya vakanga vane zvirwere vakanga vachisundana vachiuya mberi kuti vamubate. Pose paaionekwa nemweya yakaipa, yaiwira pasi pamberi pake uye yaidanidzira ichiti, “Ndimi Mwanakomana waMwari.” Asi iye akairayira kwazvo kuti irege kutaura kuti akanga ari ani.
”Akasarudza vane gumi navaviri akavati vapostori, kuti vagare naye uye kuti agozovatuma kuti vandoparidza uye kuti vave nesimba rokudzinga madhimoni.
”Dutu rinotyisa rakauya, uye mafungu akarova igwa, zvokuti rakanga rava pedyo nokunyura. Jesu akanga ari mushure megwa, avete pamutsago. Vadzidzi vake vakamumutsa vakati kwaari, “Mudzidzisi, hamuna hanya here kana tikanyura?” Akamuka, akarayira mhepo uye akati kumafungu, “Nyarara! Dzikama!” Ipapo mhepo yakapera uye kukadzikama zvikuru. Akati kuvadzidzi vake, “Munotyireiko zvakadai? Hamusati mava nokutenda here?” Vakatya uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!”
”Jesu akati abuda mugwa, mumwe murume akanga ano mweya wakaipa akauya achibva kumakuva kuti azosangana naye. Murume uyu aigara kumakuva, uye kwakanga kusisina munhu aigona kumusungazve, kunyange kana nengetani. Nokuti kazhinji aisungwa maoko namakumbo, asi aidambura ngetani napakati uye achivhuna simbi dzaiva pamakumbo ake. Hakuna munhu aiva nesimba rokumukunda. Usiku namasikati aingochema uye achizvicheka-cheka namabwe ari pakati pamakuva uye nomuzvikomo. Akati aona Jesu achiri chinhambwe, akamhanya akandowira namabvi ake mberi kwake. Akadanidzira nenzwi riri pamusoro achiti, “Munodeiko kwandiri, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Pikai kuna Mwari kuti hamuzonditambudzi!” Nokuti Jesu akanga ati kwaari, “Buda mumunhu uyu, iwe mweya wakaipa!” Ipapo Jesu akamubvunza akati, “Zita rako ndiwe ani?” Akapindura akati, “Zita rangu ndiRegioni, nokuti tiri vazhinji.” Uye akakumbira akumbirazve kuna Jesu kuti arege kuidzinga kubva munyika iyo. Boka guru renguruve raifura riri pazvikomo zvaiva pedyo nenzvimbo iyi. Madhimoni akakumbirisa kuna Jesu akati, “Titumei henyu pakati penguruve, titenderei henyu kuti tinopinda madziri.” Akaatendera, uye mweya yakaipa yakabuda ikaenda ikandopinda munguruve. Boka rinenge zviuru zviviri pakuwanda, rakamhanya richiburukira kumawere rikapinda mugungwa uye rikanyuramo. Vaya vakanga vachifudza nguruve vakatiza vakandozivisa izvi muguta nomumaruwa, uye vanhu vakabuda kuti vandoona zvakanga zvaitika. Vakati vasvika kuna Jesu, vakaona murume uya akanga akabatwa neRegioni ramadhimoni, agere ipapo, akapfeka uye ava munhu kwaye; uye vakatya. Vaya vakanga vazviona vakavaudza zvakanga zvaitika kumunhu akanga ambobatwa namadhimoni, uye vakataura nezvenguruvewo. Ipapo vanhu vakatanga kukumbira Jesu kuti abve munyika yavo.
”Uye pakanga pano mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri. Akanga atambudzika zvikuru uye achirapwa navanachiremba vazhinji uye akanga apedza zvose zvaaiva nazvo, asi pachinzvimbo chokuva nani akatonyanyisa kurwara. Akati anzwa nezvaJesu, akauya mushure make mukati mavazhinji uye akabata nguo yake, nokuti akati mumwoyo make, “Kana ndikangobata nguo dzake, ndichaporeswa.” Pakarepo tsime reropa rake rakapwa uye akanzwa mumuviri wake kuti akanga asunungurwa kubva pakutambudzika kwake. Pakarepo Jesu akanzwa kuti simba rakanga rabuda maari. Akatendeukira kuruzhinji rwavanhu akabvunza achiti, “Ndianiko abata nguo dzangu?” Vadzidzi vake vakati, “Muri kuona vanhu vachikutsimbirirai, zvino moti, ‘Ndianiko andibata?’ ” Asi Jesu akaramba achitarisa-tarisa kuti aone kuti ndiani akanga aita izvozvo. Ipapo mukadzi, achiziva zvakanga zvaitika kwaari, akauya akawira patsoka dzake, uye achidedera nokutya, akamuudza chokwadi chose. Iye akati kwaari, “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare uye usunungurwe pakutambudzika kwako.”
”Jesu achiri kutaura, vamwe varume vakauya vachibva kumba kwaJairosi, mukuru wesinagoge. Vakati, “Mwanasikana wenyu afa. Muchanetsereiko mudzidzisi?” Asina hanya nezvavakanga vataura, Jesu akati kumukuru wesinagoge, “Usatya; tenda bedzi.” Haana kutendera mumwe munhu kuti amutevere kunze kwaPetro, Jakobho naJohani mununʼuna waJakobho. Vakati vasvika pamba pomukuru wesinagoge, Jesu akanzwa mheremhere, vanhu vachichema nokuungudza zvikuru. Akapinda akati kwavari, “Ko, mheremhere ndeyeiko nokuungudza uku? Mwana haana kufa asi avete.” Asi vakamuseka. Mushure mokunge avabudisa vose panze, akatora baba namai vomwana navadzidzi vaakanga anavo, akapinda makanga muno mwana. Akamubata noruoko akati kwaari, “Tarita kumi!” (zvichireva kuti, “Musikana, ndinoti kwauri, muka!”) Pakarepo musikana akasimuka akafamba-famba (akanga ana makore gumi namaviri okuberekwa). Nokuda kwaizvozvi, vakashamiswa zvikuru.
”Sabata rakati rasvika, akatanga kudzidzisa musinagoge, uye vazhinji vakamunzwa vakashamiswa. Vakabvunza vachiti, “Murume uyu akawanepi zvinhu izvi? Uchenjeri hupi uhu hwaakapiwa hwokuti anotoita zvishamiso?
”Haana kugona kuita zvishamiso zvipi zvazvo imomo, kunze kwokuisa maoko ake pamusoro pavanhu vashoma vairwara uye nokuvaporesa.
”Akadana kwaari vane gumi navaviri akavatuma vari vaviri vaviri uye akavapa simba pamusoro pemweya yakaipa.
”Vakadzinga madhimoni mazhinji uye vakazodza mafuta vanhu vazhinji vairwara uye vakavaporesa.
”Zvino zuva rava kuvira, vadzidzi vake vakauya kwaari, vakati, “Nzvimbo ino irenje, uye kwava kudoka. Itai kuti vanhu vaende kumaruwa nemisha yakapoteredza kuti vandozvitengera zvokudya.” Asi iye akapindura akati, “Imi vapei zvokudya.” Vakati kwaari, “Izvo zvinotoda muripo womunhu wemwedzi misere! Ko, tingashandisa mari yakawanda kudaro kutenga chingwa kuti tigovapa kuti vadye here?” Akati, “Mune zvingwa zvinganiko? Endai mundotarisa.” Vakati vazviona, vakati, “Zvishanu, nehove mbiri.” Ipapo Jesu akavarayira kuti vagarise vanhu vose pasi mumapoka pauswa hunyoro. Saka vakagara pasi mumapoka ane zana uye neane makumi mashanu. Akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri uye akatarisa kudenga, akavonga akamedura chingwa. Ipapo akazvipa kuvadzidzi vake kuti vazvigadzike pamberi pavanhu. Akagoverawo hove mbiri dziya pakati pavo vose. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakanonga zvimedu zvezvingwa nehove zvikazara matengu gumi namaviri. Varume vakanga vadya vaisvika zviuru zvishanu.
”Akaona vadzidzi vachitambudzika pakukwasva, nokuti mhepo yaivarova. Nenguva inenge yechina yousiku akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. Akanga oda kuvapfuura, asi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti aiva dzangaradzimu. Vakadanidzira, nokuti vose vakamuona vakatya. Pakarepo akataura kwavari akati, “Tsungai mwoyo! Ndini. Musatya.” Ipapo akakwira mugwa navo, uye mhepo ikadzikama. Vakakatyamara zvikuru,
”Vakati vachingobuda mugwa, vanhu vakaziva Jesu. Vakamhanya nomunyika iyo yose vakatakura vanorwara pamaponde vachienda navo kwavakanga vanzwa kuti ndiko kwaari. Uye pose paakaenda mumisha, mumaguta kana mumaruwa, vakaisa varwere mumisika. Vakamukumbira kuti avabvumire kubata kunyange mupendero wejasi rake, uye vose vakamubata vakaporeswa.
”Jesu akabva panzvimbo iyo akaenda pedyo neTire. Akapinda mumba akasada kuzivikanwa nomunhu; asi akanga asingagoni kuzvivanza. Zvakaitika ndezvokuti, paakangonzwa nezvake, mukadzi aiva nomwanasikana akanga akabatwa nomweya wetsvina akauya akawira patsoka dzake. Mukadzi uyu aiva muGiriki, akaberekerwa muFonishia yomuSiria. Akakumbirisa Jesu kuti adzinge dhimoni mumwanasikana wake. Jesu akati kwaari, “Vana vanofanira kutanga kudya zvavanoda, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chavana uchichikandira kumbwa dzavo.” Iye akapindura akati, “Hongu Ishe, asi kunyange imbwa dziri pasi petafura dzinodya zvimedu zvezvokudya zvavana wani.” Ipapo akati kwaari, “Nokuda kwemhinduro yakadai, enda hako; dhimoni rabva pamwanasikana wako.” Akadzokera kumba kwake akawana mwana wake avete pamubhedha, uye dhimoni raenda.
”Ikoko vamwe vanhu vakauya kwaari nomurume akanga ari matsi uye asingagoni kunyatsotaura, uye vakamukumbira kwazvo kuti aise ruoko rwake pamusoro pomurume uyu. Akati aenda naye parutivi, kure noruzhinji, Jesu akaisa minwe yake munzeve dzake. Ipapo akapfira mate akabata rurimi rwomurume uya. Akatarisa kudenga uye nokugomera kukuru akati kwaari, “Efata!” (kureva kuti, “Dziuka!”) Pakarepo, nzeve dzomurume uya dzakadziuka, rurimi rwake rukasunungurwa uye akatanga kutaura zvakanaka. Jesu akavarayira kuti varege kutaurira kana munhu. Asi paakanyanya kuita izvozvo, ndipo pavakanyanya kutaura nezvazvo. Vanhu vakashamiswa zvikuru kwazvo. Vakati, “Akaita zvinhu zvose nenzira yakanaka. Anoita kuti kunyange matsi dzinzwe uye nembeveve dzitaure.”
”Mumazuva iwayo vamwe vanhu vazhinji zhinji vakaunganazve. Sezvo vakanga vasina zvokudya, Jesu akadana vadzidzi vake kwaari akati, “Ndine urombo kwazvo navanhu ava; atova mazuva matatu vaneni uye havana chokudya. Kana ndikavaendesa vane nzara kumisha yavo, vachaziya vakawira pasi nenzara munzira, nokuti vamwe vavo vakabva kure.” Vadzidzi vake vakati, “Asi munhu angawanepiko murenje muno zvingwa zvavangapiwa vakaguta?” Jesu akati kwavari, “Mune zvingwa zvinganiko?” Vakati, “Zvinomwe.” Akaudza vanhu vazhinji ava kuti vagare pasi. Akati atora zvingwa zvinomwe uye akavonga, akazvimedura akazvipa kuvadzidzi vake kuti vaise pamberi pavanhu, uye vakaita saizvozvo. Vakanga vane hove duku shoma shoma zvakare; uye akavongazve akaudza vadzidzi kuti vadzigovere kuvanhu. Vanhu vakadya uye vakaguta. Shure kwaizvozvo vadzidzi vakanonga matengu manomwe azere ezvimedu. Pakanga pane varume vangangosvika zviuru zvina. Uye akati avaendesa,
”Vakasvika kuBhetisaidha, uye vamwe vanhu vakauya nomurume akanga ari bofu uye vakakumbira zvikuru kuti Jesu amubate. Akabata murume akanga ari bofu noruoko akamutungamirira kunze kwomusha. Akati apfira mate pamaziso ake Jesu akaisa maoko ake pamusoro pake, akamubvunza akati, “Pane zvauri kuona here?” Iye akatarisa kumusoro akati, “Ndinoona vanhu; vanotarisika semiti inofamba-famba.” Jesu akaisazve maoko ake pameso omurume uyu. Ipapo meso ake akasvinudzwa, akadzorerwa kuona kwake, uye akaona zvinhu zvose zvakanaka.
”Shure kwamazuva matanhatu, Jesu akatora Petro, Jakobho naJohani akavatungamirira kugomo refu, kwavakanga vari voga. Akashanduka ikoko pamberi pavo. Nguo dzake dzakapenya, dzikachena kupfuura zvingacheneswa nomunhu upi zvake munyika muno.
”Mumwe murume aiva pakati pavanhu vazhinji akapindura akati, “Mudzidzisi, ndauya kwamuri nomwanakomana wangu, akabatwa nomweya wakamupa umbeveve. Pose pose paunomubata, unomukanda pasi. Anopupuma furo pamuromo, worumanisa meno ake uye anobva aoma. Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi havana kugona kuzviita.” Jesu akati, “Haiwa rudzi rusingatendi, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvikira riniko? Uyai nomukomana kwandiri.” Saka vakauya naye. Mweya wakati uchiona Jesu, pakarepo wakawisira mukomana pasi ukamubvundisa. Akawira pasi akaumburuka, achipupuma furo pamuromo. Jesu akabvunza baba vomukomana akati, “Ane nguva yakadii achiita izvi?” Vakapindura vakati, “Kubva pauduku hwake. Kazhinji unosimuwisira mumoto kana mumvura kuti umuuraye. Asi kana muchigona kuita chinhu, tinzwirei tsitsi mutibatsire.” Jesu akati, “Kana muchigona? Zvinhu zvose zvinogoneka kune anotenda.” Pakarepo baba vomukomana vakadanidzira vachiti, “Ndinotenda; ndibatsirei pakusatenda kwangu!” Jesu akati aona kuti vanhu vazhinji vakanga vomhanyira panzvimbo iyo, akarayira mweya wakaipa akati, “Iwe mweya woumatsi nomweya woumbeveve, ndinokurayira, buda maari, uye usazopindazve maari.” Mweya wakadanidzira, ukamubvundisa zvikuru uye ukabuda. Mukomana akaita sokunge chitunha zvokuti vazhinji vakati, “Afa.” Asi Jesu akamubata noruoko akamumisa netsoka dzake, uye akakwanisa kumira.
”Jesu akatarisa kwavari akati, “Kumunhu hazvigoneki, asi kwete naMwari; zvinhu zvose zvinogoneka kuna Mwari.”
”Ipapo vakasvika kuJeriko. Jesu navadzidzi vake, pamwe chete navanhu vazhinji, vakati vobuda muguta, Bhatimeo, murume akanga ari bofu, (ndiye mwanakomana waTimeo), akanga agere parutivi penzira achipemha. Paakanzwa kuti akanga ari Jesu weNazareta, akatanga kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!” Vazhinji vakamutsiura uye vakamutaurira kuti anyarare, asi akanyanyisa kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!” Jesu akamira akati, “Mudanei.” Saka vakadana murume uya bofu vakati, “Tsunga mwoyo! Simuka! Anokudana.” Akakanda jasi rake parutivi, akakwakuka akauya kuna Jesu. Jesu akamubvunza akati, “Unoda kuti ndikuitirei?” Murume uya bofu akati, “Rabhi, ndinoda kuona.” Jesu akati, “Enda hako, kutenda kwako kwakuporesa.” Pakarepo meso ake akasvinudzwa uye akatevera Jesu munzira.
”Jesu akapindura akati, “Ivai nokutenda muna Mwari. Ndinokuudzai chokwadi, kana munhu akati kugomo iri, ‘Enda, uzvikande mugungwa,’ uye asingakahadziki nazvo mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaareva zvichaitika, achazviitirwa. Naizvozvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunokumbira mukunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, uye zvichava zvenyu.
”Iye akati, “Musavhunduka. Muri kutsvaka Jesu weNazareta, uya akarovererwa pamuchinjikwa. Amuka! Haapo pano. Tarisai pavakanga vamuisa.
”Uye zviratidzo izvi zvichatevera vanotenda: Vachadzinga mweya yakaipa muzita rangu, vachataura nendimi itsva; vachabata nyoka namaoko avo, uye kunyange vakanwa muchetura unouraya haungavakuvadzi napaduku; vachaisa maoko avo pamusoro pavarwere, uye vachapora.”
”Mushure mokunge Ishe Jesu ataura kwavari, akatorwa akakwidzwa kudenga uye akandogara kuruoko rworudyi rwaMwari.
”Ipapo vadzidzi vakabuda vakandoparidza kwose kwose, uye Ishe akashanda navo, akasimbisa shoko rake nezviratidzo zvakatevera.
”Nokuti hakuna chinhu chisingagonekwi naMwari.”
”Musinagoge makanga muno murume akanga akabatwa nedhimoni, mweya wakaipa, uye akadanidzira nenzwi guru achiti, “A! Munodeiko kwatiri imi Jesu weNazareta? Ko, mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinoziva kuti muri ani, muri Mutsvene waMwari!” Jesu akaurayira achiti, “Nyarara! Buda maari!” Ipapo dhimoni rakaputsira murume uyu pasi pamberi pavo vose rikabuda risina kumukuvadza. Vanhu vose vakashamiswa vakataurirana vachiti, “Kudzidzisa uku ndokupi? Anorayira mweya yakaipa nechikuriri uye nesimba, ichibva yabuda!” Mukurumbira wake wakapararira munzvimbo dzose dzakapoteredza.
”Jesu akabva pasinagoge akaenda kumba kwaSimoni. Zvino mai vomukadzi waSimoni vairwara nefivha, uye vakakumbira Jesu kuti avabatsire. Saka akakotamira kwavari akarayira fivha, ikabva pavari. Vakasimuka pakarepo vakatanga kuvashandira.
”Zuva rakati rodoka, vanhu vakauya kuna Jesu navose vakanga vana marudzi akasiyana-siyana ezvirwere, akaisa maoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo akavaporesa. Pamusoro paizvozvo, madhimoni akabuda muvanhu vazhinji, achidanidzira achiti, “Ndiwe Mwanakomana waMwari!” Asi iye akaatsiura akasaatendera kuti ataure, nokuti iwo aiziva kuti ndiye Kristu.
”Akati apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Chiriswededza kwakadzika ugokanda usvasvi ubate hove.” Simoni akapindura akati, “Tenzi, takashanda zvakaoma usiku hwose uye hatina kubata chinhu. Asi sezvamadaro imi, ndichakanda hangu mambure.” Vakati vaita saizvozvo, vakabata hove zhinji kwazvo uye mambure avo akatanga kubvaruka. Saka vakaninira vamwe vavo vakanga vari mune rimwe igwa kuti vauye vazovabatsira, ivo vakauya vakazadza magwa ose ari maviri; akazara zvokuti akatanga kunyura. Simoni Petro akati achiona izvi, akawira pamabvi aJesu akati, “Ibvai kwandiri, Ishe; ndiri mutadzi!” Nokuti iye neshamwari dzake vakashama kwazvo nokuda kwehove dzavakanga vabata,
”Jesu paakanga achiri mune rimwe ramaguta, mumwe murume akanga azere namaperembudzi akauya. Akati achiona Jesu, akawira pasi nechiso chake akamukumbira zvikuru achiti, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.” Jesu akatambanudza ruoko rwake akabata murume uyu akati, “Ndinoda, chinatswa!” Pakarepo maperembudzi akabva paari. Ipapo Jesu akamurayira akati, “Usaudza munhu, asi enda undozviratidza kumuprista ugopa zvibayiro zvakarayirwa naMozisi zvokunatswa kwako, chive chapupu kwavari.” Asi mukurumbira wake wakapararira kwazvo, zvokuti vanhu vazhinji zhinji vakauya kuzomunzwa uye kuti vaporeswe zvirwere zvavo.
”Rimwe zuva paaidzidzisa, vaFarisi navadzidzisi vomurayiro, vakanga vabva mumisha yose yeGarirea neJudhea uye neJerusarema, vakanga vagerepo. Uye simba raShe rakanga riripo kuti aporese vanorwara. Vamwe varume vakasvika vakatakura murume akanga akaoma mutezo parukukwe vakaedza kuti vamupinze mumba kuti vandomuradzika pamberi paJesu. Vakati vashayiwa nzira yokupinda nayo nokuda kwokuwanda kwavanhu, vakakwira pamusoro pedenga vakamuburutsa ari parukukwe rwake nepamapfiriro, pakati pavanhu, pamberi paJesu chaipo. Jesu akati aona kutenda kwavo, akati, “Shamwari, zvivi zvako zvaregererwa.” VaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakatanga kufunga vachiti, “Ndianiko munhu uyu anotaura achimhura Mwari. Ndianiko anoregerera zvivi kunze kwaMwari chete?” Jesu aiziva zvavaifunga uye akabvunza achiti, “Seiko muchifunga zvinhu izvi mumwoyo yenyu? Ndezvipiko zvakareruka: kuti, ‘Zvivi zvako zvaregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe’? Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Akati kumurume akanga akaoma mutezo, “Ndinoti kwauri, simuka, tora rukukwe rwako uende kumba.” Pakarepo akasimuka pamberi pavo, akatora rukukwe rwaakanga avete parwuri akaenda kumba achirumbidza Mwari. Munhu wose akashamiswa nazvo akarumbidza Mwari. Vakazadzwa nokutya vakati, “Taona zvinhu zvinoshamisa nhasi.”
”Rimwezve Sabata akapinda musinagoge uye aidzidzisa, zvino pakanga pano murume akanga ano ruoko rwake rworudyi rwakanga rwakakokonyara. VaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizoporesa nomusi weSabata. Asi Jesu aiziva zvavaifunga uye akati kumurume akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.” Saka iye akasimuka akamira ipapo. Ipapo Jesu akati kwavari, “Ndinokubvunzaiwo kuti chiiko chinobvumirwa kuitwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa upenyu kana kuhuparadza?” Akatarisa kwavari vose, ndokuti kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akaita saizvozvo, uye ruoko rwake rukatwasanuka.
”Akaburuka navo akandomira panzvimbo yakanga yakaenzana. Ungano huru yavadzidzi vake yakanga iripo uye navanhu vazhinji vaibva muJudhea yose, vaibva kuJerusarema, uye navaibva kumuganhu weTire neSidhoni, vakanga vauya kuzomunzwa uyewo kuti vazoporeswa pazvirwere zvavo. Vaya vakanga vachimanikidzwa nemweya yakaipa vakaporeswa, uye vanhu vose vakaedza kumubata, nokuti simba rakanga richibuda maari richivaporesa vose.
”Imomo maiva nomuranda womukuru wezana, aidiwa chose natenzi wake, akanga achirwara uye ava kuda kufa. Mukuru wezana akanzwa nezvaJesu uye akatuma vamwe vakuru vavaJudha kwaari, achimukumbira kuti auye kuzoporesa muranda wake. Vakati vasvika kuna Jesu, vakamukumbira zvikuru vachiti, “Murume uyu akafanira kuti mumuitire izvi, nokuti anoda rudzi rwedu uye ndiye akavaka sinagoge redu.” Naizvozvo Jesu akaenda navo. Akanga asiri kure nomusha pakatumwa shamwari nomukuru wezana kuti dzinoti kwaari, “Ishe, musazvinetsa zvenyu, nokuti handina kukodzera kuti imi mupinde mumba mangu. Ndokusaka ndisina kumbofunga kuti ini ndive nekodzero yokuuya kwamuri. Asi, taurai henyu shoko, uye muranda wangu achapora. Nokuti ini pachangu, ndiri munhu ari pasi pavamwe, uye ndine varwi vari pasi pangu. Ndinoti kuno uyu, ‘Enda,’ uye anoenda, kuno mumwe, ‘Uya’ uye anouya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita ichi,’ uye anochiita.” Jesu akati anzwa izvi, akashamiswa kwazvo naye, akatendeukira kuvanhu vazhinji vaimutevera akati, “Ndinoti kwamuri, handina kumboona kutenda kwakadai kunyange muIsraeri.” Ipapo varume vaya vakanga vatumwa vakadzokera kumba vakawana muranda uya apora.
”Kuzoti ave kuswedera pasuo reguta, munhu akafa akanga akatakurwa achiburitswa kunze, aingova mwanakomana mumwe chete wamai vake, uye vakanga vari chirikadzi. Uye vanhu vazhinji kwazvo vaibva muguta vaiva navo. Ishe akati achivaona, mwoyo wake wakavanzwira tsitsi, akati kwavari, “Musachema.” Ipapo akaswedera pedyo akabata hwanyanza, uye vaya vakanga vakamutakura vakamira. Akati, “Jaya, ndinoti kwauri, muka!” Munhu uya akanga afa akamuka akagara akatanga kutaura, uye Jesu akamupa kuna mai vake. Vose vakazadzwa nokutya vakarumbidza Mwari. Vakati, “Muprofita mukuru amuka pakati pedu. Mwari auya kuzobatsira vanhu vake.” Shoko iri pamusoro paJesu rakapararira muJudhea yose nenyika dzose dzakapoteredza.
”Panguva iyoyo Jesu akaporesa vazhinji vakanga vane zvirwere, matenda nemweya yakaipa uye akasvinudza vazhinji vakanga vari mapofu. Saka akapindura nhume achiti, “Dzokerai munoudza Johani zvamaona nezvamanzwa zvokuti: Mapofu anosvinudzwa, zvirema zvinofamba, vaya vana maperembudzi vanoporeswa, matsi dzinonzwa, vakafa vanomutswa uye vhangeri riri kuparidzwa kuvarombo.
”uye vamwewo vakadzi vakanga vaporeswa pazvirwere nemweya yakaipa vaiti: Maria (ainzi Magadharena) uya akanga abudiswa mweya yakaipa minomwe maari,
”Rimwe zuva Jesu akati kuvadzidzi vake, “Ngatiyambukirei mhiri kwegungwa.” Naizvozvo vakapinda mugwa vakatanga kufamba. Pavakanga vachifamba, akavata. Dutu guru rakauya mugungwa, zvokuti igwa rakanga rava kunyura, uye vakanga vava munjodzi huru. Vadzidzi vakaenda vakandomumutsa vachiti, “Tenzi, Tenzi, tava kunyura!” Ipapo akamuka akarayira mhepo namafungu emvura zhinji, dutu rikaserera, uye kukadzikama kwazvo. Akabvunza vadzidzi vake akati, “Kutenda kwenyu kuripiko?” Mukutya kwavo nokushamiswa kwavo, vakabvunzana pakati pavo vachiti, “Ndianiko uyu? Anorayira kunyange mhepo nemvura zvichimuteerera.”
”Jesu akati ayambuka gungwa, akasangana nomurume akanga akabatwa nedhimoni achibva muguta. Murume uyu akanga asingapfeki nguo kwenguva refu kana kugara mumba, asi aigara kumakuva. Akati aona Jesu, akadanidzira akawira pamakumbo ake, akati nenzwi guru, “Munodeiko kwandiri, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Ndinokukumbirisai, regai kunditambudza!” Nokuti Jesu akanga arayira mweya wakaipa kuti ubude maari. Kazhinji waimubata, uye kunyange akange akasungwa nengetani mumaoko nomumakumbo uye akarindwa, aidambura ngetani obva aendeswa nedhimoni kurenje. Jesu akamubvunza akati, “Zita rako ndiwe ani?” Akapindura akati, “Regioni,” nokuti madhimoni mazhinji akanga apinda maari. Uye akaramba achimunyengetedza kuti arege kuarayira kuti aende kugomba rakadzika. Pakanga pane boka guru renguruve raifura mujinga mechikomo. Madhimoni akakumbirisa Jesu kuti aabvumire kupinda madziri, akaatendera. Madhimoni akati abuda mumunhu uyo akandopinda munguruve, uye boka renguruve rakamhanyira kumawere kugungwa rikanyuramo. Vaifudza nguruve vakati vaona zvakanga zvaitika, vakatiza vakandozivisa izvi muguta nomuruwa, uye vanhu vakabuda kunoona zvakanga zvaitika. Vakati vasvika kuna Jesu vakawana murume akanga abuda madhimoni maari, agere patsoka dzaJesu, apfeka uye ava munhu kwaye, vakatya. Vaya vakanga vazviona vakaudza vanhu kuti murume akanga ane dhimoni ainge aporeswa sei. Ipapo vanhu vose vomunyika yeGerase vakakumbira Jesu kuti abve kwavari, nokuti vakanga vabatwa nokutya. Saka akapinda mugwa akaenda.
”Uye paiva nomumwe mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri, asi kusina munhu aigona kumuporesa. Akauya neshure kwaJesu akabata mupendero wenguo yake, pakarepo kubuda kweropa kukabva kwaguma. Jesu akati, “Ndianiko andibata?” Vose vakati varamba kubvuma, Petro akati, “Tenzi, vanhu vari kukumomoterai nokukutsimbirirai.” Asi Jesu akati, “Pane mumwe andibata; ndinoziva nokuti simba rabuda mandiri.” Ipapo mukadzi akati aona kuti haangavandi, akauya achidedera akasvikowira patsoka dzake. Pamberi pavanhu vose akamuudza kuti sei akanga amubata, uye kuti akanga apora sei pakarepo. Ipapo akati kwaari, “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare.”
”Jesu achiri kutaura, mumwe aibva kumba kwaJairosi, mubati wesinagoge, akasvika akati, “Mwanasikana wenyu afa. Chiregai henyu kuramba muchinetsa mudzidzisi.” Jesu akati anzwa izvi, akati kuna Jairosi, “Usatya; tenda chete, achaporeswa.” Akati asvika kumba kwaJairosi, haana kutendera ani zvake kuti apinde naye kunze kwaPetro, Johani naJakobho, uye nababa namai vomwana. Panguva iyi, vanhu vose vainge vachiungudza uye vachimuchema. Jesu akati, “Nyararai kuchema. Haana kufa asi avete.” Vakamuseka, nokuti vaiziva kuti akanga afa. Asi akamubata ruoko akati, “Mwanangu, muka!” Mweya wake wakadzokera maari, pakarepo akasimuka. Ipapo Jesu akavarayira kuti vamupe zvokudya. Vabereki vake vakashamiswa, asi akavarayira kuti vasaudze munhu zvakanga zvaitika.
”Jesu akati aunganidza vane Gumi naVaviri vake pamwe chete, akavapa simba nechikuriri kuti vadzinge madhimoni uye vaporese vakanga vane zvirwere, akavatuma kuti vandoparidza umambo hwaMwari uye vandoporesa vairwara.
”Saka vakasimuka vakabuda vakaenda kumusha nomusha, vachiparidza vhangeri nokuporesa vanhu kwose kwose.
”asi vazhinji vakazviziva vakamutevera. Akavagamuchira akataura kwavari nezvoumambo hwaMwari, akaporesa avo vakanga vachida kuporeswa.
”Zuva rovira, vane Gumi Navaviri vakauya kwaari vakati, “Endesai vanhu vazhinji ava kuitira kuti vaende kumisha nokumaruwa akapoteredza kuti vandozvitsvakira zvokudya nepokurara, nokuti tiri musango muno.” Akavapindura akati, “Vapei imi zvokudya.” Ivo vakati, “Tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri, kunze kwokunge tandotenga zvokudya zvavanhu vazhinji vose ava.” Pakanga pane varume vangasvika zviuru zvishanu. Asi iye akati kuvadzidzi vake, “Vagarisei pasi vari mumapoka avanhu vangasvika makumi mashanu paboka rimwe nerimwe.” Vadzidzi vakaita saizvozvo, uye munhu wose akagara pasi. Akati atora zvingwa zvishanu nehove mbiri akatarisa kudenga, akavonga ndokuzvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi kuti vaise pamberi pavanhu. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakanonga matengu azere gumi namaviri ezvimedu zvakanga zvasara.
”Akati achinyengetera, kuonekwa kwechiso chake kwakashanduka, nguo dzake dzikachena dzikapenya sokupenya kwemheni.
”Mumwe murume akanga ari pakati pavanhu vazhinji akadanidzira achiti, “Mudzidzisi, ndinokukumbirai kuti muonewo mwanakomana wangu, nokuti ndiye oga mwana wangu. Mweya wakaipa unomubata pakarepo oridza mhere; wobva womubvundisa achipupuma furo pamuromo. Haudi kumuregedza uye unomuparadza. Ndakakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge, asi vakasagona.” Jesu akapindura akati, “Haiwa rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira riniko ndichikuitirai mwoyo murefu? Uyai pano nomwanakomana wenyu.” Kunyange pakanga pachiuya mukomana, dhimoni rakamuwisira pasi rikamubvundisa. Asi akarayira mweya wakaipa, akaporesa mukomana ndokubva amudzosera kuna baba vake. Uye vose vakashamiswa noukuru hwaMwari. Vanhu vose pavakanga vachakashamiswa nezvose zvakanga zvaitwa naJesu, akati kuvadzidzi vake,
”“Pamunopinda muguta uye vakakugamuchirai, mudye zvose zvinoiswa pamberi penyu. Poresai vanorwara varimo mugovaudza kuti, ‘Umambo hwaMwari hwaswedera.’
”Ndakupai simba rokuti mutsike pamusoro penyoka nezvinyavada uye kuti mukunde simba rose romuvengi; hakuna chichakukuvadzai. Kunyange zvakadaro hazvo, musafara nokuti mweya yakaipa inozviisa pasi penyu, asi farai kuti mazita enyu akanyorwa kudenga.”
”Jesu akanga achidzinga dhimoni raiva mbeveve. Dhimoni rakati rabva, munhu uya akanga ari mbeveve akataura, uye vazhinji vakashamiswa nazvo.
”Jesu akanga achidzidzisa ari mune rimwe sinagoge nomusi weSabata, uye ipapo pakanga pano mukadzi aiva akaremadzwa nomweya wakaipa kwamakore gumi namasere. Musana wake wakanga wakakokonyara uye akanga asingagoni zvachose kutwasuka. Jesu akati amuona, akamudana kuti auye mberi akati kwaari, “Mai, masunungurwa pachirwere chenyu.” Ipapo akaisa maoko ake pamusoro wake, pakarepo musana wake ukatwasanuka akarumbidza Mwari. Mukuru wesinagoge akatsamwa nokuti Jesu akanga aporesa mukadzi uyu nomusi weSabata, akati kuvanhu, “Pane mazuva matanhatu okushanda. Saka munofanira kuuya kuzoporeswa pamazuva iwayo, kwete nomusi weSabata.” Ishe akamupindura achiti, “Imi vanyengeri! Ko, handiti mumwe nomumwe wenyu anosunungura nzombe kana mbongoro yake kubva mudanga, oenda nazvo kundonwa mvura nomusi weSabata here? Zvino mukadzi uyu, mwanasikana waAbhurahama, akanga akasungwa naSatani kwamakore gumi namasere, haaifanira kusunungurwa kubva pane zvakamusunga nomusi weSabata here?” Akati ataura izvozvo, vose vakanga vachipikisana naye vakanyadziswa, asi vanhu vakafadzwa nezvinhu zvinoshamisa zvaakanga achiita.
”Akapindura akati, “Endai munoudza gava iro kuti, ‘Ndichadzinga madhimoni nokuporesa vanhu nhasi namangwana, uye pazuva retatu ndichapedzisa basa rangu.’
”Pamberi pake ipapo pakanga pane munhu akanga ane chirwere chorukandwe. Jesu akabvunza vaFarisi navadudziri vomurayiro achiti, “Zvinotenderwa here nomurayiro kuporesa nomusi weSabata, kana kuti kwete?” Asi vakaramba vanyerere. Naizvozvo akabata ruoko rwomunhu uya, akamuporesa ndokubva amuti aende.
”Vapostori vakati kuna She, “Tiwedzereiwo kutenda kwedu!” Iye akati, “Kana muno kutenda kuduku duku setsanga yemasitadhi, munogona kuti kumuti womuonde uyu, ‘Dzurwa usimwe mugungwa,’ uye uchakuteererai.
”Paakanga opinda mumusha, varume gumi vaiva namaperembudzi vakasangana naye. Vakamira vari nechokure uye vakadanidzira nenzwi guru vachiti, “Jesu, Tenzi, tinzwireiwo ngoni!” Akati achivaona, akati kwavari, “Endai munozviratidza kuvaprista.” Uye pavaienda, vakabva vanatswa. Mumwe wavo akati aona kuti akanga aporeswa, akadzoka achirumbidza Mwari nenzwi guru. Akazviwisira patsoka dzaJesu akamuvonga. Uye akanga ari muSamaria. Jesu akati, “Ko, havasi vose gumi vakaporeswa here? Ko, vamwe vapfumbamwe varipi? Kwashayikwa mumwe woga adzoka akazorumbidza Mwari kunze kwouyu mutorwa here?” Ipapo akati kwaari, “Simuka uende; kutenda kwako kwakuporesa.”
”Jesu akapindura achiti, “Zvisingagoneki kuvanhu zvinogoneka kuna Mwari.”
”Jesu akati aswedera pedyo neJeriko, mumwe murume akanga ari bofu akanga agere parutivi pomugwagwa achipemha. Akati achinzwa vanhu vazhinji vakanga vachipfuura, akabvunza kuti chii chakanga chichiitika. Vakamuudza kuti, “Jesu weNazareta ari kupfuura napano.” Iye akadanidzira achiti, “Jesu, Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!” Vaya vakanga vachitungamira vakamutsiura vakamuudza kuti anyarare, asi iye akanyanyisa kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!” Jesu akamira ndokurayira kuti murume uyu auyiswe kwaari. Akati aswedera pedyo, Jesu akamubvunza akati, “Unoda kuti ndikuitireiko?” Iye akapindura akati, “Ishe, ndinoda kuti ndione.” Jesu akati kwaari, “Chiona; kutenda kwako kwakuporesa.” Pakarepo akaona akatevera Jesu, achirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachizviona, naivowo vakarumbidza Mwari.
”Uye mumwe wavo akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yokurudyi. Asi Jesu akapindura achiti, “Zvaringana!” Uye akabata nzeve yomurume uya akamuporesa.
”Haapo pano; amuka! Rangarirai zvaakakuudzai, paakanga achinemi muGarirea kuti:
”Waini yakati yapera, mai vaJesu vakati kwaari, “Havachina waini.” Jesu akapindura akati, “Nhai mai, munondipinzireiko mune izvi? Nguva yangu haisati yakwana.” Mai vake vakati kuvaranda, “Itai zvose zvaanokuudzai.” Pakare ipapo pakanga pane makate amabwe matanhatu, anoshandiswa navaJudha patsika dzavo dzokushamba, rimwe nerimwe raizara namarita ari pakati pamakumi mapfumbamwe nezana namakumi mana. Jesu akati kuvaranda, “Zadzai makate nemvura.” Saka vakaazadza kusvikira pamuromo. Ipapo akati kwavari, “Chicherai imwe zvino mugoipa kumukuru womutambo.” Vakaita saizvozvo. Uye mukuru womutambo akaravira mvura yakanga yashandurwa ikava waini. Haana kuziva kwayakanga yabva, kunyange zvazvo varanda vakanga vachera mvura vaiziva havo. Ipapo akadana chikomba parutivi akati, “Munhu wose anotanga kubudisa waini inonaka chose, zvino shure kwokunge vanhu vakakokwa vanwa zvakanyanyisa, ipapo anozobudisa isinganaki; asi iwe wachengeta yakaisvonaka kusvikira zvino.” Jesu akaita chiratidzo ichi chokutanga paKana yomuGarirea. Nokudaro akaratidza kubwinya kwake, uye vadzidzi vake vakatenda kwaari.
”Zvino paakanga ari muJerusarema paMutambo wePasika, vanhu vazhinji vakaona zviratidzo zvaakanga achiita vakatenda muzita rake.
”Akauya kuna Jesu usiku akati, “Rabhi, tinoziva kuti muri mudzidzisi akabva kuna Mwari. Nokuti hakuna munhu angagona kuita zviratidzo zvamunoita kana Mwari asinaye.”
”Akashanyirazve Kana yomuGarirea, uko kwaakanga ashandura mvura ikava waini. Uye ikoko kwakanga kuno mumwe mutariri wamambo akanga ane mwanakomana wake akanga avete achirwara paKapenaume. Murume uyu akati anzwa kuti Jesu asvika muGarirea achibva kuJudhea, akaenda kwaari akandomukumbira kuti auye azoporesa mwanakomana wake, uyo akanga ava pedyo nokufa. Jesu akati kwaari, “Kana imi vanhu musina kuona zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.” Mutariri wamambo akati, “Ishe, burukai muuye mwana wangu asati afa.” Jesu akapindura akati, “Enda hako. Mwanakomana wako achararama.” Murume uyu akagamuchira shoko raJesu akaenda. Achiri munzira varanda vake vakasangana naye namashoko okuti mukomana akanga apora. Akati abvunza nguva yakatanga mwana kunzwa zviri nani, ivo vakati kwaari, “Fivha yakabva paari nezuro panguva dzechinomwe.” Ipapo baba vaya vakayeuka kuti ndiyo yakanga iri nguva chaiyo paakanzi naJesu, “Mwanakomana wako achararama.” Saka iye neimba yake yose vakatenda.
”Zvino muJerusarema mune dziva riri pedyo neSuo raMakwai, rinonzi Bhetesdha nechiHebheru, uye rakapoteredzwa namabiravira mashanu. Imomo vanhu vazhinji vakaremara vaisivatamo, mapofu, zvirema navakafa mitezo. Nguva nenguva mutumwa waShe aiburukiramo achibvongodza mvura. Munhu aitanga kupinda mudziva shure kwenguva ipi zvayo yainge yabvongodzwa mvura aiporeswa pachirwere chipi zvacho chaainge anacho. Mumwe murume akanga arimo akanga arwara kwamakore makumi matatu namasere. Jesu akati amuona avete imomo, uye aiziva kuti akanga aita mararamiro iwayo kwenguva refu, akamubvunza akati, “Unoda kuporeswa here?” Murwere akati, “Ishe, handina munhu anondibatsira kuti ndipinde mudziva mvura painenge yabvongodzwa. Ndichiri kuedza kupinda, mumwe anonditangira.” Ipapo Jesu akati kwaari, “Simuka! Tora rukukwe rwako ufambe.” Pakarepo murume uyu akaporeswa; akatora rukukwe rwake akafamba. Zuva rakaitika izvi raiva reSabata.
”uye vazhinji zhinji vakamutevera nokuti vakanga vaona zviratidzo zvaakanga aita pavarwere.
”Jesu akati asimudza meso ake akaona vanhu vazhinji zhinji vachiuya kwaari, akati kuna Firipi, “Tichatenga chingwa kupiko chokuti vanhu ava vadye?” Akabvunza izvi achida chete kumuedza, nokuti akanga atoziva kare mupfungwa dzake zvaakanga achizoita. Firipi akamupindura akati, “Mubayiro unoshandirwa kwemwedzi misere haugoni kutenga chingwa chinokwana mumwe nomumwe hake, kuti awane chimedu!” Mumwe wavadzidzi vake, Andirea, mununʼuna waPetro, akati, “Houno mukomana ane zvingwa zviduku zvebhari nehove mbiri, asi zvingasvikepiko pakati pavanhu vakawanda zvakadai?” Jesu akati, “Itai kuti vanhu vagare pasi.” Panzvimbo iyo pakanga pano uswa huzhinji kwazvo, uye varume vakagara pasi vakanga vachikarosvika zviuru zvishanu. Ipapo Jesu akatora zvingwa zviya, akavonga, uye akazvigovera kuna vaya vakanga vagara pasi mumwe nomumwe paaida napo. Akaita zvimwe chetezvo nehove. Vakati vadya vose, akati kuvadzidzi vake, “Unganidzai zvimedu zvose zvasara. Musarega zvichiraswa.” Saka vakazviunganidza zvikazara matengu gumi namaviri nezvimedu zvezvingwa zvebhari zvishanu, zvakanga zvasiyiwa navaya vakanga vadya. Vanhu vakati vaona chiratidzo chakanga chaitwa naJesu, vakatanga kuti, “Zvirokwazvo uyu ndiye muprofita aifanira kuuya panyika.”
”Vakati vakwasva igwa kwamakiromita angaita mashanu kana matanhatu, vakaona Jesu achiuya kuigwa, achifamba pamusoro pemvura; uye vakatya zvikuru. Asi iye akati kwavari, “Ndini; musatya.” Ipapo vakafara kumugamuchira mugwa; pakarepo igwa rakasvika kumahombekombe kwavakanga vakananga.
”Ipapo, vakanonga matombo kuti vamutake, asi Jesu akazvivanza, akabuda mutemberi.
”Akati achifamba, akaona murume akanga aberekwa ari bofu. Vadzidzi vake vakamubvunza vakati, “Rabhi, ndianiko akatadza, murume uyu kana kuti vabereki vake, zvaakaberekwa ari bofu?” Jesu akapindura akati, “Hakusi kutadza kwomurume uyu kana kwavabereki vake kwakaita kuti zvidai, asi izvi zvakaitika kuti basa raMwari riratidzwe muupenyu hwake. Kana achiri masikati kudai, tinofanira kubata basa raiye akandituma. Usiku huri kuuya, husina munhu angagona kushanda basa nahwo. Ndichiri munyika, ndiri chiedza chenyika.” Akati ataura izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, uye akariisa pameso omurume uya. Akati kwaari, “Enda undoshamba mudziva reSiroami” (shoko iri rinoreva kuti Kutumwa). Saka murume uya akaenda akandoshamba, akadzoka ava kuona. Vavakidzani vake navaya vakanga vambomuona achipemha vakati, “Ko, uyu haasi iye murume uya aisimbogara achipemha here?”
”Hakuna munhu akatombonzwa nezvokusvinudzwa kwameso omunhu akaberekwa ari bofu. Dai murume uyu asina kubva kuna Mwari, haaigona kuita chinhu.”
”Akati, “Bvisai ibwe.” Marita, hanzvadzi yomurume akanga afa akati, “Asika, Ishe, pari zvino ava kunhuhwa, nokuti atova mazuva mana arimo.” Ipapo Jesu akati, “Ko, handina kukuudza here kuti kana ukatenda, uchaona kubwinya kwaMwari?” Saka vakabvisa ibwe. Ipapo Jesu akatarisa kudenga akati, “Baba, ndinokuvongai nokuti mandinzwa. Ndinozviziva kuti munogara muchindinzwa, asi ndareva izvi nokuda kwavanhu vamire pano, kuti vatende kuti imi makandituma.” Akati areva izvozvo, Jesu akadanidzira nenzwi guru akati, “Razaro, buda!” Murume akanga afa uya akabuda, maoko ake namakumbo zvakapombwa nemicheka, uye chiso chake chakafukidzwa nomucheka. Jesu akati kwavari, “Mubvisei nguo dzomuguva mumurege aende.”
”Ipapo vaprista vakuru navaFarisi vakadana musangano weDare Guru ravaJudha. Vakati, “Tiri kuiteiko? Hounoka murume ari kuita zviratidzo zvesimba zvizhinji.
”Kunyange zvazvo Jesu akaita zviratidzo zvose izvi pamberi pavo, havana kutongomutenda.
”Nditendei pandinenge ndichiti, ini ndiri muna Baba uye Baba vari mandiri; kana kuti mutende zviratidzo zvamunoona. Ndinokuudzai kuti, ani naani anotenda kwandiri achaita zvandanga ndichiita. Achaita kunyange zvinhu zvikuru kupfuura izvi, nokuti ndiri kuenda kuna Baba.
”Uye ndichaita zvose zvamunokumbira muzita rangu, kuitira kuti Mwanakomana avigire Baba kukudzwa. Kana mukakumbira chinhu chipi zvacho muzita rangu, ndichachiita.
”Kana muchigara mandiri uye mashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvose zvamunoda, uye muchazvipiwa.
”Madekwana ezuva rokutanga revhiki, vadzidzi pavakanga vari pamwe chete, mikova yakazarirwa nokuda kwokutya vaJudha, Jesu akauya akasvikomira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve kwamuri!” Shure kwokutaura izvi, akavaratidza maoko ake naparutivi pake. Vadzidzi vakafara zvikuru pavakaona Ishe.
”Saka vamwe vadzidzi vakamuudza kuti, “Taona Ishe!” Asi iye akati kwavari, “Kunze kwokunge ndaona mavanga ezvipikiri mumaoko ake uye ndikaisa munwe wangu pakanga pane zvipikiri, uye ndikaisa ruoko rwangu parutivi rwake, handingatendi.” Vhiki yakati yapera, vadzidzi vake vakanga vari mumba zvakare, uye Tomasi akanga anavo. Kunyange zvazvo mikova yakanga yakapfigwa, Jesu akauya akamira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve kwamuri!” Ipapo akati kuna Tomasi, “Isa munwe wako pano; ona maoko angu. Tambanudza ruoko rwako uise parutivi rwangu. Rega kukahadzika uye utende.” Tomasi akati kwaari, “Ishe wangu naMwari wangu!”
”Jesu akaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pavadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iri.
”Petro akati kwavari, “Ndava kuenda kundoredza,” uye ivo vakati, “Nesuwo tichaenda newe.” Vakabuda vakapinda mugwa, asi usiku ihwohwo havana chavakabata. Mangwanani-ngwanani, Jesu akamira pamahombekombe, asi vadzidzi havana kuziva kuti akanga ari Jesu. Akadanidzira kwavari akati, “Vana mune hove here?” Vakapindura vakati, “Kwete.” Akati kwavari, “Kandai mambure enyu kurutivi rworudyi rwegwa mugobata.” Vakati vaita izvozvo, vakasagona kukweva mambure nokuda kwokuwanda kwehove. Ipapo mudzidzi aidikanwa naJesu akati kuna Petro, “NdiShe!” Simoni Petro paakangonzwa kuti, “NdiShe,” akazvimonera nguo yake yokunze (nokuti akanga aibvisa) akabva asvetukira mumvura. Vamwe vadzidzi vakatevera vari mugwa, vachikweva mambure akanga azara nehove, nokuti vakanga vasiri kure namahombekombe, asi makubhiti anenge mazana maviri. Vakati vasvika kumahombekombe, vakaona moto wamazimbe uchipfuta une hove pamusoro pawo, uye nechingwa. Jesu akati kwavari, “Uyai nedzimwe hove dzamuchangobva kubata.” Simoni Petro akakwira mugwa akakwevera mambure kumahombekombe. Akanga azere nehove huru, zana namakumi mashanu nenhatu, asi kunyange zvazvo dzakanga dzakawanda, mambure haana kubvaruka.
”Petro akacheuka akaona mudzidzi uya aidikanwa naJesu achivatevera. (Ndiye uya akanga akasendamira pana Jesu panguva yechirariro uye akanga ati, “Ishe ndianiko achakupandukirai?”) Petro akati achimuona, akabvunza akati, “Ishe, ko, uyuwo?” Jesu akapindura akati, “Kana ndichida kuti arambe ari mupenyu kusvikira ndichidzoka, unei nazvo iwe? Unofanira kunditevera iwe.” Nokuda kwaizvozvo, shoko rakapararira pakati pehama kuti mudzidzi uyu haaizofa. Asi Jesu haana kureva izvozvo kuti haaizofa; akangoti, “Kana ndichida hangu kuti arambe ari mupenyu kusvikira ndichidzoka, unei nazvo iwe?”
”Jesu akaitawo zvimwe zvinhu zvizhinji. Dai zvose zvainyorwa, ndinoti kunyange nyika yose hayaizova nenzvimbo yaikwana mabhuku aizonyorwa.
”Mushure mokutambudzika kwake, akazviratidza kuvarume ava uye akaratidza zviratidzo zvakasimba zvizhinji zvokuti akanga ari mupenyu. Akaonekwa navo mazuva anopfuura makumi mana uye akataura nezvoumambo hwaMwari.
”Asi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, nomuJudhea mose, nomuSamaria, kusvikira kumigumo yenyika.” Mushure mokunge ataura izvi, akakwidzwa kudenga pamberi pameso avo chaipo, uye gore rikamufukidza vakasazomuona.
”Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga kukazadza imba yose yavakanga vagere. Vakaona zvakanga zvakaita sendimi dzomoto dzakaparadzana uye dzakamhara pamusoro pomumwe nomumwe wavo. Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakatanga kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa noMweya. Zvino muJerusarema maigara vaJudha vaitya Mwari vaibva kundudzi dzose pasi pedenga. Vakati vanzwa kutinhira uyu, vazhinji vakaungana pamwe chete vachishamiswa, nokuti mumwe nomumwe akavanzwa vachitaura norurimi rwake chairwo.
”“ ‘Mumazuva okupedzisira,’ ndizvo zvinotaura Mwari, ‘ndichadurura Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita, majaya enyu achaona zviratidzo, vatana venyu vacharota hope. Kunyange napamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi, ndichadurura Mweya wangu mumazuva iwayo, uye vachaprofita. Ndicharatidza zvishamiso kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi, ropa nomoto uye nemhute youtsi. Zuva richashanduka rikava rima, uye mwedzi uchashanduka ukava ropa, zuva guru raShe uye rinobwinya risati rasvika.
”“Imi vaIsraeri, teererai izvi: Jesu weNazareta akanga ari murume akaratidzwa kwamuri naMwari namabasa esimba, nezvishamiso uye nezviratidzo, zvakaitwa naMwari pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunoziva imi pachenyu.
”Vanhu vose vakabatwa nokutya, uye zvishamiso zvizhinji nezviratidzo zvakaitwa navapostori.
”Zvino mumwe murume akanga aberekwa ari chirema, aitakurwa achiendeswa pasuo retemberi rainzi Rakanaka, uye aiiswa ipapo mazuva ose kuti apemhe kuna avo vaipinda mutemberi. Akati aona Petro naJohani voda kupinda, akavakumbira mari. Petro akamutarisisa, Johani akadarowo. Ipapo Petro akati kwaari, “Titarise!” Saka murume akavatarira, achifunga kuti achapiwa chinhu navo. Ipapo Petro akati, “Sirivha negoridhe handina, asi chandinacho ndinokupa. Muzita raJesu Kristu weNazareta, simuka ufambe.” Akamubata noruoko rworudyi, akamubatsira kuti asimuke, pakarepo tsoka dzomurume uyu nezviziso zvetsoka dzake zvikasimba. Akakwakuka, akamira, uye akatanga kufamba. Ipapo akapinda navo mutemberi, achifamba uye achisvetuka-svetuka, achirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachimuona achifamba achirumbidza Mwari, vakamuziva kuti ndiye murume uya aisigara achipemha ari pasuo retemberi rainzi Rakanaka, uye vakakatyamara vakashamiswa kwazvo nezvakanga zvaitika kwaari. Mupemhi akati achakabatirira pana Petro naJohani, vanhu vose vakashamiswa vakauya kwavari vachimhanya kunzvimbo yainzi Biravira raSoromoni.
”Petro akati aona izvi, akati kwavari, “Imi varume veIsraeri, seiko izvi zvichikushamisai? Munotarisireiko kwatiri sokunge taita kuti murume uyu afambe nokuda kwesimba redu kana nokuda kwokururama kwedu?
”Nokutenda muzita raJesu, munhu uyu wamunoona uye wamunoziva, asimbiswa. Izita raJesu uye nokutenda kunouya kubudikidza naye kwauyisa kuporeswa uku kwaari, sezvamunoona imi mose.
”Vakati vachiona kusatya kwaPetro naJohani uye vachiziva kuti vakanga vasina kudzidza, vachingova vanhuwo zvavo, vakakatyamara uye vakarangarira kuti varume ava vaiva naJesu. Asi vachiona murume akanga aporeswa amire navo ipapo, havana chavakagona kutaura. Saka vakavarayira kuti vabve paDare Guru, uye ivo vakasara vachitaurirana. Vakati, “Tichaita seiko navarume ava? Munhu wose anogara muJerusarema anoziva kuti vakaita chishamiso chikuru uye isu hatigoni kuzviramba.
”Zvino, Ishe, tarirai kutyisidzira kwavo mugobatsira varanda venyu kuti vataure shoko renyu nokushinga kukuru. Tambanudzai ruoko rwenyu kuti muporese uye muite zviratidzo nezvishamiso kubudikidza nezita raJesu muranda wenyu mutsvene.” Shure kwokunge vanyengetera, nzvimbo yavakanga vakaungana pairi yakazungunuswa. Uye vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakataura shoko raMwari vasingatyi.
”Zvino mumwe murume ainzi Ananiasi, pamwe chete nomukadzi wake Safira, akatengesawo chikamu chepfuma yake. Mukadzi wake achinyatsozvizivawo, akazvikamurira chimwe chikamu chemari, asi yakasara akauya nayo akaiisa pamberi pavapostori. Ipapo Petro akati, “Ananiasi, Satani azadzireiko mwoyo wako kudai, kuti usvike pakureva nhema kuMweya Mutsvene uye wazvikamurira imwe mari yawawana pakutengesa munda? Ko, wakanga usiri wako here usati watengeswa? Uye shure kwokunge wautengesa, mari yakanga isiri yako here? Chiiko chakaita kuti ufunge kuita chinhu chakadai? Hauna kureva nhema kuvanhu asi kuna Mwari.” Ananiasi akati anzwa izvi, akawira pasi akabva afa. Uye kutya kukuru kwakabata vose vakanga vanzwa zvakanga zvaitika. Ipapo majaya akaswedera, akaputira muviri wake, akamutakura akaenda naye kunze vakandomuviga. Shure kwamaawa anenge matatu mukadzi wake akasvikopinda, asingazivi zvakanga zvaitika. Petro akamubvunza akati, “Ndiudze, uyu ndiwo here mutengo wamakawana, iwe naAnaniasi, pamunda?” Iye akati, “Hongu, ndiwoyu mutengo.” Petro akati kwaari, “Matenderana seiko kuti muedze Mweya waShe? Tarira! Tsoka dzamajaya aviga murume wako dziri pamukova, uye vachakutakura newewo.” Pakarepo akawira pasi, patsoka dzake akabva afa. Ipapo majaya akapinda uye akamuwana afa, akamutakura akaenda naye kunze akandomuviga parutivi pomurume wake. Kutya kukuru kwakabata kereke yose navose vakanzwa zvinhu izvi.
”Vapostori vakaita zviratidzo zvizhinji nezvishamiso pakati pavanhu. Uye vatendi vose vaiwanzosangana pamwe chete muBiravira raSoromoni. Hakuna munhu akatsunga kubatana navo kunyange zvazvo vakanga vachikudzwa zvikuru navanhu. Zvisinei zvazvo, varume vazhinji navakadzi vakatenda kuna She uye vakawedzera uwandu. Nokuda kwaizvozvo, vanhu vakauya navairwara munzira dzomumisha vakavaradzika pamibhedha napahukwe vachiitira kuti mumvuri waPetro uwire pane vamwe vavo paainge ava kupfuura napavari. Vanhu vazhinji zhinji vaibva mumaguta akapoteredza Jerusarema vakaunganawo, vakauya navarwere vavo navaya vaitambudzwa nemweya yakaipa, uye vose vakaporeswa.
”Asi mutumwa waShe akauya usiku akazarura mukova wejeri akavabudisa, akati, “Endai, mundomira muzvivanze zvetemberi, mugoudza vanhu mashoko ose oupenyu hutsva uhu.” Vakapinda mutemberi mangwanani, sezvavakanga vaudzwa, vakatanga kudzidzisa vanhu. Muprista mukuru navamwe vake vakati vasvika, vakaunganidza Dare Guru ramakurukota, ungano yose yavakuru, vakatumira vanhu kuti vandotora vapostori kujeri. Asi vabati vakati vasvika pajeri, vakawana vasimo. Saka vakadzokera vakasvikoti, “Tawana jeri rakanyatsozarirwa, navarindi vamire pamikova; asi patazarura, hatina kuwana munhu mukati.” Vakati vanzwa chiziviso ichi, mukuru wavarindi vetemberi navaprista vakuru vakakanganisika, vachishaya kuti chii chaizoitika. Ipapo mumwe akasvika akati, “Tarirai! Varume vamakaisa mujeri vamire mutemberi vachidzidzisa vanhu.”
”Zvino Sitefani, murume akanga azere nenyasha dzaMwari nesimba, akaita zvishamiso zvikuru nezviratidzo pakati pavanhu.
”Vose vakanga vagere muDare Guru vakatarisisa Sitefani vakaona kuti chiso chake chakanga chaita sechiso chomutumwa.
”“Makore makumi mana akati apfuura, mutumwa akazviratidza kuna Mozisi ari mumurazvo womoto mugwenzi, mugwenga raiva pedyo neGomo reSinai.
”Ndiye akavabudisa muIjipiti uye akaita zvishamiso nezviratidzo muIjipiti, paGungwa Dzvuku uye kwamakore makumi mana murenje.
”Vanhu vazhinji vakati vanzwa Firipi uye vakaona zviratidzo zvaakaita, vose vakanyatsoteerera kune zvaaitaura. Nokuti mweya yetsvina yakabuda muvanhu ichidanidzira nenzwi guru, uye vazhinji vakanga vakaoma mitezo navakanga vakaremara vakaporeswa. Nokudaro kwakava nomufaro mukuru muguta iro.
”Simoni pachake akatenda uye akabhabhatidzwa. Uye akatevera Firipi kwose kwose, achikatyamadzwa nezviratidzo zvikuru zvaakaona.
”Vakati vabuda mumvura, Mweya waShe wakatora Firipi pakarepo, uye muyunaki haana kuzomuonazve, asi akafamba munzira yake achifara kwazvo. Zvakadaro hazvo, Firipi akazoonekwa paAzotasi uye akafamba achiparidza vhangeri mumaguta ose kusvikira asvika kuKesaria.
”Akati oswedera kuDhamasiko ari parwendo rwake, pakarepo chiedza chakabva kudenga chikamupenyera kumativi ose. Akawira pasi akanzwa inzwi richiti kwaari, “Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?” Sauro akabvunza akati, “Ndimi aniko, Ishe?” Iye akapindura akati, “Ndini Jesu wauri kutambudza. Zvino simuka uende muguta, uchandoudzwa zvaunofanira kuita.” Varume vaifamba naSauro vakamira vakashaya chokutaura; vakanzwa inzwi asi havana kuona kana munhu. Sauro akasimuka, asi akati achisvinudza meso ake haana kugona kuona chinhu. Saka vakamubata ruoko vakamutungamirira kupinda muDhamasiko. Akava bofu kwamazuva matatu, uye akanga asingadyi kana kunwa kana chinhu.
”Ipapo Ananiasi akaenda kuimba iyi akasvikopindamo. Akaisa maoko ake pamusoro paSauro akati, “Muzvarwa Sauro, Ishe Jesu, uyo akazviratidza kwauri pamugwagwa pawakanga uchiuya kuno, andituma kuti iwe uonezve uye uzadzwe noMweya Mutsvene.” Pakarepo, zvinhu zvakaita samakwati zvakabva pameso aSauro, akagona kuonazve. Akasimuka akabhabhatidzwa,
”Ikoko, akawana mumwe murume ainzi Eniasi akanga akaoma mutezo uye akanga achigara avete panhoo kwamakore masere. Petro akati kwaari, “Eniasi, Jesu Kristu anokuporesa. Simuka uzvitakurire nhoo yako.” Pakarepo Eniasi akasimuka. Vose vaigara muRidha nomuSharoni vakamuona vakatendeukira kuna She.
”Panguva inenge iyoyo akatanga kurwara ndokubva afa, mutumbi wake ukashambidzwa uye ukaiswa muimba yapamusoro. Ridha yakanga iri pedyo neJopa; saka vadzidzi vakati vanzwa kuti Petro akanga ari muRidha, vakatuma varume vaviri kwaari kuti vandomukumbira vachiti, “Tapota, uyai nokukurumidza!” Petro akaenda navo, uye akati asvika, vakamutora vakaenda naye muimba yapamusoro. Chirikadzi dzose dzakamira dzakamupoteredza, dzichichema dzichimuratidza majasi nedzimwe nguo dzakanga dzaitwa naDhokasi panguva yaakanga achinavo. Petro akavabudisa vose mumba; ipapo akapfugama namabvi ake akanyengetera. Akatendeukira kumukadzi akanga afa akati, “Tabhita, muka.” Iye akasvinura meso ake, uye akati aona Petro, akamuka akagara. Akamubata noruoko akamubatsira kuti amire netsoka dzake. Ipapo akadana vatendi nechirikadzi ndokubva amupa kwavari ari mupenyu. Izvi zvakazivikanwa muJopa yose, uye vanhu vazhinji vakatenda kuna She.
”zvokuti Mwari akazodza sei Jesu Kristu weNazareta noMweya Mutsvene nesimba, uye kuti akapota sei nenyika achiita zvakanaka achiporesa vose vakanga vari pasi pesimba radhiabhori, nokuti Mwari aiva naye.
”Mushure mokumusunga, akamuisa mutorongo, akaita kuti arindwe namapoka mana avarwi, boka rimwe nerimwe riina varwi vana. Herodhi akanga achida kumumisa padare rokutongwa shure kwePasika. Saka Petro akachengetwa mutorongo, asi kereke yakanga ichimunyengeterera zvikuru kuna Mwari. Usiku hwaaifanira kumiswa pamberi pedare naHerodhi husati hwasvika, Petro akanga avete pakati pavarwi vaviri, akasungwa nengetani mbiri, uye varindi vakanga vakamira vakarinda vari pamukova. Pakarepo mutumwa waShe akaonekwa uye chiedza chakavhenekera muchitokisi. Akarova Petro parutivi ndokumumutsa achiti, “Kurumidza muka!” Ipapo ngetani dzakawa pamaoko aPetro. Mutumwa akati kwaari, “Pfeka nguo dzako neshangu dzako.” Uye Petro akaita saizvozvo. Mutumwa akati kwaari, “Monera jasi rako ubve wanditevera.” Petro akamutevera achibuda mutorongo, asi akanga asingazivi kuti zvaiitwa nomutumwa zvakanga zvichitoitika; akafunga kuti aiona chiratidzo. Vakapfuura napavarindi vokutanga nevechipiri ndokusvika pasuo resimbi rakanga rakatarira kuguta. Rakangovazarukira roga, vakapinda nepariri. Vakati vafamba kusvika kumagumo kweimwe nzira, pakarepo mutumwa akamusiya. Ipapo Petro akapengenuka akati, “Zvino ndava kuziva ndisingatongokahadziki kuti Ishe atuma mutumwa wake uye andinunura pamaoko aHerodhi napazvinhu zvose zvanga zvakatarisirwa navanhu vechiJudha.”
”Asi Erimasi nʼanga (nokuti ndizvo zvaireva zita rake) akavapikisa akaedza kutsausa mubati uyu pakutenda. Ipapo Sauro akanga achinziwo Pauro, azere noMweya Mutsvene akatarisisa Erimasi akati, “Iwe uri mwana wadhiabhori nomuvengi wezvinhu zvose zvakarurama! Uzere nokunyengera kwose namano akaipa. Hausi kuzorega here kumonyorotsa nzira dzakarurama dzaShe? Zvino ruoko rwaShe rwava pamusoro pako. Uchava bofu, uye uchatadza kuona chiedza chezuva kwechinguva.” Pakarepo mhute nerima zvakauya pamusoro pake, akadzivaira pose pose achitsvaka mumwe munhu angamutungamirira. Mubati akati aona zvakanga zvaitika akatenda nokuti akashamiswa nedzidziso yezvaShe.
”Saka Pauro naBhanabhasi vakapedza nguva refu varipo, vachitaura zvaIshe vasingatyi, iye akasimbisa shoko renyasha dzake nokuvagonesa kuita zviratidzo nezvishamiso.
”MuRistira maigara mumwe murume akanga ari mhetamakumbo, akanga ari chirema kubva pakuberekwa kwake uye akanga asina kumbofamba. Akateerera Pauro paakanga achitaura. Pauro akamutarisisa, akaona kuti akanga ano kutenda kuti angaporeswa akadanidzira akati, “Simuka netsoka dzako!” Ipapo, murume akakwakuka akatanga kufamba.
”Sangano rose rakanyarara pavakanga vakateerera kuna Bhanabhasi naPauro vachirondedzera pamusoro pezviratidzo nezvishamiso zvakanga zvaitwa naMwari pakati peveDzimwe Ndudzi kubudikidza navo.
”Panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera uye vachiimba nziyo kuna Mwari, uye vamwe vasungwa vakanga vakavateerera. Pakarepo pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru zvokuti nheyo dzetorongo dzakazungunuka. Kamwe kamwe masuo etorongo akazaruka, uye ngetani dzavanhu vose dzakasununguka. Muchengeti wetorongo akamuka, uye paakaona masuo etorongo azaruka akavhomora munondo wake akada kuzviuraya nokuti akafunga kuti vasungwa vakanga vapunyuka.
”Mwari akaita mabasa anoshamisa kubudikidza naPauro, zvokuti kunyange nehangachepfu namaapuroni akanga ari pamuviri wake zvakaendeswa kuvarwere, zvirwere zvavo zvikaporeswa uye mweya yakaipa ikabva pavari.
”Pawindo pakanga pagere jaya rainzi Yutiko, uyo akanga abatwa nehope chaizvo sezvo Pauro akanga achingoramba achitaura. Paakanga anyatsobatwa nehope akawira pasi achibva paimba yechitatu yapamusoro akazonongwa afa. Pauro akaburuka akasvikozviwisira pamusoro pejaya akamugumbatira mumaoko ake. Akati, “Musatya, mupenyu!” Ipapo akakwirazve paimba yapamusoro akamedura chingwa akadya. Shure kwokutaura navo kusvikira kwaedza, akazoenda hake. Vanhu vakatora mujaya uya vakaenda naye kumusha ari mupenyu uye vakanyaradzwa zvikuru.
”Pauro akaunganidza svinga retutsotso. Paakanga ava kutuisa mumoto, nyoka, yanzwa kupisa kwomoto, yakanamatira paruoko rwake. Vanhu vomuchitsuwa ichi pavakaona nyoka yakarembera paruoko rwake, vakataurirana pakati pavo vakati, “Munhu uyu anofanira kuva mhondi; nokuti kunyange apunyuka hake mugungwa, kururamisira hakuna kumubvumira kuti ararame.” Asi Pauro akazunzira nyoka mumoto uye haana kurwara. Vanhu vakanga vakatarisira kuti achazvimba kana kuwira pasi pakarepo ofa, asi vakati varindira kwenguva refu uye vakasaona chakaitika kwaari, vakashanduka vakati aiva mwari.
”Pakanga pano munda waiva pedyo ipapo wakanga uri waPabhuriosi, muchinda mukuru wechitsuwa icho. Akatigamuchira kumba kwake akatichengeta zvakanaka kwamazuva matatu. Baba vake vakanga vachirwara vavete pamubhedha, vachirwadziwa nefivha uye vane manyoka aibudisa ropa. Pauro akapinda kuti andovaona, uye shure kwokunyengetera, akaisa maoko ake pamusoro pavo akavaporesa. Izvi zvakati zvaitika, vairwara vose vomuchitsuwa vakauya vakaporeswa.
”Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu.
”nesimba rezviratidzo nezvishamiso, kubudikidza nesimba roMweya. Saka kubva kuJerusarema kusvika kwose kunyika yakapoteredza, kusvikira kuIrikumi, ndakaparidza kwazvo vhangeri raKristu.
”VaJudha vanoda zviratidzo uye vaGiriki vanotsvaka uchenjeri, asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha noupenzi kune veDzimwe Ndudzi. Asi kuna avo vakadanwa naMwari, zvose vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari nouchenjeri hwaMwari.
”Pandakauya kwamuri, hama, handina kuuya nokugona kutaura kana uchenjeri hwapamusoro, pandakaparidza kwamuri uchapupu hwezvaMwari. Nokuti ndakati handidi kuziva chinhu pandakanga ndiri pakati penyu, asi Jesu Kristu, uye akarovererwa pamuchinjikwa. Ndakauya kwamuri muutera nokutya uye nokudedera kukuru. Shoko rangu nokuparidza kwangu zvakanga zvisina mashoko okugombedzera nouchenjeri, asi nokuratidza kwesimba raMweya, kuti kutenda kwenyu kurege kuva kwouchenjeri hwavanhu, asi kuve kwesimba raMwari.
”Zvino mumwe nomumwe anopiwa kuratidzwa kwoMweya kuti vose vabatsirwe. Nokuti mumwe anopiwa noMweya shoko rouchenjeri, mumwe shoko rokuziva noMweya mumwe chete, mumwe kutenda noMweya mumwe chete, mumwe zvipo zvokuporesa noMweya mumwe chete, mumwe mabasa esimba, mumwe kuprofita, mumwe kuzivisisa mweya, mumwe kutaura nendimi dzakasiyana-siyana, uyezve mumwe kududzirwa kwendimi. Zvose ibasa raMweya mumwe chete uye anopa mumwe nomumwe, sezvaanoda.
”Uye mukereke, Mwari akagadza pakutanga vapostori, vechipiri vaprofita, vechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vezvishamiso, uye navane zvipo zvokuporesa, navanobatsira vamwe, vaya vane zvipo zvokufambisa basa, uye navaya vanotaura nendimi dzakasiyana-siyana. Vose vapostori here? Vose vaprofita here? Vose vadzidzisi here? Vose vanoita zvishamiso here? Vose vane zvipo zvokuporesa here? Vose vanotaura nendimi here? Vose vanodudzira here? Asi shuvai kwazvo zvipo zvikuru. Uye zvino ndichakuratidzai nzira yakanaka kupfuura dzose.
”Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, asi ndisina rudo, ndakaita sedare rinorira kana ndarira dzinongoti ngwerengwere. Kana ndine chipo chokuprofita uye ndichinzwisisa zvakavanzika zvose noruzivo rwose, uye kana ndino kutenda kunofambisa makomo, asi ndisina rudo, handisi chinhu.
”Teverai nzira yorudo uye mushuve kwazvo zvipo zvomweya, zvikuru sei chipo chokuprofita. Nokuti ani naani anotaura nendimi haatauri kuvanhu asi kuna Mwari. Zvirokwazvo, hapana anomunzwa; anotaura zvakavanzika mumweya wake. Asi anoprofita anotaura kuvanhu kuti vasimbiswe, vakurudzirwe uye kuti vanyaradzwe. Uyo anotaura nendimi anozvisimbisa iye asi anoprofita anosimbisa kereke. Ndinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ataure nendimi, asi zvikuru kuti muprofite. Anoprofita mukuru kuna anotaura nendimi, asi kunze kwokunge achidudzira, kuti kereke igosimbiswa. Zvino hama, kana ndikauya kwamuri ndichitaura nendimi, ndingakubatsirai seiko, asi kuti kana ndichitaura nokuzarurirwa kana ruzivo kana chiprofita kana shoko rokurayira?
”Naizvozvo, ndimi hadzizi chiratidzo kuvatendi asi kuna vasingatendi; asiwo chiprofita ndechavatendi, kwete vasingatendi. Saka kana kereke yose yaungana pamwe chete uye vose vakataura nendimi, uye vamwe vasinganzwisisi kana vasingatendi vakapinda, havangati mava kupenga here? Asi kana asingatendi kana mumwe munhu asinganzwisisi akapinda vanhu vose vachiprofita, achabatwa nazvo akaziva kuti iye mutadzi uye kuti achatongwa nazvo, uye zvakavanzika zvomweya wake zvinoratidzwa. Naizvozvo achawira pasi nechiso chake agonamata Mwari, uye agopupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo.
”Naizvozvo, hama dzangu, ivai nechido chokuprofita, uye musadzivisa kutaura nendimi.
”Zvinhu zvinoratidza upostori, zviratidzo, zvishamiso namabasa esimba, zvakaitwa pakati penyu nokutsungirira kukuru.
”Zvino iye anogona kuita zvikuru zvisingagoni kuyerwa kupfuura zvose zvatingakumbira kana kufunga, maererano nesimba rake riri kushanda mukati medu,
”Mwariwo akarupupurira nezviratidzo, zvishamiso, mabasa esimba akasiyana-siyana, uye nezvipo zvoMweya Mutsvene nokuda kwake.
”Zvino kutenda ndiko kuva nechokwadi nezvinhu zvatinotarisira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni.
”Uye pasina kutenda hazvibviri kufadza Mwari, nokuti ani naani anouya kwaari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa vanomutsvaka nomwoyo wose mubayiro wavo.
”Asi paanokumbira, anofanira kutenda asinganyunyuti, nokuti uyo anonyunyuta akaita sefungu regungwa, rinosundwa uye rinomutswa-mutswa nemhepo.
”Kuno mumwe wenyu anorwara here? Ngaadane vakuru vekereke kuti vazomunyengeterera uye vagomuzodza mafuta muzita raIshe. Uye munyengetero unoitwa mukutenda uchaita kuti munhu anorwara apore; Ishe achamumutsa. Kana akatadza, acharegererwa. Naizvozvo reururai zvivi zvenyu mumwe kuno mumwe uye munyengetererane kuti mugoporeswa. Munyengetero womunhu akarurama une simba uye unoshanda.
”Eria akanga ari munhu sesu. Akanyengetera zvine simba kuti kurege kunaya, uye hakuna kunaya panyika kwamakore matatu nehafu. Uyezve, akanyengetera, denga rikanayisa mvura, nyika ikabereka zvibereko zvayo.
”Ndakatendeuka ndikatarisa kuti ndione inzwi rakanga richitaura kwandiri. Uye ndakatendeuka ndikaona zvigadziko zvemwenje, uye pakati pezvigadziko zvemwenje pakanga pano mumwe akanga “akaita somwanakomana womunhu,” akafuka nguo yaisvika kutsoka dzake uye ane bhanhire regoridhe pachipfuva chake. Musoro wake nebvudzi rake zvakanga zvakachena samakushe, zvakachena sechando, uye meso ake akanga akaita somurazvo womoto. Tsoka dzake dzakanga dzakaita sendarira inopenya muvira romoto, uye inzwi rake rakanga rakaita somubvumo wemvura zhinji. Akanga akabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi, uye mumuromo make makabuda munondo unopinza, unocheka mativi ose. Chiso chake chakanga chakaita sezuva rinopenya nokupenya kwaro kwose.
”Ipapo ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura, uye pakanga pasisina gungwa. Ndakaona Guta Dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kubva kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongera murume wake zvakaisvonaka.
”